RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • dg chikamu 11 pp. 28-32
  • Nheyo Yenyika Itsva Zvino Iri Kuvakwa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nheyo Yenyika Itsva Zvino Iri Kuvakwa
  • Mwari Anoitira Hanya Zvomenemene Here?
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Ukama Hwechokwadi Hwamarudzi Ose
  • Kuzivisa Vanhu vaMwari
  • Rumwe Rutivi Runozivisa
  • Kupindura Nhau Huru Yechipiri
  • Chii Chiri Chisarudzo Chako?
  • Zvapupu zvaJehovha
    Kukurukurirana Tichishandisa Magwaro
  • Donzo raMwari Richakurumidza Kuzadzikwa
    Chii Chiri Donzo Roupenyu? Unogona Sei Kuriwana?
  • Jehovha Mwari Wedonzo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
  • Ndivanaani Vari Muchechi Yechokwadi?
    Mugwagwa Unoenda Kuupenyu Husingaperi—Wakauwana Here?
Ona Zvimwe
Mwari Anoitira Hanya Zvomenemene Here?
dg chikamu 11 pp. 28-32

Rutivi 11

Nheyo Yenyika Itsva Zvino Iri Kuvakwa

1, 2. Muzadziko youporofita hweBhaibheri, chii chiri kuitika pamberi pameso edu amene?

CHIRI chakaisvonakawo ndiro idi rokuti nheyo yenyika itsva yaMwari iri kuvakwa iye zvino, sezvo nyika yekare yaSatani iri kushata. Pamberi pameso edu amene, Mwari ari kuunganidza vanhu vanobva kumarudzi ose achivavaka kuva nheyo yechaunga chitsva chapasi icho nokukurumidza chichatsiva nyika isina kubatana yanhasi. MuBhaibheri, pana 2 Petro 3:13, ichi chaunga chitsva chinonzi “pasi idzva.”

2 Uporofita hweBhaibheri hunotaurawo, kuti: “Murutivi rwokupedzisira rwamazuva [nguva yatiri kurarama mairi zvino] . . . , marudzi mazhinji achaenda zvamazvirokwazvo achiti: ‘Uyai, imi vanhu, uye ngatikwirei kugomo raJehovha [kunamatwa kwake kwechokwadi], . . . uye iye uchatirairidza pamusoro penzira dzake, uye isu tichafamba mumakwara ake.’”—Isaya 2:2-3.

3. (a) Uporofita hwaIsaya huri kuzadzika pakati pavanaaniko? (b) Bhuku rokupedzisira reBhaibheri rinotsinhira sei pamusoro paikoku?

3 Uporofita ihwohwo zvino huri kuzadzika pakati paavo vanozviisa pasi pe‘nzira dzaMwari uye vachifamba munzira dzake.’ Bhuku rokupedzisira reBhaibheri rinotaura nezveichi chaunga chamarudzi ose chinoda rugare chavanhu se“boka guru . . . rinobva mumarudzi ose nendudzi navanhu nendimi,” ukama hwechokwadi hwenyika yose hunobatira Mwari mukubatana. Uye Bhaibheri rinotiwo: “Ava ndivo vanobuda mudambudziko guru.” Ndiko kuti, vachapukunyuka mugumo wetsika ino yakashata yezvinhu.—Zvakazarurwa 7:9, 14; Mateo 24:3.

Ukama Hwechokwadi Hwamarudzi Ose

4, 5. Neiko ukama hwenyika yose hweZvapupu zvaJehovha huchibvira?

4 Mamirioni eZvapupu zvaJehovha anoedza zvapachokwadi kurarama mutsinhirano nemirairidzo yaMwari nenzira. Tariro yazvo youpenyu husingagumi inosimbiswa munyika itsva yaMwari. Kupfurikidza nokurarama upenyu hwazvo hwezuva nezuva mukuteererwa kwemitemo yaMwari, zvinomuratidza kudisa kwazvo kuzviisa pasi penzira yake yokubata ushe mose muri muviri zvino nomunyika itsva. Kunzvimbo iri yose, pasinei hapo norudzi rwazvo kana kuti dzinza, zvinoteerera mipimo yakafanana—iya yakarongwa muShoko raMwari. Ndicho chikonzero nei zviri boka rechokwadi ramarudzi ose, chaunga chitsva chenyika inoitwa naMwari.—Isaya 54:13; Mateo 22:37, 38; Johane 15:9, 14.

5 Zvapupu zvaJehovha hazvizvirumbidzi nokuda kwokuva noukama hwechienzi hwenyika yose. Zvinoziva kuti iwoyu muuyo womudzimu waMwari une simba unoshanda pavanhu vanozviisa pasi pemitemo yake. (Mabasa 5:29, 32; VaGaratia 5:22, 23) Hunoitwa naMwari. Sokutaura kwakaita Jesu, “zvinhu zvisingabviri kuvanhu zvinobvira kuna Mwari.” (Ruka 18:27) Naizvozvo Mwari akabvirisa chisiko chapose pose chisingagumi ndiye uyo anobvirisawo chaunga chisingagumi chenyika itsva.

6. Neiko ukama hweZvapupu zvaJehovha huchigona kunzi chishamiso chazvino uno?

6 Nokudaro, nzira yaJehovha yokubata ushe munyika itsva inogona kutoonwa mune icho ari kubudisa munheyo nokuda kwenyika itsva iyo iri kuvakwa zvino. Uye izvo akaita kupfurikidza neZvapupu zvake, mupfungwa, chishamiso chazvino uno. Neiko? Nokuti akavaka Zvapupu zvaJehovha kuva boka rechokwadi renyika yose, iro risingatongogoni kuputswa nefariro dzinokamuranisa dzourudzi, dzedzinza, kana kuti dzorudzidziso. Nepo Zvapupu zvichisvika mumamirioni uye zvichirarama munyika dzinopfuura 200, zvakabatanidzwa pamwe chete sezvimwe muchisungo chisingaputsiki. Uhu ukama hwenyika yose, hwechienzi munhau yose, zvamazvirokwazvo chishamiso chazvino uno—kuita kwaMwari.—Isaya 43:10, 11, 21; Mabasa 10:34, 35; VaGaratia 3:28.

Kuzivisa Vanhu vaMwari

7. Jesu akataura sei kuti vateveri vake vechokwadi vaizozivikanwa?

7 Kunogona sei kutemwazve kuti ndivanaani vari vanhu avo Mwari ari kushandisa senheyo nokuda kwenyika itsva yake? Eya, ndivanaani vanozadzika mashoko aJesu ari pana Johane 13:34, 35? Iye akati: “Ini ndinokupai murairo mutsva, kuti mudanane; sezvo ini ndakakudai, kuti imi mudananewo. Kupfurikidza naikoku vose vachaziva kuti imi muri vadzidzi vangu, kana imi mune rudo pakati penyu mumene.” Zvapupu zvaJehovha zvinodavira mashoko aJesu uye zvinobatira paari. Sokurairidza kunoita Shoko raMwari, izvo zvino“danana zvikuru.” (1 Petro 4:8) Izvo zvino“zvipfekedza zvimene rudo, nokuti ndicho chisungo chakakwana chomubatanidzwa.” (VaKorose 3:14) Naizvozvo rudo rwouhama i“guruu” rinozvibatanidza pamwe chete munyika yose.

8. Ko 1 Johane 3:10-12 inozivisazve sei vanhu vaMwari?

8 Uyewo, 1 Johane 3:10-12 inoti: “Vana vaMwari navana vaDhiabhorosi vanooneka kupfurikidza neiri idi: Munhu ari wose asati achiita kururama haabvi kuna Mwari, naiyewo asati achida hama yake. Nokuti iri ndiro shoko ramakanzwa kubvira pamavambo, kuti isu tinofanira kudanana; kwete saKaini, uyo akabva kune wakaipa uye akauraya munun’una wake.” Nokudaro, vanhu vaMwari iboka rouhama risina masimba masimba, renyika yose.

Rumwe Rutivi Runozivisa

9, 10. (a) Vabatiri vaMwari vaizozivikanwa mumazuva okupedzisira nebasai? (b) Zvapupu zvaJehovha zvakazadzika sei Mateo 24:14?

9 Kune imwe nzira yokuzivisa nayo vabatiri vaMwari. Muuporofita hwake pamusoro pomugumo wenyika, Jesu akazivisa nezvezvinhu zvizhinji zvaizoratidzira nhambo ino yenguva samazuva okupedzisira. (Ona Rutivi 9.) Rutivi rwehwaro rwouhu uporofita runodudzwa mumashoko ake pana Mateo 24:14: “Aya mashoko akanaka oumambo achaparidzirwa mupasi rose rinogarwa nokuda kwouchapupu kumarudzi ose; uye ipapo mugumo uchasvika.”

10 Tati taona uporofita ihwohwo huchizadzika here? Hungu. Sezvo mazuva okupedzisira akavamba muna 1914, Zvapupu zvaJehovha zvakaparidzira mashoko akanaka oUmambo hwaMwari munyika yose nomutoo wakarairwa naJesu, ndiko kuti, paimba dzavanhu. (Mateo 10:7, 12; Mabasa 20:20) Mamirioni eZvapupu zvaJehovha anoshanyira vanhu murudzi ruri rwose kundotaura kwavari pamusoro penyika itsva. Ikoku kwakaparira kugamuchira kwako iri bhurocha, sezvo basa reZvapupu zvaJehovha richibatanidza kutsikirira nokuparadzirwa kwamabhirioni amabhuku anoreva nezvoUmambo hwaMwari. Unoziva nezvomunhu upi noupiwo zvake anoparidzira pamusoro poUmambo haMwari paimba neimba munyika yose here? Uye Marko 13:10 inoratidza kuti iri basa rokuparidzira nokudzidzisa rinofanira kuitwa “kutanga,” mugumo usati wasvika.

Kupindura Nhau Huru Yechipiri

11. Zvapupu zvaJehovha zvinopedzeizve kupfurikidza nokuzviisa pasi poubati ushe hwaMwari?

11 Kupfurikidza nokuzviisa pasi pemitemo yaMwari nenheyo, Zvapupu zvaJehovha zvinoita chimwezve chinhu. Zvinoratidza kuti Satani akanga ari murevi wenhema apo akataura kuti vanhu vaisagona kuva vakatendeka kuna Mwari pakuedzwa, nokudaro zvichipindura nhau huru yechipiri, iyo inobatanidza perero yavanhu. (Jobho 2:1-5) Zvazviri chaunga chamamirioni avanhu anobva mumarudzi ose, Zvapupu zvinoratidzira, somutumbi mumwe, ruvimbiko kuubati ushe hwaMwari. Kunyange zvazvo zviri vanhu vasina kukwana, zvinotsigira rutivi rwaMwari rwenhau youchangamire hwapose pose pasinei hapo nedzvinyiriro yakashata.

12. Kupfurikidza nokutenda kwazvo, Zvapupu zvinotevedzera vanaaniko?

12 Nhasi, aya mamirioni eZvapupu zvaJehovha anowedzera chipupuriro chawo kune chiya chomutsara murefu wezvimwe zvapupu zvomunguva dzakapfuura zvakaratidzira ruvimbiko kuna Mwari. Vamwe vaizvozvo vaiva Abheri, Noa, Jobho, Abrahama, Sara, Isaka, Jakobho, Dhebhora, Rute, Dhavhidhi, uye Dhanieri, kungodudza hedu vashomanene. (VaHebheru, ganhuro 11) Izvo, sokutaura kunoita Bhaibheri, i‘gore guru rezvapupu zvakatendeka.’ (VaHebheru 12:1) Izvi nezvimwe kubatanidza vadzidzi vaJesu vakachengeta perero kuna Mwari. Uye Jesu amene akagovera muenzaniso mukurusa kupfurikidza nokuchengeta perero yakakwana.

13. Mashokoi aJesu pamusoro paSatani akabvumikisa kuva echokwadi?

13 Ikoku kunoratidzira kuti icho Jesu akataura kuna vatungamiriri vorudzidziso pamusoro paSatani ndechechokwadi, kuti: “Asi imi munotsvaka kundiuraya, munhu akakuzivisai zvokwadi yandakanzwa kuna Mwari. . . . Imi munobva kuna baba venyu Dhiabhorosi, uye munoshuva kuita zvishuvo zvababa venyu. Iyeyo akanga ari muurayi apo iye akavamba, uye haana kutsiga muzvokwadi, nokuti zvokwadi haisiri maari. Apo iye anotaura nhema, anotaura mukuwirirana nechimiro chake amene chendangariro, nokuti iye murevi wenhema nababa venhema.”—Johane 8:40, 44.

Chii Chiri Chisarudzo Chako?

14. Chii chiri kuitika kunheyo yenyika itsva zvino?

14 Nheyo yenyika itsva zvino iri kuvakwa naMwari muchaunga chamarudzi ose cheZvapupu zvaJehovha iri kuramba ichisimba zvikuru. Gore rimwe nerimwe mazana ezviuru zvavanhu ari kushandisa kuzvisarudzira kwavo, kwakavakirwa pazivo yakarurama, kuti vagamuchire ubati ushe hwaMwari. Vanova rutivi rwechaunga chenyika itsva, vanotsigira rutivi rwaMwari rwenhau youchangamire hwapose pose, uye vanobvumikisa Satani kuva Murevi wenhema.

15. Ibasai rokuparadzanisa riri kuitwa naJesu muzuva redu?

15 Kupfurikidza nokusarudza ubati ushe hwaMwari, vanokwaniriswa kuti vaiswe ku“ruoko rworudyi” rwaKristu sezvo anoparadzanisa “makwai” achibva mu“mbudzi.” Muuporofita hwake pamusoro pamazuva okupedzisira, Jesu akadeya kutaura, kuti: “Marudzi ose achaunganidzwa pamberi pake, uye iye uchaparadzanisa vanhu mumwe achibva kune mumwe, kungofanana nomufudzi anoparadzanisa makwai kubva mumbudzi. Uye iye achaisa makwai kuruoko rwake rworudyi, asi mbudzi kuruboshwe rwake.” Makwai vanhu vanozvininipisa vanosonganirana uye vanotsigira hama dzaKristu, vachizviisa pasi poubati ushe hwaMwari. Mbudzi vanhu vane chisimbwa vanoramba hama dzaKristu uye havaiti chinhu kuti vatsigire ubati ushe hwaMwari. Vanova nomuuyoiko? Jesu akati: “Ava [mbudzi] vachaenda mukuparadzwa kusingaperi, asi vakarurama [makwai] vachapinda muupenyu husingaperi.”—Mateo 25:31-46.

16. Chii chaunofanira kuita kana uchida kurarama muParadhiso inouya?

16 Zvamazvirokwazvo, Mwari anotiitira hanya! Nokukurumidza achagovera paradhiso inofadza yapasi. Unoda here kugara muParadhiso iyeyo? Kana uchida, ratidza kuonga kwako gadziriro dzaJehovha kupfurikidza nokudzidza pamusoro pake uye uchishandira paicho unodzidza. “Tsvakai Jehovha, imi vanhu, achingunoveri angawanikwa. Danidzirai kwaari achingunoveri anobvumikisa kuva pedyo. Munhu wakaipa ngaasiye nzira yake, uye munhu anokuvadza mifungo yake; uye ngaadzokere kuna Jehovha, uyo uchamunzwira tsitsi.”—Isaya 55:6, 7.

17. Neiko kusina nguva yokupambadza mukusarudza wokubatira?

17 Hapana nguva yokupambadza. Mugumo wetsika ino yekare waswedera pedyo zvikuru. Shoko raMwari rinopa zano, rokuti: “Musada nyika kana kuti zvimwe zvinhu zviri munyika. Kana munhu upi noupi achida nyika, rudo rwaBaba harusi maari . . . Kupfuurirazve, nyika iri kupfuura uye saizvozvowo ruchiva rwayo, asi iye unoita kuda kwaMwari unoramba aripo nokusingaperi.”—1 Johane 2:15-17.

18. Inzirai yechiito ichakugonesa kukarira nomutoo wechivimbo kurarama munyika itsva yakaisvonaka yaMwari?

18 Vanhu vaMwari zvino vari kurovedzwa nokuda kwoupenyu husingaperi munyika itsva. Vari kudzidza unyanzvi hwomudzimu nezvimwe zvinodikanwa kuti vakudziridze paradhiso. Tinokukurudzira kusarudza Mwari soMubati ushe ndokutsigira basa rinoponesa upenyu raari kuita kuti riitwe mupasi rose nhasi. Funda Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha, uye svika pakuziva Mwari anokuitira hanya zvomenemene uye uyo achagumisa kutambura. Neiyi nzira iwewo unogona kuva rutivi rwenheyo yenyika itsva. Ipapo unogona nomutoo une chivimbo kukarira kuwana nyasha dzaMwari uye kurarama nokusingaperi munyika itsva iyoyo yakaisvonaka.

[Mufananidzo uri papeji 31]

Zvapupu zvaJehovha zvine ukama hwechokwadi hwamarudzi ose

[Mufananidzo uri papeji 32]

Nheyo yenyika itsva yaMwari zvino iri kuvakwa

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe