RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w91 4/1 pp. 4-7
  • Rwuri Pashure Kupfuura Zvaunofunga Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Rwuri Pashure Kupfuura Zvaunofunga Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Zvinhu Zvose Zviri Kupfuurira “Sokubva Pamavambo Echisiko”?
  • Chiratidzo Chomubatanidzwa Chamativi Akawanda
    Mukai!—1993
  • Kuparadzwa Kwenyika Kwakadeya Kuziviswa Kuchasvika Rini?
    Rugare Rwechokwadi Nokuchengeteka—Ungaruwana Sei?
  • Uporofita hweBhaibheri Hwawakaona Huchizadzika
    Bhaibheri—iShoko raMwari Here Kana Kuti Romunhu?
  • Mazivire Atinoita Kuti Tava mu“Mazuva Okupedzisira”
    Mwari Anoitira Hanya Zvomenemene Here?
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
w91 4/1 pp. 4-7

Rwuri Pashure Kupfuura Zvaunofunga Here?

MAZUVA matatu pamberi porufu rwake, Jesu akanga ane zuva rokubatikana zvikuru muJerusarema, zuva rakava roukoshi hukurusa nokuda kwamaKristu ari kurarama zvino. Iye akadzidzisa mutembere, achidzorera mibvunzo mizhinji yemanomano iyo vatungamiriri vorudzidziso vechiJudha vakaedza kumubata nayo. Pakupedzisira, iye akanangidzira kuvanyori navaFarise kumhura kwakakomba uko kwakavazivisa savanyengeri nenyoka dzakananga kuGehena.—Mateo, maganhuro 22, 23.

Sezvo akanga ari kubva munharaunda yetembere, mumwe wavadzidzi vake akati kwaari: “Mudzidzisi, tarirai mabwe kunaka! nedzimba kunaka!” Jesu, asingaororwi, akati kwaari: “Unoona dzimba idzi huru? Hakungaregwi ibwe pamusoro peibwe, risingazowisirwi pasi.” (Marko 13:1, 2) Jesu ipapo akabva patembere kwenguva yokupedzisira, akadzika muMupata weKidroni, akayambuka, akakwira mikwidzwa yeGomo reMiorivhi.

Sezvo akagara muchiedza chezuva romukupera kwamasikati ipapo pagomo, netembere ichioneka paGomo reMoria mhiri kwomupata, Petro, Jakobho, Johane, uye Andrea vakauya kwaari vari voga. Airema pandangariro dzavo aiva mashoko ayo iye akanga ataura pamusoro pokuwisirwa pasi kwetembere. Ivo vakabvunza, kuti: “Tiudzei, Zvinhu izvozvi zvichava rini, uye chii chichava chiratidzo chokuvapo kwenyu nechemhedziso yetsika yezvinhu?” (Mateo 24:3, NW; Marko 13:3, 4) Mhinduro yaakapa kumubvunzo wavo masikati iwayo paGomo reMiorivhi ndeyoukoshi hukuru kwatiri. Inogona kutidzivisa kumirira kwenguva refu zvikuru tisati tafunga pamusoro pe“mhedziso yetsika yezvinhu.”

Mubvunzo wavo wakanga wakapetwa kaviri. Rumwe rutivi rwaiva pamusoro pokuguma kwetembere netsika yechiJudha; rumwe rwacho rwaiva nechokuita nokuvapo kwaJesu kwomunguva yemberi saMambo nemhedziso yetsika ino iripo yezvinhu. Mibvunzo yose iyoyi iri miviri yakafukidzwa mumhinduro yaJesu, seinopiwa muna Mateo 24 ne 25, Marko 13, uye Ruka 21. (Onawo Zvakazarurwa 6:1-8.) Pamusoro pemhedziso yenyika ino iripo, kana kuti tsika yezvinhu, Jesu akarondedzera mativi anoverengeka ayo, kana akaiswa pamwe chete, aizova chiratidzo chakaumbwa nezvizhinji chinozivisa mazuva okupedzisira. Chiratidzo chakaumbwa nezvizhinji ichocho chiri kuzadzikwa here? Chinotiisa mumazuva okupedzisira anotaurwa nezvawo muBhaibheri here? Zadziko yacho inotinyevera kuti rungava pashure kupfuura zvatinofunga here?

Rutivi rumwe rwechiratidzo chakaumbwa nezvizhinji chaJesu ndourwu: “Rudzi ruchamukira rudzi, noushe huchamukira ushe.” (Mateo 24:7) Muna 1914, Hondo yeNyika I yakatanga. Zvapupu zvaJehovha zvamakore gumi iwayo zvakakurumidza kusvinurira. Uye neiko? Muna December 1879, makore 35 pamberi pezvi, magazini yeWatch Tower yakanga yataura, kuchivakirwa pakuverenga nguva kweBhaibheri, kuti 1914 raizova gore rinokosha munhau yomunhu. Iyi hondo, hondo yokutanga pamwero wenyika yose zvirokwazvo, iyo marudzi 28 akabatanidzwa mairi pakupedzisira uye vanhu vane mamirioni 14 vakauraiwa, yaigona kuva mavambo ezvinoitika zvinozadzika chiratidzo chakaumbwa nezvizhinji chaJesu chomugumo here? Mamwe mativi echiratidzo aizotevera here?

Mu“zvakazarurwa zvaJesu Kristu,” kuuraya kukuru kumwe cheteku kunodeya kutaurwa. Pano bhiza dzvuku nomutasvi waro vano“bvisa rugare panyika.” (Zvakazarurwa 1:1; 6:4) Ikoko kwakaitika zvamazvirokwazvo kubva muna 1914 kusvikira kuna 1918. Uye Hondo yeNyika I yaingova bedzi mavambo. Muna 1939, Hondo yeNyika II yakatevera. Marudzi ane makumi mashanu namapfumbamwe akapinzwa murwisano iyoyo, uye vanhu vane mamirioni 50 vakaurawa. Mukati mamakore 45 pashure peHondo yeNyika II, hondo dzinopfuura 125 dzakarwiwa, dzichiuraya vanhu vanopfuura mamirioni 20.

Rumwe rutivi rwechiratidzo ndourwu: “Kuchava neperevedzo yezvokudya.” (Mateo 24:7, NW) Kwaiva nenzara yakapararira mukati napashure peHondo yeNyika I. Mumwe mushumo unoronga nzara huru dzinopfuura 60 chifo cha 1914, dzichitora mamirioni mazhinji oupenyu. Uyezve, kunyange zvino vana 40 000 vanofa zuva rimwe nerimwe nokusadya zvakatsarukana nehosha dzinodzivirirwa.

“Kudengenyeka kukuru kwenyika kuchavapo.” (Ruka 21:11) Kwakazunungusa pasi pashure pokunge Hondo yeNyika I yavamba. Muna 1915 kudengenyeka kwapasi kwakatora upenyu 32 610 muItaly; muna 1920 kumwe kwakauraya 200 000 muChina; muna 1923 muJapan, 99 300 vakafa; muna 1935 mune yava kunzi zvino Pakistan, 25 000 vakarasikirwa noupenyu hwavo; muna 1939 muTurkey, 32 700 vakaparara; muna 1970 muPeru, 66 800 vakauraiwa; muna 1976 muChina, 240 000 (vamwe vanoti 800 000) vakafa; muna 1988 muArmenia, 25 000 vakarasikirwa noupenyu hwavo. Zvamazvirokwazvo, kwave kune kudengenyeka kwapasi kukuru chifo cha 1914!

“Nhenda munzvimbo imwe pashure peimwe.” (Ruka 21:11, NW) Mukati ma 1918 na 1919, vanhu vane 1 000 000 000 vakarwara nefuruwenza yeSpania, uye vanopfuura 20 000 000 vakafa. Asi ikoko kwaingova bedzi mavambo. Munyika iri kubudirira, mararia, snail fever, river blindness, manyoka, uye zvimwe zvirwere zvinopfuurira kuremadza nokuuraya mazana amamirioni. Mukuwedzera, hosha yomwoyo negomarara zvinotora mamwe mamirioni oupenyu. Hosha dzinopfuudzwa muvatano dziri kuparadza rudzi rwomunhu. Chinotyisa zvikuru nhasi idenda rinouraya reAIDS, rinofungidzirwa kuva riri kubata nyajambwa mutsva miniti iri yose, pasina mushonga unooneka.

“Kuwedzera kwokusateerera mutemo.” (Mateo 24:12, NW) Kusateerera mutemo kwakapenga chifo cha 1914, uye nhasi kwava nengozi. Kuuraya, kubata zvibharo, kuba, hondo dzamapoka—zvinoita misoro mikuru yamapepanhau nenhau dzenhepfenyuro neterevhizheni. Masimba masimba asina donzo anopfuurira zvisingadzorwi. MuUnited States, munhu ane pfuti anoparadzira mabara zana anobva mupfuti yedenho inokurumidza kupfura muboka ravana vechikoro—5 vakafa, 29 vakakuvadzwa. MuEngland murume anopenga anouraya vanhu 16 nepfuti yokudenha nayo AK-47. MuCanada murume anovenga vakadzi anoenda kuMontreal University uye anouraya 14 vavo. Vanhu vakadaro vakafanana namapere, shumba, zvikara, mhuka dzisingarangariri dzakaberekwa kuti dzibatwe ndokuparadzwa.—Enzanisa naEzekieri 22:27; Zefania 3:3; 2 Petro 2:12.

“Vanhu vachapera nokutya nokutarira zvinowira nyika.” (Ruka 21:26) Chinguvana pashure pokuputika kwamabhomba okutanga eatomu, musayendisiti wezvemaatomu Harold C. Urey akati nezvenguva yemberi: “Tichadya rutyo, kurara murutyo, kurarama murutyo nokufa murutyo.” Kurutyo rwehondo yenyukireya kwakawedzerwa rutyo rwoutsotsi, nzara, kusagadzikana kwezvemari, kuputsika kwetsika, kuipa kwemhuri, kushatiswa kwapasi. Kutaura idi, nguva dzakaipa dzinoratidzirwa pamberi pedu namapepanhau ezuva nezuva nenhau dzeterevhizheni zvinoparadzira rutyo munzvimbo iri yose.

Muapostora Pauro akanyorawo nezvemigariro yaizotekeshera mumazuva okupedzisira etsika ino yezvinhu. Kurava mashoko ake kwakafanana nokurava nhau dzezuva. “Zvino uzive chinhu ichi,” akanyora kudaro, “kuti namazuva okupedzisira nguva dzokutambudzika dzichasvika. Nokuti vanhu vachava vanozvida, vanoda mari, vanozvirumbidza, vanozvikudza, vanotuka, vasingateereri vabereki, vasingaongi, vasati vari vatsvene, vasina rudo chairwo, vasingadi kuyanana, vanochera vamwe, vasingazvidzori, vane hasha, vasingadi zvinhu zvakanaka, vanonyengera, vasingarangariri, vanoita manyawi, vanoda zvinofadza zvenyika kupfuura Mwari; vane mufananidzo bedzi wokunamata Mwari, asi vakarasa simba rako; ufuratire vanhu ivavawo.”—2 Timotio 3:1-5.

Zvinhu Zvose Zviri Kupfuurira “Sokubva Pamavambo Echisiko”?

Muapostora Petro akadeya kutaura rumwe rutivi rwamazuva okupedzisira: “Mumazuva okupedzisira kuchauya vaseki nokuseka kwavo, vachipfuurira mukuwirirana nezvishuvo zvavo vamene vachiti: ‘Uku kuvapo kwake kwakapikirwa kuripiko? Chokwadi, kubva muzuva iro madzibaba edu akavata murufu, zvinhu zvose zviri kupfuurira chaizvoizvo sokubva pamavambo echisiko.’”—2 Petro 3:3, 4, NW.

Nhasi, apo nhau yamazuva okupedzisira inomuka, vanhu vazhinji vanozadzika mashoko aPetro ouporofita kupfurikidza nokunyomba vachiti: ‘Haiwa, zvinhu zvose izvozvo zvakaitika kare. Inhau chete iri kuzvidzokorora imene.’ Naizvozvo vanoramba nyevero dzacho ndoku“pfuurira mukuwirirana nezvishuvo zvavo vamene.” Kuri “mukuwirirana nokuda kwavo” kuti vanofuratira zadziko yamauporofita anozivisa nenzira yakajeka kwazvo mazuva okupedzisira.—2 Petro 3:5, NW.

Kunyanguvezvo, mativi akasiana-siana echiratidzo chakaumbwa nezvizhinji akadeya kutaurwa naJesu haana kutongozadzikwa kare ari pamwe chete munhambo pfupi yenguva yakadaro noukuru hwakadaro uye nemiuyo inosvika kure yakadaro. (Hwirudzura, somuenzaniso, Mateo 24:3-12; Marko 13:3-8; Ruka 21:10, 11, 25, 26.) Uye tingada kukwevera ngwariro yako zvikurukuru kurumwezve rutivi rwakadeya kutaurwa rwamazuva okupedzisira, runorondedzerwa muna Zvakazarurwa.

Ngatitendeukirei kuna Zvakazarurwa 11:18. Iyo inotaura kuti apo Umambo hwaKristu hunovamba kutonga namarudzi anotsamwa nenguva yorutongeso inosvika, ipapo Jehovha acha“paradza avo vanoparadza pasi.” Kushatisa hakusi kuparadza mhoteredzo nhasi here? Chokwadi, vanhu vave vachishandisa nguva dzose pfuma yapasi kuzvipfumisa vamene. Asi mukuita saizvozvo, havana kutongokwanisa kuriparadza senyika inogarwa. Zvino, nemhaka yezivo yesayenzi yakatangwa chifo cha 1914, vanhu vane simba iroro, uye kupfurikidza nokubata nenzira youdyire nokuda kwepfuma, zvamazvirokwazvo ivo vari kuparadza pasi, vachishatisa mhoteredzo nokuisa mungozi kukwanisa kwapasi kutsigira upenyu.

Chaunga chine makaro, chinodisa zvenyika zvino chiri kuita ikoku pamwero unotyisa. Hehuno humwe hwoutsinye hunovapo somuuyo: mvura ine acid, kudziya kwapasi, mwena muozone layer, kuungana kwamarara, madurunhuru ane chepfu, mishonga yokuuraya sora nemishonga yokuuraya zvipuka zvinodya zvirimwa ine ngozi, tsvina yenyukireya, kurasika kwamafuta, kuraswa kwamarara, kuiswa mungozi kwembeu, nyanza dzakafa, mvura yepasi pevhu yakashatiswa, masango akaparadzwa, ivhu rakashatiswa, ivhu rapamusoro rakarasika, uye chiutsi chinoparira kuvadziko kumiti nezvirimwa pamwe chete nougwinyi hwavanhu.

Purofesa Barry Commoner anoti: “Ndinodavira kuti shatiso inopfuuridzirwa yapasi, kana isingadzorwi, pakupedzisira ichaparadza kodzero yenyika ino senzvimbo youpenyu hwavanhu. . . . Chinetso chacho chinova kwete mukusaziva kwesayenzi, asi mumakaro amaune.” Bhuku rinonzi State of the World 1987 rinoti papeji 5: “Mwero wemibato yavanhu wavamba kutyisidzira kukodzera kugarwa kwapasi rimene.” Nhevedzano huru yeterevhizheni yavose yakabudiswa mumhepo muUnited States muna 1990 yaiva nomusoro unoti “Nhangemutange Yokuponesa Nyika.”

Munhu haasati achizotongorega kushatisa; Mwari achadaro paachaparadza avo vari kuparadza pasi. Mwari noMutungamiriri weHondo wake wokudenga, Kristu Jesu, vachaita ikoku kupfurikidza nokuita rutongeso pamarudzi anodisa zvenyika pahondo yokupedzisira yeArmagedhoni.—Zvakazarurwa 16:14, 16; 19:11-21.

Pakupedzisira, cherechedza rutivi runotevera rwakatanhamara rwouporofita hwaJesu pamusoro pamazuva okupedzisira: “Aya mashoko akanaka oumambo achaparidzirwa mupasi rose rinogarwa.” (Mateo 24:14, NW) Aya mashoko akanaka anotaura kuti Umambo hwaMwari hwava kutonga zvino mumatenga uye huchakurumidza kuita chiito kuti huparadze tsika ino yakaipa ndokudzorera Paradhiso kupasi. Evhangeri yakaparidzirwa kare asi isingatongofukidzi pasi rose rinogarwa. Chifo cha 1914, zvisinei, Zvapupu zvaJehovha zvakaita ikoko, pasinei zvapo nechitambudzo Jesu akadeya kutaura—zvirambidzo zvehurumende, masimba masimba enyongori, kuiswa mutorongo, kutambudzwa, uye nzufu zhinji.

Muna 1919 kwaiva navane 4 000 veZvapupu zvaJehovha vaiparidzira aya mashoko akanaka. Zviverengero zvavo zvakaramba zvichiwedzera, zvokuti gore rapfuura vanopfuura 4 000 000 vaiparidzira munyika 212, mumitauro 200, vachiparadzira mazana amamirioni amaBhaibheri, mabhuku, uye magazini, vachiitisa mamirioni efundo dzeBhaibheri mumisha yavanhu, uye kuita kokorodzano munhandare huru mumativi ose apasi. Uyu mwero mukuru wokuparidzira evhangeri waisatongogona kudai wakaitwa pamberi pa 1914. Kuitwa kwawo pamwero wakawanwa kwaida michina yokutsikirira inokurumidza zvikuru, zvokufambisa, makomupiyuta, michina yefax, uyewo zvokutumirisa mabhuku nekurukurirano izvo zvinowanikwa nenzira yechienzi munguva yedu.

Jerusarema romuzuva raJeremia rakanyeverwa nezvoruparadziko rwaro rwaiuya; vagari vemo varo vakaseka bedzi, asi rwakanga rwuri pashure kupfuura zvavaifunga. Nhasi, nyevero huru zvikuru yoruparadziko rweArmagedhoni iri kuziviswa, noufakazi hukuru hunotsigira. (Zvakazarurwa 14:6, 7, 17-20) Mamirioni haanzwi. Asi nguva iri kupera; rwuri pashure kupfuura zvavanofunga. Rwuri pashure kupfuura zvaunofunga here?

[Mufananidzo uri papeji 7]

Muzuva raJeremia rwakanga rwuri pashure kupfuura zvavaifunga

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe