RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • tp chits. 12 pp. 129-141
  • Kuremekedza Chiremera Kunodikanwa Nokuda Kwokurarama Kunorugare

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kuremekedza Chiremera Kunodikanwa Nokuda Kwokurarama Kunorugare
  • Rugare Rwechokwadi Nokuchengeteka—Ungaruwana Sei?
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kurangarirwa Kwakafanira Kwechiremera Chenyika
  • Chiremera Mukati Momusha
  • Muungano yechiKristu
  • Nei Tichifanira Kuremekedza Vane Masimba?
    “Rambai Muri Murudo rwaMwari”
  • Chiremera Chaani Chaunofanira Kuziva?
    Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi
  • Murangariro wechiKristu Wechiremera
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
  • Kuremekedza Vane Simba—Nei Kuchikosha?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2000
Ona Zvimwe
Rugare Rwechokwadi Nokuchengeteka—Ungaruwana Sei?
tp chits. 12 pp. 129-141

Ganhuro 12

Kuremekedza Chiremera Kunodikanwa Nokuda Kwokurarama Kunorugare

1-3. (a) Chii chakapira kukurambwa kwakapararira kwechiremera muzuva redu? (b) Ko ichi chimiro chendangariro chinoratidzwa munzirai dzakasiana-siana? (c) Ko tapuro dzinonzwiwa kupi?

MUDZIMU wokuzvitonga unotekeshera munyika yanhasi. Kusavimbwa kwose kwechiremera kwakakudziridzika, zvikurukuru pakati paavo vakaberekwa chifo cheHondo yeNyika II. Neiko? Kutanga, vabereki vavo vakanga vacherekedza kudzvinyirira pamwero usingaenzanisirwi, uye nounyanzvi hwokushusha hwakashata hwaiitwa naavo vari musimba. Vakakudziridza murangariro wakadzikatidzika wechiremera. Naizvozvo, vazhinji vavo, pakuva vabereki, havana kuroverera muvana vavo kuremekedza chiremera. Uyewo kusaruramisira kwavakuru vakuru kwakaonwa navana hakuna kubetsera zvinhu. Somuuyo, kuzvidzwa kwechiremera kwakava kwavose.

2 Kusaremekedza ikoko kunoratidzirwa munzira dzakasiana-siana. Padzimwe nguva kunoitwa kupfurikidza nokushandisa rudzi rwakati rwomupfekero kana kuti magadzirirwo evhudzi anoratidzira kurambwa kwemipimo inogamuchirwa. Kungabatanidza kuzvidzwa kwapamhene kwamapurisa, kana kuti kunyange masimba masimba nokuteurwa kweropa. Asika hakuna kuganhurirwa kuna izvozvi. Kunyange pakati paavo vasati vachizviratidzira vamene mune idzi nzira dziri pamhene, vazhinji vanofuratira kana kuti kudarika mitemo kana ivo vasingawirirani nemitemo yakadaro kana kuti vachiiwana kuva isina kukodzera.

3 Uyu mugariro wakatapura mugariro mumisha, muzvikoro, kunzvimbo dzebasa, nomukuonana navakuru vakuru vehurumende. Mutambanuko inoenderera mberi mukuwedzera, vanhu havasati vachida kuti munhu upi noupi avaudze chokuita. Vanosvasvavirira chavanodavira kuti rusununguko rukuru zvikuru. Wanangana nouyu mugariro, uchaiteiko?

4. Kupfurikidza nezvatinoita muiyi nhau, tinoratidzira chimiro chedu chendangariro pamsoro pechirevoi?

4 Nzira yako icharatidzira paumire pamsoro pechirevo chouchangamire hwapose pose hwaJehovha. Unoremekedza zvomenemene Jehovha saManyuko orugare rwechokwadi nokuchengeteka here? Uchatsvaka ndokushandisa muupenyu hwako icho Shoko rake rinoraira here? Kana kuti uchafambidzana naavo mumutoo wokuzvimirira vanoita zvisarudzo zvavo vamene pamsoro pechakarurama nechiri chisinakururama here?—Genesi 3:1-5; Zvakazarurwa 12:9.

5. (a) Chii chinowanzoparirwa nokutevera kutungamirira kwavanhu vanopikira “rusununguko”? (b) Ko munhu anoita kuda kwaMwari akasununguka zvakadini?

5 Kuziva kwakarurama Bhaibheri kunogona kukutaviridzira pakuva anotsauswa naavo, vachinguno‘pikira rusununguko, ivo vamene vari savaranda voushati.’ Kutevera kutungamirira kwavanhu vakadaro kwaizongokupinza bedzi mumugariro mumwe chetewo wokuva muuranda. (2 Petro 2:18, 19) Rusununguko rwechokwadi rwunogona kuwanwa bedzi kupfurikidza nokudzidza ndokuita kuda kwaMwari. Murairo wake woumwari ndiwo “mutemo wakakwana worusununguko.” (Jakobho 1:25) Ikoku kunogona kutaurwa nokuti Jehovha haasati hake achitidzivirira nomutoo usiri madikanwa, achitikomberedza nemirairo isingabatiri donzo rinobetsera. Asi mutemo wake unogovera chaizvo rudzi rwenhungamiro inovigira rusununguko, rugare, nokuchengeteka kwakavakirwa paukama hwakarurama naMwari uye navanhu biyedu.

6, 7. (a) Ndianiko anokwanisa zvakanakisisa kuita chimwe chinhu pamsoro pokushandiswa zvisina kufanira kwechiremera? (b) Ko Jesu akaratidzira sei chinoitika kuvanhu vanoita madiro avo vamene?

6 Kupfuura zvikuru munhu upi noupiwo zvake, Mwari anoziva kutambanuka kwoushati hwomunhu nokushandiswa zvisina kufanira kwechiremera. Nokudaro iye akapa Shoko rake kuti pasinei hapo nokuti avo vanoparira kudzvinyirira vangava nomugariro wakakwirira zvakadini, iye achavadanira kuzozvidavirira. (VaRoma 14:12) Munguva yakagadzwa yaMwari, “vakaipa . . . vachagurwa kubva papasi rimene; uye kana vari vanyengeri, vachadzurwa pariri.” (Zvirevo 2:22) Asi hapana betsero inogara narini nokuda kwedu timene ichava somuuyo kana isu tikava nechinya ndokuita hedu pamadiro.—VaRoma 12:17-19.

7 Pausiku hwokushambadzwa kwake nokubatwa, Jesu akasimbisa ikoku kuvaapostora vake. Nemhaka yemigariro munyikayo, kubatanidza nokuvapo kwezvikara, vanhu vaiwanzofamba nezvombo. Naizvozvo panhambo iyoyo pakanga pane minondo miviri pakati pavaapostora vaJesu. (Ruka 22:38) Chii chakaitika? Eya, vakaona kumonyaniswa kwokuputswa kwamaruramiro eruramisiro apo Jesu akanga achibatwa pasina chisakiso. Naizvozvo Petro nomutoo womuzvarirwo akavhomora munondo wake ndokugura nzeve yomumwe wavarumevo. Asi Jesu akadzorera nzeve yakagurwa ndokuraira Petro, kuti: “Dzorera munondo wako munzvimbo yawo, nokuti vose avo vanoshandisa munondo vachaparara nomunondo.” (Mateo 26:52) Vanhu vazhinji, kunyange muzuva redu, vangadai vakaponeswa parufu rusingawirirani nenguva kupfurikidza nokutevera iyi pangiro.—Zvirevo 24:21, 22.

Kurangarirwa Kwakafanira Kwechiremera Chenyika

8. (a) Sezvinorondedzerwa pana VaRoma 13:1, 2, maKristu anofanira kurangarira sei vabati ushe vokunyika? (b) Chii chinorehwa nokutaura kwokuti ivo “vakaiswa munzvimbo dzavo dzino mwero naMwari”?

8 Pakunyorera maKristu omuRoma, muapostora Pauro akafuridzirwa naMwari kukurukura mazvibatire avaizozviita mukuwirirana nezviremera zvenyika. Iye akanyora, kuti: “Mweya uri wose ngauzviise pasi pezviremera zvikuru, nokuti hapasati pane chiremera chiripo chisina kubvumirwa naMwari; zviremera zviripo zvakaiswa munzvimbo dzazvo dzinomwero naMwari. Naizvozvo iye unopokanidza chiremera unodzivisa gadziriro yaMwari; avo vakadzivisa mukurwisana nacho vachawana rutongeso kwavari vamene.” (VaRoma 13:1, 2) Ikoku kunoreva here kuti Mwari akaisa ava vabati ushe vokunyika musimba? Bhaibheri rinosanopindura kuti aiwa! (Ruka 4:5, 6; Zvakazarurwa 13:1, 2) Asi ivo varipo kupfurikidza nokubvumidza kwake. Uye ‘nzvimbo ino mwero’ yavanayo mukufambira mberi kwenhau yakatemwa naMwari. Chii chave chiri nzvimbo iyoyo?

9. Kunyange zvazvo vakuru vakuru vachipinda mumiitiro isina kururama, neiko tingagona kuvaratidzira ruremekedzo?

9 Rugwaro ruchangobva kunokorwa mashoko runoti ndiimwe yaka“kwirira.” Nokudaro vakuru vakuru vehurumende havasati vachifanira kuzvidzwa. Mitemo inoshandiswa navo haisati ichifanira kuzvidzwa. Ikoko hakusati kuchireva kuti iwe ungadikanirwa hako kuyemura vanhu vamwe navamwe, kana kuti utendere ushati hupi nohupi hwavangapinda mahuri. Asi kuremekedza kunosanoratidzirwa nokuda kwenzvimbo yavanayo.—Tito 3:1, 2.

10. Ko kuripirwa kwemitero kunofanira kurangarirwa sei, uye nei?

10 Mumwero mukuru, mitemo yenyika inobatira betsero. Inobatsira kuchengeta runyararo ndokusimbisira mwero wakati kuti wokutaviridzira vanhu nepfuma yavo. (VaRoma 13:3, 4) Uyewo, hurumende dzinowanzogovera migwagwa, basa routsanana, kutaviridzira mwoto, dzidzo, namamwe mabasa anobetsera vanhu. Ko ivo vanofanira kuripirwa nokuda kwamabasa aya here? Ko tinofanira kutera mitero here? Mubvunzo iwowu unowanzomutsa mifungo yakasimba nokuda kwemitero yakakwirira uye kazhinji kazhinji kushandiswa zvisina kufanira kwemari dzavose. Munguva dzaJesu, mubvunzowo wakanga une pesvedzero dzezvamatongerwe enyika. Asi Jesu haana kutora chimiro chokuti mugariro waivapo waibvumidza kuramba kupi nokupi kuripira. Achitaura nezvemari yakanga yaitwa naKesari weRoma, iye akati: “Naizvozvo, dzorerai zvinhu zvaKesari kuna Kesari, asi zvinhu zvaMwari kuna Mwari.” (Mateo 22:17-21; VaRoma 13:6, 7) Aiwa, Jesu haana kusimbisa pfungwa yomunhu mumwe nomumwe anoita hake pamadiro ake amene.

11, 12. (a) Ko Magwaro anoratidzira sei kuti kune chimwe chiremera chinofanira kurangarirwa? (b) Waizoiteiko kudai vabati ushe vokunyika vaibudisa mirairo yairwisana nezvinodikanwa zvaMwari, uye nei?

11 Zvisinei, Jesu akaratidzira kuti “Kesari,” hurumende yenyika, akanga asati ari chiremera bedzi chaifanira kurangarirwa. “Zviremera zvikuru” hazvisati zviri zvikuru kuna Mwari kana kuti kunyange zvakaenzana naye. Mukusiana, izvo zviduku zvikuru kwazvo kwaari. Naizvozvo chiremera chavo chakaganhurirwa, hachina kukwana. Nokuda kwaikoku, maKristu ave achiwanzonangana nechisarudzo chakaoma. Chisarudzo chaunofanirawo kunangana nacho. Apo vanhu vari musimba vanoraira nokuda kwavo vamene icho chiri chaMwari, uchaiteiko? Kana vakarambidza icho Mwari anoraira, uchateerera aniko?

12 Vaapostora vaJesu mukuremekedza bva mukutsiga vakarondedzera chimiro chavo kumitezo yedare rapamusoro muJerusarema, kuti: “Isu hatingagoni kurega kutaura pamsoro pezvinhu zvatakaona nokunzwa. . . . Isu tinofanira kuteerera Mwari somubati ushe kupinda vanhu.” (Mabasa 4:19, 20; 5:29) Hurumende padzimwe nguva dzakaisa ganhuriro mumanyama amire nerongo, uye ikoko kunonzwisisika. Asika padzimwe nguva ganhuriro dzehurumende dzingarongedzererwa kuvhiringidza kunamata kwedu Mwari ndokukuita kusingabviri kuita misengwa yedu yakapiwa naMwari. Ipapoka chii? Shoko rakafuridzirwa raMwari rinopindura, kuti: “Isu tinofanira kuteerera Mwari somubati ushe kupinda vanhu.”

13, 14. (a) Tinofanira kuva vanongwarira sei pakusateerera mitemo yokunyika nokuda bedzi kwezvikonzero zvedu timene? (b) MuMagwaro, ratidzira zvikonzero zvaikoku.

13 Kunyange zvazvo kukudza uyu musengwa kuna Mwari kungarwisana neicho “Kesari” anoda, ikoku kwakasiana chose chose nokuputsa nomutoo wokuzvimirira mitemo yatisati tichibvumirana nayo. Ichokwadi kuti, mumurangariro womunhu amene, mimwe mitemo ingaratidzira kuva isiri madikanwa kana kuti inoganhurira nomutoo usino kufanira. Asika ikoko hakusati kuchiruramisira kufuratira mitemo iya isati ichirwisana nemitemo yaMwari. Zvakadiniko kudai vanhu vose vaiteerera bedzi mitemo yavairangarira kuva inobetsera ivo vamene? Kwaizongoparira bedzi nyongano.

14 Padzimwe nguva munhu angarangarira hake kuti iye angafuratira chiremera ndokuita hake zvaanoda nemhaka yokuti iye sezvingabvira haabatwi ndokurangwa. Asika muna ikoku mune ngozi yakakomba. Kunyange kuzvidza mutemo pakutanga kungabatanidza nhau dukusa, kuita kwomunhu asingarangwi kungamukuchidzira kukusateerera mutemo kukuru zvikuru. Sokurondedzera kunoita Muparidzi 8:11, kuti: “Nokuti kutongerwa basa rakashata kwave kusati kuchikurumidza kuitwa, ndicho chikonzero nei mwoyo wavanakomana vavanhu wakarunda zvizere mukati mavo kuita zvakashata.” Asika chikonzero chaichoicho chinongova bedzi kutya kurangwa nokuda kwokusateerera here? KumuKristu, panofanira kuva nokusundwa kwakasimba zvikuru kwazvo. Muapostora Pauro akachiidza kuti “chikonzero chinogombedzera”—chishuvo chehana yakachena. (VaRoma 13:5) Munhu ane hana yakarovedzwa kupfurikidza nenheyo dzapaMagwaro anoziva kuti kuronda nzira yokusateerera mutemo kwaizova “kurwisana negadziriro yaMwari.” Pasinei hapo nezvokuti vamwe vanhu vanoziva nezvezvatiri kuita, Mwari, anoziva uye kariro dzedu nokuda kwoupenyu hwomunguva yemberi dzinotsamira paari.—1 Petro 2:12-17.

15. (a) Chii chinofanira kutungamirira munhu muchimiro chake chendangariro kumudzidzisi wapachikoro kana kuti mubatirwi? (b) Munzira iyi tinodzivisa kuva vanopesvedzerwa nomudzimu waani?

15 Kumwe cheteko kunodarowo kuchimiro chendangariro chomunhu muduku kumudzidzisi wake wechikoro nokuchimiro chendangariro chomukuru kumubatirwi wake wokunyika. Idi rokuti vanhu vazhinji vakatipota vanoita zvisinakururama harisati richifanira kuva chitemeso. Kunyange mudzidzisi kana kuti mubatirwi achiziva zvatinoita hakusati kuchifanira kuita mutsaukano upi noupi. Mubvunzo ndowokuti, Chii chiri chakarurama? Chii chiri chinofadza Mwari? Zvakare, kana zvatinokumbirwa kuita zvisati zvichirwisana nomutemo waMwari kana kuti nheyo dzakarurama, tinobatira pamwe. Vadzidzi vezvikoro vanowanzova vamiriri vehurumende yenyika, nokudaro vabatiri-nzvimbo ve“zviremera zvikuru,” naizvozvo vanofanirwa noruremekedzo. Uye kana vari vabatirwi vokunyika, nheyo yeBhaibheri iri pana Tito 2:9, 10 ingashandiswa, kunyange zvazvo Pauro ipapo akanga achinyora nezveimwe wirirano yakasiana, iya yavaranda kuvene vavo. Pauro akati: “Vafadzei zvakanaka, . . . muchiratidzira kutendeka kwakanaka zvizere, kuti [imi] mugoshonga dzidziso yoMuponesi wedu, Mwari, muzvinhu zvose.” (Tito 2:9, 10) Nokudaro, tinodzivisa pesvedzero yaSatani, uyo ane mudzimu “unoshanda muvanakomana vokusateerera,” uye tinoumba wirirano dzino rugare navanhu biyedu.—VaEfeso 2:2, 3.

Chiremera Mukati Momusha

16. Ndichinodikanwai nokuda kwoupenyu hwemhuri hunotsinhirana chinorondedzerwa pana 1 VaKorinte 11:3?

16 Boka remhuri ndeimwe nzvimbo umo kuremekedza chiremera kunogona kupira kuukama huno rugare. Kazhinji kazhinji kwazvo kuremekedza kwakadaro kunoshaika, kuchiparira kuputsika kwoukama hwemhuri uye kazhinji kazhinji kuputsika kwemba. Chii chingaitwa kuvandudza mugariro wacho? Nheyo youmusoro, seyakarongwa pana 1 VaKorinte 11:3, ine mhinduro: “Musoro womurume ari wose ndiKristu; uyewo musoro womukadzi murume; uyewo musoro waKristu ndiMwari.”

17. (a) Kana huri humusoro, chii chiri nzvimbo yomurume? (b) Ko Kristu akagadza muenzanisoi wakaisvonaka pamsoro poumusoro hwomurume?

17 Cherekedza kuti uku kutaurwa kwegadziriro yaJehovha hakusati kuchitanga kunongedzera kuumusoro hwomurume. Panzvimbo pezvo, kunozivisa idi rokuti kuno mumwe munhu uyo murume anofanira kutarira kwaari nokuda kwenhungamiro, mumwe munhu uyo ane muenzaniso waanofanira kutevera. Munhu iyeyo ndiJesu Kristu. Iye ndiye musoro womurume. Uye mukubata kwake neungano yake, iyo inofananidzirwa nomwenga, Kristu akaratidzira nzira yokuita nayo rubudiriro rwoumusoro hwomurume. Muenzaniso wake wakaisvonaka wakanyandura kudavidza kwokudisisa muvateveri vake. Paakatungamirira, panzvimbo pokuva bhasi, ane hasha naanoraira kuvateveri vake, Jesu akanga ari “munyoro naanozvininipisa mumwoyo,” zvokuti vakawana kuzorodzwa nokuda kwemweya yavo. (Mateo 11:28-30) Ko iye akavazvidza nokuda kwezvikanganiso zvavo here? Mukusiana, iye nomutoo worudo akavapa zano uye kunyange kuvanzarika upenyu hwake kuvachenura zvivi. (VaEfeso 5:25-30) Haiwa, chikomborero chakadini kuimba ipi neipi kuva nomurume anotamburira zvapachokwadi kutevera muenzaniso iwowo!

18. (a) Ko mudzimai angaratidzira munzirai kuti iye anoremekedza chiremera chomurume wake? (b) Ko vana vanofanira kuratidzira sei kuremekedza vabereki vavo, uye nei?

18 Kana mumusha muno umusoro hwakadaro, hakusati kuchiomera mukadzi kuti aremekedze murume wake. Uye kuteerera kunobva nyore nyore zvikuru kuvana. Asi kune zvizhinjiwo izvo mudzimai navana vanogona kupira kumufaro wemhuri. Kupfurikidza nokushingaira kwake mukutarisira imba uye kupfurikidza nomudzimu wake wokubatira pamwe, mudzimai anoratidzira kuti iye ano“ruremekedzo rukuru nokuda kwomurume wake.” Ndozvinoitika mumba yenyu here? (VaEfeso 5:33; Zvirevo 31:10-15, 27, 28) Kana vari vana, kuteerera kwokudisisa kuvose vari vaviri baba namai kunoratidzira kuti ivo vanokudza vabereki vavo, sezvinoda Mwari. (VaEfeso 6:1-3) Hamusati maizova norugare rukuru kwazvo nokunzwa kukuru kwazvo kwokuchengeteka kwenyu mumene muimba yakadaro kupinda muiyo kuremekedza chiremera kunoshaikwa here?

19. Kana uriwe bedzi mumhuri anoedza kuva anotungamirirwa neShoko raMwari, unofanira kuitei?

19 Unogona kubetsera kuita kuti musha wenyu uve nzvimbo yakadaro. Kunyange mimwe mitezo yemhuri ikasarudza kutsigira nzira dzaJehovha kana kuti kwete, iwe unogona kudaro. Vamwe vangadavidza kumuenzaniso wako wakaisvonaka. (1 VaKorinte 7:16; Tito 2:6-8) Kunyange kana ivo vasingaiti, zvaunoita zvichachachamara sechipupuriro chokururama kwenzira dzaMwari, uye ikoko hakusati kuri chimwe chinhu choukoshi huduku.—1 Petro 3:16, 17.

20, 21. (a) Ko Bhaibheri rinoratidzira sei kuti chiremera chomurume nechavabereki hachinokukwana? (b) Naizvozvo, mukadzi wechiKristu kana kuti vana vanodavira vanganangana nechisarudzoi, uye chii chinofanira kuvasunda?

20 Yeuka kuti chimiro chose chechiremera chemhuri chinobva kuna Mwari. Nokudaro varume vanofanira kuzviisa pasi paKristu, vadzimai pasi pavarume vavo “sezvakwakafanira munaShe,” uye vana pasi pavabereki vavo “nokuti ikoku kunosanofadza munaShe.” (VaKorose 3:18, 20; 1 VaKorinte 11:3) Naizvozvo Mwari haangagoni kusiiwa asingarangarirwi, angagona here? Ikoku kunoreva kuti chiremera chomurume pamudzimai wake, chavabereki pavana vavo, chinhu chino mwero. Ndiko kuti, mukwanyina wechiKristu navana vanozviisa pasi paMwari napaKristu pakutanga, vachiteerera zano ravo. Kuna vamwe vakwanyina vasingadaviri kana kuti vabereki mufungo iwowo pakutanga ungava usingafadzi. Asika unobatira zvomenemene kukubetserwa kwavo, nokuti uchabetsera kuita kuti mukwanyina asingadaviri navana vave vanovimbika zvikuru navanoremekedza.

21 Zvisinei, zvakadiniko kudai murume aizoraira kuti mudzimai wake aite chimwe chinhu chaizova chisina “kufanira munaShe”? Zvaanoita zvicharatidzira kana iye zvomenemene achi‘tya Mwari wechokwadi’ kana kuti kwete. (Muparidzi 12:13) Kumwe chetekwo kunodarowo apo vana vanokura zvakaringanira kunzwisisa uye kuteerera Shoko raMwari. Kana vabereki vavo vasina chishuvo chavo chokubatira Jehovha, vana vanofanira kusarudza kana ivo vachizova vakavimbika kuna Mwari kana kuti kukumbanira vabereki vavo vasati. (Mateo 10:37-39) Asi kunze kwomusengwa wavo wokutanga kuna Mwari, vana vanofanira kuzviisa pasi pe“chinhu chiri chose,” kunyange kana kukareva kuita zvinhu zvisati zviri zvokuda kwavo. (VaKorose 3:20) Iyi nzira yomufambiro ingatoyevedzera vabereki vavo kugadziriro dzaJehovha dzoruponeso. Zvamazvirokwazvo kuno“sanofadza munaShe” apo vavariro yomunhu inenge iri yokuvimbika kuna Jehovha nenzira dzake dzakarurama, panzvimbo pokusateerera kunoparirwa nomudzimu wokuzvimirira.

Muungano yechiKristu

22, 23. (a) Ko vatariri vechiKristu vanobatira sei mitezo yeungano? (b) Naizvozvo, VaHebheru 13:17 inoti tinofanira kuva nechimiroi chendangariro kwavari?

22 Kuvimbika kumwe cheteko kuna Jehovha kunofanira kuratidzirwa muchimiro chedu chendangariro kuungano yake yechiKristu naavo vanoitarisira. Jehovha akagovera vatarisiri vokufudza “boka.” Ivo havagamuchiri muripo asi vanozvipa vamene nokuda kwokuitira hanya chaikoiko nokuda kwehama dzavo dzechiKristu nehanzvadzi. (1 Petro 5:2; 1 VaTesaronika 2:7-9) Vanobetsera ungano kuita basa rokuparidzira mashoko akanaka oUmambo hwaMwari. Zvakare, kupfurikidza nokuitira hanya mutezo mumwe nomumwe weungano, vanobetsera iyoyi kudzidza mashandisirwe enheyo dzeBhaibheri muupenyu hwayo. Uyewo, kana mutezo upi noupi weungano ukadarika zvisina kufanira usingakuzivi zvizere, nhamburiko inoitwa yokumugadzirisa. (VaGaratia 6:1) Kana mutezo uchizvidza zano rapaMagwaro uye uchipfuurira mukuita chisinakururama chakakomba, vatariri vanotarisira kuti iye anotandwa. Nenzira iyeyo ungano inotaviridzirwa papesvedzero yake inoshatsa.—1 VaKorinte 5:12, 13.

23 Mukunzwisiswa kweiyi gadziriro yorudo yaJehovha yokusimbisira rugare pakati pavanhu vake, isu tinofanira kutetekera zano rinowanwa pana VaHebheru 13:17, rinoti: “Teererai vanokutungamirirai pakati penyu uye zviisei pasi pavo, nokuti vanoramba vachirinda mweya yenyu saavo vachazozvidavirira; kuti vagoita izvozvi nomufaro vasingaiti nokunyunyuta, nokuti ikoku kungava kunokukuvadzai.”

24, 25. (a) Ko izvo vakuru vanodzidzisa zvinofanira kupesvedzera sei nzira yatinovarangarira nayo? (b) Ko isu tinofanira kushandisa rini uye kupi zvatinodzidziswa muBhaibheri? Neiko?

24 Bhaibheri rinosimbisa kuti chikonzero chikuru ava vatariri kana kuti vakuru vachifanirwa noruremekedzo ndechokuti ivo vanodzidzisa “shoko raMwari.” (VaHebheru 13:7; 1 Timotio 5:17) Uye pamsoro pesimba re“shoko” irero, VaHebheru 4:12, 13 inoti: “Shoko raMwari ibenyu uye rinoshandisa simba uye rakapinza zvikuru kukunda munondo upi noupi unocheka kuviri uye rinobaya kunyange kusvikira pachikamuro chomweya nomudzimu, nechapamapfundo nomwoyo, uye rinokwanisa kucherekedza mifungo nemirangariro yomwoyo. Uye hapana chisiko chisingaoneki mukuona kwake, asi zvinhu zvose zvakafukurwa uye zvinoratidzirwa pameso ake uyo isu tinozvidavirira kwaari.”

25 Nenzira iyeyo zvokwadi dziri mushoko raJehovha dzinoratidzira musiano uri pakati pechingaratidzika munhu kuva nezvaari iye zvomenemene. Kana ano kutenda chaikoiko muna Mwari nechishuvo chaichoicho chokufadza Musiki wake, vavariro yake ichasanoratidzira “mbiri yaMwari” kunyange pakusaonwa navakuru veungano. (VaRoma 3:23) Iye haasati aizopinda mumufambiro usiri wapaMagwaro nemhaka yokuti hausati uri pakati pezvisinakururama zvakakomba izvo munhu angazvitandirwa muungano. Nokudaro, kana mumwe munhu akarerekera kukurerutsa ripi neripi rezano rinowanwa muShoko raMwari, anotofanira kusanonzvera chiri zvomenemene chimiro chake kuna Mwari. Ko iye ari kuva akafanana nomunhu uya Pisarema 14:1 rinoreva nezvake, kuti: “Benzi rakati”—kwete, pasati pari pamhene,—asi “mumwoyo maro: ‘Hakuna Jehovha’” here?

26, 27. (a) Neiko kuchikosha kufungisisa “kutaura kuri kwose” kwaJehovha? (b) Ko upenyu hwedu hunotapurwa sei apo isu nenzira iyeyo tinoratidzira ruremekedzo nokuda kwechiremera?

26 Pakuedzwa naDhiabhorosi, Jesu akazivisa, kuti: “Munhu anofanira kurarama . . . nokutaura kuri kwose kunobuda mumuromo maJehovha.” (Mateo 4:4) Unodavira here kuti “kutaura kuri kwose” kwaJehovha kunokosha, kuti hapana nokumwe kunofanira kufuratirwa? Kuteerera zvimwe zvezvinodikanwa zvaJehovha, kunyange uchirangarira zvimwe sezvisingakoshi, hakuna kutongoringana. Tinotsigira kururama kwouchangamire hwaJehovha kana kuti zvimwe tinotsigira rutivi rwaDhiabhorosi rwechirevo kupfurikidza nokugadza mupimo wedu timene wechiri chakanaka nechiri chakashata. Vanofara ndaavo vanoratidzira kuti ivo zvamazvirokwazvo vanoda mutemo waJehovha.—Pisarema 119:165.

27 Vanhu vakadaro havasati vachipinzwa mumusungo nomudzimu unokamuranya wenyika. Uyewo havasati vachipinda mumufambiro unonyadzisa waavo vanorega kudzivirira tsika dzakanaka. Kuremekedza zvikuru Jehovha nenzira dzake dzakarurama kunopa kutsiga kuupenyu hwavo. Kuremekedza kwakadaro Jehovha nenzira dzake kunovagonesa kuva nokuremekedza kwakafanira zviremera zvapasi, uko kuri kunodikanwa nokuda kwokurarama kuno rugare.

[Mufananidzo uri papeji 134]

Vaapostora vaJesu vakaudza dare rapamusoro, kuti: “Isu tinofanira kuteerera Mwari somubati ushe kupinda vanhu.”

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe