RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ti pp. 3-5
  • Utatu Hunostsanangurwa Sei?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Utatu Hunostsanangurwa Sei?
  • Unofanira Kudavira Utatu Here?
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • “Hainzwisisiki Nokurangarira Kwohunhu”
  • “Handi Mwari Wenyongano”
  • Rutivi 1—Jesu Navadzidzi Vake Vakadzidzisa Dzidziso yoUtatu Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Ihwo Idzidziso Yakajeka yeBhaibheri Here?
    Unofanira Kudavira Utatu Here?
  • Unofanira Kudavira Here?
    Unofanira Kudavira Utatu Here?
  • Dzidziso yoUtatu Yakatanga Sei?
    Unofanira Kudavira Utatu Here?
Ona Zvimwe
Unofanira Kudavira Utatu Here?
ti pp. 3-5

Utatu Hunostsanangurwa Sei?

CHECHI yeRoma Katurike inoti: “Utatu ishoko rinoshandiswa kuratidzira dzidziso huru yorudzidziso rwechiKristu . . . Nokudaro, mumashoko eChitendero chaAthanasius: ‘Baba ndiMwari, Mwanakomana ndiMwari, uye Mudzimu Mutsvene ndiMwari, asika hapana vanaMwari vatatu asi Mwari mumwe.’ Muno uhu Utatu . . . Vanhu vakaenzana mukusingagumi uye vakaenzana: nomutoo wakafanana vose havana kusikwa uye vana masimba ose.”—The Catholic Encyclopedia.

Anenge machechi mamwe ose omuchiKristudhomu anobvumira. Somuenzaniso, Chechi yechiGiriki yeOrthodox inoidzawo Utatu kuva “dzidziso yehwaro yechiKristu,” kunyange kutaura kuti: “MaKristu ndaawo anogamuchira Kristu saMwari.” Mubhuku rinonzi Our Orthodox Christian Faith, chechi imwe cheteyo inozivisa, kuti: “Mwari utatu humwe. . . . Baba ndiMwari chose chose. Mwanakomana ndiMwari chose chose. Mudzimu Mutsvene ndiMwari chose chose.”

Nokudaro, Utatu hunorangarirwa kuva “Mwari mumwe muna Vanhu vatatu.” Mumwe nomumwe anotaurwa kuva asina mavambo, zvaakavapo nokusingagumi. Mumwe nomumwe anotaurwa kuva wamasimba ose, pasina mumwe nomumwe ari mukuru zvikuru kana kuti ari muduku zvikuru kupinda vamwe.

Ko kurangarira kwakadaro kwakaoma kutevera here? Vadaviri vazhinji vapachokwadi vakakuwana kuva kunovhiringidza, kunopesana nokurangarira kwenguva dzose, mukusafanana nechinhu chipi nechipi muruzivo rwavo rwokuzviwanira. Ko, ivo vanobvunza, kuti Baba vanogona sei kuva Mwari, Jesu kuva Mwari, uye mudzimu mutsvene kuva Mwari, bva pasina vaMwari vatatu asi Mwari mumwe bedzi?

“Hainzwisisiki Nokurangarira Kwohunhu”

IYI vhiringidziko yakapararira. The Encyclopedia Americana inoti dzidziso yoUtatu inorangarirwa kuva “isinganzwisisiki nokurangarira kwohunhu.”

Vazhinji vanobvuma Utatu vanohurangarira nenzira imwe cheteyo iyeyo. Monsignor Eugene Clark anoti: “Mwari ndimumwe, uye Mwari utatu. Sezvo pasina chinhu chakadai muchisiko, hatingagoni kuhunzwisisa, asi kungohubvuma bedzi.” Cardinal John O’Connor anoti: “Tinoziva hedu kuti ndichakavanzika chakadzama zvikuru, icho tisingavambi kunzwisisa.” Uye Pope John Paul II anotaura nezve“chakavanzika chisingabviri kunzwisiswa chaMwari Utatu.”

Nokudaro, A Dictionary of Religious Knowledge rinoti: “Chaizvoizvo icho chiri dzidziso iyoyo, kana kuti matsanangurirwe aichaitwa chaizvoizvo, vezvoUtatu havazati vachibvumirana pakati pavo.”

Ipapoka, tinogona kunzwisisa chikonzero nei New Catholic Encyclopedia ichiti: “Kuna vadzidzisi vashomanene voruzivo rwoumwari vezvoUtatu muzvikoro zveRoma Katurike vasati vanetswa panguva dzakasiana-siana nomubvunzo wokuti, ‘Asika munhu anodzidzisa sei Utatu?’ Uye kana mubvunzowo uchiratidzira zviratidzo zvevhiringidziko kuna vadzidziswa, zvimwe iwo hauzati uchiratidzira zviratidzo zvishoma zvevhiringidziko imwe cheteyo kuna vadzidzisi vavo.”

Zvokwadi yecherekedzo iyoyo inogona kusimbiswa kupfurikidza nokuenda kuraibhurari ndokunzvera mabhuku anotsigira Utatu. Mapeji asingaverengeki akanyorwa achitamburira kuutsanangura. Bva, pashure pokuparapatika nomunyongano yamashoko anovhiringidzika oruzivo rwoumwari uye tsananguro, vafeyi vachiri kusagutsikana.

Muna ikoku, Jesuit Joseph Bracken anoti mubhuku rake rinonzi What Are They Saying About the Trinity?: “Vaprista avo nenhamburiko yakati kuti vakadzidza . . . Utatu mukati mamakore avo echikoro choufundisi nomutoo womuzvarirwo vanozengurira kuhupa kuvanhu vavo vari pachikuva, kunyange paSvondo roUtatu. . . . Neiko munhu achifanira kunetsa hake vanhu nechimwe chinhu icho pakupedzisira vasati havo vaizonzwisisa nomutoo wakakodzera?” Iye anotiwo: “Utatu inhau yechitendero chomuitiro, asi hune [tapuro] duku kana kuti hauna muupenyu hwechiKristu hwezuva nezuva nokunamata.” Bva, ihwo “idzidziso huru” yamachechi!

Wezvoruzivo rwoumwari wechiKaturike Hans Küng anotaura mubhuku rake rinonzi Christianity and the World Religions kuti Utatu chikonzero chimwe nei machechi ave asati achikwanisa kuita rubudiriro rupi norupi runokosha navanhu vasati vari vechiKristu. Iye anoti: “Kunyange vaMuslim vakadzidza zvikuru havagoni kutevera, sezvo vaJudha kusvikira zvino nenzira yakafanana vakakundikana kunzwisisa, mufungo woUtatu. . . . Mitsaukano inoitwa nedzidziso yoUtatu pakati paMwari mumwe nezvimiro zvitatu haizati ichigutsa vaMuslim, avo vanonyonganiswa, panzvimbo pokujekerwa, namashoko oruzivo rwoumwari anowanwa muchiSiria, chiGiriki, nechiLatin. VaMuslim vanowana ikoku kwose kuri mutambo wamashoko. . . . Ko munhu upi noupi anofanirirei hake kuda kuwedzera chinhu chipi nechipi kumufungo wohumwe hwaMwari nomutsaukano icho chinogona bedzi kushatsa kana kuti kuparadza humwe ihwohwo nomutsaukano?”

“Handi Mwari Wenyongano”

KO DZIDZISO inonyonganisa yaigona sei kuvamba? The Catholic Encyclopedia inoti: “Dzidziso isingapokanidzwi yakavanzika kudaro inoda wadzanyuro yoUmwari.” Vazivi veKaturike vanaKarl Rahner naHerbert Vorgrimler vanoti mune ravo rinonzi Theological Dictionary: “Utatu ndichakavanzika . . . mupfungwa yorumano . . . , chisingagoni kuzivikanwa pasina wadzanyuro, uye kunyange pashure pewadzanyuro hachingagoni kuva chinonzwisiswa chose chose.”

Zvisinei, kutaura kuti sezvo Utatu huri chakavanzika chakadaro chinonyonganisa, hunofanira kuve hwakabva muwadzanyuro youmwari kunoparira chimwe chinetso chikuru. Neiko? Nokuti wadzanyuro youmwari iyo imene haizati ichibvumira nokuda kwomurangariro wakadaro waMwari: “Mwari haazati ari Mwari wenyongano.”—1 VaKorinte 14:33, Revised Standard Version (RS).

Nokuda kwokutaura ikoko, Mwari aizove akaparira dzidziso pamusoro pake amene iri inonyonganisa zvikuru zvokuti kunyange vazivi vechiHebheru, vechiGiriki, navechiLatin havangagoni kuitsanangura zvomenemene here?

Kupfuurirazve, ko vanhu vanotofanira havo kuva vezvoruzivo rwoumwari here ‘kuti vazive Mwari wechokwadi bedzi naJesu Kristu waakatuma’? (Johane 17:3, JB) Kudai zvakanga zvakadaro, neiko vashomanene zvikuru vavatungamiriri vorudzidziso vakadzidza vechiJudha vakaziva Jesu saMesia? Panzvimbo pakwo, vadzidzisi vake vakatendeka vaiva varimi, varedzi, vateresi, vadzimai vomumba vanozvininipisa. Vanhu ivavo venhando vaiva nechokwadi zvikuru cheizvo Jesu akadzidzisa pamusoro paMwari zvokuti ivo vaigona kuzvidzidzisa kuna vamwe uye vaitodisisa kufira chitendero chavo.—Mateo 15:1-9; 21:23-32, 43; 23:13-36; Johane 7:45-49; Mabasa 4:13.

[Mufananidzo uri papeji 4]

Vadzidzi vaJesu vaiva vanhu venhando vanozvininipisa, kwete vatungamiriri vorudzidziso

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe