RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • si pp. 256-258
  • Bhuku reBhaibheri Nhamba 62—1 Johane

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Bhuku reBhaibheri Nhamba 62—1 Johane
  • “Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa naMwari uye Runobetsera”
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • ZVIRI MUBHUKU RAJOHANE ROKUTANGA
  • CHIKONZERO NEI RICHIBETSERA
  • Rambai Muchifamba Muchiedza Norudo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Ndiani Anopesana naKristu?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Pfungwa Huru Dzatinowana Mutsamba Dzakanyorwa naJohani naJudha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • Zvatinodzidza ‘Pamudzidzi Aidiwa naJesu’
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2021
Ona Zvimwe
“Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa naMwari uye Runobetsera”
si pp. 256-258

Bhuku reBhaibheri Nhamba 62—1 Johane

Munyori: Muapostora Johane

Nzvimbo Yakanyorerwa: Efeso, kana kuti pedyo

Kunyora Kwakapedzwa: Munenge muna 98 C.E.

1. (a) Ivarai rakatekeshera mumanyoro aJohane, bva chii chinoratidza kuti akanga asingadzorwi nokurangarira? (b) Neiko tsamba dzake nhatu dzakanga dzakakodzera nguva?

JOHANE, muapostora anodiwa waJesu Kristu, aida kururama zvakasimba. Ikoku kwakabetsera kumupa kunzwisisa zvikuru ndangariro yaJesu. Naizvozvo hatishamiswi kuti musoro worudo wakatekeshera mumanyoro ake. Iye akanga asingadzorwi nokurangarira, zvisinei, nokuti Jesu akanongedzera kwaari somumwe wa“vanakomana vokutinhira [Bhoanergesi].” (Marko 3:17) Kutaura idi, iye akanyora tsamba dzake nhatu mukudzivirira zvokwadi nokururama, nokuti kuramba kutenda kwakafanotaurwa nomuapostora Pauro kwakanga kwava pachena. Tsamba nhatu dzaJohane zvirokwazvo dzakanga dzakakodzera nguva, nokuti dzakanga dziri yamuro mukusimbisa vaKristu vapakuvamba mukurwisa kwavo kuvhozhokera kwo“wakaipa.”—2 VaT. 2:3, 4; 1 Joh. 2:13, 14; 5:18, 19.

2. (a) Chii chinoratidzira kuti tsamba dzaJohane dzakanyorwa gare gare zvikuru kupfuura Mateo, Marko, uye tsamba dzoufundisi? (b) Tsamba dzacho dzinoratidzika kuva dzakanyorwa rini uye kupi?

2 Tichifungidzira kubva muzviri mukati, idzi tsamba ndedzenhambo yapashure zvikuru kupfuura Evhangeri dzaMateo naMarko—gare gare, uyewo, kupfuura tsamba dzoufundisi dzaPetro naPauro. Nguva dzakanga dzachinja. Hamuna nongedzero kuchiJudha, tyisidziro huru kuungano mumazuva okuvamba kwadzo; uye hakuratidziki kuva kune kunokorwa kwamashoko kumwe kwakananga kubva muMagwaro echiHebheru. Kune rumwe rutivi, Johane anotaura pamusoro pe“nguva yokupedzisira” nokuoneka kwa“vanaantikristu vazhinji.” (1 Joh. 2:18) Anonongedzera kuvaravi vake nokutaura kwakadai sa“vana vangu vaduku” uye kwaari amene so“mukuru.” (1 Joh. 2:1, 12, 13, 18, 28; 3:7, 18; 4:4; 5:21; 2 Joh. 1; 3 Joh. 1) Zvose izvozvi zvinokarakadza nguva yapashure yetsamba dzake nhatu. Uyewo, 1 Johane 1:3, 4 inoratidzika kuva inoratidzira kuti Evhangeri yaJohane yakanyorwa panenge panguva imwe cheteyo. Kunodavirwa kazhinji kazhinji kuti tsamba nhatu dzaJohane dzakapedzwa munenge muna 98 C.E., nguva pfupi muapostorayo asati afa, uye kuti dzakanyorwa munharaunda yeEfeso.

3. (a) Chii chinopupurira kunyorwa kwetsamba yaJohane Yokutanga nouchokwadi hwayo? (b) Mashokoi akawedzerwa gare gare, asi chii chinoabvumikisa kuva enhema?

3 Kuti tsamba yaJohane Yokutanga yakanyorwa chaizvoizvo naJohane muapostora kunoratidzirwa nokusanofanana kwayo neEvhangeri yechina, iyo akanyora nenzira yakajeka. Somuenzaniso, iye anotanga tsamba yacho kupfurikidza nokuzvirondedzera amene sechapupu chakaona icho chakaona “Shoko roupenyu . . . , upenyu husingaperi, hwakanga huri kuna Baba, hukaratidzwa kwatiri,” mashoko akafanana nenzira inoshamisa neayo Evhangeri yaJohane inotanga nawo. Uchokwadi hwaro hunopupurirwa neMuratorian Fragment uye nevanyori vapakuvamba vakadai saIrenaeus, Polycarp, uye Papias, vose vezana ramakore rechipiri C.E.a Maererano naEusebius (munenge muna 260-342 C.E.), uchokwadi hwetsamba yaJohane Yokutanga hahuna kutongopanikirwa.b Zvisinei, kunofanira kucherekedzwa kuti shanduro dzakati dzekare zvikuru dzakawedzera kuganhuro 5 mashoko anotevera pamugumo we5 ndima 7b uye kuvamba kwe5 ndima 8a, anoti: “Mudenga, Baba, Shoko, uye Mudzimu Mutsvene: uye izvi zvitatu ndechimwe. Uye kune vatatu vanopupura mupasi.” (King James Version) Asi urwu rugwaro haruwaniki muapi naapi amanyoro apakuvamba echiGiriki uye sezvinooneka rwakawedzerwa kutsigira dzidziso yoUtatu. Shanduro dzazvino uno dzakawanda zvikurusa, dzose dziri mbiri dzechiKaturike nedzechiPurotesitendi, hadzibatanidzi aya mashoko mumashoko makuru orugwaro rwacho.—1 Joh. 1:1, 2.c

4. Johane ari kutsvaka kudzivirira vaKristu biyake pana vanaani, uye idzidzisoi dzenhema dzaanobvumikisa kuva nhema?

4 Johane anonyora kuti adzivirire “vadikanwa” vake, “vanana” vake, padzidziso dzisina kururama dza“vanaantikristu vazhinji” avo vakabuda pakati pavo uye avo vari kuedza kuvatsausa kuti vabve pazvokwadi. (2:7, 18) Ava vanaantikristu vakaramba kutenda vangave vakapesvedzerwa nouzivi hwechiGiriki, kubatanidza chiGnostic chapakuvamba, hune vatsigiri vaitaura kuti vane zivo chaiyo yorudzi rwakavanzika inobva kuna Mwari.d Achimira zvakatsiga mukurwisana nokuramba kutenda, Johane anobata zvakanyanya nemisoro mitatu: chivi, rudo, uye antikristu. Kutaura kwake pamusoro pechivi, uye mukutsigira chibayiro chaJesu nokuda kwezvivi, kunoratidzira kuti ava vanaantikristu vakanga vachitaura nenzira yokuzviruramisa kuti vakanga vasina chivi uye vakanga vasingadi chibayiro chorudzikinuro chaJesu. “Zivo” yavo yokuzvimirira yakanga yavaita vane udyire navasina rudo, mamirire ezvinhu ayo Johane anoratidzira sezvo anosimbisa nguva dzose rudo rwechokwadi rwechiKristu. Uyezve, Johane sezviri pachena ari kurwisa dzidziso yavo yenhema sezvo anotsanangura kuti Jesu ndiKristu, kuti akanga ane kuvapo kwakatangira kuva munhu, uye kuti akauya munyama soMwanakomana waMwari kuti agovere ruponeso nokuda kwavanhu vanotenda. (1:7-10; 2:1, 2; 4:16-21; 2:22; 1:1, 2; 4:2, 3, 14, 15) Johane anoratidzira ava vadzidzisi venhema nenzira yakajeka sa“vanaantikristu,” uye anopa nzira dzakati kuti umo vana vaMwari navana vaDhiyabhorosi vanogona kuzivikanwa namo.—2:18, 22; 4:3.

5. Chii chinoratidzira kuti tsamba yaJohane Yokutanga yaiva yeungano yose yechiKristu?

5 Sezvo pasina ungano yakati inonyorerwa, tsamba yacho sezviri pachena ndeyeboka rose rechiKristu. Kushayikwa kwokumhorosa pakuvamba uye kwaziso pamugumo kungaratidzirawo ikoku. Vamwe vakatorondedzera aya manyoro senyaya panzvimbo petsamba. Kushandiswa kwa“ma” wezvizhinji mose mose (sezvinoratidzirwa namavara makuru muNew World Translation) kunoratidza kuti munyori akanangidzira mashoko ake kuboka panzvimbo pokumunhu mumwe.

ZVIRI MUBHUKU RAJOHANE ROKUTANGA

6. Johane anoita musiyanoi pakati paavo vanofamba muchiedza naavo vari murima?

6 Kufamba muchiedza, kwete murima (1:1–2:29). “Zvinhu izvi tinokunyorerai,” anodaro Johane “kuti mufaro wedu uzadziswe.” Sezvo “Mwari [ari] chiedza,” avo bedzi vano“famba muchiedza” vari ku“yanana naye” uye nomumwe nomumwe. Ivava vanocheneswa muchivi kupfurikidza ne“ropa raJesu Kristu, Mwanakomana wake.” Pane rumwe rutivi, avo vano“famba murima” uye vanotaura kuti, “hatina zvivi,” vari kuzvinyengera vamene, uye zvokwadi haisi mavari. Kana vachireurura zvivi zvavo, Mwari achava akatendeka ndokuvakanganwira.—1:4-8.

7. (a) Munhu anoratidza sei kuti anoziva uye anoda Mwari? (b) Antikristu anoziviswa sei?

7 Jesu Kristu anoziviswa so“mudzikinuri” wezvivi, uyo ari “Murevereri kuna Baba.” Iye uyo anotaura kuti anoziva Mwari asi asingachengeti mirayiro Yake murevi wenhema. Iye uyo anoda hama yake anogara muchiedza, asi uyo unovenga hama yake ari kufamba murima. Johane anopa zano zvakasimba kusada nyika kana kuti zvinhu zviri munyika, nokuti, iye anoti, “Kana munhu achida nyika, rudo rwaBaba haruzi maari.” Vanaantikristu vakawanda vakauya, uye “vakabva kwatiri,” anotsanangura kudaro Johane, nokuti “vakanga vasati vari vedu.” Antikristu ndiye uyo anoramba kuti Jesu ndiye Kristu. Anoramba vose vari vaviri Baba noMwanakomana. “Vana vaduku” (NW) ngavagare nezvavakadzidza kubvira pakuvamba kuti vago“gara muMwanakomana, nomuna Baba,” maererano nokuzodzwa kwakagamuchirwa kuchibva kwaari, uko kuri kwechokwadi.—2:1, 2, 15, 18, 19, 24.

8. (a) Chii chinotsauranisa vana vaMwari naavo vaDhiyabhorosi? (b) “Vana vaduku” vakasvika sei pakuziva rudo, uye kunzverai kwavanofanira kuita nguva dzose pamwoyo yavo?

8 Vana vaMwari havaiti chivi (3:1-24). Nemhaka yorudo rwaBaba, vanodanwa kunzi “vana vaMwari,” uye pakuratidzwa kwaMwari vachafanana naye uye vacha“muona sezvaakaita.” Chivi kusateerera mutemo, uye avo vanorambira muumwe naKristu havachiiti. Uyo anopfuuridzira chivi anobva kuna Dhiyabhorosi, ane mabasa ayo Mwanakomana waMwari achaparadza. Vana vaMwari navana vaDhiyabhorosi nokudaro vanooneka: Avo vanobva kuna Mwari vanodana, asi avo vanobva kune wakaipa vakafanana naKaini, uyo akavenga ndokuuraya munun’una wake. Johane anoudza “vana vaduku” kuti vakasvika pakuziva rudo nemhaka yokuti “iyeyo akapa mweya wake” (NW), nokuda kwavo, uye anovarayira kusa‘pfigira suo retsitsi nyoro’ hama dzavo. Ngava“rege kuda neshoko kana norurimi, asi nebasa nezvokwadi.” Kuti vazive kana vari “vezvokwadi,” vanofanira kunzvera zviri mumwoyo yavo ndokuona kana va“ri kuita zvinhu zvinofadza mumeso” (NW) aMwari. Vanofanira kuchengeta murayiro wake kuti va“tende kuzita roMwanakomana wake, Jesu Kristu, uye [va]dane.” Nokudaro vachaziva kuti vari muumwe naye, uye iye navo kupfurikidza nomudzimu.—3:1, 2, 16-19, 22, 23.

9. (a) Kuedzai kunofanira kuitwa kwokutaura kwakafuridzirwa? (b) Chii chinosimbisa musengwa wokudana?

9 Kudana muumwe naMwari (4:1–5:21). Kutaura kwakafuridzirwa kunofanira kuedzwa. Kutaura kuya kunoramba kuti Kristu akauya munyama “hakubvi kuna Mwari” (NW), asi ndokwaantikristu. Kunobva munyika uye kuri muumwe nayo, asi kutaura kwakafuridzirwa kwezvokwadi kunobva kuna Mwari. Johane anoti: “Mwari rudo,” uye “rudo rwuri pachinhu ichi kuti hatizisu takada Mwari, asi kuti ndiye wakatida, akatuma Mwanakomana wake kuti ave rudzikinuro rwezvivi zvedu.” Ipapoka, musengwa wokudana mukuru sei! Avo vanoda vamwe vanoita kuti Mwari arambe ari muumwe navo, uye nokudaro rudo rwakakwaniswa kuti va“gova norusununguko rwokutaura” (NW), vachikandira rutyo kunze. “Isu,” anodaro Johane, “tinoda, nokuti iye wakatanga kutida.” “Unoda Mwari, ngaadewo hama yake.”—4:3, 8, 10, 17, 19, 21.

10. (a) Vana vaMwari vangakunda sei nyika, uye chivimboi chavanacho? (b) Chimiroi chendangariro chavanofanira kuva nacho kuchivi nokunamata zvidhori?

10 Kuratidza rudo savana vaMwari kunoreva kuchengeta mirayiro yake, uye ikoku kunoguma nokukunda nyika, kupfurikidza nokutenda. Nezveavo vanotenda Mwanakomana waMwari, Mwari anopa uchapupu kuti Iye akavapa “upenyu husingaperi; zvino upenyu uhwu hwuri muMwanakomana wake.” Nokudaro, vangava nechivimbo chokuti iye achavanzwa muchinhu chipi nechipi chavanomukumbira maererano nokuda kwake. Kusarurama kwose chivi, bva kune chivi chisingauyisi rufu. Munhu ari wose akaberekwa naMwari haaiti chivi. Kunyange zvazvo “nyika yose igere muna iye wakaipa . . . , Mwanakomana waMwari wakauya,” uye iye akapa vadzidzi vake “kuziva” kuti vawane zivo yaMwari wechokwadi, uyo zvino vari muumwe naye “muMwanakomana wake, Jesu Kristu.” Vanofanira kuzvidzivirirawo pazvidhori!—5:11, 19, 20.

CHIKONZERO NEI RICHIBETSERA

11. VaKristu nhasi vangarwisa sei vanaantikristu nezvishuvo zvenyika?

11 Kungofanana nomumakore okupedzisira ezana rokutanga ramakore reNguva Yavose, naizvozvo nhasi kune “vanaantikristu vazhinji” avo vaKristu vechokwadi vanofanira kunyeverwa pamusoro pavo. Ava vaKristu vechokwadi vanofanira kubatisisa ‘shoko ravakanzwa kubva pakuvamba, kudana,’ uye kugara muumwe naMwari nedzidziso yechokwadi, vachiita kururama norusununguko rwokutaura. (2:18; 3:11; 2:27-29) Inokoshawo zvikurusa ndiyo nyevero pamusoro po“kuchiva kwenyama, nokuchiva kwameso, nokuzvikudza,” zvakaipa zviya zvenyika, zvokudisa zvenyika izvo zvakaparadza vaKristu vaiedzesera vakawanda zvikurusa. VaKristu vechokwadi vachadzivisa nyika nechishuvo chayo, vachiziva kuti “unoita kuda kwaMwari, unogara nokusingaperi.” Munguva ino yechishuvo chenyika, masekete, uye ruvengo, zvirokwazvo, kunobetsera sei, kufunda kuda kwaMwari kupfurikidza naMagwaro akafuridzirwa nokuita kuda ikoko!—2:15-17.

12. Tsamba yaJohane Yokutanga inoita misiyanoi nokuda kwokubetserwa kwedu, uye tingakunda sei nyika?

12 Tsamba yaJohane Yokutanga inojekesa misiyano pakati pechiedza chinobva kuna Baba nerima rinoparadza zvokwadi rinobva kune wakaipa, pakati pedzidziso dzinopa upenyu dzaMwari nenhema dzinonyengera dzaantikristu, pakati porudo runozadza ungano yose yaavo vari muumwe naBaba pamwe chete noMwanakomana noruvengo rwokuuraya rwakafanana norwaKaini rwuri muavo va“kabva kwatiri . . . kuti vaonekwe kuti vose havazi vedu” nokuda kwokubetserwa kwedu. (2:19; 1:5-7; 2:8-11, 22-25; 3:23, 24, 11, 12) Tine uku kunzwisisa, chinofanira kuva chishuvo chedu chikuru choku‘kunda nyika.’ Uye tingaita sei ikoku? Kupfurikidza nokuva nokutenda kwakasimba uye kupfurikidza nokuva no“rudo rwaMwari,” urwo runoreva kuchengeta mirayiro yake.—5:3, 4.

13. (a) Kuda Mwari kunosimbiswa sei sesimba rinoshanda? (b) Rudo rwomuKristu runofanira kuva rworudzii, kuchiguma noumwe hwakadini?

13 “Rudo rwaMwari”—iri simba rinonyandura rinosimbiswa nenzira inoshamisa sei mutsamba macho mose! Muganhuro 2 tinowana musiyano mukuru pakati porudo rwenyika norudo rwaBaba. Gare gare kunodanirwa kungwariro yedu kuti “Mwari rudo.” (4:8, 16) Uye irworwu rudo runoshanda zvakadini! Rwakawana kuratidzirwa kwarwo kwakaisvonaka mukutumira kwaBaba “Mwanakomana, kuti ave Muponesi wenyika.” (4:14) Ikoku kunofanira kunyandura mumwoyo medu rudo rwokuonga, rusingatyi, maererano namashoko omuapostora, anoti: “Isu tinoda, nokuti iye wakatanga kutida.” (4:19) Rudo rwedu runofanira kuva rworudzi rumwe cheterwo nourwo rwaBaba noMwanakomana—rudo runoshanda, rwokurega zvimwe zvinhu. Kungofanana naJesu akapa mweya wake nokuda kwedu, naizvozvo “tinofanira kupa hama upenyu hwedu,” hungu, kuzarura suo retsitsi dzedu kuti tide hama dzedu, kwete mumashoko bedzi, asi “nebasa nezvokwadi.” (3:16-18) Sokuratidza kunoita tsamba yaJohane nenzira yakajeka kwazvo, ndirwo urwu rudo, rwakabatanidzwa nekuziva Mwari kwechokwadi, urwo runobatanidza avo vanopfuurira kufamba naMwari muumwe husingaputsiki naBaba noMwanakomana. (2:5, 6) Johane anotaura kuvadyi venhaka yoUmambo vari muichi chisungo chakakomborerwa chorudo, kuti: “Nesu tiri muna iye wazvokwadi, muMwanakomana wake, Jesu Kristu. Ndiye Mwari wazvokwadi, noupenyu husingaperi.”—5:20.

[Mashoko Omuzasi]

a The International Standard Bible Encyclopedia, Vhor. 2, 1982, rakapepetwa naG. W. Bromiley, mapeji 1095-6.

b The Ecclesiastical History, III, XXIV, 17.

c Insight on the Scriptures, Vhor. 2, peji 1019.

d New Bible Dictionary, chinyorwa chechipiri, 1986, chakapepetwa naJ. D. Douglas, mapeji 426, 604.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe