Misangano Yokukurudzira Rudo Namabasa Akaisvonaka
MaKristu apakuvamba aiungana pamwe chete, kazhinji kazhinji mudzimba dzawo amene, kuzogamuchira murairidzo nokufarikanya ushamwaridzani hunovaka. Nhasi, ungano dzeZvapupu zvaJehovha dzinosangana katatu pavhiki. Iwe unokokwa kupinda upi noupi weiyi misangano. Misangano yazvo haizati iri yomuitiro, asi inorereudzira ndangariro padzidzo youmwari. Misangano yeungano inozarurwa ndokupfigwa norwiyo nomunyengetero. Kupinda ndokwapachena, uye hapana ndiro dzemipiro dzinofambiswa.—Mabasa 4:23-31; 14:22; 15:32, 35; VaRoma 16:5; VaKorose 4:15.
Zvimwe musangano wokutanga wauchapinda uchava hurukuro yavose yamaminiti 45, inobata nedzidziso dzeBhaibheri, chiporofita, kana kuti zano pamsoro pokurarama kwechiKristu. Pashure peiyi hurukuro, pane fundo yeBhaibheri, inoshandisa nyaya iri muNharireyomurindi inogadzirirwa zvikurukuru fundo yeungano. Fundo yacho inotevera mutoo uyu: Ndima yomuNharireyomurindi inoraviwa, uye muitisi anobvunza mibvunzo pamsoro pamashoko ayo avo vari muvateereri vangada kuzvipira kupindura kupfurikidza nokusimudza ruoko rwavo. Kazhinji kazhinji tsinhiro dzinoverengeka dzinopiwa pandima imwe neimwe. Musangano wacho unopedza awa imwe.
Gare gare muvhikiro, mimwe misangano miviri yamaminiti 45 inoitwa. Mumwe ndoweChikoro Choushumiri Choubati Ushe Hwoumwari. Unogovera rovedzo pamsoro pamaunganidzirwe amashoko pamisoro yeBhaibheri ndokuadzidzisa nomutoo unobudirira. Pashure pamaminiti 21 omurairidzo chaiwo, vadzidziswa vanogoverwa pachine nguva mberi vanokurukura hurukuro pfupi. Pashure pehurukuro imwe neimwe, murairidzi wechikoro anopa zano rinoratidzira mavandudzire angaita mudzidzi. Mabhuku anoshandiswa anoverengeka akagadzirirwa kushandiswa mune ichi chikoro. Avo vanogaropinda misangano vanganyoresa, chero bedzi ivo vachirarama munzira inowirirana nenheyo dzechiKristu.
Musangano unotevera unonzi Musangano Webasa. Unoumbwa namativi matatu kana kuti mana anobata nokuparidzirwa kwamashoko akanaka paimba neimba uyewo mamwe mativi ohushumiri. Mativi awa anokurukurwa sehurukuro, kurukurirano, kana kuti mienzaniso, nokutora rutivi kwavateereri. Huzhinji hwepurogiramu hwakavakirwa pamashoko anowanwa muHushumiri Hwedu Hwoumambo, pepa ramapeji mana romurairidzo rinobudiswa mwedzi nomwedzi neWatch Tower Society.
Mumwe musangano ifundo yevhiki nevhiki inoitwa mumapoka maduku zvikuru, kazhinji kazhinji mumisha iri mundima yose yeungano. Fundo yacho yakavakirwa paBhaibheri nebhuku razvino uno rinobudiswa neSociety. Boka racho zvariri duku zvikuru, pane banza riri nani zvikuru rokuti vose vapinde mukurukurirano, uye pane banza rakaisvonaka rokuti vose vari muvateereri vave vanorovedzana zviri nani zvikuru nomumwe nomumwe.
Ungano zhinji dzinoitira misangano yadzo muHoro yoUmambo inovakwa neZvapupu zvaJehovha. Ndyiko dzinoripirwa nemipiro yokuzvidira inobva kuZvapupu izvo zvimene, uye mune zvinoitika zvizhinji basa rinoitwa pasina muripo navashandi vanozvipira. Mabhokisi emipiro anowanikwa pamisangano yose nokuda kwokushandiswa naavo vanoshuva kupira mipiro.
Misangano yeungano inobetsera Zvapupu zvaJehovha kutevera zano riri pana VaHebheru 10:24, 25, rinoti: “Ngatirangariranei kuti tikurudzire kuda namabasa akaisvonaka, tisingaregi kuungana kwedu timene pamwe chete, sezvinoita vamwe, asi tikurudzirane, uye zvikuru kwazvo sezva[ti]noona zuva roswedera pedyo.”
• Mativii emisangano yapakuvamba yechiKristu anogona kuonwa mumisangono yeZvapupu zvaJehovha?
• Ronga zvinokurukurwa pamisangano mishanu inogaroitwa neZvapupu.
• Ko horo dzemisangano dzave dzichiwanwa sei?
[Mifananidzo iri papeji 14]
Mukuru achiitisa Fundo yeNharireyomurindi, United States
Chiono choMuchikoro Choubati Ushe Hwoumwari, Faeroe Islands
Boka refundo riri mumusha, Yap
Horo yoUmambo, New Braunfels, Texas, U.S.A., yakavakwa mumazuva maviri neZvapupu zvaJehovha
[Mifananidzo iri papeji 15]
Horo dzoUmambo dziri munyika dzakasiana-siana
Japan
Australia
Austria
Spain