RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ws chits. 2 pp. 13-20
  • “Muchinda woRugare” Anangana neArmagedhoni

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Muchinda woRugare” Anangana neArmagedhoni
  • Chengeteko Yenyika Yose Mukudzora kwo “Muchinda woRugare”
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Sungano yoUmambo Isina Mugumo Worugare
  • “Gomo reMegidho” Rokufananidzira
  • Marudzi Ari Kuunganidzirwa kuArmagedhoni
  • Amagedhoni—Mavambo Anofadza
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
  • Armagedhoni—Rini?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Mibvunzo Inobva Kuvaverengi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
  • Amagedhoni
    Kukurukurirana Tichishandisa Magwaro
Ona Zvimwe
Chengeteko Yenyika Yose Mukudzora kwo “Muchinda woRugare”
ws chits. 2 pp. 13-20

Ganhuro 2

“Muchinda woRugare” Anangana neArmagedhoni

MUZANA rechisere ramakore Pamberi peNguva yedu yaVose, muporofita Isaya akafuridzirwa kutaura kuna vanhu vaMwari, kuti: “Nokuti takazvarirwa mwana, takapiwa mwanakomana; uye ubati ushe hwomuchinda huchava papfudzi rake. Ipapo zita rake richanzi Mupi Zano Unoshamisa, Mwari Une Simba, Baba Vokusingagumi, Muchinda woRugare. Hapasati pachizova nomugumo paukuru hwoubati ushe hwomuchinda naparugare, napachigaro choumambo chaDhavhidhi napaumambo hwake nokuda kwokuti ahugadze nenzira yakatsiga nokuhutsigira nenzira yeruramisiro uye kupfurikidza nokururama, kubvira zvino uye kusvikira kunguva isingazivikanwi.”—Isaya 9:6, 7.

2 Mashoko iwawo anofadza akavamba kuzadzika murutivi rwapashure rwegore ra 2 P.N.V. Ipapa pakanga pari panguva apo Jesu akaberekwa somuzukuru waMambo Dhavhidhi, uyo akanga atonga muguta reJerusarema pandudzi 12 dzaIsraeri.

Sungano yoUmambo Isina Mugumo Worugare

3 Nokuda kworushingairo rwaDhavhidhi nokuda kwokunamatwa kwaMwari waIsraeri, Jehovha akaita naye sungano yoUmambo husingaperi mumutsara wake wedzinza. (2 Samueri 7:1-16) Sungano iyeyo yakatsigirwa nemhiko yaMwari. (Pisarema 132:11, 12) Mukuwirirana nesungano iyoyo, umambo hwaDhavhidhi hwaitofanira kugovera hwaro nokuda kwoUmambo hunouya hwo“Muchinda woRugare.” “Jesu Kristu, mwanakomana waDhavhidhi,” ndiye mumwe uyo Jehovha akaisa paari chiratidzo chokuti “Muchinda woRugare.”—Mateo 1:1.

4 Amai vaJesu vakanga vari mukadzi akaberekwa mumutsara woumambo waMambo Dhavhidhi. Ivo vakanga vari mhandara apo ivo vakanamba mwanakomana wavo akapikirwa, uyo aizova mudyi wenhaka wechigarire pachigaro choumambo chaDhavhidhi. Uku kunambwa kwakaitika Josefa asati avatora somudzimai wake. (Mateo 1:18-25) Ngirozi Gabrieri yakanga yazivisa mhandara Maria, kuti: “Tarira! iwe uchanamba mumimba yako ndokubereka mwanakomana, uye iwe uchatumidza zita rake kuti Jesu. Iyeyu achava mukuru uye achaidzwa Mwanakomana woWokumusorosoro; uye Jehovha Mwari achamupa chigaro choumambo chaDhavhidhi baba vake, uye iye achabata ushe samambo paimba yaJakobho nokusingaperi, uye hapazovi nomugumo woumambo hwake.”—Ruka 1:31-33.

5 Ndokusaka muporofita Isaya akadeya kuzivisa pamsoro po“Muchinda woRugare” kuti “udzori hwake hukuru murugare rusina mugumo, nokuda kwechigaro choumambo chaDhavhidhi uye nokuda kwesimba rake roumambo.” (Isaya 9:6, 7, The Jerusalem Bible) Nokudaro, mukuwirirana nesungano yakagadzwa naDhavhidhi, Umambo uhwu hwaizova hurumende isingaperi isino mugumo worugare. Chigaro chake choumambo chinofanira kugara no“kusingaperi”!

6 Nokuda kwokuitwa kweiyi sungano yoUmambo, Mwari Wamasimba ose akamutsa Jesu muvakafa pazuva rechitatu rokufira kutendeka kwake. Ipapa paiva pazuva rechi 16 romwedzi wechiJudha Nisani, mugore ra 33 reNguva yedu yaVose. Sechapupu chakazvionera choMwanakomana akamutswa waMwari, muapostora Petro akataura kuti Jesu aka“urawa munyama, asi . . . akaitwa mupenyu mumudzimu.” (1 Petro 3:18) Mwari Wokumusorosoro akamusimudzira kuruoko Rwake amene rworudyi. Ikoko, chifo chokuguma kweNguva dzaMarudzi, kana kuti “nguva dzakagadzwa dzamarudzi,” mukuvamba maOctober wegore ra 1914, iye ave achitonga so“Muchinda woRugare.”—Ruka 21:24.

7 Kubvira pakutanga kwokutonga kwake kwokudenga, akanangana nenyika inorwisa, sezvinopupurirwa nehondo mbiri dzenyika pamsoro pechirevo chokuti ndiani achabata ushe pasi. Iye zvino anangana nesangano reChibatanwa chaMarudzi. Kupfurikidza nokuparidzirwa kunotenderera mburumbwa yose kwamashoko akanaka oUmambo kunoitwa neZvapupu zvaJehovha, zviri kuparidzira mune dzinopfuura nyika 200, umambo hwake huno bate basa mumatenga hwuri kuziviswa kumarudzi ose. Ikoku kuri mukuzadzika kweicho “Muchinda woRugare” iye amene akadeya kuzivisa, sezvatinorava pana Mateo 24:14, kuti: “Aya mashoko akanaka oumambo achaparidzirwa mupasi rose rinogarwa nokuda kwouchapupu kumarudzi ose; uye ipapo kuguma kuchasvika.”

8 Chirevo chokudzorwa kwenyika chinofanira kugadzikiswa nokukurumidza. Zvinoka, anopfuura makore 70 pashure pokuguma kwe“nguva dzakagadzwa dzamarudzi” muna 1914, tapinda chaizvoizvo mune iyi “mhedziso yetsika yezvinhu.” Chizvarwa cha 1914 chakaona kutanga kwezvinoitika zvine revo zvenyika zvakadeya kuziviswa naJesu. (Mateo 24:3-14) Chizvarwa ichecho, Jesu akati, hachisati chichizopfuura kutozosvikira zvinhu zvose izvozvi zvazadzika. Zvino chava pedyo zvikuru nokupedza nzira yacho.—Mateo 24:34.

9 Naizvozvo, chii chiri pamberi chaipo, uye “Muchinda woRugare” akanangana nei? Iye amene akashandiswa kudeya kuzivisa ikoku mubhuku rimene rokupedzisira reBhaibheri, Zvakazarurwa, kana kuti Apocalypse, iro Mwari akamupa uye iro iye akapfuuridzira kumukweguru muapostora Johane kupfurikidza nengirozi. (Zvakazarurwa 1:1, 2) Ikoko kwakaitika panenge pakupera kwezana ramakore rokutanga reNguva yedu yaVose. Pana Zvakazarurwa 16:13, 14, 16, Jesu akaita kuti muapostora Johane anyore iri shoko rine revo rokuti Har–Magedhoni kana kuti Armagedhoni:

10 “Ipapo ndakaona midzimu yetsvina mitatu yakafuridzirwa iyo yairatidzika samatafi ichibuda mumuromo wadragoni nomumuromo wechikara nomumuromo womuporofita wenhema. Chokwadi, ndiyo midzimu yakafuridzirwa namadhemoni inoita zviratidzo, uye inoenda kumadzimambo apasi rose rinogarwa, kuvaunganidzira pamwe chete kuhondo yezuva guru raMwari Wamasimba ose. Uye yakaaunganidzira kunzvimbo inonzi muchiHebheru Har–Magedhoni.”

“Gomo reMegidho” Rokufananidzira

11 Shoko rechiHebheru rokuti Har–Magedhoni, kana kuti Armagedhoni, rinoreva kuti “Gomo reMegidho.” Hakuna nzvimbo yomugariro wapasi munguva dzakare kana kuti dzazvino uno yakaidzwa kunzi Gomo reMegidho. Nokudaro mubhuku rakadai saZvakazarurwa iro rizere nomutauro wokufananidzira, shokoro rine revo yokufananidzira. Inofanira kuva ipiko iyoyo? Eya, guta rakakwirira reMegidho, zita renzvimbo iyo inoreva “gungano ramauto,” rakanga riri roukoshi hwenhau. Munhau yokunyika nomune yeBhaibheri zitaro rainyandura kuyeukwa kwehondo dzokupedzisira. Neiko? Nokuti gutaro panguvayo raidzora mukoto wenyika yamatandi okurwa hondo uri pakati peEurope, Asia, neAfrica, uye vavhozhokeri vaigona nomutoo une chimuko kuva vanodenhwa ndokumiswa ipapo navagari vemo. Nokudaro Megidho raiva nerevo mbiri—iya yorukundo runosiririsa nokuda kworumwe rutivi uye rukundo rune mbiri nokuda kworumwe rutivi.

12 Mwari weBhaibheri akava anobatanidzwa neMegidho uye norwizi rweKishoni rwuri pedyopo mukati menhambo yavatongi vechiIsraeri. Mumazuva oMutongi Bharaki nomuporofitakadzi Dhebhora, Mwari akapa rukundo rwechiratidzo kuvanhu vake vakasarudzwa vakavakidzana neMegidho. Mutongi Bharaki akanga achingova bedzi navarume vane 10 000, kunyange muvengi mukutungamirira kwoMukuru Mukuru Sisera, kunze kwamauto anofamba netsoka, akanga ane ngoro dzehondo dzinofambiswa namahachi dzine 900. Jehovha akapindira muhondoyo nokuda kwavanhu vake vakasarudzwa uye akaparira mafashamo anomhanya kudzivisa kufamba kwengoro idzedzo dzinotyisa dzomuvengi. Murwiyo rworukundo urwo Bharaki naDhebhora vakaimbira Mwari pashure pokukundwa kunoshamisa kweuto raSisera, ivo vakazivisa rutivi rwaMwari muno uku kukurirwa kwomuvengi:

13 “Madzimambo akauya, iwo akarwa; pakanga pari panguva iyeyo apo madzimambo eKanani akarwa muTaanaki pamvura dzeMegidho. Hapana mhindu yesirvheri yaakatora. Nyeredzi dzakarwa dziri kudenga, idzo dzakarwa naSisera dziri pamikoto yadzo yokutenderera. Rwizi rwaKishoni rwakaakukura, rwizi rwamazuva ekare, rwizi rwaKishoni.”—Vatongi 5:12, 19-21.

14 Pasina panikiro, mashoko akafuridzirwa ayo Bharaki naDhebhora vakapfiga nawo rwiyo rwavo pashure porukundo irworwo rwekare paMegidho anoshanda somunyengetero pamsoro pehondo inouya paArmagedhoni. Ivo vakaimba, kuti: “Nokudaro vavengi venyu vose ngavaparare, O Jehovha, uye vanokudai venyu ngavave saapo zuva rinobuda musimba raro.”—Vatongi 5:31.a

Marudzi Ari Kuunganidzirwa kuArmagedhoni

15 Naizvozvo Megidho yakanga iri nzvimbo apo hondo dzokupedzisira dzairwirwa. Nomutoo uno mufungo, ipapoka, Armagedhoni inova nhandare yehondo iyo marudzi ose anoenda kwairi mukutungamirira kwamasimba anokuchidzira anorondedzerwa pana Zvakazarurwa 16:13, 14. “Midzimu yakafuridzirwa namadhemoni” inounganidza marudzi ndiyo paradziro iyo nhasi inotaurwa, isina kuchena sedafi risina kuchena mukuwirirana neBhaibheri. Rimwe ramanyuko eparadziro yakadaro isina kuchena ndiyo “dragoni huru tsvuku.” Zvakazarurwa 12:1-9 inozivisa “dragoni” kuva Satani Dhiabhorosi.

16 Mamwe manyuko eparadziro isina kuchena ndicho “chikara.” Pana Zvakazarurwa 16:13 ichi “chikara” chomufananidziro chinobatanidzwa ne“dragoni” youshati. Mukuwirirana naZvakazarurwa 20:10, ichi “chikara” chichaparadzwa nokusingaperi nokuda kwokubatira pamwe chete kwacho ne“dragoni” yokufananidzira. “Chikara” chinofananidzira tsika yose yezvamatongerwe enyika yenyika ino iyo “dragoni” ari mwari wayo. (2 VaKorinte 4:4) Inobatanidza hurumende dzose dzakasiana-siana dzezvamatongerwe enyika dzenyika ino.—Enzanisa naDhanieri 7:17; 8:20, 22.

17 Tsika yakadaro yenyika youbati ushe hwezvamatongerwe enyika ine paradziro yayo yakasiana chose. Uye iyi paradziro yokuita mhere mhere, yakafanana neyamatafi mudzimu wakafuridzirwa unobatira nomudzimu wakafuridzirwa wa“dragoni” wokuunganidzira “madzimambo,” kana kuti vabati ushe vezvamatongerwe enyika venyika, ku“hondo yezuva guru raMwari Wamasimba ose” iyo icharwiwa paArmagedhoni.

18 Nokudaro Har–Magedhoni inoratidzira mugariro wenyika uyo unobatanidza hondo yokugumisira. Inoratidzira mugariro iwowo wokupedzisira uyo zvinoitika zvenyika zvinosvika kwauri apo vabati ushe vezvamatongerwe enyika vakabatana vanoshora kuda kwaMwari, zvikuru zvokuti Mwari anofanira kuita chiito nesimba rinodzivisa mukuwirirana nedonzo rake. Naizvozvo nguva yemberi inofanira kutemwa nechinoparirwa nokunangana ikoko. PaMegidho iyo imene, nzvimbo yomugariro wapasi, pakanga pasina gomo. Asi gomo ringafananidzira nzvimbo yakatanhamara yokuungana iyo yaisazotana kucherekedzwa namauto ose ehondo akaunganapo ari kure.

19 Jesu Kristu, Mukuru mukuru wamauto anorwa aJehovha, kwamakore akati ave akatarira pakuungana kwavabati ushe venyika namauto avo anorwa paArmagedhoni. Asi iye haana kuedza kutsaura mambo upi noupi akati kuti namauto ake ehondo kuauraya ari oga hake uye nokudaro ndokuparadza mauto omuvengi pashoma napashoma. Mukusiana nezvo, iye ari kuabvumira nguva yakaringanira yokuungana pamwe chete uye kubatanidza mauto awo kusvikira kusimba gurusa reuto. Donzo rake gurusa nderokurwa nawo ose panguva imwe cheteyo!

20 Kupfurikidza naikoku iye achawana rukundo rukurusa zvikuru kwazvo paari, kumbiri yoMutungamiriri wake amene Mukuru Jehovha Mwari, nokukusimbisirwa kwake amene, nomutoo usingapokanidzwi, sa“Mambo wamadzimambo naIshe wamadzishe.”—Zvakazarurwa 19:16.

[Mashoko Omuzasi]

a Dzimwe nzvimbo dzinoreva nezveMegidho dzinowanwa pana 2 Madzimambo 9:27; 23:29, 30; 2 Makoronike 35:22; Zekaria 12:11.

[Mibvunzo Yechidzidzo]

1, 2. (a) Ko Mwari akafuridzira muporofita Isaya kutaura mashokoi anofadza? (b) Ko aya mashoko akavamba rini kuva anozadzika?

3. (a) Ko Mwari akaita sunganoi naMambo Dhavhidhi? (b) Ko Jehovha akaisa chiratidzo chokuti “Muchinda woRugare” pamuzukuru upi waMambo Dhavhidhi?

4. (a) Ndiani akava amai vapasi vaJesu? (b) Ko ngirozi Gabrieri yakatii kwavari muna ikoku?

5. Ko muporofita Isaya akanga adeya kuzivisei pamsoro poubati ushe hwo“Muchinda woRugare”?

6. (a) Kuzadzika sungano yoUmambo, Mwari akaitei pazuva rechitatu rokufa kwaJesu? (b) Ko Jesu akavamba rini kutonga so“Muchinda woRugare”?

7. (a) Ko Jesu akanangana nechii kubvira pakutanga kwokutonga kwake? (b) Ndivanaani vari kuparidzira umambo hwaJesu kumarudzi ose, mukuzadzika kwechii?

8. Neiko kungagona kutaurwa kuti tapinda chaizvo mune iyi “mhedziso yetsika yezvinhu”?

9, 10. (a) Ko mashoko echiporofita ari mubhuku raZvakazarurwa akapfuuridzirwa sei kwatiri? (b) Ko Zvakazarurwa 16:13, 14, 16 anodeya kuzivisei pamsoro peHar–Magedhoni, kana kuti Armagedhoni?

11. (a) Ko zita rokuti Armagedhoni rinorevei, uye paimbova nenzvimbo yomugariro wapasi yaiidzwa kunzarwo here? (b) Neiko guta rekare reMegidho rakanga riri roukoshi hwenhau? (c) Ko zita rokuti Megidho rakanga rine revoi mbiri?

12, 13. (a) Ko Mwari weBhaibheri akava anobatanidzwa sei neMegidho norwizi rwaro rwuri pedyo mukati mamazuva oMutongi Bharaki? (b) Ko rwiyo rworukundo rwaBharaki naDhebhora runorondedzera sei basa raMwari murukundo?

14. Ndaapi mashoko okupfiga orwiyo irworwo rwakafuridzirwa rworukundo ari munyengetero mukusapanikira pamsoro pehondo inouya paArmagedhoni?

15. (a) Ko rudzii rwenzvimbo, ipapoka, rwuri Armagedhoni? (b) Ndaapi ari mamwe amanyuko eparadziro asina kuchena anounganidzira marudzi kuhondo paArmagedhoni?

16. Pana Zvakazarurwa 16:13, ko “chikara” chinofananidzirei?

17. Chii chiri muuyo weparadziro yakafanana nedafi rinobuda mu“chikara”?

18. (a) Ko zita rokuti Har–Magedhoni rinoratidzirei? (b) Ko gomo ringafananidzirei?

19, 20. Matandii achashandiswa noMukuru mukuru wamauto okudenga aJehovha paArmagedhoni, uye nomuuyoi?

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe