MIBVUNZO YEVANHU VANENGE VACHIDA KUBHABHATIDZWA
Chikamu 1: Dzidziso dzechiKristu
Kudzidza Bhaibheri kwawakaita neZvapupu zvaJehovha kwakaita kuti uzive chokwadi. Hapana mubvunzo kuti zvawakadzidza zvakakubatsira kuva neukama hwakanaka naMwari, uye zvakakupa tariro yekuzowana upenyu nemakomborero muparadhiso pasi pano achaunzwa neUmambo hwaMwari. Kutenda kwaunoita zvinhu zviri muShoko raMwari kwakasimbiswa uye wakatowana makomborero akawanda kuburikidza nekuwadzana neungano yechiKristu. Wava kunzwisisa kuti Jehovha anoshanda sei nevanhu vake.—Zek. 8:23.
Sezvo wava kugadzirira kubhabhatidzwa, kudzokorora dzidziso dzechiKristu dzekutanga uchibatsirwa nevakuru kuchakubatsira. (VaH. 6:1-3) Jehovha ngaarambe achikomborera zvaunoedza kuita kuti umuzive, uye ngaakupe mubayiro waakavimbisa.—Joh. 17:3.
1. Nei uri kuda kubhabhatidzwa?
2. Jehovha ndiani?
• “Jehovha ndiye Mwari wechokwadi kudenga kumusoro nepanyika iri pasi. Hakuna mumwe.”—Dheut. 4:39.
• “Imi, mune zita rekuti Jehovha, imi mega ndimi Wekumusorosoro, kumusoro kwenyika yese.”—Pis. 83:18.
3. Nei zvichikosha kuti ushandise zita raMwari?
• “Saka munofanira kunyengetera seizvi: ‘Baba vedu vari kudenga, zita renyu ngaritsveneswe.’”—Mat. 6:9.
• “Munhu wese anodana zita raJehovha achaponeswa.”—VaR. 10:13.
4. Ndeapi mamwe mashoko anoshandiswa muBhaibheri anotsanangura zvakaita Jehovha?
• “Jehovha, Musiki wemigumo yenyika, ndiMwari nekusingaperi.”—Isa. 40:28.
• “Baba vedu vari kudenga.”—Mat. 6:9.
• “Mwari rudo.”—1 Joh. 4:8
5. Chii chaunogona kupa Jehovha Mwari?
• “Ida Jehovha Mwari wako nemwoyo wako wese nemweya wako wese nepfungwa dzako dzese uye nesimba rako rese.”—Mako 12:30
• “Jehovha Mwari wako ndiye waunofanira kunamata, uye ndiye ega waunofanira kuitira basa dzvene.”—Ruka 4:8.
6. Nei uchida kuramba wakavimbika kuna Jehovha?
• “Mwanakomana wangu, iva akachenjera ufadze mwoyo wangu, kuti ndigone kupindura anondishora.”—Zvir. 27:11.
7. Unonyengetera kunaani uye unonyengetera nemuzita raani?
• “Chokwadi, chokwadi ndinoti kwamuri, kana paine chamuchakumbira Baba, vachakupai muzita rangu.”—Joh. 16:23
8. Ndezvipi zvimwe zvinhu zvaunogona kutaura nezvazvo mumunyengetero?
• “Saka munofanira kunyengetera seizvi: ‘Baba vedu vari kudenga, zita renyu ngaritsveneswe. Umambo hwenyu ngahuuye. Kuda kwenyu ngakuitwe, panyika, sekudenga. Tipei nhasi zvekudya zvedu zvanhasi; uye tiregerereiwo zvivi zvedu, sezvatakaregererawo vakatitadzira. Uye musatipinza mumuedzo, asi tinunurei pane akaipa.’”—Mat. 6:9-13.
• “Ichi ndicho chivimbo chatiinacho maari, kuti pasinei nezvatinokumbira maererano nekuda kwake, iye anotinzwa.”—1 Joh. 5:14.
9. Zvinhu zvipi zvingaita kuti Mwari arege kuteerera minyengetero yedu?
• “Vachashevedzera kuna Jehovha kuti avabatsire, asi haazovapinduri . . . nemhaka yemabasa avo akaipa.”—Mika 3:4.
•“Maziso aJehovha ari pane vakarurama, uye nzeve dzake dzinoteerera kuteterera kwavo, asi chiso chaJehovha chinovenga vaya vanoita zvakaipa.”—1 Pet. 3:12.
10. Jesu Kristu ndiani?
• “Simoni Petro akapindura kuti: ‘Ndimi Kristu, Mwanakomana waMwari mupenyu.’”—Mat. 16:16.
11. Jesu akauyirei panyika?
• ‘Mwanakomana wemunhu, haana kuuya kuzoshumirwa, asi kuzoshumira nekupa upenyu hwake kuti adzikinure vanhu vazhinji.’—Mat. 20:28.
• “Ndinofanirawo kuzivisa mashoko akanaka eUmambo hwaMwari mune mamwe maguta, nekuti ndizvo zvandakatumwa kuzoita.”—Ruka 4:43.
12. Ungaratidza sei kuti unotenda chibayiro chaJesu?
• “Akafira vanhu vese kuti vaya vanorarama varege kuramba vachizviraramira, asi vararamire iye akavafira, akamutswa.”—2 VaK. 5:15.
13. Jesu ane chinzvimbo chakaita sei?
• “Ndakapiwa masimba ese kudenga nepanyika.”—Mat. 28:18.
• “Mwari akamukwidziridza pachinzvimbo chepamusoro, akamuratidza mutsa nekumupa zita rinopfuura mamwe mazita ese.”—VaF. 2:9.
14. Unobvuma here kuti Dare Rinotungamirira reZvapupu zvaJehovha ndiro “muranda akatendeka, akangwara” akagadzwa naJesu?
• “Chokwadi ndiani muranda akatendeka, akangwara, akagadzwa natenzi wake kuti atungamirire veimba yake, achivapa zvekudya zvavo panguva yakakodzera?”—Mat. 24:45.
15. Mweya mutsvene munhu here?
• “Ngirozi yacho yakamupindura kuti: “Mweya mutsvene uchava pauri, uye simba reWekumusorosoro richakufukidza. Saka achaberekwa wacho achanzi mutsvene, Mwanakomana waMwari.”—Ruka 1:35.
• “Saka kana imi, kunyange zvazvo makaipa, muchiziva kupa vana venyu zvipo zvakanaka, ko kuzoti Baba venyu vari kudenga, vangatadza here kupa mweya mutsvene kune vaya vanovakumbira?”—Ruka 11:13.
16. Jehovha anoshandisa sei mweya mutsvene wake?
• “Denga rakaitwa neshoko raJehovha, uye zvese zviri mariri zvakavapo nemweya wemuromo wake.”—Pis. 33:6.
• “Muchagamuchira simba pachauya mweya mutsvene pamusoro penyu, uye muchava zvapupu zvangu . . . kusvikira kunzvimbo dziri kure dzenyika.”—Mab. 1:8.
• “Hapana uprofita huri muMagwaro hunobva pakududzira kunongoitwawo nemunhu zvichibva mumusoro make. Nekuti hapana kana pakamboziviswa uprofita huchibva mupfungwa dzevanhu, asi vanhu vakataura zvichibva kuna Mwari, vachitungamirirwa nemweya mutsvene.”—2 Pet. 1:20, 21.
17. Chii chinonzi Umambo hwaMwari?
• “Mwari wekudenga achaita kuti pave neumambo husingazomboparadzwi. Umambo hwacho hahuzosiyirwi vamwe vanhu. Huchapwanya, hwogumisa umambo hwese uhwu, uye ndihwo hwega hucharamba huripo nekusingaperi.”—Dhan. 2:44.
18. Umambo hwaMwari huchakubatsira sei?
• “Achapukuta misodzi yese pamaziso avo, uye hapazovi nerufu, kana kuchema kana kuridza mhere kana kurwadziwa. Zvinhu zvekutanga zvapfuura.”—Zvak. 21:4.
19. Unoziva sei kuti makomborero achaunzwa neUmambo atova pedyo?
• “Vadzidzi vakaenda kwaari vari vega, vakati: ‘Tiudzei, zvinhu izvi zvichaitika riini, uye chii chichava chiratidzo chekuti mavapo uye chekuti nyika yava kumagumo kwayo?’ Jesu akavapindura achiti: ‘. . . Rudzi ruchamukira rudzi uye umambo huchamukira umambo, uye kuchava nenzara nekudengenyeka kwenyika munzvimbo dzakawanda. Uye aya mashoko akanaka eUmambo achaparidzwa munyika yese kuti ave uchapupu kumarudzi ese, mugumo wozosvika.’”—Mat. 24:3, 4, 7, 14.
• “Mumazuva ekupedzisira, nguva dzakaoma, dzinonetsa kurarama madziri dzichasvika. Nekuti vanhu vachava vanozvida, vanoda mari, vanozvirumbidza, vanozvikudza, vanomhura, vasingateereri vabereki, vasingaongi, vasina kuvimbika, vasina rudo runongobva rwega mumwoyo, vasingatombodi kubvumirana, vanotaura zvenhema nezvevamwe, vasingazvidzori, vanotyisa, vasingadi zvakanaka, vatengesi, vakaoma musoro, vanozvitutumadza, vanoda mafaro panzvimbo pekuda Mwari, vanoita sekunge vanonamata Mwari asi vasingaiti zvinoenderana nekunamata kwacho.”—2 Tim. 3:1-5.
20. Ungaratidza sei kuti unokoshesa Umambo hwaMwari?
• “Rambai muchitanga kutsvaga Umambo nekururama kwake.”—Mat. 6:33.
• “Jesu akabva ati kuvadzidzi vake: ‘Kana munhu achida kunditevera, ngaazvirambe, atore danda rake rekutambudzirwa, arambe achinditevera.’”—Mat. 16:24.
21. Satani nemadhimoni ndivanaani?
• “Munobva kuna baba venyu Dhiyabhorosi . . . iye akanga ari muurayi paakatanga.”—Joh. 8:44.
• “Dhiragoni huru yakakandwa pasi, nyoka yepakutanga, inonzi Dhiyabhorosi uye Satani, uyo ari kutsausa nyika yese; akakandwa panyika, uye ngirozi dzake dzakakandwa pasi pamwe chete naye.”—Zvak. 12:9.
22. Satani akapomerei Jehovha uye vanhu vanomunamata?
• “Mukadzi akabva ati kunyoka: ‘Tingadya hedu michero yemiti yemumunda. Asi Mwari akataura nezvemuchero wemuti uri pakati pemunda, achiti: “Musaudya, kana kuubata; mukangodaro muchafa.”’ Nyoka yakabva yati kumukadzi: ‘Chokwadi hamumbofi. Nekuti Mwari anoziva kuti zuva ramuchaudya, maziso enyu achasvinudzwa uye muchafanana naMwari, muchiziva zvakanaka nezvakaipa.’”—Gen. 3:2-5.
• “Satani akapindura Jehovha achiti: “Ganda rinotsiviwa neganda. Munhu achapa zvese zvaainazvo achiitira upenyu hwake.”—Job. 2:4.
23. Ungaratidza sei kuti zvakataurwa naSatani ndezvekunyepa?
• ‘Shumira Mwari nemwoyo wakaperera.’—1 Mak. 28:9.
• “Kusvikira ndafa, handizosiyi kuperera kwangu kuna Mwari!”—Job. 27:5.
24. Nei tichifa?
• “Chivi chakapinda munyika nemunhu mumwe chete uye rufu rwakapinda nechivi, rufu rukabva rwapararira kuvanhu vese nekuti vese vakanga vatadza.”—VaR. 5:12.
25. Chii chinoitika kumunhu paanofa?
• “Vapenyu vanoziva kuti vachazofa, asi vakafa havana kana chavanoziva.”—Mup. 9:5.
26. Tichazomboona vakafa here?
• “Kuchava nekumuka kwevakarurama nevasina kururama.”—Mab. 24:15.
27. Vanhu vangani vachanotonga naJesu kudenga?
• “Ndakaona Gwayana rimire paGomo reZiyoni, riine vane 144 000 vakanyorwa zita raro nezita raBaba varo pahuma dzavo.”—Zvak. 14:1.