Ganhuro 8
Kuzivisa Mashoko Akanaka Zvisingaregi (1942-1975)
“KUVADI VOSE VOUBATI USHE HWAMWARI:
Pana January 8, 1942, hama yedu inodiwa, J. F. Rutherford, yakapedza nenzira yokutendeka basa rayo rapasi . . . Kwairi wakanga uri mufaro nenyaradzo kuona ndokuziva kuti zvapupu zvose zvaShe zviri kutevera, kwete munhu upi noupi, asi Mambo Kristu Jesu soMutungamiriri wazvo, uye kuti zvichapfuurira mubasa muchinzwano chakakwana chechiito.”—Tsamba yaizivisa rufu rwaHama Rutherford.a
MASHOKO orufu rwaHama Rutherford akauya sekatyamadzo yechinguvana kuZvapupu zvaJehovha kupota nyika yose. Zvakawanda zvaiziva kuti ivo vakanga vave vachirwara, asi hazvina kuvakarira kufa nokukurumidza kwazvo. Zvakasuruvariswa pamusoro pokurasikirwa nehama yazvo inodiwa asi zvakanga zvakatsunga ku“pfuurira mubasa”—basa rokuzivisa Umambo hwaMwari. Hazvina kurangarira J. F. Rutherford somutungamiriri wazvo. Charles E. Wagner, uyo akanga ashanda muhofisi yaHama Rutherford, akati: “Hama kwose kwose dzakanga dzawana chivimbo chakasimba chokuti basa raJehovha rakanga risingatsamiri pamunhu upi noupi.” Zvisinei, mumwe munhu akanga achidikanwa kuti aite mabasa ayo Hama Rutherford vakanga vaita sapurezidhendi weWatch Tower Society.
“Kutsunga Kuramba Tiri Pedyo naShe”
Chakanga chiri chishuvo chomwoyo wose chaHama Rutherford kuti Zvapupu zvaJehovha zvizivise mashoko akanaka zvisingaregi. Naizvozvo pakati paDecember 1941, vhiki dzinoverengeka vasati vafa, ivo vakaunganidza vatungamiriri vana vamasangano makuru maviri apamutemo aishandiswa neZvapupu zvaJehovha ndokukarakadza kuti nokukurumidza pashure porufu rwavo sezvinobvira, mitezo yose yamapoka maviri idanwe murusando rwawo ose ari maviri uye purezidhendi nomutevedzeri wapurezidhendi vasarudzwe.
Pamasikati aJanuary 13, 1942, mazuva mashanu chete pashure porufu rwaRutherford, mitezo yose yeboka ramasangano maviri yakasangana pamwe chete paBheteri yeBrooklyn. Mazuva anoverengeka akatangira izvozvi, mutevedzeri wapurezidhendi weSosaiti, Nathan H. Knorr aiva nemakore 36 okukura, akanga akarakadza kuti vatsvake zvapachokwadi uchenjeri hwoumwari kupfurikidza nomunyengetero nefungisiso. Mitezo yeboka yakaziva kuti nepo hama inosarudzwa kuva purezidhendi yaizotarisira zvinhu zvapamutemo zveWatch Tower Society, iyo yaizobatirawo somutariri mukuru wesangano. Ndiani akanga ane zvikwaniriso zvomudzimu zvaidikanwa nokuda kweiri basa rakakomba mukutarisira basa raJehovha? Musangano wakaitwa vari pamwe chete wakazarurwa nomunyengetero, uye pashure perangariro yokungwarira, Hama Knorr vakasarudzwa zvakabvumiranwa navose kuva purezidhendi wamasangano maviri uye Hayden C. Covington aiva nemakore 30 okukura, gweta reSosaiti, mutevedzeri wapurezidhendi.b
Gare gare zuva iroro, W. E. Van Amburgh, munyori nomuchengeti wemari weSosaiti, akazivisa kumhuri yeBheteri migumisiro yesarudzo. R. E. Abrahamson, uyo aivapo panhambo iyoyo, akayeuka kuti Van Amburgh akati: ‘Ndinogona kuyeuka apo C. T. Russell akafa uye akatsiviwa naJ. F. Rutherford. Ishe akapfuurira kutungamirira nokubudiririsa basa Rake. Zvino, ndinokarira zvizere basa kufambira mberi naNathan H. Knorr sapurezidhendi, nemhaka yokuti iri ibasa raShe, kwete romunhu.’
Mitezo yemhuri yeBheteri muBrooklyn yakanzwa sei pamusoro pemigumisiro yesarudzo yacho? Tsamba inoorora yakabva kwairi yomusi waJanuary 14, 1942, zuva rapashure pesarudzo, inopindura, kuti: “Chinjo yake [yaRutherford] haisati ichizotinonotsa mukuitwa kwebasa iro Ishe akatigovera. Takatsunga kuramba tiri pedyo naShe nokune mumwe nomumwe, tichipfuurira kurwa zvakasimba tisingaregi, tichirwa pamwe chete. . . . Songaniro yedu yapedyo naHama Knorr kweanenge makore makumi maviri . . . inotigonesa kunzwisisa nhungamiro yaShe muchisarudzo chaHama Knorr sapurezidhendi uye nomutoo iwoyo tarisiro yorudo yaShe pavanhu Vake.” Tsamba netenigiramu zvokutsigira zvakakurumidza kudirana mudzimbahwe zvichibva munyika yose.
Kwakanga kusina kunzwa kwokusava nechokwadi pamusoro pezvokuita. Nyaya chaiyo yakagadzirirwa nokuda kweNharireyomurindi yechiNgezi, yaFebruary 1, 1942, chinyorwa chimwe chetecho chimene chakazivisa rufu rwaJ. F. Rutherford. “Kuunganidza kwokupedzisira kunoitwa naShe kuri kuitika,” yakazivisa kudaro. “Ngaparege kuva nechinhu chinodzongonyedza kwechinguvana kufambira mberi kwavanhu vake vesungano mubasa Rake. . . . Zvino kuti tibatisise perero yedu kuna Mwari Wamasimba Ose ndicho chinhu CHINOKOSHA KWAZVO.” Zvapupu zvaJehovha zvakakurudzirwa kupfuurira kuzivisa mashoko akanaka neshingairo.
Asi ‘kubatisisa tariro yazvo’ yakanga iri denho chaiyoiyo mukuvamba kwama1940. Nyika yakanga ichiri kurwa. Ganhuriro dzenguva yehondo mumativi akawanda apasi dzakakuita kuti kuve kwakaomera Zvapupu zvaJehovha kuparidza. Kusungwa nemaitire zvenyongori mukurwisana neZvapupu zvakapfuurira zvisingadereri. Hayden Covington, segweta reSosaiti, akatungamirira kurwa kwapamutemo, pane dzimwe nguva ari muhofisi yake kudzimbahwe reBrooklyn uye pane dzimwe nguva ari muzvitima sezvo aifamba achitarisira mhaka. Vachishanda namagweta omunzvimbomo, akadai saVictor Schmidt, Grover Powell, uye Victor Blackwell, Hama Covington vakarwisa zvakaoma kuti vasimbise kodzero dzapamutemo dzeZvapupu zvaJehovha dzokuparidza paimba neimba nokuparadzira mabhuku eBhaibheri zvisingadziviswi navakuru vakuru vomunzvimbomo.c
Kuzivisa Chiratidzo Chokuti “Pfuurirai Mberi”
Pasinei zvapo nokugoverwa kwakaganhurirwa kwomunguva yehondo kwezvokudya nepeturo, pakuvamba muna March 1942, rongedzero dzakaziviswa dzeGungano reNyika Itsva Roubati Ushe hwaMwari, raizoitwa September 18-20. Kuti kufamba kuve nyore, maguta 52 ekokorodzano akasarudzwa muUnited States mose, akawanda awo akabatanidzwa norunhare neCleveland, Ohio, guta guru. Panenge panguva imwe cheteyo, Zvapupu zvaJehovha zvakaungana mumamwe maguta 33 mupasi rose. Chii chakanga chiri chinangwa cheiri gungano?
‘Hatina kuungana pano kuti tifungisise zvomunguva yakapfuura kana kuti izvo vanhu vamwe navamwe vakaita,’ akataura kudaro sachigaro, Hama Covington, mumashoko avo esumo yorusando rwokuzarura. Ipapo, vakasuma hurukuro chaiyo inoti, “Chiedza Bedzi,” yakavakirwa pana Isaya maganhuro 59 ne60, iyo yakakurukurwa naHama Franz. Achinongedzera kumurayiro wouporofita hwaJehovha wakanyorwa naIsaya, mukurukuri akazivisa nenzira inonyandura, kuti: “Hechino, ipapoka, chiratidzo chokuti ‘Pfuurirai Mberi’ chinobva kuChiremera Chakakwirira Zvikurusa chokuramba tichipfuurira mu[basa] rake rouchapupu pasinei zvapo nezvinoitika Armagedhoni isati yauya.” (Isa. 6:1-12) Yakanga isati iri nguva yokuregeredza ndokuzorora.
“Pane rimwe basa rinofanira kuitwa; basa rakawanda!” akazivisa kudaro N. H. Knorr muhurukuro yakatevera papurogiramu yacho. Kuti vayamure vateereri vavo mukuita kwavo kuchiratidzo chokuti “Pfuurirai Mberi,” Hama Knorr vakazivisa kubudiswa kwechinyorwa cheshanduro yeKing James cheBhaibheri, chakadhindwa pamichina yeSosaiti imene uye chakazara nenongedzero yakarongedzerwa zvikurukuru kuti ishandiswe neZvapupu zvaJehovha muushumiri hwazvo hwomumunda. Chinyorwa chitsva ichocho chakaratidzira fariro huru yaHama Knorr mukudhinda nokuparadzira Bhaibheri. Kutaura idi, pashure pokunge vava purezidhendi weSosaiti pakuvamba zvikuru gore iroro, Hama Knorr vakanga vaita nokukurumidza kuti vawane kodzero dzapamutemo dzokudhinda dzeiyi shanduro uye kuti vatsinhiranise kurongwa kwenongedzero namamwe mativi. Mukati memwedzi ichi chinyorwa chaicho cheKing James Version chakanga chagadzirirwa kubudiswa pakokorodzano.
Pazuva rokupedzisira regungano, Hama Knorr vakapa hurukuro yaiti “Rugare—Runogona Kupfuurira Here?” Mairi vakaonesa ufakazi hune simba hwomuna Zvakazarurwa 17:8 hwokuti Hondo Yenyika II, iyo yakanga ichipisa panguva iyoyo, yaisazotungamirira kuArmagedhoni, sokufunga kwaiita vamwe, asi kuti hondo yacho yaizoguma uye nhambo yorugare yaizotanga. Kwakanga kuchine basa raifanira kuitwa mukuzivisa Umambo hwaMwari. Vakokorodzani vakaudzwa kuti kuti ibetsere kutarisira kukura kunokarirwa musangano, kutanga mwedzi unotevera Sosaiti yaizotuma “vabatiri kuhama” kuti vashande neungano. Ungano imwe neimwe yaizoshanyirwa mwedzi mitanhatu iri yose.
“Gungano iroro reNyika Itsva Roubati Ushe hwaMwari rakabatanidza sangano raJehovha pamwe chete zvakasimba nokuda kwebasa raiva mberi,” anodaro Marie Gibbard, uyo akapinda muDallas, Texas, navabereki vake. Uye kwakanga kune basa rakawanda rokuita. Zvapupu zvaJehovha zvakatarira mberi kunhambo yorugare ruchauya. Zvakanga zvakatsunga kupfuurira nenzira yakatsiga muchishoro nechitambudzo, zvichizivisa mashoko akanaka zvisingaregi!
Nhambo Yedzidzo Yakawedzerwa
Zvakanga zvave zvichishandisa kadhi rechipupuriro negiramufomu mukuparidza kwazvo kwapaimba neimba, asi chapupu chimwe nechimwe chaJehovha chaigona kunatsa mano acho okutsanangura muMagwaro zvikonzero zvetariro yacho here? Purezidhendi weSosaiti wechitatu, N. H. Knorr, akafunga kudaro. C. James Woodworth, uyo aiva nababa vaiva mupepeti weThe Golden Age neConsolation kwamakore akakutaura neiyi nzira, kuti: “Nepo muzuva raHama Rutherford simbiso yakanga iri pamusoro pokuti ‘Rudzidziso Musungo uye Nyengedzo,’ zvino nhambo yokukura munyika yose yakanga iri kuvamba, uye dzidzo—yeBhaibheri neyesangano—yakatanga pamwero waisazivikanwa kusvikira panguva ino navanhu vaJehovha.”
Nhambo yedzidzo yakatanga panodokuva pakarepo. Pana February 9, 1942, unenge mwedzi mumwe pashure pokunge N. H. Knorr asarudzwa kuva purezidhendi weSosaiti, chiziviso chaikosha zvikuru chakaitwa paBheteri yeBrooklyn. Gadziriro dzakaitwa paBheteri dzeKosi Yakakwirira Muushumiri Hwoubati Ushe hwaMwari—chikoro icho chakasimbisa kunzvera Bhaibheri nokutaura pachena.
Pakasvika gore rakatevera racho, nheyo yakavanzarikwa yechikoro chakafanana kuti chiitiswe muungano dzomunzvimbomo dzeZvapupu zvaJehovha. PaGungano re“Danidzo Kuchiito” rakaitwa muUnited States mose pana April 17 na18, 1943, bhukwana rinonzi Course in Theocratic Ministry rakabudiswa. Ungano imwe neimwe yakakurudzirwa kutanga chikoro chitsva, uye Sosaiti yakagadza varayiridzi kuti vaite savanasachigaro nokupa zano rinovaka pamusoro pehurukuro dzavadzidzi dzaipiwa navanyoresi vechirume. Nokukurumidza sezvinobvira, kosi yacho yakashandurwa ndokuitwa kuti ishande mudzimwe nyika.
Somugumisiro, vakurukuri vakakwaniriswa vakarovedzwa muichi chikoro choushumiri vakavamba kugoverana munhimbe yomunyika yose yokutaura pachena kuti vazivise shoko roUmambo. Vakawanda vaivava gare gare vakakwanisa kushandisa zvakanaka rovedzo yavo savakurukuri vapakokorodzano nomukutarisira mabasa akakomba esangano.
Pakati pavo pakanga pana Angelo C. Manera, Jr., mutariri anofambira kwamakore 40. Iye akanga ari mumwe wavanyoresi vokutanga muchikoro muungano make, uye akati: “Avo vedu vakapinda misangano ndokupinda mubasa romumunda kwamakore akawanda vasina iyi gadziriro vasvika pakuirangarira senhano huru mufambiro mberi yedu yomunhu oga neyesangano.”
Pamusoro perovedzo yake muchikoro chakatangwa paBheteri yeBrooklyn muna 1942, George Gangas, mushanduri wechiGiriki panguva yacho, gare gare akati: “Ndinoyeuka nguva yandakapa hurukuro yangu yokutanga yamaminiti matanhatu. Ndakanga ndisina chivimbo mandiri ndimene naizvozvo ndakainyora. Asi apo ndakasimuka kuti ndiipe, kutya vateereri kwakandibata uye ndakakakamira nokutaurira pasi, ndichikanganwa zvandaida kutaura. Ipapo ndakatendeukira kukurava manyoro. Asi maoko angu akanga achidedera zvikuru kwazvo zvokuti mitsetse yakanga ichikwira nokudzika!” Bva, iye haana kurega. Pashure penguva yakati, akanga achipa hurukuro pamberi pevateereri vakawanda vekokorodzano uye achitobatira somutezo woMutumbi Unodzora weZvapupu zvaJehovha.
Chikoro Chakavakirwa Pakutenda
Pana September 24, 1942, imwe nhano huru yakaitwa munhambo yedzidzo yakawedzerwa. Pamusangano wakaitwa vari pamwe chete wamapoka avatungamiriri vamasangano maviri apamutemo, Hama Knorr vakakarakadza kuti Sosaiti itange chimwe chikoro, ichishandisa chivako chakanga chavakwa paKingdom Farm, kuSouth Lansing, New York, makiromita 410 kuchamhembe kwakadziva kumadokero kweNew York City. Chinangwa cheichi chikoro chaizova chokurovedza vafundisi nokuda kwebasa munyika dzokumwe uko kwakanga kune kushayikwa kukuru kwavazivisi voUmambo. Chikarakadzo chacho chakatenderwa navose.
Albert D. Schroeder, uyo panguva iyoyo akanga ane makore 31 ezera, akagadzwa kuva munyori ndokubatira sasachigaro wedare rokuita kuti chikoro chitsva chirongwe. “Maiwe, mwoyo yedu yakafarira uyu mugove mutsva unoshamisa!” anodaro. Varayiridzi vakabatikana pakarepo; vakanga vane mwedzi mina chete yokutanga kosi dzacho, kugadzira hurukuro, uye kuunganidza mabhuku eraibhurari. “Kosi yedzidzo yechiKristu yakakwirira yaifukidza vhiki 20, Bhaibheri richiva bhuku guru rinofundwa,” vanotsanangura kudaro Hama Schroeder, avo zvino vanobatira somutezo woMutumbi Unodzora.
PaMuvhuro, February 1, 1943, zuva raitonhora romwaka wechando kuchamhembe kweNew York, kirasi yokutanga, yaiva navadzidzi 100, yakatanga. Hechino chikoro chakanga chakavakirwa zvirokwazvo pakutenda. Pakati peHondo Yenyika II, kwakanga kune nharaunda shomanene bedzi dzenyika uko vafundisi vaigona kutumirwa. Bva, nechivimbo chakazara chokuti kwaizova nenhambo yorugare mavaigona kushandiswa mukati mayo, vafundisi vanokarirwa vakarovedzwa.
Kurongazve Kwapashure Pehondo
Muna May 1945 utsinye hweHondo Yenyika II muEurope hwakaguma. Mwedzi mina gare gare, muna September, kurwa kwakaguma muPacific. Hondo Yenyika II yakanga yapera. Pana October 24, 1945, anopfuura zvishomanene makore matatu pashure pokunge purezidhendi weSosaiti apa hurukuro inoti “Rugare—Runogona Kupfuurira Here?” Chata yeSangano Romubatanidzwa Wenyika Dzapasi Pose yakatanga kushanda.
Mishumo pamusoro pomubato weZvapupu zvaJehovha yakanga yatovamba kuziviswa zvishoma nezvishoma kunze kweEurope. Kusvikira kutambanuko yakashamisa hama dzazvo nehanzvadzi kupota nyika yose, basa rokuziviswa kwoUmambo rakanga rafambira mberi nenzira yakatsiga munyika dzeEurope pasinei zvapo nehondo. Nharireyomurindi yechiNgezi yaJuly 15, 1945, yakashuma, kuti: “Muna 1940 France yakanga ine vaparidzi 400; zvino kune 1 100 vanotaura Umambo. . . . Muna 1940 Holland yakanga ine vaparidzi 800. Mazana mana avo akaendeswa nokukurumidza kumisasa yevasungwa muGermany. Avo vakasara vakataura Umambo. Muuyo wacho? Munyika iyoyo zvino mune vaparidzi voUmambo 2 000.” Suo rakazaruka rorusununguko zvino rakapa mikana yokuzivisazve mashoko akanaka, kwete muEurope chete asi kupota nyika yose. Kutanga, kunyange zvazvo zvakadaro, kuvakazve nokurongazve kukuru zvaidikanwa.
Achidisa kunzvera zvinodikanwa zveZvapupu zvaJehovha munyika dzakaparadzwa nehondo, purezidhendi weSosaiti, pamwe chete nomunyori wake, Milton G. Henschel, vakatanga kushanyira Britain, France, Switzerland, Belgium, Netherlands, uye Scandinavia muna November 1945 kuti vakurudzire hama nokunzvera hofisi dzebazu dzeSosaiti.d Vavariro yavo yakanga iri kurongazve kwapashure pehondo. Gadziriro dzakaitwa dzokuti migove yamabhuku pamwe chete nezvokudya nezvipfeko zvitumirwe kuhama dzaiva nokushayiwa. Hofisi dzebazu dzakatangwazve.
Hama Knorr vaisanoziva kuti kurongwa kwakanaka kwemapazu kwaidikanwa kuti kuvambirane nokufambira mberi kwebasa rokuparidza. Mano avo omuzvarirwo mukuronga akashandiswa zvizere mukukudza zvivako zvemapazu zveSosaiti munyika yose. Muna 1942, apo vakava purezidhendi, kwakanga kune hofisi dzemapazu 25. Pakasvika 1946, pasinei zvapo nezvirambidzo nemhinganidzo zveHondo Yenyika II, kwaiva namapazu munyika 57. Mumakore 30 akatevera, kuburuka kusvikira muna 1976, mapazu akawedzera kusvikira ku97.
Vakashongedzwa Kuva Vadzidzisi
Kubva munzendo dzake dzomumarudzi akawanda nokukurumidza pashure pehondo, purezidhendi weSosaiti akaziva kuti Zvapupu zvaJehovha zvaida kushongedzwa zviri nani kuva vadzidzisi veShoko raMwari. Imwe dzidzo yeBhaibheri yakanga iri madikanwa pamwe chete nezvishandiso zvakakodzera zvokushandisa muushumiri hwomumunda. Zvinodikanwa izvozvo zvakagoverwa pakuvamba munhambo yapashure pehondo.
PaGungano Roubati Ushe hwaMwari raMarudzi Anofara, rakaitwa muCleveland, Ohio, August 4-11, 1946, Hama Knorr vakapa hurukuro yaiti “Vakashongedzwa Nokuda Kwebasa Riri Rose Rakanaka.” Vateereri vose vakanyandurwa sezvavakabvunza mibvunzo yakadai seyokuti: “Kwaisazova kweyamuro huru here kuva namashoko pamusoro perimwe nerimwe ramabhuku makumi matanhatu namatanhatu eBhaibheri? Kwaisazoyamura here mukunzwisisa Magwaro kudai taiziva akanyora bhuku rimwe nerimwe reBhaibheri? apo bhuku rimwe nerimwe rakanyorwa? kwarakanyorerwa?” Kukarira kwakava kukuru sezvo vakazivisa panguva iyoyo, kuti: “Hama, mune mashoko ose iwayo neakawanda zvikuru mubhuku idzva rine musoro unoti ‘Equipped for Every Good Work’!” Kurova maoko kukuru kwakatevera chiziviso ichocho. Chinyorwa chitsva chaizobatira sebhuku rinofundwa rechikoro choushumiri chaiitwa muungano.
Zvapupu zvaJehovha zvakanga zvisina kushongedzwa bedzi nechinyorwa chokukudza zivo yazvo yaMagwaro asi zvakapiwawo yamuro dzakaisvonaka dzokushandisa mumunda. Kokorodzano ya1946 ichayeukwa kwenguva refu nokuda kwokubudiswa kwechinyorwa chokutanga cheMukai! Iyi magazini itsva yakatsiva Consolation (yaichimbozivikanwa seThe Golden Age). Rakabudiswawo raiva bhuku rinonzi “Mwari Ngaave Wazvokwadi.”e Henry A. Cantwell, uyo gare gare akabatira somutariri anofambira, anotsanangura, kuti: “Kwenguva yakati takanga tichida zvikuru kwazvo bhuku raigona kushandiswa nenzira inobudirira mukuitisa fundo dzeBhaibheri vanhu vachangobva kufarira, iro raizofukidza dzidziso huru dzeBhaibheri nezvokwadi. Zvino nokubudiswa kwa‘Mwari Ngaave Wazvokwadi,’ takava nechaidikanwa chaizvo.”
Zvashongedzwa neyamuro dzokudzidzisa dzinokosha dzakadaro, Zvapupu zvaJehovha zvakakarira kumwe kukura kunokurumidza. Vachitaura pakokorodzano pamusoro penhau inoti “Zvinetso Zvokuvakazve Nokukura,” Hama Knorr vakatsanangura kuti mukati mamakore ehondo yenyika yose, hapana kumira kwakanga kwaitika munhamburiko pakupupura. Kubvira muna 1939 kusvikira kuna 1946, nhamba yavazivisi voUmambo yakanga yawedzera neinopfuura 110-000. Kuti igovere mabhuku eBhaibheri aidikanwa munyika yose, Sosaiti yakaronga kukudza fekitari noMusha weBheteri muBrooklyn.
Nhambo yaikarirwa yorugare rwenyika yakanga yatanga. Nhambo yokukura munyika yose nedzidzo yeBhaibheri yakanga ichifambira mberi zvakanaka. Zvapupu zvaJehovha zvakadzokera kumusha zvichibva kuGungano Roubati Ushe hwaMwari raMarudzi Anofara zvakashongedzwa zviri nani kuva vadzidzisi vamashoko akanaka.
Kuziviswa kwoUmambo Kunofambira Mberi
Vachirangarira kukura munyika yose, pana February 6, 1947, purezidhendi weSosaiti nomunyori wake, Milton G. Henschel, vakatanga kufamba rwendo rwebasa renyika rwamakiromita 76 916. Rwendo rwacho rwakavasvitsa kuzvitsuwa zvePacific, New Zealand, Australia, Southeast Asia, India, Middle East, nharaunda yeMediterranean, Central neWestern Europe, Scandinavia, England, uye Newfoundland. Yakanga iri nguva yokutanga kubvira muna 1933 apo vamiriri vavashandi vapadzimbahwe reSosaiti muBrooklyn vakakwanisa kushanyira hama dzavo muGermany. Zvapupu zvaJehovha kupota nyika yose zvakatevera vafambi vaviri sezvo mishumo yorwendo rwacho yakabudiswa muzvinyorwa zveNharireyomurindi muna 1947 mose.f
“Wakanga uri mukana wokutanga wokuti tirovedzane nehama muAsia nedzimwe nzvimbo nokuona zvakanga zviri zvinodikanwa,” vanotsanangura kudaro Hama Henschel, zvino mumwe mutezo woMutumbi Unodzora weZvapupu zvaJehovha. “Tairangarira kutumira vafundisi, naizvozvo taifanira kuziva zvavakanga vachipinda mazviri nezvavaizoda.” Pashure peshanyo yacho, kutumirwa kwenguva dzose kwavafundisi vakarovedzwa neGilead kwakasvika munyika dzokumwe kuti vatungamirire basa rokuziviswa kwoUmambo. Uye migumisiro yacho yakanga ichiorora. Mumakore mashanu akatevera (1947-52), nhamba yavaparidzi voUmambo munyika yose yakapetwa nekanopfuura kaviri, kubva pa207 552 kusvikira ku456 265.
Wedzero Youbati Ushe hwaMwari
Pana June 25, 1950, mauto ehondo akabva kuDemocratic People’s Republic of Korea akavhozhokera Republic of Korea kumaodzanyemba. Pakupedzisira, mauto akatumirwamo achibva kudzimwe nyika 16. Asi sezvo hondo yacho yakarwisanisa marudzi makuru, Zvapupu zvaJehovha zvakagadzirira kuungana nokuda kwekokorodzano yamarudzi akawanda iyo yaizoratidzira kwete bedzi chinzwano chazvo chomunyika yose asiwo kuti Jehovha akanga ari kuzvikomborera newedzero.—Isaya 60:22.
Gungano reWedzero Youbati Ushe hwaMwari rakarongwa nokuda kwaJuly 30 kusvikira pana August 6, 1950. Iyoyi yaifanira kuva kokorodzano hurusa zvikuru yakanga yati yamboitwa kusvikira panguva iyoyo neZvapupu zvaJehovha panzvimbo imwe. Nhume dzokumwe dzine 10 000 dzakabva Europe, Africa, Asia, Latin America, zvitsuwa zvePacific—pamwe chete nenyika dzakasiyana-siyana 67—dzakaungana paYankee Stadium muNew York City. Nhamba yapamusoro yevanopfuura 123 000 nokuda kwehurukuro yavose—ichienzaniswa nenhamba yapamusoro ye80 000 avo vakapinda Gungano Roubati Ushe hwaMwari raMarudzi Anofara makore mana chete risati raitwa—hwakanga huri mahuri humene ufakazi hunoorora hwewedzero.
Chinhu chinokosha muwedzero yakawanwa neZvapupu zvaJehovha kwave kuri kudhindwa nokuparadzirwa kweShoko raMwari. Nhambo inokosha muna ikoku yakasvikwa pana August 2, 1950, apo Hama Knorr vakazivisa kubudiswa kweNew World Translation of the Christian Greek Scriptures yomutauro wazvino uno muchiNgezi. Vakokorodzani vakafadzwa kuziva kuti iyi shanduro itsva yakadzorera zita raMwari rokuti Jehovha kane 237 murugwaro rukuru kubvira pana Mateo kusvikira kuna Zvakazarurwa! Mukugumisa hurukuro yake, mukurukuri akaita ichi chikumbiro chinonyandura, kuti: “Torai iyi shanduro. Iravei yose. Ifundei, nokuti ichakubetserai kuvandudza nzwisiso yenyu yeShoko raMwari. Igoverei kune vamwe.” Zvimwe zvikamu zvaizotevera mumakore gumi anotevera, zvokuti pakupedzisira Zvapupu zvaJehovha zvaizova neshanduro yakarurama, iri nyore kurava yeBhaibheri rose iyo zvaigona kugovera nembavarira kune vamwe.
Dzisati dzabva muguta rekokorodzano, nhume dzakakokwa kuti dzishanyire dzimbahwe idzva reBheteri pa124 Columbia Heights nefekitari yokudhindira yakakudzwa zvikuru pa117 Adams Street. Zvazvakavakwa netsigiro yemari yeZvapupu zviri munyika yose, zvivako zvitsva zvakapedza purogiramu yekukura huru yakaziviswa ndokutenderwa nembavarira pakokorodzano yokuCleveland ya1946. Zvapupu zvaJehovha hazvina kutongoziva panguva iyoyo kuti kwaizovazve nokukura kwakadini, kwete muBrooklyn chete, asi munyika yose. Nzvimbo dzokudhindira dzakawanda nedzakakura zvikuru dzaizodikanwa kutarisira mapoka anowedzera nguva dzose avaparidzi voUmambo vanowedzera.
Rovedzo Huru Muushumiri Hwapaimba Neimba
PaGungano Renzanga Yenyika Itsva, rakaitwa muNew York City, July 19-26, 1953, zvinyorwa zvitsva zvakagoverwa Zvapupu zvaJehovha zvimene uye zvokushandisa zvikurukuru mukuziviswa kwapaimba neimba kwoUmambo. Somuenzaniso, kubudiswa kwa“Make Sure of All Things” kwakaparira kurohwa kwamaoko kukuru kwakabva ku125 040 vaivapo paMuvhuro, July 20. Chishandiso chinobetsera chomubasa romumunda, bhuku rine mapeji 416 rinokwana muhomwe rakaunganidza magwaro anopfuura 4 500 pasi pemisoro mikuru 70. Zvapupu zvaJehovha zvino zvakanga zvava kuwana nenzira iri nyore mhinduro dzapaMagwaro kumibvunzo yaimutswa mukuparidza kwazvo kwapaimba neimba.
Pamangwanani eChitatu mukati mehurukuro inoti “Basa Guru Ravabatiri Vose,” Hama Knorr vakazivisa imwe nhano mudzidzo inopfuurira yeZvapupu zvaJehovha—gadziriro huru yerovedzo yapaimba neimba yaifanira kushandiswa muungano dzose. Vaparidzi vaiva noruzivo rwokuzviwanira rukuru vakakumbirwa kubetsera vaiva neruzivo rwokuzviwanira rushomanene kuva vazivisi vapaimba neimba venguva dzose, vanobudirira voUmambo. Iyi gadziriro yaiva netapuro huru yakavamba pana September 1, 1953. Jesse L. Cantwell, mutariri anofambira uyo akatora rutivi mubasa rokurovedza, akati: “Iyi gadziriro yakabetsera chaizvoizvo vaparidzi kuva vanobudirira zvikuru.”
Mumwedzi yapashure paJuly 1953, kokorodzano dzokuwedzera dzakaitwa mumakondinendi ose mashanu, nezvimiro zvakaitwa kuti zvikodzere munzvimbomo zvepurogiramu imwe cheteyo. Rovedzo huru muushumiri hwapaimba neimba nokudaro yakatangwa muungano dzeZvapupu zvaJehovha kupota nyika yose. Gore rimwe chetero nhamba yavazivisi voUmambo yakasvika nhamba yapamusoro 519 982.
Kugovera Zvinodikanwa Zvokukura Munyika Yose
Pakati pema1950, dzimwe gadziriro dzakaitwa dzokutarisira kukura kunokurumidza musangano. Kweanopfuura makore gumi, N. H. Knorr akanga afamba munyika yose kuti anzvere kushanda kwamapazu. Idzi nzendo dzakaita zvakawanda kuva nechokwadi chokutarisirwa kwakafanira kwebasa munyika imwe neimwe nokusimbisa chinzwano chomunyika yose cheZvapupu zvaJehovha. Hama Knorr vaida zvikuru vafundisi naavo vaibatira mumapazu kupota nyika yose. Kupi nokupi kwavaienda, vaiwana nguva yokutaura navo pamusoro pezvinetso zvavo nezvinodikanwa nokuvakurudzira muushumiri hwavo. Asi muna 1955, kwakanga kune hofisi dzamapazu 77 dzeWatch Tower Society navafundisi vakarovedzwa paGilead vane 1 814 vaibatira munyika 100 dzakasiyana-siyana. Vachiziva kuti kwakanga kuri kunopfuura zvavaigona kuita vari voga, Hama Knorr vakaita nhano dzokubatanidza vamwe muiri basa rinokosha rokushanyira mapazu nemisha yavafundisi.
Gadziriro dzakaitwa dzokukamura pasi kuva mazoni gumi, zoni imwe neimwe ichibatanidza nhamba yakati yamapazu eSosaiti. Hama dzakakwaniriswa dzinobva kuhofisi iri muBrooklyn navatariri vamapazu vane ruzivo rwokuzviwanira vakagadzwa kuva vabatiri vemazoni (zvino vanodanwa kunzi vatariri vemazoni) uye vakarovedzwa nokuda kweiri basa naHama Knorr. Pana January 1, 1956, vokutanga vaava vabatiri vemazoni vakatanga iri basa idzva rokushanyira mapazu. Muna 1992, hama dzinopfuura 30, kubatanidza mitezo yoMutumbi Unodzora, dzakanga dzichibatira savatariri vemazoni.
Kudzidza Kuda kwaMwari
Muzhizha ra1958, tyisidziro yehondo yakaoneka muMiddle East. Pasinei zvapo nokunyanduka muukama hwamarudzi akawanda, Zvapupu zvaJehovha zvakagadzirira kuungana nokuda kwekokorodzano yamarudzi akawanda iyo yaizozvidzidzisazve kuda kwaMwari. Yaizobvumikisawo kuva kokorodzano hurusa yazvo muguta rimwe ripi neripi.
Nhamba yapamusoro yenhume 253 922 dzakabva kunyika 123 dzakazadza Yankee Stadium yeNew York City nePolo Grounds nokuda kweGungano Ramarudzi Akawanda Rokuda kwaMwari, July 27 kusvikira kuna August 3. “Zvapupu zvaJehovha Zvinodirana Zvichizadza Nhandare,” yakadaro Daily News yeNew York yaJuly 26, 1958. “Zvitima chaizvo zvisere, mabhazi akahayiwa 500 nemotokari 18 000 dzaitakura mapoka avanhu aifamba pamwe chete, kunze kwengarava mbiri dzakahayiwa nendege 65 dzakahayiwa.”
Vafundisi vakarovedzwa kuGilead vakanga vazivisa dzimbahwe reSosaiti denho yavaitarisana nayo mukudzidzisa zvokwadi yeBhaibheri kuavo vasina kurovedzana nezvitendero nedzidziso zvechechi dzechiKristudhomu. Kudai bedzi vaigona kuva nechinyorwa chaizojekesa dzidziso dzechokwadi dzeBhaibheri chete, bva chaizova chiri nyore kurava nokunzwisisa! Kumufaro wenhume 145 488 dzaivapo pamasikati eChina, July 31, Hama Knorr vakazivisa kubudiswa kwebhuku idzva rinonzi Kubva kuParadhiso Yakarasika kuParadhiso IchawanikaZve.
Hama Knorr vakakurudzira vose kushandisa bhuku idzva muushumiri hwavo hwomumunda. Ivo vakakarakadzawo kuti vabereki vaizoriwana kuva rinobetsera mukudzidzisa vana vavo zvokwadi dzeBhaibheri. Vabereki vakawanda vakateerera chikarakadzo chacho. Grace A. Estep, mudzidzisi wapachikoro uyo akarerwa mutaundi duku pedyo nePittsburgh, Pennsylvania, akati: “Chizvarwa chose chavana chakakura chakabata bhuku raParadhiso, chichienda naro kumisangano, chichirigoverana navavanotamba navo vaduku, chichikwanisa kurondedzera, nguva refu chisati chakura zvakakwana zvokugona kurava, nhevedzano yose yenhau dzeBhaibheri kubva mumifananidzo chete.”
Mashoko anokosha avadzidzi vakafambira mberi veShoko raMwari akagoverwawo. Pamhedziso yehurukuro yavo inonyandura yaiti “Kuda Kwenyu Ngakuitike,” Hama Knorr vakafadza vateereri apo vakazivisa kubudiswa kwebhuku idzva rine musoro unoti “Your Will Be Done on Earth.” Ichi chinyorwa chitsva, chine fundo huru yebhuku raDhanieri, chakadzidzisa varavi vacho kuti kuda kwaMwari kwakaitwa sei uye kuti kuri kuitwa sei zvino. “Muchafarikanya zvikuru iri bhuku!” akazivisa kudaro mukurukuri. Kupfurikidza nokurova maoko kune ruzha zvikuru vateereri vazhinjisa 175 441 vakaratidzira mufaro wavo pakugamuchira ichi chishandiso chitsva kuti vadzamise kunzwisisa kwavo kuda kwaMwari!
Mutsinhiro dzavo dzokupfiga, Hama Knorr vakazivisa dzimwe gadziriro chaidzo dzedzidzo idzo dzaizobetsera sangano renyika yose. “Basa redzidzo harisati riri kuderera,” Knorr akazivisa kudaro, “asi panzvimbo pezvo riri kufambira mberi.” Iye akaratidza rongedzero dzokugovera kosi yokurovedza yemwedzi gumi muBrooklyn nokuda kwavatariri vanobva mumapazu eSociety munyika yose. Uyewo, munyika dzakawanda kupota nyika yose, kwaizova nekosi dzokurovedza dzomwedzi mumwe dzavatariri vanofambira naavo vanotarisira muungano. Neiko dzidzo yose iyoyi? “Tinoda kuenda kumwero yakakwirira zvikuru yenzwisiso,” iye akatsanangura kudaro, “kuti tigogona kudzika zvikuru mumifungo yaJehovha sezvo iye akaitaura muShoko rake.”
Basa rakavamba nokukurumidza pakosi dzefundo yeidzi gadziriro dzerovedzo. Mwedzi minomwe gare gare, pana March 9, 1959, kirasi yokutanga yechikoro chitsva, Chikoro Choushumiri hwoUmambo, yakavamba paSouth Lansing, New York, musha weChikoro cheGilead. Chakatanga ikoko chakakurumidza kupota nyika yose sezvo chikoro chitsva chakashandiswa kurovedza avo vanotarisira muungano.
Vakasimbiswa Ku“mira [Va]kasimba Mukutenda”
Mukati mema1960, nzanga yavanhu yakabatanidzwa nefungu muchinjo dzorudzidziso nedzenzanga. Vafundisi vakaratidzira zvikamu zveBhaibheri sezvengano kana kuti zvechinyakare. Pfungwa yokuti “Mwari akafa” yakava yakakurumbira nenzira inowedzera. Nzanga yavanhu yakanyura zvikuru kwazvo mumatope outere. Kupfurikidza neNharireyomurindi nezvimwe zvinyorwa pamwe chete nepurogiramu dzekokorodzano, vanhu vaJehovha vakasimbiswa kuti va‘mire vakasimba mukutenda’ mukati mamakore gumi iwayo anotambudza.—1 VaK. 16:13.
Panhevedzano yekokorodzano dzakaitwa kupota nyika yose muna 1963, hurukuro yaiti “Bhuku ra‘Mashoko Akanaka Asingaperi’ Rinobetsera” yakadzivirira Bhaibheri padenho dzavatsoropodzi. “Vatsoropodzi veBhaibheri havafaniri kuonesa kuti vanhuwo zvavo vakanyora iri bhuku,” akatsanangura kudaro mukurukuri. “Bhaibheri rimene rinotizivisa nenzira yokutendeseka nezveidi iroro. Asi chinoita kuti iri bhuku rive rakasiyana nerimwe bhuku ripi neripi rakanyorwa navanhu ndechokuti Bhaibheri Dzvene raka‘furidzirwa naMwari.’” (2 Tim. 3:16, 17) Iyi hurukuro inonyandura yakatungamirira kukubudiswa kwebhuku rinonzi “Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa naMwari uye Runobetsera.” Chinyorwa chitsva chakabatanidza kurukurirano yebhuku rimwe nerimwe reBhaibheri, chichipa mashoko pamusoro pebhuku racho, zvakadai souyo akarinyora, rakanyorwa rini uye kupi, uye ufakazi hwouchokwadi hwaro. Ipapo kwakauya kupfupikiswa kwebhuku reBhaibheri, kwakateverwa nechikamu chinonzi “Chikonzero Nei Richibetsera,” icho chakaratidza kuti iri bhuku chairo reBhaibheri ndereukoshi hukuru sei kumuravi. Chishandiso chinokosha mudzidzo yeBhaibheri inopfuurira yeZvapupu zvaJehovha, ichi chinyorwa chichiri kusimbiswa sebhuku rinofundwa muChikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari anodokusvika makore 30 pashure pokubudiswa kwaro!g
Zvapupu zvaJehovha zvakanga zvisati zviri zvisingatapurwi nechinjo mune zvevatano yema1960. Kutaura idi, zviuru zvinoverengeka—nhamba duku muzana yehwerengedzo yazvo—yaifanira kudzingwa gore rimwe nerimwe, voruzhinji nokuda kwoutere. Nechikonzero chakanaka, ipapoka, vanhu vaJehovha vakapiwa zano rakananga panhevedzano yekokorodzano dzoruwa dzakaitwa muna 1964. Lyle Reusch, mutariri anofambira akabva kuSaskatchewan, Canada, anoyeuka hurukuro yaiti “Kuchengeta Sangano Ravabatiri Vapachena Rakachena, Rakanaka.” Reusch akati: “Mutauro wakananga, wakajeka pamusoro petsika wakatsanangura zvinhu nenzira yakajeka muhurukuro yakajeka.”
Zvaiva muhurukuro yacho zvakabudiswa muNharireyomurindi yechiNgezi yaNovember 15, 1964. Pakati pezvimwe zvinhu, yakati: “Vasikana, musazviita mumene tauro rakasviba rokushandiswa navose, rinowanikwa kumaoko akasviba epfambi yechirume ipi neipi, ‘imbwa’ ipi neipi yokufananidzira.”—Enzanisa naZvakazarurwa 22:15.
Zano rakananga rakadaro rakanga rakashongedzerwa kubetsera Zvapupu zvaJehovha sorudzi kuramba zvine tsika dzakachena, zvakakodzera kuti zvipfuurire kuzivisa shoko roUmambo.—Enzanisa naVaRoma 2:21-23.
“Ndiudzei, Uyu 1975 Anoreveiko?”
Zvapupu zvakanga zvanguve zvichigoverana chitendero chokuti Kutonga Kwamakore Ane Chiuru kwaKristu kwaizotevera pashure pamakore 6 000 enhau yavanhu. Asi makore 6 000 okuvapo kwavanhu aizoguma rini? Bhuku rinonzi Upenyu Husingaperi—muRusununguko rwaVanakomana vaMwari, rakabudiswa panhevedzano yekokorodzano dzoruwa dzakaitwa muna 1966, rakanongedzera kuna 1975. Pakokorodzano chaipo, sezvo hama dzakanzvera zviri mukati, bhuku idzva rakanyandura kurukurirano huru pamusoro pa1975.
Pakokorodzano yakaitwa muBaltimore, Maryland, F. W. Franz akapa hurukuro yokugumisa. Iye akavamba nokuti: “Ndisati chaizvo ndakwira pachikuva rimwe jaya rauya kwandiri ndokuti, ‘Ndiudzei, uyu 1975 anoreveiko?’” Hama Franz ipapo vakanongedzera kumibvunzo yakawanda iyo yakanga yamuka pamusoro pokuti mashoko aiva mubhuku idzva aireva kuti panosvika 1975 Armagedhoni yaizova yapera, uye Satani aizova asungwa. Ivo vakati chaizvoizvo: ‘Kungagona. Asi hatisati tiri kutaura. Zvinhu zvose zvinobvira kuna Mwari. Asi hatisati tiri kutaura. Uye upi noupi wenyu ngaarege kuva akananga mukutaura chinhu chipi nechipi icho chichazoitika pakati pazvino na1975. Asi pfundo guru rako kwose ndeiri, shamwari dzinodiwa: Nguva ipfupi. Nguva iri kupera, hapana panikiro pamusoro paikoko.’
Mumakore apashure pa1966, vakawanda veZvapupu zvaJehovha vakaita mutsinhirano nomudzimu wezano iroro. Zvisinei, kumwe kutaura kwakabudiswa pamusoro peiyi nhau, uye kumwe sezvingabvira kwakanga kwakananga zvikuru kupfuura zvine mufungo. Ikoku kwakabvumwa muNharireyomurindi yaSeptember 15, 1980 (peji 19). Asi Zvapupu zvaJehovha zvakanyeverwawo kunangidzira ngwariro zvikurukuru pakuita kuda kwaMwari uye kwete kunyanyoitira hanya misi nekariro zvoruponeso rwokukurumidza.h
Chishandiso Chokukurumidzisa Basa
Mukupera kwama1960, Zvapupu zvaJehovha zvakanga zvichizivisa mashoko akanaka nokunzwa kwekariro nekurumidziro. Mukati ma1968 nhamba yavaparidzi voUmambo yakanga yawedzera kusvikira ku1 221 504 munyika 203. Zvisinei, kwakanga kusati kuri kusingazivikanwi navose kuti vamwe vanhu vafunde Bhaibheri kwamakore akawanda vasingaiti chiito pamusoro pezivo yavaiwana. Kwakanga kune nzira yokukurumidzisa nayo basa rokuita vadzidzi here?
Mhinduro yakasvika muna 1968 nokubudiswa muchiNgezi kweyamuro itsva yefundo yeBhaibheri, Zvokwadi inotungamirira kuupenyu husingagumi. Iri bhuku rine mapeji 192 rinokwana muhomwe rakarongwa kuchirangarirwa vanhu vachangobva kufarira. Iro raiva namaganhuro 22 anobata ngwariro anobata nenhau dzakadai sokuti “Chikonzero Nei Kuri kwokuChenjera kuNzvera Rudzidziso Rwako,” “Chikonzero Nei TichiKwegura ndokuFa” “Ko Vakafa Vari Kupi?” “Ko Neiko Mwari akaBvumidza Uipi kuSvikira kuZuva Redu?” “Mutoo wokuZivisa Nawo Rudzidziso rweChokwadi,” uye “Kuvaka Upenyu hweMhuri inoFara.” Bhuku raZvokwadi rakagadzirirwa kukurudzira mudzidzi weBhaibheri kurangarira pamusoro pamashoko ari kurangarirwa nokuashandisa muupenyu hwake amene.
Ichi chinyorwa chitsva chaifanira kushandiswa pamusoro pegadziriro yefundo yeBhaibheri yemwedzi mitanhatu. Chinyorwa chaSeptember 1968 cheHushumiri hwoUmambo chakatsanangura kuti gadziriro itsva yaizoshanda sei: “Kwaizova kwakanaka kuedza kufunda ganhuro rose rebhuku ra‘Zvokwadi’ vhiki imwe neimwe, kunyange zvazvo ikoku kungasava kunobvira navanasaimba vose kana kuti namaganhuro ose ari mubhuku racho. . . . Kana, pakupera kwemwedzi mitanhatu yefundo yakakomba nenhamburiko dzokungwarira dzokuvaita kuti vasvike kumisangano, vachigere kusonganirana neungano, ipapo kungava kwakanakisisa kushandisa nguva yenyu kufunda nomumwe munhuwo zvake anoda chaizvoizvo kudzidza zvokwadi ndokuita fambiro mberi. Kuitei nharidzano yenyu kupa mashoko akanaka pafundo dzeBhaibheri nenzira yakadaro zvokuti vanhu vanofarira vachaita chiito mukati memwedzi mitanhatu!”
Uye vakaita chiito! Munhambo pfupi yenguva, gadziriro yefundo yeBhaibheri yemwedzi mitanhatu yakava nebudiriro inoshamisa. Kwamakore matatu ebasa akavamba September 1, 1968, uye achiguma August 31, 1971, hwerengedzo yavanhu 434 906 yakabhapatidzwa—kanopfuura kakapetwa kaviri nhamba yevakabhapatidzwa mukati mamakore ebasa matatu akapfuura! Sezvo rakasvika panguva apo kwakanga kune kunzwa kwekariro nekurumidziro pakati peZvapupu zvaJehovha, bhuku raZvokwadi nenhimbe yefundo yeBhaibheri yemwedzi mitanhatu zvakayamura zvikuru mukukurumidzisa basa rokuita vadzidzi.—Mat. 28:19, 10.
“Kunofanira Kushanda; Kunobva Kuna Jehovha”
Kwamakore akawanda ungano dzeZvapupu zvaJeho- vha dzakanga dzakarongwa zvokuti murume mumwe akakwaniriswa mumudzimu aigadzwa neSosaiti kuva mu- batiri weungano, kana kuti “mutariri,” uye aibatsirwa na- vamwe “vabatiri” vakagadzwa.i (1 Tim. 3:1-10, 12, 13) Ava varume vaifanira kubatira boka, kwete kuritonga. (1 Pet. 5:1-4) Asi ungano dzaigona kusanowirirana zviku- ru nechimiro cheungano dzechiKristu dzomuzana rokutanga ramakore here?
Muna 1971, panhevedzano yekokorodzano dzakaitwa mupasi rose, hurukuro yaiti “Sangano Roubati Ushe hwaMwari Pakati peHurumende Dzinosarudzwa Nevoruzhinji nechiKomonizimu” yakapiwa. Pana July 2, F. W. Franz akapa hurukuro yacho paYankee Stadium muNew York City. Mairi iye akaonesa kuti uko varume vakakwaniriswa zvakakwana vaiwanikwa, ungano dzomuzana rokutanga ramakore dzakanga dzine vanopfuura mutariri mumwe. (VaF. 1:1) “Boka reungano ravatariri,” iye akadaro “raizoumba ‘mutumbi wavarume vakuru’ . . . Mitezo yo‘mutumbi [kana kuti, boka] wavarume vakuru’ vakadaro yakanga yakaenzana yose, ichiva nechimiro chimwe chetecho chebasa, uye hapana nomumwe wayo akanga ari mutezo unokosha zvikurusa, wakatanhamara zvikurusa, une simba zvikurusa muungano.” (1 Tim. 4:14) Hurukuro iyoyo yakanyandura chaizvoizvo kokorodzano yose. Itapuro yakadini iyo aya mashoko aizova nayo paungano dzeZvapupu zvaJehovha kupota nyika yose?
Mhinduro yakauya mazuva maviri gare gare, muhurukuro yokugumisa, yakapiwa naHama N. H. Knorr. Kuvamba pana October 1, 1972, gadziridzo mukutarisirwa kweungano munyika yose dzaizoshanda. Kwakanga kusati kuchizovazve nomubatiri weungano mumwe chete, kana kuti mutariri. Asi mukati memwedzi yakatungamirira kuna October 1, 1972, varume vakavimbika, vakakura mumudzimu muungano imwe neimwe vaizorumbidza kuSosaiti nokuda kwokugadzwa mazita aavo vaizobatira somutumbi wavakuru (uye mazita aavo vaizobatira savabatiri vanoshumira). Mukuru mumwe aizogadzwa kuva sachigaro,j asi vakuru vose vaizova nechiremera chakaenzana ndokugoverana mutoro wokuita zvisarudzo. “Idzi gadziridzo dzesangano,” vakatsanangura kudaro Hama Knorr, “dzichabetsera kusanotsinhiranisa kushanda kweungano neShoko raMwari, uye zvirokwazvo ikoko kuchaguma nezvikomborero zvakakura zvikuru zvinobva kuna Jehovha.”
Aya mashoko pamusoro pegadziridzo dzesangano akagamuchirwa sei nenhume dzakaungana? Mumwe mutariri anofambira akasundwa, kuti: “Kunofanira kushanda; kunobva kuna Jehovha.” Chimwe Chapupu chine ruziio rwokuzviwanira rwenguva refu chakawedzera, kuti: “Ichava kurudziro kuvarume vose vakakura mumudzimu kuti vave nebasa.” Zvirokwazvo, varume vakawanda sevaikwanirisa vaigona zvino ku‘svasvavira’ ndokugadzwa ku“basa romutariri.” (1 Tim. 3:1) Nhamba huru zvikuru yehama nokudaro yaigona kuwana ruzivo rwokuzviwanira runokosha mukuita basa reungano. Kunyange zvazvo vasina kuziva ikoku pakutanga, vose ivava vaizodikanwa kuti vafudze kupinda kwavatsva vakawanda mumakore aizouya.
Mashoko akapiwa pakokorodzano akatungamirirawo kukumwe kujekesa negadziridzo izvo zvaibatanidza Mutumbi Unodzora. Pana September 6, 1971, kwakasarudzwa kuti kuva sachigaro woMutumbi Unodzora kunofanira kutenderera pakati pemitezo yawo, vachiita saizvozvo maererano nearufabheti. Vhiki dzinoverengeka gare gare, pana October 1, 1971, F. W. Franz akava sachigaro woMutumbi Unodzora kwegore rimwe.
Gore rakatevera racho, muna September 1972, kuchinjwa kwokutanga kwemitoro muungano kwakavamba, uye pakasvika October 1 kutenderera muungano zhinjisa kwakapedzwa. Mukati mamakore matatu akatevera, Zvapupu zvaJehovha zvakawana kukura kunoorora—zvinopfuura zvikamu zvitatu zvezvina zvavanhu vane miriyoni imwe zvichibhapatidzwa. Asi zvino zvakanga zviri kutarisana namatsutso a1975. Kana kariro dzose pamusoro pa1975 dzisina kuzadzikwa, ikoku kwaizotapura sei kushingairira kwavo mubato wokuparidza munyika yose pamwe chete nechinzwano chazvo chenyika yose?
Uyewo, kwamakumi amakore Nathan H. Knorr, murume aiva nounhu hwaiva nesimba namano akatanhamara somurongi, akanga aita basa guru mukufambisira mberi dzidzo mukati mesangano nokugovera vanhu Bhaibheri nokuvabetsera kurinzwisisa. Chinjo kukusanotarisira kunoitwa noMutumbi Unodzora yaizotapura sei idzi vavariro?
[Mashoko Omuzasi]
a Nharireyomurindi yechiNgezi, February 1, 1942, p. 45; Consolation, February 4, 1942, p. 17.
b Muna September 1945, Hama Covington vakaramba nokuzvidira kubatirazve somutevedzeri wapurezidhendi weWatch Tower Bible and Tract Society (yePennsylvania), vachitsanangura kuti vaishuva kuwirirana nokwainzwisiswa panguva iyoyo kuva kuda kwaJehovha nokuda kwemitezo yose yavatungamiriri navakuru vakuru—kuti vave vaKristu vakazodzwa nomudzimu, nepo ivo vaitaura kuti ndemumwe wa“mamwe makwai.” Pana October 1, Lyman A. Swingle akasarudzwa kuva muboka ravatungamiriri, uye pana October 5, Frederick W. Franz akasarudzwa somutevedzeri wapurezidhendi. (Ona 1946 Yearbook of Jehovah’s Witnesses, map. 221-4; Nharireyomurindi yechiNgezi, November 1, 1945, map. 335-6.)
c Ona Ganhuro 30, “Kudzivirira Nokusimbisa Pamutemo Mashoko Akanaka.”
d Mishumo ine udzame yorwendo rwacho yakabudiswa muNharireyomurindi mukati ma1946.—Ona mapeji 14-16, 28-31, 45-8, 60-4, 92-5, 110-12, 141-4.
e Mukati mamakore mashomanene, iyi yamuro yefundo yeBhaibheri yakazivikanwa munyika yose. Rahwirudzurwa pana April 1, 1952, makopi anopfuura 19 000 000 akadhindwa mumitauro 54.
f Ona mapeji 140-4, 171-6, 189-92, 205-8, 219-23, 236-40, 251-6, 267-72, 302-4, 315-20, 333-6, 363-8.
g Bhuku rinonzi “Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa naMwari uye Runobetsera” rakawiriraniswa nomusi muna 1990.
h Somuenzaniso, nyaya dzinotevera dzakabudiswa muNharireyomurindi: “Kuita Shandiso Yokuchenjera Yenguva Yasara” (May 1, 1968 yechiNgezi); “Batira noKusingagumi muChiono” (December 15, 1974); “Chikonzero Nei Isu Tisina kuUdzwa ‘Zuva Irero neAwa’” uye “Ko Iwe Unotapurwa Sei noKusaziva ‘Zuva neAwa’?” (November 1, 1975). Pakuvamba zvikuru, muna 1963, bhuku rinonzi “Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa naMwari uye Runobetsera” rakanga rati: “Hakuna kunaka kushandisa kuverengwa kwenguva kweBhaibheri nokuda kwokufungidzira misi ichiri munguva yemberi mukufamba kwenguva.—Mat. 24:36.”
i Ona Ganhuro 15, “Kukudzwa Kwechimiro Chesangano.”
j Mukurukuri akatsanangurawo kuti kuvamba pana October 1, 1972, kwaizova nokutenderera kwegore negore kwokuva sachigaro mukati momutumbi mumwe nomumwe wavakuru weungano. Iyi gadziriro yakagadziridzwa muna 1983, apo mutumbi mumwe nomumwe wavakuru wakakumbirwa kurumbidza mutariri anotungamirira uyo, pashure pokugadzwa neSosaiti, aizobatira kwenhambo isingazivikanwi yenguva sasachigaro womutumbi wavakuru.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 92]
Kuparidza pasinei zvapo nokusungwa nechiito chenyongori
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 94]
‘Kukura munyika yose nedzidzo pamwero usina kuzivikanwa kare’
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 103]
Kudzivirira Bhaibheri padenho yavatsoropodzi
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 104]
‘Pfundo guru rako kwose ndeiri, shamwari dzinodiwa: Nguva ipfupi’
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 106]
“Kurudziro kuvarume vose vakakura mumudzimu kuti vave nebasa”
[Bhokisi riri papeji 91]
Mashoko pamusoro paN. H. Knorr
Nathan Homer Knorr akaberekwa muBethlehem, Pennsylvania, U.S.A., pana April 23, 1905. Apo akanga ava nemakore 16 okukura, akabatanidzwa neAllentown Ungano yaVadzidzi veBhaibheri. Muna 1922 akapinda kokorodzano kuCedar Point, Ohio, uko akasarudza kubuda muReformed Church. Gore rakatevera racho, pana July 4, 1923, pashure pokunge Frederick W. Franz, wokuBheteri yeBrooklyn, apa hurukuro yorubhapatidzo, Nathan aiva nemakore 18 okukura akanga ari pakati paavo vakabhapatidzwa muLittle Lehigh River, muEastern Pennsylvania. Pana September 6, 1923, Hama Knorr vakava mutezo wemhuri yeBheteri muBrooklyn.
Hama Knorr vakazvishandisa vamene nokushingaira muDhipatimendi Rokutumira Zvinyorwa, uye pasati papera nguva refu mano avo omuzvarirwo mukuronga akazivikanwa. Apo manija wefekitari yeSosaiti, Robert J. Martin, akafa pana September 23, 1932, Hama Knorr vakagadzwa kuti vamutsive. Pana January 11, 1934, Hama Knorr vakasarudzwa kuva mutungamiriri wePeoples Pulpit Association (zvino yava Watchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.), uye gore rakatevera racho ivo vakaitwa mutevedzeri wapurezidhendi weAssociation yacho. Pana June 10, 1940, ivo vakava mutevedzeri wapurezidhendi weWatch Tower Bible and Tract Society (sangano rePennsylvania). Kusarudzwa kwavo kuva purezidhendi wesosaiti dzose dziri mbiri nowesangano reBritain, International Bible Students Association, zvakauya muna January 1942.
Mumakore akatevera, mumwe wavasonganiri vapedyosa vaHama Knorr navapi vezano vanovimbwa navo akanga ari Frederick W. Franz, murume aiva mukuru mumakore kupfuura ivo nouyo aiva nezivo yemitauro uye aiva noruzivo senyanzvi yeBhaibheri zvakanga zvatobvumikisa kuva zvoukoshi hukuru kusangano.
[Bhokisi riri papeji 93]
Kutarira Mberi Kunokurudzira
Nhume kuGungano reNyika Itsva Roubati Ushe hwaMwari muCleveland, Ohio, muna September 1942, dzakafadzwa apo munyori nomuchengeti wemari akwegura weSosaiti, W. E. Van Amburgh, akataura pakokorodzano. Hama Van Amburgh vakayeuka kuti kokorodzano yokutanga yavakapinda yakanga iri muChicago muna 1900, uye yakanga iri “huru”—kwakanga kune vanenge 250 vaivapo. Pashure pokududza imwe neimwe yedzimwe kokorodzano “huru” mumakore akapfuura, ivo vakagumisa nouku kutarira mberi kunokurudzira, kwokuti: “Iyi kokorodzanok
inotarisika kuva huru kwatiri zvino, asi sezvo kokorodzano ino iri huru mukuenzanisa neidzo ndakapinda munguva yakapfuura, naizvozvo ndinokarira kuti kokorodzano ino ichava duku zvikuru mukuenzanisa neidzo dziri munguva yemberi chaiyo apo Ishe anovamba kuunganidza vanhu vake vachibva mumativi ose enyika.”
[Mashoko Omuzasi]
k Nhamba yapamusoro ye26 000 yakapinda muCleveland, nehwerengedzo yavakapinda 129 699 nokuda kwamaguta ekokorodzano 52 akapararira muUnited States mose.
[Bhokisi/Mepu dziri papeji 96]
1945-46: Central America, South America, North America, Europe, Caribbean
1947-48: North America, zvitsuwa zvePacific, Mabvazuva, Middle East, Europe, Africa
1949-50: North America, Central America, South America, Caribbean
1951-52: North America, zvitsuwa zvePacific, Mabvazuva, Europe, Middle East, Africa
1953-54: South America, Caribbean, North America, Central America
1955-56: Europe, zvitsuwa zvePacific, Mabvazuva, North America, Middle East, North Africa
[Mepu]
(Ona bhuku racho)
[Bhokisi riri papeji 105]
“Nhasi Ndatanga Kufungazve”
Rabudiswa muna 1968, bhuku rinonzi “Zvokwadi inotungamirira kuupenyu husingagumi” rakashandiswa zvikuru neZvapupu zvaJehovha mukufunda Bhaibheri navanhu vanofarira. Iyi gadziriro yakakodzera nguva yakabetsera mazana ezviuru zvavanhu vanofunga kuwana zivo yakarurama yaMagwaro. Tsamba yokuonga yakagamuchirwa muna 1973 ichibva kumuravi muUnited States yakati: “Mumwe mukadzi akaisvonaka zvikuru auya pasuo rangu nhasi ndokundipa bhuku rinonzi ‘Zvokwadi inotungamirira kuupenyu husingagumi.’ Ndichangobva kuripedza. Nguva yokutanga yandakarava mapeji 190 echinhu chipi nechipi muzuva rimwe roupenyu hwangu. Pana June 29, 1967, ndakarega kudavira Mwari. Nhasi ndatanga kufungazve.”
[Mufananidzo uri papeji 95]
Chikoro cheGilead paSouth Lansing, New York
[Mufananidzo uri papeji 97]
Hama Knorr, vanoratidzwa pano vachishanyira Cuba, vakafamba munyika kakawanda
[Mifananidzo iri papeji 98]
Hama Knorr vakarangarira kuti Chapupu chiri chose chinofanira kukwanisa kuparidza paimba neimba
England
Lebanon
[Mufananidzo uri papeji 99]
Sapurezidhendi weSosaiti, Hama Knorr vakasanoshanda naHama Franz kwaanopfuura makore 35
[Mufananidzo uri papeji 100]
Boka ravatungamiriri veWatch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania, pakati pema1950. (Kubva kuruboshwe kuenda kurudyi) Lyman A. Swingle, Thomas J. Sullivan, Grant Suiter, Hugo H. Riemer, Nathan H. Knorr, Frederick W. Franz, Milton G. Henschel
[Mifananidzo iri papeji 102]
Muna 1958, nhume dzakabva kunyika 123 dzakaungana muYankee Stadium nokuda kweGungano raMarudzi Akawanda Rokuda kwaMwari
[Mufananidzo uri papeji 107]
Zvinyorwa zvokurovedza Zvapupu zvaJehovha nokuda kwoushumiri
[Mufananidzo uri papeji 107]
Zvimwe zvezvinyorwa zvokushandisa muushumiri hwomumunda
[Mufananidzo uri papeji 107]
Mabhuku akagovera zvokudya zvikukutu zvokusimbisa vanhu vaJehovha mumudzimu
[Mufananidzo uri papeji 107]
Yamuro dzenzvero nefundo