RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • jv chits. 16 pp. 236-253
  • Misangano Nokuda Kwokunamata, Murayiridzo, Uye Kurudziro

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Misangano Nokuda Kwokunamata, Murayiridzo, Uye Kurudziro
  • Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kugovera Zvinodikanwa Zvomudzimu zvaVadzidzi veBhaibheri Vapakuvamba
  • Kurangarirwa Kworufu rwaShe
  • Uko Vaduku Vanokodzera
  • Kushongedza Vose Kuti Vave Vaparidzi Veevhangeri Vanoshingaira
  • Vokunze Vanokokwa Kuti Vaone Nokunzwa
  • Nzvimbo Dzakakodzera Dzokusangana Madziri
  • Gadziriro Yakabatanidzwa Yomurayiridzo
  • Nei Tichifanira Kuungana Kuti Tinamate Pamwe Chete?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2016
  • Kukudzwa Kwechimiro Chesangano
    Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari
  • Misangano Inotikurudzira “Kuva Nerudo Uye Kuita Mabasa Akanaka”
    Takarongwa Kuti Tiite Zvinoda Jehovha
  • Misangano Yokukurudzira Rudo Namabasa Akaisvonaka
    Zvapupu zvaJehovha Zvinoita Kuda kwaMwari Mukubatana Munyika Yose
Ona Zvimwe
Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari
jv chits. 16 pp. 236-253

Ganhuro 16

Misangano Nokuda Kwokunamata, Murayiridzo, Uye Kurudziro

MISANGANO yeungano rutivi runokosha rwomubato weZvapupu zvaJehovha. Kunyange apo mamirire ezvinhu anoita kuti kuve kwakaoma zvikuru, izvo zvinoedza kupinda misangano yazvo nguva dzose, mutsinhirano nezano reBhaibheri, rinoti: “Ngatirangarirane kuti tikurudzire kuda namabasa akaisvonaka, tisingaregi kuungana kwedu timene pamwe chete, sezvo vamwe vane muitiro wacho, asi tichikurudzirana, uye zvikuru kwazvo sezvo munoona zuva richiswedera pedyo.” (VaH. 10:24, 25, NW) Kwakunobvira, ungano imwe neimwe inova nemisangano katatu pavhiki, nokuda kwehwerengedzo yamaawa 4 namaminiti 45. Zvisinei, chimiro chemisangano yacho, pamwe chete nokuwanda kwayo, chakasiyana maererano nechave chichidikanwa panguva yacho.

Muzana rokutanga ramakore, kuratidzirwa kwezvipo zvinoshamisa zvomudzimu kwakanga kuri rutivi rwakatanhamara rwemisangano yechiKristu. Neiko? Nemhaka yokuti kupfurikidza neizvi zvipo, Mwari akapupurira idi rokuti iye akanga achisirizve kushandisa sangano rorudzidziso rechiJudha asi kuti mudzimu wake zvino wakanga wava paungano yechiKristu yakanga ichangobva kuumbwa. (Mabasa 2:1-21; VaH. 2:2-4) Pamisangano yavaKristu vapakuvamba, minyengetero yaipiwa, rumbidzo kuna Mwari dzaiimbwa, uye simbiso yaiiswa pakuporofita (ndiko kuti, kupa zvizaruro zvokuda kwoumwari nechinangwa) uye kupa murayiridzo uyo waizovaka avo vaiunzwa. VaKristu ivavo vakararama panguva apo kwakanga kune zviitiko zvinoshamisa pamusoro pechinangwa chaMwari. Vaifanira kunzwisisa izvozvi ndokuziva nzira yokushanda nayo mutsinhirano nazvo. Zvisinei, nzira iyo vamwe vavo vaibata nayo nhau pamisangano yavo yakanga isina kudzikama, uye sokuratidza kunoita Bhaibheri, zano raidikanwa kuti zvinhu zvigoitwa munzira inobetsera zvikurusa.—1 VaK. 14:1-40.

Mativi airatidzira misangano yavaKristu ivavo vapakuvamba akanga ariwo pachena apo Vadzidzi veBhaibheri vaisangana pamwe chete muma1870 napashure pacho here?

Kugovera Zvinodikanwa Zvomudzimu zvaVadzidzi veBhaibheri Vapakuvamba

Charles Taze Russell neboka duku ravasonganiri mukati nomakapoteredza Allegheny, Pennsylvania, vakaumba boka refundo yeBhaibheri muna 1870. Somugumisiro wemisangano yavo, vakakura zvishoma nezvishoma mukuda Mwari neShoko rake uye vakasvika pakuziva nenzira inofambira mberi izvo Bhaibheri rimene rinodzidzisa. Kwakanga kusina kutaura nendimi kunoshamisa paiyi misangano. Kuregerereiko? Zvipo zvinoshamisa zvakadaro zvakanga zvaita chinangwa chazvo muzana rokutanga ramakore, uye sokufanotaura kwakaita Bhaibheri, zvakanga zvaguma. “Nhano inotevera yefambiro mberi,” Hama Russell vakatsanangura kudaro, “yakanga iri kuratidzirwa kwezvibereko zvoMudzimu, seizvo Pauro Musande anoonesa nenzira yakajeka zvikurusa.” (1 VaK. 13:4-10) Zvakare, somuzanawo rokutanga ramakore, kwakanga kune basa rokukurumidzira rokuparidza evhangeri rokuita, uye vaifanira kukurudzirwa nokuda kwaikoku. (VaH. 10:24, 25) Pasati papera nguva refu, ivo vakanga vachiva nemisangano yenguva dzose miviri vhiki imwe neimwe.

Hama Russell vaiziva kuti kwakanga kuchikosha kuti vabatiri vaJehovha vave vanhu vakabatanidzwa, hazvinei kuti vangave vakapararira kupi kupota pasi rose. Naizvozvo, muna 1879, chinguvana pashure pokunge Nharireyomurindi yavamba kubudiswa, varavi vayo vakakumbirwa kuti vakumbire Hama Russell kana kuti mumwe wavasonganiri vavo kuvashanyira. Chinodikanwa chakataurwa nenzira yakajeka chakanga chiri chokuti “Hapana kuchaja kunoitwa kana kuti mari inotorwa.” Pashure pokunge chiverengero chakati chezvikumbiro chasvika, Hama Russell vakatanga rwendo rwakapedza mwedzi urwo rwakavaendesa kure seLynn, Massachusetts, nemisangano kwamaawa mana kusvikira kumatanhatu pazuva panzvimbo imwe neimwe yavaimira. Musoro waisimbiswa wakanga uri “Zvinhu Zvine Chokuita noUmambo hwaMwari.”

Pakuvamba muna 1881, Hama Russell vakakurudzira varavi veNharireyomurindi avo vakanga vachigere kuva nemisangano yenguva dzose munharaunda yavo, kuti: “Tangai mumwe mumusha menyu mumene nemhuri yenyu mumene, kana kuti kunyange vashomanene avo vangava vanofarira. Ravai, fundai, rumbidzai ndokunamata pamwe chete, uye uko vaviri kana kuti vatatu vanosangana muzita Rake, Ishe achava pakati penyu—mudzidzisi wenyu. Rwakadaro rwakanga rwuri rudzi rwemimwe yemisangano yechechi mumazuva aVaapostora. (Ona Firemoni, 2).”

Purogiramu yemisangano yakakura zvishoma nezvishoma. Zvikarakadzo zvakapiwa, asi kwakasiyirwa kuboka rimwe nerimwe romunzvimbomo kusarudza zvakanga zviri zvakanakisisa nokuda kwemamirire ezvinhu zvavo. Mukurukuri angapa hurukuro panhambo nenhambo, asi simbiso huru zvikuru yakapiwa kumisangano umo munhu ari wose aigona kutora rutivi norusununguko. Dzimwe kirasi dzaVadzidzi veBhaibheri pakutanga hadzina kushandisa zvikuru zvinyorwa zveSosaiti pamisangano yavo, asi vashumiri vanofambira, mapilgrim, vakavabetsera kuona ukoshi hwokuita saizvozvo.

Pashure pokunge mamwe amavhoriyamu eMillennial Dawn abudiswa, iwaya akavamba kushandiswa sohwaro hwefundo. Muna 1895 mapoka efundo akasvika pakuzivikanwa seMapoka Emangwanani eFundo yeBhaibheri.a Vamwe muNorway gare gare vakanongedzera kwairi se“misangano yokurava nekurukurirano,” vachiwedzera, kuti: “Zvakatorwa mumabhuku aHama Russell zvairaviwa zvinonzwika, uye apo vanhu vakanga vane tsinhiro kana kuti mibvunzo, ivo vaisimudza maoko avo.” Hama Russell vakarumbidza kuti pafundo dzakadaro vatori rutivi vashandise mhatsa yeshanduro dzaMagwaro, nongedzero dzemumicheto dziri muBhaibheri, uye makonikodhenzi eBhaibheri. Fundo dzacho dzaiwanzoitwa namapoka oukuru hune mwero, mumusha womunhu, pamanheru akakodzera kuboka racho. Iyoyi yakanga ichitangira Fundo Yebhuku Yeungano yomuzuva razvino uno.

Hama Russell vaiziva kuti zvakawanda zvaidikanwa kupfuura kufundwa chete kwenhau dzedzidziso. Kunofanirawo kuva nokutaura kwokuzvipira kuti mwoyo yavo igosundwa nokuonga rudo rwaMwari uye nechishuvo chokumukudza nokumubatira. Kirasi dzakakurudzirwa kuronga musangano chaiwo nokuda kweichi chinangwa kamwe pavhiki. Pane dzimwe nguva iyoyi yainongedzerwa kwairi se“Misangano Yomudzimba,” nemhaka yokuti yaiitirwa mumisha yavanhu. Purogiramu yacho yaibatanidza minyengetero, nziyo dzerumbidzo, uye zvakaitika zvairondedzerwa naavo vaiva muvateereri.b Izvi zvakaitika pane dzimwe nguva zvakanga zviri zvakaitika zvinokurudzira; zvaibatanidzwawo zvakanga zviri miedzo, zvinetso, uye zvinokahadzisa zvakananganwa nazvo mukati memazuva akanga achangobva kupfuura. Mune dzimwe nzvimbo iyi misangano yaisasvitsa zvikuru chinangwa chayo nemhaka yesimbiso yakanyanya pamunhu amene. Nenzira yomutsa zvikarakadzo zvokunatsa zvakarongwa muNharireyomurindi.

Achiyeuka misangano iyoyo, Edith Brenisen, mudzimai womumwe wamapilgrim apakuvamba muUnited States, akati: “Akanga ari manheru okurangarira tarisiro yorudo yaJehovha uye songaniro yapedyo nehama dzedu nehanzvadzi. Sezvataiteerera zvimwe zvezvakaitika zvadzo takasvika pakudziziva zviri nani. Kucherekedza kutendeka kwadzo, kuona nzira yadzakakurira nayo zvinetso zvadzo, kazhinji kazhinji kwaitibetsera mukupedza zvimwe zvezvinokahadzisa zvedu timene.” Pashure penguva yakati, zvisinei, kwakava pachena kuti misangano yakagadzirirwa kushongedzera mumwe nomumwe kuti agoverane mubasa rokuparidza evhangeri yakanga ichibetsera zvikuru.

Nzira iyo musangano weSvondo waiitwa nayo mudzimwe nzvimbo yakanga iri yeitiro hanya kuhama. Dzimwe kirasi dzaiedza kukurukura Bhaibheri ndima nendima. Asi padzimwe nguva misiyano yomufungo pamusoro perevo yakanga isati ichitongovaka. Kunatsa mamirire acho ezvinhu, vamwe vakati kuti vaiva muungano muLos Angeles, California, vakatanga ndaza dzefundo yeBhaibheri ine misoro, nemibvunzo nenongedzero zvichanzverwa nekirasi yose vasati vauya kumusangano wacho. Muna 1902 Sosaiti yakaita kuti Bhaibheri rine “Berean Bible Study Helps” riwanike, kubatanidza indekisi ine misoro.c Kupfavisazve zvinhu, kutanga neNharireyomurindi yechiNgezi yaMarch 1, 1905, ndaza dzekurukurirano yeungano dzakabudiswa, nemibvunzo pamwe chete nenongedzero kuBhaibheri nezvinyorwa zveSosaiti nokuda kwenzvero. Idzodzi dzakapfuurira kutozosvikira 1914, nguva iyo mibvunzo yefundo pamusoro pamavhoriyamu eStudies in the Scriptures yakabudiswa nokuda kwokushandiswa sohwaro hweFundo dzeBherea.

Mapoka ose akanga ane mashoko mamwe chetewo anowanika, asi nhamba yemisangano yevhiki nevhiki yaisiyana kubvira pamumwe kusvikira kumina kana kuti inopfuura, maererano nezvakarongwa munzvimbomo. MuColombo, Ceylon (zvino Sri Lanka), kuvambira muna 1914, misangano yakanga ichiitwa chaizvoizvo mazuva manomwe pavhiki.

Vadzidzi veBhaibheri vakakurudzirwa kudzidza kuita nzvero, kuti va“bvumikise zvinhu zvose,” kuti vataure mifungo mumashoko avo vamene. (1 VaT. 5:21, KJ) Hama Russell vakakurudzira kurukurirano yakazara neyakasununguka yamashoko efundo. Ivo vakanyeverawo, kuti: “Musatongokanganwa kuti Bhaibheri ndiwo Mupimo wedu uye kuti pasinei hapo nokuti betsero dzedu dzinopiwa naMwari dzingava dzakadini idzo i‘betsero’ uye kwete zvinotsiva Bhaibheri.”

Kurangarirwa Kworufu rwaShe

Kuvamba munenge muna 1876, gadziriro dzaiitwa gore rimwe nerimwe naVadzidzi veBhaibheri nokuda kwokurangarirwa kworufu rwaShe.d Pakutanga, boka raiva muPittsburgh, Pennsylvania, uye makapoteredza raisangana mumusha weimwe yeshamwari. Pakasvika 1883, nhamba yavapindi yakanga yawedzera kusvikira kuvanenge zana ikoko, uye horo yaihayiwa yaishandiswa. Kuti dziwanire nzvimbo vateereri vakawanda vaikarirwa muPittsburgh muna 1905, hama dzakasarudza kushandisa Carnegie Hall yakakura.

Vadzidzi veBhaibheri vakaziva ikoku kuva kuchengeta kwegore negore, kwete chimwe chinhu chaifanira kuitwa vhiki iri yose. Musi wavaichengeta kuchengeta kwacho waiwirirana naNisani 14 pakarenda yechiJudha, nguva yorufu rwaJesu. Mumakore ose akapfuura, kwakanga kune kunatsa munzira iyo musi iwoyo waiverengwa.e Asi nhau huru yeitiro hanya yakanga iri revo yechinoitika chacho chimene.

Kunyange zvazvo Vadzidzi veBhaibheri vaisangana nokuda kwouku kuchengeta mumapoka oukuru hwakasiyana-siyana munzvimbo dzakawanda, vapi navapi avo vaigona kukumbanira hama muPittsburgh vaigamuchirwa. Kubvira muna 1886 kusvikira kuna 1893, varavi veNharireyomurindi vakakokwa zvikuru kuti vauye kuPittsburgh, kana zvichibvira, uye vakadaro, vachibva mumativi akasiyana-siyana eUnited States uye vachibva kuCanada. Ikoku hakuna kuvagonesa bedzi kuchengeta Chirangaridzo pamwe chete asi kwakavabetserawo kusimbisa zvisungo zvechinzwano chomudzimu. Zvisinei, sezvo nhamba yemapoka yakakura, mose muri muviri muUnited States nomumamwe mativi enyika, kwakanga kuchisirizve kunoshanda kuedza kusangana munzvimbo imwe, uye vakaziva kuti zvakanaka zvakawanda zvaizoitwa kupfurikidza nokuungana navatendi biyavo munharaunda yomusha womunhu.

Sokuonesa kwakaita Nharireyomurindi, kwakanga kune vakawanda avo vaitaura kuti vanotenda rudzikinuro, uye hapana nomumwe waivava akadzingwa pakuchengeta kwegore negore. Asi nhambo yacho yakanga ine revo chaiyo kune avo vaiva zvirokwazvo ve“boka duku” raKristu. Ivava ndivo avo vaizogoverana muUmambo hwokudenga. Pausiku hwokupedzisira Jesu asati afa, apo iye akavamba Chirangaridzo, kwakanga kuri kuvanhu avo tariro yakadaro yakanga ichitambanudzirwa uko Kristu akati: “Rambai muchiita izvi mukundirangarira.”—Ruka 12:32; 22:19, 20, 28-30, NW.

Zvikurukuru kuvambira muma1930, mitezo inokarirwa ya“vazhinjizhinji,” kana kuti “boka guru” ramamwe makwai, yakavamba kuzviratidzira imene. (Zvakazarurwa 7:9, 10; KJ; Johane 10:16) Ivava panguva iyoyo vainongedzerwa kwavari savanaJonadhabhi. Kwenguva yokutanga, muchinyorwa chayo chechiNgezi chaFebruary 15, 1938, Nharireyomurindi yakavakoka zvakananga kuva paChirangaridzo, ichiti: “Pashure pa6 p.m. pana April 15 kambani imwe neimwe yavakazodzwa ngaiungane ndokuchengeta Chirangaridzo, shamwari dzavo vanaJonadhabhi vachivapowo.” Ivo vakapinda, kwete savadyi, asi savacherekedzi. Kuvapo kwavo kwakavamba kufutunura chiverengero chaavo vaivapo panguva yeChirangaridzo chorufu rwaKristu. Muna 1938 hwerengedzo yenhamba yavapindi yakanga iri 73 420, nepo avo vaidya chingwa chezviratidzo newaini vaiva 39-225. Mumakore akatevera, avo vaivapo savacherekedzi vakavambawo kubatanidza nhamba huru yavanhu vachangobva kufarira navamwe vakanga vachigere kuva Zvapupu zvinoshingaira zvaJehovha. Nokudaro, muna 1992, apo nhamba yapamusoro yaavo vanogoverana muushumiri hwomumunda yakanga iri 4 472-787, vakapinda Chirangaridzo vakanga vari 11 431 171, uye nhamba yavadyi vezviratidzo yakanga iri 8 683 chete. Mune dzimwe nyika vapindi vave vari vakawanda nekashanu kana kuti katanhatu kupfuura nhamba yeZvapupu zvinoshingaira.

Nemhaka yokuremekedza kukuru revo yorufu rwaKristu, Zvapupu zvaJehovha zvinorangarira Chirangaridzo chacho kunyange apo zvinenge zvanangana nemamirire ezvinhu akaoma zvikuru. Mukati mema1970, apo ganhuriro dzenguva yokufamba dzomunguva yehondo muRhodesia (zvino inozivikanwa seZimbabwe) dzakaita kuti kusabvire kubuda mumanheru, hama mune dzimwe nharaunda dzaiungana dzose mumusha womumwe weZvapupu zvaJehovha mukati mezuva ipapo ndokuchengeta Chirangaridzo mumanheru. Chokwadika, dzaisagona kudzoka kumusha pashure pomusangano wacho, naizvozvo dzairara. Maawa asara amanheru aishandiswa kuimba nziyo dzoUmambo ndokurondedzera zvakaitika, izvo zvakanga zviri manyuko ezororo rakawedzerwa.

Mumisasa yevasungwa mukati meHondo Yenyika II, Chirangaridzo chakachengetwa, kunyange zvazvo kuita kudaro kwaigona kuva kwakaguma nechirango chakakomba kudai varindiri vakaziva. Apo akanga ari oga mutorongo muChina yechiKomonisiti kubvira muna 1958 kusvikira kuna 1963 nemhaka yokutenda kwake kwechiKristu, Harold King aichengeta Chirangaridzo nenzira yakanakisisa yaaigona mumamirire acho ezvinhu. Iye akati gare gare: “Ndiri pawindo rangu retorongo ndaitarira mwedzi uchiva wakazara pedyo napakutanga kwechirimo. Ndaiverenga nokungwarira sezvandaigona musi wokuchengeta.” Aigadzira nezvinhu zvisakafanira zviratidzo zvaidikanwa, achigadzira waini shomanene nemacurrant matema nokushandisa mupunga, uyo usina mbiriso, nokuda kwechingwa. Iye akatiwo: “Ndaiimba ndokunyengetera ndokupa hurukuro yenguva dzose yenhambo yacho, kungofanana nezvaizoitwa muungano ipi neipi yavanhu vaJehovha. Naizvozvo ndainzwa kuti gore rimwe nerimwe ndakanga ndakabatanidzwa nehama dzangu munyika yose paiyi nhambo inokosha zvikurusa.”

Uko Vaduku Vanokodzera

Mukati mamakore apakuvamba, zvinyorwa nemisangano zvaVadzidzi veBhaibheri zvakanga zvisina kugadzirirwa zvikurukuru vanhu vaduku. Vaigona kupinda misangano yacho, uye vamwe vavo vakaita saizvozvo ndokuteerera nokudisa. Asi kwakanga kusina nhamburiko chaiyo yokuvabatanidza mune zvaiitika. Kuregerereiko?

Nzwisiso yehama panguva iyoyo yakanga iri yokuti nguva pfupi zvikuru bedzi yakanga yasara kutozosvikira mitezo yose yomwenga waKristu yabatanidzwa naye mumbiri yokudenga. Nharireyomurindi, muna 1883, yakatsanangura, kuti: “Isu tiri murovedzo yedanidzo yokumusoro hatigoni kubva pabasa chairo renguva ino—basa rokugadzirira ‘Mwenga, mudzimai weGwayana.’ Mwenga unofanira kuzvigadzirira umene; uye panguva ino chaiyo, apo kupedzisa kupfeka kuri kuitwa mukugadzirira muchato, basa romutezo uri wose rinodikanwa muiri basa rinokosha kwazvo, razvino.”

Vabereki vakakurudzirwa zvakasimba kuita basa ravo vamene rakapiwa naMwari rokutarisira kurayiridzwa mumudzimu kwavana vavo. MaSandisikuru akaparadzaniswa epwere haana kukurudzirwa. Kwakanga kuri pachena kuti kushandisa kwechiKristudhomu maSandisikuru kwakanga kwakuvadza zvikuru. Vabereki vaitumira vana vavo kuzvikoro zvakadaro kazhinji kazhinji vaiva nomurangariro wokuti iyi gadziriro yaivasunungura pabasa rokupa murayiridzo womudzimu kuvana vavo. Vanawo, nemhaka yokuti vakanga vasiri kutarira kuvabereki vavo samanyuko okutanga omurayiridzo pamusoro paMwari, vakanga vasingasundwi kukudza vabereki vavo nokuvateerera sezvavaifanira kuita.

Zvisinei, kubvira muna 1892 kusvikira muna 1927, Nharireyomurindi yakatsaura nzvimbo yetsinhiro pamusoro porugwaro rwaisimbiswa mu“Zvidzidzo zveSandisikuru Zvamarudzi Akawanda,” izvo panguva iyoyo zvakanga zvakakurumbira muchechi dzakawanda dzePurotesitendi. Aya magwaro kwamakore aisarudzwa naF. N. Peloubet, mufundisi weCongregational, uye vabetseri vake. Nharireyomurindi yaikurukura aya magwaro mumurangariro wenzwisiso yakakwirira yaVadzidzi veBhaibheri yaMagwaro, usina zvitendero zvechiKristudhomu. Kwaikarirwa kuti nenzira iyoyi Nharireyomurindi yaizopinda mudzimwe dzechechi, kuti zvokwadi nokudaro yaizopiwa, uye kuti mimwe mitezo yechechi yaizoigamuchira. Chokwadika, musiyano wakanga uri pachena, uye ikoku kwakatsamwisa vafundisi vePurotesitendi.

Gore ra1918 rakasvika, uye vakasarira, kana kuti vakasara vevakazodzwa, vakanga vachiri pasi pano. Nhamba yevana pamisangano yavo yakanga yawedzerawo zvikuru. Kazhinji kazhinji vaduku vakanga vangobvumirwa zvavo kutamba apo vabereki vavo vakanga vachifunda. Bva, vanhu vadukuwo vaifanira kudzidza “kutsvaka kururama, kutsvaka unyoro,” kana vaizo“vanzwa muzuva rokutsamwa kwaSHE.” (Zef. 2:3, KJ) Naizvozvo, muna 1918 Sosaiti yakakurudzira ungano kuronga kirasi yevaduku yavana kubvira pamakore 8 kusvikira ku15 ezera. Munzvimbo dzakati kwakanga kuchitova nekirasi dzokutanga dzaavo vachiri vaduku zvikuru zvokusagona kupinda kirasi yavaduku. Panguva imwe cheteyo, basa ravabereki kuvana rakasimbiswazve.

Ikoku kwakatungamirira kuzvimwe zvinoitika. The Golden Age, muna 1920, yakava nenyaya huru ine musoro unoti “Fundo yeBhaibheri Yevaduku” ine mibvunzo iri pamwe chete nenongedzero dzaMagwaro umo mhinduro dzaigona kuwanwa. Gore rimwe chetero, The Golden Age ABC yakabudiswa; rakanga riri bhukwana rine mifananidzo rokuti vabereki vashandise mukudzidzisa zvokwadi huru dzeBhaibheri namavara echiKristu kuvaduku vavo. Bhuku rine musoro unoti The Way to Paradise, rakanyorwa naW. E. Van Amburgh, rakatevera muna 1924. Rakachinjirwa ku“vadzidzi vari pakati napakati veBhaibheri.” Kwenguva yakati raishandiswa pamisangano yavaduku. Mukuwedzera, muAmerica, “Zvapupu Zviduku” zvakanga zvine gadziriro dzazvo zvimene dzebasa romumunda. MuSwitzerland boka repwere rakaumba sangano rainzi “Pwere dzaJehovha,” nokuda kwaavo vaiva pakati pamakore 13 ne25 ezera. Vakanga vane hofisi yavo vamene yomunyori muBerne, uye magazini chaiyo, Jehovah’s Youth, yakapepetwa ndokudhindwa pamichina yokudhinda yeSosaiti ikoko. Idzi pwere dzakanga dzine misangano yadzo dzimene uye dzaitoita mitambo yeBhaibheri, sezvadzakaita muVolkshaus muZurich nokuda kwevateereri 1 500.

Chakanga chichiitika, zvisinei, chakanga chiri chokuti sangano rakanga riri kukura mukati mesangano ravabatiri vaJehovha. Ikoku kwaisazoparira chinzwano, uye kwakamiswa muna 1936. Muna April 1938, mukati meshanyo kuAustralia, J. F. Rutherford, purezidhendi weSosaiti, akawana kuti kirasi yavana yakanga iri kuitwa kunze kwekokorodzano yavakuru. Iye pakarepo akaronga kuti vana vose vapinzwe mukokorodzano huru, uko kwakavabetsera zvikuru.

Mugore rimwe chetero, Nharireyomurindi yakahwirudzura nhau yose yekirasi dzakaparadzana dzavanhu vaduku muungano. Fundo iyoyo yakasimbisazve idi rokuti vabereki vane basa rokurayiridza vana vavo vamene. (VaEf. 6:4; enzanisa naDheuteronomio 4:9, 10; Jeremia 35:6-10.) Yakaratidzawo kuti Bhaibheri harigoveri muenzaniso wokuparadzanisa vanhu vaduku kupfurikidza nekirasi dzavaduku. Panzvimbo pezvo, ivo vaifanira kuva navabereki vavo kuti vanzwe Shoko raMwari. (Dheut. 31:12, 13; Josh. 8:34, 35) Apo kumwe kutsanangurwa kwamashoko efundo kwakanga kuchidikanwa, ikoku kwaigona kupiwa navabereki kumusha. Kupfuurirazve, nyaya dzacho dzakaonesa kuti gadziriro dzekirasi dzakaparadzana dzakadaro chaizvoizvo dzairerutsa kuparidzwa paimba neimba kwamashoko akanaka. Seiko? Nemhaka yokuti vadzidzisi vakanga vari kurega kuenda kubasa romumunda kuti vagadzirire nokuda kweidzi kirasi nokudziitisa. Naizvozvo, kirasi dzose dzakaparadzana dzepwere dzakamiswa.

Kusvikira pari zvino chaiye, uchiri muitiro pakati peZvapupu zvaJehovha kuti mhuri yose ipinde misangano yeungano pamwe chete. Vana vanobetserwa navabereki vavo kugadzirira kuti vagone kutora rutivi munzira dzakakodzera. Mukuwedzera, mhatsa yakaisvonaka yezvinyorwa zvakagoverwa vabereki kuti vashandise mukupa vanhu vaduku murayiridzo pamusha. Pakati paizvozvi pave pane mabhuku anonzi Children, muna 1941; KuTerera kunoMudzidzisi muKuru, muna 1971 muchiNgezi; Upwere Hwako—kuWana zvakaNakisisa maHuri, muna 1976 muchiNgezi; Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri, muna 1978 muchiNgezi; uye Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda, muna 1989 muchiNgezi.

Kushongedza Vose Kuti Vave Vaparidzi Veevhangeri Vanoshingaira

Kubvira apo zvinyorwa zvokutanga zveNharireyomurindi zvakabudiswa, varavi vayo vakayeuchidzwa nguva dzose nezveropafadzo nebasa zvavaKristu vose vechokwadi zvokuzivisa mashoko akanaka pamusoro pechinangwa chaMwari. Misangano yeungano yakabetsera kugadzirira mwoyo yavo nendangariro nokuda kwouyu mubato kupfurikidza nokuvaka kuda kwavo Jehovha nokuziva kwavo chinangwa chake. Zvikurukuru, zvisinei, pashure pekokorodzano paCedar Point, Ohio, muna 1922, simbiso yakawedzerwa zvikuru yakaiswa pane zvakanga zvichiitwa mubasa romumunda nenzira yokugoverana nayo mariri nenzira inobudirira.

Bulletin,f magazini yaiva nemashoko ane chokuita zvakananga nebasa romumunda, yaiva noumboo hupfupi, hwaidanwa panguva iyoyo kunzi canvass, uhwo hwaifanira kudzidzwa nomusoro ndokushandiswa pakupupurira kuvanhu. Mukati morutivi rukuru zvikuru rwa1923, pamusi wokutanga womwedzi mumwe nomumwe, sekurudziro kunhamburiko dzakabatana dzokuzivisa Umambo, hafu yoMusangano woMunyengetero, weRumbidzo Neumboo wousiku hweChitatu yakatsaurwa nokuda kwoumboo pamusoro pebasa romumunda.

Panenge pakasvika 1926, misangano yomwedzi nomwedzi uko basa romumunda raikurukurwa yaidanwa kunzi Misangano Yavashandi. Avo vaitora rutivi chaizvoizvo mubasa rakadaro kazhinji kazhinji vakanga vari avo vaipinda. Paiyi misangano, mitoo yaishandiswa kupupurira kuvamwe yaikurukurwa, uye rongedzero dzomubato womunguva yemberi dzaiitwa. Pakasvika 1928 Sosaiti yakanga ichikurudzira ungano kuva nemisangano yakadaro vhiki imwe neimwe. Mumamwe makore mana, ungano dzakanga dziri kuvamba kutsiva Musangano Woumboo (kana kuti, Ziviso) nowakanga wasvika pakudanwa kunzi Musangano Webasa, uye Sosaiti yakakurudzira munhu ari wose kupinda. Kwaanopfuura makore 60, uyu musangano wevhiki nevhiki wakaitwa neungano. Kupfurikidza nehurukuro, kurukurirano dzinobatanidza kutora rutivi kwavateereri, mienzanisiro, uye bvunzurudzo, betsero yakananga inogoverwa pamusoro pamativi ose oushumiri hwechiKristu.

Urwu rudzi rwomusangano zvirokwazvo haruna kuvamba muzana ramakore rechi20. Jesu amene akapa mirayiridzo ine udzame kuvadzidzi vake asati avatuma kundoparidza. (Mat. 10:5–11:1; Ruka 10:1-16) Gare gare, ivo vakavakana kupfurikidza nokuungana kuti varondedzere zvakaitika zvavakava nazvo pavakanga vari muushumiri.—Mabasa 4:21-31; 15:3.

Kana iri rovedzo mukutaura pachena, mumakore apakuvamba ikoku kwakanga kusingaitwi pamisangano yeungano yenguva dzose. Zvisinei, panenge pakasvika 1916, kwakakarakadzwa kuti avo vainzwa kuti vakanga vane bviro savakurukuri vapachena vangava nekirasi vari voga, zvichida nomukuru aripo somuteramisi kuti avanzwe uye kuti ape zano rokunatsa zviri muhurukuro nokupiwa kwadzo. Uku kuungana, kwaipindwa bedzi navanhurume vaiva muungano, gare gare kwakasvika pakuzivikanwa seZvikoro Zvavaporofita. Pakuhwirudzura zviitiko zvamazuva iwayo, Grant Suiter akayeuka, kuti: “Kutsoropodza kunovaka kwandaiwana pachikoro chacho kwakanga kusati kuri chinhu kukaenzaniswa nouko kwandaigamuchira kuna baba vangu somunhu oga pashure pokunge ivo vapinda rumwe rwamarusando kuti vandinzwe ndichiedza kupa hurukuro.” Kuti dzibetsere avo vakanga vachiedza kuita fambiro mberi, hama dzakaronga pachivande ndokudhinda bhuku rinofundwa remirayiridzo pamusoro pokutaura, pamwe chete nendaza dzemhatsa yehurukuro. Pashure penguva yakati, zvisinei, izvi Zvikoro Zvavaporofita zvakamiswa. Kuti vagovere chinodikanwa chaicho chaivapo panguva iyoyo, ngwariro yakazara yakanga ichinangidzirwa pakushongedza mutezo uri wose weungano kugoverana zvakazara mukuparidza evhangeri paimba neimba.

Kwakanga kuchibvira here kushongedza mutezo mumwe nomumwe weiri sangano ramarudzi akawanda rinokura kwete bedzi kuti upe uchapupu hupfupi nokugovera mabhuku eBhaibheri asiwo kutaura nenzira inobudirira uye kuva mudzidzisi weShoko raMwari? Ichocho ndicho chakanga chiri chinangwa chechikoro chaicho chakatangwa muungano imwe neimwe yeZvapupu zvaJehovha, kuvambira muna 1943. Chakanga chatove chichishanda padzimbahwe renyika reZvapupu zvaJehovha kubvira muna February 1942. Vhiki iri yose, murayiridzo waipiwa, uye vadzidzi vaipa hurukuro uye vaipiwa zano pamusoro padzo. Pakutanga, vanhurume bedzi vaipa hurukuro muchikoro chacho, kunyange zvazvo ungano yose yaikurudzirwa kupinda, kugadzirira zvidzidzo, uye kutora rutivi muhwirudzuro. Muna 1959 hanzvadzi dzakaropafadzwawo kunyoresa, nokuda kwerovedzo mukukurukura nhau dzeBhaibheri muchimiro chavanhu vaviri vanotaura nomumwe nomumwe zvakananga.

Pamusoro pomugumisiro weichi chikoro, bazu reWatch Tower Society muSouth Africa rakashuma, kuti: “Iyi gadziriro yakaisvonaka zvikuru yakabudirira munguva pfupi mukubetsera hama dzakawanda idzo dzakanga dzafungidzira kuti dzaisazotongova vakurukuri vapachena kuti dzive dzinobudirira zvikuru pachikuva uye dzinobudirira zvikuru mumunda. Mumativi ose eSouth Africa hama dzakagamuchira iyi gadziriro itsva yaJehovha ndokuishandisa nembavarira. Ikoku kwakaitwa pasinei zvapo nemhinganidzo huru dzomutauro nokusadzidza kwavamwe.”

Chikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari chinopfuurira kuva musangano unokosha muungano dzeZvapupu zvaJehovha. Vanodokuva vose avo vanokwanisa kuita saizvozvo vanonyoresa. Vaduku navakuru, Zvapupu zvitsva neizvo zvine ruzivo rwokuzviwanira rukuru zvinotora rutivi. Igadziriro inopfuurira yedzidzo.

Vokunze Vanokokwa Kuti Vaone Nokunzwa

Zvapupu zvaJehovha hazvisati zvichitongova sangano rakavandika. Zvitendero zvazvo zvakavakirwa paBhaibheri zvinotsanangurwa zvizere muzvinyorwa izvo zvinowanika kumunhu upi noupi. Mukuwedzera, izvo zvinoshandisa nhamburiko chaiyo kukoka vokunze kupinda misangano kuti vazvionere nokuzvinzwira vamene zvinoitika.

Jesu Kristu akapa murayiridzo womunhu oga kuvadzidzi vake, asi iye akataurawo pachena—mumhenderekedzo yegungwa, mujinga regomo, mumasinagoge, munharaunda yetembere muJerusarema—uko mapoka aigona kunzwa. (Mat. 5:1, 2; 13:1-9; Joh. 18:20) Mukutevedzera ikoku, pakuvamba sepama1870, Vadzidzi veBhaibheri vakavamba kuronga misangano uko shamwari navavakidzani navamwe vangafarira vaigona kunzwa hurukuro pamusoro pechinangwa chaMwari nokuda kworudzi rwomunhu.

Nhamburiko chaiyo yakashandiswa yokuva neidzi hurukuro panzvimbo idzo dzaizova dzakakodzera vokunze. Irori raizivikanwa sebasa rokukudza boka. Muna 1911, ungano dzakanga dzine vakurukuri vane mano vakakwana dzakakurudzirwa kuronga kuti vamwe vaivava vaende kumataundi akapoteredza nemisha kuti varonge misangano muhoro dzevanhu vose. Kwazvaibvira, ivo vakaronga nhevedzano yehurukuro nhanhatu. Pashure peyokupedzisira, mukurukuri aibvunza kuti vangani vari muvateereri vainzwa fariro yakakwana mufundo yeBhaibheri kuti vaungane pamwe chete nguva dzose. Dzinopfuura 3 000 dzehurukuro dzakadaro dzakaitwa mugore rokutanga.

Kutanga muna 1914, “Photo-Drama of Creation” yakaendeswawo kune vokunze. Hama hadzina kuchaja kupinda. Kubvira panguva iyoyo, dzakashandisa kumwe kuratidzwa kwemifanikiso inofamba namasiraidhi. Kuvambira muma1920, kushandiswa kukuru kweredhiyo neWatch Tower Society kwakagonesa vanhu kunzwa hurukuro dzeBhaibheri mumisha yavo vamene. Ipapo, muma1930, hurukuro dzaipiwa naJ. F. Rutherford dzakarekodwa ndokuridzwa pazviuru zvavanhu zvakaungana.

Pakasvika 1945, kwakanga kune nhamba huru yavakurukuri vapachena avo vakanga varovedzwa muChikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari. Muna January wegore iroro, nhimbe yakasanotsinhiraniswa yemisangano yavose yakatangwa. Sosaiti yakagovera ndaza dzenhevedzano yehurukuro sere dzakakodzera nguva. Mahendibhiri, uye pane dzimwe nguva zvikwangwani, zvakashandiswa nokuda kwokuzivisa. Mukuwedzera kukushandisa nzvimbo dzeungano dzenguva dzose dzemisangano, hama dzakaita nhamburiko chaidzo dzokuronga nokuda kweiyi misangano yavose mundima umo makanga musina ungano yaivako. Vose vari muungano vaigona kugoverana—kupfurikidza nokuzivisa misangano, kupfurikidza nokuitsigira pachavo, pamwe chete nokugamuchira vatsva vanouya nokupindura mibvunzo yavo. Mukati megore rokutanga rouyu mubato chaiwo, misangano yavose 18 646 yakarongwa muUnited States, nehwerengedzo yevakapinda ye917 352. Gore rakatevera nhamba yemisangano yavose yakakwira kusvikira ku28 703 muAmerica. Uye muCanada, umo 2 552 yemisangano yakadaro yakarongwa muna 1945, kwakanga kune 4 645 gore rakatevera racho.

Muzhinjisa dzeungano dzeZvapupu zvaJehovha, Misangano Yavose zvino rutivi rworudungwe rwenguva dzose rwemisangano yevhiki nevhiki. Iyo iri muchimiro chehurukuro mukati mayo munhu ari wose anokurudzirwa kutarira Magwaro makuru sezvo iwaya anoraviwa ndokukurukurwa. Iyi misangano manyuko akapfuma omurayiridzo womudzimu nokuda kweungano navatsva vanouya zvakafanana.

Vanhu vanopinda misangano yeZvapupu zvaJehovha kwenguva yokutanga kazhinji kazhinji vanokatyamadzwa nenzira inofadza. Mumwe wezvamatongerwe enyika akatanhamara muZimbabwe akaenda kuHoro yoUmambo kuti awane zvakanga zvichiitika ikoko. Iye akanga ari murume ane murangariro wamasimba masimba, uye iye akaenda namaune asina kubvisa ndebvu uye vhudzi risina kupeturwa. Aikarira kuti Zvapupu zvaizomudzinga. Panzvimbo pezvo, izvo zvakaratidza fariro yapachokwadi maari ndokumukurudzira kuva nefundo yeBhaibheri yapamusha. Zvino iye Chapupu chechiKristu chinozvininipisa nechine rugare.

Kune mamiriyoni avanhu ayo, aipinda misangano yeZvapupu zvaJehovha, akanzwa achisundwa kutaura, kuti: “Mwari ari pakati penyu chaizvoizvo.”—1 VaK. 14:25, NW.

Nzvimbo Dzakakodzera Dzokusangana Madziri

Mumazuva avaapostora vaJesu Kristu, vaKristu kazhinji kazhinji vaiita misangano yavo mumisha yavanhu. Mune dzimwe nzvimbo vaikwanisa kutaura mumasinagoge echiJudha. MuEfeso muapostora Pauro akapa hurukuro kwamakore maviri muhoro yechikoro. (Mabasa 19:8-10; 1 VaK. 16:19; Fir. 1, 2) Nenzira yakafanana, murutivi rwapashure rwezana ramakore rechi19, Vadzidzi veBhaibheri vaisangana mumisha yavanhu, pane dzimwe nguva vaitaura muhoro dzechechi, uye vaishandisa dzimwe horo dzaigona kurendwa. Muzviitiko zvishomanene, gare gare zvakatenga zvivako zvakanga zvave zvichimboshandiswa namamwe mapoka orudzidziso ndokushandisa izvozvi nguva dzose. Izvozvo ndizvo zvakwakanga kwakaita neBrooklyn Tabernacle neLondon Tabernacle.

Asi vakanga vasingadi zvivako zvamaoresa nokuda kwemisangano yavo. Ungano shomanene dzakatenga ndokunatsa zvivako zvakakodzera; dzimwe dzakavaka horo itsva. Pashure pa1935 zita rokuti Horo yoUmambo rakashandiswa zvishoma nezvishoma kuratidzira idzi nzvimbo dzemisangano yeungano. Idzodzi kazhinji kazhinji dzinokwezva muchitarisiko asi hadzisati dziri dzamaoresa. Mavakirwe adzo angasiyana munzvimbo nenzvimbo, asi chinangwa chechivako chacho ndechokushandiswa kunobudirira.

Gadziriro Yakabatanidzwa Yomurayiridzo

Mukati morutivi rwapashure rwezana ramakore rechi19 norutivi rwapakuvamba rwezana ramakore rechi20, kukura mumudzimu nomubato zvakasiyana-siyana zvikuru muungano imwe neimwe. Dzaigoverana muzvitendero zvikuru zvakati zvinozivikanwa navose izvo zvaidziparadzanisa nechiKristudhomu. Bva, nepo dzimwe dzehama dzakanzwisisa zvikuru mutoo uyo Jehovha akanga ari kudyisa nawo vanhu vake, dzimwe dzakatsauswa nenzira iri nyore nemifungo yavanhu avo vakanga vane mirangariro yomunhu oga yakasimba pamusoro pezvinhu.

Asati afa Jesu akanyengetera kuti vateveri vake vagova “vamwe”—vane chinzwano naMwari naKristu uye nomumwe nomumwe. (Joh. 17:20, 21) Ichochi chakanga chisingafaniri kuva chinzwano chinomanikidzirwa. Chaizobva mugadziriro yakabatanidzwa yedzidzo iyo yakagamuchirwa mumwoyo inogamuchira. Zvakanga zvafanotaurwa kare kare, kuti: “Vanakomana vako vose vachava vanhu vanodzidziswa naJehovha, uye rugare rwavanakomana vako ruchava rukuru.” (Isa. 54:13, NW) Kuti vafarikanye rugare irworwo mumwero wakazara, vose vaida mukana wokubetserwa nomurayiridzo unofambira mberi uyo Jehovha akanga achigovera kupfurikidza nomukoto wake unooneka wekurukurirano.

Kwamakore akawanda Vadzidzi veBhaibheri vaishandisa mavhoriyamu akasiyana-siyana eStudies in the Scriptures, pamwe chete neBhaibheri, sehwaro hwekurukurirano. Zvaakanga anazvo, zvirokwazvo, zvakanga zviri “zvokudya [zvomudzimu] nenguva yakafanira.” (Mat. 24:45) Zvisinei, kunzverwa kunopfuuridzirwa kwaMagwaro munhungamiro yomudzimu waMwari kwakakuita kuti kuve pachena kuti kwakanga kune zvakawanda zvokudzidza uye kuti kuchenesa kwomudzimu kukuru kwakanga kuchiri kudikanwa navabatiri vaJehovha. (Mar. 3:1-3; Isa. 6:1-8) Kupfuurirazve, pashure pokugadzwa kwoUmambo muna 1914, uporofita hwakawanda hwakanga huchizadzikwa mukutevedzana kunokurumidza, uye ihwohwu hwainongedzera kubasa rokukurumidzira umo vaKristu vose vechokwadi vanofanira kuva vakabatikana. Aya mashoko apaMagwaro akakodzera nguva aigoverwa nguva dzose kupfurikidza nezvikamu zveNharireyomurindi.

Vachiziva kuti haasati ari munhu ari wose ari muungano akanga achibetserwa neidzi nyaya, vamwe vavamiriri vanofambira veSosaiti vakarumbidza kuhofisi yedzimbahwe kuti pamisangano yenguva dzose yevhiki nevhiki ungano dzose dzifunde Nharireyomurindi. Rumbidzo iyoyo yakapiwa kuungano, uye “Mibvunzo yeBherea” yokushandisa mufundo yenyaya huru dzeNharireyomurindi yakava rutivi rwenguva dzose rwemagazini yacho, kuvamba nechinyorwa chechiNgezi chaMay 15, 1922. Ungano zhinjisa dzaiva nefundo yakadaro kamwe kana kuti kupfuura vhiki imwe neimwe, asi kuti dzaifunda sei chaizvoizvo zvakanga zviri mumagazini yacho kwaisiyana-siyana. Mune dzimwe nzvimbo, nemhaka yokuti muitisi akanga ane zvakawanda zvokutaura, iyi fundo yaipedza maawa maviri kana kuti anopfuura.

Mukati mema1930, zvisinei, sangano roubati ushe hwaMwari rakatsiva miitiro yokusarudza kwevoruzhinji. Ikoku kwakapesvedzera zvikuru nzira iyo fundo yeNharireyomurindig yairangarirwa nayo. Ngwariro huru zvikuru yakanangidzirwa kukunzwisisa zvakanga zviri mumashoko efundo akagoverwa neSosaiti. Avo vakanga vashandisa misangano yacho semikana yokutaura mirangariro yomunhu oga uye avo vaidzivisa basa rokugoverana muushumiri hwomumunda vakabva zvishoma nezvishoma. Nebetsero yokushivirira hama dzakafunda nzira yokuganhurira nayo fundo kuawa imwe. Somugumisiro, kwakanga kune kutora rutivi kukuru zvikuru; misangano yakava inofadza zvikuru. Mudzimu wechinzwano chapachokwadi wakasvikawo pakutekeshera muungano, wakavakirwa pagadziriro yakabatanidzwa yokudyiswa mumudzimu umo Shoko raMwari rakanga riri mupimo wezvokwadi.

Muna 1938, Nharireyomurindi yakanga ichibudiswa mumitauro inenge 20. Chinhu chiri chose chaioneka muchiNgezi pakutanga. Kazhinji kazhinji chaisawanika mune mimwe mitauro kwemwedzi inoverengeka, kana kuti zvichida kunyange gore, nemhaka yenguva yaidikanwa kushandura ndokudhinda. Zvisinei, nechinjo mumitoo yokudhinda nayo, mukati mema1980, kubudiswa panguva imwe cheteyo kweNharireyomurindi kwakaitwa mumitauro yakawanda. Pakasvika 1992, ungano dzainzwisisa upi noupi wemitauro 66 dzakakwanisa kufunda mashoko mamwe chetewo panguva imwe cheteyo. Nokudaro vazhinjisa veZvapupu zvaJehovha munyika yose vanodya zvokudya zvomudzimu zvimwe chetezvo vhiki nevhiki. MuNorth neSouth America mose, muzhinjisa yeEurope, munyika dzakati muMabvazuva, munzvimbo dzakawanda muAfrica, uye muzvitsuva zvakawanda kupota nyika yose, vanhu vaJehovha vanofarikanya gadziriro yapanguva imwe cheteyo yokudyiswa mumudzimu. Pamwe chete, ivo vari ku“sanobatanidzwa mundangariro imwe cheteyo nomumufungo mumwe chetewo.”—1 VaK. 1:10, NW.

Nhamba dzevapindi vemisangano yavo yeungano dzinoratidzira kuti Zvapupu zvaJehovha zvinorangarira misangano yazvo zvakakomba. MuItaly, umo makanga mune Zvapupu zvinoshingaira zvinenge 172 000 muna 1989, vapindi vevhiki nevhiki pamisangano yapaHoro yoUmambo vakanga vari 220 458. Mukupesana, sangano repepanhau reKaturike rinotaura kuti 80 muzana yevagari veItaly inotaura kuti vaKaturike asi kuti vanenge 30 muzana bedzi vanopinda minamato yechechi nomwero upi noupi wokuva venguva dzose. Chichirangarirwa mukuenzanisa, chimiro chacho chakafanana muBrazil. MuDenmark, muna 1989, National Church yakataura 89,7 muzana yevagari vemo semitezo, asi 2 muzana bedzi vakanga vachipinda chechi kamwe pavhiki! Pakati peZvapupu zvaJehovha muDenmark, nhamba dzevapindi vevhiki nevhiki panguva iyoyo dzakasvika 94,7 muzana. MuGermany, nzvero yakaitwa naAllensbach Opinion Research Institute muna 1989 yakaratidzira kuti 5 muzana yavaLutheran ne25 muzana yavaKaturike muFederal Republic vakapinda chechi nguva dzose. Zvisinei, paHoro dzoUmambo dzeZvapupu zvaJehovha, vapindi vevhiki nevhiki vakapfuura nhamba yeZvapupu.

Avo vanopinda muvateereri kazhinji kazhinji vakashandisa nhamburiko huru kuti vavepo. Muma1980, mumwe mukadzi aiva nemakore 70 okukura muKenya akanga achifamba nguva dzose makiromita gumi uye achiyambuka rwizi kuti asvike kumisangano vhiki imwe neimwe. Kuti chipinde misangano mumutauro wacho chimene, chimwe Chapupu chokuKorea muUnited States chaifamba nguva dzose maawa matatu kuenda bedzi, chichikwira bhazi, chitima, uye igwa, pamwe chete nokufamba. MuSuriname, imwe mhuri inowana mari shomanene yakapedza muripo wezuva rakazara nokuda kwokuripira bhazi vhiki imwe neimwe kuti isvike kumisangano. MuArgentina, mhuri yaifamba nguva dzose makiromita 50 ndokupedza chikamu chimwe chezvina chemari inowanwa nemhuri kupinda nguva dzose misangano yefundo yeBhaibheri. Uko chirwere chinodzivisa chose chose vamwe kupinda misangano yeungano, gadziriro dzinowanzoitwa kuti vabatanidzwe norunhare kana kuti kunzwa purogiramu yakarekodwa.

Zvapupu zvaJehovha zvinorangarira zvakakomba zano reBhaibheri rokusarega kuungana pamwe chete nokuda kwokuvakwa mumudzimu. (VaH. 10:24, 25) Uye hazvivi bedzi pamisangano yeungano dzazvo dzomunzvimbomo. Kupinda kokorodzano ndichakatanhamarawo chegadziriro yazvo yegore negore yezviitiko.

[Mashoko Omuzasi]

a Gare gare iyi misangano yakadanwa kunzi Mapoka eBherea eFundo yeBhaibheri, mukutevedzera vaBherea vomuzana rokutanga ramakore avo vakarumbidzwa nokuda kwoku“sanonzvera Magwaro.”—Mabasa 17:11, NW.

b Nemhaka yezvaiva mairi, iyi misangano yakadanwawo kunzi Misangano yoMunyengetero, Rumbidzo Nezvakaitika. Nemhaka youkoshi hwomunyengetero, pashure penguva yakati kwakarumbidzwa kuti kamwe pamwedzi mitatu iri yose musangano ungova kunamata kwomunyengetero chete, kubatanidza nziyo asi pasina zvakaitika.

c Muna 1907 betsero dzefundo yeBherea dzakahwirudzurwa, dzakawedzerwa zvikuru, uye dzakawiriraniswa nomusi. Mamwe mapeji anenge 300 amashoko anobetsera akawedzerwa mukudhinda kwa1908.

d Ikoku, padzimwe nguva, kwainongedzerwa kwakuri sePaseka yokufananidzirwa, ndiko kuti, kurangarirwa kworufu rwaJesu Kristu, uyo akafanofananidzirwa negwayana rePaseka uye nokudaro akanzi “Kristu paseka yedu,” pana 1 VaKorinte 5:7. Mutsinhirano na1 VaKorinte 11:20 (KJ), yaidanwawo kunzi Chirairo chaShe. Pane dzimwe nguva chaidanwa kunzi “Chirairo Chegore Negore,” nokudaro kukwevera ngwariro kuidi rokuti kwakanga kuri kurangarira kwegore negore.

e Enzanisa nezvinyorwa zvechiNgezi zveNharireyomurindi zvaMarch 1891, mapeji 33-4; March 15, 1907, peji 88; February 1, 1935, peji 46; uye February 1, 1948, mapeji 41-3.

f Kunyange 1900 asati asvika magazini ine musoro unoti Suggestive Hints to Colporteurs yaitumirwa kuavo vainyoresa nokuda kweiri basa chairo. Kutanga muna 1919 Bulletin yakabudiswa kugovera kurudziro nokuda kwebasa romumunda, kutanga mukuparadzira The Golden Age uye gare gare pamusoro pamarudzi ose akasiyana-siyana omubato wokuparidza evhangeri.

g Zita rokuti Zion’s Watch Tower and Herald of Christ’s Presence rakachinjwa, pana January 1, 1909, kuva The Watch Tower and Herald of Christ’s Presence. Kuvambira pana October 15, 1931, zita racho rakava The Watchtower and Herald of Christ’s Presence.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 237]

Misangano iyo yaida kutora rutivi kwomunhu oga

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 238]

Hwakanga husati huri uziviwo zvahwo hwendangariro asi kutaura uko kwaizosunda mwoyo

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 246]

Vose vari mumhuri vanokurudzirwa kupinda misangano pamwe chete

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 252]

Purogiramu inobatanidza yokudya kwomudzimu

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 253]

Zvapupu zvinorangarira misangano yazvo zvakakomba

[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 239]

Ungano Dzapakuvamba

Pakasvika 1916, kwakanga kune mapoka 1 200 aVadzidzi veBhaibheri munyika yose

Durban, Natal, South Africa, 1915 (kurudyi kumusoro); British Guiana (Guyana), 1915 (kurudyi pakati); Trondheim, Norway, 1915 (kurudyi pasi); Hamilton, Ont., Canada, 1912 (pasi); Ceylon (Sri Lanka), 1915 (kuruboshwe pasi); India, 1915 (kuruboshwe kumusoro)

[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 240, 241]

Kurumbidza Jehovha Murwiyo

Sezvo vaIsraeri vakare naJesu amene vaishandisa nziyo mukunamata, Zvapupu zvaJehovha zvinodarowo munguva dzazvino uno. (Neh. 12:46; Marko 14:26) Nepo kwakanga kuchitaura rumbidzo kuna Jehovha nokuonga mabasa ake, kuimba kwakadaro kwakabetsera kuroverera zvokwadi dzeBhaibheri mose muri muviri mundangariro nomumwoyo.

Nziyo dzakawanda dzakashandiswa neZvapupu zvaJehovha mumakore ose apfuura. Mashoko akawiriraniswa nomusi mutsinhirano nenzwisiso inofambira mberi yeShoko raMwari.

1879: “Songs of the Bride”

(Nziyo 144 dzinoratidzira zvishuvo nekariro zvomwenga waKristu)

1890: “Poems and Hymns of Millennial Dawn”

(Nhetembo 151 nenziyo 333, dzakabudiswa pasina marimba. Zhinjisa dzakanga dziri mabasa avanyori vanosanozivikanwa)

1896: “Nharireyomurindi” yechiNgezi yaFebruary 1 yakanga yakatsaurirwa ku“Zion’s Glad Songs of the Morning”

(Mashoko enziyo 11, dzine marimba; mashoko enziyo akanyorwa naVadzidzi veBhaibheri)

1900: “Zion’s Glad Songs”

(Nziyo 82, dzakawanda dzadzo dzakanyorwa noMudzidzi weBhaibheri mumwe; kuwedzera kumuunganidzwa wapakuvamba zvikuru)

1905: “Hymns of the Millennial Dawn”

(Nziyo 333 dzakabudiswa muna 1890, asi dziine marimba)

1925: “Kingdom Hymns”

(Nziyo 80, dzine marimba, zvikurukuru nokuda kwavana)

1928: “Songs of Praise to Jehovah”

(Nziyo 337, muvhenganiswa weitsva dzakanyorwa naVadzidzi veBhaibheri nedzekare zvikuru. Mumashoko enziyo, nhamburiko chaiyo yakaitwa kubva mumirangariro yorudzidziso rwenhema nomukunamata chisikwa)

1944: “Kingdom Service Song Book”

(Nziyo 62. Dzakachinjirwa kuzvinodikanwa zvebasa roUmambo zvenguva dzacho. Hapana rumbidzo dzakapiwa kuvanyori kana kuti kuvarongi)

1950: “Nziyo Dzokurumbidza Jehovha” (yechiNgezi)

(Nziyo 91. Iri bhuku renziyo raiva nemisoro inowirirana nomusi zvikuru uye dzakabvisa mutauro wakare. Rakashandurirwa mumitauro 18)

1966: “Muchiimba Muchizvibatanidza Imi Mumene Namarimba Mumwoyo Yenyu” (yechiNgezi)

(Nziyo 119 dzinofukidza rutivi rwuri rwose rwokurarama kwechiKristu nokunamata. Marimba aizivikanwa kuva akavambwa namanyuko enyika kana kuti orudzidziso rwenhema akabviswa. Marekodhi e“orchestra” ebhuku rose akaitwa uye akashandiswa zvikuru seanokumbanira mumisangano yeungano. Dzimwe dzamanzwi dzakasarudzwa dzakarekodwawo. Kutanga muna 1980, marekodhi e“orchestra” e“Kingdom Melodies” akaitwa kuti vari pamusha vanhu vamwe navamwe vagogona kufarikanya nziyo dzaizova dzinovaka)

1984: “Imbirai Jehovha Rumbidzo” (yechiNgezi)

(Nziyo dzoUmambo 225, dzine mashoko namarimba zvakarongwa navabatiri vakazvitsaurira chose chose vaJehovha vomumativi ose apasi. Marekodhi egiramufoni namakaseti anoteererwa zvakaitwa kukumbanira kuimba)

PaMisangano yavo Yapamba yapakuvamba, Vadzidzi veBhaibheri vaibatanidza nziyo dzerumbidzo. Kuimba kwakakurumidza kuvawo rutivi rwekokorodzano dzavo. Vamwe vaiimba imwe yenziyo vasati vadya chisvusvuro, pamusoro pokunamata kwavo kwamangwanani, sezvaiitwa kwamakore akawanda paBible House. Kunyange zvazvo kuimba muungano dzomunzvimbomo kwakanga kwabviswa zvikuru munenge muna 1938, kwakamutsidzirwazve muna 1944 uye kunopfuurira kuva rutivi runokosha rwemisangano yeungano nepurogiramu dzekokorodzano dzeZvapupu zvaJehovha.

[Mufananidzo]

Karl Klein achitungamirira “orchestra” muna 1947

[Girafu riri papeji 242]

(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)

Chirangaridzo Chorufu rwaKristu

Zvapupu Zvinoshingaira

Nhamba Yavapindi

11 000 000

10 000 000

9 000 000

8 000 000

7 000 000

6 000 000

5 000 000

4 000 000

3 000 000

2 000 000

1 000 000

1935 1945 1955 1965 1975 1985 1992

[Mufananidzo uri papeji 243]

Kunyange zvazvo akanga ari oga mutorongo reChina, Harold King akapfuurira kuchengeta Chirangaridzo

[Mufananidzo uri papeji 244]

Kirasi yeBhaibheri yevaduku muGermany, mukuvamba kwema1930

[Mifananidzo iri papeji 244]

MuSwitzerland, pakati pema1930, pwere dzaiva Zvapupu dzakabudisa iyi magazini (iri pasi apa) uye dzakaita mitambo yeBhaibheri (sezvinoratidzwa pasi apa pakati) nokuda kwavateereri vazhinji

[Mifananidzo iri papeji 247]

“Bulletin” (1919-35), “Director” (1935-36), “Informant” (1936-56), uye zvino “Ushumiri Hwedu hwoUmambo” mumitauro 100—zvose zvakagovera mirayiridzo yenguva dzose youshumiri hwomumunda hwakabatana hunoitwa neZvapupu zvaJehovha

[Mufananidzo uri papeji 248]

Mienzanisiro paMisangano Yebasa inobetsera Zvapupu kunatsa ushumiri hwazvo hwomumunda hwomunhu oga (Sweden)

[Mufananidzo uri papeji 249]

Chapupu chiduku muKenya chinowana ruzivo rwokuzviwanira kupfurikidza nokupa hurukuro kuna baba vacho muChikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari

[Mufananidzo uri papeji 250]

Kuvambira muna 1992, mashoko efundo yeBhaibheri eungano dzeZvapupu zvaJehovha aibudiswa panguva imwe cheteyo mumitauro 66, uye yakawanda inopfuurira kuwedzerwa

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe