RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ws chits. 13 pp. 106-112
  • “Muchinda woRugare” Anotendeukira Kuna Vari Kunze Kwesungano Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Muchinda woRugare” Anotendeukira Kuna Vari Kunze Kwesungano Itsva
  • Chengeteko Yenyika Yose Mukudzora kwo “Muchinda woRugare”
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • “Mamwe Makwai” Anobatanidzwa Muboka Rimwe
  • Kuparadzira Kokero, Yokuti: “Uya!”
  • Sungano Itsva yaMwari Yosvika Zadziko Yayo
    Chengeteko Yenyika Yose Mukudzora kwo “Muchinda woRugare”
  • Pashure Pesungano Itsva—Umambo Hwamakore Ane Chiuru
    Chengeteko Yenyika Yose Mukudzora kwo “Muchinda woRugare”
  • Muchava “Umambo hweVapristi”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2014
  • Zvikomborero Zvikuru Kupfurikidza Nesungano Itsva
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
Ona Zvimwe
Chengeteko Yenyika Yose Mukudzora kwo “Muchinda woRugare”
ws chits. 13 pp. 106-112

Ganhuro 13

“Muchinda woRugare” Anotendeukira Kuna Vari Kunze Kwesungano Itsva

VAJUDHA vokunyama nhasi, avo vari vazukuru vokunyama vatateguru Abrahama, havangagoni kuramba kuti sungano yekare yoMutemo waMosesi yaizotorerwa nzvimbo nesungano itsva neiri nani zvikuru. Havangagoni kubvisa mashoko aMwari mumanyoro avo aMagwaro echiHebheru ari muna Jeremia 31:31, anoti: “‘Tarirai! Mazuva anouya,’ ndiko kutaura kwaJehovha, ‘uye ini ndichaita neimba yaIsraeri neimba yaJudha sungano itsva.’”

2 Kuti ndiani aizova murevereri wesungano itsva iyeyo hakuna kudeya kuziviswa naJeremia. Asi pausiku hwaNisani 14, 33 N.V., apo Jesu Kristu akagamuchidza mukombe une waini yePaseka kuna vadzidzi vake, iye akaratidzira kuti iye aizova Murevereri iyeyo. (Ruka 22:20) Pana VaHebheru 7:22 tinoudzwa kuti iye ndiye “rubatso,” chisimbiso, kana kuti simbisiro, ye“sungano iri nani zvikuru” neitsva yakadaro.

3 Kupfurikidza nechibairo chake nokuda kwesungano itsva, Jesu akava Muprista Mukuru waJehovha. Iye haana kuva akadaro kupfurikidza nedzinza romuzvarirwo rinobvira kuna Aroni, muprista mukuru wokutanga waIsraeri. Akapikirwa kupinda munzvimbo yoMuprista Mukuru kupfurikidza nemhiko yaMwari Wokumusorosoro, Jehovha, Muiti woMuprista. Mashoko ePisarema 110:4 anoshanda kuna Jesu, anoti: “Jehovha akapika (uye iye haasati achizozvidemba), kuti: ‘Iwe uri muprista kusvikira kunguva isingazivikanwi mukuwirirana nomutoo waMerkisedheki!’”—VaHebheru 7:20, 21.

4 Kunze bedzi kwavakasarira vashoma, rudzi rwaIsraeri rwokunyama rwakaramba Jesu Kristu soMurevereri wesungano itsva. Nokuda kwechikonzero ichocho “imba yaIsraeri” iyo Mwari akaita nayo sungano itsva yakadeya kuziviswa yakabvumikisa kuva Israeri womudzimu, “Israeri waMwari.” (VaGaratia 6:16) Israeri womudzimu iyeyo akaberekwa pazuva rePentekosta, 33 N.V. Zvaakanga ava womudzimu, aigona kupinza vasiri vaJudha vanodavira kana kuti vaVamarudzi mumaruramiro ake okuva mugari wemo. (Mabasa 15:14) Petro akamuidza kuva “rudzi rwakasarudzwa, uprista hwoumambo, rudzi rutsvene, vanhu vepfuma chaiyo.” (1 Petro 2:9) Urwu “rudzi rutsvene” rwunoumbwa navanakomana vomudzimu vaAbrahama Mukuru Zvikuru, Jehovha, Muiti noMuzadziki wesungano yaAbrahama. Nokudaro, ivo panguva imwe cheteyo “vanakomana” vesangano rokudenga rakafanana nomudzimai raJehovha, rakafananidzirwa naSara, mudzimai waAbrahama. Nomutoo usingadzivisiki, sungano itsva yaAbrahama Mukuru Zvikuru inorangarira sangano rokudenga irero samai ve“mbeu” yakapikirwa, yakafananidzirwa naIsaka.

“Mamwe Makwai” Anobatanidzwa Muboka Rimwe

5 Sungano itsva iyeyo yaida vashumiri vanobate basa pasi pano, uye mitezo yavakasarira vakazodzwa yakabatira sa“vashumiri vesungano itsva” vakakwaniriswa zvikuru yakatsiva sungano yekare yoMutemo waMosesi. (2 VaKorinte 3:6) Havasati vari vashumiri vavafundisi vari mukati mamazana amapoka orudzidziso echiKristudhomu, rutivi rwakatanhamara rweBhabhironi Guru romuzuva razvino uno. Ivo vakatetekera kudanidzira kwomurairo kwaZvakazarurwa 18:4 uye vakabuda muumambo ihwohwo hwenyika hworudzidziso rwenhema.

6 Chiverengero chavashumiri vesungano itsva iyeyo chaizova chakaganhurirwa kuvane 144 000. (Zvakazarurwa 7:1-8; 14:1-5) Naizvozvo nguva yakanga yakasungirwa kusvika apo Mufudzi Akaisvonaka aizotendeudzira ngwariro yake inopfuura vashumiri vesungano itsva. Gurukota Guru raJehovha rakadeya kuona ikoku ndokutaura nezvaikoku apo iro rakataura, pana Johane 10:16, kuti iro rakanga rina “mamwe makwai,” akanga asati ari e“boka duku” re 144 000.—Ruka 12:32.

7 Kunyange “mamwe makwai” aizova asati ari e“boka duku,” iwo aizovawo vashumiri waMwari, asi asati ari vashumiri vesungano itsva. Uye idi rokuti “mamwe makwai” iwawo aizova “boka rimwe” navakasarira va“vashumiri vesungano itsva” ivavo raizoratidzira chimwe chinhu chakaisvonaka. Chiiko? Ichi: Pamberi pokuva vanopiwa mbiri muUmambo hwokudenga, vakasarira ivo vamene pachavo vaizobatana pamwe chete na“mamwe makwai” pasi pano. Neiyi nzira vakasarira vembeu yomudzimu yaAbrahama vaizovamba kuva chikomborero kumhuri dzose namarudzi pamberi pe“hondo yezuva guru raMwari Wamasimba ose” paArmagedhoni napamberi pokutanga kweMireniyumu.—VaGaratia 3:29; Zvakazarurwa 16:14, 16.

8 Ikoku kwakabvumikisa chaizvoizvo kuva kwakadaro, zvikurukuru chifo cha 1935. Chifocho, mamirioni a“mamwe makwai” iwawo akabatana namakumi ezviuru zveungano dzeZvapupu zvaJehovha kupote mburumbwa yose uye akazvitsaurira iwo amene kuMufudzi Mukurusa, Jehovha Mwari. Nenzira iyeyo akapinzwa mu“boka rimwe” roMufudzi Akaisvonaka, Jesu Kristu.

9 Ko idi rokuti Murevereri wesungano itsva, kubvira ipapo zvichienda mberi, akanga achipamhamisa ngwariro yake kuti ibatanidzewo “mamwe makwai” rakareva kuti basa resungano itsva rakaguma muna 1935 here? Aiwa, nokuti kuna vakasarira vavashumiri vesungano itsva vachiri pasi pano, uye vachiri vanofanira kupedza basa irero.

10 Nhasi, vose vari vaviri vakasarira ve“boka duku” ne“boka guru” rinowedzera ra“mamwe makwai” oMufudzi Akaisvonaka vari kubetserekana nebasa ravamwe vakavatangira, vakadai somuapostora Pauro. Mukuita basa resungano itsva mukutendeka kutozosvikira parufu rwake muRoma paimwe nguva Jerusarema risati raparadzwa muna 70 N.V., Pauro akafuridzirwa kunyora ane 14 amabhuku ane 27 aMagwaro echiKristu echiGiriki. Haiwa vakasarira vakazodzwa ne“boka guru” ra“mamwe makwai” vanogona kuva vanoonga zvikuru sei kuti varume vakatendeka vomuzana ramakore rokutanga, vakadai somuapostora Pauro navamwe vanyori vanomwe vaMagwaro echiKristu echiGiriki, vakaita basa ravo resungano itsva kusvikira kumugumo woupenyu hwavo hwapasi! Uye munguva yedu, mamirioni a“mamwe makwai” avakutobetserekana nebasa resungano itsva, serinoitwa navakasarira vakazodzwa mukutungamirira kwoMurevereri, Jesu Kristu. “Muchinda woRugare” zvino akatendeudzira ngwariro yake kuna aya “mamwe makwai” anodiwa, ane zviverengero zvakawedzera nokukurumidza.

11 Zvisinei, nguva zvino inofanira kuva iri kupera! Sungano itsva yatove ichishanda kwamakore ane 1 950, nguva refu zvikuru yamakore ane 400 kupfuura sungano yoMutemo waMosesi yayakatsiva, uye chiverengero chavashumiri vesungano itsva chiri kuderera apo mitezo inofa ndokubva panyika. Asi vakasarira vanhasi vavashumiri ivavo vanopfuurira kubatira so“muranda akatendeka uyo Ishe, Jesu Kristu, akagadza “pazvinhu zvake zvose.”—Mateo 24:45-47.

Kuparadzira Kokero, Yokuti: “Uya!”

12 Haiwa ndero rudo sei basa rinoitwa navashumiri ivavo vesungano itsva! Somuenzaniso, muna Zvakazarurwa 22:17 tinorava, kuti: “Mudzimu nomwenga vanopfuurira kuti: ‘Uya!’ Uye munhu upi noupi anonzwa ngaati: ‘Uya!’ Uye munhu upi noupi unonzwa nyota ngaauye; munhu upi noupi anoshuva ngaatore mvura youpenyu pachena.” Boka ro“mwenga,” pamwe chete nesimba rinobate basa raJehovha, kana kuti mudzimu, riri kuparadzira kokero iyeyo kuna avo vari kunze kwesungano itsva. Kokeroyo iri kuparadzirwa, kusati kuri kuna avo zvino vakafa vari muhwiro hweyeuko avo vachakomborerwa norumuko muna vakafa, asi kuna vanhu zvino vanorarama, vari mungozi yokuparadzwa paArmagedhoni asi avo vane nzeve dzinonzwa.

13 Iyi kokero yorudo haina kuparadzirwa munyika yose zvikurukuru chifo cha 1935 pasina maturo. Vanopfuura mamirioni matatu vakatodavidza kukokero yomutsa yokuuya ndokunwa. Saavo vakanzwa nomutoo wokunzwisisa, ivo vari kutaura nomutoo wokuteerera kuna mamwewo mamirioni mazhinji anonzwa nyota youpenyu husingagumi paparadhiso yapasi, “Uyai!” Asika nguva yokuparadzira iyi kokero yomutsa kuna “mamwe makwai” yakaganhurirwa. Pashure paanopfuura makore ana makumi mashanu okuva yakaparadzirwa, nguva yasara nokuda kwayo zvino inofanira kuva pfupi zvikuru, sezvo hondo yaMwari paArmagedhoni inodongorera nomutoo unotyisa pa“chizvarwa chino” chavanhu.—Mateo 24:34.

14 Naizvozvo, zvino, Jehovha ngaaongwe nokuti iye akagovera Murevereri anokwanisa uyo ari kupedza murubudiriro donzo resungano itsva mukuita rudzi, rwakasimba rwavane 144 000, nokuda kwezita Rake! Jehovha ngaarumbidzwewo, nokuti Murevereri wake soMufudzi Akaisvonaka ari kutopinza mamirioni anowedzera a“mamwe makwai” mu“boka rimwe,” umo iwo akatopinda mubetsero dzapasi dzinoyererera kuvanhu dzichibva musungano itsva!

[Mibvunzo Yechidzidzo]

1. Ko nei vaJudha vanhasi vasingagoni kuramba kuti sungano yaMosesi yakaitwa namadzibaba avo ekare yaizosvika kumugumo?

2. Ko mubvunzo wokuti ndiani aizova Murevereri wesungano itsva pakupedzisira wakawadzanyurwa sei?

3. Ko Jesu Kristu ane imwe nzvimboi kuna Mwari, uye yakavapo kupfurikidza nomutsara wedzinza here?

4. (a) Ko Jehovha akaita sungano itsva norudzii rwa“Israeri,” uye nei? (b) Avo vanopinzwa musungano itsva vanova vanakomana vavaberekii?

5. Ko sungano itsva yakadei pasi pano?

6. (a) Chiverengero chavashumiri vesungano itsva chakaganhurirwa kuvangani? (b) Ko tinoziva sei kuti Mufudzi Akaisvonaka aizotendeudzira ngwariro yake kuna avo vari kunze kwesungano itsva?

7. (a) Neiko mitezo yeboka ra“mamwe makwai” isati iri vashumiri vesungano itsva? (b) Ko vakasarira vaavo vesungano itsva vakatova sei chikomborero kumhuri namarudzi apasi?

8. Ko Mufudzi Akaisvonaka akatendeudzira rini ngwariro kuna avo vari kunze kwesungano itsva, uye aya “mamwe makwai” akatora nhanhoi yokutanga?

9. Kupamhamiswa kwengwariro yoMurevereri wesungano itsva kwakareva kuti ushumiri hwesungano itsva hwakanga hwaguma pasi pano here?

10. Ndivanaani nhasi vari kubetserekana noushumiri hwesungano itsva sezvinoratidzirwa navanyori vasere vaMagwaro echiKristu echiGiriki?

11. (a) Ko sungano itsva yave ichishanda kwenguva refu yakadini, uye ikoku kunoratidzirei? (b) Vakasarira vavashumiri vesungano itsva vanobatira munzvimboi nhasi?

12. Mukuwirirana naZvakazarurwa 22:17, ko boka ro“mwenga” rinopa kukokai, uye kuna vanaani?

13. (a) Ko kukoka kwakapiwa neboka ro“mwenga” kwave kusina maturo here? Tsanangura. (b) Ko avo vakatogamuchira kukoka vari kuitei mukuteerera Zvakazarurwa 22:17? (c) Chii chinofanira kuva chinoitika pakureva nezvenguva yasarira kupiwa kwokukoka?

14. Ko isu tinofanira kuonga Jehovha ndokumurumbidza nokuda kwechii?

[Mufananidzo uri papeji 111]

Mamirioni a“mamwe makwai” akapinda musangano rinooneka raJehovha muna ano mazuva okupedzisira

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe