RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • tp chits. 4 pp. 34-42
  • Kuparadzwa Kwenyika Pakutanga—Tevere Rugare Rwenyika

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kuparadzwa Kwenyika Pakutanga—Tevere Rugare Rwenyika
  • Rugare Rwechokwadi Nokuchengeteka—Ungaruwana Sei?
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Icho Bhaibheri Rinodeya Kuzivisa Chinopa Tariro
  • Chikonzero Nei Tsika Ino Ichifanira Kuguma Nokuda Kwokuti Rugare Rwechokwadi Rwuuye
  • Miuyo Inobetsera
  • Vapukunyuki Vachava Vanaani?
    Rugare Rwechokwadi Nokuchengeteka—Ungaruwana Sei?
  • Nguva Yemberi Yakachengeteka—Mawanire Aunogona Kuiita
    Nguva Yemberi Yakachengeteka—Mawanire Aunogona Kuiita
  • Nyika Ino Ichaguma Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2021
  • “Tarirai! Ndiri Kuita Kuti Zvinhu Zvose Zvive Zvitsva”
    “Tarirai! Ndiri Kuita Kuti Zvinhu Zvose Zvive Zvitsva”
Ona Zvimwe
Rugare Rwechokwadi Nokuchengeteka—Ungaruwana Sei?
tp chits. 4 pp. 34-42

Ganhuro 4

Kuparadzwa Kwenyika Pakutanga—Tevere Rugare Rwenyika

1-3. (a) Chii chiri kuparadzwa kwenyika uko vatungamiriri vavanhu vari kunyevera pamsoro pakwo? (b) Neiko ikoko kusati kuri uko Bhaibheri rinoreva nezvako kuva kuparadzwa kwenyika uko kuchakura nzira nokuda kworugare runogara narini nokuchengeteka?

MUKUWIRIRANA nechiporofita cheBhaibheri, vanhu vasati vatombogona kufarikanya rugare runogara narini, kuparadzwa kwenyika kunofanira kutanga kuitika. (2 Petro 3:5-7) Asika neiko ikoko kuri madikanwa? Ko kuparadzwa kunobva kupi? Uye kunorevei kuvanhu vari pamburumbwa ino?

2 Pakutanga tinodikanirwa kunzwisisa kuti kuparadzwa kwenyika kunodeya kuziviswa neBhaibheri hakusati kuri kumwe cheteko nengwavaira yedenderedzwa rose rapasi iyo vatungamiriri vazhinji venyika, vezvesayenzi, navamwe vari kunyevera pamsoro payo. Ngwavaira yavanotaura pamsoro payo ingauya muchimiro chengwavaira yakati kuti inoitwa nomunhu inoparirwa nezvinhu zvakadai sokushatswa kwezvinhu kana kuti nhangemutange yokugadzirwa kwezvombo zvenyukireya, kana kuti zvose zviri zviviri. Asi, chokwadika, ngwavaira yakadaro ingasasiya tariro nokuda kworugare runogara narini nokuchengeteka pamburumbwa ino.

3 Pasi ringava rinoparadzwa nokuda kwezvisikwa zvipenyu. Somuenzaniso, mwaranzi inochetura yenyukireya kana kuti “renje renyukireya” rinorangarirwa ringasiya vapukunyuki vasati vari nani zvikuru—kana vasati vachitambudzika zvakaipisisa—kupinda avo vakafa. Kupukunyuka kwaizova zvikurukuru nhau yokuerekana kwaitika, kunyange zvazvo varombo sezvingabvira vaizova pakati pavanotanga kutambura. Ko iwe ungava netariroi yokuva pakati pavapukunyuki vengwavaira yakadaro? Uye kunyange kudai waizopukunyuka, itariroi yaizovapo yokuti upenyu hahusati hwaizodzokera mukusatsarukana kumwe cheteko kuzerwe nekakavaro yakapararira?

Icho Bhaibheri Rinodeya Kuzivisa Chinopa Tariro

4. Ndivanaani vachaparadzwa mukuparadzwa kwenyika uko Bhaibheri rinoreva nezvako?

4 Chinosianisa kuparadzwa kwenyika uko Bhaibheri rinodeya kuzivisa ndechokuti iko kuchava kunosarudza, kune donzo. Hakusati kuchizova ngwavaira yakati kuti inosvika chaizvoizvo sokuguma kwezvikanganiso zvinoitwa navanhu. Panzvimbo pokuparira rufu rwokusasarura, irwo rwuchabvisa chose chose papasi avo bedzi vanofanirwa zvomenemene nokuparadzwa. Rudzi urwu rwokuparadzwa kwenyika rwunobvumirana nenheyo youmwari iri pana Zvirevo 2:21, 22, inoti: “Nokuti vakarurama ndivo avo vachagara mupasi, uye vasine mhaka ndivo vachasiiwa mariri. Kana vari vakaipa, vachagurwa papasi rimene; uye kana vari vanyengeri, vachadzurwa pariri.”

5, 6. (a) Chii chichaitika kupasi rimene mukati mokuparadzwa ikoko kwenyika? (b) Muna ikoku, kuchava sei “sezvakanga zvakaita mazuva aNoa”?

5 Ko zvino, chii chichaparadzwa? Vazhinji vanofunga havo kuti Bhaibheri rinodeya kuzivisa kupiswa chose chose kwemburumbwa yaPasi nechinhu chiri chose chiri pairi. Asi ikoko hakusati kwakadaro. Jesu Kristu amene akati: “Vanofara ndivo vanyoro, nokuti ivo vachagara nhaka pasi.” (Mateo 5:5) Zvechokwadi ‘nhaka’ iyoyo haisati ichizova zimbe rakatsva risina upenyu! Bhaibheri rinopawo simbisiro chaiyoiyo yaMwari yokuti pasi richaramba riripo nokusingaperi senzvimbo yokuti vanhu vagare.—Pisarema 104:5; Isaya 45:18; Mateo 6:9, 10.

6 Mukutsinhirana naikoku, Bhaibheri rinoreva nezvavapukunyuki vachasara pamsoro papasi pashure pokunge “dambudziko guru” irero rapfuura. Jesu Kristu akataura kuti “kungofanana nezvakanga zvakaita mazuva aNoa, ndizvo zvazvichaitawo nokuvapo kwoMwanakomana womunhu.” Apo kuparadzwa kwedenderedzwa kwakaitika munguva yaNoa kwaivawo navapukunyuki.—Mateo 24:21, 37; 2 Petro 2:5, 9; Zvakazarurwa 7:9, 10, 13, 14.

7. Chii chichasvika kumugumo wacho panguva iyeyo?

7 Chii chichaparadzwa? Ndiyo tsika yezvinhu yenyika yose iyo vanhu vakaumba pasi pano—pamwe chete naavo vanoitsigira panokuvimba naMwari noubati ushe hwake hwakapikirwa nokuda kwapasi. (Pisarema 73:27, 28) Ndokusaka chikamu chamashoko okuti “mugumo wenyika,” chinowanwa mudzimwe shanduro dzeBhaibheri, chiri chinoshandurwa nomutoo wakarurama zvikuru muna mamwe maBhaibheri kuva “mugumo wezera” (NE), “mhedziso yezera” (Ro), “mhedziso yetsika yezvinhu” (NW).—Mateo 24:3.   

8. (a) Ko ruparadziko ruchabva mumanyukoi? (b) Irworwu rwunofanira kuitika tsika ino yenyika isati yasvika mugariroi?

8 Manyuko okuparadzwa kunouya kwenyika achava—vasati vari vanhu—asi Jehovha Mwari. Kuparadza kwazvino uno kwokushatswa kwezvinhu, nzara, kutyisidzira kwenyukireya, nezvinhu zvakafanana zvakaparirwa nokusaziva kwavanhu, chikanganiso, nokushata hazvisati zvirizvo zvichaparira ruparadziko. Panzvimbo pezvo, izvozvi chibvumikiso choudyire nokukundikana chaikoiko kwetsika yazvino uno yenyika. Zvinogovera chisakiso chaichoicho chokuti Jehovha Mwari aparadze tsika iyeyo chose chose. Iye anopikira kuita chiito chakadaro nyika yazvino uno isati yatombosvika mugariro wokuputsika kana kuti kuita kuzviparadza kwayo imene. (Zvakazarurwa 11:17, 18) Asika chiito chakadaro chakakomba ndiyo nzira bedzi bedzi chaiyoiyo here?

Chikonzero Nei Tsika Ino Ichifanira Kuguma Nokuda Kwokuti Rugare Rwechokwadi Rwuuye

9, 10. Ko nhau yavanhu inoratidzira sei kuti chimwe chinhu chakakomba zvikuru chinodikanwa kupinda kungoumba patsva bedzi nyika ino?

9 Vamwe vangarangarira havo kuti Mwari anofanira kungoita hake bedzi chinjo dzakati kuti mutsika yazvino uno, pano kuiparadza. Asika Bhaibheri rinoratidzira kuti Mwari anoziva chaizvoizvo kuti iyo haichagoni kuumbikazve.

10 Zvirangaririre umene chinjo zhinji dzakaitwa navanhu mumazana amakore. Funga nezvamarudzi ose akasiana-siana ehurumende dzakaumbwa navanhu. Kwave kune hurumende dzamaguta, madzimambo, ubati ushe hwavoruzhinji, hurumende yechikomunisiti neyamagariro avanhu, navashushi. Yeuka kuti mubati ushe aripo kana kuti hurumende yakatsiviwa kazhinji kakadini neitsva—kupfurikidza nokusarudza, nokumukira, kana kuti nokupandukira. Asika kwave kusina chigadzikiso chinogara narini chezvinetso zvavanhu. Kunyange vanhu vane vavariro dzakaisvonaka vanoedza kuvandudza mugove womunhu vanowana nhamburiko dzavo dzichivhiringidzwa netsika yezvinhu iyo ivo vakapfigirwa mairi. Sokuwana kwakaita mubati ushe akachenjera womunguva dzakare, kupfurikidza nenhamburiko dzavanhu dzoga bedzi “icho chiri chinoitwa chakakombama hachingagoni kutwasanudzwa.”—Muparidzi 1:14, 15.

11-13. (a) Chii chinodzivisa vanhu kuchinja mutsika ino nokuda kwezvakanaka zvavanhu vose? (b) Naizvozvo, kutambanuka kwokuchinja kungadikanirwa kuenzanisirwa sei?

11 Somuenzaniso, maguta enyika anonetswa nezvinetso. Asi vanhu havangagoni kuaputsanya ndokutanga patsva. Kumwe cheteko kunoitikawo mugadziriro yose yezvemari nenzvimbo dzamabasa okugadzirwa kwezvinhu dzenyika. Udyire nourudzi zvinosekesa ndokupinganidza kuchinja kupi nokupi chaikoiko nokuda kwokubetserwa kwavanhu vose zvavo.

12 Tsika yose yezvinhu nenzira iyeyo yakaita seimba yakavakirwa pahwaro hwakashata, mukuwirirana nerongedzero dzisina kutsarukana, uye yakavakwa nezvivakiso zvisina kutsarukana. Ko kuronga patsva mafanicha kana kuti kuvandudza patsva imba kungaita betseroi? Chero bedzi iripo, zvinetso zvichapfuurira, uye imbayo ichapfuurira kusakara. Chinhu bedzi chino mufungo chokuita ndechokukoromora imbayo ndokuvaka imwe, pahwaro hwakanaka.

13 Jesu Kristu akashandisa muenzanisiro wakati fananei hawo mukutaura kuti vanhu havasati vachi“isa waini itsva muhombodo tsaru dzewaini.” Hombodo tsaru yewaini ingaparutswa newaini itsva. (Mateo 9:17) Nokudaro iye haana kuedza kuumba patsva tsika yezvinhu yechiJudha iyo iye aigara mairi. Panzvimbo pakwo, akaparidza Umambo hwaMwari setariro bedzi nokuda kworugare nokuchengeteka. (Ruka 8:1; 11:2; 12:31) Naizvozvowo, muzuva redu Jehovha Mwari haasati achizotongogadziridza bedzi tsika yezvinhu yazvino uno, nokuti ikoko hakungagoni kuunza betsero inogara narini.

14. Ko kuitwa kwemitemo mitsva kungaita kuti vanhu vade kururama here?

14 Shoko raMwari rinosimbisa zvokwadi yokuti hakusati kuchibvira kupinza kururama mumwoyo yavanhu. Kana ivo vasingadi chiri chakarurama, hapana bumbiro remitemo richambozoiswamo. Pana Isaya 26:10 tinorava, kuti: “Kunyange zvazvo wakaipa akaratidzirwa nyasha, iye haasati achizotongodzidza kururama. Munyika yoururami iye achaita nomutoo usina kururama uye haasati achizoona kutanhamara kwaJehovha.”—Enzanisa Zvirevo 29:1.

15, 16. Ko kushaikwa kwokuda kwechokwadi kururama kwavanhu vazhinji kunoratidzirwa sei mukudavira kukuda kwaMwari?

15 Idi chairoiro nderokuti vanhu vazhinji vanosarudza havo kugara netsika ino iripoyi pasinei hapo nokukundikana kwayo nezvakashata zvayo. Havasati vachida kutendeukira kukururama ndokuzviisa pasi poubati ushe hunobva kuna Mwari. Vangaona havo ushati hwamasangano ezvamatongerwe enyika ino, kusava namaturo kwehondo dzayo, kunyengedza kwamarudzidziso ayo, noufakazi hwakajeka hwokuti ruzivo rwayo rwokugadzirwa kwezvinhu rwakatoparira zvinetso zvikuru kwazvo kupinda zvarwakagadzikisa. Asi pasinei hapo naikoku kwose, vazhinji vanosarudza havo kuva vanonyengedzwa kupinda mupfungwa yenhema yokuchengeteka inoitwa navatungamiriri vorudzidziso navezvamatongerwe enyika avo vane fariro dziri mukuchengeta mugariro wezvinhu uripo. Ivo vakafanana navaIsraeri avo Mwari akataura pamsoro pavo, kuti: “Vaporofita vamene vanoporofita chaizvoizvo nhema; uye kana vari vaprista, ivo vanodzora mukuwirirana namasimba avo. Uye vanhu vangu vamene vakakuda nenzira iyeyo; uye imi vanhu muchaiteiko pakugumisidza kwako?”—Jeremia 5:31; Isaya 30:12, 13.

16 Sezvingabvira iwe unoziva nezvavanhu vane miitiro inokuvadza utano hwavo vamene nokuchengeteka nohwohwo hwemhuri dzavo. Asi ivo vanodzivisa nhamburiko dzose dzokuvabetsera kuchinja. Asi apo vanhu vanodzivisa zano raMwari nenhungamiro, nyaya yacho yakakomba zvikuru kwazvo. Avo vanoita ikoku vanoratidzira kuti ivo zvomenemene havasati vachida zvokwadi nokururama. Jesu akataura nezvavanhu vakadaro, kuti: “Nokuti mwoyo worudzi urwu wakava usingagamuchiri, uye nenzeve dzavo vakanzwa vasingadavidzi, uye vakatsinzina meso avo; kuti vagorega kuona nameso avo uye kunzwa nenzeve dzavo ndokuwana mufungo wako nemwoyo yavo ndokudzoka, uye [Mwari] ndokuvaporesa.”—Mateo 13:15.

17. Kana kuri kwechokwadi kuti Mwari haasati achifarira kuunza ruparadziko pavanhu, neiko iye achizokuita?

17 Nomutoo wakarurama, kushivira kwaMwari nengoni zvine ganhuriro dzazvo. Kana kusinokudaro, kuda kwake vakarurama kwaizova kupi? Iye haagoni kurinza nzeve isinganzwi kumikumbiro yavo nokuda kwokusunungurwa mukutambura kunounzwa nouipi papasi rino. (Ruka 18:7, 8; Zvirevo 29:2, 16) Naizvozvo, migariro yacho inoda kuparadzwa kwenyika. Inogombedzera Mwari kuita chiito kana iye achizoramba ari wechokwadi kune chiri chakarurama uye kana iye achizonzwira nyasha avo vanoda chiri chakarurama. Hakusati kuri nhau yokufarira kwaMwari kuunza ruparadziko pavanhu. “‘Ko ini ndinotongofarira rufu rwomumwe munhu wakaipa here,’ ndiko kutaura kwaChangamire Ishe Jehovha, ‘uye musati muri mukuti iye adzoke panzira dzake ndokupfuurira chaizvoizvo kurarama here? . . . Naizvozvo tendeukai ndokupfuurira kurarama, haiwa imi vanhu.’”—Ezekieri 18:23, 32.

18. Chii chiri mutengo unofanira kuripirwa kudzikinura vanhu vanoda chiri chakarurama kubva mukusachengeteka?

18 Kuparadzwa kwaavo vanosarudza havo tsika iripoyi yezvinhu, ipapoka, ndiwo mutengo unofanira kuripirwa kudzikinura mukusachengeteka nomukutambura avo vanoda chiri chakarurama. Ikoku kunobvumirana nenheyo yeBhaibheri, inoti: “Wakaipa ndiye rudzikinuro nokuda kwowakarurama.”—Zvirevo 21:18; enzanisa Isaya 43:1, 3, 4.

Miuyo Inobetsera

19. Imhinganidzoi dzorugare rwenyika dzichabviswa nokuparadzwa kwetsika ino yezvinhu?

19 Kuparadzwa kwetsika ino navatsigiri vayo kuchabvumira tsika itsva yakarurama mupasi rose umo vapukunyuki vachave vachikwanisa kushandira pamwe chete vakabatana mairi, musati muri mumapitse oudyire. Mipingo yourudzi inokamuranya nemiganhu yematongerwe enyika zvichakoromorwa. Mutwaro unoremedza wokupambadza wehondo uchapera. Uyewo mipingo yefambidzano inodzivisa rudzi rwomunhu kuva mhuri yakabatana ichapera. Chinhu chinokosha muna ikoku kwose chichava chokuti munhu ari wose anorarama panguva iyeyo achataura ‘mutauro mumwe wakachena’ wezvokwadi kuno mumwe nomumwe, vachinamata Musiki wavo “nomudzimu nezvokwadi.” Ikoku kuchavaita kuti varambe vasitongorina kudavira mashura, magamuchidzanwa, nezvitendero zvinoitwa navanhu zvinokamuranisa.—Zefania 3:8, 9; Johane 4:23, 24.

20. Sezvinoratidzirwa nePisarema 72, mugariroi uchavako mupasi rose?

20 Apo hurumende yaMwari inodzorwa noMwanakomana wake Kristu Jesu inodzora iyo yoga bedzi pamsoro papasi rose, pisarema rekare reBhaibheri richazadzika: “Mumazuva ake wakarurama uchakura, uye rugare rwakawanda kusvikira mwedzi usati uchizotongovapozve. Uye iye uchava navadzorwi kubvira kugungwa kusvikira kugungwa uye kubvira paRwizi kusvikira kumigumo yapasi.”—Pisarema 72:7, 8.

21. Ko pasi rimene richabetserekana sei nokuparadzwa kwenyika kunouya?

21 Pasi richabetserekana nokuparadzwa kwenyika kunouya. Harizati richizomboshatiswazve navashatisi vanamakaro navaparadzi vano utsinye. Nyanza, nzizi, makungwa, nemhepo yakapoteredza pasi zvichawana kusunungurwa mumatsvina anodururirwa mazviri uye nokukurumidza zvichazvichenesa zvimene. Nenzira iyeyo Mwari acharatidzira kuti haana kurega donzo rake rokuita kuti pasi rakachena, rakaita sebindu rizadzwe navanhu vanoratidzira mavara akaisvonaka oMusiki wavo.—Genesi 1:26-28; Isaya 45:18; 55:10, 11.

22. Ko kuunzwa kwokuparadzwa kwakadaro kunowirirana sei nokuva kwaMwari ‘Mwari worugare’?

22 Naizvozvo, kuunza kwaMwari kuparadzwa kwenyika hakusati kuchipesana nokuva kwake ‘Mwari worugare.’ Uyewo hakusati kuchipesana nokuva kwaJesu “Muchinda woRugare.” Ivo vanoita ichi chiito chokudzorera pasi kumugariro wakachena, wakarurama, nokuda kwokuda kwavo rugare nokururamisira.—1 VaKorinte 14:33; Isaya 9:6, 7.

23, 24. Kana isu tichizofarikanya nguva yemberi yorugare nokuchengeteka, chii chiri chinokosha kwatiri somunhu mumwe nomumwe kuti tiite zvino?

23 Savanhu, ipapoka, chii chatinofanira kuita? Jesu akaratidzira kuti avo vanofuratira miraidzo yaMwari vakanga vachivakira tariro dzavo nokuda kwenguva yemberi pa“jecha,” uye kuti kuvaka kwakadaro hakusati kwaizotongokurira madutu anouya anoparadza. Akaratidzira kudikanwa kunokosha kwokuvakira tariro dzedu pakuteerera Shoko raMwari kana tichizova nenguva yemberi inorugare neyakachengeteka.—Mateo 7:24-27.

24 Asika nei Mwari akamirira kwenguva refu yakadai kugumisa uipi nokutambura? Bhaibheri rinopindurawo uyu mubvunzo, uye rinoratidzira icho Mwari ave achiita mukati mamazana ose amakore akapfuura mukuita donzo rake.

[Mufananidzo uri papeji 37]

Sezvo vanhu vakapukunyuka Mafashamo, kuchava navapukunyuki ve“dambudziko guru”

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe