RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ws chits. 1 pp. 4-12
  • Chishuvo Chorugare Nechengeteko Munyika Yose

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Chishuvo Chorugare Nechengeteko Munyika Yose
  • Chengeteko Yenyika Yose Mukudzora kwo “Muchinda woRugare”
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kutanga Kwouchangamire Hunopokanidza
  • Nzira Yokufarikanya Nayo Rugare naMwari
  • Mufudzi Pavanopfuura “Boka Duku”
  • Nguva Yemberi Yakachengeteka—Mawanire Aunogona Kuiita
    Nguva Yemberi Yakachengeteka—Mawanire Aunogona Kuiita
  • Rugare Rwechokwadi Nokuchengeteka Zvava Pedyo!
    Rugare Rwechokwadi Nokuchengeteka—Ungaruwana Sei?
  • “Rugare rwaMwari” Ngarurinde Mwoyo Wenyu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Tyisidziro Yenyukireya—Yabviswa Nokusingaperi!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
Ona Zvimwe
Chengeteko Yenyika Yose Mukudzora kwo “Muchinda woRugare”
ws chits. 1 pp. 4-12

Ganhuro 1

Chishuvo Chorugare Nechengeteko Munyika Yose

RUGARE nechengeteko ndizvo zvatinoda pasi pano. Kudikanwa kwomugariro wakadaro unoshuviwa hakuna kutongova kukuru zvikuru kupinda zvakuri nhasi. Ikoku kunodaro kusati kuri bedzi kwatiri isu savanhu vamwe navamwe asiwo kumhuri yose yomunhu kupote mburumbwa yose.

2 Ndokusaka chiverengero chanhasi chavagari vapasi zvino chiri kurarama munguva dzakasiana nedzimwe dzose! ‘Ikoku kungagona sei kuva kwakadaro,’ ungabvunza kudaro, ‘sezvo zvino tapinda chaizvo munhambo inoisvotyisa zvikuru yenhau yose yomunhu, zera rezvombo zvenyukireya?’

3 Anenge marudzi masere anoshumwa kuva anokwanisa kuita bhomba renyukireya. Uye kuri kurangarirwa kuti nyika dzine 31 dzingava dzine zvombo zvenyukireya pakuzosvika gore ra 2000. Chikonzero chawo chokuva namabhomba mazhinjisa chinotaurwa kuva chiya chedziviriro, mhinganidzo kuna mamwe marudzi akashongedzerwa nomutoo wakafanana, tyisidziro yokudzorerwa nenyukireya. Mukunangana nomugariro wakadaro wezvinoitika zvenyika, kufungawo zvako kungareva kuti marudzi anofanira kubvuma kugarisana mukushivirirana.

4 Zvisinei, runongova haro rugare runoitwa nomunhu rwatinoda here, pamwe chete nechengeteko inogona kugoverwa nomunhu? Kunyange zvazvo Musiki asina kudzivirira nhamburiko dzohunhu dzokugadza ndokuchengeta rugare nechengeteko munyika yose, iye ane nzira yake amene yakakwana yokugutsa chishuvo chedu chomuzvarirwo chorugare nechengeteko. Iye ane nguva yake amene yakagadzwa yokubvisa mharadzi dzose dzechengeteko yaavo vanoshuva havo kumunamata. Haiwa, tinogona kuva vanofara sei kuziva kuti nguva yake yaikoku yava pedyo!

5 Pashure pezviuru zvamakore enhau yokusaterama yohunhu, kunofanira kukarirwa kuti kunofanira kuva nechishuvo chikurusa chapasi rose chorugare nechengeteko. Pasi rave riri nzvimbo yokugara yomusikirwo yomunhu kubvira pakutanga chaipo pokuvapo kwomunhu. Wezvamapisarema akafuridzirwa akati: “Kana ari matenga, matenga ndeaJehovha, asi pasi iye akaripa kuvanakomana vavanhu.” (Pisarema 115:16) Kubvira pamavambo chaipo, rakanga riri donzo rorudo roMusiki rokuti munhu anofanira kufarikanya upenyu huzere mumusha wake wapasi wakapiwa naMwari.

6 Mukuwirirana nenhauro yokusika iri pana Genesi 2:7, “Mwari akapfuurira kuumba munhu neguruva rinobva mupasi ndokufuridzira mumhino dzake chifemo choupenyu, nokudaro munhu akava mweya mupenyu.” Hakuna chimwe chisikwa chipenyu pasi pano chakanga chiri panzvimbo yomunhu youpenyu kana kuti pamwero womunhu wokukwanisa—chaikwanisa kuita saMwari mukushandiswa kwoudzori. Kupfuurirazve, uhwu udzori hahusati hwaizoganhurirwa kuchisikwa chokutanga chohunhu asi hwaizoshandiswawo ndokufarikanywa navana vake.

7 Nokuda kwechikonzero ichocho, Musiki akapa Adhama mudzimai. Iye aizova mai wavagari vose vomunguva yemberi vohunhu vapasi. Ndokusaka, pakuva anopiwa ichi chisikwa chakakwana, munhu aigona kutaura, kuti: “Pakupedzisira iri ipfupa ramapfupa angu nenyama yenyama yangu.” Naizvozvo iye akamutumidza kuti munhukadzi worudzi rwomunhu, ’ish·shahʹ, riri chimiro chohukadzi cheshoko rechiHebheru rinoshandurwa kuti murume, ndiko kuti, ’ish.—Genesi 2:21-23.

8 Musiki naBaba vokudenga vakati kuvaviri vokutanga vohunhu: “Berekai mugova vazhinji mugozadza pasi uye murikurire.” (Genesi 1:28) Uyu muitiro wakanga uri chimwe chinhu chitsva chaichoicho munhau yechisiko chakachenjera. Vagari vomudzimu vamatenga asingaoneki havana kuitwa kuti vavepo kupfurikidza nokuberekana.

9 Hakusatiwo kuchishamisa kuti, panguva yokusikwa kwapasi, “nyeredzi dzamangwanani dzakapururudza nomufaro pamawa, navanakomana vose vaMwari vakavamba kudanidzira murumbidzo.” (Jobho 38:7) Panguva iyeyo, zvose zvakanga zvine rugare uye zvichitsinhirana muchisikwo chapose pose chose. Mupisarema rechisere, achifara negadziriro youmwari yezvinhu, wezvamapisarema akakuwa pamsoro pomunhu, achiti: “Imi makapfuurirawo kumuita muduku zvishoma kuna vakafanana naMwari, uye imi ipapo makamushongedza korona yokubwinya norukudzo.” (Pis 8 Ndima 4, 5) Mukuwirirana neiri pisarema, Mwari anoisa zvinhu zvose pasi pano pasi petsoka dzomunhu.

Kutanga Kwouchangamire Hunopokanidza

10 Nomutoo unoshamisa, mwana wokutanga wohunhu asati anambwa, rupandukiro rwakaitika musangano rechisiko chapose pose raJehovha Mwari. Mugariro wacho waigona kuparira kugadzwa kwouchangamire hutsva, ubati ushe hutsva hukuru, pavanhu—kudai vanhu vaigona kuparadzaniswa nokuva kure nesangano rechisiko chapose pose raJehovha. Uchangamire hwaigona kugadzwa mukupokanidzana nohwake. Ikoku kwakada kuti kureva nhema kwokutanga kuziviswe, kuchiratidzira Jehovha Mwari munzvimbo isati iri iyo.

11 Kuziviswa kwenhema dzokutanga kwakaita uyu akapandukira Mwari wokutanga murevi wenhema wokutanga, dhemoni rokutanga, kana kuti muzvidzi. Mukusiana kukuru naye, Jesu Kristu akati: “Ini ndiri nzira nezvokwadi noupenyu.” (Johane 14:6) Kuna vashori vake vorudzidziso, Jesu akati: “Imi munobva kuna baba venyu Dhiabhorosi, uye munoshuva kuita zvishuvo zvababa venyu. Iyeyo akanga ari muurayi apo iye akavamba, uye iye haana kumira zvakatsiga muzvokwadi, nokuti zvokwadi haisati iri maari. Kana achireva nhema, iye anotaura mukuwirirana nechimiro chake amene chendangariro, nokuti iye murevi wenhema nababa venhema.”—Johane 8:44.

12 Kupfurikidza nokutaura nokunyoka mubindu reEdheni, kana kuti paradhiso yomufaro, Dhiabhorosi akaparira kuti nhema dzokutanga dzitaurwe kumukadzi wokutanga. Iye akataura kuti Musiki wake akanga ari murevi wenhema, nenzira iyeyo ndokuvhiringidza rugare rwendangariro yaEvha. Iye akamuita kuti anzwe pfungwa yokusachengeteka mumugariro wake waifungidzirwa wokusaziva, naizvozvo iye akadya muti wakarambidzwa. Iye akakurirawo pamurume wake, Adhama, kudya muti wakarambidzwa pamwe chete naye nokudaro ndokumukumbanira mukupandukira kwake Jehovha Mwari. (Genesi 3:1-6) Vaviri vasingateereri vakarasikirwa norugare rwavo naMwari nokudaro vakatandwa muparadhiso yomufaro kundovapo mumugariro wokusachengeteka kunze. VaRoma 5:12 inorondedzera uyu mugariro unosuruvarisa wezvinhu, ichiti: “Kupfurikidza nomunhu mumwe chivi chakapinda munyika norufu kupfurikidza nechivi, nokudaro rufu rwakapararira kuvanhu vose nokuti ivo vakanga vaita chivi vose.”

13 Mugariro wezuva redu unoda kuti isu tiite chisarudzo chaichoicho. Chisarudzo chiri pakati pouchangamire hunopokanidza hwaSatani Dhiabhorosi, “mwari wetsika ino yezvinhu,” nohuchangamire hwaJehovha, Mwari Wokumusorosoro noWamasimba ose wechisiko chapose pose.—2 VaKorinte 4:4; Pisarema 83:18.

Nzira Yokufarikanya Nayo Rugare naMwari

14 Nomutoo wokuzvikuvadza kunorwadza kwavo vamene, vazhinjisa vavanhu havasati vachishuva kugamuchira kana kuti kudavira gadziriro yaMwari Wamasimba ose yavanamati vake yokufarikanya nayo rugare rune mwero nechengeteko kunyange mumugariro uno unosiririsa wezvinoitika zvohunhu. Zvisinei, Jehovha ndi“Mwari anopa rugare,” uye iropafadzo yedu yakakomborerwa zvino yokupinda murugare nechengeteko zvisingatongokundikani. (VaRoma 16:20; VaFiripi 4:6, 7, 9) Ndirwo rugare nechengeteko zvaanopa kunyange zvino kumutumbi wake wavabatiri vapasi, sangano rake rinooneka, mukuzadzika kwezvipikirwa zvake zvinoramba zvichivimbika. Irwo rugare nechengeteko zvatinogona kufarikanya bedzi musonganirano nesangano rake rinooneka pasi pano.

15 Kwaizova kusawirirana nedzidziso dzakajeka dzaMagwaro kudavira kuti Mwari haasati ane sangano, vanhu vakarongwa, iro iye anoziva chaizvoizvo. Jesu Kristu akaziva kuti Baba vake vokudenga vakanga vane sangano rinooneka. Kutozosvikira paPentekosta ya 33 N.V., rakanga riri sangano rechiJudha riri muukama hwesungano naJehovha Mwari mumutemo waMosesi.—Ruka 16:16.

16 Sezvo rudzi rwekare rwaIsraeri rwakanga rwuri muukama hwesungano naJehovha Mwari kupfurikidza naMosesi murevereri, saizvozvowo rudzi rwaIsraeri womudzimu, “Israeri waMwari,” rune ukama hwesungano kupfurikidza nomurevereri. (VaGaratia 6:16) Kwakaita sokunyora kwakaita muapostora Pauro kumushandi biyake wechiKristu, kuti: “Kuna Mwari mumwe, nomurevereri mumwe pakati paMwari navanhu, munhu, Kristu Jesu.” (1 Timotio 2:5) Ko Mosesi akanga ari murevereri pakati paJehovha Mwari navanhuwo zvavo here? Nyangwe, iye akanga ari murevereri pakati paMwari waAbrahama, Isaka, naJakobho norudzi rwavazukuru vavo vokunyama. Nenzira yakafanana, Mosesi Mukuru Zvikuru, Jesu Kristu, haasati ari Murevereri pakati paJehovha Mwari navanhu vose. Iye Murevereri pakati paBaba vake vokudenga, Jehovha Mwari, norudzi rwaIsraeri womudzimu, urwo rwakaganhurirwa kumitezo bedzi ine 144 000. Urwu rudzi rwomudzimu rwakafanana neboka duku ravanhu vakafanana namakwai vaJehovha.—VaRoma 9:6; Zvakazarurwa 7:4.

Mufudzi Pavanopfuura “Boka Duku”

17 Mupisarema 23:1, Mambo Dhavhidhi weIsraeri yekare akafuridzirwa kutaura, kuti: “Jehovha ndiye Mufudzi wangu. Handizoshaiwi chinhu.” Jehovha, Mufudzi Mukuru, akagovera Jesu Kristu kuva “mufudzi akaisvonaka.” (Johane 10:11) Pana Ruka 12:32, Jesu akataura iye amene kuna avo iye ari Mufudzi Wakaisvonaka wavo, kuti: “Musatya, boka duku, nokuti Baba venyu vakatendera kukupai umambo.”

18 Munguva dzekare, kwaiva navasati vari vaJudha, vakadai savaNetinimi navanakomana vavabatiri vavasati vari vaIsraeri vaSoromoni, vakanga vakabatana norudzi rwaIsraeri. (Ezra 2:43-58; 8:17-20) Nomutoo wakafanana nhasi, kuna varume navakadzi vakazvitsaurira chose kuna Mwari kupfurikidza naJesu Kristu asi vasati vari vaIsraeri vomudzimu. Zvisinei, ivo vakabatana navakasarira vaIsraeri womudzimu nokuda kwokuzvitsaurira kwavo vamene kuna Jehovha Mwari kupfurikidza naJesu Kristu, “uyo akazvipa amene sorudzikinuro rwunowirirana nokuda kwavose.” (1 Timotio 2:6) Nhasi, ivava vanopfuura zvikuru chiverengero chavaIsraeri vomudzimu vane 144 000, avo vachagara nhaka Umambo hwokudenga.

19 Nokudaro Jesu Kristu aizogoverwa, munguva yaMwari yakafanira, kuva Mufudzi paboka guru zvikurusa ravakafanana namakwai vaizopinda munhaka yapasi kupfurikidza naye. Ava ndivo vaakanga achirangarira paye apo iye akataura, kuti: “Ini ndina mamwe makwai, asati ari eiri danga; iwawowo ndinofanira kuatungamirira, uye iwo achateerera inzwi rangu, uye iwo achava boka rimwe, mufudzi mumwe.” Achirangarira aya “mamwe makwai,” muapostora Johane akanyorawo nezvaJesu, kuti: “Iye chibairo chinoyananisira chezvivi zvedu, asi zvisati zviri zvedu bedzi asiwo zvenyika yose.”—Johane 10:16; 1 Johane 2:2.

20 Nhasi, kune vanenge vane 9 000 vanokambira kuva mitezo yavakasarira ve“boka duku” vamakwai omudzimu. Namamwe mashoko, kuna mamirioni avanhu vakazvitsaurira vakabatana navakasarira vakazodzwa mukutevera makwara oMufudzi Wakaisvonaka, Jesu Kristu. Vanowanwa mune dzinopfuura nyika 200 kupota mburumbwa yose. Ko kutarisira kwoMufudzi Wakaisvonaka iyeyo kunorevei nokuda kwavo vose? Kunoreva kufarikanya rugare nechengeteko! Kudai vakanga vasina rugare munzvimbo dzavo, kwaizodai kusina chinzwano chomwoyo wose nokubatira pamwe kusingaputsiki pakati pavo. Kudai vakanga vasina kuitira hanya kworudo nokuda kwomumwe nomumwe pamsoro pefariro dzomudzimu, vaizodai vasina chengeteko yavanofarikanya. Nenzira iyeyo, chishuvo chavo chorugare nechengeteko mupasi rose chakavamba kugutswa kunyange zvino.

[Mibvunzo Yechidzidzo]

1, 2. Kudikanwai kukuru kuna vanhu vose, uye nei?

3. (a) Chii chinotaurwa kuva chikonzero chokuva kwamarudzi nebhomba renyukireya? (b) Ko kufungawo zvako kungaratidzirei?

4. Kunyange zvazvo Musiki asina kupinganidza nhamburiko dzavanhu dzokutsvaka chengeteko, iye ane donzoi muna ikoku?

5. Ko wezvamapisarema akafuridzirwa akatii pamsoro papasi, uye chii chiri donzo roMusiki nokuda kwomunhu?

6. Ko munhu wokutanga navana vake vaizove vachikwanisa kuita saMwari munzirai?

7. Ko Adhama akava sei nomudzimai, uye iye akataurei apo ichi chisikwa chakakwana chakapiwa kwaari?

8. Ko Musiki akapa vaviri vokutanga vohunhu mirairidzoi?

9. Ko Pisarema 8:4, 5 rinorondedzera sei gadziriro youmwari yezvinhu?

10. (a) Mwana wohunhu wokutanga asati anambwa, chii chakaitika? (b) Chii chaigona kugadzwa nenzira iyeyo pavanhu?

11. Kupfurikidza nokuratidzira Jehovha Mwari munzvimbo isati iriyo, ko mupanduki wokutanga akavei?

12. (a) Ko Dhiabhorosi akaparira sei nhema dzokutanga kuva dzinoziviswa, uye chii chakanga chiri muuyo pana Evha? (b) Chii chakava muuyo apo Adhama akadya muti wakarambidzwa?

13. Ko mumwe nomumwe wedu anofanira kuita chisarudzoi nhasi?

14. Ko isu tinogona kuvamba kufarikanya kunyange zvino rugarei nechengeteko?

15. Ko kusava nomufungo here kufunga kuti Mwari ane sangano, uye Jesu Kristu akazivei?

16. (a) Ko Mosesi akanga ari murevereri pakati pavanaani? (b) Ko Mosesi Mukuru Zvikuru, Jesu Kristu, Murevereri pakati pavanaani?

17. (a) Ko Jehovha Mwari akagovera Jesu Kristu kuvei? (b) Ko Jesu Kristu akatii kuna avo vachagara nhaka Umambo hwokudenga?

18. (a) Ndivanaani nhasi vanowirirana navaNetinimi navanakomana vavabatiri vasati vari vaIsraeri vaSoromoni? (b) Ko ivo vakasanobatana navanaani?

19. Ko Jesu Kristu akataurei kuratidzira kuti iye aizova Mufudzi pavanopfuura “boka duku”?

20. (a) Ko chiverengero cha“mamwe makwai” chinoenzaniswa sei nechecho chavakasarira ve“boka duku”? (b) Ko kutarisira kwoMufudzi Wakaisvonaka kunorevei nokuda kwavo vose?

[Mufananidzo uri papeji 4, 5]

Musiki ane nzira yake amene yakakwana yokugutsa chishuvo chavanhu nokuda kworugare nechengeteko

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe