Ganhuro 14
Kuremekedza Chipo Choupenyu
1, 2. Neiko tichifanira kuremekedza zvikuru chipo choupenyu?
KUREMEKEDZA zvikuru chipo choupenyu inheyo yorugare rwechokwadi nokuchengeteka. Asika kuremekedza kwakadaro upenyu kuri kushaika nomutoo unosuruvarisa nhasi. Vanhu vazova vane unyanzvi pakuuraya upenyu, asi hakuna nomumwe wavo anogona kudzorera upenyu kana hwangoparara.
2 Kuremekedza upenyu musengwa mutsvene kunoMupi woupenyu, Jehovha Mwari. Wezvamapisarema akataura nezvake, kuti: “Kunemi ndiko kune manyuko oupenyu.” (Pisarema 36:9) Tinowana upenyu hwedu kuna Mwari, kusati kuri bedzi nokuti iye akasika munhu asiwo nokuti iye akabvumira vanhu kupfuurira kusvikira zvino uye akagovera mutoo wokutsigira upenyu. (Mabasa 14:16, 17) Kupfuura ikoku, iye akagadzirira Mwanakomana wake kuva Mudzikinuri, kana kuti Mununuri, wemhuri yavanhu, achiitenga neropa roupenyu hwake. (VaRoma 5:6-8; VaEfeso 1:7) Somuuyo, iye zvino anotambanudzira banza rokurarama nokusingaperi muTsika Itsva yake yakarurama kuna vose vacharigamuchira. Nokuda kwaikoku kwose, tingagona sei kuratidzira kuremekedza kwedu kukuru nokuonga nokuda kwechipo chaMwari?
3. Ko kuona masimba masimba nokuda kwevaraidzo kunotapura sei chimiro chendangariro chomunhu kuupenyu?
3 Kutanga, kana tichisimbisira pamsoro pokuratidzira kuremekedza upenyu, hatisati tichizokumbanira avo, nokuda kwomufaro bedzi, vanodyisa ndangariro dzavo nevaraidzo inoratidzira masimba masimba. Kugamuchira masimba masimba se“varaidzo” kwakaparira vazhinji kuva vakaoma mwoyo navane utsinye pakutambura kwavanhu nokurashikirwa noupenyu. Asi kana tiri vanoonga kunaka kwaMwari netariro yaanopa, tichadzivisa mudzimu wakadaro. Tichakudziridza kuonga upenyu sechipo chinobva kuna Mwari. Ikoku kuchatapura mashandisire atinoita upenyu hwedu timene, mabatire atinoita vamwe vanhu, kunyange marangarire atinoita avo vachigere kuberekwa.
Kuremekedza Upenyu Hwavasati Vaberekwa
4. (a) Ndirini apo upenyu hunopfuuridzirwa kumwana wako? (b) Chii chinoratidzira kana Mwari achifarira upenyu hwomunhu pamberi pokuberekwa?
4 Simba rokupfuudzira upenyu iropafadzo yakaisvonaka, yakapiwa nomutoo woumwari. Upenyu ihwohwo hunopfuuridzirwa, pasati pari pakuberekwa, asi panguva yokunamba. Sokurondedzera kunoita Encyclopœdia Britannica, ndipo panguva iyeyo apo “nhau youpenyu hwomunhu, sechinhu chakatsaukana nechipenyu, inovamba.” Rinotiwo: “Munhu mutsva anoitwa apo zvinhu zvembeu ine simba zvinosangana neizvo zvezai rinesimba rokubereka, kana kuti zanda.”60 Nenzira imwe cheteyo, kufarira kwaMwari upenyu hwomunhu kunovamba pamberi pokuberekwa. Wezvamapisarema Dhavhidhi akanyora, achiti kuna Mwari: “Imi makandicherekedza ndakafukidzirwa mudumbu ramai vangu. . . . Meso enyu akaona kunyange mavambo angu, uye mativi awo ose akanyorwa mubhuku renyu.”—Pisarema 139:13-16; Muparidzi 11:5.
5. Neiko kupokanidza kunoratidzirwa munhamburiko dzokururamisa kupfupfudza mimba kusati kwakanaka?
5 Upenyu hwamamirioni avana vasati vaberekwa hunogumiswa noune gore rimwe nerimwe kupfurikidza nokupfupfudza mimba. Ikoku kwakarurama here mutsika? Vamwe vanopokanidza kuti mwana asati aberekwa haazivi upenyu uye haakwanisi kuvapo ari kunze kwenhumbu. Asika ikoku kunodarowo zvikurukuru nezvomwana achangobva kuberekwa. Pakuberekwa iye haanzwisisi revo youpenyu, uyewo haangagoni kupfuurira kuvapo kunze kwokutarisirwa kunopfuurira. Sero benyu rinoumbwa pakunamba rinova mwana akadaro kana risingavhiringidzwi. Naizvozvo kana kuuraya upenyu hwomwana achangobva kuberekwa kuchirangarirwa semhaka kunenge kunzvimbo iri yose, uye nhamburiko hurusa dzinoitwa kuponesa kunyange vana vanoberekwa nguva isati yasvika, chokwadika, ipapoka, haisatiwo iri nhaka here kuuraya upenyu hwomwana asati aberekwa? Neiko upenyu huchifanira kurangarirwa sohutsvene bedzi pashure pokunge hwabva mumimba uye kwete huchiriwo mukati menhumbu?
6. Ko Bhaibheri rinoratidzira sei murangariro waMwari kukuuraya noune upenyu hwomwana asati aberekwa?
6 Chinhu chinokosha hachisati chichingova bedzi marangaririre anoita vanhu zvinhu asi icho Mwari, mupi woupenyu, anotaura. Upenyu hwomwana asati aberekwa hunokosha kuna Jehovha, hahusati huchifanira kutambwa nahwo. Iye akapa mutemo kuna Israeri wekare unotaviridzira zvikurukuru upenyu ihwohwo. Kana, mukurwa, pakati pavarume vaviri, mukadzi ane mimba aikuvadzwa kana kuti kupfupfudzika kwaiparirwa, uyu mutemo waigadza zvirango zvorumano. (Eksodho 21:22, 23) Kuuraya mwana asati aberekwa noune kungatova kwakakomba zvikuru. Mukuwirirana nomutemo waMwari, munhu upi noupi aiuraya munhu noune aifanira kutongerwa rufu semhondi. (Numeri 35:30, 31) Mwari anochengeta kuremekedzwa kumwe cheteko kwakakwirira kwoupenyu zvino.
7. Ko isu tinotaviridzirwa pachii patinoremekedza kuda kwaMwari pamsoro poupenyu hwomwana asati aberekwa?
7 Kuremekedza kukuru kuda kwaMwari pamsoro poupenyu hwomwana asati aberekwa kunobatira betsero chaiyoiyo. Kupfurikidza nokuita kuti vabereki vave vanotarisira zvizere upenyu ihwohwo, Jehovha anogovera ganhuriro kuvatano yokusasarura nemiuyo yayo yose yakashata. Iyoyi inobatanidza hosha dzinopomeranwa muvatano, nhumbu dzisingadiwi, vana vasiri vapamutemo, mhuri dzinoputsika, nokudzinyirirwa kwendangariro kwehana isina kuchena. Nenzira iyeyo, kuremekedzwa kwoupenyu kunogona kupira kurugare rwemhuri zvino uye chinhu chinokosha mukuwana kwedu zvikomborero zvomunguva yemberi.
Kuremekedza Upenyu Hwako Umene
8. Neiko tichifanira kuratidzira kuremekedza kuda kwaMwari nenzira yatinobata nayo muviri wedu umene?
8 Zvakadini nenzira yatinobata nayo upenyu hwedu? Vanhu vazhinji vanoti: ‘Ini handina kusarudza kuberekwa. Naizvozvo zvandinoita noupenyu hwangu mutoro wangu ndimene. Ini ndichaita zvipi kana zvipi zvandinoda.’ Asika chipo chinofanira kukumbirwa here kuti mugamuchiri agochikoshesa? Nomutoo usingapanikirwi upenyu ihwo humene hwakanaka. Kunongova bedzi kusakwana nokutambura kwohunhu kunotorera upenyu mufaro wahwo mukurusa. Jehovha Mwari haafaniri kushorwa nokuda kwaikoku. Uye iye anopikira kukururamisa kupfurikidza nehurumende yake yoUmambo. Naizvozvo, isu tinofanira kurarama mukuwirirana noupenyu hwaanotipa munzira inoratidzira kuremekedzwa kwokuda kwake nedonzo.—VaRoma 12:1.
9. Ko Bhaibheri rinotii pamsoro pamakaro noudhakwa?
9 Imwe nzira yatingaratidzira nayo kuonga kwakadaro iri kupfurikidza nokuva nomwero muzvokudya nezvokunwa. Makaro nokudhakwa zvinoshorwa naMwari. (Zvirevo 23:20, 21) Uyevo, sezvo kudya mumwero kuri kwakafanira ndizvo zvinoitawo kushandiswa kwezvinwiwa zvinodhakisa mumwero. Ikoku kunoratidzirwa namagwaro mazhinji.—Dheutoronomio 14:26; Isaya 25:6; Ruka 7:33, 34; 1 Timotio 5:23.
10. (a) Ko chidhakwa chinoratidzira sei kuzvidza upenyu? (b) Sezvinoratidzirwa pana 1 VaKorinte 6:9, 10, neiko kuri kunokosha kudzivisa kudhakwa?
10 Naizvozvo hakusati kuri kunwa kunoshorwa muBhaibheri. Ndiko kushandiswa kusino kufanira kwezvinwiwa zvinodhaka. Uye nechikonzero chakanaka, nokuti ikoku kunokuvadza muviri, kunoita kuti vanwi vaite nenzira youpenzi, uye kungatovaita ngozi kuna vamwe. (Zvirevo 23:29-35; VaEfeso 5:18) MuUnited States moga bedzi, vanenge vanhu vane mamirioni 10 vanotambura nokudhakwa, muuyo uchiva nzufu dzinopfuura 30 000 gore negore dzinoparirwa nehosha yechiropa. National Council on Alcoholism rakati: “Mutengo wose kurudzi unenge madhora ana mabhirioni 43 pagore nokuda kwokurovha, utano namabasa egarikano, kukuvadzwa kwepfuma nendyiko dzezvokurapa. . . . Nezvetsaona dzose dzinouraya dzinoitikira pamugwagwa nhasi, 50 muzana inobatanidza zvinwiwa zvinodhakisa. Inopfuura 80 muzana yenzufu dzomoto, 65 muzana yokunyura mumvura, 22 muzana yetsaona dzomumisha, 77 muzana dzokupunzika, 36 muzana dzavanofamba netsoka ne 55 muzana yokubatwa kunobatanidzwa nokushandiswa kwezvinwiwa zvinodhakisa. Kusvikira ku 44 muzana yavatekenyi vendege vanobatanidzwa mutsaona dzave dziri kunwa. Muitiro wamasimba masimba wakaparirwa nokunwiwa kwezvinodhakisa wakaparira inenge 65 muzana yokuponda, 40 muzana yokudenha, 35 muzana yokubata chibharo, 30 muzana yedzimwe mhaka dzevatano, 30 muzana yokuzviuraya, 55 muzana yokurwa kana kuti kudenha mumusha ne 60 muzana yemhaka yokubatwa zvisinokufanira kwavana.”61 Mutengo mumisha inoputsika, upenyu hunoparadzwa, nokutambura kwavanhu hauverengeki. Nenzira iyeyo hakusati kuchikatyamadza kuti Shoko raMwari rinoti: “Musatsauswa. Zvifeve, . . . kana kuti vararadzi, kana kuti vacheri, kana kuti makororo havazogari nhaka umambo hwaMwari.”—1 VaKorinte 6:9, 10.
11. Ko kuno mufungo here kuedza kunzvenga zvinetso zvako umene kupfurikidza nokunyanyonwisa?
11 Chokwadi, vamwe vanonzwa zvikurukuru muuyo unodzvinyirira wenyika. Hondo dzayo, utsotsi, kukwira kwemitengo, urombo, uyewo manikidziko yayo nedzvinyiriro zvinopira kuzvinetso zvomunhu amene. Asika hapana chinhu chinowanwa kupfurikidza nokuedza kunzvenga izvozvi kupfurikidza nokunyanyonwisa kunokuvadza. Ikoku kunongoparira bedzi zvimwe zvinetso kumunhu amene navamwe uye, mukufambira mberi kwenguva, kunoparadza kukudzwa kwake, donzo mukurarama, nomukumira naMwari.
Kushandiswa Kwemirimo
12. Neiko vanhu vazhinji vachitendeukira kumirimo?
12 Mukuedza kunzvenga zvinetso zvoupenyu, vanhu vazhinji vakatendeukira kumirimo inoparira kuona madzerere. Vashandisi vemirimo yakadaro vanotsinhanisa chinhu chaicho icho nokunzwa kwokurota hope kana kuti chiyeverwa. Vazhinji vanoshandisa mirimo ine simba yakadai seheroin necocaine. Vamwe vane mwero mikuru yemirimo yakasiana-siana iri muchimiro chamapiritsi. Ko upenyu hwavo hunotapurwa sei?
13. Ko mimwe yeiyi mirimo ine tapuroi pamushandisi, uye Bhaibheri rinonyevera sei pamsoro paiyoyi?
13 Kushandisa kwavo iyi mirimo kunoparira nyore nyore kurashikirwa nokuzvidzora, kuchiparira miuyo yakafanana neiya inooneka mumunhu adhakwa. (Zvirevo 23:29-34) Uye kunowanzozivikanwa kuti iyi mirimo inogona kuva ine ngozi. Muguta reNew York, somuenzaniso, kupindwa muropa neheroin chisakiso chikurusa chorufu pakati pavanhu vari pakati pamazera amakore 18 ne 35. Haiwa, kuzvidzwa kukuru sei kwechipo choupenyu!
14, 15. Neiko avo vanosvuta mbanje vasati vachiratidzira kuremekedza chipo choupenyu?
14 Asika zvakadiniko nemurimo usingararadzisi wembanje? Iwowo unogona kuva une ngozi munzira dzinoverengeka. Vanoshandisa mbanje vanowanzova vanoratidzirwa kumirimo ine simba zvikuru kupfurikidza nokuonana navashambadziri vemirimo navamwe vashandisi. Zvakare, vazhinji vakava vanotsamira pamirimo, vachidavira havo kuti kungavanyevenutsa pakufunga napakupera mwoyo, sezvingabvira vanopfuurira kumirimo yakasimba zvikuru.
15 Asi kunyange kana ikoku kusati kuchiitika, kusvuta mbanje kune ngozi. Kune zviutachiona zvinoparira gomarara kupinda zvinoita minzanga, uye kunokuvadza zvikuru kumapapu. Kushandiswa kunopfuurira kunogona kuparira kuvadziko yechiropa, tuurema twamavara anogarwa nhaka okubereka, nokukuvadzika kwouropi. Canada’s Addiction Research Foundation rinoti mbanje “murimo une simba une nzvimbo yakafara yengozi dzoutano.”62 Gorokotera remirimo rakati: “Mbanje murimo unokuvadza zvikuru. Kwaanopfuura makore 10 chimwe chinhu chakadai samapepa ane 10 000 akabudiswa munzanga yesayenzi chichiratidzira ngozi youtano.” Iye akacherekedza kuti “ngozi yakaipisisa iri yakakomba muvayaruki vanoedza kuyeuka,” mukuti inonetesa dura rokuyeuka namano okufungisisa. Nezvomushandisi wembanje, iye akati: “Iye haangagoni kutekenya motokari nomutoo wakafanira kana kuti kushandisa tapureta. Kushandisa kunoredzva kunoparira kumwe kukuvadzika kwakakomba kugadziriro isingatapurwi inodzivirira muviri pahosha.”63 Vakadzi vanosvuta mbanje mukati mokuva nemimba vane ngozi huru zvikuru kwazvo yokuva navana vane kuvadziko youropi. Pakurangarira ikoku kwose, kungagona here kutaurwa kuti kushandisa mbanje kunoratidzira kuremekedzwa kwechipo choupenyu?
16. Ko kushandiswa kwemirimo kunogona kuratidzira munhu kune dzimwe ngozii dzakakomba, uye ikoku kunofanira kutapura sei kurangarira kwedu pamsoro penhauyo?
16 Pane chimwe chikonzero chakasimba chokudzivisa kushandiswa kwemirimo. Inogona kuzarurira munhu nzira yokudzorwa namadhemoni. Uku kubatanidzwa kwemirimo nokutaura nemidzimu hakusati kuchitongova kutsva. Varoyi munguva yakapfuura vaishandisa mirimo. Expository Dictionary of New Testament Words raVine rinoti: “Muuroyi, kushandiswa kwemirimo, kunyange isina simba kana kuti ine simba, kwaiwanzova pamwe chete nenhetembero nenheterero kumasimba amashiripiti.” Idzi tsinhiro dzinoitwa mukuwirirana neshoko rechiGiriki rinoshandurwa kuti “muitiro wokutaura nemidzimu” (phar·ma·kiʹa, zvikurukuru “uroyi”) pana VaGaratia 5:20. (Onawo Zvakazarurwa 9:21; 18:23.) Naizvozvo mirimo inogona kuratidzira munhu kupesvedzero yamadhemoni. Ko munhu anoremekedza Mupi wake woUpenyu angazviratidzira iye amene sei kungozi yakadaro nokuda kwokunzwa kwechinguvana?
17, 18. (a) Ndizvimwei zvibereko zvakashata zvakazova zvakabatana nokushandiswa kwemirimo? (b) Naizvozvo, zvapupu zvechiKristu zvaJehovha zvinorangarira sei kushandiswa kwemirimo?
17 Kunosanozivikanwa kuti kushandiswa kwemirimo kwakabatanidzwa nomutoo usingaparadzanisiki noutsotsi nokuputsika kwetsika muchaunga. Kutengesa mirimo kusingabvumirwi ndiko manyuko makurusa emari nokuda kwoutsotsi hwakarongwa. Vakapindwa muropa nemirimo vazhinji vanoba kuti vatsigire muitiro wavo. Vamwe vanotendeukira kuuhure. Mhuri dzinokamuranwa apo mumwe mutezo unova wapindwa muropa. Vanamai vane mimba vanopfuuridzira kupindwa muropa nemirimo kuvacheche vavo, avo padzimwe nguva vanofa mukutambura kurwadziwa kwokushaiwa mirimo. Uye munyika zhinjisa kuva nemirimo nokushandiswa kweyakadaro nokuda kwezvikonzero zvisati zviri zvokurapa hakubvumirwi pamutemo.—Mateo 22:17-21.
18 Ko iwe unoda kuva nechinhu chipi nechipi chokuita nomuitiro uri unobatanidzwa nezvibereko zvose izvezvo zvakashata here? Zvapupu zvaJehovha hazvidi! Hazvidi rutivi rwokushandiswa kwemirimo nokuda kwezvinofadza kana kuti kudzivisa zvinhu chaizvoizvo. Zvinoremekedza zvikuru upenyu uye zvinoda kuhushandisa munzira inowirirana nokuda kwaMwari.
Kushandiswa Kwefodya Nezvimwe Zvakafanana
19. Neiko kuremekedzwa kwechipo choupenyu kuchipinda mumurangariro wako kukushandiswa kwefodya, betel nut, namashizha omucoca?
19 Kwakapararira zvikuru nhasi ndiko kushandiswa kwefodya uye, mune dzimwe nyika, betel nut namashizha ecoca. Kumwe nokumwe kunokuvadza muviri uye, mune zvimwe zvinoitika, ndangariro. Hurumende dzakanyevera nezvebatano yefodya nehosha dzakadai segomarara ramapapu, zvirwere zvomwoyo, hosha yechipfuva chisingaperi, nokuzvimba kwamapapu. Ko kushandiswa kwezvibereko zvakadaro zvinopinda muropa nezvinokuvadza kunoratidzira kuremekedza chipo choupenyu here?
20, 21. (a) Ko idi rokuti Bhaibheri harisati richishora miitiro yakadaro nezita kureva here kuti iyo yose yakarurama? (b) Inheyoi dzeBhaibheri dzinoratidzira kuti miitiro yakadaro haina nzvimbo muupenyu hwomubatiri waMwari?
20 Munhu angataura hake kuti zvinhu izvozvi zvosezvakasikwa naMwari. Chokwadi, asika ndozvakaitawo hwowa. Asika mhatsa yakati kuti inobvumikisa kuva inouraya kana ikadyiwa. Mumwe angataura hake kuti Bhaibheri harisati richishora zvakananga miitiro yakadaro. Aiwa, asika, sezvataona, pane zvinhu zvizhinji zvisati zvichishorwa zvakananga muBhaibheri zviri zvakaipa sezvinooneka. Hapana chaizvoizvo apo Bhaibheri rinorambidza kushandisa chivanze chokushure chomuvakidzani wako kurashira marara. Asi murairo waro woku“da muvakidzani wako sokuzvida kwaunoita iwe umene” unofanira kuva wakaringanira upi noupi wedu kuziva kuti kwaizova kusina kururama sei. Nomutoo wakafanana, kusvuta kunoratidzira kushaika kworudo, sezvo utsi hungaswinya vamwe uye hungatokuvadza utano hwavo.—Mateo 22:39.
21 Pana 2 VaKorinte 7:1 Shoko raMwari rinotiudza ku“zvichenura timene pakusvipiswa kwose kwenyama nomudzimu, tichikwanisa hutsvene mukutyiwa kwaMwari.” Kuti chimwe chinhu chigova “chitsvene” kunoreva kuti icho chigova chakachena, chisina tsvina, chisino kusvipiswa, chisina kushatswa.” Jehovha anozviita amene kuti arambe akachena kubva pakushatswa, asingatongozvideredzeri amene kukuita nomutoo usina kuchena. Nomutoo wakarurama iye anotikarira kupfuurira “kukwanisa hutsvene” kusvikira kutambanuko inobvira kuvanhu. (VaRoma 12:1) Uyewo, iye anotikarira ku‘muda nomwoyo wedu wose, mweya, ndangariro ine simba.’ Asika munhu upi noupi angagona sei kuita ikoku kana iye achiita miitiro inosvipisa muviri wake, inokuvadza utano hwake, nokupfupikisa upenyu hwake?—Marko 12:29, 30.
22. Chii chingagonesa munhu kupudzunyuka pakubata uko muitiro wakadaro wakashata ungave unakwo paari?
22 Kunyange zvazvo upi kana kuti upi womuitiro wakadaro ungaratidzika kuva wakabatisisa pamunhu, iye anogona kuukurira ndokuwana rusununguko. Kuziva Mwari namadonzo ake kunogovera sundwo nesimba nokuda kwokuita kudaro. Munhu anogona ku‘va anoitwa mutsva musimba rinovandudza ndangariro yake.’ (VaEfeso 4:23) Ikoku kuchazarura nzira itsva youpenyu inoparira kugutsikana kwomunhu amene nokukudza Mwari.
Kuremekedza Upenyu Sohunomirirwa Neropa
23. (a) Kushandiswai bedzi kweropa ukwo Mwari akatendera mumutemo wake wakapiwa kuna Israeri? (b) Ko nei revo yezvibairo izvozvo ichifanira kutiparira kusanorangarira kuda kwaMwari mune iyi nhau?
23 Ropa reduwo, rakafanirwa nokurangarirwa patinotaura nezvoupenyu. Mwari akasarudza ropa rose romunhu neremhuka sechiratidzo choupenyu. Ikoku kunooneka kumutemo waakapa kuna Noa uye gare gare kurudzi rwaIsraeri. Kushandiswa bedzi kunotenderwa kweropa kwakanga kuri kwechibairo. (Genesi 9:3, 4; Revhitiko 17:10-14) Zvibairo zvose zvaifananidzira chibairo chimwe chaJesu, icho iye akadururira kupfurikidza nacho ropa rake roupenyu nokuda kwavanhu. (VaHebheru 9:11-14) Ikoku makuri kumene kunofanira kutiparira kusanorangarira kuda kwaMwari munhau iyi.
24. Ko Mabasa 15:28, 29 inotii pamsoro pomurangariro unofanira kuva namaKristu kukushandiswa kweropa?
24 Ko kurambidza kwaMwari pamsoro pokushandiswa kweropa kuchiri kushanda kumaKristu echokwadi here? Hungu, sezvinoratidzirwa nokutaura kwechiremera kwakaitwa navaapostora navamwe vakuru vomuungano yechiKristu yomuzana rokutanga ramakore. Mukutungamirirwa nomudzimu waMwari, ivo vakanyora, kuti: “Mudzimu mutsvene nesu timene takada kusawedzera mumwe mutoro kwamuri, kunze kwezvinhu izvozvi zvakafanira, kurega zvinhu zvakabairwa kuzvidhori neropa nezvinhu zvakadzipwa [nokudaro, zvisino kubviswa ropa] noufeve. Kana mukasanorega imi mumene zvinhu izvozvi, muchabudirira.”—Mabasa 15:28, 29.
25. Ko nyika inoratidzira kuzvidza kuda kwaMwari pamsoro pokushandiswa kweropa kupfurikidza nomuitiroi?
25 Vanhu vazhinji vanozvidza kuda kwaMwari pamsoro peropa. Vanorishandisa muzvokudya, nokuda kwamadonzo okurapa, kunyange muzvinhu zvokutengeserana. Asika ikoku hakusati kuchifanira kutikatyamadza, nokuti nyika haisati iri kuratidzira kuremekedzwa kwechipo choupenyu ihwo humene. Zvisinei, kana tichikoshesa upenyu nokuzvidavirira kwedu kuna Mwari, hatisati tichizofuratira kuda kwake kana kuti kumuvirimira kupfurikidza nokuputsa mirairo yake.
26, 27. Neiko nhamburiko dzokuchengeta upenyu huripohu hwomunhu kupfurikidza nokusateerera Mwari dzisati dzaizoratidzira kumuremekedza?
26 Nokudaro, kunyange zvazvo tichifanira kuva vanoitira hanya utano hwedu ndokutsvaka kutaviridzira upenyu hwedu, pane dzimwe ganhuriro dzokucherekedza. Jesu akajekesa ikoku apo iye akati: “Uyo unoda mweya wake [kana kuti upenyu] anohuparadza, asi uyo anovenga mweya wake munyika ino achahutaviridzira nokuda kwoupenyu husingaperi.”—Johane 12:25.
27 Kana chiri chirevo chokunangana norufu nokuda kwokuteerera Mwari kana kuti chokusamuteerera kudzivisa rufu, mubatiri waMwari achasarudza hake rufu pane kusateerera. Kupfurikidza nokusateerera Mwari, Jesu aizodai akapukunyuka rufu. Asika haana kudaro. Uye varume vapamberi pake vakanga varatidzira kuzvipira kumwe cheteko kusingaputsiki kuna Mwari. (Mateo 26:38, 39, 51-54; VaHebheru 11:32-38) Havana kurega upenyu hwavo hwazvino huchipinganidza kukwaniriswa kwavo nokuda kwoupenyu husingaperi.
28. Kupfurikidza nokukudziridza kukoshesa murangariro weBhaibheri kuupenyu, tiri kugadzirira nokuda kwechii?
28 Ko iyeyo ndiyo nzira iwewo unorangarira nayo upenyu here? Ko unonzwisisa here kuti kuti upenyu huve nerevo chaiyoiyo, unofanira kurarama mukuwirirana nahwo mukutsinhirana nokuda kwaMwari? Kukudziridza murangariro wakadaro zvino rutivi rwokugadzirira nokuda kwoupenyu muTsika Itsva yaMwari. Haiwa, tichanzwa takachengeteka uye takakotsekana sei panguva iyeyo, munzvimbo ipi neipi napanguva ipi neipi, tichiziva kuti avo vose vanorarama pasi pano vanoremekedza chaizvoizvo chipo chaMwari choupenyu!