Ganhuro 38
Nguva Yemberi Yakandichengeterei?
“NDINOTYA nguva yemberi, nguva yemberi munyika inoumbwa netyisidziro dzenyukireya.” Pwere yechiGerman yakataura kudaro mukutaura kumukuru mukuru wayo mukurusa wezvamatongerwe enyika worudzi.
Zvimwe rutyo rwokupararira mumburumbwa yomwoto wenyukireya nenzira yakafanana runoratidza chiono chako chenguva yemberi. “Ndinofanirireiko kunetseka nokuwana mamakisi akanaka?” imwe pwere yakabvunza kudaro. “Zvisinei hazvo nyika ichaputika.” Zvamazvirokwazvo, mune kumwe kunzverwa kwavana vechikoro vakomana vaduku vakataura nezvehondo yenyukireya setyisidziro yavo huru. Vasikana vakairangarira kuva yechipiri, ichitangirwa bedzi norutyo rwokufa kwa“vabereki vangu.”
Zvisinei, hwohwa hwokuputika kwenyukireya, hausati huchingova bedzi gore dema riri pajengachenga. Tyisidziro yo“kunyanyowanda kwechiverengero chavagari vapasi, kupera kwepfuma, kushatiswa kwemhoteredzo,” nedzimwe ngwavaira dzosvika dzakaparira nyanzvi yokurapwa kwendangariro B. F. Skinner kutaura, kuti: “Marudzi edu zvino anoratidzika kuva anotyisidzirwa.” Iye gare gare akabvuma, kuti: “Handina tariro zvikuru. Isu hatisati tichizopedza zvinetso zvedu, zvamazvirokwazvo.”
Sezvo kunyange vacherekedzi vanoziva vachirangarira nguva yemberi norutyo, hakusatiwo kuchishamisa kuti pwere zhinji dzinoratidzira chimiro chendangariro, chokuti: “Ngatidye nokunwa, nokuti mangwana tichafa.” (1 VaKorinte 15:32) Zvamazvirokwazvo, kana nguva yako yemberi iri pamano avezvamatongerwe enyika nenyanzvi dzesayenzi, kunoratidzika kuva kwakaoma kwazvo, zvamazvirokwazvo. Nokuti Jeremia 10:23 inoti: “Nzira yomunhu wapasi haisati iri yake. Hakusati kuri kwomunhu anofamba kunyange kururamisa nhano yake.”
Hakusati kuri kwokuti munhu anongoshaiwa bedzi mano okuzvidzora amene. Cherechedza kuti hakusati “kuri” kwomunhu kuita kudaro—iye haana maruramiro okudzora nguva yemberi yapasi. Nhamburiko dzake nokudaro dzinoshurikidzirwa kukundikana. Nokuda kwechikonzero ichecho, Jeremia akanyengeterera kukupindira kwoumwari, achiti: “Ndiruramisei, haiwa Jehovha, norutongeso zvisinei hazvo.” (Jeremia 10:24) Ikoku kunoreva kuti Musiki wedu achasarudza nguva yedu yemberi iyoyo. Asi nguva yemberi ichava yakadini?
Donzo raMwari Nokuda Kwapasi—Nenguva Yako Yemberi
Nokukurumidza pashure pokusikwa kwomunhu, Mwari akaudza vaviri vokutanga vohunhu, kuti: “Berekanai mugova vazhinji ndokuzadza pasi uye murikurire, uye ivai nesimba pamusoro pehove dzegungwa nezvisikwa zvinobhururuka zvamatenga uye chisikwa chipenyu chiri chose chinofamba pamusoro papasi.” (Genesi 1:28) Nokudaro munhu akapiwa kariro yokurarama muparadhiso yemburumbwa.
Zvisinei, vaviri vokutanga vakapandukira ubati ushe hwaMwari. Sokutaura kwakaita Soromoni gare gare kuti, “Mwari wechokwadi akaita vanhu vakarurama, asi ivo vamene vakatsvaka rongedzero zhinji.” (Muparidzi 7:29) Rongedzero dzavanhu dzakabvumikisa kuva dzine ngwavaira, dzichisiira chizvarwa chiripochi nhaka yenhamo nokupererwa nezano rose zvaro kukurusa kwekariro dzomunguva yemberi.
Ikoku kunoreva here kuti Mwari akasiira pasi kukuva mburumbwa yakashatswa, yakacheturwa—uye zvimwe isina upenyu? Hakubviri! Iye ndiye “Muumbi wapasi uye Muiti waro, Iye Uyo akarisimbisa zvakatsiga, uyo asina kurisikira pasina, uyo akariumba kuti rive rinotogarwa.” Donzo rake rakataurwa nokuda kwapasi nokudaro rine chokwadi chokuva rinozadzika!—Isaya 45:18; 55:10, 11.
Asi rini—uye sei? Zviravire umene pana Ruka ganhuro 21. Ipapo Jesu akadeya kuzivisa zvinetso zvimene zvakatambura vanhu mukati mezana rino ramakore: hondo dzamarudzi ose, kudengenyeka kwapasi, hosha, kushaikwa kwezvokudya, utsotsi hwakapararira. Zvinoitika izvozvi zvinoratidzirei? Jesu iye amene anotsanangura, achiti: “Zvinhu izvozvi zvazvinotanga kuitika, zvisimudzei imi mumene kuti tote uye simudzirai misoro yenyu kumusoro, nokuti kununurwa kwenyu kuri kusvika pedyo. . . . Apo imi munoona zvinhu izvozvi zvichiitika, zivai kuti umambo hwaMwari hwava pedyo.”—Ruka 21:10, 11, 28, 31.
Umambo ihwohwo ndihwo kiyi yokupinda nayo kunguva yako yemberi. Kuchitaurwa nomutoo wakapfava, ihwo ihurumende, mutoo waMwari wokubata nawo ushe pasi. Hurumende iyeyo yoUmambo ichatora nomutoo wokugombedzera kudzorwa kwapasi kumasimba avanhu. (Dhanieri 2:44) “Avo vanoparadza pasi” ivo vamene vachanangana noruparadziko pamasimba aMwari, achiponesa pasi—uye vanhu—padenho dzokushandisa zvisina kufanira dzohunhu.—Zvakazarurwa 11:18; Muparidzi 1:4.
Rakakotsekana mutarisiro yoUmambo hwaMwari, pashoma napashoma pasi richava mburumbwa yeparadhiso. (Ruka 23:43) Nokuda kwechikonzero ichecho dzikamo yakakwana yetsamirano yezvisikwa ichadzokera. Chokwadika, pachava kunyange nechinzwano pakati pomunhu nemhuka. (Isaya 11:6-9) Hondo nezvombo zvehondo zvichatsakatika. (Pisarema 46:8, 9) Utsotsi, nzara, kushaikwa kwedzimba, chirwere—kunyange rufu irwo rwumene—zvose zvichabviswa. Vagari vapasi “zvamazvirokwazvo vachawana mufaro wavo wakakwana murugare rwakawanda.”—Pisarema 37:10, 11; 72:16; Isaya 65:21, 22; Zvakazarurwa 21:3, 4.
‘Kuedza’ Zvipikirwa zvaMwari
Upenyu husingaperi muparadhiso—ihwo hunogona kuva nguva yako yemberi! Asika kunyange pfungwa yacho inganzwika kuva inofadza, zvimwe iwe une chinetso chokubvisa chitendero chokuti vanhu vose vakanaka vanoenda kudenga, kana kuti une panikiro pamusoro peBhaibheri iro rimene. Kunyange dzimwe pwere pakati peZvapupu zvaJehovha dzakawana kutenda kwadzo padzimwe nguva kuva kunozunguzika nomutoo unokatyamadza. Somuenzaniso, Michelle, akarerwa navabereki veZvapupu. Kugamuchira kuti Bhaibheri nderechokwadi kwakanga kwakaita sokugamuchira kuti masikati anotevera usiku. Rimwe zuva, kunyange zvazvo zvakadaro, kwakaedza kwaari—iye haana kuziva chikonzero nei aidavira Bhaibheri. “Ndinofunga kuti ndairidavira kutozosvikira panguva ino nokuti amai vangu nababa vairidavira,” iye akadaro.
“Kana pasina kutenda hakubviri kusanofadza [Mwari],” rinodaro Bhaibheri. (VaHebheru 11:6) Bva, kutenda hakusati kuri chimwe chinhu chaunacho nokuti amai vako nababa vako vanakwo. Kana nguva yako yemberi ichizova yakakotsekana, unofanira kuvaka kutenda kwakavakirwa paufakazi hwakasimba—“tariro yakasimbisirwa yezvinhu zvinokarirwa.” (VaHebheru 11:1) Sokureva kunoita Bhaibheri, iwe unofanira “kuva nechokwadi chezvinhu zvose,” kana kuti sokuratidzira kunoita chikamu chamashoko chiri muThe Holy Bible in Union Shona, “idzai zvinhu zvose.”—1 VaTesaronika 5:21.
Kuzvibvumikisira Umene Kuti Bhaibheri Nderechokwadi
Ungatanga kudikanirwa kuedza kana Bhaibheri zvomenemene ra“kafuridzirwa naMwari.” (2 Timotio 3:16) Unogona sei kuita ikoko? Eya, Mwari Wamasimba ose bedzi anogona pasina kundikano ‘kuzivisa mugumo kubvira pamavambo.’ (Isaya 43:9; 46:10) Uye iye anodzokorora adzokororazve ikoku muBhaibheri. Rava uporofita hwakanyorwa pana Ruka 19:41-44 uye 21:20, 21 pamusoro pokuwa kweJerusarema. Kana kuti uporofita huri pana Isaya 44:27, 28 uye 45:1-4 pamusoro pokuwa kweBhabhironi. Nhau yenyika inobvumikisa kuti Bhaibheri nomutoo wokusakanganisa rakadeya kuzivisa sei izvi zvinoitika! “Pashure pokunzvera humwe hwouporofita hwaro,” Janine wezera ramakore 14 akadaro, “Ndakashamiswa chaizvo kuona kuti iro rakanga richikwanisa sei kudeya kuzivisa zvose izvo iro rakaita.”
Uchokwadi hwenhau yeBhaibheri, kutendeseka, kururama, uye shaikwo yokuzvipokanidza ndizvimwe zvikonzero zvokutenda Bhaibheri.a Asika unoziva sei kuti nzira iyo Zvapupu zvaJehovha zvinonzwisisa nayo Bhaibheri yakarurama? Vagari veBherea yekare havana kugamuchira tsananguro yomuapostora Pauro yeBhaibheri nomutoo wokusapanikira. Panzvimbo pakwo, ivo va‘kanzvera Magwaro zuva nezuva kana zvinhu izvi zvakanga zviri izvo.’—Mabasa 17:11.
Tinokukuchidzira nomutoo wakafanana kuita nzvero yakadzama yedzidziso dzeBhaibheri. Chinyorwa chinonzi Iwe Unogona Kurarama Nokusingaperi muParadhiso Pasi pano uye Vakabatana Mukunamatwa kwaMwari Wechokwadi Bedzi (zvakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.) zvinoratidzira idzi dzidziso nomutoo wakajeka. Kana vabereki vako vari Zvapupu zvaJehovha, pasina panikiro ivo vachava vanokwanisa kukubetsera pamibvunzo ipi neipi yaungava nayo. “Iva akatendeseka kuna vabereki vako kana une zvinetso zvipi nezvipi muna ikoku,” inokarakadza kudaro imwe mhandara inonzi Janel. “Bvunza mibvunzo kana pane chimwe chinhu chaunowana kuva chakaoma kudavira.” (Zvirevo 15:22) Mukufambira mberi kwenguva pasina panikiro uchaonga kuti Jehovha zvamazvirokwazvo akakomborera Zvapupu zvake nenzwisiso inoshamisa yezvokwadi dzeBhaibheri!
Pwere inonzi Prentice inoti: “Padzimwe nguva ini ndinopera mwoyo pamusoro pezviri nyika. Ndinorava magwaro akadai saZvakazarurwa 21:4, uye inondipa chimwe chinhu chokukarira.” Hungu, kuva nokutenda kwakasimba muzvipikirwa zvaMwari kune chokwadi chokutapura mufungo wako. Unoona nguva yemberi nekariro inofadza, kwete norusuruvaro. Upenyu hwako hwazvino, hahuvi parapatiko isina maturo, asi hunova mutoo wo‘kuzvirongedzerera umene nomutoo wakakotsekana nheyo yakaisvonaka nokuda kwenguva yemberi, kuti ugowana kubatisisa paupenyu chaihwoihwo.’—1 Timotio 6:19.
Asika kune zvakawanda here zvokuwana “upenyu chaihwoihwo” uhwo kupfuura kungodzidza bedzi ndokuva anodavira dzidziso dzeBhaibheri?
[Mashoko Omuzasi]
a Ona mapeji 39-48 echinyorwa chinonzi Kurangarira muMagwaro (chakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.) nokuda kwamamwe mashoko oudzame pamusoro pouchokwadi hweBhaibheri.
Mibvunzo Yekurukurirano
◻ Ko pwere zhinji dzine kutyai pamusoro penguva yemberi?
◻ Chii chakanga chiri donzo rapakuvamba raMwari nokuda kwapasi? Neiko tichigona kuva vane chivimbo chokuti donzo raMwari harina kuchinja?
◻ Ko Umambo hunoita rutivii mukuzadzika donzo raMwari nokuda kwapasi?
◻ Neiko kuri madikanwa kuti iwe uedze uchokwadi hwedzidziso dzeBhaibheri, uye unogona sei kuita kudaro?
◻ Ko iwe unogona sei kuzvibvumikisira umene kuti Bhaibheri rakafuridzirwa naMwari?
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 306]
“Handina tariro zvikuru. Isu hatisati tichizopedza zvinetso zvedu, zvamazvirokwazvo.”—Nyanzvi yokurapwa kwendangariro B. F. Skinner
[Mufananidzo uri papeji 307]
Musiki wapasi haasati achizobvumira munhu kuparadza mburumbwa yedu
[Mufananidzo uri papeji 309]
Wati wazvipwisa umene here nezvouchokwadi hweBhaibheri?