RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • rs p. 401-p. 406
  • Vaprofita Venhema

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Vaprofita Venhema
  • Kukurukurirana Tichishandisa Magwaro
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kana Mumwe Munhu Akati—
  • Vaporofita Venhema Nhasi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
  • Shoko Ratinofanira Kuzivisa
    Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
  • Nezvokunamata Kwechokwadi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
  • Kunamata Kunobvumirwa naMwari
    Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
Ona Zvimwe
Kukurukurirana Tichishandisa Magwaro
rs p. 401-p. 406

Vaprofita Venhema

Tsanangudzo: Vanhu nemasangano vanozivisa mashoko avanoti anobva kune munhu ane simba rinopfuura revanhu asi asingabvi kuna Mwari wechokwadi uye asingaenderani nezvaanoda zvaakazivisa.

Vaprofita vechokwadi nevenhema vangazivikanwa sei?

Vaprofita vechokwadi vanozivisa kutenda kwavo muna Jesu, asi pane zvakawanda zvinodiwa zvinopfuura kungotaura kuti vanoparidza muzita rake

1 Joh. 4:1-3: “Edzai kutaura kwakafuridzirwa kuti muone kana kuchibva kuna Mwari, nokuti vaprofita venhema vazhinji vakaoneka munyika. Munoziva kutaura kwakafuridzirwa kunobva kuna Mwari neizvi: Kutaura kwose kwakafuridzirwa kunobvuma kuti Jesu Kristu akauya ari munhu wenyama kunobva kuna Mwari, asi kutaura kwose kwakafuridzirwa kusingabvumi Jesu hakubvi kuna Mwari.”

Mat. 7:21-23: “Haasi munhu wose anoti kwandiri, ‘Ishe, Ishe,’ achapinda muumambo hwokumatenga, asi uya anoita kuda kwaBaba vangu vari kumatenga. Pazuva iroro vazhinji vachati kwandiri, ‘Ishe, Ishe, hatina kuprofita muzita renyu . . . here?’ Asi ndichabva ndavataurira pachena kuti: Handina kumbokuzivai! Ibvai kwandiri, imi vasingateereri mutemo.”

Vaprofita vechokwadi vanotaura muzita raMwari, asi kungotaura kuti vanomumiririra hakuna kukwana

Dheut. 18:18-20: “Ndichavamutsira muprofita anobva pakati pehama dzavo, akaita sewe [Mosesi]; ndichaisa mashoko angu mumuromo make, uye achataura navo zvose zvandichamurayira. Munhu asingazoteereri mashoko angu aachataura nezita rangu, ndichaita kuti iye azvidavirire. Zvisinei, muprofita anozvikudza achitaura shoko randisina kumurayira kuti ataure achishandisa zita rangu kana anotaura nezita revamwe vanamwari, muprofita iyeye anofanira kufa.” (Enzanisa naJeremiya 14:14; 28:11, 15.)

Jesu akati: “Handiiti chinhu chandinozvitangira ndoga; asi ndinotaura zvinhu izvi sokudzidziswa kwandakaitwa naBaba.” (Joh. 8:28) Akati: “Ndakauya muzita raBaba vangu.” (Joh. 5:43) Jesu akatiwo: “Anotaura zvake oga ari kutsvaka kukudzwa kwake oga.”—Joh. 7:18.

Kana munhu chero upi kana kuti sangano vakataura kuti vanomiririra Mwari asi vachiramba kushandisa zita rake, uye vachiva netsika yokutaura zvavanofunga pane dzimwe nyaya, vanenge vachiita izvi zvinotarisirwa kumuprofita wechokwadi here?

Kana munhu achikwanisa kuita “zviratidzo zvikuru,” kana kuti “zvishamiso,” hazviratidzi hazvo kuti muprofita wechokwadi

Mat. 24:24: “VanaKristu venhema nevaprofita venhema vachamuka uye vachaita zviratidzo zvikuru nezvishamiso kuti kana zvichibvira vatsause kunyange vakasarudzwa.”

2 VaT. 2:9, 10: “Kuvapo kwomunhu asingateereri mutemo kunovapo maererano nokushanda kwaSatani nebasa rose rine simba nezviratidzo zvenhema nezvishamiso uye nokunyengera kwose kusina kururama kune vaya vari kuparara, kuti vatsiviwe nokuti havana kugamuchira kuda chokwadi kuti vaponeswe.”

Asi Mosesi akaitawo zvishamiso achitungamirirwa naJehovha. (Eks. 4:1-9) Jehovha akapawo Jesu simba rokuita zvishamiso. (Mab. 2:22) Asi kune zvinopfuura zvishamiso izvozvo zvinoratidza kuti Mwari akanga avatuma zvechokwadi.

Zvinofanotaurwa nevaprofita vechokwadi zvinozadzika, asi vangasanzwisisa kuti rini kana kuti sei

Dhan. 12:9: “Enda, Dhanieri, nokuti mashoko acho akavanzwa uye akanamwa kusvikira kunguva yokuguma.”

1 Pet. 1:10, 11: “Vaprofita . . . vakaramba vachitsvaka kuti mwaka upi chaiwo kana kuti mwaka worudzii wakanga uchiratidzwa nomudzimu waiva mavari pamusoro paKristu pawakanga uchifanopupura pamusoro pokutambura kuzhinji kwaKristu uye pamusoro pokukudzwa kwaizotevera izvi.”

1 VaK. 13:9, 10: “Tine zivo isina kukwana uye tinoprofita zvisina kukwana; asi kana zvakakwana zvasvika, zvisina kukwana zvichagumiswa.”

Zvir. 4:18: “Gwara revakarurama rakaita sechiedza chinopenya chinoramba chichiwedzera kupenya kusvikira ava masikati chaiwo.”

Vaapostora nevamwe vadzidzi vechiKristu vepakutanga vane zvimwe zvinhu zvavaitarisira zvisiri izvo, asi Bhaibheri harivaisi muboka re“vaprofita venhema.”—Ona Ruka 19:11; Johani 21:22, 23; Mabasa 1:6, 7.

Muprofita Natani akakurudzira Mambo Dhavhidhi kuti aite zvaakanga achifunga nezvokuvaka imba yokunamatira Jehovha. Asi pave paya Jehovha akaudza Natani kuti audze Dhavhidhi kuti haasiri iye aizoivaka. Jehovha haana kuramba Natani pamusana pezvaakanga ambotaura asi akapfuurira kumushandisa nokuti akagadzirisa nyaya yacho achizvininipisa Jehovha paakamujekesera.—1 Mak. 17:1-4, 15.

Zvinotaurwa nomuprofita wechokwadi zvinotsigira kunamata kwechokwadi uye zvinoenderana nezvinodiwa naMwari zvaakazivisa

Dheut. 13:1-4: “Kana muprofita kana kuti muroti wehope akamuka pakati pako, akakupa chiratidzo kana kuti chishamiso, chiratidzo chacho kana kuti chishamiso chacho chikaitika, chaakataura nezvacho kwauri, achiti, ‘Ngatiteverei vamwe vanamwari, vausina kuziva, uye ngativashumirei,’ usateerera mashoko omuprofita iyeye kana muroti wehope idzodzo, nokuti Jehovha Mwari wenyu ari kukuedzai kuti azive kana muchida Jehovha Mwari wenyu nemwoyo yenyu yose nemweya yenyu yose. Munofanira kutevera Jehovha Mwari wenyu, mumutye, muchengete mirayiro yake, muteerere inzwi rake, mumushumire, uye munamatire kwaari.”

Sezvo Bhaibheri richiti “shamwari yenyika” muvengi waMwari, ko vafundisi vanokurudzira vavanonamata navo kupindira munyaya dzenyika vanenge vachitsigira kunamata kwechokwadi here? (Jak. 4:4; 1 Joh. 2:15-17) Mwari wechokwadi akati marudzi “achaziva kuti ndini Jehovha,” uye Bhaibheri rinoti Mwari achatora “vanhu vezita rake” kubva kumarudzi, asi masangano ezvitendero asingakoshesi kushandisa zita raMwari ari kuita maererano nokuda kwaMwari uku kwakaziviswa here? (Ezek. 38:23; Mab. 15:14) Jesu akadzidzisa vateveri vake kunyengeterera Umambo hwaMwari, uye Bhaibheri rinonyevera nezvokuvimba nevanhu vepanyika, saka vafundisi kana masangano ezvematongerwo enyika vanokurudzira vanhu kuvimba noutongi hwevanhu vaprofita vechokwadi here?—Mat. 6:9, 10; Pis. 146:3-6; enzanisa naZvakazarurwa 16:13, 14.

Vaprofita vechokwadi nevenhema vanogona kuzivikanwa nezvavanoita muupenyu hwavo uye mararamiro anoita vaya vanovatevera

Mat. 7:15-20: “Chenjererai vaprofita venhema vanouya kwamuri vakapfeka nguo dzemakwai, asi mukati vari mhumhi dzinoparadza. Muchavaziva nezvibereko zvavo. . . . Muti wose wakanaka unobereka chibereko chakanaka, asi muti wose wakaora unobereka chibereko chisingabatsiri . . . Saka muchaziva vanhu ivavo nezvibereko zvavo.”

Chii chinoratidzwa nemararamiro avo? “Mabasa enyama . . . ndeaya, ufeve, kusachena, kusazvibata, kunamata zvidhori, tsika yokuita zvemidzimu, kuvengana, kupopotedzana, godo, kufufutirwa nehasha, kukakavadzana, kupesana, kuita tumapoka, shanje, kunwira kudhakwa, mitambo yemafaro akanyanyisa, nezvinhu zvakaita seizvi. . . . Vane tsika yokuita zvinhu zvakadai havazogari nhaka youmambo hwaMwari. Asi chibereko chomudzimu [waMwari] rudo, mufaro, rugare, mwoyo murefu, mutsa, runako, kutenda, unyoro, kuzvidzora.”—VaG. 5:19-23; onawo 2 Petro 2:1-3.

Zvapupu zvaJehovha hazvina kumbokanganisawo here pakudzidzisa kwazvo?

Zvapupu zvaJehovha hazvitauri kuti izvo vaprofita vakafuridzirwa. Zvakambokanganisawo. Kufanana nevaapostora vaJesu Kristu, izvo zvakambotarisirawo zvinhu zvisiri izvo.—Ruka 19:11; Mab. 1:6.

Magwaro anotaura nezvenguva ine chokuita nokuvapo kwaKristu, uye Zvapupu zvaJehovha zvakanyatsodzidza nezvenguva iyi. (Ruka 21:24; Dhan. 4:10-17) Jesu akatsanangurawo chiratidzo chine zvakawanda chaizoenderana nokuzadzika kwouprofita hwenguva kuti tizive chizvarwa chaizorarama kuti chione kuguma kwenyika yaSatani yakaipa. (Ruka 21:7-36) Zvapupu zvaJehovha zvakataura uchapupu hwokuzadzika kwechiratidzo ichi. Ichokwadi kuti Zvapupu zvakambokanganisa kunzwisisa zvaizotika pakuguma kwedzimwe nguva, asi hazvina kuita chikanganiso chokusiya kutenda kana kuti kurega kurinda kuzadzika kwezvinangwa zvaJehovha. Zvakaramba zvichifunga zano rakapiwa naJesu rokuti: “Naizvozvo, rambai makarinda nokuti hamuzivi kuti Ishe wenyu ari kuuya zuva ripi.”—Mat. 24:42.

Paidiwa kuti vagadzirise maonero avo pave pari pashoma zvichienzaniswa nechokwadi chinokosha chomuBhaibheri chavakanzwisisa nokuzivisawo vamwe. Chokwadi chacho chinosanganisira zvinotevera: Jehovha ndiye bedzi Mwari wechokwadi. Jesu Kristu haabatanidzwi muna Mwari woutatu asi ndiye Mwanakomana waMwari akaberekwa ari oga. Kusunungurwa pachivi kunoita bedzi nokutenda muchibayiro chorudzikinuro chaKristu. Mudzimu mutsvene hausi munhu asi isimba rinoita basa raJehovha, uye zvaunoita zvinofanira kuonekwa mumararamiro evanamati vechokwadi. Mweya womunhu unofa, kusiyana nezvaitaurwa nevahedheni vekare; uye tariro yeramangwana iri murumuko. Mwari ave achibvumira zvakaipa pamusana penyaya youchangamire pazvose zviripo. Umambo hwaMwari ndiyo tariro chete yevanhu. Kubvira muna 1914 tave tichirarama mumazuva okupedzisira emamiriro ezvinhu akaipa enyika yose. VaKristu vakatendeka 144 000 chete vachava madzimambo nevapristi naKristu kudenga, nepo vanhu vose vanoteerera vachawana upenyu husingaperi muparadhiso pasi pano.

Chimwe chinhu chinofanira kufungwa nezvacho nezvedzidziso dzeZvapupu zvaJehovha ndeichi: Dzakaita kuti vanhu vave netsika dzakanaka zvechokwadi here? Vaya vanoomerera padzidziso idzi vanonyatsozivikanwa here kunzvimbo dzavanogara pamusana pokuva vakatendeseka? Upenyu hwemhuri dzavo hunonyatsobatsirwa here nokushandisa dzidziso idzi? Jesu akati vadzidzi vake vaizonyatsozivikanwa nokudanana kwavanoita. (Joh. 13:35) Unhu uhwu hunonyatsooneka here pakati peZvapupu zvaJehovha? Tinorega chokwadi chichizvitaurira choga.

Kana Mumwe Munhu Akati—

‘Mufundisi wangu akati Zvapupu zvaJehovha vaprofita venhema’

Ungapindura kuti: ‘Ndingabvunzawo, Akambokuratidzai here chimwe chinhu chiri muBhaibheri chinotsanangura zvatinotenda kana kuti zvatinoita uye chinotaura kuti vanhu vakadaro vaprofita venhema? . . . Ndingakuratidzai here kuti Bhaibheri rinotsanangura sei vaprofita venhema? (Ibva washandisa pfungwa imwe kana kuti dzakawanda dziri pamapeji 401-404.)’

Kana kuti ungati: ‘Ndinovimba kuti munobvumirana neni kuti kupomera kwakadaro kunoda kutsigirwa nouchapupu hwakajeka. Mufundisi wenyu akataura here mienzaniso yakananga? (Kana saimba akataura nezvezvimwe zvisina kuzozadzika, shandisa mashoko ari pamapeji 402, 403, uye ari pamapeji 404, 405.)’

Zvimwe zvaungataura ndezvokuti: Ndine chokwadi chokuti kana mumwe munhu akakupomerai chimwe chinhu chakafanana, muchafarira mukana wokutsanangura pamumire kana kuti maonero enyu, handizvo here? . . . Saka ndingakuratidzai here kubva muBhaibheri . . . ?’

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe