Bhuku reBhaibheri Nhamba 20—Zvirevo
Vatauri: Soromoni, Aguri, Remueri
Nzvimbo Yakanyorerwa: Jerusarema
Kunyora Kwakapedzwa: Munenge muna 717 B.C.E.
1. Uchenjerii hunofanira kuwanwa mubhuku reZvirevo?
APO Soromoni, mwanakomana waDhavhidhi, akava mambo waIsraeri muna 1037 B.C.E., akanyengetera kuna Jehovha nokuda kwo“uchenjeri nezivo” kuti a“tonge vanhu ava vakawanda.” Mumhinduro, Jehovha akamupa ‘zivo nouchenjeri nomwoyo unonzwisisa.’ (2Mako. 1:10-12, NW; 1 Madz. 3:12; 4:30, 31) Somugumisiro, Soromoni akasvika paku“taura zvirevo zvine zviuru zvitatu.” (1 Madz. 4:32, NW) Humwe hwouhu uchenjeri hwakataurwa hwakanyorwa mubhuku reBhaibheri reZvirevo. Sezvo uchenjeri hwake hwakanga huri chaizvoizvo uhwo “Mwari akanga aisa mumwoyo make,” ipapo mukufunda bhuku reZvirevo kutaura idi tiri kufunda uchenjeri hwaJehovha Mwari. (1 Madz. 10:23, 24, NW) Izvi zvirevo zvinoumba zvokwadi dzisingagumi. Zvinowirirana nomusi zvino seapo zvakataurwa pakutanga.
2. Neiko nguva yaSoromoni yakanga iri yakakodzera mukugovera nhungamiro youmwari mubhuku reZvirevo?
2 Kutonga kwaSoromoni yakanga iri nguva yakakodzera yokugovera iyi nhungamiro youmwari. Soromoni akanzi “akagara pachigaro choumambo chaJehovha.” Umambo hwoubati ushe hwaMwari hwaIsraeri hwakanga hwava pakakwirira pahwo, uye Soromoni akapiwa “chiremera cheimba youmambo” chikuru. (1 Mako. 29:23, 25, NW) Yakanga iri nguva yorugare namafashafasha, nguva yechengeteko. (1 Madz. 4:20-25) Zvisinei, kunyange vari mukutonga kwoubati ushe ihwohwo hwaMwari, vanhu vakanga vachindoveri nezvinetso zvavo zvomunhu oga nezvitambudzo nemhaka yokusakwana kwavanhu. Kuti vanhu vaizovimba naMambo akachenjera Soromoni kuti avabetsere kupedza zvinetso zvavo kunonzwisisika. (1 Madz. 3:16-28) Achitaura rutongeso muidzi mhaka zhinji, aitaura zvirevo zvakakodzera mamiriro ezvinhu akawanda oupenyu anomuka zuva nezuva. Uku kutaura kupfupi asi kunoorora kwaikosheswa zvikuru kwazvo naavo vaishuva kurarama upenyu hwavo maererano nokuda kwaMwari.
3. Bhuku reZvirevo rakasvika pakuunganidzwa sei?
3 Chinyorwa chacho hachisati chichitaura kuti Soromoni akanyora Zvirevo zvacho. Zvisinei, chinotaura kuti iye aka‘taura’ zvirevo, uyewo kuti “iye . . . akanzvera zvakakwana, kuti aronge zvirevo zvakawanda munhevedzano,” nokudaro achiratidza kuti akanga achifarira kuchengeta zvirevo nokuda kwokushandisa pashure. (1 Madz. 4:32; Mup. 12:9, NW) Munguva yaDhavhidhi naSoromoni, kwaiva navanyori vamambo mundaza dzavakuru vakuru vedare. (2 Sam. 20:25; 2 Madz. 12:10) Kana ava vanyori vomudare rake vakanyora ndokuunganidza zvirevo zvake, isu hatizivi, asi kutaura kwomutongi upi noupi womunzvimbo yake kwaizoremekedzwa zvikuru uye kwaizowanzonyorwa. Kunowanzobvumwa kuti bhuku racho muunganidzwa wakaunganidzwa kubva mumimwe miunganidzwa.
4. (a) Bhuku reZvirevo rinowanzokamurwa sei? (b) Ndianiko akavamba zvakawanda zvikuru zvezvirevo?
4 Bhuku reZvirevo ringakamurwa kuva zvikamu zvishanu. Izvozvi ndeizvi: (1) Maganhuro 1-9, anotanga namashoko okuti, “Zvirevo zvaSoromoni, mwanakomana waDhavhidhi”; (2) Maganhuro 10-24, anorondedzerwa se“Zvirevo zvaSoromoni”; (3) Maganhuro 25-29, chiri chikamu chinovamba nokuti: “Izviwo ndizvo zvirevo zvaSoromoni, zvakanyorwa navanhu vaHezekia mambo wavaJudha”; (4) Ganhuro 30, rinosumwa sa“Mashoko aAguri, mwanakomana waJake”; uye (5) Ganhuro 31, iro rinobatanidza “Mashoko amambo Remueri; zvirevo zvaakadzidziswa namai vake.” Soromoni nokudaro akanga ari muvambi wezvirevo zvizhinji. Kana ari Aguri naRemueri, hapana chinhu chaichoicho chinozivikanwa pamusoro pokuzivikanwa kwavo. Vamwe vatsinhiri vanokarakadza kuti Remueri ringave raiva riri rimwe zita raSoromoni.
5. Bhuku reZvirevo rakanyorwa uye rakaunganidzwa rini?
5 Bhuku reZvirevo rakanyorwa rini nokuunganidzwa? Rutivi rukuru zvikuru pasina panikiro rwakanyorwa mukati mokutonga kwaSoromoni (1037-998 B.C.E.) asati atsauka. Nemhaka yokusava nechokwadi pamusoro pokuzivikanwa kwaAguri naRemueri, hakusati kuchibvira kuratidza musi wamashoko avo. Sezvo mumwe wemiunganidzwa wakaitwa mukutonga kwaHezekia (745-717 B.C.E.), kuunganidza kwokupedzisira kwaisagona kuve kwakaitwa kutonga kwake kusati kwavamba. Zvikamu zviviri zvokupedzisira zvakaunganidzwawo muchiremera chaMambo Hezekia here? Mukupindura pane mashoko omuzasi anojekesa Zvirevo 31:31 muNew World Translation of the Holy Scriptures—With References: “Zvimwe zvi[nyorwa] zvorugwaro rwechiHebhe[ru] zvinoratidzira trigrammaton, kana kuti mabhii matatu, Chehth, Zaʹyin, Qohph (חזק) anomira sesiginicha yaMambo Hezekia kubasa rokunyora rakaitwa navanyori vake kuratidzira kuti basa racho rakanga rapedzwa.”
6. Chirevo chii, uye nei musoro wechiHebheru webhuku racho wakakodzera?
6 MumaBhaibheri echiHebheru bhuku racho rakatanga kudanwa neshoko rokutanga riri mubhuku rinoti, mish·lehʹ, kureva kuti “zvirevo.” Mish·lehʹ inhamba yezvizhinji, mumiriro wokuvaka, wezita rechiHebheru rokuti ma·shalʹ, riri zita rinowanzofungwa kuva rinotorwa mushoko rokutanga rinoreva “kufanana” kana kuti “kuenzana.” Aya mashoko anosanorondedzera zviri mukati mebhuku racho, nokuti zvirevo kutaura kupfupi kunowanzoshandisa fanano kana kuti kuenzanisa uye kunogadzirirwa kuita kuti munzwi afunge. Chimiro chipfupi chezvirevo chinozviita kuti zvive nyore kutevera uye zvinofadza, uye muchimiro ichi zvinodzidziswa, zvinodzidzwa, uye zvinoyeukwa nyore nyore. Pfungwa inonamatira.
7. Chii chinofanira kucherekedzwa pamusoro pamanyorerwe ebhuku reZvirevo?
7 Matauriro ari mubhuku racho anofadzawo zvikurusa. Ari munhetembwa yechiHebheru. Chimiro chorutivi rukurusa rwebhuku racho inhetembwa inodzokorora mufungo unowirirana. Ikoku hakusati kuchiita kuti migumo yemitsara kana kuti ndima igume nokunzwika kwakafanana, kana kuti kunonzwika nenzira yakafanana. Anoumbwa nokuita mitsara inodzokororwa dzokororwa inopa mifungo inodzokororwa kana kuti pfungwa. Runako rwaro nesimba romurayiridzo zviri muno uku kudzokororwa dzokororwa kwomufungo. Mifungo yacho ingava yakafanana kana kuti inopesana, asi simba rokudzokorora-dzokorora riripo kuti ripe wedzero kumufungo, rikudze pfungwa, uye kuva nechokwadi chokupa revo mumufungo. Mienzaniso yokudzokorora-dzokorora yakafanana inowanwa pana Zvirevo 11:25; 16:18; uye Zvi 18:15, uye mienzaniso yokudzokororwa-dzokororwa kwakawanda kweinopesana pana Zvirevo 10:7, 30; 12:25; 13:25; uye Zvi 15:8. Rumwe rudzi rwechimiro runowanwa pamugumo chaipo pebhuku racho. (Zvir. 31:10-31) Ndima 22 dziri ipapo dzinorongwa zvokuti muchiHebheru imwe neimwe inovamba nebhii rinotevera rearufabheti yechiHebheru, iwoyu uchiva mutoo wenhetembwa umo mabhii okutanga kana kuti okupedzisira omutsara mumwe nomumwe anoumba shoko kana kuti mashoko unoshandiswawo mumapisarema akati. Nokuda kworunako uyu mutoo hauna wirirano mumanyoro ekare.
8. Kushandiswa kwakaitwa kwebhuku reZvirevo navaKristu vapakuvamba kunopupurira sei uchokwadi hwaro?
8 Uchokwadi hwebhuku reZvirevo hunoratidzwawo mukushandiswa kukuru kunoitwa kwebhuku racho navaKristu vapakuvamba mukutaura mitemo yomufambiro. Jakobho sezviri pachena akanga akarovedzana zvikuru nebhuku reZvirevo uye akashandisa nheyo dzaro huru muzano rakaisvonaka raakapa nokuda kwomufambiro wechiKristu. (Enzanisa Zvirevo 14:29; 17:27 naJakobho 1:19, 20; Zvirevo 3:34 naJakobho 4:6; Zvirevo 27:1 naJakobho 4:13, 14.) Kunokora mashoko mubhuku reZvirevo kunowanwawo muzvikamu zvamashoko zvinotevera: VaRoma 12:20—Zvirevo 25:21, 22; VaHebheru 12:5, 6—Zvirevo 3:11, 12; 2 Petro 2:22—Zvirevo 26:11.
9. Bhuku reZvirevo rinotsinhirana sei norutivi rwose rwasara rweBhaibheri?
9 Mukuwedzera, bhuku reZvirevo rinozviratidza rimene kuva riri mutsinhirano norutivi rwose rwasara rweBhaibheri, nokudaro richibvumikisa kuva rutivi rwo“Rugwaro rwose.” Rinoratidzira chinzwano chinokatyamadza chomufungo apo rinoerwa noMutemo waMosesi, kudzidzisa kwaJesu, uye manyoro avadzidzi navaapostora vaJesu. (Ona Zvirevo 10:16—1 VaKorinte 15:58 uye VaGaratia 6:8, 9; Zvirevo 12:25—Mateo 6:25; Zvirevo 20:20—Eksodho 20:12 uye Mateo 15:4.) Kunyange pakutaura pamusoro pamapfundo akadai sokugadzirirwa kwapasi kuti rigarwe navanhu, pane humwe hwokufunga navamwe vanyori veBhaibheri.—Zvir. 3:19, 20; Gen. 1:6, 7; Jobho 38:4-11; Pis. 104:5-9.
10, 11. Chii chinopupurirazve kufuridzirwa noumwari kwebhuku racho?
10 Hunopupurirawo kufuridzirwa noumwari kwebhuku racho ndihwo ururami hwaro mune zvesayenzi, kana zvirevo zvacho zvichibatanidza nheyo dzamakemikoro, dzezvokurapa, kana kuti dzoutano. Zvirevo 25:20 sezviri pachena inotaura nezvekuita kweacid nealkali. Zvirevo 31:4, 5 inobvumirana nezviwanwa zvazvino uno zvesayenzi zvokuti chinwiwa chinodhakisa chinogomadza kufunga. Vanachiremba vakawanda nenyanzvi ndechokudya chinovaka muviri vanobvumirana kuti uchi ndizvokudya zvakanaka, kuchiyeuchidza chirevo, chinoti: “Mwanakomana wangu, idya uchi, nokuti hwakanaka.” (Zvir. 24:13) Cherekedzo dzazvino uno pamusoro pezvirwere zvinoparirwa nokunetseka hazvisati zviri zvitsva kubhuku reZvirevo. “Mwoyo wakafara unobatsira munhu kupora.”—17:22; 15:17.
11 Zvirokwazvo, bhuku reZvirevo rinofukidza chose chose kwazvo chinodikanwa chiri chose chavanhu namamiriro ezvinhu zvokuti chimwe chiremera chakati: “Hakuna ukama muupenyu husina murayiridzo wahwo wakakodzera, hakuna chimiro chendangariro chakanaka kana kuti chakashata chisina chisakiso chacho chakakodzera kana kuti ruramiso. Kuziva kwomunhu munzvimbo iri yose kunounzwa muukama hwapedyo naMwari, . . . uye munhu anofamba seari pamberi poMuiti wake noMutongi . . . Rudzi rwuri rwose rwomunhu rwunowanwa muiri bhuku rekare; uye kunyange zvazvo rakanyorwa makore ane zviuru zvitatu akapfuura, richiri rechokwadi kuchisiko sokunge kuti ratorwa zvino kumumiriri waro mupenyu.”—Dictionary of the Bible raSmith, 1890, Vhor. III, peji 2616.
ZVIRI MUBHUKU REZVIREVO
12. (a) Inhetembwai yakabatana inoumba chikamu chokutanga chebhuku reZvirevo? (b) Inodzidzisei pamusoro pouchenjeri nomufambiro wavanhu? (c) Zvirevo 1:7 inogadzira sei mienzaniso bhuku rose?
12 Chikamu Chokutanga (1:1–9:18). Iri inhetembwa yakabatanidzwa yakaumbwa nehurukuro pfupi sokunge kuti dzinobva kuna baba dzichienda kumwanakomana, dzinobata nokudikanwa kwouchenjeri hwokutungamirira mwoyo, kana kuti munhu wose womukati, uye kutungamirira chishuvo. Rinodzidzisa ukoshi hwouchenjeri nezvikomborero zvahwo: mufaro, kufadza, rugare, uye upenyu. (1:33; 3:13-18; 8:32-35) Rinosiyanisa ikoku nokushayiwa uchenjeri nemigumisiro yahwo: kutambura uye pakupedzisira rufu. (1:28-32; 7:24-27; 8:36) Richirangarira mamiriro ezvinhu asingagumi nebviro dzoupenyu, rinopa munhu fundo huru mumufambiro wavanhu nemigumisiro yazvino neyomunguva yemberi yomufambiro iwoyo. Mashoko ari pana Zvirevo 1:7 anogadzira muenzaniso bhuku racho rose: “Kutya Jehovha ndiko kuvamba kwezivo.” Zviito zvose zvinofanira kuratidza kuti Jehovha anorangarirwa. Pane kudzokororwa kwenguva dzose kwokudikanwa kwekusakanganwa mitemo yaMwari, kurambira pedyo nemirayiro yake uye kusaisiya.
13. Ratidza mifungo yakatanhamara iri muchikamu chose chokutanga chebhuku reZvirevo.
13 Mifungo yakatanhamara iri muichi chikamu chose chokutanga ndiyo uchenjeri hunoshanda, zivo, kutya Jehovha, chirango, uye nzwisiso. Nyevero inopiwa pamusoro peboka rakashata, kuramba chirango chaJehovha, uye ukama husina kukodzera nomukadzi wokumwe. (1:10-19; 3:11, 12; 5:3-14; 7:1-27) Kaviri, uchenjeri hunorondedzerwa sohuri munzvimbo dzavanhu, nokudaro hunowanikwa, hunowanika. (1:20, 21; 8:1-11) Hunotaurwa somunhu uye hunotaura nenzira inofadza kuvanhu vasina ruzivo rwokuzviwanira, kunyange kujekesa chisiko chapasi. (1:22-33; 8:4-36) Haiwa iri ibhuku rinoshamisa zvakadini! Ichi chikamu chinopfiga nomusoro wacho wokutanga, unoti “kutya Jehovha ndiko kuvamba kwezivo.” (9:10, NW) Mose, chinotaura kuti kuziva Jehovha munzira dzedu dzose, pamwe chete nokuomerera kwedu kukururama kwake, ndiyo nzira youpenyu uye kunogona kutidzivirira pazvakawanda kwazvo zvisingashuviwi.
14. Mitsetsei yamashoko inopesana inodzokorora-dzokorora mufungo inoita kuti dzidziso dzinoshanda dzebhuku reZvirevo dzitanhamare?
14 Chikamu Chechipiri (10:1–24:34). Muno tinowana tsumo dzakawanda dzakanaka, dzisina kubatana dzinoshandisa uchenjeri kumamiriro ezvinhu akaoma kunzwisisa oupenyu. Kupfurikidza nokutidzidzisa kushanda kwakakodzera, dzinovavarira kusimudzira mufarwa mukuru zvikuru nokurarama kunofadza. Mhesano mumitsara yamashoko inodzokorora-dzokorora mufungo unowirirana dzinoita kuti idzi dzidziso dzitanhamare mundangariro dzedu. Heino ndaza isina kukwana yezvinhu zvinorangarirwa mumaganhuro 10, 11, uye Zvi 12 chete:
rudo runopesana noruvengo
uchenjeri hunopesana noufuza
kutendeseka kunopesana nokunyengera
kutendeka kunopesana nokuchera
zvokwadi inopesana nenhema
rupo runopesana nokunyima
rushingairo runopesana nokuregeredza
kufamba muperero kunopesana nenzira dzakaminama
zano rakanaka rinopesana nokusava nenhungamiro younyanzvi
mudzimai anokwanisa anopesana nomudzimai anonyadzisa
kururama kunopesana nouipi
kuzvininipisa kunosiyaniswa nokuzvitutumadza
Kurangarira iyi ndaza maererano nokurarama kwezuva nezuva kunofanira kutipwisa kuti Zvirevo chaizvoizvo ibhuku rinoshanda!
15. Ipa mienzaniso yemhatsa yamamiriro ezvinhu avanhu anobatwa nawo mubhuku reZvirevo.
15 Rutivi rwasara rweichi chikamu (13:1–24:34) runopfuurira nezviyeuchidzo zvarwo zvemipimo yaJehovha kuti tive nenzwisiso nezivo. Ndaza yemhatsa huru yamamiriro ezvinhu avanhu inobatwa nayo icharatidza kuti kufukidza kukuru kwakadini kunopiwa neiri bhuku. Kunobetsera zvikurusa kuva neiri zano reBhaibheri pamusoro pokunyepedzera, kuzvitutumadza, kuchengeta shoko rako, kungwara, songaniro, kururamisa mwana uye kurovedza, murangariro womunhu wechiri chakarurama, kunonoka kutsamwa, nyasha kuna vanotambudzika, kunyengera, munyengetero, kuseka, kugutswa nezvinodikanwa zvoupenyu, rudado, chimuko chisakarurama, fufuro, gakava, kuzvidzora, kuzviparadzanisa, kunyarara, rusaruro, kupopota, kuzvininipisa, umbozha, kutarisira baba namai, zvinwiwa zvinodhakisa, kunyengedza, mavara omudzimai, zvipo, kukwereta, kukweretesa, mutsa, chivimbo, miganhu yenzvimbo, kuvaka mhuri, shanje, matsive, kusava namaturo, mhinduro nyoro, kufungisisa, uye ushamwaridzani hwechokwadi. Ipfuma huru yezano yokuenda kwairi nokuda kwenhungamiro yakanaka pamusoro pezvinhu zvezuva nezuva! Kuna vamwe, zvakati kuti zvezvinhu izvozvi zvingaratidzika kuva zvisingakoshi, asi muno tinocherekedza kuti Bhaibheri hariregeredzi zvinodikanwa zvedu kunyange muzvinhu zvinoratidzika kuva zviduku. Muna ikoku, bhuku reZvirevo nderoukoshi husingayerwi.
16. Izanoi rinovaka rinopiwa muchikamu chechitatu chebhuku reZvirevo?
16 Chikamu Chechitatu (25:1–29:27). Zano rinovaka rinopiwa panhau dzakadai sorukudzo, shiviriro, vavengi, kubata namapenzi, kuva nomusere, kubata kumeso, godo, kuvadziko inoparirwa neshamwari, nzara, kuchera, ngwariro kumutoro, fariro, kureurura, migumisiro yokutonga kwakaipa, kuzvikudza, zvikomborero zvokutonga kwakarurama, usindimari hwomwana, kubatwa kwavabatiri, nzwisiso, uye chiono.
17. (a) Nderipi “shoko rinokosha” rinopa Aguri? (b) Zvikamui zvakasiyana-siyana zvezvinhu zvina zvaanorondedzera?
17 Chikamu Chechina (30:1-33). Iri i“shoko rinokosha,” (NW) rinonzi rakanyorwa naAguri. Pashure pokubvuma kwokuzvininipisa kusakosha kwake amene, munyori anonongedzera kukusakwanisa kwomunhu kusika pasi nezvinhu zviri mariri. Anodana Shoko raMwari kuti rakanatswa uye nhoo. Anokumbira kuti shoko rokureva nhema riiswe kure naye uye kuti iye asapiwa pfuma kana kuti zvimwe urombo. Anorondedzera chizvarwa chisina kuchena, chinozvikudza, uye chizvarwa chine makaro chinotuka vabereki vacho. Zvinhu zvina zvisina kutaura kuti “Zvaringana!” zvinoziviswa, pamwe chete nezvinhu zvina zvakanyanyooma zvokusagona kunzwisiswa. (30:15, 16) Kuzvisunungura pamhaka yokusanyara kwomukadzi woupombwe kunopiwa. Tevere kunorondedzerwa zvinhu zvina umo pasi risingagoni kutsungirira, zvinhu zviduku zvina zvakachenjera nenzira yomusikirwo, uye zvinhu zvina zvinoita zvakanaka mukufamba kwazvo. Kupfurikidza nokuenzanisa kwakakodzera, munyori anonyevera kuti “kudzvinyirirwa kunze kwehasha ndiko kunobudisa kukakavara.”—30:33, NW.
18. Mambo Remueri anotii pamusoro (a) pemudzimai akashata uye (b) mudzimai anoita zvakanaka?
18 Chikamu Chechishanu (31:1-31). Herino rimwe “shoko rinokosha,” (NW) iro raRemueri mambo. Irori riri mumanyorero maviri. Rutivi rwokutanga runokurukura kuvadziko iyo munhu anogona kusvika pairi kupfurikidza nomukadzi akashata, runonyevera nzira iyo chinwiwa chinodhakisa chinogona kushatisa nayo rutongeso, uye runorayira rutongeso rwakarurama. Nhetembwa umo mabhii okutanga kana kuti okupedzisira omutsara mumwe nomumwe anoumba shoko kana kuti mashoko iri murutivi rwapashure inopiwa kurondedzerwo yakaisvonaka yomudzimai anoita zvakanaka. Muudzame hwakati runorangarira ukoshi hwake, ruchionesa kuti anovimbwa uye anotusa kumwene wake. Mavara ake anobatanidza kuva anobishayira, anokurumidza kumuka, mutengi anongwarira, ane mutsa kuvarombo, pamwe chete nokushandisa kufanoona nokutaura nouchenjeri. Akasvinurirawo, anoremekedzwa navana vake, uye anorumbidzwa nomurume wake. Kupfuura zvose, anotya Jehovha.
CHIKONZERO NEI RICHIBETSERA
19. Bhuku reZvirevo rimene rinozivisa sei chinangwa charo chinobetsera?
19 Chinangwa chinobetsera chebhuku reZvirevo chinotaurwa mundima dzokutanga: “Kuti munhu azive uchenjeri nechirango, kunzwisisa mashoko enzwisiso, kugamuchira chirango chinopa nzwisiso, kururama nechisarudzo noururami, kupa kuvasina ruzivo rwokuzviwanira ungwaru, kujaya zivo namano okufunga.” (1:2-4, NW) Mutsinhirano nechinangwa ichecho chakataurwa, bhuku racho rinosimbisa zivo, uchenjeri, uye nzwisiso, chimwe nechimwe chazvo chinobetsera munzira yacho yakati.
20. Bhuku reZvirevo rinotii pamusoro pezivo?
20 (1) Zivo ndichinodikanwa chikuru chomunhu, nokuti hakuna kunaka kuti munhu asaziva. Munhu haatongogoni kuwana zivo yakarurama kana asingatyi Jehovha, nokuti zivo inotanga nokutya ikoko. Zivo inofanira kudikanwa panzvimbo pendarama yakaisvonaka. Neiko? Vakarurama vanonunurwa kupfurikidza nezivo; inotidzivisa kuchimbidzika kupinda muchivi. Haiwa tinoda sei kuitsvaka, kuipinza! Inokosha. Naizvozvo “rerekera nzeve yako unzwe mashoko avakachenjera, kuti ugoshandisa mwoyo wako umene kuzivo yangu.”—22:17, NW; 1:7; 8:10; 11:9; 18:15; 19:2; 20:15.
21. Ndeipi iri dzidziso youmwari pamusoro pouchenjeri?
21 (2) Uchenjeri, mano okushandisa zivo zvakarurama kukurumbidza Jehovha, “chinhu chinokosha.” Huwane. Manyuko ahwo ndiJehovha. Uchenjeri hunopa upenyu hune mavambo ahwo mukuziva uye kutya Jehovha Mwari—ichocho ndicho chakavanzika chikuru chouchenjeri. Naizvozvo itya Mwari, kwete munhu. Uchenjeri hunotaurwa somunhu hunobudisa ziviso, huchikurudzira vose kuti vagadzire nzira dzavo. Uchenjeri hunodanidzira nenzwi guru mumigwagwa mumene. Jehovha anodanidzira kuna vose avo vasina ruzivo rwokuzviwanira naavo vanoshayiwa mano kuti vatsauke ndokudya chingwa chouchenjeri. Ipapo, nokutya Jehovha, vachava vanofara kunyange kana ivo vane zvishoma. Zvikomborero zvouchenjeri zvakawanda; migumisiro yahwo inobetsera zvikuru kwazvo. Uchenjeri nezivo—izvi ndizvo zvinokosha zvokutanga zvamano okufunga, rudzi ruchatitaviridza. Sezvo uchi huchibetsera uye huchinaka, ndozvinoitawo uchenjeri. Ndehwoukoshi hukuru kupfuura ndarama; muti woupenyu. Vanhu vanoparara vasina uchenjeri, nokuti uchenjeri hunochengeta upenyu; hunoreva upenyu.—4:7, NW; 1:7, 20-23; 2:6, 7, 10, 11; 3:13-18, 21-26; 8:1-36; 9:1-6, 10; 10:8; 13:14; 15:16, 24; 16:16, 20-24; 24:13, 14.
22. Itaviridzoi inowanwa munzwisiso?
22 (3) Kunze kwezivo nouchenjeri, nzwisiso inokosha; nokudaro, “nezvose zvaunowana, wana nzwisiso.” Nzwisiso ndiwo mano okuona chinhu mumativi acho akabatanidzwa; inoreva kuziva, nguva dzose uchirangarira Mwari, nokuti munhu haagoni kutsamira panzwisiso yake amene. Haiwa hakubviri chose chose sei kuva nenzwisiso kana kuti kuziva kana munhu achishanda mukupesana naJehovha! Kuiita yedu timene, tinofanira kutsvakisisa nzwisiso sepfuma yakavanzwa. Kuti tinzwisise, tinofanira kuva nezivo. Kutsvaka zivo uko munhu anonzwisisa anoita kunotuswa, uye uchenjeri huri pamberi pake. Anotaviridzwa pamisungo isingaverengeki yenyika ino, yakadai seinobva kuvanhu vakashata vasingaverengeki vangaedza kukwezva munhu kuti afambe navo munzira yerima. Ngaaongwe Jehovha Mwari—Manyuko ezivo inopa upenyu, uchenjeri, nenzwisiso!—4:7, NW; 2:3, 4; 3:5; 15:14; 17:24; 19:8; 21:30.
23. Rudzii rwezano rokuchenjera ruchatevera kukurukurwa?
23 Mutsinhirano nechinangwa chinobetsera chebhuku reZvirevo, bhuku racho rinopa zano rakawanda rokuchenjera, rakafuridzirwa kuti ritibetsere kuwana nzwisiso ndokutaviridza mwoyo, “nokuti mauri ndimo munobuda manyuko oupenyu.” (4:23, NW) Chinotevera chikamu chezano rokuchenjera rinosimbiswa mubhuku racho rose.
24. Chii chinotaurwa pamusoro pavakaipa navakarurama?
24 Vakaipa navakarurama vanosiyaniswa: Wakaipa uchabatwa munzira dzake dzakaminama, uye pfuma yake haisati ichizomuponesa muzuva rehasha. Wakarurama achawana upenyu uye achatuswa naJehovha.—2:21, 22; 10:6, 7, 9, 24, 25, 27-32; 11:3-7, 18-21, 23, 30, 31; 12:2, 3, 7, 28; 13:6, 9; 14:2, 11; 15:3, 8, 29; 29:16.
25. Bhuku reZvirevo rinonyevera sei pamusoro pounzenza?
25 Kudikanwa kwetsika dzakachena: Soromoni anonyevera nguva dzose pamusoro pounzenza. Vanhu voupombwe vachagamuchira denda pamwe chete nokusakudzwa, uye kuzvidzwa kwavo hakusati kuchizobviswa. “Mvura [dza]biwa” dzingaratidzika kuva dzinozipa kupwere, asi hure rinoburukira kurufu uye rinoenda navanyajambwa varo vasina ruzivo rwokuzviwanira. Avo vanowira mugomba rakadzika rounzenza vanozvidzwa naJehovha.—2:16-19; 5:1-23; 6:20-35; 7:4-27; 9:13-18; 22:14; 23:27, 28.
26. Chii chinotaurwa pamusoro pokuzvidzora?
26 Kudikanwa kwokuzvidzora: Kudhakwa namakaro zvinoshurikidzwa. Vose vachava netendero yaMwari vanofanira kushandisa mwero mukudya nokunwa. (20:1; 21:17; 23:21, 29-35; 25:16; 31:4, 5) Avo vanononoka kutsamwa vane nzwisiso huru uye vakuru zvikuru kupfuura munhu une simba anotapa guta. (14:17, 29; 15:1, 18; 16:32; 19:11; 25:15, 28; 29:11, 22) Kuzvidzora kunodikanwawo kudzivisa shanje negodo, uko kuri kuora mumapfupa omunhu.—14:30; 24:1; 27:4; 28:22.
27. (a) Ndokupi kuri kushandiswa kwokusachenjera kwokutaura? (b) Neiko kushandiswa kwokuchenjera kwemiromo yedu norurimi kuchikosha kwazvo?
27 Kushandiswa kwokuchenjera nokwokusachenjera kwokutaura: Kutaura kwakaminama, mucheri, chapupu chenhema, uye munyeperi vachafukurwa, nokuti vanonyangadza kuna Jehovha. (4:24; 6:16-19; 11:13; 12:17, 22; 14:5, 25; 17:4; 19:5, 9; 20:17; 24:28; 25:18) Kana muromo womunhu uchitaura zvinhu zvakanaka, manyuko oupenyu; asi muromo webenzi unokurumidzisa kuvadziko yake. “Rufu noupenyu zviri musimba rorurimi, uye iye une rudado uchadya zvibereko zvarwo.” (18:21, NW) Kuchera, kutaura kunonyengera, kubata kumeso, uye mashoko okuchimbidzika zvinoshurikidzwa. Kutaura zvokwadi inzira yokuchenjera, kuremekedza Mwari.—10:11, 13, 14; 12:13, 14, 18, 19; 13:3; 14:3; 16:27-30; 17:27, 28; 18:6-8, 20; 26:28; 29:20; 31:26.
28. Rudado runounza kuvadzikoi, asi ibetseroi dzinobva mukuzvininipisa?
28 Ufuza hworudado nokudikanwa kwokuzvininipisa: Munhu anodada anozvikwiridza amene kuurefu uhwo iye chaizvoizvo asina, zvokuti anopunzika. Vanodada mumwoyo vanonyangadza kuna Jehovha, asi anopa vanozvininipisa uchenjeri, mbiri, pfuma, uye upenyu.—3:7; 11:2; 12:9; 13:10; 15:33; 16:5, 18, 19; 18:12; 21:4; 22:4; 26:12; 28:25, 26; 29:23.
29. Unyope hunofanira kurangarirwa sei, uye kushanda nesimba ndokwoukoshii?
29 Kushanda nesimba, kwete usimbe: Kune nzira dzakawanda dzokurondedzerwa kwenyope. Inofanira kuenda kumujuru nokuda kwechifundo ndokuva yakachenjera. Aa, asi munhu anoshanda nesimba—achabudirira!—1:32; 6:6-11; 10:4, 5, 26; 12:24; 13:4; 15:19; 18:9; 19:15, 24; 20:4, 13; 21:25, 26; 22:13; 24:30-34; 26:13-16; 31:24, 25.
30. Bhuku reZvirevo rinosimbisa sei songaniro yakarurama?
30 Songaniro yakarurama: Ufuza kusonganirana naavo vasingatyi Jehovha, navakaipa kana kuti mafuza, navanhu vasingatani kushatirwa, navanoreva makuhwa, kana kuti vanoruta. Panzvimbo pezvo, songanirana navanhu vakachenjera, uye uchava akachenjerawo zvikuru.—1:10-19; 4:14-19; 13:20; 14:7; 20:19; 22:24, 25; 28:7.
31. Nderipi riri zano rokuchenjera pamusoro petsiuro?
31 Kudikanwa kwetsiuro neruramiso: “Jehovha anotsiura waanoda,” uye avo vanotetekera kuichi chirango vari munzira inoenda kumbiri uye upenyu. Iye unovenga tsiuro uchazvidzwa.—3:11, 12, NW; 10:17; 12:1; 13:18; 15:5, 31-33; 17:10; 19:25; 29:1.
32. Izanoi rakaisvonaka rinogoverwa pamusoro pokuva mudzimai akanaka?
32 Zano pamusoro pokuva mudzimai akanaka: Bhuku reZvirevo rinonyevera ranyeverazve pamusoro pokuva kwomudzimai anokakavara uye anoita nenzira inonyadzisa. Mudzimai akachenjera, anoita zvakanaka anotya Mwari ane mutemo womutsa worudo parurimi rwake; ani naani anowana mudzimai akadaro anowana nyasha dzinobva kuna Jehovha.—12:4; 18:22; 19:13, 14; 21:9, 19; 27:15, 16; 31:10-31.
33. Izanoi rinobetsera rinopiwa pamusoro pokurovedza mwana?
33 Kurerwa kwavana: Vadzidzisei mirayiro yaMwari nguva dzose kuti va“sakanganwe.” Varerei kubvira paucheche mumurayiridzo waJehovha. Musarega shamhu apo inenge ichidikanwa; sechiratidzo chorudo, shamhu netsiuro zvinopa mukomana uchenjeri. Avo vanorera vana munzira yaMwari vachava nevana vakachenjera avo vachaunza kufara nomufarwa mukuru kuna baba namai.—4:1-9; 13:24; 17:21; 22:6, 15; 23:13, 14, 22, 24, 25; 29:15, 17.
34. Kunobetsereiko kutora mutoro mukubetsera vamwe?
34 Mutoro wokubetsera vamwe: Iwoyu unosimbiswa kazhinji kazhinji mubhuku reZvirevo. Akachenjera anofanira kuparadzira zivo nokuda kwokubetserwa kwavamwe. Munhu anofanirawo kuva ane rupo mukuratidza nyasha kuna avo vari varombo, uye achiita kudaro, chaizvoizvo ari kuposhana naJehovha, anovimbisa kuripira.—11:24-26; 15:7; 19:17; 24:11, 12; 28:27.
35. Kusvika pakati chaipo pezvinetso zvedu, bhuku reZvirevo rinopa zanoi?
35 Kuvimba naJehovha: Bhuku reZvirevo rinosvika pakati pezvinetso zvedu mukupa zano kuti tiise chivimbo chedu chakakwana muna Mwari. Tinofanira kucherekedza Jehovha munzira dzedu dzose. Mumwe munhu angaronga nzira yake, asi Jehovha anofanira kutungamirira nhanho dzake. Zita raJehovha inhare yakasimba, umo akarurama anomhanyira ndokuwana dziviriro. Vimba naJehovha uye enda kuShoko rake nokuda kwenhungamiro.—3:1, 5, 6; 16:1-9; 18:10; 20:22; 28:25, 26; 30:5, 6.
36. Bhuku reZvirevo ringarondedzerwa serinowirirana nomusi, rinoshanda uye rinobetsera mumurangariroi?
36 Haiwa bhuku reZvirevo rinobetsera sei nokuda kwokudzidzisa nokuzvirovedza timene uye vamwe! Hapana rutivi rwoukama hwavanhu runoratidzika kuva runofuratirwa. Kune mumwe munhu anozviparadzanisa amene navanamati biyake vaMwari here? (18:1) Munhu ari munzvimbo yakakwirira anosvika mhedziso asati anzwa mativi ose ari maviri enhau here? (18:17) Ko munhu muiti wejee ane ngozi here? (26:18, 19) Ko munhu anoda kuva anosarudza here? (28:21) Mutengesi ari muchitoro chake, murimi ari mumunda wake, murume nomudzimai nomwana—vose vanogamuchira murayiridzo wakanaka. Vabereki vanobetserwa zvokuti vanogona kuratidza misungo yakawanda yakavandira munzira yepwere. Vakachenjera vanogona kudzidzisa vasina ruzivo rwokuzviwanira. Zvirevo zvacho zvinoshanda kuri kwose kwatinogara; murayiridzo webhuku racho nezano hazvitongovi zvechinyakare: “Bhuku reZvirevo,” akambodaro mumwe mudzidzisi weAmerica William Lyon Phelps, “rinowirirana nenguva zvikuru kupfuura pepanhau ramangwanani ano.”a Bhuku reZvirevo rinowirirana nenguva, rinoshanda, uye rinobetsera nokuda kwokudzidzisa nemhaka yokuti rakafuridzirwa naMwari.
37. Bhuku reZvirevo rinotsinhirana sei nedzidziso dzaSoromoni Mukuru?
37 Zvarinobetsera nokuda kwokururamisa zvinhu, bhuku reZvirevo, rakataurwa zvikurukuru naSoromoni, tinotendeudzira vanhu kuna Mwari Wamasimba Ose. Ndozvakaitawo Jesu Kristu, uyo anonongedzerwa kwaari pana Mateo 12:42 (NW) se“chimwe chinhu chinopfuura Soromoni.”
38. Bhuku reZvirevo rinowedzera sei kunzwisisa kwedu Umambo hwaMwari nenheyo dzahwo dzakarurama?
38 Haiwa tinogona sei kuva vanoonga kuti uyu Akachenjera nenzira yakatanhamara chisarudzo chaJehovha seMbeu yoUmambo! Chigaro chake choumambo ndicho chi“chasimbiswa zvakasimba nokururama kumene,” nokuti kutonga kune rugare kune mbiri huru zvikuru kupfuura kunyange uko kwaMambo Soromoni. Pamusoro pokutonga kwoUmambo ihwohwo, kuchanzi, “Mutsa worudo nouchokwadi—zvinotaviridza mambo; uye kupfurikidza nomutsa worudo iye akatsigira chigaro chake choumambo.” Ikoko kuchatanga hurumende yakarurama isingagumi nokuda kworudzi rwomunhu, nezvayo bhuku reZvirevo rinotiwo: “Uko mambo anotonga varombo muuchokwadi, chigaro chake choumambo chinosimbiswa zvakasimba kwenguva yose.” Nokudaro, tinosvika pakuonga nomufaro kuti bhuku reZvirevo harivhenekeri bedzi nzira yedu inoenda kuzivo, uchenjeri, uye nzwisiso, pamwe chete nokuupenyu husingaperi, asi, zvinokosha zvikuru, rinokudza Jehovha saManyuko ouchenjeri hwechokwadi, hwaanogovera kupfurikidza naKristu Jesu, Mudyi Wenhaka woUmambo. Bhuku reZvirevo rinowedzera zvizhinji kukunzwisisa kwedu Umambo hwaMwari nenheyo dzakarurama dzahunotonga kupfurikidza nadzo zvino.—Zvir. 25:5, NW; 16:12; 20:28; 29:14, NW.
[Mashoko Omuzasi]
a Treasury of the Christian Faith, 1949, rakapepetwa naStuber naClark, peji 48.