Kutenda Nenguva Yako Yemberi
“Kutenda ndirwo rusimbiso rwezvinhu zvatinotarira.”—VAHEBHERU 11:1.
1. Vanhu vakawanda zvikurusa vanoda rudzii rwenguva yemberi?
UNOFARIRA nguva yemberi here? Vanhu vakawanda zvikurusa vanodaro. Yavanokarira inguva yemberi ine rugare, isina kutya, magariro anogutsa, basa rinobudirira uye rinofadza, utano hwakanaka uye upenyu hurefu. Pasina mubvunzo zvizvarwa zvose munhau zvakada zvinhu izvozvo. Uye nhasi, munyika ino yakazadzwa nokutambudzika kwazvo, magariro akadaro anoshuviwa zvikuru kupfuura nakare kose.
2. Mumwe murangariro wenguva yemberi wakataurwa sei nomumwe mutungamiriri wehurumende?
2 Sezvo rudzi rwomunhu rwuri kunanga kuzana ramakore rechi21, pane nzira ipi neipi here yokuziva nayo kuti nguva yemberi ichava yakaita sei? Imwe nzira yakataurwa makore anopfuura 200 apfuura nomutungamiriri wehurumende yeAmerica Patrick Henry. Akati: “Handizivi nzira yokuziva nayo nguva yemberi kunze kwokupfurikidza nenguva yakapfuura.” Maererano nomurangariro uyu, nguva yemberi yemhuri yavanhu inogona kuzivikanwa kusvika kumwero wakati nezvakaitwa navanhu munguva yakapfuura. Vakawanda vanobvumirana nepfungwa iyoyo.
Nguva Yakapfuura Yakanga Yakaita Sei?
3. Nhau inoratidzei pamusoro pekariro dzenguva yemberi?
3 Kana nguva yemberi ichizova kudzokororwa kwenguva yakapfuura, unowana izvozvo zvichikurudzira here? Nguva yemberi yakava nani nokuda kwezvizvarwa zvakapfuura mumazera akapfuura here? Kwete chaizvoizvo. Pasinei zvapo netariro dzakava nevanhu kwezviuru zvamakore uye pasinei zvapo nokufambira mberi mune zvokunyama mune dzimwe nzvimbo, nhau yakazadzwa nokudzvinyirira, utsotsi, masimba masimba, hondo, uye urombo. Nyika ino yakava nenhamo pashure peimwe, zvikurukuru yaiparirwa nokutonga kusingagutsi kwomunhu. Bhaibheri rinoti nenzira yakarurama: “Munhu ane simba pamusoro pomumwe, achimuitira zvakaipa.”—Muparidzi 8:9.
4, 5. (a) Nei vanhu vakanga vane tariro mukuvamba kwezana ramakore rechi20? (b) Chii chakaitika kutariro dzavo dzenguva yemberi?
4 Idi nderokuti nhau yenhamo yorudzi rwomunhu inoramba ichizvidzokorora—asi pamwero mukuru nguva dzose uye unokuvadza zvikuru. Zana rino ramakore rechi20 ufakazi hwaizvozvo. Rudzi rwomunhu rwakadzidza ndokudzivisa mhosho dzomunguva yakapfuura here? Naizvozvo, pakuvamba kwezana rino ramakore, vakawanda vakatenda nguva yemberi iri nani nemhaka yokuti pave pane nhambo refu yorugare uye nemhaka yokufambira mberi muindasitiri, sayenzi, uye dzidzo. Mukuvamba kwama1900, purofesa weimwe yunivhesiti akati, zvaidavirwa kuti hondo yaisazobvirazve nemhaka yokuti “vanhu vakanga vabudirira zvikuru.” Aichimbova mutungamiriri weBritain akati nezvemurangariro wakanga une vanhu kare panguva iyoyo: “Zvinhu zvose zvaizoramba zvichiva nani. Ndiyo nyika yandakazvarirwa mairi.” Asi ipapo akati: “Nokukurumidza, nenzira isingakarirwi, mamwe mangwanani muna 1914 kariro yose yakapera.”
5 Pasinei zvapo nokutenda nguva yemberi iri nani yaiva panguva iyoyo, zana ramakore idzva rakanga richangovamba apo nyika yakakurirwa nengwavaira yakaipisisa zvikuru yakaitwa nomunhu yakanga yati yambovapo—Hondo Yenyika I. Somuenzaniso wemamiriro ehondo yacho, rangarira zvakaitika muna 1916 mune imwe hondo apo mauto eBritain akarwisa mauto eGermany pedyo neRwizi Somme muFrance. Mumaawa mashomanene chete varwi veBritain vakarasikirwa ne20 000, uye vakawanda vakaurawa kurutivi rweGermany. Makore mana okuuraya akauraya varwi vanoda kusvika mamiriyoni gumi navanhuwo zvavo vakawanda. Vanhu vanogara muFrance vakaderera kwechinguvana nemhaka yokufa kwavarume vakawanda kwazvo. Mari yakaparadzwa, zvichitungamirira kuGreat Depression yomuma1930. Hazvishamisi kuti vamwe vakataura kuti zuva rakavamba Hondo Yenyika I rakanga riri zuva rakapenga nyika!
6. Upenyu hwakaita nani here pashure peHondo Yenyika I?
6 Iyi inguva yemberi yaikarirwa nechizvarwa ichocho here? Nyangwe, tariro dzavo dzakaparadzwa zvachose; uyewo zvose izvozvo hazvina kutungamirira kune zviri nani. Makore 21 bedzi pashure peHondo Yenyika I, kana kuti muna 1939, ngwavaira yakaipa zvikuru yakaitwa nomunhu yakavamba—Hondo Yenyika II. Yakauraya upenyu hwavarume vanenge mamiriyoni 50, vakadzi, uye vana. Kubhomba kukuru kwakaparadza maguta. MuHondo Yenyika I, zvimwe zviuru zvavarwi zvakaurawa muhondo imwe mumaawa mana chete, nepo muHondo Yenyika II, mabhomba maviri bedzi eatomu akauraya vanhu vanopfuura 100 000 mumasekondi mashomanene chete. Kunorangarirwa navakawanda sekwakatoipa kwakanga kuri kuurawa kwemamiriyoni mumisasa yevasungwa yeNazi.
7. Chokwadi chezana rino rose ramakore ndechipi?
7 Mabhuku enongedzero anoverengeka anotaura kuti kana tikabatanidza hondo pakati pamarudzi, kurwisana kwavagari vemo, uye nzufu dzinoparirwa nehurumende pavanhu vadzo pachadzo, avo vakaurawa muzana rino ramakore vangasvika mamiriyoni 200. Rimwe bhuku renongedzero rinotoisa nhamba yacho pamamiriyoni 360. Fungidzira kutyisa kwazvo zvose—marwadzo, misodzi, nhamo, uye upenyu hwakaparadzwa! Mukuwedzera, paavhareji, vanhu vanenge 40 000, zvikurukuru vana, vanofa zuva rimwe nerimwe nezvirwere zvinoparirwa nourombo. Nhamba inopeta iyoyo katatu inourawa nokubvisa pamuviri mazuva ose. Uyewo, vanhu vanenge bhiriyoni imwe varombo zvokusagona kuwana zvokudya zvinodikanwa kuti vaite basa remazuva ose. Aya mamiriro ose ezvinhu ufakazi hwezvakafanotaurwa muuporofita hweBhaibheri hwokuti tiri kurarama mu“mazuva okupedzisira” egadziriro ino yezvinhu yakaipa.—2 Timotio 3:1-5, 13; Mateo 24:3-12; Ruka 21:10, 11; Zvakazarurwa 6:3-8.
Hapana Mhinduro Dzavanhu
8. Nei vatungamiriri vavanhu vasingagoni kupedza zvinetso zvenyika?
8 Sezvo zana rino ramakore rechi20 rinoswedera pedyo nomugumo waro, tinogona kuwedzera chakaitika kwariri kune chamazana amakore akapfuura. Uye nhau iyoyo inotiudzei? Inotiudza kuti vatungamiriri vavanhu havana kumbopedza zvinetso zvikuru zvenyika, kuti havasi kuzvipedza zvino, uye kuti havazozvipedzi munguva yemberi. Havambokwanisi kuva nemano okugovera rudzi rwenguva yemberi yatinoda, pasinei zvapo nokuti vangava vane vavariro yakanaka sei. Uye vamwe vane chiremera havana vavariro yakanaka kudaro; vanotsvaka nzvimbo nesimba nokuda kwebetsero dzavo dzokuzvikudza uye dzokunyama, kwete nokuda kwegarikano yavamwe.
9. Nei pane chikonzero chokusava nechokwadi chokuti sayenzi ine mhinduro yezvinetso zvomunhu?
9 Sayenzi ine mhinduro here? Kwete kana tikarangarira nguva yakapfuura. Vasayendisiti vehurumende vakapedza mari yakawanda zvikuru, nguva, uye nhamburiko vachiita zvombo zvinoparadza zvikuru zvemakemikoro, zvezvinhu zvine upenyu, uye zvamamwe marudzi. Marudzi, kubatanidza ayo asingagoni kuzvitenga, anopedza mabhiriyoni amadhora anopfuura 700 pazvombo makore ose! Uyewo, ‘kufambira mberi kwesayenzi’ murutivi ndiko kunoparira makemikoro akawedzera kusvibiswa kwemhepo, nyika, mvura, uye zvokudya.
10. Nei kunyange dzidzo isingavimbisi nguva yemberi iri nani?
10 Tinogona kuvimba kuti masangano edzidzo enyika achabetsera kuvaka nguva yemberi iri nani kupfurikidza nokudzidzisa mipimo yetsika yakakwirira, kurangarira vamwe, uye kuda muvakidzani here? Aiwa. Panzvimbo pezvo, anoisa ngwariro pamabasa, pakuita mari. Anoparira mudzimu wemakwikwi zvikuru, kwete wokubatira pamwe; uyewo zvikoro hazvidzidzisi tsika. Panzvimbo pezvo, akawanda awo anoona pasina chakaipa nokubika mapoto, izvo zvakaparira kuwedzera kukuru mukuitiswa nhumbu kwevechiduku uye zvirwere zvinopfuudzwa muvatano.
11. Chinyorwa chamabhizimisi chinoita sei kuti nguva yemberi isava nechokwadi?
11 Mabhizimisi makuru enyika achakurumidza kusundwa kutarisira zvakanaka pasi redu uye kuratidza vamwe rudo kupfurikidza nokuita zvinhu zvichabetsera zvechokwadi uye kwete chete nokuda kwemhindu here? Izvozvo hazvingadaro. Acharega kubudisa mapurogiramu eterevhizheni akazadzwa namasimba masimba nounzenza hunowedzera kushatisa ndangariro dzavanhu here, zvikurukuru vaduku? Nguva ichangopfuura haitombokurudziri, nemhaka yokuti zvikurukuru, TV yakava yakazadzwa nounzenza namasimba masimba.
12. Ndoupi uri mugariro wavanhu pamusoro pokurwara nokufa?
12 Uyezve, pasinei zvapo nokuti vanachiremba vangava vachida sei, havagoni kukunda urwere norufu. Somuenzaniso, pakupera kweHondo Yenyika I, vakanga vasingakwanisi kudzora kupararira kwefuruwenza yeSpain; munyika yose, yakauraya vanhu vanenge mamiriyoni 20. Nhasi, chirwere chomwoyo, kenza, uye dzimwe hosha dzinouraya zvakapararira. Nyika yezvokurapa hainawo kukurira denda razvino reAIDS. Mukupesana, mushumo weU.N. wakabudiswa muna November 1997 wakagumisa kuti mwero uri kupararira nawo utachiona hweAIDS unopeta kaviri kufungidzira kwomunguva yakapfuura. Nechekare, mamiriyoni akafa nayo. Mugore richangobva kupfuura, vamwe vane mamiriyoni matatu vakatapurwa nayo.
Nzira Iyo Zvapupu zvaJehovha Zvinorangarira Nayo Nguva Yemberi
13, 14. (a) Zvapupu zvaJehovha zvinorangarira sei nguva yemberi? (b) Nei vanhu vasingagoni kuparira nguva yemberi iri nani?
13 Zvisinei, Zvapupu zvaJehovha zvinodavira kuti rudzi rwomunhu rune nguva yemberi yakajeka, yakanakisisa! Asi hazvikariri kuti nguva yemberi iyoyo iri nani ichauya nenhamburiko dzavanhu. Panzvimbo pezvo, zvinotarira kuMusiki, Jehovha Mwari. Anoziva kuti nguva yemberi ichava yakaita sei, uye kuti ichava yakaisvonaka! Anozivawo kuti vanhu havagoni kuparira nguva yemberi yakadaro. Sezvo Mwari akavasika, anoziva ganhuriro dzavo zvikuru kupfuura munhu upi noupi zvake. MuShoko rake, anotiudza zvakajeka kuti haana kusika vanhu vane mano okutonga nenzira inobudirira vasingatungamirirwi naMwari. Kubvumira kwaMwari kutonga kwavanhu kwenguva refu vakazvimirira kwakaratidzira kusakwanisa ikoko pasina mubvunzo upi noupi. Mumwe munyori akabvuma kuti: “Ndangariro yomunhu yakaedza mibatanidzwa yose inobvira youchangamire, uye pasina betsero.”
14 Pana Jeremia 10:23, tinorava mashoko omuporofita akafuridzirwa okuti: “Haiwa, Jehovha, ndinoziva kuti nzira yomunhu haizi yake amene; munhu, unofamba, haagoni kururamisa nhano dzake.” Uyewo, Pisarema 146:3 rinoti: “Regai kuvimba namachinda, kana nomwanakomana womunhu, usingagoni kubatsira.” Kutaura idi, nemhaka yokuti tinozvarwa tisina kukwana, sokuratidza kunoita VaRoma 5:12, Shoko raMwari rinotinyevera kuti tisazvivimbawo. Jeremia 17:9 inoti: “Mwoyo unonyengera kupfuura zvinhu zvose.” Nokudaro, Zvirevo 28:26 inozivisa kuti: “Unotenda mwoyo wake, ibenzi; asi unofamba nouchenjeri, ucharwirwa.”
15. Ndokupi kwatinogona kuwana uchenjeri kuti hutitungamirire?
15 Uchenjeri uhu tinogona kuhuwanepi? “Kuvamba kwouchenjeri ndiko kutya Jehovha; kuziva Mutsvene ndidzo njere.” (Zvirevo 9:10) Jehovha bedzi ndiye ane uchenjeri hunogona kutitungamirira munguva idzi dzinotyisa. Uye akatipa uchenjeri hwake kupfurikidza naMagwaro Matsvene, aakafuridzira kuti atitungamirire.—Zvirevo 2:1-9; 3:1-6; 2 Timotio 3:16, 17.
Nguva Yemberi Yokutonga Kwavanhu
16. Ndiani akasarudza nguva yemberi?
16 Ipapoka, Shoko raMwari rinotiudzei pamusoro penguva yemberi? Rinotiudza kuti nguva yemberi zvirokwazvo haizoratidzi zvakaita vanhu munguva yakapfuura. Naizvozvo murangariro waPatrick Henry wakanga usina kururama. Nguva yemberi yapasi rino navanhu vari pariri inofanira kusarudzwa, kwete navanhu, asi naJehovha Mwari. Kuda kwake kuchaitwa pasi pano, kwete kuda kwavanhu vapi navapi kana kuti marudzi enyika ino. “Mumwoyo womunhu mune ndangariro zhinji; asi kurayirira kwaJehovha ndiko kuchamira.”—Zvirevo 19:21.
17, 18. Chii chiri kuda kwaMwari munguva yedu?
17 Mwari anodei nokuda kwenguva yedu yemberi? Akaronga kugumisa iyi gadziriro yezvinhu ine masimba masimba, younzenza. Kutonga kwakaipa kwavanhu kwagara mazana amakore akawanda kuchakurumidza kutsiviwa nekutonga kunoitwa naMwari. Uporofita hunowanwa pana Dhanieri 2:44 hunoti: “Namazuva amadzimambo iwayo [aripo nhasi] Mwari wokudenga uchamutsa ushe [mudenga], husingatongozoparadzwi, uye simba rahwo haringapfuuri kuno rumwe rudzi rwavanhu, asi ihwo hwuchaputsanya nokuparadza ushe uhwo hwose, ihwo huchamira nokusingaperi.” Umambo huchabvisawo pesvedzero yakaipa yaSatani Dhiyabhorosi, chimwe chinhu chisingambogoni kuitwa navanhu. Kutonga kwake nyika ino kuchaguma nokusingaperi.—VaRoma 16:20; 2 VaKorinte 4:4; 1 Johane 5:19.
18 Cherekedza kuti hurumende yokudenga ichaparadza zvimiro zvose zvokutonga kwavanhu. Kutongwa kwapasi rino hakuzosiyirwi vanhu. Mudenga, avo vanoumba Umambo hwaMwari vachadzora zvinhu zvose zvapasi kuti zvinakire rudzi rwomunhu. (Zvakazarurwa 5:10; 20:4-6) Pasi pano, vanhu vakatendeka vachabatira pamwe nenhungamiro dzoUmambo hwaMwari. Uku ndiko kutonga uko Jesu akatidzidzisa kunyengeterera paakati: “Ushe hwenyu ngahuuye; kuda kwenyu ngakuitwe panyika sezvakunoitwa kudenga.”—Mateo 6:10.
19, 20. (a) Bhaibheri rinorondedzera sei gadziriro yoUmambo? (b) Kutonga kwahwo kuchaitirei rudzi rwomunhu?
19 Zvapupu zvaJehovha zvinotenda Umambo hwaMwari. “Matenga matsva” ayo muapostora Petro akanyora nezvawo kuti: “Sezvaakapikira, tinotarira denga idzva nenyika itsva, munogara kururama mazviri.” (2 Petro 3:13) “Nyika itsva” inzanga itsva yavanhu ichatongwa namatenga matsva, Umambo hwaMwari. Iyi ndiyo gadziriro iyo Mwari akazivisa muchiono kumuapostora Johane, uyo akanyora kuti: “Ndakaona denga idzva nenyika itsva, nokuti denga rokutanga nenyika yokutanga zvakanga zvapfuura; . . . [Mwari] uchapisika misodzi yose pameso avo; rufu haruchavipo, kana kuchema, kana kurira, kana kutambudzika hazvingavipo; nokuti zvokutanga zvapfuura.”—Zvakazarurwa 21:1, 4.
20 Cherekedza kuti pasi idzva richava rakarurama. Zvinhu zvose zvisina kururama zvichava zvabviswa nechiito chaMwari, hondo yeArmagedhoni. (Zvakazarurwa 16:14, 16) Uporofita huri pana Zvirevo 2:21, 22 hunozvitaura nenzira iyi: “Vakarurama vachagara panyika, vakakwana vacharambirapo. Asi vakaipa vachaparadzwa panyika.” Uye Pisarema 37:9 rinopikira kuti: “Vanoita zvakaipa vachagurwa; asi vanorindira Jehovha vachagara nhaka yenyika.” Haungadi kugara munyika itsva yakadaro here?
Tenda Zvipikirwa zvaJehovha
21. Nei tichigona kutenda zvipikirwa zvaJehovha?
21 Tinogona kutenda zvipikirwa zvaJehovha here? Teerera zvaanotaura kupfurikidza nomuporofita wake Isaya: “Rangarirai zvinhu zvapfuura zvakare; nokuti ndini Mwari, hakuna mumwe, ndini Mwari, hakuna wakafanana neni; iye unoparidza kubva pakutanga izvo zvichaitika pakupedzisira, nokubva panguva yekare kare zvinhu zvichigere kuitwa, ndichiti: Zvandakarayira zvichamira, ndichaita zvose zvandinoda.” Rutivi rwokupedzisira Isa 46rwendima 11 rwunoti: “Ndakataura, ndichazviuyisawo, ndakazvitema, ndichazviitawo.” (Isaya 46:9-11) Hungu, tinogona kutenda Jehovha nezvipikirwa zvake kungoita sokuti zvipikirwa izvozvo zvakatoitika. Bhaibheri rinozvitaura nenzira iyi: “Kutenda ndirwo rusimbiso rwezvinhu zvatinotarira, nechiratidzo chezvinhu zvatisingaoni.”—VaHebheru 11:1.
22. Nei tichigona kuvimba kuti Jehovha achazadzika zvipikirwa zvake?
22 Vanhu vanozvininipisa vanoratidza kutenda kwakadaro nemhaka yokuti vanoziva kuti Mwari achazadzika zvipikirwa zvake. Somuenzaniso, pana Pisarema 37:29, tinorava kuti: “Vakarurama vachagara nhaka yenyika, vachagaramo nokusingaperi.” Tinogona kuzvidavira here? Hungu, nemhaka yokuti VaHebheru 6:18 inoti: “Mwari haagoni kureva nhema.” Pasi nderaMwari zvokuti anogona kuripa vanozvininipisa here? Zvakazarurwa 4:11 inozivisa kuti: “Makasika zvinhu zvose, zvakavapo, zvikasikwa nokuda kwenyu.” Nokudaro, Pisarema 24:1 rinoti: “Nyika ndeyaJehovha, nokuzara kwayo.” Jehovha akasika pasi, nderake, uye anoripa avo vanomutenda. Kuti ibetsere kuvaka chivimbo chedu muna izvozvi, nyaya inotevera icharatidza nzira iyo Jehovha akachengeta nayo zvipikirwa zvake kuvanhu vake munguva dzakapfuura pamwe chete nomuzuva redu uye chikonzero nei tichigona kuva nechivimbo chakakwana chokuti achaita kudaro munguva yemberi.
Mifungo Yokuhwirudzura
◻ Chii chakaitika kutariro dzavanhu munhau yose?
◻ Nei tisingafaniri kutarira kuvanhu nokuda kwenguva yemberi iri nani?
◻ Chii chiri kuda kwaMwari pamusoro penguva yemberi?
◻ Nei tichivimba kuti Mwari achazadzika zvipikirwa zvake?
[Mufananidzo uri papeji 10]
Bhaibheri nenzira yakarurama rinoti: “Munhu . . . haagoni kururamisa nhano dzake.”—Jeremia 10:23.
[Kwazvakatorwa]
Bhomba: U.S. National Archives photo; vana vakaonda: WHO/OXFAM; vapoteri: UN PHOTO 186763/J. Isaac; Mussolini naHitler: U.S. National Archives photo