Wana Uchenjeri uye Bvuma Chirango
JEHOVHA MWARI ndiye Murayiridzi Mukuru wevanhu vake. Haangovadzidzisi nezvake bedzi asiwo nezveupenyu. (Isaya 30:20; 54:13; Pisarema 27:11) Somuenzaniso, kurudzi rwaIsraeri, Jehovha akapa vaprofita, vaRevhi—kunyanya vapristi—uye vamwe varume vakachenjera kuti vave vadzidzisi. (2 Makoronike 35:3; Jeremia 18:18) Vaprofita vakadzidzisa vanhu zvinangwa zvaMwari neunhu uye vakaratidza nzira yakarurama yekutevera. Vapristi nevaRevhi vaiva nebasa rekudzidzisa Mutemo waJehovha. Uye varume vakachenjera, kana kuti vakuru, vaipa mazano akanaka panhau dzekurarama kwezuva nezuva.
Soromoni, mwanakomana waDhavhidhi, aive akatanhamara pavarume vakachenjera muna Israeri. (1 Madzimambo 4:30, 31) Aona mbiri yake neupfumi, mumwe wevaenzi vake vaikosha zvikuru, mambokadzi weShebha, akabvuma kuti: “Handina kuudzwa kunyange hafu yazvo; kungwara kwenyu nezvakanaka zvenyu zvinokunda zvose zvandakanzwa.” (1 Madzimambo 10:7) Uchenjeri hwaSoromoni hwaibvepi? Paakava mambo wevaIsraeri muna 1037 B.C.E., Soromoni akanyengeterera “njere nokuziva.” Achifadzwa nechikumbiro chake, Jehovha akamupa ruzivo, uchenjeri, uye mwoyo unonzwisisa. (2 Makoronike 1:10-12; 1 Madzimambo 3:12) Ndokusaka zvisingashamisi kuti Soromoni aka“taura tsumo dzine zviuru zvitatu”! (1 Madzimambo 4:32) Dzimwe dzacho, kusanganisira “mashoko aAguri” uye neayo a“mambo Remueri,” dzakanyorwa mubhuku reBhaibheri raZvirevo. (Zvirevo 30:1; 31:1) Chokwadi chinotaurwa muzvirevo izvi chinoratidza uchenjeri hwaMwari uye chinogara nekusingaperi. (1 Madzimambo 10:23, 24) Kumunhu anoda upenyu hunofadza uye hunobudirira, anoshanda nhasi sezvaaiita paakataurwa.
Kubudirira uye Tsika Dzakanaka—Sei?
Chinangwa chebhuku raZvirevo chinotsanangurwa mumashoko aro ekutanga, kuti: “Zvirevo zvaSoromoni, mwanakomana waDhavhidhi, mambo waIsraeri: Kuti vanhu vazive uchenjeri ne[“chirango,” NW] nokunzwisisa mashoko enjere; varayirirwe nzira yokungwara, neyokururama, nokururamisa, nokutendeka; vasina mano vapiwe kungwara, Jaya ripiwe zivo nokuchenjera.”—Zvirevo 1:1-4.
Chinangwa chakanaka zvakadini icho “zvirevo zvaSoromoni” zvinofanira kuita! Ndezvekuti “vanhu vazive uchenjeri nechirango.” Uchenjeri hunosanganisira kunzwisisa zvinhu sezvazviri uye kushandisa zivo iyoyo kupedza matambudziko, kuwana zvinodiwa, kudzivisa kana kuti kunzvenga njodzi, kana kuti kubatsira vamwe kuti vadaro. “Mubhuku raZvirevo,” rinodaro rimwe bhuku rinopa mashoko, “‘uchenjeri’ hunoratidza kurarama kweunyanzvi—mano ekuita zvisarudzo zvekuchenjera ndokurarama nenzira inobudirira.” Zvinokosha sei kuwana uchenjeri!—Zvirevo 4:7.
Zvirevo zvaSoromoni zvinogoverawo chirango. Tinoda kurovedza uku here? MuMagwaro, chirango chinopa pfungwa yokururamisa, kutsiura kana kuti kurova. Maererano neimwe nyanzvi yeBhaibheri, chino“reva kurovedzwa tsika dzakanaka, kusanganisira kururamisa zvingangotungamirira kuufuza.” Chirango, chingave chokuzvipa kana kuti chinopiwa nevamwe, hachingotidzivisi kuita zvakaipa asiwo chinotikurudzira kuchinjira kune zviri nani. Hungu, tinoda chirango kana tichizoramba takachena mutsika.
Saka chinangwa chezvirevo chiri paviri—kupa uchenjeri uye kugovera chirango. Chirango chetsika uye mano epfungwa zvine mativi akawanda. Somuenzaniso, kururama nokururamisira, itsika, uye dzinotibatsira kuomerera kuzvinodiwa naJehovha zvakakwirira.
Uchenjeri kubatanidzwa kwezvinhu zvakawanda, kusanganisira kunzwisisa, njere, ungwaru, uye mano okufunga. Kunzwisisa mano kuona nhau ndokunzwisisa zvairi nekuona kubatana kwakaita mativi acho uye zvachiri, kwava kuwana pfungwa yakakwana nezvacho. Njere dzinoda zivo yezvikonzero uye kunzwisisa chikonzero nei imwe nzira ingava yakanaka kana kuti yakaipa. Somuenzaniso, munhu anonzwisisa anogona kuona apo mumwe munhu anenge arasika nzira, uye angamunyevera nezvengozi iripo pakarepo. Asi zvinoda njere kwaari kunzwisisa chikonzero nei munhu ari kuenda nenzira iyoyo uye kuwana nzira yakanakisisa yokumununura nayo.
Vanhu vane ungwaru vanongwarira—havasi nyore kunyengedza. (Zvirevo 14:15) Vanogona kufanoona zvakaipa ndokuzvigadzirira. Uye uchenjeri hunotigonesa kugadzirira pfungwa nemazano zvakanaka zvinopa nhungamiro ine chinangwa muupenyu. Kudzidza zvirevo zveBhaibheri zvechokwadi kune mubayiro nemhaka yekuti zvakanyorwa kuti tizive uchenjeri uye chirango. Kunyange “vasina mano” vanoteerera zvirevo vachawana ungwaru, uye “Jaya,” richawana zivo uye mano okufunga.
Zvirevo Zvavakachenjera
Zvisinei, zvirevo zveBhaibheri hazvisi zvevasina mano uye vaduku bedzi. Ndezvemunhu wese wese akachenjera zvokugona kuteerera. “Kuti akachenjera anzwe, awedzere kudzidza,” anodaro Mambo Soromoni, “nomunhu wenjere awane mano akanaka. Vanzwisise chirevo nomufananidzo, mashoko avakachenjera nezvirahwe zvavo.” (Zvirevo 1:5, 6) Munhu atowana uchenjeri achawedzera kudzidza kwake nokuteerera zvirevo, uye munhu anonzwisisa achawedzera mano ake kuti ararame upenyu nenzira inobudirira.
Chirevo kazhinji kazhinji chinoratidza chokwadi chakazara mumashoko mashoma. Chirevo cheBhaibheri chinogona kuva mashoko anoshamisa. (Zvirevo 1:17-19) Zvimwe zvirevo zvirahwe—mashoko asinganzwisisiki nyore uye tsumo dzinoda kududzirwa. Chirevo chinogonawo kuva nefananidzo, dimikira, uye kumwe kudzama kwemutauro. Kunzwisisa izvi kunoda nguva uye kufungisisa. Soromoni, munyori wezvirevo zvakawanda, pasina mubvunzo aiva nemano okunzwisisa chirevo. Mubhuku raZvirevo, anotora basa rokupa mano iwayo kuvaravi vezvaanonyora, chimwe chinhu icho munhu akachenjera angada kuteerera.
Mavambo Anotungamirira Kuchinangwa
Munhu anotangira papi kutsvaka uchenjeri nechirango? Soromoni anopindura, kuti: “Kutya Jehovha ndiko kuvamba kwezivo; mapenzi anoshora uchenjeri nokurayirirwa.” (Zvirevo 1:7) Zivo inovamba nekutya Jehovha. Pasina zivo hapana uchenjeri kana chirango. Saka, kutya Jehovha ndiko kuvamba kweuchenjeri nechirango.—Zvirevo 9:10; 15:33.
Kutya Mwari hakusi kutya kunovhundutsa. Asi, ruremekedzo rukuru nekutya. Hapagoni kuva nezivo yechokwadi pasina kutya uku. Upenyu hunobva kuna Jehovha Mwari, uye, chokwadika, upenyu hunokosha kuti tive nezivo. (Pisarema 36:9; Mabasa 17:25, 28) Uyezve, Mwari akasika zvinhu zvose, saka zivo yese yevanhu yakavakirwa pakudzidza mabasa ake. (Pisarema 19:1, 2; Zvakazarurwa 4:11) Mwari akafuridzirawo Shoko rake rakanyorwa, rino“batsira pakudzidzisa, nokurayira, nokururamisira, nokuranga kuri mukururama.” (2 Timotio 3:16, 17) Saka, chinokosha pazivo yose yechokwadi ndiJehovha, uye munhu ari kuitsvaka anofanira kumutya noruremekedzo.
Zivo yevanhu neuchenjeri hwenyika zvinokosha papi pasina kutya Mwari? Muapostora Pauro akanyora kuti: “Wakachenjera uripiko? Munyori uripiko? Muiti wenharo wenyika ino uripiko? Mwari haana kuita uchenjeri hwenyika huve upenzi here?” (1 VaKorinte 1:20) Asingatyi Mwari, munhu wenyika akachenjera anotaura zvisizvo kubva muzvinhu zvinozivikanwa uye anoguma ava ‘benzi zvaro.’
“Uketani Pamutsipa Wako”
Mambo akachenjera anotaurira pwere kuti: “Mwanakomana wangu, inzwa kurayirira kwababa vako; usarasa kudzidzisa kwamai vako. Nokuti zvichava chishongo chakanaka pamusoro wako, nouketani pamutsipa wako.”—Zvirevo 1:8, 9.
Muna Israeri wekare, vabereki vaiva nebasa ravakapiwa naMwari rokudzidzisa vana vavo. Mosesi akarayira vanababa, kuti: “Mashoko awa andinokurayira nhasi, anofanira kuva mumwoyo mako; unofanira kushingaira kuadzidzisa vana vako, nokuataura kana ugere mumba mako, kana uchifamba munzira, kana uchivata pasi, kana uchimuka.” (Dheuteronomio 6:6, 7) Vanamai vaivawo nezvakati kuti zvavaiita. Mugadziriro yesimba remurume wake, mukadzi wechiHebheru aigona kuita kuti mitemo yemumba iteererwe.
Chaizvoizvo, muBhaibheri rose, mhuri ndiyo chinhu chainyanya kudzidzisa. (VaEfeso 6:1-3) Kuvana, kuteerera vabereki vavo vanotenda kunoreva kupfekedzwa hata yemaruva yakashongedzwa inokwezva uye uketani hwerukudzo.
“Zvinotorera Mwene Wazvo Upenyu Hwake”
Vasati vamuendesa kuUnited States kuti anodzidza kuchikoro chepamusoro, vamwe baba vekuAsia vakanyevera mwanakomana wavo wemakore 16 kuti asandotamba nevanhu vakaipa. Iyi nyevero yakafanana nenyevero yaSoromoni, yekuti: “Mwanakomana wangu, kana vatadzi vachikugombedzera, usatenda iwe.” (Zvirevo 1:10) Zvisinei, Soromoni anonyatsotaura musungo wavanoshandisa, achiti: “Kana vachiti: Hendeyi tose, ngatirindire ropa; ngativandire vasina mhosva kunyange pasina mhaka. Ngativamedze vari vapenyu seSheori, vari vakukutu saivo vanoburukira kugomba. Tichawana pfuma yamarudzi mazhinji; tichazadza dzimba dzedu nezvatakapamba; iwe uchava mumwe wedu, tose tichava nechikwama chimwe chete.”—Zvirevo 1:11-14.
Zviri pachena kuti musungo wacho ipfuma. Vaine vavariro yekupfuma nokukurumidza, “vatadzi” vanonyengedza vamwe kuti vabatane navo muzvirongwa zvavo zvechisimba uye zvakaipa. Vanhu vakaipa ava havambozezi kuuraya kuti vawane pfuma yekunyama. Vano‘medza munhu wavanoda kubira seSheori, ari mukukutu,’ vachimubira zvose zvaainazvo, sezvinongoita guva rinotora mutumbi wose. Vanokoka vamwe kuti vaite basa rechitsotsi—vanoda ku‘zadza dzimba dzavo nezvavakapamba,’ uye vanoda kuti asina mano ave ‘mumwe wavo.’ Iyi inyevero yauya panguva yakakodzera sei kwatiri! Zvikwata zvevaduku uye vanotengesa zvisiri pamutemo zvinodhaka havashandisi nzira dzakafanana pakukoka vamwe here? Kuvimbisa kupfuma nokukurumidza handiwo muedzo wamabhizimisi asina kujeka anorongwa here?
“Mwanakomana wangu,” anonyevera kudaro mambo akachenjera, “usafamba navo nenzira yavo; dzora rutsoka rwako panzira yavo; nokuti tsoka dzavo dzinovangira zvakaipa; vanokurumidza kudurura ropa.” Achifanoona kuguma kwavo kune ngozi, anotizve: “Nokuti mumbure unodzikirwa pasina shiri dzamarudzi ose dzichizviona. Vanhu ava vanogarira ropa ravo vamene; vanozvivandira upenyu hwavo. Ndizvo zvakaitawo nzira dzavose vanokarira pfuma; zvinotorera mwene wazvo upenyu hwake.”—Zvirevo 1:15-19.
“Vose vanokarira pfuma” vachafira munzira yavo. Kuhwandira kunoita vakaipa vamwe kuchava musungo wavo pachavo. Vanoita zvakaipa nemaune vachachinja nzira yavo here? Kwete. Mumbure ungave uchinyatsooneka, asi shiri—zvisikwa zva“marudzi ose”—dzinongobhururukira mauri. Saizvozvowo, vakaipa, vapofumadzwa nokukara kwavo, vanoramba vachiita zvinhu zvavo zvechitsotsi, kunyange zvazvo pane imwe nguva vachazobatwa.
Ndiani Achateerera Inzwi Rouchenjeri?
Chaizvoizvo vakaipa vanoziva here kuti nzira yavo ine ngozi? Vakanyeverwa here nezvemugumisiro wenzira dzavo? Kusaziva hakuna basa, nekuti shoko rakananga riri kuparidzwa munzvimbo dzine vanhu vose.
Soromoni akati: “Uchenjeri hunodanidzira panzira dzomumusha; hunonzwisa inzwi rahwo panzvimbo dzakafara; hunodana panzvimbo pakaungana vazhinji; pavanopinda pamasuwo, paguta, ndipo pahunotaura mashoko ahwo.” (Zvirevo 1:20, 21) Nenzwi guru uye rinonzwika zvakanaka, uchenjeri huri kudanidzira panzvimbo dzevanhu vose kuti vose vanzwe. Muna Israeri wekare varume vakuru vaipa mazano oungwaru uye vaiita zvisarudzo zvekutonga pamasuwo eguta. Kwatiri, Jehovha akaita kuti uchenjeri hunyorwe muShoko rake, Bhaibheri, rinowanika kwese kwese. Uye vashumiri vake nhasi vakabatikana mukuparidza kuvanhu vose mashoko aro kwese kwese. Zvechokwadi Mwari ari kuita kuti uchenjeri huparidzwe kuvose.
Uhwu uchenjeri hwechokwadi hunoti chii? Hunoti: “Nhai imi vasina mano, muchada kusava namano kusvikira riniko? Nemi vaseki kufarira kuseka kwenyu . . . ? Zvandakadana, imi mukaramba; ndikatambanudza ruoko rwangu, kukasava nemunhu wakarangarira.” Mapenzi haateereri inzwi rouchenjeri. Somugumisiro, “vachadya zvibereko zvenzira yavo.” ‘Kuramba kwavo nokusava nehanya’ kwavo ‘kuchavaparadza.’—Zvirevo 1:22-32.
Zvisinei, zvakadini nemunhu akawana nguva yokuteerera inzwi rouchenjeri? “Uchagara zvakasimba, uchagadzikana, asingatyi zvakaipa.” (Zvirevo 1:33) Tapota iva mumwe wevanowana uchenjeri uye vanobvuma chirango nokuteerera zvirevo zveBhaibheri.
[Mufananidzo uri papeji 15]
Uchenjeri hwechokwadi hunowanika kwese kwese