Bhuku reBhaibheri Nhamba 7—Vatongi
Munyori: Samueri
Nzvimbo Yakanyorerwa: Israeri
Kunyora Kwakapedzwa: Munenge muna 1100 B.C.E.
Nguva Yakafukidzwa: Munenge muna 1450–munenge muna 1120 B.C.E.
1. Nhambo yavatongi yakanga ichikosha munzirai?
HEINO peji yenhau yaIsraeri yakati ndee nechiito, inopoterera pakati pemhinganidzo dzine ngozi norudzidziso rwamadhemoni nenunuro dzenyasha dzaJehovha dzavanhu vake vanopfidza dzaiitwa navatongi vakagadzwa nomutoo woumwari. Zvinokuchidzira kutenda ndizvo zviito zvaOtnieri, Ehudhi, Shamgari, navamwe vatongi vakatevera. Sokutaura kwakaita munyori waVaHebheru: “Nguva ichandiperera kana ndikapfuurira kurondedzera pamusoro paGidheoni, Bharaki, Samsoni, Jefta, . . . avo kupfurikidza nokutenda vakakurira maumambo mukurwisana, vakaita kururama, . . . vakasimbiswa kubva pachimiro chendangariro choutera, vakava vane simba muhondo, vakadzinga mauto avokumwe.” (VaH. 11:32-34, NW) Kukwanisa nhamba yavatongi 12 vakatendeka veiyi nhambo, kunawo Tora, Jairi, Ibzani, Eroni, uye Abdhoni. (Samueri haawanzoverengerwa pakati pavatongi.) Jehovha akarwa hondo dzavatongi nokuda kwavo, uye mudzimu wakavafukidzira sezvavaiita zviito zvavo zvounyanzvi. Vakapa mbiri yose norukudzo kuna Mwari wavo.
2. Zita rechiHebheru rebhuku raVatongi rakakodzera munzirai?
2 MuSeptuagint bhuku racho rinonzi Kri·taiʹ, uye muBhaibheri rechiHebheru, ndiSho·phetimʹ, iro rinoshandurwa kuti “Vatongi.” Sho·phetimʹ rinotorwa mushoko rechiito rokuti sha·phatʹ, kureva ku“tonga, kureverera, kuranga, kudzora,” iro rinosanoratidzira nzvimbo yaava vagadzwi voubati ushe hwaMwari va“Mwari Mutongi wavose.” (VaH. 12:23, NW) Vakanga vari vanhu vakamutswa naJehovha panhambo chaidzoidzo kuti vadzikinure vanhu vake muusungwa hwokumwe.
3. Bhuku raVatongi rakanyorwa rini?
3 Bhuku raVatongi rakanyorwa rini? Kutaura kuviri kuri mubhuku kunotibetsera kuwana mhinduro. Kwokutanga ndouku: “Asi vaJebhusi vanopfuurira kugara . . . muJerusarema kusvikira nhasi.” (Vat. 1:21, NW) Sezvo Mambo Dhavhidhi akatapa “nhare yeZioni” kuvaJebhusi mugore rechisere rokutonga kwake, kana muna 1070 B.C.E., bhuku raVatongi rinofanira kuve rakanyorwa musi iwowo usati wasvika. (2 Sam. 5:4-7) Kutaura kwechipiri kunooneka kana: “Mumazuva iwawo kwakanga kusina mambo muna Israeri.” (Vat. 17:6, NW; 18:1; 19:1; 21:25) Nokudaro, chinyorwa chakanyorwa panguva apo kwakanga kuna “mambo muna Israeri,” ndiko kuti, pashure pokunge Sauro ava mambo wokutanga muna 1117 B.C.E. Naizvozvo rinofanira kupiwa musi pakati pa1117 na1070 B.C.E.
4. Ndiani aiva munyori webhuku raVatongi?
4 Ndiani aiva munyori? Nomutoo usingapokanwi, akanga ari mubatiri anozvipira waJehovha. NdiSamueri uyo anochachamara oga bedzi somutsigiri mukuru wokunamatwa kwaJehovha panguva ino yokuchinja kubva kuvatongi kuenda kumadzimambo, uye iyewo ndewokutanga womumutsara wavaporofita vakatendeka. Sowakadaro, Samueri aizova uyo ane mufungo kunyora nhau yavatongi.
5. Nhambo yenguva yebhuku raVatongi ingawanwa sei?
5 Bhuku raVatongi rinofukidza nhambo refu yakadini? Iyoyi inogona kuwanwa muna 1 Madzimambo 6:1, iyo inoratidza kuti Soromoni akavamba kuvaka imba yaJehovha mugore rechina rokutonga kwake, iro rakangawo riri “gore rechimazana mana namakumi masere pashure pokunge vanakomana vaIsraeri vabuda munyika yeEgipita.” (“Gore rechimazana mana namakumi masere” zvayiri nhamba isina kukwana, inomirira makore 479 akakwana.) Nhambo yenguva dzinozivikanwa dzaibatanidzwa mumakore 479 ndiwo makore 40 muudzori hwaMosesi murenje (Dheut. 8:2), makore 40 okutonga kwaSauro (Mabasa 13:21), makore 40 okutonga kwaDhavhidhi (2 Sam. 5:4, 5), uye makore akazara 3 okutonga kwaSoromoni. Kubvisa iyi hwerengedzo yose yamakore 123 mumakore 479 a1 Madzimambo 6:1, kunosara makore 356 nokuda kwenhambo iri pakati pokupinda kwaIsraeri muKanani nokutanga kwokutonga kwaSauro.a Zviitiko zvakanyorwa mubhuku raVatongi, zvinotambanuka zvikurukuru kubvira parufu rwaJoshua kusvikira kunguva yaSamueri, zvinofukidza makore anenge 330 eiyi nhambo yamakore 356.
6. Chii chinobvumikisa huchokwadi hwebhuku raVatongi?
6 Uchokwadi hwebhuku raVatongi hahupokanwi. VaJudha nguva dzose vairibvuma sorutivi rwamanyoro eBhaibheri. Vanyori vaose ari maviri Magwaro echiHebheru neechiKristu echiGiriki vakashandisa chinyorwa chao, sapana Pisarema 83:9-18; Isaya 9:4; 10:26; uye VaHebheru 11:32-34. Muuchokwadi, harivanzi chinhu chezvikanganiso zvaIsraeri uye kutsauka, nepo panguva imwe cheteyo rinosimudzira mutsa worudo usingaperi waJehovha. NdiJehovha, uye kwete mutongiwo zvake wounhu, anogamuchira mbiri soMununuri muna Israeri.
7. (a) Ruzivo rwokuchera matongo runotsigira sei chinyorwa mubhuku raVatongi? (b) Neiko Jehovha akaraira nomutoo wakarurama kuparadzanywa kwavanamati vaBhaari?
7 Kupfuurirazve, zviwanwa zvoruzivo rwokuchera matongo zvinotsigira huchokwadi hwebhuku raVatongi. Zvinoisvoorora zvikuru ndezviya zvinoreva nezvechimiro chorudzidziso rwaBhaari rwavaKanani. Kunze kwenongedzero dzeBhaibheri, zvishomanene zvaizivikanwa nezverudzidziso rwaBhaari kutozosvikira guta rekare ravaKanani reUgarit (Ras Shamra yazvino uno iri pamahombekombe eSiria pakanangana nomuromo wokuchamhembe kwakadziva kumabvazuva kwechitsuva cheKupro) racherwa, kuvambira muna 1929. Pano, rudzidziso rwaBhaari rwakaziviswa sorunoratidzira kudisa zvinhu zvenyika, urudzi hwokunyanyisa, uye kunamatwa kwevatano. Guta rimwe nerimwe ravaKanani sezvinooneka rakanga rine tembere yaBhaari pamwe chete nenzvimbo dzokunamatira dzinozivikanwa senzvimbo dzakakwirira. Mukati menzvimbo dzokunamatira, mungave mave mune mifananidzo yaBhaari, uye pedyo neatari nechokunze paiwanwa shongwe dzamatombo—zvimwe zviratidzo zvemitezo yokubereka nayo zvaBhaari. Zvibayiro zvavanhu zvinonyangadza zvakazadza idzi nzvimbo dzokunamatira neropa. Apo vaIsraeri vakashatswa norudzidziso rwaBhaari, ivo nenzira imwe cheteyo vakapira vanakomana vavo navanasikana vavo. (Jer. 32:35) Pakanga pane danda rinoyera rinomirira mai vaBhaari, Ashera. Mwarikadzi woruzvaro, Ashtoreti, mudzimai waBhaari, akanga achinamatwa nemiitiro yevatano yakashata, vose vari vaviri varume navakadzi vachiva vanochengetwa sezvifeve zvapatembere zva“katsaurirwa.” Hakushamisi kuti Jehovha akanga arayira kuparadzwa kworudzidziso rwaBhaari navateveri varwo voutsinye. “Ziso rako harifaniri kuvanzwira urombo; uye haufaniri kubatira vamwari vavo.”—Dheut. 7:16, NW.b
ZVIRI MUBHUKU RAVATONGI
8. Bhuku raVatongi nomutoo une mufungo rinokamuranisirwa muzvikamui?
8 Bhuku rinokamuraniswa nomutoo unomufungo kuva zvikamu zvitatu. Maganhuro maviri okutanga anorondedzera migariro iri muna Israeri panguvayo. Maganhuro 3 kusvikira ku16 anorondedzera kununurwa kwavatongi 12. Maganhuro 17 kusvikira ku21 ipapo anorondedzera zvimwe zviitiko zvinobatanidza gakava romukati riri muna Israeri.
9. Mamirire ezvinhu ekare anogoverwa namaganhuro maviri okutanga ebhuku raVatongi?
9 Mamirire ezvinhu muna Israeri panguva yavatongi (1:1–2:23). Ndudzi dzaIsraeri dzinorondedzerwa sezvadzinopararira kuti dzindogara mumaruwa adzo akagoverwa. Zvisinei, panzvimbo pokudzinga chose chose vaKanani, vanoisa vazhinji vavo muchibharo, vachivabvumidza kugara pakati pavaIsraeri. Naizvozvo ngirozi yaJehovha inozivisa kuti, “Ivo vanofanira kuva musungo kwamuri, uye vamwari vavo vachabatira sohwambo kwamuri.” (2:3, NW) Nokudaro, apo chizvarwa chitsva chinomuka chisingazivi Jehovha kana kuti mabasa ake, vanhu nokukurumidza vanomusiya kuti vabatire vanaBhaari navamwe vamwari. Nokuti ruoko rwaJehovha rwunorwisana navo nokuda kwejambwa, vanopinda “mukutambudzika zvikuru.” Nemhaka youkukutu hwomwoyo wavo nokuramba kuteerera kunyange vatongi, Jehovha haadzingi rumwe nerumwe rwamarudzi aakasiya kuti aedze Israeri. Aya mamirire ezvinhu ekare iyamuro mukunzwisisa zviitiko zvinotevera.—2:15.
10. Otnieri anotonga nesimba raani, uye nomuuyoi?
10 Mutongi Otnieri (3:1-11). Mukutambudzika nemhaka youtapwa hwavo kuvaKanani, vanakomana vaIsraeri vanovamba kudana pana Jehovha nokuda kweyamuro. Iye anotanga kumutsa Otnieri somutongi. Otnieri anotonga kupfurikidza nesimba nouchenjeri zvomunhu here? Nyangwe, nokuti tinorava, kuti: “Mudzimu waJehovha zvino unoburukira paari” kuti akurire vavengi vaIsraeri. “Pashure paikoko nyika yakanga isina dzongonyedzo kwamakore ana makumi mana.”—3:10, 11, NW.
11. Jehovha anoshandisa sei Ehudhi mukuunza rununuro kuna Israeri?
11 Mutongi Ehudhi (3:12-30). Apo vanakomana vaIsraeri vave vari pasi pamambo Egroni weMoabhi kwamakore 18, Jehovha zvakare anonzwa kudanidzira kwavo nokuda kweyamuro, uye iye anomutsa Mutongi Ehudhi. Achiwana vateereri vapachivande namambo, Ehudhi ane chiboshwe anobvuta munondo wake waakazvigadzirira pasi penguo yake ndokuuraya Egroni kupfurikidza nokutubvura munondo mudumbu raEgroni rakafuta. Nokukurumidza Israeri anoungana kurutivi rwaEhudhi mukurwisana naMoabhi, uye nyika zvakare inofarikanya zororo rokupiwa naMwari, kwamakore 80.
12. Chii chinoratidza kuti rukundo rwaShamgari runoitwa nesimba raMwari?
12 Mutongi Shamgari (3:31). Shamgari anoponesa Israeri kupfurikidza nokuuraya vaFiristia vane 600. Kuti rukundo runoitwa nesimba raJehovha kunoratidzirwa nechombo chaanoshandisa—mugofowo zvawo wen’ombe.
13. Zviitikoi zvinokatyamadza zvinogumiswa norwiyo rworukundo rwaBharaki naDhebhora?
13 Mutongi Bharaki (4:1–5:31). Israeri anotevera kuva pasi pamambo wavaKanani Jabhini nomukuru mukuru wake weuto, Sisera, anoganza nezvokuva nengoro 900 dzina mapanga amatare. Israeri zvaanovambazve kudanidzira kuna Jehovha, Iye anomutsa Mutongi Bharaki, anotsigirwa zvikuru nomuporofitakadzi Dhebhora. Kuti Bharaki neuto rake vagorega kuva nechisakiso chokuganza, Dhebhora anozivisa kuti hondo icharwiwa kupfurikidza nenhungamiro yaJehovha, uye anoporofita, kuti: “Jehovha uchatengesa Sisera muruoko rwomukadzi.” (4:9, NW) Bharaki anounganidza pamwe chete varume vokwaNafitari naZebhuroni kuGomo reTabhori. Uto rake ravane 10 000 ipapo rinoburuka kuti rirwe hondo. Kutenda kwakasimba kunowana zuva. ‘Jehovha anovamba kuvhundutsa Sisera nengoro dzake dzose dzehondo uye musasa wose,’ achivanyudza namafashamo anofashamira mumupata waKishoni. “Hakuna kusara kunyange mumwe chete.” (4:15, 16) Jaeri, mudzimai waHebheri muKeni, ane tendi rinotizira Sisera, anopedzisa kuuraya kupfurikidza nokubayirira musoro waSisera papasi nembambo yetendi. “Nenzira iyeyo Mwari akakurira Jabhini.” (4:23, NW) Dhebhora naBharaki vakafara zvikuru murwiyo, vachikudza simba risingakundiki raJehovha, akaparira kunyange nyeredzi kuti dzirwe dziri mumikoto yadzo yokutenderera naSisera. Zvamazvirokwazvo, inguva yoku“kudza Jehovha”! (5:2) Makore ana makumi mana erugare runotevera.
14, 15. Gidheoni anowana chiratidzoi chetsigiro yaJehovha, uye iyi tyisidziro inosimbiswazve sei mukukurirwa kwokupedzisira kwavaMidhiani?
14 Mutongi Gidheoni (6:1–9:57). Vanakomana vaIsraeri vanoitazve zviri zvakashata, uye nyika inoparadzanywa navaMidhiani vanopamba. Jehovha, kupfurikidza nengirozi yake, anogadza Gidheoni somutongi, uye Jehovha amene anowedzera vimbiso namashoko anoti, “Ini ndichabvumikisa kuva newe.” (6:16, NW) Chiito choushingi chokutanga chaGidheoni ndechokuputsa atari yaBhaari iri muguta rokumusha kwake. Mauto akabatana omuvengi zvino anoyambukira mhiri kwaJezreeri, uye ‘mudzimu waJehovha unofukidza Gidheoni’ sezvaanorayira Israeri kuti arwe. (6:34) Kupfurikidza nomuedzo wokunanika dehwe rine mvere kudova paburiro, Gidheoni anowana zviratidzo zviviri zvokuti Mwari unaye.
15 Jehovha anoudza Gidheoni kuti uto rake ravane 32 000 rakanyanyokurisa uye kuti ukuru hungapa chisakiso chokuzvitutumadza kwounhu pamusoro porukundo. Vanotya vanotanga kutumirwa kumba, kuchisara vanenge 10 000. (Vat. 7:3; Dheut. 20:8) Ipapo, kupfurikidza nomuedzo wokunwa mvura, vose vanobviswa kunze kwavane 300 vakasvinurira navanorinda vanobviswa. Gidheoni anoshora musasa wavaMidhiani usiku uye anosimbiswa apo iye anonzwa murume anodudzira chiroto kureva kuti “ichi hachiziri chimwe chinhu kunze kwomunondo waGidheoni . . . Mwari wechokwadi apa Midhiani nomusasa wose muruoko rwako.” (Vat. 7:14, NW) Gidheoni anonamata Mwari dzokonokei oronga varume vake mapoka mapoka matatu kupoteredza musasa wavaMidhiani. Ruteramo rwousiku runoputsanywa nokukurumidza nokurira kwehwamanda, nokuputsanywa kwezvirongo zvikuru zvemvura, nokupenya kwamazhenje, uye nokudanidzira kwavane 300 vaGidheoni, “Munondo waJehovha nowaGidheoni!” (7:20) Musasa womuvengi unonyongana. Varume vanorwisana uye vanotiza. Israeri anovatandanisa, achivauraya uye kuuraya machinda avo. Vanhu vaIsraeri zvino vanokumbira Gidheoni kuti abate ushe pavari, asi iye anoramba, achiti, “Jehovha ndiye uchakutongai.” (8:23, NW) Zvisinei, anoita efodhi nezvakapambwa zvehondo, iyo gare gare inova inokudzwa zvakanyanyisa nokudaro inova musungo kuna Gidheoni naveimba yake. Nyika inova nezororo kwamakore 40 mukati moutongi hwaGidheoni.
16. Ishurikidzoi inowira mubvuti Abhimereki?
16 Abhimereki, mumwe wavanakomana vaGidheoni akaberekwa nomurongo, anobvuta simba pashure porufu rwababa vake, uye anouraya 70 vavanun’una nokuna vamwe vanamai. Jotami, gotwe raGidheoni, ndiye bedzi anopukunyuka, uye iye anozivisa mugumo waAbhimereki ari pamusoro peGomo reGerizimi. Muno uyu mufananidzo pamusoro pemiti, anofananidzira “umambo” hwaAbhimereki nohuya hwegwenanguruve rakaderera. Abhimereki nokukurumidza anobatwa mugakava romukati muShekemi uye anoderedzerwa murufu, achiva anourawa nomukadzi apo anoita kurovanya kwakananga neguyo rinokandirwa kubva pashongwe yeTebhezi, richipwanya dehenya rake.—Vat. 9:53; 2 Sam. 11:21.
17. Chinyorwa chinozivisei nezvomutongi Tora naAiri?
17 Vatongi Tora naJairi (10:1-5). Ava ndivanotevera kuita nunuro musimba raJehovha, vachitonga kwamakore 23 uye 22 mukutevedzana.
18. (a) Jefta anounza rununuroi? (b) Jefta nomutoo wokutendeka anoita mhikoi kuna Jehovha? Sei?
18 Mutongi Jefta (10:6–12:7). Israeri zvaanopfuurira mukutendeukira kukunamata zvifananidzo, kutsamwa kwaJehovha kunowirazve parudzi rwacho. Vanhu zvino vanotambura dzvinyiriro inoitwa navaAmoni navaFiristia. Jefta anodanwazve muusungwa kuti atungamirire Israeri mukurwa. Asika ndiani mutongi chaiye mune iri gakava? Mashoko aJefta amene anogovera mhinduro: “Jehovha Mutongi ngaatonge nhasi pakati pavanakomana vaIsraeri navanakomana vaAmoni.” (11:27, NW) Mudzimu waJehovha zvino zvaunoburukira paari, iye anopika kuti pakudzoka kubva kuAmoni murugare, iye achapira kuna Jehovha uyo achatanga kubuda muimba yake kuzomuchingura. Jefta anokurira Amoni nokuuraya kukuru. Zvaanodzokera kumusha kwake muMizpa, mwanasikana wake amene ndiye anotanga kubuda achimhanya kuzomuchingura nomufaro parukundo rwaJehovha. Jefta anozadzika mhiko yake—kwete, handi nechibayiro chounhu chechihedheni mukuwirirana nemiitiro yaBhaari, asi kupfurikidza nokupa uyu mwanasikana bedzi kubasa rakazara muimba yaJehovha kurumbidzwo Yake.
19. Zviitikoi zvinosakisa muedzo wokuti “Shibhoreti”?
19 Vanhu vokwaEfraimi zvino vanotsutsumwa kuti ivo havana kudanwa kuti varwisane naAmoni, nokudaro vanotyisidzira Jefta, uyo anogombedzerwa kuvadzingira shure. Vose, vaEfraimi vane 42 000 vanourawa, vazhinji vavo pamazambuko eJoridhani, apo vanozivikanwa nokukundikana kwavo kududza shoko rokuedza rokuti vapfuure rokuti “Shibhoreti” zvakarurama. Jefta anopfuurira kutonga Israeri kwamakore matanhatu.—12:6.
20. Ndavapi vatongi vatatu vanotevera kuwana kududzwa?
20 Vatongi Ibzani, Eroni, uye Abdhoni (12:8-15). Kunyange zvazvo zvishomanene zvichidudzwa pamusoro paivava, nhambo dzokutonga kwavo dzinotaurwa samakore manomwe, gumi, uye masere mukutevedzana.
21, 22. (a) Samsoni anoita mabasai nesimba, uye nesimbai? (b) Samsoni anokurirwa sei navaFiristia? (c) Zviitikoi zvinogumisa basa gurusa raSamsoni, uye ndiani anomuyeuka muiyi awa?
21 Mutongi Samsoni (13:1–16:31). Zvakare Israeri anova nhapwa kuvaFiristia. Nguva ino ndiSamsoni uyo Jehovha anomutsa somutongi. Vabereki vake vanomupira soMunaziri kubvira pakuberekwa, uye ikoku kunoda kuti hapana chisvo chinozombosvika pabvudzi rake. Zvaanokura, Jehovha anomukomborera, uye ‘mukufambira mberi kwenguva mudzimu waJehovha unotanga kumusunda.’ (13:25) Chakavanzika chesimba rake chiri, kwete mutsandanyama dzounhu, asi musimba rinogoverwa naJehovha. Ndapaye apo ‘mudzimu waJehovha unoshanda paari’ apo iye anosimbiswa kuuraya shumba namaoko ake asine chinhu uye gare gare kupindura nyengedzo yavaFiristia kupfurikidza nokuuraya 30 venhamba yavo. (14:6, 19) Asi vaFiristia vanopfuurira kuita nomutoo wokunyengera pamusoro pevimbisano yaSamsoni kumusikana wechiFiristia, Samsoni anotora makava 300 uye, achiabatanidza muswe nomuswe, anoisa mazhenje pakati pemiswe yao ndokuaregeredza kuti andopisa minda yezviyo, minda yemizambiringa neminda yemiorivhi yavaFiristia. Ipapo anoita kuurawa kukuru kwavaFiristia, “vachiunganidza makumbo pazvidya.” (15:8, NW) VaFiristia vakapesvedzera vaIsraeri biyake, varume vaJudha, kusunga Samsoni ndokumuunza kwavari, asi zvakare ‘mudzimu waJehovha unoshanda paari,’ uye zvisungo zvake zvakanyauka, sokunge zvakadaro, pamaoko ake. Samsoni anouraya vaFiristia vane chiuru—“murwi mumwe, mirwi miviri!” (15:14-16, NW) Chii chaiva chombo chake chokuparadza nacho? Rushaya rwakanyorova rwembongoro. Jehovha anomutsidzira mubatiri wake wofa nenyota kupfurikidza nokusakisa tsime renenji remvura kuti ritubuke panzvimbo yehondo.
22 Samsoni anoteverazve kugara usiku paimba yechifeve muGaza, uko vaFiristia chinyararire vanomukomba. Zvisinei, mudzimu waJehovha unobvumikisazve kuva unaye zvaanomuka pakati pousiku, anodzura masuo omukova weguta namagwatidziro, ndokuatakurira kure kurwenze rwegomo rakanangana neHebroni. Pashure paikoku anodanana naDerira anonyengera. Chishandiswa chinodisa chavaFiristia, anomunetsa kutozosvikira awadzanyura kuti kuzvipira kwake kwoMunaziri kuna Jehovha, sokunofananidzirwa nebvudzi rake refu, ndiko manyuko chaiwo esimba rake guru. Achingunoveri avete, anoita kuti bvudzi rake rivevurwe. Nguva ino hakuna maturo kuti iye apepuke kuti arwe hondo, nokuti “akanga ari Jehovha akanga abva kwaari.” (16:20, NW) VaFiristia vanomubata, vanotushura meso ake, vanomuendesa kundokuya somuranda muimba yavo yetorongo. Zvainova nguva yomutambo mukuru mukukudzwa kwamwari wavo Dhagoni, vaFiristia vanobudisa Samsoni kuti avaitire varayidzo. Vachikundikana kunamatidza ukoshi kuidi rokuti bvudzi rake rakakurazve kuva refu, vanomubvumidza kuti amire pakati pembiru mbiri dzakasimba dzeimba inoshandiswa nokuda kwokunamatwa kwaDhagoni. Samsoni anodana pana Jehovha: “Ishe Jehovha, ndiyeukei, ndapota, uye ndisimbesei, ndapota, nguva ino bedzi.” Jehovha anomuyeuka chaizvo. Samsoni anobata mbiru uye ano‘kotama nesimba’—simba raJehovha—‘uye imba inowa zvokuti vanofa vaanouraya murufu rwake amene vanosvika pakuva vakawanda kupfuura avo iye akauraya mukati mendurano yake.’—16:28-30, NW.
23. Zviitikoi zvinorondedzerwa muganhuro 17 kusvikira ku21, uye zvakaitika rini?
23 Zvino tinosvika kumaganhuro 17 kusvikira ku21, ayo anorondedzera zvimwe zvegakava romukati iro nomutoo usingafadzi rinotapura Israeri mukati menguva ino. Izvi zviitiko zvinoitika mukuvamba chaimo menhambo yavatongi, sezvinoratidzirwa nokududzwa kwaJonatani naPinehasi, vazukuru chibvi vaMosesi naAroni, sezvo vachiri vapenyu.
24. Vamwe vaDhani vanotanga sei rudzidziso rwokuzvimirira?
24 Mika navaDhani (17:1–18:31). Mika, munhu wokwaEfraimi, anovaka chivako chorudzidziso rwakazvimirira chake amene, “imba [yezvidhori] yavamwari,” chinomufananidzo wakavezwa nomuprista wechiRevhi. (17:5) Vanhu vendudzi yaDhani vanopfuura napo vachienda kundotsvaka nhaka kuchamhembe. Vanopamba Mika zvinhu zvake zvorudzidziso nomuprista, uye vanoenda kure kuchamhembe kundoparadza guta risinganyumwiri reRaishi. Munzvimbo yaro vanovaka guta ravo vamene raDhani ndokumisa mufananidzo wakavezwa waMika. Nokudaro, vanotevera rudzidziso rwavo rwechisarudzo chavo vamene chokuzvimirira mazuva ose ayo imba yaJehovha wokunamata kwechokwadi inopfuurira muShiro.
25. Gakava romukati muna Israeri rinogumiswa sei paGibhea?
25 Chivi chaBhenjamini paGibhea (19:1–21:25). Chiitiko chakanyorwa chinotevera chinomutsa mashoko apashure aHosea: “Haiwa Israeri, iwe wakaita chivi kubvira pamazuva eGibhea.” (Hos. 10:9, NW) Achidzokera kumba nomurongo wake, muRevhi anobva kwaEfraimi anogara usiku nomumwe mutana muGibhea yaBhenjamini. Vanhu vakaisvoipa veguta vanokomba imba, vachirayira kuti vavatane nomuRevhi. Zvisinei, vanogamuchira murongo wake panzvimbo pake uye vanomuchinya usiku hwose. Anowanwa afa pachikumbaridzo mumangwanani. MuRevhi anoenda nomutumbi wake kumba, anoudimburanya kuva nhindi 12, ndokutumira idzodzi muna Israeri wose. Ndudzi 12 nokudarokwo dzinoedzwa. Vacharanga Gibhea nokudaro ndokubvisa mugariro wounzenza muna Israeri here? Bhenjamini anofuratira iyi mhaka yakaipa. Dzimwe ndudzi dzinoungana kuna Jehovha paMizpa, apo vanoita chinangwa rokukwira kupfurikidza nomujenya kundorwisana naBenjamini paGibhea. Pashure pokukundwa kuviri kwechishava, dzimwe ndudzi dzinobudirira kupfurikidza nechivandira uye dzinoparadzanya chose chose ndudzi yaBhenjamini, varume 600 bedzi vanopukunyukira kudombo raRimoni. Gare gare, Israeri anozvidemba kuti imwe ndudzi yakaguranywa. Nhambo inowanwa yokugovera vakadzi nokuda kwavaBhenjamini vapenyu kubva pakati pavanasikana veJabheshi-gireadhi naveShiro. Ikoku kunopfiga chinyorwa chegakava nebangano muna Israeri. Mashoko okupfiga ebhuku raVatongi anodzokorora, kuti: “Muna Israeri makanga musina mambo mumazuva iwawo. Munhu mumwe nomumwe akanga akarovedzana nokuita icho chakanga chakarurama mumeso ake amene.”—Vat. 21:25, NW.
CHIKONZERO NEI RICHIBETSERA
26. Inyeveroi dzine simba dziri mubhuku raVatongi?
26 Mukusiyana nokuvawo zvacho chinyorwa chegakava nokuteurwa kweropa, bhuku raVatongi rinokudza Jehovha soMununuri mukuru wavanhu vake. Rinoratidzira kuti nyasha dzake nomwoyo murefu zvisingaenzanisirwi zvinoratidzirwa sei kuvanhu vezita rake apo ivo vanouya kwaari nemwoyo inopfidza. Bhuku raVatongi rinobetsera zvikurusa mureverero yaro yakananga yokunamatwa kwaJehovha nenyevero dzaro dzine simba pamusoro poufuza hworudzidziso rwamadhemoni, kutenda kwakavhengana, uye songanirano dzounzenza. Shurikidzo yakakomba yaJehovha yokunamatwa kwaBhaari inofanira kutigombedzera kuti tiparadzane chose chose neenzanirano dzomuzuva razvino uno dzokudisa zvenyika, urudzi, uye dzounzenza hwevatano.—2:11-18.
27. Isu nhasi tingabetserekana sei nomuenzaniso wakanaka wavatongi?
27 Kunzverwa kwokutenda kwokusatya nokwoushingi kwavatongi kunofanira kunyandura mumwoyo medu kutenda kwakafanana. Hakushamisi kuti vanodudzwa netendero yakadaro inopenya pana VaHebheru 11:32-34! Vaiva varwi mukutsveneswa kwezita raJehovha, asi kwete musimba ravo vamene. Vaiziva manyuko esimba ravo, mudzimu waJehovha, uye vairibvuma nokuzvininipisa. Nenzira yakafanana, isu nhasi tinogona kutora “munondo womudzimu,” Shoko raMwari, tichivimba kuti Mwari uchatisimbisa sezvaakaita Bharaki, Gidheoni, Jefta, Samsoni, uye vamwe. Hungu, mukukurira mhinganidzo huru, kupfurikidza nebetsero yomudzimu waJehovha, tinogona kuva vakasimba mumudzimu sezvakanga zvakaita Samsoni mumudzimu kana isu tikanyengetera bedzi kuna Jehovha ndokutsamira paari.—VaEf. 6:17, 18; Vat. 16:28.
28. Bhuku raVatongi rinonongedzera sei mberi kutsveneswo yezita raJehovha kupfurikidza neMbeu yoUmambo?
28 Muporofita Isaya anonongedzera kubhuku raVatongi munzvimbo mbiri kuti aratidze kuti Jehovha, pasina kundikano, achavhuna sei joko iro vavengi Vake vakaisa pana vanhu vake, kungofanana nezvaakaita mumazuva aMidhiani. (Isa. 9:4; 10:26) Ikoku kunotiyeuchidzawo nezvorwiyo rwaDhebhora naBharaki, rwunogumisa nomunyengetero wokushingaira, unoti: “Nokudaro vavengi venyu vose ngavaparare, Haiwa Jehovha, uye vadi venyu ngavave seapo zuva rinobuda musimba raro.” (Vat. 5:31, NW) Asika ndiani ava vadi? Achivaratidzira kuva vadyi venhaka yoUmambo, Jesu Kristu amene akashandisa kutaura kwakafanana pana Mateo 13:43 (NW): “Panguva iyeyo vakarurama vachapenya sokupenya kunoita zuva muumambo hwaBaba wavo.” Nokudaro, bhuku raVatongi rinonongedzera mberi kunguva apo Mutongi akarurama uye Mbeu yoUmambo, Jesu, achashandisa simba. Kupfurikidza naye, Jehovha uchaunza mbiri netsveneswo yezita Rake, mutsinhirano nomunyengetero wowezvamapisarema pamusoro pavavengi vaMwari: “Vaitirei sezvamakaitira Midhiani, sezvamakaitira Sisera, sezvamakaitira Jabhini pamupata worwizi raKishoni . . . kuti vanhu vagoziva kuti imi, mune zita rinonzi Jehovha, imi moga bedzi ndimi Wokumusoro-soro pamusoro papasi.”—Pis. 83:9, 18, NW; Vat. 5:20, 21.
[Mashoko Omuzasi]
a Shanduro zhinjisa dzazvino uno dzinopupurira kuti “anenge makore ana mazana mana namakumi mashanu” aMabasa 13:20 haawirirani nenhambo yavatongi asi anoitangira; aizoratidzika kuva anofukidza nhambo inobvira pakuberekwa kwaIsaka muna 1918 B.C.E. kusvikira kukukamuraniswa kweNyika yeChipikirwa muna 1467 B.C.E. (Insight on the Scriptures, Vhor. 1, peji 462) Nhevedzano umo vatongi vanodudzwa muna VaHebheru 11:32 yakasiyana neiyo iri mubhuku raVatongi, asi iri idi harizati haro richiratidzira kuti zviitiko zviri mubhuku raVatongi hazviteveri nhevedzano yokuverengwa kwenguva, nokuti zvamazvirokwazvo Samueri haana kutevera Dhavhidhi.
b Insight on the Scriptures, Vhor. 1, mapeji 228-9, 948.