RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • re chits. 35 pp. 251-258
  • Kuuraya Bhabhironi Guru

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kuuraya Bhabhironi Guru
  • Zvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Wava Pedyo!
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Neiko Chichinzi Ndimambo Wechisere?
  • Madzimambo Ane Gumi Nokuda Kweawa Rimwe
  • Kuparadzanya Hure
  • Kuita Mufungo waMwari
  • Kurwisana Nezvikara Zviviri Zvinorura
    Zvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Wava Pedyo!
  • Mibvunzo Inobva Kuvaverengi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2025
  • Bhuku raZvakazarurwa Rinoti Chii Chichaitika Kuvavengi vaMwari?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2022
  • Jehovha Anozivisa “Zvinhu Zvinofanira Kukurumidza Kuitika”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
Ona Zvimwe
Zvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Wava Pedyo!
re chits. 35 pp. 251-258

Ganhuro 35

Kuuraya Bhabhironi Guru

1. Ko ngirozi inorondedzera sei chikara chitsvuku, uye rudzii rwouchenjeri runodikanirwa kunzwisisa zviratidzo zvaZvakazarurwa?

MUKURONDEDZERAZVE chikara chitsvuku chaZvakazarurwa 17:⁠3, ngirozi inoudza Johane, kuti: “Hepano pano pinda ungwaru hune uchenjeri: Misoro minomwe inoreva makomo manomwe, apo mukadzi agere pamusoro. Uye kuna madzimambo manomwe: mashanu awa, mumwe uripo, mumwe uchigere kusvika, asi apo iye anosvika anofanira kugara kwechinguvana.” (Zvakazarurwa 17:​9, 10) Ngirozi pano irikupa uchenjeri hunobva kumusoro, uchenjeri bedzi hunogona kupa kunzwisiswa kwezviratidzo zviri muna Zvakazarurwa. (Jakobho 3:​17) Uhu uchenjeri hunovhenekera boka raJohane neshamwari dzaro pamusoro poukombi hwenguva dzatiri kurarama madziri. Hunoumba mumwoyo yakazvipira kukunzwisiswa kwamarutongeso aJehovha, zvino odokuitwa, uye hunoroverera kutyiwa kwakanaka kwaJehovha. Sokureva kunoita Zvirevo 9:​10: “Kutyiwa kwaJehovha ndiko kutanga kwouchenjeri, uye zivo yoMutsvene zvikuru ndiyo iri kunzwisisa.” Ko uchenjeri hwoumwari hunotiwadzanyurirei pamusoro pechikara?

2. Chii chiri revo yemisoro minomwe yechikara chitsvuku, uye kunodaro sei kuti “mashanu awa, mumwe uripo”?

2 Misoro minomwe yechikara ichecho chinotyisa inomirira “makomo” manomwe, kana kuti “madzimambo” manomwe. Mashoko ose ari maviri anoshandiswa muMagwaro kunongedzera kumasimba ehurumende. (Jeremia 51:​24, 25; Dhanieri 2:​34, 35, 44, 45) MuBhaibheri, masimba enyika matanhatu anodudzwa seane simba pamusoro pezvinhu zvavanhu vaMwari: Egipita, Asiria, Bhabhironi, Medhia nePersia, Girisi, uye Roma. Pana iwawa, mashanu akanga atovapo ndokupfuura pakuzosvika panguva apo Johane akagamuchira Zvakazarurwa, nepo Roma yakanga ichiri zvikuru kwazvo ubati ushe hwenyika. Ikoku kunosanowirirana namashoko okuti “mashanu awa, mumwe uripo.” Asika zvakadiniko no“mumwe” akanga odokusvika?

3. (a) Ko Umambo hweRoma hwakava sei hwakakamukana? (b) Ndizvinoitikai zvakaitika muMadokero? (c) Ko Umambo Hutsvene hweRoma hunofanira kurangarirwa sei?

3 Umambo hweRoma hwakapfuurira kunyange kutambanuka kwamazana amakore pashure pezuva raJohane. Muna 330 C.E., Mambo Constantine akatamisa dzimbahwe rake kubva Roma kuenda Byzantium, iro iye akatumidzazve zita kuti Constantinople. Muna 395 C.E., Umambo hweRoma hwakakamukana kuva divi roKumabvazuva noroKumadokero. Muna 410 C.E., Roma iyo imene yakawira kuna Alaric, mambo wavaVisigoth (ndudzi yechiGermany yakanga yatendeukira kuchiratidzo chavaArius ve“chiKristu”). Ndudzi dzechiGermany (uyewo “dzechiKristu wo”) dzakakunda Spain noruwa rukuru rweRoma Kuchamhembe kweAfrica. Kwakanga kuna mazana amakore okupidigura, okusagadzikana, okugadzirisa muEurope. Madzimambo akatanhamara akamuka Kumadokero, akadai saCharlemagne, uyo akaita chibvumirano naPope Leo III muzana ramakore rechi9, naFrederick II, uyo akatonga muzana ramakore rechi13. Asi nyika yavo yavaibata ushe, kunyange zvayo yakatumidzwa kuti Umambo Hutsvene hweRoma, yakanga iri duku zvikuru kupinda iya yoUmambo hweRoma hwapakuvamba paukwiriri hwahwo. Kwakanga kuri zvikurukuru dzorerwo kana kuti pfuudzirwo youhu ubati ushe hwekare kupinda kuva umambo hutsva.

4. Ko Umambo hwoKumabvazuva hwakava nebudiriroi, asi chii chakaitika kune rwaichimbova ruwa rukuru rweRoma yekare Kuchamhembe kweAfrica, Spain, neSiria?

4 Umambo hwoKumabvazuva hweRoma, hwakanga huri paConstantinople, hwakapfuurira muwirirano yakatiomei noUmambo hwoKumadokero. Muzana ramakore rechitanhatu, mambo woKumabvazuva Justinian I akakwanisa kukundazve ruwa rukuru rwoKuchamhembe kweAfrica, uye iye akavhozhekerawo muSpain neItaly. Muzana ramakore rechinomwe, Justinian II akatorazve nharaunda dzoUmambo dzeMacedonia dzakanga dzakundwa navanhu vendudzi dzechiSlav. Zvisinei, pakuzosvika muzana ramakore rechisere nharaunda huru yeyaichimbova ruwa rweRoma yekare Kuchamhembe kweAfrica, Spain, uye Siria yakanga yava muudzori hwoumambo hutsva hweIslamu nokudaro yakabva mukudzora kweConstantinople neRoma.

5. Kunyange zvazvo guta reRoma rakawa muna 410 C.E., kunodaro sei kuti kwakada mamwe mazana mazhinji amakore kuti zvisaririra zvose zvoUmambo hweRoma hwezvamatongerwe enyika zvibve panyika?

5 Guta reConstantinople iro rimene rakagara nguva yakati rebei zvikuru. Rakakurira denho zhinji-zhinji dzinobva kuvaPersia, vaArab, vaBulgar, navaRussia kutozosvikira muna 1203 pakupedzisira iro rakawira​—⁠kwete kuvaMuslim asi kuVarwi veHondo Dzorudzidziso woKumadokero. Muna 1453, kunyange zvazvo zvakadaro, iro rakapinda muudzori hwoubati hweMuslim Ottoman Mehmed II uye nokukurumidza rakava dzimbahwe roUmambo hweOttoman, kana kuti Umambo hweTurkey. Nokudaro, kunyange zvazvo guta reRoma rakawa muna 410 C.E., kwakatora mamwe mazana amakore kuti zvisaririra zvose zvoUmambo hweRoma hwezvamatongerwe enyika zvibve panyika. Uye kunyange panguva iyeyo, pesvedzero yayo yanga ichiri kucherekedzeka mumaumambo orudzidziso akavakirwa paupapa hweRoma namachechi eOrthodox yokuMabvazuva.

6. Umamboi hutsva hutsva hwakavamba, uye ndohupi hwakava hunoisvobudirira?

6 Zvisinei, pakuzosvika pazana ramakore rechi15 nyika dzakati kuti dzakanga dzichiumba maumambo matsva chaiwo. Kunyange mamwe amasimba iwawa matsva oumambo aiwanwa muruwa rwenyika dzaichimbodzorwa neRoma, maumambo awo akanga asati ari pfuuridzirwowo zvadzo dzoUmambo hweRoma. Portugal, Spain, France, uye Holland dzose dzakava madendemaro oumambo huri kuresa. Asi yakaisvobudirira yakanga iri Britain, iyo yakazotungamirira paumambo hukuru apo ‘zuva risingatongonyuri’ pahuri. Uhwu umambo hwakapararira panguva dzakasiyana-siyana panharaunda hurusa dzoKuchamhembe kweAmerica, Africa, India, uye Kumaodzanyemba kwadziva kumabvazuva kweAsia, uyewo nharaunda yeSouth Pacific.

7. Ko rudzi rwesimba renyika ramaviri rakavapo sei, uye Johane akataura kuti ‘musoro’ wechinomwe, kana kuti simba renyika, raizopfuurira kusvikira rini?

7 Pakuzosvika muzana ramakore rechi19, dzimwe dzenyika dzinodzorwa neBritain dzoKumaodzanyemba kweAmerica dzakanga dzatoparadzana neBritain kuti dziumbe United States of America yakazvimirira. Mune zvamatongerwe enyika, rwisano yakati kuti pakati porudzi rutsva neyaichimbova nyika yadzakabva mairi yakapfuurira. Hunyanguvezvo, hondo yenyika yokutanga yenyika yakagombedzera nyika dzose dziri mbiri kuziva fariro dzadzo dzavose ndokubatanidza wirirano chaiyo pakati padzo. Nokudaro, rudzi rwesimba rwenyika ramaviri rwakavapo, runoumbwa neUnited States of America, zvino rudzi rwakaisvopfuma zvikurusa rwenyika, uye Great Britain, dendemaro roumambo hukurusa hwenyika. Heuno, ipapoka, ‘musoro’ wechinomwe, kana kuti simba renyika, rinopfuurira ndokupinda munguva yomugumo nomumaruwa umo Zvapupu zvomuzuva razvino uno zvaJehovha zvakatanga maari. Uchienzanisirwa nokutonga kwenguva refu kwomusoro wechitanhatu, wechinomwe unogara bedzi “kwechinguvana,” kutozosvikira Umambo hwaMwari hwaparadza maumambo ose amarudzi.

Neiko Chichinzi Ndimambo Wechisere?

8, 9. Ko ngirozi inoidza chikara chitsvuku chokufananidzira kutii, uye icho chinobva mumanomwe munzirai?

8 Ngirozi inopfuurirazve kutsanangurira Johane, kuti: “Uye chikara chakanga chiripo, asi chichisisipo, icho chimenewo ndiye mambo wechisere, asi anobva muvanomwe, uye chinopinda mukuparadzwa.” (Zvakazarurwa 17:​11) Chikara chitsvuku chokufananidzira “chinobva” mumisoro minomwe; ndiko kuti, chinoberekwa, kana kuti chinowana kuvapo kwacho, kumisoro iyeyo ye“chikara . . . chakabuda mugungwa” chapakuvamba, icho chikara chitsvuku chiri mufananidzo wacho. Munziraiko? Hekanika, muna 1919 simba reEngland neAmerica rakanga riri musoro unobata ushe. Misoro mitanhatu yekare yakanga yawa, uye nzvimbo yesimba renyika rakatanhamara rakanga rapfuuridzirwa kuno uyu musoro wemiviri uye zvino yakanga yakavakirwa mauri. Uyu musoro wechinomwe, somumiriri wazvino uno womutsara wamasimba enyika, wakanga uri simba rinosunda mukugadzwa kweChinzwano chaMarudzi uye uchiri musimudziri mukurusa nomutsigiri wezvemari weChibatanwa chaMarudzi. Nokudaro, mumufananidziro, chikara chitsvuku​—⁠mambo wechisere⁠—​“anobva mu”misoro minomwe yapakuvamba. Kuchirangarirwa neiyi nzira, kutaura kwokuti chakabva muminomwe kunosanotsinhirana newadzanyuro yapakuvamba-vamba yokuti chikara chine nyanga mbiri dzakaita sedzegwayana (Simba reNyika reEngland neAmerica, musoro wechinomwe wechikara chapakuvamba ichecho) chakakuchidzira kuitwa kwomufananidzo ndokuupa upenyu.​—⁠Zvakazarurwa 13:​1, 11, 14, 15.

9 Mukuwedzera, mitezo yapakuvamba yeChinzwano chaMarudzi yaibatanidza, pamwe chete neGreat Britain, hurumende dzaibata ushe mumadendemaro emimwe yemisoro yekare, ndiko kuti Girisi, Iran (Persia), uye Italy (Rome). Pakupedzisira, hurumende dzinobata ushe ruwa rwaidzorwa namasimba enyika matanhatu ekare dzakazova mitezo inotsigira yomufananidzo wechikara. Mupfungwa iyiwo, kunogona kutaurwa kuti ichi chikara chitsvuku chakabva mumasimba enyika manomwe.

10. (a) Kunogona sei kutaurwa kuti chikara chitsvuku “icho chimenewo ndimambo wechisere”? (b) Ko mutungamiriri weyaimbova Soviet Union akaratidzira sei kutsigira Chibatanwa chaMarudzi?

10 Cherekedza kuti chikara chitsvuku “icho chimenewo ndiyewo mambo wechisere.” Nokudaro, Chibatanwa chaMarudzi nhasi chakarongedzerwa kuratidzika sehurumende yenyika. Padzimwe nguva chakatoita saiyo, chichipinza mauto munhandare kupedza kakavadzano dzamarudzi ose, somuKorea, Sinai Peninsula, nyika dzakati kuti dzeAfrica, neLebanon. Asika chinongova bedzi mufananidzo wamambo. Somufananidzo worudzidziso, icho hachina pesvedzero chaiyoiyo kana kuti simba kunze kweiro rinopiwa machiri naavo vakachiparira kuvapo vachichinamata. Paimwe nhambo, ichi chikara chomufananidziro chinoratidzika kuva chinoutera; asi hachizati chatongotambura rudzi rwokusiiwa chose chose nemitezo ine ndangariro youshushi yakapinza Chinzwano chaMarudzi chichidzedzereka mugomba rakadzika-dzika. (Zvakazarurwa 17:⁠8) Kunyange zvazvo akaomerera kumifungo yakasiyana chose chose muna mamwe mativi, mutungamiriri akatanhamara weyaimbova Soviet Union muna 1987 akakumbanira vanapapa veRoma mukuratidzira tsigiro nokuda kweCM. Iye akatokumbira “gadziriro inobatanidza vose yechengeteko yamarudzi ose” yakavakirwa paCM. Johane zvaanokurumidza kuziva, nguva ichasvika apo CM chinoita nechiremera chakati kuti. Ipapo icho, mudzoro racho, “chinopinda muruparadziko.”

Madzimambo Ane Gumi Nokuda Kweawa Rimwe

11. Ko ngirozi yaJehovha inozivisei pamusoro penyanga dzine gumi dziri pachikara chitsvuku chokufananidzira?

11 Muganhuro rakapfuura raZvakazarurwa, ngirozi yechitanhatu neyechinomwe dzakadurura ndiro dzokutsamwa kwaMwari. Nokudaro isu takapangirwa kuti madzimambo apasi ari kuunganidzirwa kuhondo yaMwari paArmagedhoni uye kuti ‘Bhabhironi Guru richayeukwa pamberi paMwari.’ (Zvakazarurwa 16:​1, 14, 19) Zvino tichaziva muudzame hukuru zvikuru kuti marutongeso aMwari pana iwawa achaitwa sei. Teererazve kungirozi yaMwari sezvainotaura kuna Johane. “Uye nyanga dzine gumi dzawaona dzinoreva madzimambo ane gumi, ayo achigere kugamuchira umambo, asi anogamuchira chiremera samadzimambo awa rimwe pamwe chete nechikara. Iwawa ane mufungo mumwewo, nokudaro iwo anopa simba rawo nechiremera chawo kuchikara. Iwawa acharwa neGwayana, asi, nokuti iro ndiShe wamadzishe, naMambo wamadzimambo, Gwayana richaakunda. Uyewo, avo vakadanwa vakasarudzwa uye vakatendeka vanaro vachaita kudaro.”​—⁠Zvakazarurwa 17:​12-⁠14.

12. (a) Ko nyanga dzine gumi dzinoratidzirei? (b) Ko kunodaro sei kuti nyanga dzine gumi dzokufananidzira ‘dzakanga dzichigere kugamuchira umambo’? (c) Ko nyanga dzine gumi dzokufananidzira dzine “umambo” sei zvino, uye kusvikira rini?

12 Nyanga dzine gumi dzinoratidzira masimba ose ezvamatongerwe enyika ayo zvino anobata ushe pamusoro penyika uye awo anotsigira mufananidzo wechikara. Shomanene zvikuru dzenyika dziripo zvino dzaizivikanwa muzuva raJohane. Uye idzo dzaivapo, dzakadai seEgipita nePersia (Iran), nhasi dzine gadziriro yezvamatongerwe enyika yakasiyana chose chose. Nokudaro, muzana rokutanga ramakore, ‘nyanga dzine gumi dzakanga dzichigere kugamuchira umambo.’ Asi zvino muzuva raShe, idzo dzine “umambo,” kana kuti chiremera chezvamatongerwe enyika. Nokuputsika kwamaumambo makuru enyika anodzora nyika dzokumwe, zvikurukuru kubvira muhondo yenyika yechipiri, marudzi mazhinji matsva akaberekwa. Iwawa, uyewo masimba anguve akagadzwa, anofanira kubata ushe pamwe chete nechikara kwenhambo pfupi​—⁠“awa rimwe” bedzi⁠—​Jehovha asati agumisa chiremera chose chezvamatongerwe enyika paArmagedhoni.

13. Ko nyanga dzine gumi dzine “mufungo mumwe” munzirai, uye iwowu unosimbisira chimiroi chendangariro kuGwayana?

13 Nhasi, urudzi ndirimwe ramasimba makurusa rinosunda idzi nyanga dzine gumi. Idzo dzine “mufungo mumwe” mukuti dzinoda kuchengeta uchangamire hwadzo hwourudzi panzvimbo pokugamuchira Umambo hwaMwari. Irori rakanga riri donzo radzo mukutsigira Chinzwano chaMarudzi nesangano reChibatanwa chaMarudzi pakutanga​—⁠kuchengeta rugare rwenyika nokudaro ndokutaviridzira kuvapo kwadzo dzimene. Chimiro chendangariro chakadaro chinosimbisa kuti nyanga dzichashora Gwayana, “Ishe wamadzishe naMambo wamadzimambo,” nokuti Jehovha akaita donzo kuti Umambo hwake hunodzorwa naJesu Kristu nokukurumidza huchatsiva madzimambo iwawo ose.​—⁠Dhanieri 7:​13, 14; Mateo 24:​30; 25:​31-33, 46.

14. Ko kunobvirira sei vabati ushe venyika kurwisana neGwayana, uye chii chichava muuyo?

14 Chokwadi, hapana chinhu icho vabati ushe venyika ino vanogona kuita mukurwisana naJesu iye amene. Iye ari mudenga, kure kwavasingasviki. Asi hama dzaJesu, vakasarira vembeu yomukadzi, vachiri pasi pano uye sezvinooneka vanotapurika. (Zvakazarurwa 12:​17) Zhinji dzenyanga dzakatoratidzira utsinye hwakakasharara kwadziri, uye neiyi nzira dzakarwa neGwayana. (Mateo 25:​40, 45) Nokukurumidza, kunyange zvazvo zvakadaro, nguva ichasvika yokuti Umambo hwaMwari hu“putsanye nokugumisa maumambo iwawa ose.” (Dhanieri 2:​44) Ipapo, madzimambo apasi achapinda mukurwisana kusvikira kukupedzisira neGwayana, sezvatichaona nokukurumidza. (Zvakazarurwa 19:​11-21) Asi pano tinodzidza zvakaringanira kuti tizive kuti marudzi haazati achizobudirira. Kunyange zvazvo iwo nechikara chitsvuku cheCM ane “mufungo mumwe” wawo, iwo haangagoni kukunda “Ishe wamadzishe naMambo wamadzimambo” mukuru, uye haagoni kukunda “avo vakadanwa, vakasarudzwa uye vakatendeka vanaro,” avo vanobatanidza vateveri vake vakazodzwa vachiri pasi pano. Ivavawo vachave vakunda kupfurikidza nokuchengeta perero mukupindura pomero dzakashata dzaSatani.​—⁠VaRoma 8:​37-​39; Zvakazarurwa 12:​10, 11.

Kuparadzanya Hure

15. Ko ngirozi inotii pamusoro pehure nechimiro chendangariro nechiito chenyanga dzine gumi uye chikara kwariri?

15 Vanhu vaJehovha havazati varivo bedzi vanovengwa nenyanga dzine gumi. Ngirozi zvino inodzorera ngwariro yaJohane shure kuhure: “Uye iyo inoti kwandiri: ‘Mvura dzawaona, apo hure rigere, dzinoreva madzinza, mapoka, marudzi uye ndimi. Uye nyanga dzine gumi dzawaona, uye chikara, idzodzi dzichavenga hure ndokuriparadzanya uye kuriita mushutu, uye dzichadya nhindi dzenyama yaro uye dzicharipisa chose chose nomwoto.’ ”​—⁠Zvakazarurwa 17:​15, 16.

16. Neiko Bhabhironi Guru risati richizokwanisa kutsamira pamvura dzaro nokuda kwetsigiro inotaviridzira apo hurumende dzezvamatongerwe enyika dzinorimukira?

16 Kungofanana neBhabhironi rekare raivimba nedziviriro dzaro dzemvura zhinji, Bhabhironi Guru nhasi rinovimba nemitezo yaro yakawanda ya“madzinza, mapoka, marudzi nendimi.” Nomutoo wakakodzera ngirozi inorereudzira ngwariro yedu kuna idzodzi isati yatiudza nezvechinoitika chinokatyamadza: Hurumende dzezvamatongerwe enyika dzapasi rino dzichamukira nomutoo wamasimba masimba Bhabhironi Guru. Ko iwawo ose “madzinza, mapoka, marudzi uye ndimi” achaitei panguva iyeyo? Vanhu vaMwari vari kutonyevera Bhabhironi Guru kuti mvura dzorwizi rwaYufratesi dzichapwa. (Zvakazarurwa 16:​12) Mvura idzedzo pakupedzisira dzichapwa chose chose. Idzo hadzizati dzichizokwanisa kupa hure rekare rinonyangadza tsigiro ipi neipi inobetsera muawa raro rokushaiwa kukurusa.​—⁠Isaya 44:​27; Jeremia 50:​38; 51:​36, 37.

17. (a) Neiko pfuma yeBhabhironi Guru isati ichizoriponesa? (b) Ko kuguma kweBhabhironi Guru kuchava sei kusingatongoremekedzwi? (c) Kunze kwenyanga dzine gumi, kana kuti marudzi mamwe namamwe, chiizve chimwe chinokumbanira mumasimba masimba mukurwisana neBhabhironi Guru?

17 Zvamazvirokwazvo, pfuma hurusa yokunyama yeBhabhironi Guru haizati ichizoriponesa. Ingatokurumidzisa ruparadziko rwaro, nokuti chiono chinoratidza kuti apo chikara nenyanga dzine gumi zvinoratidzira ruvengo rwazvo pariri izvo zvicharipfekenura nguvo dzaro dzoumambo nezvishongo zvaro zvose zvamabwe anokosha. Izvo zvichapamba pfuma yaro. Izvo zvino“riita . . . mushutu,” nomutoo unonyadzisa zvichiratidzira hunhu hwaro chaihwo. Haiwa ruparadziko rwakadini! Mugumo waro hautongoremekedzwiwo. Zvinoriparadza, zvino“dya nhindi dzenyama yaro,” zvichirideredzera kumarangwanda asina upenyu. Pakupedzisira, izvo zvino“ripisa chose chose nomwoto.” Iro rinopiswa chose chose sechitakuriso chedenda, pasina kunyange kuvigwa kwakafanira! Haazati ari marudzi oga bedzi, saanomirirwa nenyanga dzine gumi, anoparadza hure guru, asi “chikara” kureva CM icho chimene, chinodzikumbanira mune aya masimba masimba. Icho chichapa tendero yacho kuruparadziko rworudzidziso rwenhema. Voruzhinjisa vamarudzi 190 naanopfuura ari muCM akatoratidzira, kupfurikidza nomutoo wavo wokuvhota, ruvengo kurudzidziso, zvikurukuru parwuye rwechiKristudhomu.

18. (a) Ibviroi yokuti marudzi amukire rudzidziso rwechiBhabhironi yakatoonwa? (b) Chii chichava chikonzero chikuru nokuda kwedenho yachose chose pahure guru?

18 Neiko marudzi aizobata aichimbova mudiwa wawo nomutoo wamasimba masimba wakadaro? Takaona munhau yemisi yazvino uno bviro yokumukirwa kwakadaro kworudzidziso rweBhabhironi. Chishoro chapamutemo chehurumende chakaderedza zvikuru kwazvo pesvedzero yorudzidziso munyika dzakadai seyaimbova Soviet Union neChina. Muzvikamu zvePurotesitandi zveEurope, kusaitira hanya kwakapararira nepanikiro zvakabvisa vanhu mumachechi, zvokuti rudzidziso rwafa chose chose. Umambo hukuru hwechiKaturike huri kuparadzwa nokupandukira uye kusabvumirana, uko vatungamiriri vahwo vasina kukwanisa. Kunyange zvazvo zvakadaro, hatifaniri kurashikirwa nechiono cheidi rokuti iyi denho yokupedzisira, yachose chose paBhabhironi Guru inosvika seratidzirwo yorutongeso rusingashanduki rwaMwari pahure guru.

Kuita Mufungo waMwari

19. (a) Ko kuitwa kwamarutongeso aJehovha pahure guru kunogona kuenzanisirwa sei norutongeso rwake paJerusarema rakatsauka pakutenda muna 607 B.C.E.? (b) Ko mugariro usine chinhu, usingagarwi weJerusarema pashure pa607 B.C.E. wakafananidzirei nokuda kwezuva redu?

19 Ko Jehovha anoita sei urwu rutongeso? Ikoku kungaenzanisirwa nechiito chaJehovha mukurwisana navanhu vake vakatsauka pakutenda munguva dzekare, avo iye akataura pamusoro pavo, kuti: “Muvaporofita veJerusarema ndakaona zvinhu zvinonyangadza, kuita upombwe nokufamba munhema; uye ivo vanosimbaradza maoko avaiti vezvakaipa kuti ivo vagorega kudzoka, mumwe nomumwe paushati hwake amene. Kwandiri ivo vose vava seSodhoma, uye vagari varo seGomora.” (Jeremia 23:​14) Muna 607 B.C.E., Jehovha akashandisa Nebhukadnezari ku‘pfekenura nguvo, kutora midziyo yakaisvonaka, ndokusiya riri mushutu uye mushwi’ guta irero roupombwe mumudzimu. (Ezekieri 23:​4, 26, 29) Jerusarema romunguva iyeyo rakanga riri mufananidzo wechiKristudhomu nhasi, uye sokuona kwakaita Johane muzviono zvapakuvamba, Jehovha achaita kuchiKristudhomu navamwe vose vasara vorudzidziso rwenhema chirango chakafanana. Mugariro usine chinhu, usingagarwi weJerusarema pashure pa607 B.C.E. unoratidzira maonekero achaita chiKristudhomu chorudzidziso pashure pokuve chatorerwa pfuma yacho ndokuratidzirwa nomutoo unonyadzisa. Uye rumwe rwasara rweBhabhironi Guru haruzati ruchizoguma nomutoo uri nani.

20. (a) Ko Johane anoratidzira sei kuti Jehovha achashandisazve vabati ushe vohunhu mukuita rutongeso? (b) Chii chiri “mufungo” waMwari? (c) Ko marudzi achaita “mufungo mumwe” wao munzirai, asi mufungo waani uchaitwa zvomenemene?

20 Jehovha anoshandisazve vabati ushe vohunhu mukuita rutongeso. “Nokuti Mwari wakaisa mumwoyo yadzo kuti dziite mufungo wake, kunyange kuita mufungo wadzo mumwe kupfurikidza nokupa umambo hwadzo kuchikara, kutozosvikira mashoko aMwari achinge aitika.” (Zvakazarurwa 17:​17) Chii chiri “mufungo” waMwari? Kugadzirira vaparadzi veBhabhironi Guru kubatana pamwe chete, nokuda kwokuriparadza chose chose. Chokwadi, vavariro yavabati ushe mukuridenha kuchava kuita “mufungo mumwe” wavo vamene. Ivo vacharangarira kuti ikoku kuri mufariro dzavo dzorudzi kumukira hure guru. Ivo vangasvika pakurangarira kuvapo kunopfuurira kworudzidziso rwakarongwa mukati memiganho yavo setyisidziro kuuchangamire hwavo. Asi Jehovha zvamazvirokwazvo achave achisakisa zvinhu; ivo vachaita mufungo wake kupfurikidza nokuparadza muvengi wake agarisa, woupombwe pakurovanya kumwe!​—⁠Enzanisa naJeremia 7:​8-11, 34.

21. Sezvo chikara chitsvuku chichizova chinoshandiswa mukuparadza Bhabhironi Guru, sezvinooneka marudzi achaitei pamusoro peChibatanwa chaMarudzi?

21 Hungu, marudzi achashandisa chikara chitsvuku, Chibatanwa chaMarudzi, mukuparadza Bhabhironi Guru. Iwo haazati achiita pakuzvitangira iwo amene, nokuti Jehovha anoisa mumwoyo yawo “kunyange kuita mufungo wawo mumwe kupfurikidza nokupa umambo hwawo kuchikara.” Apo nguva inosvika, marudzi nomutoo unooneka achaona dikanwo yokusimbaradza Chibatanwa chaMarudzi. Iwo achachipa meno, sokunge zvakadaro, kuchipa chiremera chipi kana chipi uye simba raanaro kuti chigone kumukira rudzidziso rwenhema ndokurwisana naro murubudiriro “kutozosvikira mashoko aMwari achinge aiitika.” Nokudaro, hure rekare richasvika pamugumo waro wakakwana. Uye kwakanaka sei kubviswa kwaro!

22. (a) Pana Zvakazarurwa 17:​18, chii chinoratidzirwa nenzira inogumisa nayo ngirozi chipupuriro chayo? (b) Ko Zvapupu zvaJehovha zvinoita sei kukufukurwa kwechakavanzika?

22 Sokunge kuti kusimbisa uchokwadi hwokuita kwaJehovha rutongeso paumambo hwenyika hworudzidziso rwenhema, ngirozi inogumisa chipupuriro chayo kupfurikidza nokutaura, kuti: “Uye mukadzi wawaona anoreva guta guru rine umambo pamusoro pamadzimambo apasi.” (Zvakazarurwa 17:​18) SeBhabhironi romunguva yaBhershazari, Bhabhironi Guru raka“yerwa pachiyero ndokuwanwa richiperevedza.” (Dhanieri 5:​27, The New English Bible) Kuparadzwa kwaro kuchava kunokurumidza nokwokupedzisira. Asi Zvapupu zvaJehovha zvinoita sei kukufukurwa kwechakavanzika chehure guru nechechikara chitsvuku? Izvo zvinoratidzira shingairo mukuparidzira zuva rorutongeso raJehovha, zvichingunopindura “nengoni” vatsvaki vapachokwadi vezvokwadi. (VaKorose 4:​5, 6; Zvakazarurwa 17:​3, 7) Sokuratidzira kuchaita ganhuro redu rinotevera, vose avo vanoda kupukunyuka apo hure guru rinoparadzwa vanofanira kuita chiito, uye kuita chiito nokukurumidza!

[Mifananidzo iri papeji 252]

Nhevedzano Yamasimba Enyika Manomwe

EGIPITA

ASIRIA

BHABHIRONI

MEDHIA NEPERSIA

GIRISI

ROMA

ENGLAND NEAMERICA

[Mifananidzo uri papeji 254]

“Icho chimenewo ndimambo wechisere”

[Mufananidzo uri papeji 255]

Achirinza makotsi avo kuGwayana, “iwo anopa simba rawo nechiremera chawo kuchikara”

[Mufananidzo uri papeji 257]

ChiKristudhomu sorutivi rukuru rweBhabhironi Guru chichatodzana neJerusarema rekare muruparadziko chairwoirwo

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe