RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • gm chits. 10 pp. 134-148
  • Uporofita hweBhaibheri Hwawakaona Huchizadzika

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Uporofita hweBhaibheri Hwawakaona Huchizadzika
  • Bhaibheri—iShoko raMwari Here Kana Kuti Romunhu?
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Uporofita Hukuru hwaJesu
  • Hondo!
  • “Mavambo Amarwadzo Enhamo”
  • Kuperevedza Kwezvokudya!
  • Kudengenyeka Kwapasi
  • “Denda Rinouraya”
  • “Zvikara Zvapasi”
  • Kuparidzira Mashoko Akanaka
  • Ikoku Kwose Kunorevei?
  • Kuparadzwa Kwenyika Kwakadeya Kuziviswa Kuchasvika Rini?
    Rugare Rwechokwadi Nokuchengeteka—Ungaruwana Sei?
  • Rwuri Pashure Kupfuura Zvaunofunga Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Mazuva Okupedzisira
    Kukurukurirana Tichishandisa Magwaro
  • Uchateerera Nyevero yaMwari Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
Ona Zvimwe
Bhaibheri—iShoko raMwari Here Kana Kuti Romunhu?
gm chits. 10 pp. 134-148

Ganhuro 10

Uporofita hweBhaibheri Hwawakaona Huchizadzika

Wati wamboshamisika here kuti nei zvinhu zvakasiana kwazvo nhasi mukuenzanisira nenzira yazvakanga zvakaita makore ane zana akapfuura? Zvimwe zvinhu zviri nani. Munyika zhinji, hosha dzaiuraya munguva yakapfuura zvino dzorapwa kazhinji kazhinji, uye munhuwo zvake anofarikanya mupimo wokurarama usina kufungidzirwa navakare vake. Kune rumwe rutivi, zana redu ramakore raona hondo dzakaipisisa nohumwe hwoutsinye hwakaipisisa munhau yose. Rubudiriro rworudzi rwomunhu—kunyange kuvapo kwake kunopfuurira—runotyisidzirwa nokuwedzera kwavagari vapasi, chinetso chokushatswa kwezvinhu, nedura gurusa ramarudzi ose rezvombo zvenyukireya, zvedzidzo yesayenzi youpenyu namagariro ezvinhu zvipenyu, uye zvamakemikari. Neiko zana ramakore rechi 20 rakasiana kwazvo namamwe mazana amakore akapfuura?

1. (Batanidza sumo.) (a) Ko zana ramakore rechi 20 rasiana sei namazana amakore apfuura? (b) Chii chichatibetsera kunzwisisa chikonzero nei nguva dzedu dzakasiana kwazvo?

MHINDURO kuuyu mubvunzo ine chokuita nouporofita hunoshamisa hweBhaibheri hwawakaona huchizadzika. Uporofita uhwo Jesu amene akataura uye uhwo, kunze kwokupa chibvumikiso chokufuridzirwa kweBhaibheri, hunoratidzira kuti tiri kurarama pedyo nechinjo dzinoshamisa zvikuru muchiono chenyika. Ndohupi huri uhu uporofita? Uye tinoziva sei kuti huri kuzadzika?

Uporofita Hukuru hwaJesu

2, 3. Ko vadzidzi vaJesu vakamubvunza mubvunzoi, uye mhinduro yake tinoiwana kupi?

2 Bhaibheri rinotiudza kuti nokukurumidza pamberi porufu rwaJesu, vadzidzi vake vakanga vachikurukura zvivako zvikuru zvetembere muJerusarema; vakaororwa noukuru hwazvo nokusimba kunooneka. Asi Jesu akati: “Hamusati muchiona zvinhu zvose izvi here? Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, Ibwe harisati richizosiiwa pano riri pamusoro peibwe ndokusawisirwa pasi.”—Mateo 24:1, 2.

3 Vadzidzi vaJesu vanofanira kuve vakashamiswa namashoko ake uye gare gare vakauya kwaari nokuda kwamamwe mashoko, vachiti: “Tiudzei, Ko zvinhu izvozvi zvichaitika riniko, uye chii chichava chiratidzo chokuvapo kwenyu nechemhedziso yetsika yezvinhu?” (Mateo 24:3) Mhinduro yaJesu inowanwa murutivi rwasara rwaMateo ganhuro 24 ne 25. Mashoko ake akanyorwawo, muna Marko ganhuro 13 naRuka ganhuro 21. Uhu nenzira yakajeka hwakanga huri uporofita hunokosha zvikurusa hwakataurwa naJesu paaiveri pasi pano.

4. Ko vadzidzi vaJesu vakanga vachibvunza pamusoro pezvinhui zvakasiana-siana?

4 Kutaura idi, vadzidzi vaJesu vakanga vachibvunza pamusoro pechinopfuura chinhu chimwe. Kutanga, vakabvunza mubvunzo, unoti: “Ko zvinhu izvozvi zvichaitika riniko?” ndiko kuti, Jerusarema netembere yaro zvaizoparadzwa rini? Kupfuurirazve, ivo vaida kuziva chiratidzo chaizoratidzira kuti kuvapo kwaJesu saMambo woUmambo hwokudenga hwaMwari kwakanga kwavamba uye kuti mugumo wetsika ino yezvinhu wakanga wava pedyo.

5. (a) Izadzikoi yokutanga yakavapo youporofita hwaJesu, asi mashoko ake aizova nezadziko yawo izere rini? (b) Ko Jesu akavamba sei mhinduro yake kumubvunzo wavadzidzi?

5 Mumhinduro yake, Jesu akarangarira mapfundo ose ari maviri. Mazhinji amashoko ake akazadzika chaizvoizvo shure muzana ramakore rokutanga, mukati mamakore akatungamirira kuruparadziko rwunotyisa rweJerusarema muna 70 N.V. (Mateo 24:4-22) Asi uporofita hwake hwaizova nerevo inotova huru zvikuru gare gare, chokwadika, mumazuva edu timene. Chii, ipapoka, icho Jesu akataura? Iye akavamba nokutaura mashoko akanyorwa muMt 24 ndima 7 ne 8, anoti: “Rudzi ruchamukirana norudzi noumambo huchamukirana noumambo, uye kuchava nokuperevedza kwezvokudya nokudengenyeka kwapasi munzvimbo nenzvimbo. Zvinhu zvose izvozvi mavambo amarwadzo enhamo.”

6. Mashoko aJesu ari muna Mateo 24:7, 8 anotiyeuchidza nezvouporofitai hwakaenzana?

6 Nenzira yakajeka, kuvapo kwaJesu saMambo wokudenga kwaizoratidzirwa nenhamo huru pasi pano. Ikoku kunosimbiswa nouporofita hunowirirana hunowanwa mubhuku raZvakazarurwa: chiono chavarume vana vakatasva mabhiza veApocalypse. (Zvakazarurwa 6:1-8) Wokutanga waava varume vakatasva mabhiza anofananidzira Jesu amene saMambo anokunda. Vamwe vatasvi namabhiza avo vanofananidzira zvinoitika pasi pano zvinoratidzira mavambo okutonga kwaJesu: hondo, nzara, uye rufu rwokukarukana rwaitika kupfurikidza nemitoo yakasiana-siana. Tinoona here izvi zviporofita zviviri zvichizadzika nhasi?

Hondo!

7. Chii chinofananidzirwa nenzira youporofita nomutasvi webhiza wechipiri weApocalypse?

7 Ngatisanozvinzverei zvikuru. Kutanga, Jesu akati: “Rudzi ruchamukirana norudzi noumambo huchamukirana noumambo.” Uhu hwakanga huri uporofita hwehondo. Wechipiri wavarume vana vakatasva mabhiza veApocalypse nenzira yakafanana akafananidzira hondo. Tinorava, kuti: “Rimwe bhiza rakabuda, dzvuku; uye uyo agere pamusoro paro akabvumirwa kubvisa rugare papasi kuti vagourayana; uye akapiwa munondo mukuru.” (Zvakazarurwa 6:4) Zvino, rudzi rwomunhu rwave rwuchirwa hondo kwezviuru zvamakore. Ipapoka, nei aya mashoko achifanira kuva nerevo chaiyo nokuda kwezuva redu?

8. Neiko taizokarira hondo kuva rutivi rwakatanhamara rwechiratidzo?

8 Yeuka kuti hondo pachayo imene haisati iri chiratidzo chokuvapo kwaJesu. Chiratidzo chinoumbwa noudzame hwose hwouporofita hwaJesu hunoitika munhambo imwe cheteyo yenguva yavose. Asi hondo ndiyo rutivi rwokutanga runodudzwa, naizvozvo tingakarira kuti urwu rutivi rwaizozadzika munzira yakatanhamara iyo yaizobata ngwariro yedu. Uye munhu ari wose anofanira kubvuma kuti hondo dzeiri zana ramakore rechi 20 hadzienzaniswi munhau yose yekare.

9, 10. Ko uporofita pamusoro pehondo hwakavamba kuzadzika sei?

9 Somuenzaniso, hakuna hondo dzapakuvamba—dzoutsinye nedzinoparadza sezvakanga zvakaita zhinji—dzakaswedera kunyange pedyo mukuparadza nehondo mbiri dzenyika dzomuzana ramakore rechi 20. Chokwadika, hondo yenyika yokutanga pakupedzisira yakaparira nzufu dzinenge mamirioni 14, kupfuura chiverengero chavagari vapasi vose chomunyika zhinji. Zvirokwazvo, “kwakabvumirwa kubvisa rugare pasi pano kuti vagourayana.”

10 Mukuwirirana nouporofita hwacho, “munondo mukuru wakapiwa” kumurume wechipiri akatasva bhiza akafanana nomurwi wehondo weApocalypse. Ikoko kunoshanda sei? Mukuti: Zvombo zvehondo zvakava zvinouraya zvikuru. Akashongedzerwa namatangi ehondo, ndege, magasi echepfu anouraya, ngarava dzinofamba napasi pemvura, uye zvigwagwagwa zvinogona kukandira mbumburu dzinoputika kumakiromita anoverengeka, munhu akava anokwanisa zvikuru kuuraya muvakidzani wake. Uye chifo chehondo yenyika yokutanga “munondo mukuru” wakava unotoparadza zvikuru—nokuda kwokushandiswa kwezvinhu zvakadai sekurukurirano dzenhepfenyuro, radar, pfuti dzazvino uno, zvombo zvoutachiona nezvamakemikari, zvipfura marimi omwoto, napalm, marudzi matsva amabhomba, mabhomba anokandwa panyika yose, ngarava dzinofamba pasi pemvura dzenyukireya, ndege itsva, uye ngarava huru dzehondo.

“Mavambo Amarwadzo Enhamo”

11, 12. Ko hondo yenyika yokutanga yakangova bedzi “mavambo amarwadzo enhamo” munzirai?

11 Ndima dzapakuvamba dzouporofita hwaJesu dzinopedzisa namashoko, anoti: “Zvinhu izvi mavambo amarwadzo enhamo.” Zvamazvirokwazvo ikoku kwakanga kuri kwechokwadi nezvehondo yenyika yokutanga. Mugumo wayo muna 1918 hauna kuunza rugare rwunogarisa. Yakakurumidza kuteverwa nezviito zvakaganhurirwa asi zvakakasharara zvehondo muEthiopia, Libya, Spain, Russia, India, uye dzimwe nyika. Ipapo hondo yenyika yechipiri inotyisa yakasvika, iyo yakauraya varwi vehondo navasati vari varwi vane mamirioni 50.

12 Uyezve, pasinei hapo nezvibvumirano zvorugare zvapanhambo nenhambo nokuterama mukurwa, rudzi rwomunhu rwuchiri kurwa. Muna 1987 kwakashumwa kuti hondo huru 81 dzakanga dzarwiwa chifo cha 1960, dzichiuraya varume, vakadzi, uye vana vane 12 555 000. Gore ra 1987 rakaona hondo dzakawanda dzichirwiwa kupfuura gore ripi neripi rakapfuura munhau yakanyorwa.1 Kupfuurirazve, gadziriro yehondo nendyiko, zvino zvosvika hwerengedzo yaanenge $2 500 000 000 000 gore negore, inoshatsa mugariro wezvemari wenyika.2 Uporofita hwaJesu hwo‘rudzi ruchimukirana norudzi noumambo huchimukirana noumambo’ huri kuzadzika zvamazvirokwazvo. Bhiza dzvuku rehondo rinopfuurira kugagadika kwaro kunotyisa richigura pasi. Asi zvakadiniko norutivi rwechipiri rwechiratidzo chacho?

Kuperevedza Kwezvokudya!

13. Ko Jesu akadeya kuzivisa zvinoitikai zvengwavaira, uye chiono chomutasvi webhiza wechitatu weApocalypse chinotsigira sei uporofita hwake?

13 Jesu akadeya kutaura, kuti: “Uye kuchava nokuperevedza kwezvokudya . . . munzvimbo nenzvimbo.” Cherechedza kuti ikoku kunotsinhirana sei nokutasva kwowechitatu wavarume vana vakatasva mabhiza veApocalypse. Nezvake tinorava, kuti: “Ipapo ini ndakaona, uye, tarira! bhiza dema; uye uyo akanga agere pamusoro paro akanga ane zviyereso zviviri muruoko rwake. Uye ndakanzwa inzwi sokunge kuti riri pakati pezvisikwa zvipenyu zvina richiti: ‘Chiyero chegorosi nokuda kwedenari, uye zviyero zvitatu zvebhari nokuda kwedenari; uye usashatsa mafuta omuorivhi newaini.’” (Zvakazarurwa 6:5, 6) Hungu, kuperevedza kwakakomba kwezvokudya!

14. Inzarai huru kubvira muna 1914 yakazadzika uporofita hwaJesu?

14 Ko kunobvira here kuti uhu uporofita huri kuzadzika nhasi, apo dzimwe nyika dzakawana mipimo yakakwirira yakadaro yokurarama? Kuringa panyika yose zvayo hakusiyi panikiro pamusoro pemhinduro. Munhau, nzara dzakaparirwa nehondo nengwavaira dzomusikirwo. Hakusati kuchishamisa, ipapoka, kuti zana redu ramakore, iro rakava negoverano inopfuura mugove waro wengwavaira nehondo, rakatambudzwa ratambudzwazve nenzara. Mativi mazhinji apasi akatambura ngwavaira dzakadaro chifo cha 1914. Mumwe mushumo unoronga dzinopfuura nzara huru dzine 60 chifo cha 1914, munyika dzakaparadzana zvikuru dzakadai seGirisi, Netherlands, U.S.S.R, Nigeria, Chad, Chile, Peru, Bangladesh, Bengal, Kampuchea, Ethiopia, uye Japan.3 Dzimwe dzeidzi nzara dzakagara kwamakore anoverengeka uye dzakaparira mamirioni enzufu.

15, 16. Ndikumwe kuperevedzai kwezvokudya kunoparadza zvirokwazvo nhasi?

15 Kunyange zvazvo nzara dzakakomba dzichiwanzowana paradziro yakafara, pashure penguva yakati dzinopfuura uye vapukunyuki pashoma napashoma vanodzokera kuupenyu hwenguva dzose zvikuru. Zvisinei, rumwe rudzi runotyisidzira zvikuru rwokuperevedza kwezvokudya rwakatanga mukati mezana ramakore rechi 20. Irworwu harukatyamadzi zvikuru uye naizvozvo runofuratirwa kazhinji kazhinji. Asi runopfuurira gore negore. Iri ndiro denda rakakomba rokushaikwa kwezvokudya zvinovaka muviri rinotapura vanosvika kuchikamu chimwe chezvishanu chavagari venyika vepasi redu uye rinouraya vanhu vari pakati pamamirioni 13 ne 18 gore rimwe nerimwe.4

16 Namamwe mashoko, urwu rudzi rwokuperevedza kwezvokudya runouraya vanhu vazhinji zvikuru mumazuva maviri savakaurawa paHiroshima nebhomba reatomu. Zvamazvirokwazvo, makore maviri ari ose, kune vanhu vakawanda vanofa nemiuyo yenzara vanopfuura varwi vakaurawa neHondo yeNyika I neHondo yeNyika II vabatanidzwa. Kwave kune “kuperevedza kwezvokudya . . . munzvimbo nenzvimbo” chifo cha 1914 here? Hungu, zvamazvirokwazvo!

Kudengenyeka Kwapasi

17. Kudengenyekai kwapasi kunoparadza kwakaitika nokukurumidza pashure pa 1914?

17 Pana January 13, 1915, apo hondo yokutanga yenyika yakanga yava nemwedzi mishomanene bedzi, kudengenyeka kwapasi kwakatenhedza Abruzzi, Italy, uye kwakauraya vanhu vane 32 610. Iyi ngwavaira hurusa inotiyeuchidza kuti hondo nokuperevedza kwezvokudya mukati mokuvapo kwaJesu zvaizoperekedzwa nechimwe chinhuwo: “Kuchava . . . nokudengenyeka kwapasi munzvimbo nenzvimbo.” Pamusoro pehondo nenzara, kudengenyeka kwapasi kweAbruzzi kwakanga kuchingova bedzi “mavambo amarwadzo enhamo.”a

18. Ko uporofita hwaJesu pamusoro pokudengenyeka kwapasi hwakazadzika sei?

18 Zana ramakore rechi 20 rave riri zana ramakore rokudengenyeka kwapasi, uye somuuyo webudiriro dzezvinobudisa mashoko zvenhau, rudzi rwose rwomunhu runoziva zvikuru nezvoruparadziko rwakwakaparira. Kungodudza kushomanene, 1920 yakaona nzufu dzine 200 000 mukudengenyeka kwapasi muChina; muna 1923, vane 99 300 vakafa mukudengenyeka kwapasi muJapan; muna 1935, kumwe kudengenyeka kwapasi kwakauraya vane 25 000 mune inonzi zvino Pakistan, nepo vane 32 700 vakafa muTurkey muna 1939. Kwaiva nenzufu dzine 66 800 mukudengenyeka kwapasi muPeru muna 1970. Uye muna 1976, vane 240 000 (kana kuti, mukuwirirana namamwe manyuko, 800 000) vakafa muTangshan, China. Mumisi ichangobva kupfuura iyi zvikuru, muna 1988, kwakava navane 25 000 vakafa mukudengenyeka kwapasi kune simba muArmenia.b Zvamazvirokwazvo, “kudengenyeka kwapasi munzvimbo nenzvimbo”!6

“Denda Rinouraya”

19. Ndihumwe udzamei hwechiratidzo hwakadeya kuziviswa naJesu uye hwakadeya kufananidzirwa nomutasvi webhiza wechina weApocalypse?

19 Humwe udzame hwouporofita hwaJesu hune chokuita nehosha. Muevhangeri Ruka, munhauro yake, anonyora kuti Jesu akadeya kutaura “hosha munzvimbo nenzvimbo.” (Ruka 21:11) Ikokuwo kunotsinhirana nechiono chouporofita chavarume vana vakatasva mabhiza vaApocalypse. Murume wechina akatasva bhiza anonzi Rufu. Iye anofananidzira rufu runokurumidza runoparirwa nechiverengero chakati chezvisakiso, kubatanidza ne“denda rinouraya uye . . . zvikara zvapasi.”—Zvakazarurwa 6:8.

20. Murakatirai wakatanhamara wakanga uri zadziko duku youporofita hwaJesu pamusoro penhenda?

20 Shure muna 1918 na 1919, vanhu vanopfuura 1 000 000 000 vakarwara nomurakatira weSpania, uye vanopfuura 20 000 000 vakafa. Hosha yacho yakauraya upenyu hwakawanda kupfuura zvakaita hondo huru imene.7 Uye “denda rinouraya,” kana kuti ‘nhenda,’ rinopfuurira kutambudza ichi chizvarwa, pasinei hapo nebudiriro dzakawanda dzinoshamisa. Neiko kuchidaro? Kutanga, nyika dzine urombo zvikuru hadzisati dzichifarikanya nguva dzose betsero dzefambiro mberi yesayenzi. Vanhu varombo vanotambura uye vanofa nourwere hwaigona kurapwa kudai mari yakawanda yaiitwa kuti iwanikwe.

21, 22. Ko vanhu mudzose dziri mbiri nyika dzakapfuma nenyika dzine urombo vakatambura sei “denda rinouraya”?

21 Nokudaro, vanhu vana mamirioni 150 munyika yose vanotambura nemalaria. Vane mamirioni 200 vanotapurwa nesnail fever. Hosha yeChagas inotapura vanhu vanenge mamirioni gumi. Anenge mamirioni 40 anotambura river blindness. Hosha dzakaipa dzamanyoka dzinouraya mamirioni avana gore rimwe nerimwe.8 Hosha yorurindi namaperembudzi zvichiri chinetso chinotambudza choutano. Nomutoo wakatanhamara, varombo venyika ino vanotambura ne‘nhenda munzvimbo nenzvimbo.’

22 Asi ndozvinoitawo vakapfuma. Somuenzaniso, murakatira unotapura vakapfuma navarombo nomutoo wakafanana. Muna 1957 nhamo huru yomurakatira yakaparira nzufu dzine 70 000 muUnited States moga bedzi. MuGermany munofungidzirwa kuti munhu mumwe muna vatanhatu pakupedzisira achatambura nekenza.9 Hosha dzinopomeranwa muvatano dzinotapurawo vapfumi navarombo. Chinzonono, hosha inoshumwa kazhinji kazhinji zvikuru kuva inopomeranwa muUnited States, inotambudza vazhinjisa savane 18,9 muzana yechiverengero chavagari vapasi vamamwe mativi eAfrica.10 Njovhera, chlamydia, nehosha yamaronda emitezo yokubereka nayo ndedzimwe dze“nhenda” dzomurakatira dzinopomeranwa muvatano.

23. “Idendai rinouraya” rakabata ngwariro misoro mikuru yenhau pamisi ichangobva kupfuura iyi?

23 Mumakore achangobva kupfuura aya, “denda rinouraya” reAIDS rakakumbanirawo ndaza ye“nhenda.” AIDS chirwere chinotyisa nokuti, pakunyora kuno, hapana kurapa kunoonwa, uye chiverengero chavanyajambwa vayo chinopfuurira kuwedzera. Dr. Jonathan Mann, mutungamiriri weWHO (World Health Organization) [Sangano Renyika Routano] Purogiramu Chaiyo pamusoro peAIDS, akati: “Tinofungidzirawo kuti kuna vanhu mamirioni mashanu kusvikira ku 10 munyika nhasi vakatapurwa nehuman immunodeficiency virus [utachiona hwokuperevedza kwegadziriro yedziviriro yomuviri womunhu] (HIV).”11 Mukuwirirana nokumwe kufungidzira kwakabudiswa, utachiona hweAIDS hunotapura nyajambwa mutsva miniti imwe neimwe. “Denda rinouraya” zvamazvirokwazvo! Asika zvakadiniko nezvouporofita hworufu runoparirwa nezvikara?

“Zvikara Zvapasi”

24, 25. (a) Ko muporofita Ezekieri akanongedzera kurudzii rwe‘chikara’? (b) Jesu akatii pamusoro pe“zvikara” zvinova zvinoshingaira pasi pano mukati mokuvapo kwake?

24 Idi nderokuti, apo zvikara zvinodudzwa mumazuva ano mumapepanhau, imhaka yokuti mamwe marudzi ari mungozi kana kuti haachisipo. “Zvikara zvapasi” zvinotyisidzirwa zvikuru kwazvo navanhu kupfuura zvinoitwa vanhu nazvo. Pasinei hapo naikoku, mune dzimwe nyika zvikara, zvakadai samadindingwe muIndia, zvichiri kuuraya chiverengero chinowedzera chavanhu.

25 Zvisinei, Bhaibheri rinorereudzira ngwariro yedu kune rumwe rudzi rwechikara chakaparira rutyo chairwoirwo mumakore achangobva kupfuura aya. Muporofita Ezekieri akaenzanisira vanhu vane masimba masimba nezvikara apo iye akati: “Machinda aro ari pakati paro akafanana namapere anobvanzura nyama yakabatwa mukuteura ropa, mukuparadza mweya nokuda kwedonzo rokuita mhindu isina kururama.” (Ezekieri 22:27) Apo iye akaporofita “kuwedzera kwokusateerera mutemo,” Jesu, chokwadika, akanga chitaura kuti “zvikara” zvakadaro zvaizoshingaira pasi pano mukati mokuvapo kwake. (Mateo 24:12) Munyori weBhaibheri Pauro anowedzera kuti mukati “mamazuva okupedzisira” vanhu vaizova “vadi vemari . . . vasina kuzvidzora, vanotyisa, vasina rudo rworunako.” (2 Timotio 3:1-3) Ikoku kwave kwakadaro here chifo cha 1914?

26-28. Mishumoi inobva mukupota nyika inoratidzira kuti “zvikara” zvoutsotsi zviri kuvhima pasi?

26 Zvamazvirokwazvo kwave kwakadaro. Kana iwe uchigara murinenge guta guru ripi neripi pasi pano, unotoziva izvozvi. Asi kana uchikupanikira, imborangarira kunokorwa kwamashoko kunotevera kwazvino uno kwepepanhau. MuColombia: “Gore rakapera mapurisa akanyora . . . kunenge kuponda kune 10 000 uye kuba kwakashongedzerwa nezvombo kune 25 000.” MuVictoria, Australia: “Wedzero Huru Muutsotsi Hukuru.” MuUnited States: “Kuuraya muNew York Kunowedzera Nechiverengero Chakakwira Munhau.” “Detroit yakakurira Gary, Ind., gore rapera seguta guru nomwero wakakwirira zvikuru wokuponda murudzi rwacho—58 pavagari vane 100 000.”

27 MuZimbabwe: “Kupondwa kwavacheche kwasvika mwero yakakwirira zvikuru.” MuBrazil: “Mune utsotsi hwakawanda kwazvo muno, uye kufamba kwakawanda kwazvo nezvombo, zvokuti nhau dzamasimba masimba hadzisati dzichambomutsazve fariro huru.” MuNew Zealand: “Kubata chibharo noutsotsi hwamasimba masimba zvinopfuurira kuva itiro hanya huru nokuda kwamapurisa.” “Mwero wavagari veNew Zealand wamasimba masimba kune mumwe mumwe ungagona bedzi kurondedzerwa sowoutsinye.” MuSpain: “Spain inorwisana nechinetso chinowedzera choutsotsi.” MuItaly: “Mafia yeSicily, pashure pedziviswo, inomutsidzirwa mufungu rokuuraya.”

28 Iyi inongova bedzi mienzaniso miduku yemishumo yepepanhau yakabuda chinguvana pamberi pokubudiswa kweiri bhuku. Zvirokwazvo, “zvikara” zviri kuvhima pasi, zvichiparira vanhu kudedera nokuda kwekotsekano yavo.

Kuparidzira Mashoko Akanaka

29, 30. Chii chiri mugariro worudzidziso muchiKristudhomu, muzadziko youporofita hwaJesu?

29 Rudzidziso rwaizoita sei mukati menguva dzinotambudza dzokuvapo kwaJesu? Kune rumwe rutivi, Jesu akaporofita kuti kwaizova nokuwedzera mumubato worudzidziso: “Vaporofita vazhinji venhema vachamuka vachitsausa vazhinji.” (Mateo 24:11) Kune rumwe rutivi, iye akadeya kutaura kuti muchiKristudhomu chose zvacho, fariro muna Mwari yaizova pamwero muduku. “Rudo rwechiverengero chikuru zvikuru ruchatonhora.”—Mateo 24:12.

30 Ikoku zvamazvirokwazvo kunorondedzera chiri kuitika nhasi muchiKristudhomu. Kune rumwe rutivi, machechi makuru zvikuru kunzvimbo iri yose ari kukundikana kupfurikidza nokushaya tsigiro. Mune dzimwe nyika dzaichimbova dzechiPurotesitendi dzakasimba dzokuchamhembe kweEurope neEngland, rudzidziso rwangova rwakafa harwo. Panguva imwe cheteyo, Chechi yeKaturike iri kutambura kushaya vaprista netsigiro iri kuderera. Kune rumwe rutivi, kwave kune wedzero mumativi amarudzidziso maduku. Miitiro yakavakirwa pamarudzidziso okuMabvazuva inowedzera, apo vaevhangeri vane udyire vomuterevhizheni vanopamba mamirioni amadhora.

31. Chii icho Jesu akadeya kutaura icho chinobetsera kuzivisa maKristu echokwadi nhasi?

31 Zvakadiniko, kunyange zvazvo zvakadaro, nezvechiKristu chechokwadi, rudzidziso rwakatangwa naJesu ndokuparidzirwa navaapostora vake? Rwaizova rwuchiripo mukati mokuvapo kwaJesu, asika rwaizozivikanwa seiko? Kune chiverengero chakati chezvinhu zvinozivisa chiKristu chechokwadi, uye chimwe chinodudzwa muuporofita hukuru hwaJesu. MaKristu echokwadi aizobatikana mubasa rokuparidzira renyika yose. Jesu akaporofita, kuti: “Uye aya mashoko akanaka oumambo achaparidzirwa mupasi rose rinogarwa nokuda kwouchapupu kumarudzi ose; uye ipapo mugumo uchasvika.”—Mateo 24:14.

32. Ibokai bedzi rakazadzika uporofita hwaJesu hwakanyorwa muna Mateo 24:14?

32 Uku kuparidzira zvino kuri kuitika pamwero mukuru zvikuru! Nhasi, boka rorudzidziso rinonzi Zvapupu zvaJehovha rakabatikana mumubato mukurusa wokuparidzira munhau yechiKristu. (Isaya 43:10, 12) Shure muna 1919, apo marudzidziso makuru echiKristudhomu akarerekera kune zvamatongerwe enyika aireverera Chinzwano chaMarudzi chakashurikidzwa, Zvapupu zvaJehovha zvakanga zvichigadzirirwa nokuda kweiyi nhimbe yokuparidzirwa yenyika yose.

33, 34. Ko mashoko akanaka oUmambo akaparidzirwa munyika yose kusvikira kutambanukoi?

33 Kwaingova bedzi neZvapupu zvine 10 000 shure panguva iyoyo, asi zvaiziva basa rakanga richida kuitwa. Nenzira youshingi, zvakatanga mubato wokuparidzira. Zvakaziva kuti kukamukana kwavakuru vakuru vorudzidziso kwakanga kuchipesana kuzvose zviri zviviri mirairo yeBhaibheri nomuenzaniso wavaapostora. Naizvozvo izvo zvose, kusvikira kumunhu wokupedzisira, zvakadzidza mutoo wokutaura nawo kuna vavakidzani vazvo pamusoro poUmambo hwaMwari. Zvakava sangano ravaparidziri.

34 Sezvo nguva yakafamba, ava vaparidziri vakatsungirira chitambudzo chikuru. MuEurope, ivo vakashorwa namarudzi akasiana oubati ushe hwoushushi. MuUnited States neCanada, vakanangana nedenho dzapamutemo nechiito chenyongori. Mudzimwe nyika, vaitofanira kukurira fungira mano yakaipa yorudzidziso nechitambudzo chokusaitira hanya chaiitwa navashushi vane utsinye. Mumakore achangobva kupfuura aya, vaitofanirawo kunangana nomudzimu wepanikiro nowokuzvikudza wakatanga. Asi ivo vakatsungirira kusvikira kupfundo uko, nhasi, kuna vanopfuura mamirioni matatu nehafu vavo munyika dzine 212. Mashoko akanaka oUmambo haana kumboparidzirwa zvakafara zvikuru kudai nakare kose—zadziko inokatyamadza yourwu rutivi rwechiratidzo!

Ikoku Kwose Kunorevei?

35. (a) Ko kuzadzika kwouporofita nhasi kunobetsera sei kuratidzira kufuridzirwa kwoumwari kweBhaibheri? (b) Ko kuzadzika kwechiratidzo icho Jesu akapa kunorevei nokuda kwezuva redu?

35 Pasina panikiro ipi neipi tiri kupupurira kuzadzika kwechiratidzo chikuru icho Jesu akapa. Iri idi rinowedzera kuufakazi hwokuti Bhaibheri zvamazvirokwazvo rakafuridzirwa naMwari. Hakuna munhu aigona kudai akadeya kuzivisa nguva refu pachine nguva mberi zvinoitika zvaizoitika mukati mezana rino ramakore rechi 20. Zvakare, kuzadzika kwechiratidzo kunoreva kuti tiri kurarama munguva yokuvapo kwaJesu neyemhedziso yetsika yezvinhu. (Mateo 24:3) Chii chiri revo yaikoku? Chii chinobatanidzwa mukuvapo kwaJesu? Uye chii chiri tsika yezvinhu iri kuguma? Kupindura iyi mibvunzo, tinofanira kurangarira humwe ufakazi hwakasimba hwokufuridzirwa kweBhaibheri: tsinhirano yaro yakatanhamara yomukati. Tichatevera kukurukura ikoku ndokuona kuti musoro mukuru weBhaibheri kunyange zvino uri kutosvika sei mugumo unotyisa.

[Mashoko Omuzasi]

a Kwakanga kune kunenge kudengenyeka kwapasi kushanu pakati pa 1914 na 1918 kwakaratidzira 8 kana kuti kupfuura pachiyero cheRichter—kune simba zvikuru kupfuura kudengenyeka kwapasi paAbruzzi. Zvisinei, uku kutenheka kwaiva munharaunda dziri kure nekure dzenyika, uye nokudaro hadzina kukwezva ngwariro yakawanda kwazvo sokutenheka kweItaly.5

b Zviverengero zvakasiana-siana zvakashumwa nokuda kwechiverengero chavanyajambwa vedzimwe dzeidzi ngwavaira. Zvisinei, kwose kwakanga kuchiparadza zvikuru.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe