Jehovha Mwari Wedonzo
“Zvirokwazvo, sezvandakafunga, ndizvo zvazvichaitika; sezvandakarangarira, zvichamira saizvozvo.”—ISAYA 14:24.
1, 2. Vazhinji vanotii pamusoro pedonzo roupenyu?
VANHU munzvimbo iri yose vanobvunza, kuti: “Chii chiri donzo roupenyu?” Mumwe mutungamiriri wezvamatongerwe enyika wokuMadokero akati: “Vanhu vazhinji kupfuura nakare kose vari kubvunza kuti, ‘Tiri vanaani? Chii chiri donzo redu?’” Apo rimwe pepanhau rakanzvera vanhu vaduku pamusoro pomubvunzo wechiri donzo roupenyu, mhinduro chaidzoidzo dzaiva idzi: “Kuita chipi kana chipi chinoshuva mwoyo wako.” “Kurarama nhambo iri yose zvakazara zvikurusa.” “Kurarama kwoutere.” “Kuva navana, kufara uye ipapo kufa.” Vazhinjisa vakarangarira kuti upenyu huno hwakanga huri ihwo bedzi huripo. Hapana nomumwe akataura nezvedonzo renguva refu ipi neipi kuupenyu pasi pano.
2 Nyanzvi yaConfucius yakati: “Revo hurusa youpenyu inowanwa mukuvapo kwedu kwenguva dzose, kwavanhu.” Mukuwirirana naikoku, vanhu vaizopfuurira kuberekwa, kuparapatika kwamakore 70 kana kuti 80, ipapo kufa ndokusavapo nokusingaperi. Musayendisiti wemhindumupindu akati: “Tingashuva mhinduro ‘yakakwirira zvikuru’—asi hapana iripo.” Nokuda kwaava vezvemhindumupindu, upenyu kuparapatikira kupukunyuka, rufu ruchikugumisa kwose. Uzivi hwakadaro hunopa chiono chisina tariro choupenyu.
3, 4. Migariro yenyika inotapura sei nzira iyo vakawanda vanorangarira nayo upenyu?
3 Vazhinji vanopanikira kuti upenyu hune donzo apo vanoona kuti kuvapo kwomunhu kwave kwakazadzwa nenhamo huru kwazvo. Munguva yedu, apo munhu anofungidzirwa kuva asvika pakakwirira pefambiro mberi yokugadzirwa kwezvinhu neyesayenzi, vanhu vanenge bhirioni imwe munyika yose vari kurwara zvakakomba kana kuti havadyi zvokudya zvakakwana. Mamirioni avana anofa gore rimwe nerimwe nezvisakiso zvakadaro. Mukuwedzera, zana rino ramakore rechi 20 rakava nenzufu dzakawanda nakana dzakaparirwa nehondo kupfuura dzakava namakore mazana mana apfuura akabatanidzwa. Utsotsi, masimba masimba, kushandisa mirimo zvisina kufanira, kuputsika kwemhuri, AIDS nedzimwe hosha dzinopfuudzwa muvatano—ndaza yezvinhu zvakaipa inowedzera. Vatungamiriri venyika havana zvinopedza izvi zvinetso.
4 Nemhaka yemigariro yakadaro, mumwe munhu akataura izvo vazhinji vanodavira: “Hapana donzo kuupenyu. Kana izvi zvinhu zvose zvakaipa zviri kuitika, ipapo upenyu hahurevi zvakawanda.” Uye mumwe murume akwegura akati: “Ndave ndichibvunza chikonzero nei ndiri pano huzhinjisa hwoupenyu hwangu. Kana pane donzo, handinazve basa nazvo.” Naizvozvo nemhaka yokuti vazhinji havazivi chikonzero nei Mwari achibvumidza kutambura, migariro yenyika inotambudza inovaparira kusava netariro chaiyoiyo yenguva yemberi.
5. Neiko marudzidziso enyika ino achiwedzera kunyongano pamusoro pedonzo roupenyu?
5 Kunyange vatungamiriri vorudzidziso vakakamukana, uye havana chokwadi, pamusoro pedonzo roupenyu. Aichimbove mukuru weCathedral yaSt. Paul muLondon akati: “Upenyu hwangu hwose ndakaparapatika kuti ndiwane donzo rokurarama. . . . Ndakakundikana.” Chokwadi, vafundisi vazhinji vanodzidzisa kuti parufu vakanaka vanoenda kudenga uye vakaipa vanoenda kugehena romwoto nokusingaperi. Asi uyu murangariro unongosiya rudzi rwomunhu rwuri pasi pano kuti rupfuuridzire nzira yarwo yokutambudzwa. Uye kudai rakanga riri donzo raMwari rokuita kuti vanhu vararame mudenga, neiko asina kungovaita zvisikwa zvokudenga pakuvamba, sezvaakaita ngirozi, uye nokudaro achidzivisira vanhu kutambura kwakawanda kwazvo? Naizvozvo nyongano pamusoro pedonzo roupenyu pasi pano kana kuti kuramba kudavira kuti hune donzo ripi neripi inozivikanwa navose.
Mwari Wedonzo
6, 7. Bhaibheri rinotiudzei pamusoro paChangamire Wechisiko Chose?
6 Bva, bhuku rinoparadzirwa zvakafara zvikurusa munhau, Bhaibheri Dzvene, rinotiudza kuti Jehovha, Changamire wechisiko chose, ndiMwari wedonzo. Rinotiratidza kuti ane donzo renguva refu, kutaura idi, risingagumi, nokuda kworudzi rwomunhu pasi pano. Uye apo Jehovha anoronga chimwe chinhu, chichaitika pasina kukundikana. Kungofanana nemvura inoparira mbeu kumera, anodaro Mwari, “ndizvo zvichaita shoko rangu rinobuda mumuromo mangu; haringadzokeri kwandiri risina, asi richaita zvandinoda, richiendika pane zvandakaritumira.” (Isaya 55:10, 11) Chipi kana chipi Jehovha anoti achaita, “zvichamira saizvozvo.”—Isaya 14:24.
7 Isu vanhu tinogona kuva nechivimbo chakazara chokuti Wamasimba ose achachengeta zvipikirwa zvake, nokuti Mwari “haagoni kureva nhema.” (Tito 1:2, NW; VaHebheru 6:18) Apo anotiudza kuti achaita chimwe chinhu, shoko rake chivimbo chokuti chichaitika. Zvakaita sokunge chaitwa. Iye anozivisa, kuti: “Ndini Mwari, hakuno mumwe, ndini Mwari, hakuna wakafanana neni; iye unoparidza kubva pakutanga izvo zvichaitika pakupedzisira, nokubva panguva yekare kare zvinhu zvichigere kuitwa, ndichiti: Zvandakaraira zvichamira, ndichaita zvose zvandinoda . . . ndakataura, ndichazviuyisawo, ndakazvitema, ndichazviitawo.”—Isaya 46:9-11.
8. Avo vanoda kuziva Mwari zvapachokwadi vanogona kumuwana here?
8 Kupfuurirazve, Jehovha “haadi kuti vamwe varashike, asi kuti vose vatendeuke.” (2 Petro 3:9) Nokuda kwechikonzero ichochi, haadi kuti munhu upi noupi asaziva nezvake. Mumwe muporofita ainzi Azaria akati: “Kana mukamutsvaka [Mwari], uchawanikwa nemi; asi kana mukamurasha, iye uchakurashaiwo.” (2 Makoronike 15:1, 2) Nokudaro, avo vanoda zvapachokwadi kuziva Mwari namadonzo ake vanogona zvirokwazvo kuita kudaro kana vakaita nhamburiko yokumutsvaka.”
9, 10. (a) Chii chakagoverwa nokuda kwaavo vanoda kuziva Mwari? (b) Kunzvera Shoko raMwari kunotigonesa kuitei?
9 Kutsvaka kupi? Nokuda kwaavo vanotsvaka Mwari zvirokwazvo, akagovera Shoko rake, Bhaibheri. Kupfurikidza nomudzimu mutsvene wake, simba rinobata basa rimwe chetero iro akashandisa kusika chisiko chose, Mwari akaraira varume vakatendeka kunyora zvatinoda kuziva pamusoro pamadonzo ake. Somuenzaniso, pamusoro pouporofita hweBhaibheri, muapostora Petro akati: “Nokuti hakuno uporofita hwakatongouya nokuda kwomunhu, asi vanhu vaMwari vakataura, vachimutswa no[mudzimu, NW] mutsvene.” (2 Petro 1:21) Nenzira yakafanana, muapostora Pauro akazivisa, kuti: “Rugwaro rwose rwakafuridzirwa naMwari, runobatsira pakudzidzisa, nokuraira, nokururamisa, nokuranga kuri mukururama, kuti munhu waMwari akwane, agadzirirwa kwazvo mabasa ose akanaka.”—2 Timotio 3:16, 17; 1 VaTesaronika 2:13.
10 Cherechedza kuti Shoko raMwari rinotigonesa kuva, kwete zvishoma kana kuti zvisina kukwana, asi “akwane, agadzirirwa kwazvo.” Rinogonesa munhu kuva nechokwadi pamusoro paari Mwari, ari madonzo ake, uye chaanoda kuvabatiri vake. Ikoku kunofanira kukarirwa mubhuku rakanyorwa naMwari. Uye ndiro manyuko bedzi atinogona kutsvaka kuti tiwane zivo yakarurama yaMwari. (Zvirevo 2:1-5; Johane 17:3) Kupfurikidza nokuita kudaro, ticha“reg[a] kuramba tichingova vacheche, tichizununguswa nokudzingwa nemhepo ipi neipi yokudzidzisa nokunyengera kwavanhu, namano, kuti vatsause nokunyengera.” (VaEfeso 4:13, 14) Wezvamapisarema akataura murangariro wakafanira: “Shoko renyu [Mwari] ndiro mwenje wetsoka dzangu, nechiedza panzira yangu.”—Pisarema 119:105.
Anoziviswa Nenzira Inofambira Mberi
11. Jehovha akazivisa sei madonzo ake kurudzi rwomunhu?
11 Pakuvamba zvikuru pemhuri yomunhu, Jehovha akazivisa madonzo ake kupasi rino navanhu vari pariri. (Genesi 1:26-30) Asi apo vabereki vedu vokutanga vakaramba uchangamire hwaMwari, rudzi rwomunhu rwakawira murima romudzimu norufu. (VaRoma 5:12) Kunyanguvezvo, Jehovha aiziva kuti kwakanga kuchizova naavo vakanga vachizoda kumubatira. Naizvozvo, kuburuka mumazana ose amakore, akazivisa madonzo ake nenzira inofambira mberi kuvabatiri vake vakatendeka. Vamwe vaavo akazivisa vaiva Enoki (Genesi 5:24; Judhasi 14, 15), Noa (Genesi 6:9, 13), Abrahama (Genesi 12:1-3), uye Mosesi (Eksodho 31:18; 34:27, 28). Muporofita waMwari Amosi akanyora, kuti: “Zvirokwazvo, Ishe Jehovha haangaiti chinhu, asina kumbozivisa varanda vake vaporofita zvakavanzika zvake.”—Amosi 3:7; Dhanieri 2:27, 28.
12. Jesu akapenyera sei chiedza chakawanda pamadonzo aMwari?
12 Apo Mwanakomana waMwari, Jesu Kristu, akanga ari pasi pano makore 4 000 pashure pokupanduka muEdheni, humwe hudzame hwakawanda hwamadonzo aMwari hwakaziviswa. Ikoku kwakanga kwakadaro zvikurukuru pamusoro pedonzo raMwari rokugadza Umambo hwokudenga kuti hutonge pamusoro papasi. (Dhanieri 2:44) Jesu akaita Umambo ihwohwo musoro wokudzidzisa kwake. (Mateo 4:17; 6:10) Iye navadzidzi vake vakadzidzisa kuti muUmambo, donzo raMwari rapakuvamba nokuda kwapasi uye nokuda kworudzi rwomunhu rakanga richizozadzika. Pasi raizoshandurwa kuva paradhiso inogarwa navanhu vakakwana, vaizorarama nokusingaperi. (Pisarema 37:29; Mateo 5:5; Ruka 23:43; 2 Petro 3:13; Zvakazarurwa 21:4) Uyezve, Jesu navadzidzi vake vakaratidzira chakanga chichizoitika munyika itsva iyoyo kupfurikidza nemanenji Mwari akavapa simba kuti vaite.—Mateo 10:1, 8; 15:30, 31; Johane 11:25-44.
13. Pamusoro pokubata kwaMwari norudzi rwomunhu, ichinjoi yakaitika paPentekosta 33 N.V.?
13 PaPentekosta 33 N.V., mazuva 50 pashure porufu rwaJesu, mudzimu waMwari wakadururirwa paungano yavateveri vaKristu. Yakatsiva Israeri asina kutendeka savanhu vesungano yaJehovha. (Mateo 21:43; 27:51; Mabasa 2:1-4) Kudururwa kwomudzimu mutsvene panhambo iyoyo hwakanga huri hufakazi hwokuti, kubva panguva iyeyo zvichienda mberi, Mwari akanga achizozivisa zvokwadi pamusoro pamadonzo ake kupfurikidza nouyu mumiriri mutsva. (VaEfeso 3:10) Mukati mezana ramakore rokutanga N.V., gadziriro yesangano reungano yechiKristu yakatangwa.—1 VaKorinte 12:27-31; VaEfeso 4:11, 12.
14. Vatsvaki vezvokwadi vanogona sei kuziva ungano yechiKristu yechokwadi?
14 Nhasi, vatsvaki vezvokwadi vanogona kuziva ungano yechokwadi yechiKristu kupfurikidza nokuratidzira kwayo nguva dzose vara gurusa raMwari, rudo. (1 Johane 4:8, 16) Zvamazvirokwazvo, rudo rwouhama chiratidzo chinozivisa chechiKristu chechokwadi. Jesu akati: “Vose vachaziva naizvozvi kuti muri vadzidzi vangu, kana muno rudo pakati penyu.” “Uyu ndiwo murairo wangu, kuti mudane, seni ndakakudai imi.” (Johane 13:35; 15:12) Uye Jesu akayeuchidza vanzwi vake, kuti: “Imi muri hama dzangu, kana muchiita zvandinokurairai ini.” (Johane 15:14) Naizvozvo vabatiri vechokwadi vaMwari ndiavo vanorarama mukuwirirana nomutemo worudo. Havasati vachingotaura pamusoro parwo, nokuti “kutenda kusina mabasa kwakafa.”—Jakobho 2:26.
Kuvhenekera
15. Vabatiri vaMwari vanogona kuva nechokwadi nezvechii?
15 Jesu akadeya kutaura kuti nokupfuura kwenguva, ungano yechokwadi yechiKristu yaizovhenekerwa zvikuru kwazvo pamusoro pamadonzo aMwari. Akapikira vateveri vake, kuti: “[Mubetseri, mudzimu, NW] mutsvene, uchatumwa naBaba muzita rangu, iye uchakudzidzisai zvose.” (Johane 14:26) Jesu akatiwo: “Tarirai, ndinemi mazuva ose, kusvikira pakuguma kwenyika.” (Mateo 28:20) Nokudaro, kuvhenekera pamusoro pezvokwadi dzaMwari namadonzo ake kunowedzera pakati pavabatiri vaMwari. Hungu, “gwara ravakarurama rakaita sechiedza chamambakwedza, chinoramba chichiwedzera kubwinya kusvikira pamasikati makuru.”—Zvirevo 4:18.
16. Kuvhenekerwa kwedu kwomudzimu kunotiudzei pamusoro pepatiri pamusoro pamadonzo aMwari?
16 Nhasi, chiedza chomudzimu ichocho chakajeka zvikuru kupfuura nakare kose, nokuti tiri panguva apo uporofita hwakawanda hweBhaibheri huri kuzadzikwa kana kuti huri kusvika pedyo nokuzadzika. Ihwohwu hunotiratidza kuti tiri kurarama mu“mazuva okupedzisira” etsika ino yakaipa yezvinhu. Iyi ndiyo nhambo yenguva iyo Jesu akadana kuti “mhedziso yetsika yezvinhu”; ichateverwa nenyika itsva yaMwari. (2 Timotio 3:1-5, 13; Mateo 24:3-13, NW) Sezvakadeya kutaurwa naDhanieri, Umambo hwaMwari hwokudenga huchakurumidza ku“putsanya nokuparadza ushe uhwo hwose, ihwo huchamira nokusingaperi.”—Dhanieri 2:44.
17, 18. Uporofitai hwakaisvonaka huri kuzadzikwa zvino?
17 Pakati pouporofita huri kuzadzikwa zvino pane uhwo hwakanyorwa mundima 14 yaMateo ganhuro 24. Ipapo Jesu akati: “Evhangeri iyi youshe ichaparidzirwa munyika dzose, chive chapupu kumarudzi ose; ipapo kuguma kuchasvika.” Mupasi rose, basa iroro rokuparidzira Umambo riri kuitwa namamirioni eZvapupu zvaJehovha. Uye mazana ezviuru avanhu ari kuzvikumbanira gore riri rose. Ikoku kuri mutsinhirano nouporofita huri pana Isaya 2:2, 3, uhwo hunotaura kuti “pamazuva okupedzisira” enyika ino yakaipa, vanhu vanobva mumarudzi akawanda vaizouya kunamatwo yechokwadi yaJehovha, uye ‘iye aizovadzidzisa pamusoro penzira dzake, uye vaizofamba munzira dzake.’
18 Ava vatsva vari kudirana kunamatwo yaJehovha “segore,” sezvakadeya kutaurwa pana Isaya ganhuro 60, ndima 8. Isa 60 Ndima 22 inowedzera, kuti: “Muduku uchava chiuru, wakadukupa uchava rudzi rune simba; ini Jehovha ndichakurumidza kuzviita nenguva yazvo.” Nguva iyoyo, ufakazi hunoratidza kuti, ndizvino chaiye. Uye vatsva vanogona kuva nechivimbo chokuti mukusonganirana neZvapupu zvaJehovha, vakabatana neungano yechokwadi yechiKristu.
19. Neiko tichitaura kuti vatsva vanosonganira neZvapupu zvaJehovha vari kuuya kuungano yechiKristu yechokwadi?
19 Neiko tichigona kutaura izvozvi nouchokwadi? Nemhaka yokuti ava vatsva, pamwe chete namamirioni atori mukati mesangano raJehovha, vakatsaurira upenyu hwavo kuna Mwari uye vari kuita kuda kwake. Ikoku kunobatanidza kurarama mutsinhirano nomutemo worudo rwoumwari. Soufakazi humwe hwaikoku, aya maKristu aka‘pfura minondo yawo kuva miromo yamapadza uye mapfumo awo kuva zvisanzauriso uye haachiri kudzidzazve hondo.’ (Isaya 2:4) Vose veZvapupu zvaJehovha munyika yose vakaita ikoku nemhaka yokuti vanoshandisa rudo. Ikoku kunoreva kuti havatongotori zvombo zvehondo ndokurwisana kana kuti nomunhu upi noupiwo zvake. Muna ikoku ndevechienzi—mukusafanana namarudzidziso enyika. (Johane 13:34, 35; 1 Johane 3:10-12, 15) Havasati vachibatanidzwa muurudzi hunokamuranisa, nokuti vanoumba uhama hwenyika yose hunosimbiswa norudo, “chisungo chinokwanisa.”—VaKorose 3:14; Mateo 23:8; 1 Johane 4:20, 21.
Vazhinjisa Vanosarudza Kusaziva
20, 21. Neiko vazhinji zvikuru vorudzi rwomunhu vari murima romudzimu? (2 VaKorinte 4:4; 1 Johane 5:19)
20 Nepo chiedza chomudzimu chiri pakati pavanhu vaJehovha chichipenya, vasara vechiverengero chavagari vapasi vari kupinda murima romudzimu guru nguva dzose. Havasati vachiziva Jehovha kana kuti madonzo ake. Muporofita waMwari akarondedzera nguva ino apo akati: “Tarira, rima richafukidza nyika, nerima guru marudzi avanhu.” (Isaya 60:2) Ikoku kwakadaro nemhaka yokuti vanhu havaratidziri fariro yechokwadi mukudzidza pamusoro paMwari, uyewo havaratidzi chishuvo chokuedza kumufadza. Jesu akati: “Kutongwa ndokuku, kuti chiedza chakasvika panyika, asi vanhu vakada rima kupfuura chiedza, nokuti mabasa avo akanga akaipa. Nokuti mumwe nomumwe, unoita zvakaipa, unovenga chiedza, haauyi pachiedza, kuti mabasa ake arege kubudiswa pachena.”—Johane 3:19, 20.
21 Vanhu vakadaro havafariri zvapachokwadi kuwana kuda kwaMwari. Panzvimbo pezvo, vanonangidzira upenyu hwavo pakuita kuda kwavo vamene. Kupfurikidza nokufuratira kuda kwaMwari, vanozviisa vamene munzvimbo ine ngozi, nokuti Shoko rake rinozivisa, kuti: “Unoramba kunzwa murairo nenzeve yake, kunyange nomunyengetero wake unonyangadza.” (Zvirevo 28:9) Vachatakura miuyo yenzira yavo yakasarudzwa. “Musanyengerwa; Mwari haasekwi; nokuti izvo zvinodyara munhu ndizvo zvaanochekazve.”—VaGaratia 6:7.
22. Vazhinji vanoda kuziva Mwari vari kuitei zvino?
22 Zvisinei, pana vazhinji vanoda kuziva kuda kwaMwari, vanomutsvaka zvapachokwadi, uye vanokweverwa kwaari: “Swederai kuna Mwari, iye agoswedera kwamuri,” anodaro Jakobho 4:8. Nezvavakadaro Jesu akati: “Unoita zvokwadi, unouya pachiedza, kuti mabasa ake aonekwe, kuti akaitwa muna Mwari.” (Johane 3:21) Uye inguva yemberi inoshamisa zvakadini iyo Mwari akaronga nokuda kwaavo vanouya kuchiedza! Nyaya yedu inotevera ichakurukura kariro dzinofadza.
Waizopindura Sei?
◻ Vazhinji vanotii pamusoro pedonzo roupenyu?
◻ Jehovha anozvizivisa amene sei saMwari wedonzo?
◻ Kuvhenekerai kukuru kwakaitika muzana rokutanga ramakore N.V.?
◻ Ungano yechiKristu yechokwadi inogona kuzivikanwa sei nhasi?