RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ws chits. 12 pp. 98-105
  • Sungano Itsva yaMwari Yosvika Zadziko Yayo

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Sungano Itsva yaMwari Yosvika Zadziko Yayo
  • Chengeteko Yenyika Yose Mukudzora kwo “Muchinda woRugare”
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Sungano Iri Nani Zvikuru Ino Murevereri Ari Nani Zvikuru
  • Sungano Yekare “Yasakara” Inotsiviwa
  • “Sungano Isingaperi”
  • Muchava “Umambo hweVapristi”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2014
  • “Muchinda woRugare” Anotendeukira Kuna Vari Kunze Kwesungano Itsva
    Chengeteko Yenyika Yose Mukudzora kwo “Muchinda woRugare”
  • Unogona Kubatsirwa Nesungano Itsva
    Shoko raMwari Kwatiri Achishandisa Jeremiya
  • Mibvunzo Inobva Kuvaravi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
Ona Zvimwe
Chengeteko Yenyika Yose Mukudzora kwo “Muchinda woRugare”
ws chits. 12 pp. 98-105

Ganhuro 12

Sungano Itsva yaMwari Yosvika Zadziko Yayo

TAIZOITEI kudai Mwari asina kubvumikisa kuva wechokwadi kusungano yake pamsoro pamasikati neyeyo yapamsoro pousiku? Panzvimbo pokuva nokuchinjana kwezuva nousiku, pasi redu raizova rinovhenekerwa nechiedza chinopfuurira kana kuti kuputirwa nerima rinopfuurira. (Genesi 1:1, 2, 14-19) Asi Mwari anoomerera mukuvimbika kusungano dzake. Naizvozvo tinogona kuva nechokwadi chaizvoizvo chokuti mwedzi, zuva, makwara enzou amatenga hazvisati zvichizotongoparadzwa; kunyange mburumbwa yedu yaPasi.

2 Achitaura nezvesungano yake yamasikati neyeyo yousiku, Mwari akataura kuna vaJudha vaiva mukutungamirira kwoumambo hweimba youmambo yaDhavhidhi, kuti: “Kana imi vanhu mukaputsa sungano yangu yamasikati nesungano yangu yousiku, kuti kurege kutongova namasikati nousiku munguva yazvo, saizvozvowo sungano yangu ndimene naDhavhidhi muranda wangu ingaputswawo kuti iye agorega kuva nomwanakomana anobata ushe samambo pachigaro chake choUmambo.”—Jeremia 33:20, 21.

3 Mumashoko iwawo tine hufakazi hwokuti pasi redu, pamwe chete nezuva nomwedzi, zvichagara nokusingaperi. (Muparidzi 1:4) Pasi redu richangoramba richigarwa navagari vohunhu, kuti ivo vafarikanye kutsvinda kwezuva nokwousiku mukutungamirira kwaMwari anochengeta sungano, Musiki womunhu. Uye Jehovha zvaakaomerera zvakatsiga kusungano yake yamasikati neyeyo yousiku, saizvozvowo iye akaramba akavimbika kusungano yake naMambo wekare Dhavhidhi nokuda kwoumambo husingaperi mumutsara wemhuri yaDhavhidhi. Ikoku ndokwechokwadi kunyange zvazvo dendemaro roUmambo rakanga richitofanira kutamiswa papasi kuenda kumatenga asingaoneki.—Pisarema 110:1-3.

4 Sungano yaMwari nokuda kwoUmambo husingaperi mumutsara wedzinza rinobva kuna Dhavhidhi inobatanidzwa neimwe sungano, “sungano itsva.” Iyi sungano yaizotsiva sungano yekare yakadudzwa naJesu. Ikoku kwakanga kuri pashure pokunge achengeta Paseka yechiJudha navadzidzi vake vakatendeka pausiku hwaNisani 14 muna 33 N.V. Iye akagadza icho chakazonzi “chidyo chamadekwana chaShe.” Iye aiziva kuti, pazuva rimwe chetero irero rePaseka, iye aizoteura ropa rake muchibairo. Achirangarira ikoku, iye akatora mukombe wewaini tsvuku, asi pamberi pokuipfuudzira kuvaapostora vake vakatendeka, iye akati: “Mukombe uyu unomirira sungano itsva nokuda kweropa rangu.”—Ruka 22:20; 1 VaKorinte 11:20, 23-26.

5 Kufanana nesungano yekare, sungano itsva inoitwa norudzi asi norusati ruri rupi norupi rwamarudzi echiKristudhomu. Kunyange zvazvo chipikirwa chesungano itsva chakaitwa kupfurikidza nomuporofita Jeremia kurudzi rwaIsraeri anopfuura makore 2 500 akapfuura, Republic of Israel yanhasi haisati ichikambira kuva iri musungano itsva. Panzvimbo pakwo, Republic of Israel yakava mutezo weCM.

6 Neiko Mwari akada sungano itsva? Jeremia 31:31-34 inotsanangura, kuti: “‘Tarirai! kuna mazuva anouya,’ ndiko kutaura kwaJehovha, ‘uye ini ndichaita neimba yaIsraeri uye neimba yaJudha sungano itsva; isati iri iya yakafanana nesungano yandakaita namadzibaba avo muzuva rokubata kwangu ruoko rwavo kuvabudisa munyika yeEgipita, “iri sungano yangu yavakaputsa ivo vamene, kunyange zvazvo ini ndimene ndakanga ndiri murume wavo amene,” ndiko kutaura kwaJehovha.’ ‘Nokuti iyi ndiyo sungano yandichaita neimba yaIsraeri pashure pamazuva iwawo,’ ndiko kutaura kwaJehovha. ‘Ini ndichaisa mutemo wangu mavari, uye ini ndichaunyora mumwoyo wavo. Uye ini ndichava Mwari wavo, uye ivo vamene vachava vanhu vangu. Uye ivo havasati vachizodzidzisanazve mumwe nomumwe shamwari yake uye mumwe nomumwe hama yake, vachiti, “Ziva Jehovha!” nokuti ivo vose vachandiziva, kubvira kumuduku wavo kunyange kusvikira kumukurusa wavo’ ndiko kutaura kwaJehovha. ‘Nokuti ini ndichakanganwira chikanganiso chavo, uye ini handisati ndichizorangarirazve chivi chavo.’”

Sungano Iri Nani Zvikuru Ino Murevereri Ari Nani Zvikuru

7 Sungano itsva haisati ichingovawo zvayo kumutsidzirwa kwesungano yapakuvamba vamba iya yakaputswa navaIsraeri. Aiwa, zvamazvirokwazvo! Nokuti muapostora Pauro anonyorera maKristu apaRoma, achiti: “Imi hamusati muri pasi pomutemo asi pasi petsitsi dzakakomba.” (VaRoma 6:14) Isungano itsva chaiyoiyo, uye yakanga ichikarirwa kuti iyo yaizova iyi iri nani zvikuru, nokuti Mwari Wamasimba ose Jehovha anokwanisa kuvandudza zvinhu pamsoro paavo vaanobvumira kupinda musungano itsva. Kutanga, iye akamutsa murevereri ari nani zvikuru, kana kuti sadombo, mukusimbisa sungano itsva. Uyu murevereri akanga asati ari munhu asina kukwana, azerwe nezvivi somuporofita Mosesi.

8 Sungano yoMutemo yakarevererwa kupfurikidza nomuporofita Mosesi yakanga yakanaka mairi imene. Zvisinei, sungano iyeyo yakagovera chibairo chemhuka dzine ropa rakanga risingatongogoni kusuka zvivi zvavanhu. Naizvozvo kuti Jehovha Mwari agadze sungano iyi iri nani zvikuru, kwaizotofanira kuva nomurevereri ari nani zvikuru ane chibairo chiri nani zvikuru. Uyu Murevereri ari madikanwa zvikuru akabvumikisa kuva Jesu Kristu. Richiratidzira hukuru hwouyu Murevereri kana achienzaniswa nomuporofita Mosesi, Bhaibheri rinotipa tsananguro inotevera, inoti: “Asi zvino Jesu akawana basa rokuvanhu vose rakaisvonaka zvikuru, zvokuti iyewo murevereri wesungano iri nani zvikuru inowirirana, iyo yakagadzwa nenzira yapamutemo pazvipikirwa zviri nani zvikuru. . . . Mukutaura kwake kuti ‘sungano itsva’ iye akaita kuti iya yekare isakare.”—VaHebheru 8:6, 13.

Sungano Yekare “Yasakara” Inotsiviwa

9 Sungano iye “yasakara,” kana kuti yechinyakare, yakapfuura mazuva ane 50 pashure porumuko rwoMurevereri wesungano itsva. Ikoku kwakaitika pazuva rePentekosta. Pamangwanani ezuva irero, chaifananidzirwa naMabiko Okuunganidza echiJudha chakavamba kuitika. Seiko? Eya, vadzidzi vakatendeka vane 120 voMurevereri wesungano itsva vakaungana pamwe chete mukamuri rapamsoro muJerusarema ndokugamuchira mudzimu mutsvene wakapikirwa, mukuzadzika kwechiporofita chaJoere 2:28-32. Chakasimbisira kutanga kwesungano itsva kupfurikidza nokugovera chibvumikiso chinonzwika nechinooneka kuvacherekedzi vose.

10 Apo Jesu akabuda mumvura dzorubhapatidzo uye mudzimu mutsvene ndokudururirwa pamsoro pake, nomutoo wenenji mudzimu wakafananidzirwa nomufananidzo wenjiva yaibhururukira pamsoro pomusoro wake. Asi muchinoitika chavadzidzi vechiHebheru vane 120 pazuva rePentekosta, ko kuva kwavo vakazodzwa nomudzimu mutsvene kwakaratidzirwa sei? Kupfurikidza nokuoneka kwamarimi anenge omwoto pamusoro pemisoro yavo uye kupfurikidza nokuva kwavo vanopiwa mano okuzivisa Shoko raMwari mumitauro yokumwe yavakanga vasina kutongodzidza.—Mateo 3:16; Mabasa 2:1-36.

11 Kwaitofanira kuva kunooneka kuna vaJudha navadzidzisi vavo kuti sungano yoMutemo waMosesi yakanga isati ichashandazve. Kubvira pakuparadzwa kweJerusarema namauto eRoma muna 70 N.V., ivo havana kuva netembere. Panguva iyeyo, zvinyorwa zvavo zvedzinza zvakarashika kana kuti zvakaparadzwa. Nokudaro nhasi ivo havasati vachiziva kuti ndiani ari wendudzi yaRevhi uye kuti ndiani ari muzukuru waAroni kuti agobatira munzvimbo yomuprista mukuru nokuda kworudzi rwechiJudha. Panzvimbo pokutaurirana vachiti, “Ziva Jehovha!” ivo vanorangarira kududzwa kwezita roumwari kuva kushatswa kwechinhu chitsvene. Naizvozvo ivo havana mufaro weZvapupu zvaJehovha pamsoro peidi rokuti sungano yekare “yasakara” yakatsiviwa nesungano itsva.

“Sungano Isingaperi”

12 Mukusiana kukurusa nomugariro wavaJudha wanhasi, Zvapupu zvaJehovha zvine Muprista Mukuru anobate basa, anobatira kuruoko rworudyi rwaMwari mumatenga. Iye ndiye Murevereri wesungano itsva, murevereri mukuru zvikurusa kupinda Mosesi. Kuchibva pamwoyo, izvi Zvapupu zvaJehovha zvinogona kukumbanira munyengetero womunyori pana VaHebheru 13:20, 21, unoti: “Zvino, Mwari worugare, uyo akamutsa muna vakafa mufudzi mukuru wamakwai aine ropa resungano isingaperi, Ishe wedu Jesu, ngaakushongedzei nechinhu chiri chose chakanaka kuita kuda kwake.” “Mufudzi mukuru” iyeyo zvaakaradzika upenyu hwake nokuda kwa“makwai,” iye aigona kumutswa muna vakafa mumuviri womudzimu usingafi, usina ropa asi ane ukoshi hweropa resungano itsva inochengetwa mukutendeka uye iri yokusingaperi mumiuyo yayo yakanaka.

13 Rufu rwechibairo rwoMurevereri wesungano itsva, Jesu Kristu, runoyeukwa gore riri rose neZvapupu zvaJehovha pachinoitika che“chidyo chamadekwana chaShe.” Chingwa chisina mbiriso chinogoveranwa naavo vari musungano itsva mukati me“chidyo chamadekwana” ichecho chinofananidzira nyama yakakwana yoMurevereri, uye waini inofananidzira ropa rakachena, risina kushatswa iro, mukuwirirana naMagwaro, rakanga rine ukoshi chaihwo hwoupenyu hwoMurevereri.—1 VaKorinte 11:20-26; Revhitiko 17:11.

14 Apo avo vari musungano itsva vanogoverana mukombe weChirangaridzo wewaini pa“Chidyo Chamadekwana chaShe,” kunongova bedzi munzira yokufananidzira kuti ivo vanonwa ropa, riya roMurevereri wesungano itsva. Kuti ivo vanodya nyama yake apo ivo vanogoverana bundu rechingwa chisina mbiriso reChirangaridzo kuriwo munzira yokufananidzira. Kupfurikidza nokuita ikoku, mukutaura nomutoo wokufananidzira, vanoratidzira kutenda kwavo chibairo chorudzikinuro choMwanakomana waMwari, Mudzikinuri wavanhu vose.

15 Sungano itsva, zvino yopfuura makore ane 1 950 okuvapo, yosvika zadziko yedonzo rayo. Yatogara kwamazana amakore marefu zvikuru kupinda sungano yoMutemo waMosesi. Zvayakavakirwa pazvipikirwa zviri nani zvikuru zvechibairo chiri nani zvikuru chine Murevereri ari nani zvikuru, zvamazvirokwazvo iyo yakabvumikisa kuva sungano iri nani zvikuru. Nokuda kwokusada kuva inotorerwa nzvimbo yayo kana kuti kutsiviwa nesungano itsva uye iri nani zvikuru, sungano itsva inobudirira inotaurwa nezvayo kuva “sungano isingaperi.”—VaHebheru 13:20.

16 Tinoonga Mwari Wamasimba ose, Jehovha, kuti iye akamutsa Murevereri ari nani zvikuru kupinda Mosesi, uyo Iye aigona kubvisa kupfurikidza naye sungano yoMutemo waMosesi munzira kupfurikidza nokuirovera padanda rokutambudzira ndokugovera ropa resungano itsva isingaperi!

[Mibvunzo Yechidzidzo]

1. (a) Chii chaizoitika kupasi redu kudai Mwari asina kuomerera kusungano yake pamsoro pamasikati neyeyo yapamusoro pousiku? (b) Mwari zvaanoomerera mukuvimbika kusungano dzake, isu tinokwanisa kuva vechokwadi nezvechii?

2. Ko Jehovha akaudzei vaJudha pamsoro pesungano yake yamasikati neyeyo yousiku?

3. Ko aya mashoko anoratidzirei pamsoro pesungano yake naDhavhidhi nokuda kwoUmambo husingaperi?

4. (a) Sungano yaMwari naDhavhidhi nokuda kwoUmambo husingaperi inobatanidzwa neimwe sunganoi? (b) Ko Jesu Kristu akatii pamsoro payo, uye mumigariroi?

5. Ko chipikirwa chaMwari chesungano itsva chakaitwa kuna vanaani, uye Republic of Israel inokambira kuva iri musungano iyi here?

6. Mukuwirirana neganhuro 31 yaJeremia, neiko Mwari akaona kudikanwa kwokuita sungano itsva, uye iyo yaizogumira muchii?

7. Ko sungano itsva kumutsidzirwa kwesungano yakaputswa navaIsraeri here, uye nei iri nani zvikuru kupinda sungano yoMutemo?

8. (a) Ko sungano itsva ine chii chinoiita ive iri nani zvikuru kupinda sungano yoMutemo? (b) Ndiani ari Murevereri wesungano itsva iri nani zvikuru? (c) Ko VaHebheru 8:6, 13 inotii pamsoro pesungano itsva noukuru hwoMurevereri wayo, uye nomuuyoi pasungano yekare?

9. (a) Ko sungano yekare yakapfuura pazuvai? (b) Chii chakaitika pamangwanani iwawo, uye mukusimbisirwa kwechii?

10. Pazuva irero rePentekosta, kwakaitwa sei kuti kuoneke kuti vadzidzi vaJesu vakanga vazodzwa nomudzimu mutsvene?

11. (a) Chii chaifanira kuva chinooneka kuvaJudha, uye nei? (b) Tinoziva sei kuti vaJudha havasati vachitaura kuno mumwe nomumwe kuti, “Ziva Jehovha!” uye mufaroi wavasati vanawo?

12. (a) Ko Zvapupu zvaJehovha zvinogona kukumbanira mumunyengeteroi kubva pamwoyo? (b) Ko Jesu akamutswa muna vakafa ane chii?

13. (a) Ko rufu rwoMurevereri wesungano itsva rwunoyeukwa sei gore rimwe nerimwe neZvapupu zvaJehovha? (b) Ko zviratidzo zvinofananidzirei?

14. Mukutaura kwokufananidzira, apo vari musungano itsva vanogoverana zviratidzo zveChirangaridzo, vari kuiteiko?

15. (a) Ko sungano itsva yatogara kwenguva refu yakadini, uye iyo yakabvumikisa sei zvamazvirokwazvo kuva sungano iri nani zvikuru? (b) Neiko sungano itsva ingava inotaurwa nezvayo kuva “sungano isingaperi”?

16. Ko isu tinofanira kuva vanoonga nokuda kwei kuna Jehovha Mwari?

[Mufananidzo uri papeji 105]

Sungano itsva yakarevererwa naJesu ihuru zvikuru kusungano yekare yakarevererwa naMosesi

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe