RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • tp chits. 8 pp. 86-93
  • Vapukunyuki Vachava Vanaani?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Vapukunyuki Vachava Vanaani?
  • Rugare Rwechokwadi Nokuchengeteka—Ungaruwana Sei?
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Mienzaniso Yakapfuura Yokupukunyuka
  • Chinotsvakwa naJehovha Mumwoyo Yavanhu
  • Chaunogona Kuita Zvino
  • Kuparadzwa Kwenyika Pakutanga—Tevere Rugare Rwenyika
    Rugare Rwechokwadi Nokuchengeteka—Ungaruwana Sei?
  • Kuponeswa Vari Vapenyu Mudambudziko Guru
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
  • Wagadzirira Kupona Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
  • Unoshurikidza Nyika Nokutenda Kwako Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1989
Ona Zvimwe
Rugare Rwechokwadi Nokuchengeteka—Ungaruwana Sei?
tp chits. 8 pp. 86-93

Ganhuro 8

Vapukunyuki Vachava Vanaani?

1. (a) Ko kupukunyuka kwomunhu ndokupinda muTsika Itsva inorugare yaMwari kuchatsamira pachii? (b) Ko Zvakazarurwa ganhuro 7 inorondedzera sei avo vachapukunyuka kuti vararame pasi pano muParadhiso?

KUPUKUNYUKA kuparadzwa kunouya kwenyika hakusati kuchizova nhau yekarukano kwaitika, sezvinowanzoitika muhondo dzohunhu. Hakusati kuchizotemwa nouko munhu anogara, kana kuti kupfurikidza nokumhanyira kwake kudziviriro yakati kuti yebhomba kana kuti humwe hutiziro pakunzwika kwokurira kwenyevero. Kupukunyuka kuchatsamira pangoni dzaMwari pamwe chete nechisarudzo chinoitwa nomunhu mumwe nomumwe “dambudziko guru” risati ravamba. Ko ungaita sei chisarudzo chichakuisa pakati paavo vachapukunyukira kukurarama pasi pano muTsika Itsva inorugare, yeparadhiso yaMwari?—Zvakazarurwa 7:9, 10, 14, 15.

2. Ndiani anogadza zvinodikanwa zvokupukunyuka, uye izvozvi zvinowanwa kupi?

2 Bhaibheri harisati richingodeya kuzivisa bedzi kuti kuchava navapukunyuki vokuparadzwa kwenyika kunouya. Rinogoverawo muenzaniso wokutibetsera kuziva kuti rudzii rwavanhu rwavachava. Mwari zvaanobvirisa kupukunyuka, nomutoo wakarurama ndiye anogadza ganhuriro.

3. Kuti pagova norugare nokuchengeteka, neiko kuri madikanwa kuti vaiti vezvakashata vave vanoparadzwa?

3 Nomutoo wokuchenjera uye nomutoo wakarurama Mwari achatarisira kuti vapukunyuki vanhu vachava pfuma muTsika Itsva yake, vasati vari avo vangashandira kukuvadzika kwayo. Kana iye akarega vanhu vasina kururama vachipukunyuka, hakusati kungava norugare nokuchengeteka nokuda kwavakarurama. Misha yavo nokukotsekana kwavo vamene kwaizova kuchiri mungozi. Asi Bhaibheri rinopikira, kuti: “Vaiti vezvakashata vamene vachagurwa, asi vanotarira kuna Jehovha ndivo vachava vagari-nhaka vapasi.” Kupfurikidza bedzi nokushandisa kwaMwari mupimo iwowo, sounoratidzirwa pana Pisarema 37:9-11, vapukunyuki vachava vanokwanisa “kuwana mufaro mukuru mukuwanda kworugare.” Kuti Mwari achaita sei ikoku kunoonwa munhambo dzakapfuura apo uipi hwavanhu hwakagombedzera Mwari kuunza kuparadzwa.

Mienzaniso Yakapfuura Yokupukunyuka

4-6. (a) Chii chinopupurira kuti kuparadzwa kweJerusarema muna 70 N.V. iidi renhau? (b) Neiko kuparadza kwakauya? (c) Chii chakaita kuti kubvirire vadzidzi vaJesu kupukunyuka?

4 Muguta reRome nhasi muchindoveri nesuo rechirangaridzo kubvira muzana rokutanga ramakore reNguva yedu yaVose, Suo raTito. Pariri panoratidzirwa zvinhu zvichitakurwa kubva mutembere muJerusarema pashure pokuparadzwa kwaro muna 70 N.V. Nokudaro kuparadzwa ikoko idi renhau. Idi renhau rakaenzanirana ndiro idi rokuti makumi amakore pamberi pokuparadzwa ikwokwo Jesu Kristu akanga adeya kuzivisa zvose zviri zviviri kuuya kwarwo namapukunyukire aigona kuita vanhu.

5 Vanhu vechiJudha vakanga vatsauka kuna Mwari kuti vatevere vanhu namagamuchidzanwa akaitwa navanhu vorudzidziso. (Mateo 15:3-9) Vaivimba navabati ushe vohunhu vezvamatongerwe enyika panzvimbo poUmambo hwakapikirwa hwaMwari. (Johane 19:15) Vakasvika kure sokuramba uye kurwisana nezvokwadi yaiziviswa noMwanakomana waMwari navaapostora vake. Jesu akanyevera miuyo yaizounzwa nenzira yakadaro.—Mateo 23:37, 38; 24:1, 2.

6 Miuyo yacho yaiva chaiyoiyo seyakadeya kuziviswa. Mugore ra 66 N.V., vaJudha vakamukira Roma. Kudenha kwokutanga paJerusarema kwakaitwa navaRoma kwakateverwa nokudzokera kwavo kusingakarirwi. Ikoku kwakanga kuri chiratidzo nebanza kuavo vaidavira Jesu kuita izvo iye akanga ataura: Tizai—budai muguta rakashurikidzwa uye kubuda muruwa rwose rweJudhea, pasinei hapo nechaifanira kusiiwa shure. Vadzidzi chaivoivo vaJesu vakaita izvozvo chaizvoizvo. Ipapo, mugore ra 70 N.V., vaRoma vakadzoka uye, pashure pokukomberedza, vakaparadza Jerusarema naavo vakakundikana kuteerera. Chapupu chakaona, wezvenhau wechiJudha Josephus, anotaura kuti vanhu vane 1 100 000 vomuJerusarema vakafa nokurumwa nenzara, hosha, kurwisana kwavagari vemo, kana kuti munondo wavaRoma. Asika maKristu akaita chiito chakananga akapukunyuka.—Ruka 19:28, 41-44; 21:20-24; Mateo 24:15-18.

7. Ko vanhu vaida kuitei kuti vagopukunyuka apo Bhabhironi rakaparadza rudzi rwaIsraeri?

7 Mugariro wakafanana wakanga wapararira anenge mazana amakore manomwe pakuvamba apo Mwari akabvumira mauto eBhabhironi aitungamirirwa naMambo Nebhukadnezari (II) kuparadza rudzi rwaIsraeri. Kuparadzwa ikokowo, inhau yakanyorwa. Kwamakore pamberi pacho, Mwari kupfurikidza navaporofita vake akanga anyevera vanhu vanotsauka kuti nzira yavo yakanga ichiparira ngwavaira. “Dzokai, dzokai panzira dzenyu dzakashata, nokuti munofanirireiko kufa?” ndiko kwakanga kuri kudanidzira kwaMwari kwavari. (Ezekieri 33:11) Voruzhinji havana kuteerera nyevero, uye kunyange apo mauto eBhabhironi akaisa muchinjiziri paJerusarema, vaIsraeri ivavo vakangopfuurira havo kukarira kuti hakuna kuparadzwa kwaizouya. Asika kwakaitika chaizvoizvo sezvakadeya kuziviswa. Asi Mwari akatarisira kuti avo vakaratidzira kutenda kwavo kupfurikidza nokuteerera vakachengetwa.—Jeremia 39:15-18; Zefania 2:2, 3.

8-10. (a) Neiko Jehovha akaunza kuparadzwa kwenyika mumazuva aNoa? (b) Neiko Noa nemhuri yake vakaponeswa?

8 Kupfuurirazve shure munhau yomunhu tinowana kutaura kwapakuvamba-vamba zvikuru kwomuenzaniso woumwari nokuda kwokupukunyuka. Kwakabatanidza kusati kuchingova bedzi kuparadzwa kworudzi asi kwenyika. Uye ikokowo iidi renhau, kunobatanidza Mafashamo edenderedzwa rose mukati megore ra 2370/2369 P.N.V., mumazuva aNoa. Nezvemigariro yaipararira pamberi pokuparadzwa ikoko kwenyika, Bhaibheri rinoti: “Naizvozvo Jehovha akaona kuti ushati hwomunhu hwakanga hwawanda mupasi uye murangariro uri wose wemifungo yomwoyo wake wakanga wakashata bedzi nguva yose. Uye pasi rakazova rakashatswa mukuona kwaMwari wechokwadi nokudaro pasi rakava rakazadzwa namasimba masimba.”—Genesi 6:5, 11.

9 Uipi namasimba masimba zvakagombedzera Mwari kuita chiito. Noa bedzi nemhuri yake vakaratidzira kutenda nokuteerera. Nokuda kwengoni kwavari, uye kuchengeta kururamisira nokururama pasi pano, Jehovha Mwari “haana kurega kuranga nyika yekare . . . yavanhu vasingadi Mwari.” Muuyo wacho wakanga uri wokuti “nyika yenguva iyeyo yakaparadzwa apo iyo yakaboporodzwa nemvura.”—2 Petro 2:5; 3:5-7.

10 Asi Noa nemhuri yake vakapukunyuka. Neiko? Kutanga, ivo havana kufambidzana ne“nyika yavanhu vasingadi Mwari” iyoyo mukusarurama kwavo. Ivo havana kunyanyobatikana nezvinhu zvenhando zvoupenyu, kudya, kunwa, nokuroora, zvokuti vakava vasingatapurwi nokuda kwaMwari kana kuti matsi kunyevero yake. Noa ‘akafamba naMwari’ mukururama. Ikoko hakuna kureva kuti iye nemhuri yake vakangorega bedzi kuita chinokuvadza. Panzvimbo pakwo, vakaita chiito chaichoicho chokuita zvakarurama. Vaidavira chaizvoizvo izvo Mwari akataura, uye vakakuratidzira kupfurikidza nokuvaka areka hombe yenhurikidzwa nhatu yaipfuura tsoka dzine 400 mukureba. Noa akaitawo nomutoo wakananga mukuva “muparidzi wokururama,” achizivisa vamwe pamsoro pamadonzo aMwari, achireverera nzira yokururama.—Genesi 6:9, 13-16; Mateo 24:37-39; VaHebheru 11:7.

11. Sezvinoratidzirwa neiyi mienzaniso yenyevero, chii chatinofanira kuita kana tichizopukunyuka kuparadzwa kunouya kwenyika?

11 Vanhu vasere ava vakapukunyuka nokuda kwokutenda kwavo namabasa avo anobva mukutenda. Jesu navaapostora vake vakataura nezvokuparadzwa ikoko kwenyika kuva kwechiporofita chezvanangana navanhu mune ino “nguva yomugumo.” Naizvozvo kwakajeka kuti isuwo tinofanira kuzvibvisa timene mukusonganirana nenyika yananga kuparadzwa, sezvakaita Noa nemhuri yake. Isuwo tinofanira kurarama mukutsinhirana nokuda kwaMwari. Hatingagoni kungotungamirirwa bedzi nemipimo yedu timene ndokukarira kupukunyuka. Shoko raMwari rinoti: “Nzira iriko iri yakarurama pameso omunhu, asi nzira dzorufu ndidzo mugumo wayo pashure pacho.” (Zvirevo 16:25) Uyewo chitarisiko chipi nechipi chapamusoro chokururama hachisati chichizovigira kupukunyuka. Nokuti Jehovha Mwari anoona zviri mumwoyo.—Zvirevo 24:12; Ruka 16:15.

Chinotsvakwa naJehovha Mumwoyo Yavanhu

12, 13. (a) Migariroi inoparira vanhu vazhinji kuda kuchinja? (b) Neiko ikoku kusina kuringanira kusimbisa kupukunyuka kwavo ndokupinda muTsika Itsva yaMwari? (c) Kuva pakati pavapukunyuki, chii chinofanira kukuchidzira kutambudzika kwedu pamsoro pemigariro yakashata yazvino uno?

12 Vanhu vazhinji havafadzwi nemigariro iripoyi, uye vanokuratidzira kupfurikidza nezvinyunyuto, kuratidzira, uye mune dzimwe nyika kupfurikidza nokumukira kwamasimba masimba. Vazhinji vanoitira pfundepfunde mitero yakakwirira nendyiko inokwira yokurarama. Vanochemedzwa nengozi youtsotsi. Kutya kunovaita kuti vade kuchinja. Asika, ikoku kwakaringanira kusimbisira kupukunyuka kwavo ndokupinda muTsika Itsva yaMwari here? Nyangwe, hakuna. Kunokona neiko?

13 Nokuti munhu angava asingafari pamsoro pemigariro iyoyi asi achiva anoudyire. Iye angatotendera zvimwe zvimiro zvokusatendeseka nezvoutere—chero bedzi iye asati achitambura. Zvisinei, vanhu vane mwoyo yakarurama vanorangarira zvinhu nenzira yakasiana. Apo ivo vanofunda Bhaibheri vanoona kuti migariro yakashata inongova bedzi ufakazi hwokunze hwechirwere chaichoicho chenyika. Vanocherechedza kuti chinosakisa zviratidzo izvozvi ndiko kushaikwa kwokuitira hanya kuziva uye kuita kuda kwaJehovha uye kurarama mukuwirirana nemipimo yake yakarurama. Nokudaro, ivo havasati vachitambudzwa zvikurukuru nokusaruramisira kwamagariro avanhu, utsotsi, kushatswa kwezvinhu kana kuti kutyisidzira kwehondo. Panzvimbo pakwo, vanhu vakadaro vane mwoyo yakarurama vanotambudzwa zvikurukuru nokuona zita raMwari richizvidzwa nenzira yakashata yavanhu. Uye ivo vanosuruvarira kuti vamwe, vasati vachingova ivo bedzi, vanotambura zvikuru kwazvo somuuyo.

14. Ndivanaani vaiva vanhu vaka“iswa chiratidzo” nokuda kwokupukunyuka panguva yokuparadzwa kweJerusarema neBhabhironi?

14 Kuti tigopukunyuka kuparadzwa kunouya kwenyika, tinofanira kuva vakafanana naavo vakaponeswa apo Bhabhironi rakaparadza Jerusarema muna 607 P.N.V., vanhu vanorondedzerwa sa“vanogomera nokuchema pamsoro pezvinhu zvose zvinonyangadza” zvaiitwa muguta iroro. (Ezekieri 9:4) Migariro yai“nyangadza” munzira dzakasiana-siana. Somuenzaniso, varombo vakanga vachidzvinyirirwa, vamwe vachitova vanopinzwa muuranda zvisiri pamutemo navanhu vokwavo. (Jeremia 34:13-16) Mugariro wetsika woumambo hwaJudha wakanga watoipisisa kupinda uwo woumambo hwokuchamhembe hwaIsraeri, uhwo hwakarondedzerwa pakuvambavamba nomuporofita Hosea kuti: “Munokurevera shurikidzo nokuita kwokunyengedza nokuponda nokuba . . . uye mabasa okuteurwa kweropa akatapura mamwe mabasa okuteurwa kweropa.” (Hosea 4:2; Ezekieri 16:2, 51) Avo bedzi vaitambudzwa pamwoyo nokusarurama kwakadaro nokuzvidza kwakwakaratidzira nokuda kwaMwari ‘vakaiswa chiratidzo’ nokuda kwokupukunyuka.—Ezekieri 9:3-6.

15. Chii chinodzivisa vamwe vanhu pakuita chinjo dzinodikanirwa kupukunyuka kuparadzwa kunouya kwenyika?

15 Kunyange zvazvo vazhinji nhasi vangada kufarikanya upenyu pasi pano nokusingaperi murugare, rubudiriro, nenyaradzo, havasati vachida kuchinja munzira yavo youpenyu uko kudzidza ndokutevera mutoo weBhaibheri wokurarama kwakarurama kungaunza. Pamwoyo chaipoipo, ivo havasati zvomenemene vane rudo rwokururama kana kuti kuitira hanya kwapachokwadi vanhu biyavo. Tsika Itsva zvaichaparira chaunga chitsva umo “kururama kuchagara,” mashoko akanaka pamsoro payo anofadza bedzi avo vanoda kururama. Vamwe vanonzwa vachishurikidzwa nawo.—2 Petro 3:13; 2 VaKorinte 2:14-17.

Chaunogona Kuita Zvino

16-18. (a) Munhu anova sei ano‘iswa chiratidzo’ nokuda kwokupukunyuka? (b) Ko iye anofanira kuita chiitoi, pamsoro pokunamata kwenhema, uye ipapo pamsoro pokunamata kwechokwadi? (c) Ko iye anofanira kurangarira sei masangano ezvamatongerwe enyika akadai seCM?

16 Jehovha achachengeta bedzi avo vanoda zvapachokwadi kugara muubati ushe hwake hwakarurama. Iye haasati achizogombedzera vapi navapi kurarama panguva iyeyo mumigariro yavasati vachida ivo vamene. Naizvozvo, avo vanochengetwa vachatofanira kubvumikisa kugamuchira kwavo chaikoiko ubati ushe hwake hwoumwari zvino. Ivo vanova ‘vanoiswa chiratidzo’ nokuda kwokupukunyuka kupfurikidza nokupfeka “hunhu hutsva” hwechiKristu, kutsinhiranisa upenyu hwavo nenzira dzaMwari vachipa hufakazi hwokuti ivo vadzidzi voMwanakomana waMwari. Kupfurikidza naikoku ivo vano“sarudza upenyu” nezvikomborero, kwete rufu. (VaKorose 3:5-10; Dheuteronomio 30:15, 16, 19) Ko iwe uchasarudzei?

17 Kusarudza kwako kunobatanidza kuzviisa pasi paMwari mukunamata. Jesu akati: “Nguva ichasvika, uye yatovapo zvino, apo vanamati vechokwadi vachanamata Baba nomudzimu nezvokwadi, nokuti, zvirokwazvo, Baba vanotsvaka vanhu vakadai kuvanamata.” (Johane 4:23) Kupukunyuka kuparadzwa kunouya kwenyika nokuda kwechikonzero ichi kunoda kuti munhu asiye kunamata kwose kwenhema ndokutora rutivi mukunamata kwechokwadi. Zvakare, vapukunyuki havasati vachiwanwa pakati paavo vanovimba neChibatanwa chaMarudzi kana kuti namamwe masangano ezvamatongerwe enyika, sezvo iwawa ari rutivi rwenyika ichaparadzwa.—Zvakazarurwa 17:11; 18:17-21.

18 Zvikomborero zvisingagumi zvakamirira avo vanotora nzira inoparira kupukunyuka. Zvino chirangarira zvimwe zvezvinhu zvakaisvonaka izvo Mwari anopikira avo vanotenda Shoko rake ndokubvumikisa kutenda ikoko kupfurikidza nechiito chakananga.

[Mufananidzo uri papeji 87]

“Boka guru” richapukunyuka kuparadzwa kwenyika kuti rirarame pasi pano muTsika Itsva yaMwari

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe