RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w92 2/1 pp. 4-7
  • Vaporofita Venhema Nhasi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Vaporofita Venhema Nhasi
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Zvokwadi Pamusoro poUmambo
  • Neiko Ichikosha?
  • Rudzi Rwomunhu muUmambo hwaMwari
  • Zvakadzidziswa naJesu NezveUmambo hwaMwari
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
  • Umambo hwaMwari
    Mukai!—2013
  • Umambo Hwamwari Hunotonga
    Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi
  • Umambo hwaMwari Chii?
    Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
w92 2/1 pp. 4-7

Vaporofita Venhema Nhasi

JEREMIA akabatira somuporofita waMwari muJerusarema panguva apo guta racho rakanga rakazadzwa nokunamata zvidhori, utere, ushati, uye kudeurwa kweropa risina mhaka. (Jeremia 7:8-11) Iye akanga asiri muporofita bedzi aishingaira panguva iyoyo, asi vazhinjisa vavamwe vakanga vachizvibatira uye vakashata. Munzirai? Jehovha anozivisa, kuti: “Kubva kuvaporofita kusvikira kumuprista mumwe nomumwe unoita nokunyengera. Vakangopodza vanga ravanhu vangu zvishoma vachiti: ‘Rugare, rugare!’ izvo hakuna rugare.”—Jeremia 6:13, 14.

Vaporofita venhema vakaedza kuita kuti kuoneke kuti pasinei zvapo noushati hwose munyika, zvinhu zvakanga zvakaisvonaka, uye vanhuwo zvavo vakanga vane rugare naMwari; asi ikoko kwakanga kusina kudaro. Rutongeso rwaMwari rwakavamirira, sokuzivisa nokusatya kwakaita Jeremia. Muporofita wechokwadi Jeremia, kwete vaporofita venhema, akarevererwa apo Jerusarema rakarigaurwa navarwi veBhabhironi muna 607 P.N.V., tembere yakaparadzwa, uye vanhuwo zvavo vakaurawa kana kuti zvimwe vakazvuzvurudzirwa vari nhapwa kuBhabhironi riri kure. Vashomanene vanonzwisa tsitsi vakasiiwa munyika vakatizira muEgipita.—Jeremia 39:6-9; 43:4-7.

Chii chakanga chaita vaporofita venhema? “‘Naizvozvo, tarirai,’—ndizvo zvinotaura Jehovha—‘handina ukama navaporofita, vanoba mashoko angu mumwe nomumwe kune wokwake.’” (Jeremia 23:30) Vaporofita venhema vakaba simba netapuro zvamashoko aMwari kupfurikidza nokukurudzira vanhu kuteerera nhema panzvimbo penyevero yechokwadi yaibva kuna Mwari. Ivo vakanga vachitaura, kwete “mabasa makuru aMwari,” asi mifungo yavo vamene, zvinhu izvo vanhu vaida kunzwa. Shoko raJeremia rakanga richibva kuna Mwari zvirokwazvo, uye kudai vaIsraeri vakanga vaita chimwe chinhu pamashoko ake, vangadai vakapukunyuka. Vaporofita venhema ‘vakaba mashoko aMwari’ ndokutungamirira vanhu kungwavaira. Kwakanga kuri seizvo chaizvo Jesu akataura pamusoro pavatungamiriri vorudzidziso vasina kutendeka vezuva rake, kuti: “Mapofu anotungamirira mapofu. Zvino kana bofu richitungamirira bofu, achawira mugomba ose ari maviri.”—Mabasa 2:11; Mateo 15:14.

Somuzuva raJeremia, nhasi kune vaporofita venhema vanoti vanomirira Mwari weBhaibheri; asi ivowo vanoba mashoko aMwari kupfurikidza nokuparidzira zvinhu zvinotsausa vanhu pane izvo Mwari, kupfurikidza neBhaibheri, anotaura chaizvoizvo. Munzirai? Ngatipindurei mubvunzo iwoyo kupfurikidza nokushandisa, somupimo, dzidziso huru yeBhaibheri yoUmambo.

Zvokwadi Pamusoro poUmambo

Umambo hwaMwari hwakanga huri musoro mukuru wokudzidzisa kwaKristu, uye hunodudzwa kanopfuura kane zana muEvhangeri. Pakuvamba muushumiri hwake, Jesu akati: “Ndinofanira kuzivisa mashoko akanaka oumambo hwaMwari, nemhaka yokuti ndakatumirwa izvozvi.” Akadzidzisa vateveri vake kunyengetera, kuti: “Umambo hwenyu ngahuuye.”—Ruka 4:43; 11:2, NW.

Chii, ipapoka, chiri Umambo? Mukuwirirana neThe New Thayer’s Greek English Lexicon, shoko rechiGiriki rinoshandurwa kuti “umambo” muBhaibheri kutanga rinoreva, “simba roumambo, umambo, udzori, utongi” uye kechipiri, “nyika inodzorwa nokutonga kwamambo.” Kubva muna ikoku tingagumisa nenzira ine mufungo kuti Umambo hwaMwari ihurumende chaiyoiyo inotungamirirwa naMambo. Ikoku ndiko here?

Hungu, ndiko, uye Mambo wacho haasati ari mumwe kunze kwaJesu Kristu. Pamberi pokuberekwa kwaJesu ngirozi Gabrieri yakati kuna Maria: “Uyu uchava mukuru uye achanzi Mwanakomana woWokumusorosoro; uye Jehovha Mwari achamupa chigaro choumambo chaDhavhidhi baba vake.” (Ruka 1:32, NW) Kugamuchira kwaJesu chigaro choumambo kunobvumikisa kuti iye ndiMambo, Mutongi wehurumende. Chinobvumikisawo kuti Umambo ihurumende chaiyoiyo huporofita hwaIsaya, hunoti: “Kwatiri kwakazvarwa mwana, kwatiri kwakapiwa mwanakomana: uye hurumende ichava papfudzi rake . . . Kuwedzera kwehurumende yake norugare hakusati kuchizova nomugumo.”—Isaya 9:6, 7, King James Version.

Jesu anotonga kupi? MuJerusarema here? Aiwa. Muporofita Dhanieri akaona chiono chaJesu achigamuchira Umambo, uye chiono chake chinoisa Jesu mudenga. (Dhanieri 7:13, 14) Ikoku kunobvumirana nenzira iyo Jesu akataura nayo nezvoUmambo. Kazhinji kazhinji akahudana kuti “umambo hwamatenga.” (Mateo 10:7; 11:11, 12, NW) Kunobvumiranawo namashoko aJesu kuna Pirato apo Jesu akanga achitongwa pamberi pake, anoti: “Umambo hwangu hahusi rutivi rwenyika ino. Kudai umambo hwangu hwaiva rutivi rwenyika ino, varindiri vangu vangadai vakarwa kuti ndigorega kuendeswa kuvaJudha. Asi, sezvazviri, umambo hwangu hahubvi pamanyuko iwaya.” (Johane 18:36, NW) Mushumiri wako kana kuti muprista akakudzidzisa kuti Umambo hwaJesu ihurumende chaiyoiyo here, inotonga iri mudenga? Kana kuti akakudzidzisa here kuti Umambo hwacho chinongovawo zvacho chimwe chinhu chiripo mumwoyo? Kana zvakadaro, ave achiba mashoko aMwari kwauri.

Chii chiri ukama huri pakati pehurumende yoUmambo nezvimiro zvose zvakasiana-siana zvehurumende yavanhu? Mukuwirirana neThe Encyclopedia of Religion, yakapepetwa naMircea Eliade, Muvandudzi Martin Luther, pakukurukura Umambo, akakarakadza, kuti: “Hurumende yenyika . . . inganziwo umambo hwaMwari.” Vamwe vanodzidzisa kuti vanhu, kupfurikidza nenhamburiko dzavo vamene, vanogona kuunza hurumende dzavanhu pedyo zvikuru noUmambo hwaMwari. Muna 1983 World Council of Churches yakazivisa, kuti: “Sezvatinopupurira chishuvo chedu chapachokwadi chorugare nezviito zvakananga, Mudzimu waMwari unogona kushandisa nhamburiko dzedu dzisina kusimba dzokuunza maumambo enyika ino pedyo zvikuru noumambo hwaMwari.”

Cherekedza, kunyanguvezvo, kuti muMunyengetero waShe (“Baba Vedu”), Jesu akadzidzisa vateveri vake kunyengeterera Umambo hwaMwari kuti huuye uye ipapo bedzi akavaudza kunyengetera, kuti: “Kuda kwenyu [kwaMwari] ngakuitike, somudenga, napasi panowo.” (Mateo 6:10, NW) Namamwe mashoko, vanhu havaiti kuti Umambo huuye kupfurikidza nokuita kuda kwaMwari. Ndiko kuuya kwoUmambo kunoparira kuda kwaMwari kuitwa pasi pano. Seiko?

Teerera izvo uporofita hwaDhanieri ganhuro 2, ndima 44 (NW), hunotaura: “Mumazuva amadzimambo iwayo [vatongi vavanhu munguva yomugumo] Mwari wokudenga achagadza umambo husati huchizotongoparadzwa. . . . Huchaputsanya nokugumisa umambo hwose ihwohwu.” Hakushamisi kuti Jesu akataura kuti Umambo hwake hwakanga husati huri rutivi rwenyika ino! Panzvimbo pezvo, Umambo huchaparadza maumambo, hurumende, zvepasi rino ndokutora nzvimbo yazvo mukutonga rudzi rwomunhu. Sehurumende yakapiwa naMwari yorudzi rwomunhu, ichava nechokwadi chokuti kuda kwaMwari kunoitwa pasi pano.

Chikonzero chechiito chakasimba chakadaro choUmambo chinova chakajeka zvikuru apo tinorangarira ari kudzora nyika ino. Muapostora Johane akanyora, kuti: “Nyika yose iri musimba rowakaipa.” (1 Johane 5:19, NW) “Wakaipa” ndiSatani Dhiabhorosi, uyo Pauro akadana kuti “mwari wetsika ino yezvinhu.” (2 VaKorinte 4:4, NW) Hapana nzira iyo masangano ari munyika ana mwari ari Satani Dhiabhorosi anogona kuziviswa nayo noUmambo hwaMwari.

Ichi chikonzero chimwe nei Jesu asina kubatanidzwa mune zvamatongerwe enyika. Apo vezvourudzi vechiJudha vakaedza kumuita mambo, akavadzivisa. (Johane 6:15) Sezvataona, iye akaudza pachena Pirato, kuti: “Umambo hwangu hahusi rutivi rwenyika ino.” Uye mutsinhirano naikoku, akati nezvavateveri vake: “Ivo havasati vari rutivi rwenyika, kungofanana neni ndisati ndiri rutivi rwenyika.” (Johane 17:16, NW) Naizvozvo, vatungamiriri vorudzidziso vanodzidzisa kuti kuuya kwoUmambo hwaMwari kunokurumidziswa nevandudziko mukati metsika ino yezvinhu uye vanokurudzira mapoka avo kushanda nedonzo iroro vaporofita venhema. Vanoba simba netapuro zveizvo Bhaibheri rinotaura chaizvoizvo.

Neiko Ichikosha?

Ko kwose ikoku kunongova zvako kutaura kwoungwaru here? Nyangwe. Dzidziso dzisina kururama pamusoro poUmambo hwaMwari dzakatsausa vakawanda uye dzakatotapura nhau. Somuenzaniso, chinyorwa chinonzi Théo, enisaikoropidhia yeRoma Katurike, chinoti: “Vanhu vaMwari vari kufambira mberi vakananga kuUmambo hwaMwari hwakatangwa pasi pano naKristu . . . Chechi imbeu youhwu Umambo.” Kuzivikanwa kweChechi yeKaturike noUmambo hwaMwari kwakapa chechi simba gurusa renyika mukati meMiddle Ages inotenda mashura. Kunyange nhasi, zviremera zvechechi zvinoedza kupesvedzera zvinoitika zvenyika, zvichishanda zvichida mamwe masangano ezvamatongerwe enyika uye kurwisana namamwe.

Mumwe mutsinhiri akapa mumwe mufungo wakapararira nhasi paakati: “Nzira yokuchinja ndihwo umambo nemhaka yokuti kuchinja ndivo vanhu vanova pamwe chete mudzinza idzva ravanhu, rinonyandurwa nechiratidzo choumwari chinopiwa kupfurikidza nomunhu wezvokwadi—Jesu . . . Gandhi . . . vaBerrigan.” Kudzidzisa kuti Umambo hwaMwari hunogona kupfuuridzirwa nezviito zvamatongerwe enyika uye kufuratira maidi chaiwoiwo pamusoro poUmambo kwakatungamirira vatungamiriri vorudzidziso kuda nzvimbo yezvamatongerwe enyika. Kwakatungamirira vamwe kubatanidzwa mukusaterama kwavagari vomunyika uye kunyange kutora rutivi muhondo yechimurenga. Hapana nokumwe kwaikoku kuri mutsinhirano nezvokwadi yokuti Umambo hahusati huri rutivi rwenyika ino. Uye vatungamiriri vorudzidziso vanobatanidzwa zvikuru mune zvamatongerwe enyika vari kure zvikuru nokusava rutivi rwenyika, sezvakataura Jesu kuti vadzidzi vake vechokwadi vaizova. Avo vanodzidzisa kuti Umambo hwaMwari hunowanwa kupfurikidza nechiito chezvamatongerwe enyika vaporofita venhema. Vari kuba mashoko aMwari kuvanhu.

Kudai vatungamiriri vorudzidziso vari muchiKristudhomu vaidzidzisa chaizvoizvo izvo Bhaibheri rinotaura, mapoka avo aizoziva kuti Umambo hwaMwari huchapedza zvamazvirokwazvo zvinetso zvakadai sourombo, hosha, kusaenzana kworudzi, uye dzvinyiriro. Asi kuchava munguva yaMwari yakafanira uye munzira yaMwari. Hakusati kuchizova kupfurikidza nokuvandudzwa kwamasangano ezvamatongerwe enyika, ayo achaguma apo Umambo hunouya. Kudai ava vafundisi vaiva vaporofita vechokwadi, vangadai vakadzidzisa mapoka avo kuti vakamirira kuti Umambo hwaMwari huite chiito, vanogona kuwana betsero chaiyoiyo, inopiwa naMwari, inoshanda yokupedza zvinetso izvo kusaenzana kwenyika ino kunoparira.

Pakupedzisira, vangadai vakadzidzisa mapoka avo kuti migariro iri kuipa zvikuru pasi pano inoparira nhamo huru kwazvo yakaporofitwa muBhaibheri uye chiratidzo chokuti kuuya kwoUmambo kuri pedyo. Hungu, Umambo hwaMwari huchakurumidza kupindira ndokutsiva zvimiro zvamatongerwe enyika zvazvino. Ikoko kuchava chikomborero chakadini!—Mateo 24:21, 22, 36-39; 2 Petro 3:7; Zvakazarurwa 19:11-21.

Rudzi Rwomunhu muUmambo hwaMwari

Kuuya kwoUmambo hwaMwari kucharevei nokuda kworudzi rwomunhu? Eya, unogona kuzvifungidzira umene here uchimuka mangwanani ari ose wakazara nesimba? Hapana munhu waunoziva anorwara kana kuti kufa. Kunyange vadiwa vako vakafa vadzorerwa kwauri kupfurikidza norumuko. (Isaya 35:5, 6; Johane 5:28, 29) Hapachisinazve funganyo dzezvemari dzinoparirwa namasangano oudyire ezvokutengeserana kana kuti ezvemari asina kuenzana. Une musha wakanaka wako umene uye nzvimbo yakakura yokurima zvose zvaunoda kudyisa mhuri. (Isaya 65:21-23) Unogona kufamba-famba munzvimbo iri yose panguva ipi neipi yezuva kana kuti usiku pasina rutyo rwokudenhwa. Hapachisinazve hondo—hapana chinhu chokutyisidzira chengeteko yako. Munhu ari wose ane fariro dzako dzakanakisisa pamwoyo. Vakaipa havachisipo. Rudo nokururama zvinotonga. Unogona kufungidzira nguva yakadaro here? Urwu ndirwo rudzi rwenyika Umambo huchaunza.—Pisarema 37:10, 11; 85:10-13; Mika 4:3, 4.

Ikoku kunongovawo zvako tariro isingashandi here? Aiwa. Rava magwaro arongwa mundima yapfuura, uye uchawana kuti chinhu chiri chose chinotaurwa imomo chinoratidzira zvipikirwa chaizvoizvo zvaMwari. Kana usati wapiwa kusvikira zvino uyu mufananidzo wechokwadi weizvo Umambo hwaMwari hunogona uye huchaita nokuda kworudzi rwomunhu, ipapo mumwe munhu akakubira mashoko aMwari.

Nomufaro, zvinhu hazvifaniri kuramba zvakadaro nokuda kwako. Jesu akataura kuti muzuva redu “aya mashoko akanaka oumambo achaparidzirwa mupasi rose rinogarwa nokuda kwouchapupu kumarudzi ose; uye ipapo mugumo uchasvika.” (Mateo 24:14, NW) Magazini yauri kurava rutivi rwebasa iroro rokuparidzira. Tinokukurudzira kudzivisa kunyengedzwa navaporofita venhema. Nzvera zvikuru muShoko raMwari kuti uwane zvokwadi pamusoro poUmambo hwaMwari. Ipapo, zviise umene pasi poUmambo ihwohwo, uhwo huri gadziriro yoMufudzi Mukuru, Jehovha Mwari. Chokwadi, ndiyo bedzi tariro yomunhu, uye haisati ichizokundikana.

[Mufananidzo uri papeji 5]

Luther akadzidzisa kuti hurumende yavanhu ingagona kurangarirwa soUmambo hwaMwari

[Kwazvakatorwa]

Courtesy of the Trustees of the British Museum

[Mufananidzo uri papeji 7]

Kufanana noMufudzi ane rudo, Jehovha kupfurikidza noUmambo hwake achaunza migariro iyo isina munhu angagona

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe