RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • br78 pp. 12-14
  • Zvinodavirei?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvinodavirei?
  • Zvapupu zvaJehovha Muzana Ramakore Rechimakumi Maviri
  • Mashoko Akafanana
  • Fundo Nhamba 10—Bhaibheri—Rakavimbika uye Nderechokwadi
    “Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa naMwari uye Runobetsera”
  • Nyaya Dzatinofarira Kudzidzisa Vanhu
    Iva Nerudo Nevanhu—Vabatsire Kuti Vave Vadzidzi
  • Chikamu 1 Dzidziso dzechiKristu
    Takarongwa Kuti Tiite Zvinoda Jehovha
  • Shoko Ratinofanira Kuzivisa
    Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
Ona Zvimwe
Zvapupu zvaJehovha Muzana Ramakore Rechimakumi Maviri
br78 pp. 12-14

Zvinodavirei?

Zvapupu zvaJehovha zvinodavira muna Mwari Wamasimba ose, Jehovha, Musiki wamatenga napasi. Kuvapo kumene kwezvishamiso zvakarongedzerwa nomutoo wakaoma kunzwisisa muchisiko chapose pose chakatipoteredza nomutoo uno mufungo kunoratidzira kuti Musiki akangwara zvikurusa uye ane simba akachiita chose. Kungofanana namabasa avarume navakadzi anotaridzira mavara avo, ndozvinoitawo awo aJehovha Mwari. Bhaibheri rinotizivisa kuti “mavara ake asingaoneki anosanoonwa muchisiko chenyika zvichienda mberi, nokuti iwo anoonwa kupfurikidza nezvinhu zvakaitwa.” Uyewo, pasina inzwi kana kuti mashoko, “matenga anozivisa mbiri yaMwari.”—VaRoma 1:20; Pisarema 19:1-4.

Vanhu havazati vachiumba zvirongo zvomunyakwe kana kuti kuita terevhizheni namakopiyuta pasina donzo. Pasi nezvisiko zvaro zvezvirimwa nemhuka zvinoisvoshamisa zvikuru. Isu hatigoni kunzwisisa chimiro chomuviri womunhu namasero awo akazananirana—kunyange uropi hwatinofunga nahwo hunoshamisa nomutoo usinganzwisisiki! Kana vanhu vane donzo mukuita zviitwa zvavo zvidukusa mukuenzanisira, zvamazvirokwazvo Jehovha Mwari akanga ane donzo muzvisikwa zvake zvinotyisa! Zvirevo 16:4 inoti iye anodaro: “Jehovha akaita chinhu chiri chose nokuda kwedonzo rake.”

Jehovha akaita pasi nokuda kwedonzo, sezvaakataura kuna vaviri vokutanga vohunhu, kuti: “Berekai mugova vazhinji ndokuzadza pasi . . . , ivai nesimba pamusoro pehove dzegungwa napazvisikwa zvinobhururuka zvamatenga napachisikwa chipenyu chiri chose chinofamba pamusoro papasi.” (Genesi 1:28) Nemhaka yokuti ivo vakava vasingateereri, ava vaviri vakakundikana kuzadza pasi nemhuri dzakarurama dzaizotarisira pasi norudo nezvirimwa zvaro nemhuka. Asi kukundikana kwavo hakuzati kuchiita kuti donzo raJehovha rikundikane. Zviuru zvamakore gare gare kwakanyorwa, kuti: “Mwari, Muiti wapasi . . . , haana kungorisikira pasina chinhu.” Iye “akariumba kunyange kuti rigarwe.” Iro harizati richizova rinoparadzwa, asi “pasi rinogara nokusingaperi.” (Isaya 45:18; Muparidzi 1:4, The New English Bible) Donzo raJehovha nokuda kwapasi richazadzika: “Zano rangu ndimene richamira, uye ndichaita chinhu chiri chose chandinofarira.”—Isaya 46:10.

Nokudaro, Zvapupu zvaJehovha zvinodavira kuti pasi richagara nokusingaperi uye kuti vanhu vose, vapenyu navakafa, vachakodzera mudonzo raJehovha nokuda kwapasi rakatsvindiswa, rinogarwa vangararama mariri nokusingaperi. Vanhu vose vakagara nhaka kusakwana kuna Adhama naEvha uye, nokuda kweichi chikonzero, vatadzi. (VaRoma 5:12) Bhaibheri rinotiudza, kuti: “Mubairo wechivi rufu.” “Vapenyu vanoziva kuti ivo vachafa; asi kana vari vakafa, ivo havatongozivi chinhu.” “Mweya unoita chivi—iwo umene uchafa.” (VaRoma 6:23; Muparidzi 9:5; Ezekieri 18:4, 20) Ko zvino ivo vanogona sei kuraramazve ndokugoverana zvikomborero zvapasi? Kupfurikidza bedzi nechibairo chorudzikinuro chaKristu Jesu, nokuti iye akati: “Ndini rumuko noupenyu. Iye anotenda mandiri, kunyange zvazvo iye akafa, achava mupenyu.” “Vose avo vari muhwiro hweyeuko vachanzwa inzwi rake ndokubuda.”—Johane 11:25; 5:28, 29; Mateo 20:28.

Ikoku kuchaitika sei? Kunotsanangurwa mu“mashoko akanaka oumambo” ayo Jesu akatanga kuparidzira achingunoveri pasi pano. (Mateo 4:17-23) Asi nhasi Zvapupu zvaJehovha zviri kuparidzira mashoko akanaka munzira chaiyo zvikuru.

[Chati iri papeji 13]

IZVO ZVAPUPU ZVAJEHOVHA ZVINODAVIRA

CHITENDERO CHIKONZERO CHAPAMAGWARO

Bhaibheri iShoko raMwari uye 2 Tim. 3:16, 17;

nderezvokwadi 2 Pet. 1:20, 21; Johane 17:17;

Bhaibheri rinovimbwa zvikuru Mat. 15:3; VaK. 2:8

kupinda gamuchidzanwa

Zita raMwari ndiJehovha Pis. 83:18; Isa. 26:4; 42:8, AS;

Eks. 6:3

Kristu Mwanakomana waMwari Mat. 3:17; Johane 8:42; 14:28;

uye akaderera kwaari Joh 20:17; 1 VaK. 11:3; 15:28

Kristu akanga ari wokutanga we- VaK. 1:15; Zvak. 3:14

zvisikwa zvaMwari

Kristu akafira padanda rokuta- VaG. 3:13; Mabasa 5:30

mbudzira, kwete pachipiyaniso

Upenyu hwohunhu hwaKristu Mat. 20:28; 1 Tim. 2:5, 6;

hwakaripirwa sorudzikinuro no- Tito 2:14; 1 Pet. 2:24

kuda kwavanhu vanoteerera

Chibairo chimwe cha- VaR. 6:10; VaH. 9:25-28

Kristu chakanga chakaringanira

Kristu akamutswa muna vakafa 1 Pet. 3:18; VaR. 6:9;

somunhu asingafi Zvak. 1:17, 18

womudzimu

Kuvapo kwaKristu kuri mumu- Johane 14:19; Mat. 24:3;

dzimu 2 VaK. 5:16; Pis. 110:1, 2

Umambo hunodzorwa naKristu Isa. 9:6, 7; 11:1-5;

huchabata ushe pasi mukururama Dhan. 7:13, 14; Mat. 6:10

norugare

Umambo hunounza migariro ya- Pis. 72:1-4;

kanaka yokurarama kupasi Zvak. 7:9,10, 13-17; 21:3, 4

Pasi harizati richizotongopara- Mup. 1:4; Isa. 45:18; Pis. 78:69

dzwa kana kuti kubviswa vagari

Mwari achaparadza tsika ino ye- Zvak. 16:14, 16; Zef. 3:8;

zvinhu muhondo paHar–Mage- Dhan. 2:44; Isa. 34:2

dhoni

Vakaipa vachaparadzwa nokusi- Mat. 25:41-46; 2 VaT. 1:6-9

ngagumi

Vanhu vanotenderwa naMwari Johane 3:16; 10:27, 28; 17:3;

vachawana upenyu husingagumi Marko 10:29, 30

Kunongova bedzi nenzira imwe Mat. 7:13, 14; VaEf. 4:4, 5

yokuupenyu

Zvino tava mu‘nguva Mat. 24:3-14; 2 Tim. 3:1-5;

yomugumo’ Ruka 17:26-30

Rufu rwomunhu rwuri nokuda VaR. 5:12; 6:23

kwechivi chaAdhama

Mweya womunhu unoguma ku- Ezek. 18:4; Mup. 9:10;

vapo parufu Pis. 6:5; 146:4; Johane 11:11-14

Hero iguva ravose Jobho 14:13, Dy;

ravanhu Zvak. 20:13, 14, AV (mumucheto)

Tariro yavakafa 1 VaK. 15:20-22; Johane 5:28, 29;

rumuko Joh 11:25, 26

Rufu rwaAdhama rwuchaguma 1 VaK. 15:26; Zvak. 21:4;

Isa. 25:8; 1 VaK. 15:54

Boka duku bedzi ravane 144 000 Ruka 12:32; Zvak. 14:1, 3;

rinoenda kudenga ndokubata 1 VaK. 15:40-53; Zvak. 5:9, 10

ushe naKristu

Vane 144 000 vanoberekwa ku- 1 Pet. 1:23; Johane 3:3;

tsva savanakomana womudzimu Zvak. 7:3, 4

vaMwari

Sungano itsva yakaitwa Jer. 31:31; VaH. 8:10-13

naIsraeri womudzimu

Ungano yaKristu inoumbirwa VaEf. 2:20; Isa. 28:16;

pamusoro pake amene Mat. 21:42

Minyengetero inofanira kunangi- Johane 14:6, 13, 14; 1 Tim. 2:5

dzirwa bedzi kuna Jehovha ku-

pfurikidza naKristu

Mifananidzo haizati ichifanira Eks. 20:4, 5; Revh. 26:1;

kushandiswa mukunamata 1 VaK. 10:14; Pis. 115:4-8

Kudavira midzimu kunofanira Dheut. 18:10-12; VaG. 5:19-21;

kudziviswa Revh. 19:31

Satani mubati ushe 1 Johane 5:19; 2 VaK. 4:4;

asingaoneki wenyika Johane 12:31

MuKristu haazati achifanira 2 VaK. 6:14-17; 11:13-15;

kuva norutivi mumasangano oku-

tenda kwakavhengana VaG. 5:9; Dheut. 7:1-5

MuKristu anofanira kuzvipara- Jak. 4:4; 1 Johane 2:15;

dzanisa nenyika Johane 15:19; 17:16

Mitemo yose yavanhu isati ichi- Mat. 22:20, 21;

rwisana nemitemo yaMwari ino- 1 Pet. 2:12; 4:15

fanira kuteererwa

Kupinza ropa mumuviri kupfuri- Gen. 9:3, 4; Revh. 17:14;

kidza nomuromo kana kuti Mabasa 15:28, 29

nomutsinga kunoputsa mitemo yaMwari

Mitemo yeBhaibheri patsika ino- 1 VaK. 6:9, 10; VaH. 13:4;

fanira kuteererwa 1 Tim. 3:2; Zvir. 5:1-23

Kuchengeta sabata kwakapiwa Dheut. 5:15; Eks. 31:13; VaR. 10:4;

bedzi kuna vaJudha uye VaG. 4:9, 10; VaK. 2:16, 17

kwakaguma noMutemo waMosesi

Boka ravafundisi namazita chaiwo Mat. 23:8-12; 20:25-27;

ezviratidzo hazvina kukodzera Jobho 32:21, 22

Munhu haana kushanduka-sha- Isa. 45:12; Gen. 1:27

nduka asi akasikwa

Kristu akagadza muenzaniso 1 Pet. 2:21; VaH. 10:7;

unofanira kuteverwa mukubatira Johane 4:34; 6:38

Mwari

Rubhapatidzo runoitwa Marko 1:9, 10; Johane 3:23;

noruombeko ruzere runosimbisa

tsauriro Mabasa 19:4, 5

MaKristu anofanira kupupurira VaR. 10:10; VaH. 13:15;

pamhene zvokwadi yapaMagwaro Isa. 43:10-12

[Mufananidzo uri papeji 12]

PASI . . . rakasikwa naJehovha . . . raitarisirwa nomunhu . . . rinogarwa nokusingaperi

[Kwazvakatorwa]

NASA photo

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe