Amagedhoni
Tsanangudzo: Shoko rechiGiriki rokuti Har Ma·ge·donʹ, rakabva muchiHebheru uye rakashandurwa kuti “Amagedhoni” nevashanduri vakawanda, rinoreva “Gomo reMegidho,” kana kuti “Gomo Rinounganira Mauto.” Bhaibheri rinotaura nezvezita racho, risingarevi hondo yenyukireya inoparadza vanhu vakawanda, asi richireva “hondo yezuva guru raMwari Wemasimbaose” iri kuuya uye ichaitika isina painosiya. (Zvak. 16:14, 16) Zita iri rinoshandiswa zvakananga kureva “nzvimbo [muchiGiriki, toʹpon; kureva kuti, mamiriro ezvinhu]” iri kuunganidzirwa madzimambo enyika kuti arwisane naJehovha noUmambo hwake hunotongwa naJesu Kristu. Kurwisa kwakadaro kucharatidzwa nokurwiswa kuchaitwa vashumiri vaJehovha vari munyika yose, vamiririri vanooneka voUmambo hwaMwari.
Vanhu vachabvumirwa naMwari kuti vaparadze nyika neinonzi nevamwe “Amagedhoni yenyukireya” here?
Pis. 96:10: “Jehovha ava mambo. Nyika inobereka [muchiHebheru, te·velʹ; nyika, iya inobereka zvibereko uye inogarwa, denderedzwa renyika inogarwa] inosimbiswa kwazvo zvokuti haigoni kuzununguswa.”
Pis. 37:29: “Vakarurama vachagara nhaka yenyika, vachagara mairi nokusingaperi.”
Zvak. 11:18: “Marudzi akava nehasha, hasha dzenyu [Jehovha] dzakauya, uye nguva yakatarwa . . . kuti muparadze vaya vanoparadza nyika.”
Amagedhoni chii, sokutaurwa kwainoitwa muBhaibheri?
Zvak. 16:14, 16: “Chokwadi, iko kutaura kunofuridzirwa nemadhimoni uye kunoita zviratidzo, kunoenda kumadzimambo enyika yose inogarwa, kuti kuaunganidzire kuhondo yezuva guru raMwari Wemasimbaose. Iko kwakavaunganidzira kunzvimbo inonzi Ha-Magedhoni [Amagedhoni] muchiHebheru.”
Amagedhoni icharwiwa kuMiddle East chete here?
Madzimambo nemauto emarudzi ose achaungana kuti arwe naMwari
Zvak. 16:14: “Kunoenda kumadzimambo enyika yose inogarwa, kuti kuaunganidzire kuhondo yezuva guru raMwari Wemasimbaose.”
Zvak. 19:19: “Ndakaona chikara [vatongi vose vezvematongerwo enyika] nemadzimambo enyika nemauto avo vakaungana kuti varwe naiye akanga akatasva bhiza neuto rake.”
Jer. 25:33: “Vaya vachaurayiwa naJehovha vachavapo pazuva iroro kubvira kumugumo wenyika kusvikira kune mumwe mugumo wenyika.”
Kushandiswa kwezita rokuti Amagedhoni (Ha-Magedhoni) hakurevi kuti hondo yacho icharwiwa paGomo reMegidho chairo
Hakuna chairo rinonzi Gomo reMegidho; kunongova nechikomo chakareba anenge mamita 21 panowanika matongo eMegidho yekare.
Madzimambo uye mauto “enyika yose inogarwa” haangakwani paBani reEsdraelon, nechepazasi peMegidho. Bani racho rine mativi matatu, rakangoreba makiromita 32 uye kumabvazuva rakafara makiromita 29.—The Geography of the Bible (New York, 1957), Denis Baly, peji 148.
Zita racho rakakodzera pamusana pezvaiitika muMegidho kare; vairwa vaipedzerana pabani riri nechepazasi peMegidho
Panzvimbo iyoyo Jehovha ndipo paakaita kuti Sisera, mukuru weuto reKenani akundwe noMutongi Bharaki.—Vat. 5:19, 20; 4:12-24.
Farao weIjipiti ainzi Thutmose III akati: “Kutapa Megidho kwakafanana nokutapa mataundi anosvika chiuru!”—Ancient Near Eastern Texts Relating to the Old Testament (Princeton, N.J.; 1969), rakapepetwa naJames Pritchard, peji 237.
Kutaurwa kweMegidho (kureva kuti “Panounganira Mauto”) kwakakodzera nokuti Amagedhoni mamiriro ezvinhu enyika achasanganisira mauto uye vamwe vatsigiri vevatongi vemarudzi ose.
Ndivanaani kana kuti chii chichaparadzwa paAmagedhoni?
Dhan. 2:44: “Mwari wokudenga achamutsa umambo . . . Huchapwanya, hwogumisa umambo hwose uhwu, uye ihwo huchamira nokusingagumi.”
Zvak. 19:17, 18: “Ndakaonawo ngirozi imire muzuva, uye yakashevedzera nenzwi guru ikati kushiri dzose dzinobhururuka pakati pedenga: ‘Uyai kuno, muungane pakudya kukuru kwemanheru kwaMwari, kuti mudye nhengo dzine nyama dzemadzimambo nenhengo dzine nyama dzevatungamiriri vehondo nenhengo dzine nyama dzevanhu vakasimba nenhengo dzine nyama dzemabhiza nedzevaya vanoatasva, nenhengo dzine nyama dzevanhu vose, dzevanhu vakasununguka nedzevaranda nedzevaduku nedzevakuru.’”
1 Joh. 2:16, 17: “Zvinhu zvose zviri munyika—kuchiva kwenyama nokuchiva kwemaziso nokushamisira nezvinhu zvoupenyu zvomunhu—hazvibvi kuna Baba, asi zvinobva munyika. Uyezve, nyika iri kupfuura pamwe chete nokuchiva kwayo, asi uyo anoita kuda kwaMwari anoramba aripo nokusingaperi.”
Zvak. 21:8: “Kana dziri mbwende nevaya vasina kutenda nevanonyangadza mutsvina yavo nemhondi nezvifeve nevaya vanoita zvemidzimu nevanonamata zvidhori nevarevi venhema vose, mugove wavo uchava mugungwa rinopfuta moto nesarufa. Iri rinomirira rufu rwechipiri.”
Kuparadzwa kwacho kuchaitwa nokusingaperi here?
Mat. 25:46: “Ava [vakaramba kuitira zvakanaka “hama” dzaKristu] vachaenda mukugurwa kusingaperi.”
2 VaT. 1:8, 9: “Vaya vasingazivi Mwari nevaya vasingateereri mashoko akanaka pamusoro paShe wedu Jesu . . . vachatongerwa kuparadzwa nokusingaperi.”
Pane vachapona here?
Zef. 2:3: “Tsvakai Jehovha, imi vanyoro vose vepanyika, imi makaita zvaakatonga. Tsvakai kururama, tsvakai unyoro. Zvimwe mungavanzwa pazuva rokutsamwa kwaJehovha.”
VaR. 10:13: “Munhu wose anodana zita raJehovha achaponeswa.”
Pis. 37:34: “Tarisira kuna Jehovha uchengete nzira yake, iye achakukwidziridza kuti ugare nhaka yenyika. Vakaipa pavanoparadzwa, iwe uchazviona.”
Joh. 3:16: “Mwari . . . akapa Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe oga, kuti munhu wose anotenda maari arege kuparadzwa asi ave noupenyu husingaperi.”
Zvak. 7:9, 10, 14: “Ndakaona, uye, tarira! boka guru revanhu, vakanga vasingakwanisi kuverengwa nomunhu, vanobva kumarudzi ose nemadzinza nevanhu nendimi, vamire pamberi pechigaro choumambo nepamberi peGwayana, vakapfeka nguo refu chena; uye mumaoko avo makanga muine mapazi emichindwe. Vanoramba vachishevedzera nenzwi guru, vachiti: ‘Tinowana ruponeso kuna Mwari wedu, agere pachigaro choumambo, uye kuGwayana.’ . . . ‘Ava ndivo vanobuda mukutambudzika kukuru.’”
Chii chichaitika kuvana vaduku paAmagedhoni?
Bhaibheri haripinduri zvakananga mubvunzo iwoyo, uye isu hatisi vatongi. Zvisinei, Bhaibheri rinoratidza kuti Mwari anoona vana vaduku vevaKristu vechokwadi se“vatsvene.” (1 VaK. 7:14) Rinoratidzawo kuti munguva dzakapfuura Mwari paakaparadza vakaipa akaparadzawo vaduku vavo. (Num. 16:27, 32; Ezek. 9:6) Mwari hapana waanoda kuti aparadzwe, saka ari kupa nyevero iye zvino kuti vose vabereki nevana vabatsirwe. Hakusi kuchenjera here kuti vabereki vararame nenzira inoita kuti Mwari ade vana vavo panguva ino uye paAmagedhoni?
Rudo rwaJehovha runokanganiswa nokuparadzwa kwevakaipa here?
2 Pet. 3:9: “Jehovha . . . anokushivirirai nokuti hapana waanoda kuti aparadzwe asi anoda kuti vose vasvike pakupfidza.”
Ruka 18:7, 8: “Mwari haangaiti here kuti vakasarudzwa vake vanoshevedzera kwaari masikati nousiku varuramisirwe, kunyange achivaitira mwoyo murefu? Ndinokuudzai, Iye achaita kuti vakurumidze kururamisirwa.”
2 VaT. 1:6: “Zvakarurama kuna Mwari kuti atambudze vaya vanokutambudzai [imi vashumiri vake].”
Zvinoita here kuti munhu asave nedivi raanotsigira?
2 VaT. 1:8: “Anotsiva vaya vasingazivi Mwari [nokuzvisarudzira] nevaya vasingateereri mashoko akanaka pamusoro paShe wedu Jesu.”
Mat. 24:37-39: “Sezvakanga zvakaita mazuva aNoa . . . havana kucherechedza kusvikira mafashamo auya akavakukura vose, ndizvo zvichaitawo kuvapo kwoMwanakomana womunhu.”
Mat. 12:30: “Iye asiri kurutivi rwangu anorwisana neni, uye asingaunganidzi neni anoparadzira.”
Enzanisa naDheuteronomio 30:19, 20.
Ndiani ari kuita kuti marudzi apinde mumamiriro ezvinhu emunyika yose achazoguma nokurwisana naMwari?
Zvak. 16:13, 14: “Ndakaona kutaura kutatu kwakafuridzirwa kusina kuchena kwakanga kwakafanana nematatya kuchibuda mumuromo medhiragoni [Satani Dhiyabhorosi; Zvak. 12:9] nomumuromo mechikara nomumuromo momuprofita wenhema. Chokwadi, iko kutaura kunofuridzirwa nemadhimoni uye kunoita zviratidzo, kunoenda kumadzimambo enyika yose inogarwa, kuti kuaunganidzire kuhondo yezuva guru raMwari Wemasimbaose.”
Enzanisa naRuka 4:5, 6; 1 Johani 5:19; uyewo Mabasa 5:38, 39; 2 Makoronike 32:1, 16, 17.