RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w91 4/15 p. 29
  • Rambai Muchifamba Muchiedza Norudo

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Rambai Muchifamba Muchiedza Norudo
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • ‘Fambai Muchiedza’
  • Vana vaMwari Vanoratidzira Rudo
  • Kutenda ‘Kunokunda Nyika’
  • Bhuku reBhaibheri Nhamba 62—1 Johane
    “Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa naMwari uye Runobetsera”
  • “Chiedza Chakasvika Panyika”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Tevera Chiedza Chenyika
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
  • Pfungwa Huru Dzatinowana Mutsamba Dzakanyorwa naJohani naJudha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
w91 4/15 p. 29

Rambai Muchifamba Muchiedza Norudo

Mapfundo Makuru Anobva Muna Johane Wokutanga

JEHOVHA ndiye Manyuko echiedza norudo. Tinofanira kutarira kuna Mwari nokuda kwechiedza chomudzimu. (Pisarema 43:3) Uye rudo ruri pakati pezvibereko zvomudzimu mutsvene wake.—VaGaratia 5:22, 23.

Chiedza, rudo, uye dzimwe nhau zvinokurukurwa mutsamba yokutanga yakafuridzirwa yomuapostora Johane, sezvingabvira yakanyorerwa muEfeso kana kuti pedyo nayo munenge muna 98 N.V. Chikonzero chikuru chokuinyora chakanga chiri chokutaviridza maKristu pakuwa pakutenda ndokuabetsera kuramba achifamba muchiedza. Sezvo tichitarisana nedenho kurudo rwedu, kutenda, uye perero kuzvokwadi, kurangarirwa kweiyi tsamba kuchatibetsera zvirokwazvo.

‘Fambai Muchiedza’

Johane akajekesa kuti maKristu akatendeka anofanira kufamba muchiedza chomudzimu. (1Jo 1:1–2:29) Iye akati: “Mwari chiedza, hamuna rima [hamuna chinhu chakaipa, choutere, chisati chiri chezvokwadi, kana kuti chisati chiri chitsvene] maari.” Nemhaka yokuti maKristu akazodzwa nomudzimu ano‘famba muchiedza,’ ano“yanana” naMwari, Kristu, uye mumwe nomumwe. Akacheneswawo muchivi kupfurikidza neropa raJesu.

Kana tiri maKristu akazodzwa ane tariro yokudenga kana kuti tichitarira mberi kuupenyu husingagumi pasi pano, tichapfuurira kubetserwa nechibairo chaJesu kana bedzi tichida hama dzedu asi kwete nyika. Tinofanirawo kudzivisa kuva vanopesvedzerwa navawi pakutenda, vakadai sa“antikristu,” uyo anoramba vose vari vaviri Baba noMwanakomana. Uye ngatiregei kutongokanganwa kuti upenyu husingaperi huchafarikanywa bedzi naavo vanoomerera kuzvokwadi uye vanoshandisa kururama.

Vana vaMwari Vanoratidzira Rudo

Johane akatevera kuzivisa vana vaMwari. (3:1–4:21) Kutanga, ivo vanoita chiri chakarurama. Ivo vanoteerera murairo waJehovha Mwari ‘kuti vave nokutenda muzita roMwanakomana wake, Jesu Kristu, uye kudana.’

Munhu ane “zivo yaMwari” anoziva pamusoro pamadonzo aJehovha uye kuti rudo Rwake runoratidzirwa sei. Iyoyi inofanira kubetsera munhu wacho kuratidzira rudo. Zvomenemene, “usingadi, haazivi Mwari, nokuti Mwari rudo.” Rudo rwoumwari rwakaratidzwa apo Mwari “akatuma Mwanakomana wake kuti ave rudzikinuro rwezvivi zvedu.” Kana Jehovha akatida kusvikira patambanuko iyoyo, tinosungirwa kudana. Hungu, ani naani anoti anoda Mwari anofanira kuvawo anoda hama yake yomudzimu.

Kutenda ‘Kunokunda Nyika’

Rudo runosunda vana vaMwari kuchengeta mirairo yake, asi ‘vanokunda nyika’ kupfurikidza nokutenda. (5:1-21) Kutenda kwedu muna Mwari, Shoko rake, uye Mwanakomana wake kunotigonesa ku‘kunda nyika’ kupfurikidza nokuramba kufunga kwayo kusina kururama nenzira uye kupfurikidza nokuchengeta mirairo yaJehovha. Mwari akapa ‘vakundi venyika’ tariro youpenyu husingagumi uye anonzwa minyengetero yavo iyo inotsinhirana nokuda kwake. Nemhaka yokuti ani naani “akaberekwa naMwari” haasati achiita chivi, Satani haasimbisi kubata kwake pamunhu akadaro. Asi vose vari vaviri vakazodzwa navabatiri vaJehovha vane tariro dzapasi vanofanira kuyeuka kuti ‘nyika yose iri musimba rowakaipa.’

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 29]

Chibairo Cheyananiso: Jesu “chibairo cheyananiso chezvivi zvedu [izvo zvavateveri vake vakazodzwa], bva kwete zvedu bedzi asiwo zvenyika yose,” vasara vose vorudzi rwomunhu. (1 Johane 2:2, NW) Rufu rwake rwakanga rwuri “yananiso” (chiGiriki, hi·la·smosʹ, kuratidzira “mutoo wokunyaradza nawo,” “yananiso”) asi kwete mupfungwa yokunyaradza mirangariro yakakuvadzwa yaMwari. Panzvimbo pezvo, chibairo chaJesu chakanyaradza, kana kugutsa, zvinodikanwa zveruramisiro youmwari yakakwana. Seiko? Kupfurikidza nokugovera hwaro hwakarurama nohwakanaka hwokuregerera chivi, kuti Mwari “arurame iye amene, uye aruramise uyo [anotadza nenzira yokugara nhaka] unotenda kuna Jesu.” (VaRoma 3:23-26; 5:12) Kupfurikidza nokugovera mutoo wokuita nawo gutsikano yakazara nokuda kwezvivi zvomunhu, chibairo chaJesu chakakuita kuti kuve kwakanaka, kana kunodiwa, kuti munhu atsvake ndokugamuchira kudzorerwa kuukama hwakarurama naJehovha. (VaEfeso 1:7; VaHebheru 2:17) Tose zvedu tinofanira kuva vanoonga sei nokuda kwaikoku!

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe