Ganhuro 6
Kurinda Mukati Me“mhedziso Yetsika Yezvinhu”
TAPINDA zvikuru kwazvo mu“mhedziso yetsika yezvinhu,” asi isu hati“sati tichiziva zuva kana kuti awa” apo nguva yechivheneko chinoponesa upenyu inoguma. Ndokusaka Jesu akati: “Naizvozvo, pfuurirai kurinda nokuti hamusati muchiziva zuva kana kuti awa.”—Mateo 24:3; 25:13.
2 Kwaizova kunoodza mwoyo zvamazvirokwazvo kumunhu kudai iye aizosvika mukunonoka panzvimbo yamabiko eroorano ndokuwana mukova wapfigwa. Asika izvezvo ndozvinofanira kuwira voruzhinji zvikurusa vavanokambira kuva maKristu munguva yemberi iri pedyo. “Muchinda woRugare” akaenzanisira ikoku kupfurikidza naaya mashoko: “Pashure pako vamwe vasara vavasikana vakasvikawo, vachiti, ‘Ishe, ishe, tizarurirei!’ Mukupindura iye akati, ‘Ndinokuudzai zvokwadi, handikuzivii.’”—Mateo 25:11, 12.
3 Kubvira muna 1919 chivheneko chomudzimu chinovhenekwa navakachenjera kupfurikidza nebetsero ya“mafuta” eShoko raJehovha nomudzimu mutsvene zvave zvichiwanika, asi mapenzi anoedza kutenga mafuta omudzimu kuna avo vari muchiKristudhomu vanokambira kuatengesa. (Mateo 25:9) Zvisinei, vezvorudzidziso vechiKristudhomu havasati vane rudzi rwakarurama rwamafuta. Vave vasati vachikwanisa kugovera chivheneko pamsoro pokuvapo kwaJesu Kristu seChikomba chokudenga. Ivo vanokarira havo kuti apo ivo vanofa vachaenda kudenga pakarepo ndokusangana naye, vasina kupinda mubasa rechivheneko mukati meino “mhedziso yetsika yezvinhu.”
4 Kuno rumwe rutivi, kwave kuna avo, savasikana vomudzimu, vakabvumikisa kuva vana“mafuta” akachengetwa omudzimu mutsvene neShoko raMwari nokuda kwebasa rapashure pehondo rechivheneko chenyika yose pamsoro po“umambo.” (Mateo 24:14) Avo vanofananidzirwa mumufananidzo waJesu savasikana mapenzi havasati vari kupinda mariri kupfurikidza nokuita kuti chiedza chipenyere pana aya mashoko akanaka oukoshi hwamarudzi ose. Ivo vakanga vasina “mafuta” eShoko rinovhenekera raMwari nomudzimu mutsvene wake, uye Mutongi ari Chikomba patembere yomudzimu akacherekedza uku kukundikana kwavari. Mwoyo yavo yakabvumikisa kuva yakanga isati iri pabasa rapashure pehondo iro rakakurumidza kuitwa muna 1919 navasikana vari maKristu vakanga vakachenjera mukucherekedza zvose zviri zviviri nguva nebasa.
5 Mukuparadzana naavo vaitsigira sangano rinooneka raJehovha, mapenzi akanga achikundikana kutora rutivi mukupupurira Umambo munyika yose. Pakupedzisira ivo vakawana “mafuta” echivhenekero chorudzidziso, asi iwo akanga asati ari rudzi rwakafanira rwamafuta. Iwo haasati aizogovera chivheneko nokuda kwechinoitika chakafanira panguva yakafanira. Naizvozvo ivo havasati vari kuparidza shoko roUmambo uye “zuva ramatsive raMwari wedu.” (Isaya 61:1-3) Havasati vari kurumbidza Mambo ari Chikomba sezviri kuita vakasarira vakazodzwa veboka ravasikana.
Muuyo Wechiedza Chamarambi Pakati Pousiku
6 Pakati pama 1930, chimwe chinhu chinokosha chakaitika. Chakaitika chakakarakadzira kuti mutumbi wemitezo yomwenga womudzimu waKristu wakanga wakwana, kuti pasi pano paiva navadzidzi vakaberekwa nomudzimu vakaringanira veChikomba vokuita chiverengero chakakwana chomwenga wake wokudenga.
7 Panguva iyeyo, muna 1935, ngwariro yakavamba kuva inorereudzirwa kune rimwe boka ravadzidzi vakafanana namakwai vaJesu. Iri rakanga riri boka rakanga raziviswa kuna vose mukati mehondo yenyika yokutanga. Paiva pana February 24, 1918, apo hurukuro pamsoro unoti, “Mamirioni Anorarama Zvino Haangatongofi” yakakurukurwa kuna vateereri vaishuva kuziva, sezvinobvira vazerwe nepanikiro. Pakokorodzano ya 1935 yeZvapupu zvaJehovha muWashington, D.C., chimwe chinhu chaichoicho chakaziviswa pamsoro pokuunganidza aya mamirioni a“mamwe makwai” aKristu mu“boka” rakabatana mukutungamirira kwaJesu Kristu so“mufudzi mumwe.” (Johane 10:16) Kuzivikanwa kweiri boka ra“mamwe makwai” sezvakadeya kuziviswa muna Zvakazarurwa 7:9-17 kwakatsanangurwa.
8 Vakasarira ve“boka duku” zvino vakava vanosungirwa kutanga kuunganidzwa kweiri “boka guru” ra“mamwe makwai.” (Ruka 12:32) Ikoku kwakanga kuri nokuda kwokuti chiverengero chavasikana vakachenjera chaidikanirwa kukwanisa mwenga waJesu chakanga chakwana. Asika vasikana vakadaro havana kuendeswa kudenga pakarepo. Vachiri vanopinzwa muimba yamabiko iyeyo yokudenga pavanopedza nzira yavo yapasi sezvapupu zvinochengeta perero zvaMwari wazvo, Jehovha. Nokuda kwebasa razvo rokutendeka rechivheneko kusvikira muna 1935, izvo zvakapinzwa muropafadzo chaiyo yazvakanga zvisina kutongokarira pamberi pama 1930.
9 Anopfuura makore ana makumi mashanu apfuura chifo cha 1935, uye mukati maaya makore chiverengero chavakachenjera veboka ravasikana chave chichidedera. Kuno rumwe rutivi, basa rokupupurira rakafutunukira kumwero yenyika yose, hungu, kubatanidza nedzinopfuura nyika dzine 200 dzakatsaukana. Pamisi ichangobva kupfuura iyi, boka ravasikana rakadzika kusvikira kuvanenge 9 000 muchiverengero.
Shamwari Dzinobetsera Dzavabati Vamarambi
10 Vakasarira vakazodzwa vavasikana vokufananidzira vodokutsikinyidzirwa kunze kwechiono navaparidzi voUmambo vanopfuura mamirioni matatu mune dzinopfuura ungano 52 000 dzeZvapupu zvaJehovha kupote mburumbwa yose. Ko boka dukusa ravakasarira vakazodzwa ringagona sei kutarisira basa rokupupurira mune dzinopfuura nyika dzine 200 uko zviuru izvozvo zveungano zvinowanwa? Havangagoni.
11 Chokwadika, vanogona kubatira muMagwaro munzvimbo yakadeya kuziviswa yo“muranda akatendeka nowakachenjera” uyo Tenzi ari Chikomba akawana akatendeka pakusvika kwake kutembere nokuda kworutongeso. Ndipo panguva iyeyo apo kukamuranisa kwakatanga kuitika pakati pavasikana vakachenjera navasikana mapenzi veboka ravasikana vokufananidzira. Avo vakarangarirwa seboka “irero romuranda akashata” havana mafuta eShoko rinovhenekera raMwari nomudzimu mutsvene wake mumidziyo yavo okubvirisa marambi avo. Nenzira iyeyo vakanga vasina chivheneko chakaringanira chomudzimu chokucherekedza “boka guru” ra“mamwe makwai,” rakanga riri kutounganidzwa chifo cha 1935 sorutivi rwe“boka rimwe.”—Mateo 24:45-51.
12 Chifo cheHondo yeNyika II, kuzadzika kwechiporofita chaJesu che“mhedziso yetsika yezvinhu” kuri zvikurukuru nokuda kwebasa iro “boka guru” ra“mamwe makwai” rinoita. Chivheneko chinobva mumarambi anobvira avakasarira chakapengenutsa meso omwoyo yavo, uye vakabetserwa kuratidzira chiedza kuna vamwe vachiri murima renyika ino. (Enzanisa naVaEfeso 1:18.) Vakabetsera mamirioni avagari vapasi rino kucherekedza kuvapo kwaMambo ari Chikomba zuva rokuroorana kwake neboka romwenga rakakwana zvarinoswedera pedyo. Vakava shamwari dzisingaparadzanisiki dzavakasarira veboka romwenga.
13 Chifo cha 1935 mugariro weidzi shamwari dzavakasarira veboka romwenga wave uri uye unofadza. Havasati vachingofara bedzi pamsoro peropafadzo dzakaisvonaka umo vakasarira vakatopinda asiwo pamsoro peropafadzo dzakakomborerwa idzo ivo vamene vakatungamirirwa madziri navakasarira veboka romwenga.
14 Rugwaro rwunoshamisa rwakatsanangurirwa kukunzwisisa kwavanhu vaJehovha paWashington, D.C., kokorodzano yomuna 1935, uye irwo rwakadeya kuzivisa mugariro unofadza we“boka guru,” shamwari dzavakazodzwa. Dzionei apo, “dzimire pamberi pechigaro choumambo [chaJehovha Mwari] napamberi peGwaiana, dzakapfeka nguvo chena; uye dzakabata matavi omuchindwe mumaoko adzo”! Teererai kune zvadziri kudanidzira nenzwi guru nokuda kwokuti vanhu vose vanzwe: “Tinowana ruponeso rwedu kuna Mwari, uyo agere pachigaro choumambo nokuGwaiana”! (Zvakazarurwa 7:9, 10) Ivo vakatotenda “Gwaiana raMwari rinobvisa chivi chenyika,” uye kupfurikidza naye ivo vakazvitsaurira vamene kuna Jehovha Mwari nokudaro dzakabhapatidzwa mukuratidzirwa kwetsauriro iyeyo. (Johane 1:29) Chokwadika, vane 840 vavo vakabhapatidzwa pazuva rapashure pokunzwa kutsanangurwa kwaZvakazarurwa 7:9-17 paChishanu, May 31, 1935.
15 Vanopfuura mamirioni matatu vakaita zvimwe chetezvo chifo chekokorodzano iyeyo yeWashington muna 1935. Nokudaro ivo vanofananidzirwa savakapfeka nguvo chena nokuda kwokuve vakadzigeza muropa rinochenesa reGwaiana. Uye vane kariro yokubuda mudambudziko guru iro riri mberi nokuda kwenyika yose yavanhu, vaine taviridziro youmwari vachipfuura chaizvo nomudambudziko irero. (Mateo 24:21, 22) Nokuda kwechikonzero ichecho, ivo vanoratidzirwa savari patembere yomudzimu yaJehovha uye ipapo vachimunamata pamwe chete navakasarira veboka ravasikana.—Zvakazarurwa 7:14-17.
16 Naizvozvo, tinoonga zvikurusa “boka guru” ramarudzi ose, rine mitauro mizhinji nokuda kworutivi rukurusa rwarakaita mukuzadzika chiporofita cheChikomba pana Mateo 24:14!
“Uye Suo Rakapfigwa”
17 Kuti ndirini chaizvoizvo apo vakasarira veboka ravasikana vachave vapinda muzvinoitika zvamabiko eroorano, dzokonokei mukova wopfigwa, hakuzivikanwi. Asi mukusapanikira kwava pedyo zvikuru kupfuura nakare kose, uye nguva iri kupera! Nomutoo wakakodzera, ipapoka, Jesu akagumisa mufananidzo wavasikana namashoko enyevero, anoti: “Naizvozvo, pfuurirai kurinda nokuti imi hamuzivi zuva kana kuti awa.”—Mateo 25:13.
18 Nokuda kweichi chikonzero vasikana mapenzi vachasvikirwa vasina kurinda. Kupfurikidza nokuparadzana kwavo navasikana vakachenjera, ivo vakava rutivi rwenyika ino yakashurikidzwa uye vanozvibatanidza ivo vamene navamwe vose vezvorudzidziso vari kunze uko vari murima riri kusviba kuti ndo-o rapasi rose. Nokudaro vanofanira kuwana izvo Chikomba Jesu Kristu akaenzanisira muna aya mashoko omufananidzo: “Pashure paikoku vamwe vasara vavasikana vakasvikawo, vachiti, ‘Ishe, ishe, tizarurirei!’ Mukupindura iye akati, ‘Ini ndinokuudzai zvokwadi, handikuzivii.’”—Mateo 25:10-12.
19 Naizvozvo mukova wokupinda mumabiko hausati uchizozarurirwa vasikana ivavo mapenzi. Vanosanofananidzira avo mukati me“mhedziso yetsika yezvinhu” vanokundikana kupinda mu“umambo hwamatenga.” (Mateo 24:3; 25:1) Nokuda kwokuomerera kuchimiro chavo chakasarudzwa chorudzidziso, sokunoratidzirwa nokuenda kumusika kundotenga mamwe mafuta, ivo vanobatanidzwa neBhabhironi Guru.
20 Naizvozvo, apo “chikara” chokufananidzira, icho hure rorudzidziso rinotasva, chinorimukira pamwe chete ne“nyanga gumi” dzacho, ivo vachava nomugove waro. (Zvakazarurwa 17:16) Apo vezvorudzidziso vakadaro, vanofananidzirwa navasikana vashanu mapenzi, vanoona uku kuvamba kwokurambwa kworudzidziso noumambo hune simba hwesangano rezvamatongerwe enyika, ivo vachatendeukira kuna Mambo ari Chikomba, vachikambira kuti ivo ndeve boka ro“umambo hwamatenga” uye vanofanirwa nokuva vanopinzwa mumabiko omudzimu eroorano pamwe chete navasikana vakachenjera. Nomutoo unokatyamadza, uyo wavanoidza kuti “Ishe,” Chikomba Jesu Kristu, acharamba kuvaziva savanofanirwa nokupinzwa muUmambo hwokudenga. Uye ivo havana kuva nekariro ipi neipi youpenyu husingagumi pasi pano pamwe chete ne“boka guru.” Naizvozvo hapana chinhu chinosarira ava vezvorudzidziso vari mapenzi kunze kworuparadziko pamwe chete noumambo hwenyika hworudzidziso rwenhema, Bhabhironi Guru!
21 Haiwa, ikariro inotyisa sei nokuda kwavo! Vachiziva izvozvi, vakasarira navazhinji zhinji veshamwari dzavo vachapfuurira kutetekera pangiro yaJesu yo“kupfuurira kurinda.” Ivo vachagarova vakazadzwa nomudzimu mutsvene waMwari ndokuita kuti chiedza chipenye mukusatya kumbiri yaJehovha Mwari naJesu Kristu. Nomutoo unotusa, mugove wavo ndiwo mufaro unosimbisirwa! Uye nzvimbo dzouchinda mu“pasi idzva” dzinomirira mitezo ye“boka guru,” sedzakasarudzwa naMambo ari Chikomba akachata.—Isaya 32:1; enzanisa naPisarema 45:16.
22 Naizvozvo uku kuzadzika kwakafutunurwa kwomufananidzo wavasikana gumi kunobatira sesimbisiro yeidi rokuti tava kurarama mu“mhedziso yetsika yezvinhu.” Haiwa tinogona kuva vanoonga sei kuti takavhenekerwa kuona ufakazi uhwu hwokuva pedyo kweroorano yaJesu Kristu neboka rake romwenga rakakwana! Zvose zviri zviviri denga ne“pasi idzva” rokururama zvichafara nomufaro usingarondedzereki pamsoro peiyi roorano yokudenga.—Zvakazarurwa 19:6-9.
[Mibvunzo Yechidzidzo]
1. Neiko tichidikanirwa kupfuurira kurinda?
2. Ndichinoitikai chinoodza mwoyo chinofanira kudziviswa?
3. (a) Gore ra 1919 rakabvumikisa kuva nguva yechii? (b) Ko vezvorudzidziso vechiKristudhomu vave vachikwanisa kugovera mafuta omudzimu anodikanwa here?
4. Kusvikira kumusi uno, ko avo vakafananidzirwa navasikana mapenzi vakakundikana kuitei, uye nei?
5. Ko vasikana mapenzi vanokundikana kuva norutivi muchii chiri chinodikanwa kukuva kwavo vanobatanidzwa naMambo ari Chikomba?
6, 7. (a) Chii chakaitika pakati pama 1930 chakakarakadzira kuti kwakanga kuna vasikana vakaringanira vokukwanisa mutumbi wemitezo yeboka romwenga? (b) Ngwariro yakarereudzirwa kuboka ripi iro zvino rakanga rodokuva rinounganidzwa?
8. Ko vasikana vakachenjera vakasungirwa kupinda mumusengwai muna 1935, chisaikarirwa navo?
9. Ko vakasarira vavasikana vakachenjera vakadzikira kuchiverengeroi kusvikira nhasi?
10. Mukurangarira ukuru hwebasa, ko vakasarira vavasikana vakachenjera vanokwanisa kusvitsa chinodikanwa chavashandi here?
11. (a) Kuzivikanwa kwo“muranda akatendeka naakachenjera” kwakaparira chii kuitika pakati paavo vanokambira kuva vasikana? (b) Ko avo veboka ro“muranda akashata” havakwanisi kucherekedza chii nokuda kwokushaikwa kwechivheneko chakaringanira chomudzimu?
12. Ndivanaani vakava shamwari dzisingaparadzanisiki dzavakasarira veboka romwenga?
13, 14. (a) Mugariroi unofadza pamsoro peshamwari dzavakasarira unoratidzirwa nomutoo wokufananidzira muna Zvakazarurwa 7:9, 10? (b) Chii chakava davidzo yapakarepo yokutsanangurwa kwechiporofita ichecho?
15. Chifo chenguva iyeyo, vangani vakabhapatidzwa, uye ivo vanofananidzirwa sei muna Zvakazarurwa 7:14-17?
16. Ko zvino, kuonga kukurusa kunoitirwa kuna vanaani nokuda kworutivi rwavo pamsoro pokuzadzika Mateo 24:14?
17. (a) Ko mukova unopinda mumabiko eroorano uchapfigwa rini? (b) Chii chiri madikanwa chokuti vakasarira veboka ravasikana ne“boka guru” reshamwari dzavo vaite zvino?
18. (a) Ko vasikana mapenzi zvino vakazvibatanidza ivo vamene navanaani? (b) Rutivii rwomufananidzo waJesu rwovofanira kuwana muchinguvana?
19. Naizvozvo vasikana mapenzi vanofananidzira vanaani, uye neiko vachifanira kubatanidzwa neBhabhironi Guru?
20. (a) Apo vasikana mapenzi vanoona “nyanga gumi” dze“chikara” dzichitanga kumukira Bhabhironi Guru, ivo vachaudzisira kuna ani uye pakukambirai? (b) Neiko hunyanguvezvo vachizowana ruparadziko?
21. (a) Mukurangarira kariro iyeyo inotyisa, vasikana vakachenjera neshamwari dzavo vanoronda nzirai? (b) Ko mitezo ye“boka guru” inokarira kufarikanya ropafadzoi dzebasa?
22. (a) Kuzadzika kwomufananidzo wavasikana kunobatira sesimbisiro yeidii? (b) Ndivanaani vachafara pamsoro peiyi roorano yaMambo ari Chikomba nomwenga wake wavasikana?