RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • si pp. 75-79
  • Bhuku reBhaibheri Nhamba 13—1 Makoronike

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Bhuku reBhaibheri Nhamba 13—1 Makoronike
  • “Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa naMwari uye Runobetsera”
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • ZVIRI MUBHUKU RAMAKORONIKE ROKUTANGA
  • CHIKONZERO NEI RICHIBETSERA
  • Pfungwa Huru Dzinobva Mubhuku reMakoronike Rokutanga
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
  • Bhuku reBhaibheri Nhamba 15—Ezra
    “Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa naMwari uye Runobetsera”
  • Bhuku reBhaibheri Nhamba 14—2 Makoronike
    “Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa naMwari uye Runobetsera”
  • Pfungwa Huru Dzatinowana Mubhuku raEzra
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
Ona Zvimwe
“Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa naMwari uye Runobetsera”
si pp. 75-79

Bhuku reBhaibheri Nhamba 13—1 Makoronike

Munyori: Ezra

Nzvimbo Yakanyorerwa: Jerusarema(?)

Kunyora Kwakapedzwa: Munenge muna 460 B.C.E.

Nguva Yakafukidzwa: Pashure pa1 Makoronike 9:44: 1077–1037 B.C.E.

1. Bhuku raMakoronike Rokutanga rutivi rwechinyorwa choumwari runokosha uye runobetsera munzirai?

BHUKU raMakoronike Rokutanga rinongova chete ndaza isingafadzi yemitsara yamadzinza here? Kunongovawo zvako kudzokororwa kwamabhuku aSamueri naMadzimambo here? Hakuna kutongodaro! Heruno rutivi runovhenekera norunokosha rwechinyorwa choumwari—chaikosha muzuva rokunyorwa kwacho mukurongazve rudzi rwacho nokunamata kwarwo, uye chinokosha nokubetsera mukuratidza mutoo wokunamata kwoumwari nokuda kwamazuva apashure, kubatanidza zuva rino razvino. Bhuku raMakoronike Rokutanga rine kumwe kwokutaurwa kwakaisvonaka zvikurusa kwerumbidzo kuna Jehovha kunofanira kuwanwa muRugwaro rwose. Rinogovera rumbonera runoshamisa rwoUmambo hwaJehovha hwokururama, uye rinofanira kufundwa nebetsero navose vanokarira Umambo ihwohwo. Mabhuku maviri aMakoronike akakosheswa navaJudha navaKristu nenzira yakafanana mumazera ose. Mushanduri weBhaibheri Jerome akanga ane mufungo wakakwirira wakadaro webhuku raMakoronike Rokutanga neRechipiri zvokuti akaarangarira kuva “pfupikiswo yeTestamente Yekare” uye akazivisa kuti “iwo ndeerevo yakakwirira yakadaro noukoshi, zvokuti uyo anorangarira amene kuva akarovedzana namanyoro anoyera, uye asati achiaziva, anongozvinyengedza amene bedzi.”a

2. Neiko bhuku raMakoronike rakanyorwa?

2 Mabhuku maviri aMakoronike sezvinooneka pakuvamba aiva bhuku rimwe, kana kuti mupumburu wamanyoro, iro gare gare rakakamurwa kuti rishandiswe zviri nyore. Neiko bhuku raMakoronike rakanyorwa? Rangarira mamiriro ezvinhu. Usungwa muBhabhironi hwakanga hwapera anenge makore 77 nguvayi isati yasvika. VaJudha vakanga vagarazve munyika yavo. Zvisinei, pakanga pane muitiro une ngozi wokubva pakunamatwa kwaJehovha patembere yakavakwazve muJerusarema. Ezra akanga abvumirwa namambo wePersia kugadza vatongi navadzidzisi vomutemo waMwari (pamwe chete nouyo wamambo) uye kunatsa imba yaJehovha. Ndaza dzamadzinza dzakarurama dzakanga dziri madikanwa kuva nechokwadi chokuti vanhu vanobvumirwa bedzi vaibatira muuprista uyewo kusimbisa nhaka dzamadzinza, umo uprista hwaiwana tsigiro yahwo. Nemhaka youporofita hwaJehovha pamusoro poUmambo, kwakanga kuri kunokoshawo kuva nechinyorwa chakajeka nechinovimbika chomutsara wedzinza waJudha nowaDhavhidhi.

3. (a) Ezra akanga achishuva kuisa chii muvaJudha? (b) Neiko akasimbisa nhau yaJudha, uye akasimbisa sei ukoshi hwokunamata kwakachena?

3 Ezra aishuva zvapachokwadi kumutsa vaJudha vakadzorerwa mukusaitira hanya kwavo uye kupinza mavari kuziva kuti zvirokwazvo ivo vakanga vari vadyi venhaka vomutsa worudo wakaitirwa sungano yaJehovha. Mubhuku raMakoronike, naizvozvo, iye akaisa pamberi pavo nhoroondo yakazara yenhau yorudzi neyemavambo orudzi rwomunhu, achidzokera shure kusvikira kuno munhu wokutanga, Adhama. Umambo hwaDhavhidhi zvahwakanga huri chinhu chinokosha, akasimbisa nhau yaJudha, achidokusiya chose chose chinyorwa chakaipisisa choumambo hwendudzi gumi. Akaratidzira madzimambo makurusa aJudha saakabatikana mukuvaka kana kuti kudzorera tembere uye achitungamirira norushingairo mukunamatwa kwaMwari. Akaonesa zvivi zvorudzidziso zvakatungamirira kukukurirwa kwoumambo, achingunosimbisawo zvipikirwa zvaMwari zvedzorero. Akasimbisa ukoshi hwokunamata kwakachena kupfurikidza nokunangidzira ngwariro paudzame hwakawanda hwaiva nechokuita netembere, vaprista vayo, vaRevhi, nyanzvi dzokuimba namarimba, zvichingunodaro. Kunofanira kuva kwaikurudzira zvikuru kuti vaIsraeri vave nechinyorwa chenhau chakanangidzira ngwariro pachikonzero chokudzoka kwavo kubva muutapwa—kudzorerwa kwokunamatwa kwaJehovha paJerusarema.

4. Ufakazii hunotsigira Ezra somunyori webhuku raMakoronike?

4 Chii chiri ufakazi hwokuti Ezra akanyora bhuku raMakoronike? Ndima mbiri dzokugumisira dzebhuku raMakoronike Rechipiri dzakafanana nendima mbiri dzokutanga dzaEzra, uye bhuku raMakoronike Rechipiri rinogumira pakati pomutsetse wamashoko unopedzerwa muna Ezra 1:3. Munyori webhuku raMakoronike anofanira naizvozvo kuve aiva munyoriwo waEzra. Ikoku kunotsigirwazve mukuti mutoo wokunyora, mutauro, kurongwa kwamashoko, uye kupereterwa kwamabhuku aMakoronike naEzra ndizvimwe chetezvo. Kumwe kwokutaura kuri muna aya mabhuku maviri hakuwaniki muna mamwe mabhuku eBhaibheri. Ezra, uyo akanyora bhuku raEzra, anofanirawo kuve akanyora bhuku raMakoronike. Gamuchidzanwa rechiJudha rinotsigira iyi mhedziso.

5. Zvii zvakanga zviri zvikwaniriso zvomudzimu nezvenyika zvaEzra?

5 Hakuna munhu akanga akakwaniriswa zviri nani kupfuura Ezra kuti aunganidze iyi nhau yechokwadi neyakarurama. “Nokuti Ezra amene akanga akagadzirira mwoyo wake kunzvera murayiro waJehovha uye kuuita uye kudzidzisa muna Israeri mutemo neruramisiro.” (Ezra 7:10, NW) Jehovha akamuyamura kupfurikidza nomudzimu mutsvene. Mutongi wenyika yePersia akaziva uchenjeri hwaMwari hwaiva mubhuku raEzra ndokumupa masimba makuru ehurumende mudunhu roruwa rwaJudha. (Ezra 7:12-26) Nokudaro akashongedzwa chiremera choumwari nechoumambo, Ezra aigona kuunganidza nhoroondo yake muzvinyorwa zvakanakisisa zvaiwanika.

6. Neiko tingava nechivimbo muururami hwebhuku raMakoronike?

6 Ezra akanga ari munzveri wechienzi. Akanzvera zvinyorwa zvekare zvikuru zvenhau yechiJudha zvakanga zvaunganidzwa navaporofita vanovimbika vairarama panguva imwe cheteyo pamwe chete neizvo zvakaunganidzwa navanyori vaiva nekodzero navachengeti vezvinyorwa zvavose. Mamwe amanyoro aakanzvera angave aiva zvinyorwa zvehurumende zvakabva kudzose dziri mbiri Israeri naJudha, zvinyorwa zvemitsara yamadzinza, mabasa enhau akanyorwa navaporofita, uye zvinyorwa zvaiva nemisoro yedzinza kana kuti yemhuri. Ezra anodudza anenge manyuko akadaro 20 amashoko.b Kupfurikidza nouku kududza kwakajeka, Ezra akapa nenzira yokutendeseka vaairarama navo mukana wokunzvera manyuko ake kana vaishuva kudaro, uye ikoku kunowedzera ukoshi hwakati kuchibvumikiso chokudavirwa nouchokwadi hweshoko rake. Isu nhasi tinogona kuva nechivimbo muururami hwamabhuku aMakoronike nokuda kwechikonzero chimwe chetecho icho vaJudha vomunguva yaEzra vakanga vane chivimbo chakadaro nacho.

7. Bhuku raMakoronike rakanyorwa rini, ndivanaaniko vakarirangarira kuva rechokwadi, uye rinofukidza nhamboi yenguva?

7 Ezra zvaa“kaenda achibva Bhabhironi” mugore rechinomwe ramambo wePersia Artashasta Longimanus, umo maiva muna 468 B.C.E., uye Ezra haanyori chinyorwa chokusvika kunokosha kwaNehemia muna 455 B.C.E., bhuku raMakoronike rinofanira kuve rakapedzwa pakati peiyi misi, zvimwe munenge mugore ra460 B.C.E., muJerusarema. (Ezra 7:1-7; Neh. 2:1-18) VaJudha vomuzuva raEzra vakagamuchira bhuku raMakoronike sorutivi rwechokwadi rwo‘Rugwaro rwose rwakafuridzirwa naMwari uye runobetsera.’ Vakariidza kuti Div·rehʹ Hai·ya·mimʹ, uko kunoreva kuti “Nhau Dzamazuva,” ndiko kuti, nhoroondo yamazuva kana kuti yenguva. Makore 200 gare gare, vashanduri veSeptuagint yechiGiriki vakabatanidzawo bhuku raMakoronike sorutivi rwamanyoro anoyera. Vakakamura bhuku racho kuva mativi maviri uye, vachirirangarira kuva wedzero kubhuku raSamueri neraMadzimambo kana kuti kuBhaibheri rose renguva iyeyo, vakariidza kuti Pa·ra·lei·po·meʹnon, kureva kuti “Zvinhu Zvakadarikwa (Zvakasiyiwa Zvisingataurwi; Zvakasiyiwa).” Kunyange zvazvo zita racho risina kukodzera chaizvoizvo, zvisinei chiito chavo chinoratidza kuti vairangarira Makoronike soRugwaro rwechokwadi, rwakafuridzirwa. Mukugadzirira Vulgate yechiRatini, Jerome akakarakadza, kuti: “Tinga[a]idza nomutoo unokosha zvikuru kuti Khro·ni·konʹ yenhau yose youmwari.” Zita rokuremekedza rokuti “Makoronike” rinoratidzika kuve rakatorwa muna irori. Koronike chinyorwa chezviitiko munhevedzano yazvakaitika mairi. Pashure pokuronga ndaza dzaro dzemitsara yamadzinza, bhuku raMakoronike Rokutanga rine chokuita zvikurukuru nenguva yaMambo Dhavhidhi, kubvira muna 1077 B.C.E. kusvikira kurufu rwake.

ZVIRI MUBHUKU RAMAKORONIKE ROKUTANGA

8. Bhuku raMakoronike Rokutanga rinokamurwa kuva zvikamui zviviri?

8 Iri bhuku raMakoronike Rokutanga rinokamuka sezvingakarirwa kuva zvikamu zviviri: maganhuro 9 okutanga, anobata zvikurukuru nemitsara yamadzinza, uye maganhuro 20 okupedzisira, ayo anofukidza zviitiko zvomukati mamakore 40 kubvira parufu rwaSauro kusvikira kumugumo wokutonga kwaDhavhidhi.

9. Neiko pasina chikonzero chokuda musi wapashure wokunyorwa kwebhuku raMakoronike?

9 Mitsara yamadzinza (1:1–9:44). Aya maganhuro anoronga mutsara wedzinza kubvira kuna Adhama kusvikira kumutsara waZerubhabheri. (1:1; 3:19-24) Kushandurwa kweshanduro zhinji kunosvitsa mutsara waZerubhabheri kuchizvarwa chechigumi. Sezvo iye akadzokera kuJerusarema muna 537 B.C.E., hapasati paizova pane nguva yakakwana yokuti zvizvarwa zvakawanda kwazvo zvive zvakaberekwa pakasvika 460 B.C.E., apo Ezra sezviri pachena akapedza kunyora. Zvisinei, rugwaro rwechiHebheru haruna kukwana mune ichi chikamu, uye hakungagoni kuzivikanwa kuti vazhinjisa vavarume vakarongwa vakanga vane ukama hwei naZerubhabheri. Nokudaro, hapana chikonzero chokuda musi wapashure wokunyorwa kwebhuku raMakoronike, sezvinoita vamwe.

10. (a) Ndezvipi zvizvarwa zvinotanga kupiwa? (b) Mutsarai wedzinza unorondwa nomutoo uno mufungo pakutanga kweganhuro rechipiri? (c) Ndidzimwe ndazai dzinoitwa, dzichigumira muchii?

10 Pakutanga panogoverwa zvizvarwa gumi kubvira kuna Adhama kusvikira kuna Noa, uye tevere zvizvarwa gumi kusvikira kuna Abrahama. Vanakomana vaAbrahama navana vavo; vana vaEsau naveSeiri, avo vaigara munharaunda ine makomo yeSeiri; uye madzimambo apakuvamba eEdhomi anorongwa. Kubvira muganhuro rechipiri, zvisinei, chinyorwa chacho chinobata navazukuru vaIsraeri, kana kuti Jakobho, uyo mutsara wedzinza unotanga kurondwa uchibva nomaari kupfurikidza naJudha uye tevere zvizvarwa gumi kusvikira kuna Dhavhidhi. (2:1-14) Ndaza inoitwawo nokuda kwedzimwe ndudzi, nenongedzero chaiyo kurudzi rwaRevhi navaprista vakuru, uye ichiguma nomutsara wedzinza worudzi rwaBhenjamini kupfurikidza nokududza Mambo Sauro, Bhenjamini, uyo rondedzero yenhau mupfungwa yakakwana ipapo inotanga naye. Pane dzimwe nguva pangaratidzika kuva pane pokanidzano pakati pemitsara yamadzinza yaEzra nezvimwe zvikamu zvamashoko zveBhaibheri. Zvisinei, kunofanira kurangarirwa kuti vanhu vakati vaizivikanwawo namamwe mazita uye kuti mutauro unochinja uye kupfuura kwenguva kungagona kuchinja kupereterwa kwamamwe mazita. Kunzvera kwokungwarira kunobvisa zvinetso zvizhinjisa.

11. Ipa mienzaniso yamamwe mashoko anobetsera kutaranganisa muchinyorwa chemitsara yamadzinza.

11 Ezra anotaranganisa mitsara yake yamadzinza pano napapo namashoko mashomanene enhau neemamiriro epasi anobatira kujekesa uye kupa zviyeuchidzo zvinokosha. Somuenzaniso, mukuronga vazukuru vaRubheni, Ezra anowedzera mashoko mashomanene anokosha: “Uye vanakomana vaRubheni dangwe raIsraeri—nokuti iye akanga ari dangwe; asi nokuda kwokusvipisa kwake uvato hwababa vake kodzero yake sedangwe yakapiwa kuvanakomana vaJosefa mwanakomana waIsraeri, zvokuti iye akanga asati achizonyorwa mumutsara wamadzinza nokuda kwekodzero yedangwe. Nokuti Judha amene akabvumikisa kuva mukuru pakati pevakoma vake, uye mumwe nokuda kwomutungamiriri akabva kwaari; asi kodzero sedangwe yakanga iri yaJosefa.” (5:1, 2, NW) Zvakawanda zvinotsanangurwa muna aya mashoko mashomanene. Uyezve, ndimo mubhuku raMakoronike bedzi umo tinoziva kuti Joabhi, Amasa, uye Abhishai vose vakanga vari hama dzaDhavhidhi, uko kunotibetsera kunzwisisa zviitiko zvakasiyana-siyana zvakavapoteredza.—2:16, 17.

12. Ndaapi ari mamiriro ezvinhu orufu rwaSauro?

12 Kusatendeka kwaSauro kunoguma norufu (10:1-14). Nhoroondo yacho inotanga navaFiristia vachidenha muhondo yapaGomo reGirbhoa. Vatatu vavanakomana vaSauro, kubatanidza Jonatani, vanourawa. Ipapo Sauro anokuvadzwa. Asingadi kutorwa nomuvengi, anokurudzira mutakuri wezvombo zvake, kuti: “Vhomora munondo wako, undibaye nawo, kuti ava vanhu vasina kudzingiswa varege kusvika vandidadire.” Apo mutakuri wezvombo zvake anoramba, Sauro anozviuraya amene. Nokudaro Sauro anofa nokuda kwokuita “kwokudarika kwake kwaakaitira Jehovha, uye nokuda kweshoko raJehovha raasina kuchengeta; uye nokuti wakatsvaka mano kusvikiro, kubvunzana naro, akasabvunza Jehovha.” (10:4, 13, 14) Jehovha anopa umambo kuna Dhavhidhi.

13. Dhavhidhi anobudirira sei muumambo?

13 Dhavhidhi anosimbiswa muumambo (11:1–12:40). Pashure penguva yakati ndudzi 12 dzinoungana kuna Dhavhidhi paHebroni ndokumuzodza samambo pana Israeri wose. Anotapa Zioni ndokupfuurira ‘kuramba achikura zvikuru, nokuti Jehovha wehondo unaye.’ (11:9) Varume vane simba vanotarisira hondo, uye kupfurikidza navo, Jehovha anoponesa “nokukunda kukuru.” (11:14) Dhavhidhi anowana tsigiro yakabatana sezvo varume vehondo vanoungana pamwe chete nomwoyo mumwe wakakwana kuzomuita mambo. Muna Israeri munova nomutambo nokufara.

14. Dhavhidhi anoita sei muhondo navaFiristia, uye inhamboi inokurudzira kutenda inomutsa rwiyo rwokufara?

14 Dhavhidhi neareka yaJehovha (13:1–16:36). Dhavhidhi anokurukurirana navatungamiriri vorudzi, uye ivo vanobvuma kutamisira Areka kuJerusarema ichibva Kiriati-jearimi, uko kwayave iri kwamakore anenge 70. Munzira, Uza anofa nokuda kwokufuratira nenzira isina kukodzera mirayiridzo yaMwari, uye Areka inosiyiwa kwenguva yakati paimba paObhedhi-edhomi. (Num. 4:15) VaFiristia vanotangazve kuvhozhokera kwavo, asi Dhavhidhi anovakurira chose chose kaviri, paBhaari-perazimi napaGibheoni. Varayiridzwa naDhavhidhi, vaRevhi zvino vanotevera muitiro waMwari mukutamisira Areka nenzira yakakotsekana kuJerusarema, uko inoiswa mutende iyo Dhavhidhi akaidzikira, pakati pokutamba nokufara. Pane kupiwa kwechibayiro nokuimba, Dhavhidhi amene achipa norwiyo rwokuonga kuna Jehovha nokuda kwenhambo yacho. Mugumo warwo wakaisvonaka unosvikwa mumusoro, unoti: “Kudenga-denga ngakufare, napasi ngapafarisise; pakati pendudzi ngavati: Jehovha unobata ushe.” (1 Mako. 16:31) Haiwa inhambo inonyandura zvakadini, neinokurudzira kutenda! Gare gare, urwu rwiyo rwaDhavhidhi rwunogadziridzwa sohwaro hwenziyo itsva, rumwe rwadzo rwuri pana Pisarema 96. Rumwe rwakanyorwa mundima 15 dzokutanga dzePisarema 105.

15. Jehovha anopindura chishuvo chaDhavhidhi chokuvakira imba kunamata kwakabatana kupfurikidza nechipikirwai chinoshamisa?

15 Dhavhidhi neimba yaJehovha (16:37–17:27). Gadziriro yechienzi zvino inoshanda muna Israeri. Areka yesungano inogara mutende muJerusarema umo Asafi nehama dzake vanorindira, nepo makiromita mashomanene kuchamhembe kwakadziva kumadokero kweJerusarema paGibheoni, Zadhoki muprista mukuru nehama dzake vanopfuuridzira zvibayiro zvakarayirwa patabhenakeri. Nguva dzose achirangarira kurumbidza nokubatanidza kunamatwa kwaJehovha, Dhavhidhi anoratidzira chishuvo chake chokuvakira imba areka yaJehovha yesungano. Asi Jehovha anotaura kuti handi Dhavhidhi asi mwanakomana wake uchavakira Iye imba uye kuti Iye acha“simbisa zvirokwazvo chigaro chake choumambo zvakasimba kusvikira kunguva isingazivikanwi,” achiratidza mutsa worudo sounobva kuna baba uchienda kumwanakomana. (17:11-13, NW) Ichi chipikirwa chinoshamisa chakaitwa naJehovha—iyi sungano youmambo husingaperi—inosunda Dhavhidhi kusvikira pamwoyo. Kuonga kwake kunofashukira mukukumbira kuti zita raJehovha ri“bvumikise kuva rakatendeka uye kuva guru kusvikira kunguva isingazivikanwi” uye kuti chikomborero Chake chive paimba yaDhavhidhi.—17:24, NW.

16. Jehovha anozadzika chipikirwai kupfurikidza naDhavhidhi, asi Dhavhidhi anotadza sei?

16 Kukunda kukuru kwaDhavhidhi (18:1–21:17). Kupfurikidza naDhavhidhi, Jehovha zvino anoita chipikirwa Chake chokupa Nyika Yakapikirwa yose kumbeu yaAbrahama. (18:3) Munhevedzano yokukurumidza yenhimbe, Jehovha ano“kundisa Dhavhidhi” kuri kwose kwaanoenda. (18:6) Mukukunda kukuru kwehondo, Dhavhidhi anokurira vaFiristia, anouraya vaMoabhi, anokurira vaZobhahiti, anomanikidzira vaSiria kuripa muripo, uye anokurira Edhomi naAmoni pamwe chete naAmareki. Zvisinei, Satani anokurudzira Dhavhidhi kuverenga Israeri uye nomutoo iwoyo anotadza. Jehovha anotuma denda muchirango asi nengoni anogumisa ngwavaira paburiro raOrnani, pashure pokunge vane 70 000 vaurawa.

17. Kugadzirirai kunoita Dhavhidhi nokuda kwokuvaka imba yaJehovha, uye anokurudzira sei Soromoni?

17 Kugadzirira tembere kwaDhavhidhi (21:18–22:19). Dhavhidhi anogamuchira chiziviso chengirozi kupfurikidza naGadhi “chokuvakira atari Jehovha paburiro raOrnani muJebhusi.” (21:18, NW) Pashure pokutenga nzvimbo yacho kuna Ornani, Dhavhidhi nenzira yokuteerera anopira zvibayiro ipapo ndokudana pana Jehovha, uyo anomupindura “nomwoto wakabva kudenga ukawira paatari yechipiriso chinopiswa.” (21:26) Dhavhidhi anogumisa kuti Jehovha anoda kuti imba yake ivakwe ipapo, uye anotanga kushanda mukugadzira zvivakiso uye kuzviunganidza, achiti: “Soromoni mwanakomana wangu uchiri muduku usine simba, uye imba, inofanira kuvakirwa Jehovha, inofanira kuva huru kwazvo, ingarumbidzwa nokukudzwa panyika dzose; saka ini ndichaigadzirira.” (22:5) Anotsanangurira Soromoni kuti Jehovha haana kumubvumira kuvaka imba yacho, sezvo iye ave ari munhu wehondo neropa. Anorayira mwanakomana wake kuva akashinga naakasimba muiri basa, achiti: “Simuka, ubate, Jehovha ave newe.”—22:16.

18. Kuverengwa kwavanhu kunoitwa nokuda kwechinangwai?

18 Dhavhidhi anoronga kunamatwa kwaJehovha (23:1–29:30). Kuverengwa kwavanhu kunoitwa, nguva ino maererano nokuda kwaMwari, nokuda kwokurongwazve kwamabasa ouprista neavaRevhi. Mabasa avaRevhi anorondedzerwa muudzame hukuru zvikuru pano kupinda kune imwe nzvimbo ipi neipiwo zvayo muMagwaro. Zvikamu zvebasa ramambo ipapo zvinorongwa.

19. Dhavhidhi anogadza Soromoni namashokoi, anopa mapuranii, uye anogadza muenzanisoi wakaisvonaka?

19 Pedyo nomugumo wokutonga kwake kunokosha, Dhavhidhi anounganidza vamiriri vorudzi rwose, “ungano yaJehovha.” (28:8, NW) Mambo anomira netsoka dzake. “Chindinzwai hama dzangu, navanhu vangu!” Ipapo akataura kwavari pamusoro pechishuvo chomwoyo wake, “imba yaMwari.” Pamberi pavo iye anorayira Soromoni, kuti: “Zvino iwe Soromoni, mwanakomana wangu, ziva Mwari wababa vako, umushumire nomwoyo wakarurama, uye nomweya unoda kwazvo; nokuti Jehovha unonzvera mwoyo yose, unonzwisisa ndangariro dzose dzemifungo; kana ukamutsvaka, iye uchawanikwa newe; asi kana ukamusiya, iye uchakurasha nokusingaperi. Zvino chenjera, nokuti Jehovha wakakutsaura, kuti uvake imba ive nzvimbo tsvene; chiva nesimba, uzviite.” (28:2, 9, 10, 12) Anopa Soromoni muduku mapurani ane udzame akagamuchirwa kupfurikidza nefuridziro achibva kuna Jehovha uye anopa mari yakawanda zvikuru yomunhu oga kubasa rokuvaka—matarenda 3 000 endarama uye matarenda 7 000 esirivha, ayo iye achengetera ichi chinangwa. Nomuenzaniso wakaisvonaka wakadaro pamberi pavo, machinda navanhu vanopa ndarama inokosha matarenda 5 000 uye madhariki 10 000 nesirivha inokosha matarenda 10 000, pamwe chete nedare rakawanda nendarira.c (29:3-7) Vanhu vanofara neiyi ropafadzo.

20. Ndipakakwirirai zvikurusa panosvikwa nomunyengetero wokupedzisira waDhavhidhi?

20 Dhavhidhi ipapo anorumbidza Jehovha mumunyengetero, achibvuma kuti chipiriso chose ichi chakawanda chakabva chaizvoizvo muruoko Rwake uye achikumbira chikomborero Chake chinopfuuridzirwa pavanhu napana Soromoni. Uyu munyengetero wokupedzisira waDhavhidhi unosvika pakakwirira zvikurusa mukukudza umambo hwaJehovha nezita Rake rine mbiri: “Imi mukudzwe, Jehovha, Mwari waIsraeri baba vedu nokusingaperi. Ukuru ndohwenyu, Jehovha, nesimba, nokubwinya, nokukunda, noumambo; nokuti zvose zviri kudenga nezviri pasi ndezvenyu; ushe ndohwenyu, Jehovha, makakudzwa muri musoro wezvose. Pfuma nokukudzwa zvinobva kwamuri, imi munobata ushe pamusoro pezvose; paruoko rwenyu pane simba noushe; ruoko rwenyu ndirwo runokurisa nokupa vose simba. Saka zvino Mwari wedu, tinokuongai nokurumbidza zita renyu rinobwinya.”—29:10-13.

21. Bhuku raMakoronike Rokutanga rinogumira pakakwirirai?

21 Soromoni anozodzwa kechipiri uye anovamba kugara pa‘chigaro choumambo chaJehovha’ munzvimbo maDhavhidhi okwegura. Pashure pokutonga kwamakore 40, Dhavhidhi anofa “akwegura kwazvo, ava namakore mazhinji, nepfuma, nokukudzwa.” (29:23, 28) Ezra ipapo anogumisa bhuku raMakoronike Rokutanga pakakwirira, achisimbisa ukuru hwoumambo hwaDhavhidhi paumambo hwose hwamarudzi.

CHIKONZERO NEI RICHIBETSERA

22. VaIsraeri biyake vaEzra vakakurudzirwa sei nebhuku raMakoronike Rokutanga?

22 VaIsraeri biyake vaEzra vakawana betsero huru mubhuku rake. Vane iyi nhau pfupi nemurangariro wayo mutsva noune tariro, vakaonga ngoni dzorudo dzaJehovha kwavari nemhaka yoruvimbiko rwake kusungano yoUmambo naMambo Dhavhidhi uye nokuda kwezita rake amene. Vakurudzirwa, ivo vaikwanisa kutanga kunamatwa kwakachena kwaJehovha norushingairo rwakavandudzwa. Mitsara yamadzinza yakasimbisa chivimbo chayo muuprista hwaishanda patembere yakavakwazve.

23. Mateo, Ruka, uye Stefano vakashandisa sei zvakanaka bhuku raMakoronike Rokutanga?

23 Bhuku raMakoronike Rokutanga rakanga richibetserawo zvikuru kuungano yapakuvamba yechiKristu. Mateo naRuka vaigona kushandisa mitsara yaro yamadzinza mukusimbisa zvakajeka kuti Jesu Kristu akanga ari “mwanakomana waDhavhidhi” uye Mesiya ane kodzero yapamutemo. (Mat. 1:1-16; Ruka 3:23-38) Mukugumisa uchapupu hwake hwokupedzisira Stefano akataura nezvemukumbiro waDhavhidhi wokuvakira imba Jehovha uye nezvokuvaka kwaSoromoni. Tevere akaratidza kuti “Wokumusorosoro haagari mudzimba dzakavakwa namaoko,” kuratidzira kuti tembere yomuzuva raSoromoni yaifananidzira zvinhu zvokudenga zvine mbiri zvikuru kwazvo.—Mabasa 7:45-50.

24. Chii chatingatevedzera nhasi mumuenzaniso wakaisvonaka waDhavhidhi?

24 Zvakadiniko nezvavaKristu vechokwadi nhasi? Bhuku raMakoronike Rokutanga rinofanira kuvaka uye kunyandura kutenda kwedu. Kune zvakawanda zvatinogona kutevedzera mumuenzaniso wakaisvonaka waDhavhidhi. Akanga akasiyana sei naSauro akanga asina kutenda, mukubvunza nguva dzose Jehovha! (1 Mako. 10:13, 14; 14:13, 14; 17:16; 22:17-19) Mukukwidza areka yaJehovha kuJerusarema, mumapisarema ake erumbidzo, mukuronga kwake vaRevhi nokuda kwebasa, uye mumukumbiro wake wokuvakira imba ine mbiri Jehovha, Dhavhidhi akaratidza kuti Jehovha nokunamatwa Kwake zvaiva zvokutanga mundangariro make. (16:23-29) Akanga asati ari munyunyuti. Haana kuzvitsvakira amene ropafadzo chaidzo asi akatsvaka bedzi kuita kuda kwaJehovha. Nokudaro, apo Jehovha akagovera kuvakwa kweimba kumwanakomana wake, iye nomwoyo wose akarayiridza mwanakomana wake uye akapa nguva yake, simba rake, uye pfuma yake mukugadzirira basa raizovamba pashure porufu rwake. (29:3, 9) Muenzaniso wakaisvonaka wokuzvipira zvirokwazvo!—VaH. 11:32.

25. Bhuku raMakoronike Rokutanga rinofanira kutinyandura kukunzwisiswai kwezita raJehovha noUmambo?

25 Tevere pane maganhuro okugumisira anokosha. Mutauro wakaisvonaka uyo Dhavhidhi anorumbidza nawo Jehovha uye kukudza “zita [rake] rinobwinya” unofanira kunyandura matiri kunzwisisa kwokufarira ropafadzo yedu yomuzuva razvino uno yokuzivisa mbiri dzaJehovha noUmambo hwake hunodzorwa naKristu. (1 Mako. 29:10-13) Kutenda kwedu nomufaro ngazvirambe zvakafanana nezvaDhavhidhi sezvatinoratidzira kuonga nokuda kwoUmambo hwaJehovha husingagumi kupfurikidza nokuzvidururira timene mubasa Rake. (17:16-27) Zvirokwazvo, bhuku raMakoronike Rokutanga rinoita kuti musoro weBhaibheri woUmambo hwaJehovha hunodzorwa neMbeu yake hupenye zvakaisvonaka zvikuru kupinda nakare kose, achitisiya tichikarira dzimwezve wadzanyuro dzinofadza dzezvinangwa zvaJehovha.

[Mashoko Omuzasi]

a Commentary yaClarke, Vhor. II, peji 574.

b Insight on the Scriptures, Vhor. 1, mapeji 444-5.

c Insight on the Scriptures, Vhor. 2, peji 1076.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe