RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • jv chits. 9 pp. 108-117
  • Shoko raJehovha Rinoramba Richifamba Nokukurumidza (1976-1992)

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Shoko raJehovha Rinoramba Richifamba Nokukurumidza (1976-1992)
  • Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Gadziridzo Sesangano
  • Kugutsa Zvinodikanwa Zvomudzimu Namabhuku eBhaibheri
  • Gadziriro Dzedzidzo Dzinonatswa Ndokusiyaniswa-siyaniswa
  • Zvivako Zvokutarisira Kukura
  • Kutarisira Ungano Nebasa Rokuparidza Evhangeri
  • “Vanhu Vake Amene Chaivo”
  • Kuzivisa Mashoko Akanaka Zvisingaregi (1942-1975)
    Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari
  • Kukudzwa Kwechimiro Chesangano
    Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari
  • Rutivi 5—Zvapupu Kusvikira Kurutivi Rwuri Kuresa Rwapasi
    Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari
  • “Kutanga Kutsvaka Umambo”
    Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari
Ona Zvimwe
Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari
jv chits. 9 pp. 108-117

Ganhuro 9

Shoko raJehovha Rinoramba Richifamba Nokukurumidza (1976-1992)

“Pakupedzisira, hama, pfuurirai kutinyengeterera, kuti shoko raJehovha rigoramba richifamba nokukurumidza [kana kuti, ‘rigomhanya’] nokukudzwa kwezvarakangoita chaizvo nemi.”—2 VaT. 3:1, “Kingdom Interlinear.”

NAMASHOKO iwayo muapostora Pauro akakumbira vatendi biyake muTesaronika kunyengetera kuti iye navabiyake vagobudirira mukuzivisa shoko raJehovha pasina mhinganidzo. Jehovha akapindura munyengetero iwoyo. Asi ikoku hakusati kuchireva kuti muapostora haana kufanira kubata nezvinetso. Iye akatarisana nechishoro chakakomba chakabva kunyika uye aifanira kubata nehama dzenhema dzaibata nenzira yokunyengera. (2 VaK. 11:23-27; VaG. 2:4, 5) Bva, pasinei zvapo naikoku, pashure peanenge makore gumi, Pauro aigona kunyora kuti somugumisiro wechikomborero chaMwari, mashoko akanaka akanga achi“bereka zvibereko nokuwedzera munyika yose.”—VaK. 1:6, NW.

Nenzira yakafanana muzuva redu—asi pamwero usina kutongowanwa kare—mashoko akanaka ari kubereka zvibereko. Vanhu vakawanda vari kusvikwa namashoko akanaka uye vari kuagamuchira kupfuura panguva ipi neipi munguva yakapfuura. Kuitwa kweizvo Shoko raMwari rakafanotaura kuri kufamba nokukurumidza, kufanana nomumhanyi ari munhangemutange.—Isa. 60:22.

Gadziridzo Sesangano

Pakasvika 1976, Hama Knorr vakanga vashanda nenzira yokushingaira sapurezidhendi weWatch Tower Society kwamakore anopfuura makumi matatu. Ivo vakanga vafamba munyika yose kakawanda, vachishanyira nokukurudzira vafundisi, vachidzidzisa nokurayiridza vashandi vapahofisi dzamapazu. Ivo vakaropafadzwa kuona nhamba yeZvapupu zvinoshingaira ichiwedzera kubva pa117 209 muna 1942 kusvikira ku2 248 390 muna 1976.

Asi pakasvika zhizha ra1976, N. H. Knorr aiva nemakore 71 okukura akanga acherekedza kuti akanga ave kuwanzodhumira pazvinhu. Nzvero yapashure pacho yakaratidzira kuti akanga ari kutambura nemota romuuropi risingavhiyiki. Iye akatamburira kupfuurira kutakura mutoro webasa kwemwedzi yakati, asi kariro dzokunaya kwomuviri wake dzakanga dzakaipa. Utano hwake hwakanga husina kunaka hwaizodzivisa kufambira mberi kwebasa here?

Kukudzwa kwoMutumbi Unodzora kwakanga kwatovamba muna 1971. Mukati ma1975, kwakanga kune mitezo 17. Murakawanda zvikuru regore iroro mose, Mutumbi Unodzora wakanga warangarira zvakakomba nokunyengeterera nzira yavaigona kutarisira nayo zvakanakisisa zvose zvinobatanidzwa mubasa rokuparidza nokudzidzisa munyika yose rinoratidzwa muShoko raMwari nokuda kwezuva redu. (Mat. 28:19, 20) Pana December 4, 1975, Mutumbi Unodzora wakanga watendera nebvumirano imwe yegadziridzo dzesangano dzinokosha zvikurusa munhau yomuzuva razvino uno yeZvapupu zvaJehovha.

Kutanga pana January 1, 1976, mibato yose yeWatch Tower Society neyeungano dzeZvapupu zvaJehovha kupota pasi rose yakanga yaiswa mutarisiro yamatare matanhatu anotarisira oMutumbi Unodzora. Mutsinhirano negadziriro iyoyo, pana February 1, 1976, chinjo dzakanga dzatanga kushandiswa muhofisi dzose dzemapazu eSociety kupota pasi rose. Bazu rimwe nerimwe rakanga richisiri kutarisirwa nomutariri mumwe webazu, asi varume vakakura mumudzimu vatatu kana kuti vanopfuura vakabatira seDare reBazu, nomutezo mumwe unobatira somutsinhiranisi wechigarire.a Pashure pokunge matare ave achishanda kwemwedzi yakati, Mutumbi Unodzora wakati: “Kwakabvumikisa kuva kunobetsera kuva nehama dzakati dzinorangana pamwe chete kuti dzirangarire fariro dzebasa roUmambo.—Zvir. 11:14; 15:22; 24:6.”

Mukupera kwa1976, pasinei zvapo neidi rokuti kariro dzokunaya kwomuviri wavo dzakaramba dzakaipa, Hama Knorr vakagoverana mukupa murayiridzo pamisangano yaiitirwa padzimbahwe nemitezo yeDare reBazu navamwe vashandi vapamapazu vaibva munyika yose. Mukuwedzera kukugoverana mumisangano mukati mezuva, Hama Knorr vaikoka idzi hama, mumapoka maduku, kukamuri ravo mumanheru. Nenzira iyoyi ivo nomudzimai wavo, Audrey, vaigoverana kusanowadzana navarume vaivaziva ndokuvada avo vakanga vasanobata navo zvikuru mumakore ose akapfuura. Pashure pemisangano iyoyi, utano hwaHama Knorr hwakaramba huchiipa kutozosvikira parufu rwavo pana June 8, 1977.

Pana June 22, 1977, vhiki mbiri pashure porufu rwaHama Knorr, Frederick W. Franz aiva nemakore 83 okukura akasarudzwa kuva purezidhendi weWatch Tower Society. Pamusoro paHama Franz, Nharireyomurindi yechiNgezi yaAu-

gust 1, 1977, yakati: “Mukurumbira wake wakatanhamara senyanzvi yakakurumbira yeBhaibheri nebasa rake rokusaneta nokuda kwefariro dzoUmambo wamuwanira chivimbo netsigiro yokuvimbika yeZvapupu zvaJehovha kwose kwose.”

Pakasvika nguva yeiyi chinjo, gadziriro itsva dzesangano dzakanga dzave kutoshanda idzo dzakavimbisa kufambira mberi kwebasa.

Kugutsa Zvinodikanwa Zvomudzimu Namabhuku eBhaibheri

Zvapupu zvaJehovha zvaisanodyiswa mumudzimu 1976 asati asvika. Asi kunzverwa kwezvakaitika kubvira panguva iyoyo munhungamiro yoMutumbi Unodzora neDare rawo Rokunyora kunozivisa kuti mvura dzezvokwadi dzakayerera muuwandu hukuru zvikuru nguva dzose nomuzvimiro zvakasiyana-siyana zvikuru.

Zvakawanda zvezvinyorwa zvakabudiswa zvakagutsa zvinodikanwa chaizvo zveZvapupu zvimene. Itiro hanya chaiyo yakaratidzirwa vanhu vaduku. Kuvabetsera kushandisa nheyo dzeBhaibheri kumamirire ezvinhu avanotarisana nawo muupenyu, Upwere Hwako—Kuwana Zvakanakisisa Mahuri rakabudiswa muchiNgezi muna 1976; uye Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda, muna 1989. Chinyorwa chine mifananidzo chinonzi Bhuku Rangu reNhau dzeBhaibheri, chakagadzirwa kuchirangarirwa vana, chakabudiswa muna 1978. Gore rimwe chetero zano rinoshanda nenhungamiro zvokusimbisa mhuri zvakapiwa muna Kuita Kuti Upenyu Hwemhuri Hufadze.

Padzimwe nguva, zvinodikanwa chaizvo zvavanhu vaJehovha zvakatarisirwa kupfurikidza nezano rakakodzera nguva mumapeji eNharireyomurindi. Somuenzaniso, mushumo wenyika yose womubato weZvapupu zvaJehovha wa1977/78 wakaratidzira kuderera munhamba yaigoverana mubasa rokuparidza. Kuderera kwacho kwakanga kuri zvichida murutivi nemhaka yekariro dzakavhiringidzwa pamusoro pa1975 here? Zvichida. Asi kwakanga kune zvimwe zvinhu zvaipesvedzera. Chii chaigona kuitwa?

Mutumbi Unodzora wakaita nhano dzokusimbisa kupwiswa pakati peZvapupu zvaJehovha kwokuti kwakanga kune kudikanwa kwokupfuurira kuzivisa nenzira yokushingaira Umambo paimba neimba. Nharireyomurindi yaJanuary 15, 1980, yaiva nenyaya dzinoti “Kushingairira Imba yaJehovha,” “Kuparidzira Munyika Isingateereri Mutemo,” “Ivo Vakaparidzira Paimba Neimba,” uye “Icho Vamwe Vakataura Pamusoro Pokupupurira Paimba Neimba.” Idzodzi nedzimwe nyaya dzakasimbisazve kuti kuparidza paimba neimba kune hwaro hwakasimba hwapaMagwaro ndokukurudzira kutora rutivi kwokushingaira nokwemweya wose muuyu mubato unokosha.b—Mabasa 20:20; VaK. 3:23.

Mamwe mamirire ezvinhu aidawo ngwariro. Pakazosvika 1980, vanhu vakati avo vakanga vagoverana mumibato yeZvapupu zvaJehovha kwamakore akati, kubatanidza vamwe vakanga vabatira nenzira yakatanhamara musangano, vakanga vave vachiedza munzira dzakasiyana-siyana kuparira kukamuka ndokushora basa iro Zvapupu zvaJehovha zvakanga zviri kuita. Kusimbisa vanhu vaJehovha kuti varwisane nepesvedzero yakadaro yokuramba kutenda, Nharireyomurindi yakava nenyaya dzakadai sokuti “Rambai ‘Makasimba Mukutenda’” (February 1, 1981), “Kupinza Chinyararire Masekete Anoparadza” (March 1, 1984), uye “Ramba Kuwa Pakutenda, Namatira Kuzvokwadi!” (October 1, 1983), nepo bhuku rinonzi “Let Your Kingdom Come” (1981) rakasimbisa idi rokuti Umambo hwava pedyo, huchiva hwakagadzwa mumatenga muna 1914. Mutumbi Unodzora hauna kubvumira nhamburiko dzavashori kubvisa pavavariro huru yeZvapupu zvaJehovha—kuzivisa Umambo hwaMwari!

Zvisinei, zvakadiniko nekudikanwa kweZvapupu zvaJehovha kwokupfuurira kukudza zivo yazvo yezvokwadi yeBhaibheri? Nokuda kwefundo yeBhaibheri yakakomba, muna 1984 chinyorwa chenongedzero chakahwirudzurwa cheNew World Translation chakabudiswa, chine nongedzero huru dzomumucheto, mashoko omuzasi, uye mashoko ewedzero. Makore mana gare gare, muna 1988, vanhu vaJehovha vakafadzwa kugamuchira bhuku rinowirirana nomusi rinotsanangura ndima iri yose muna Zvakazarurwa, mubhuku rinonzi Zvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Wava Pedyo! uyewo enisaikoropidhia yeBhaibheri ine mavhoriyamu maviri Insight on the Scriptures. Ipapo, muna 1991, kwakabudiswa bhuku rine mifananidzo yakaisvonaka rinonzi Munhu Mukurusa Ati Amborarama, kusanofundwa kwoupenyu nedzidziso zvaJesu Kristu.

Asi zvakadiniko nezvinodikanwa zvavanhu vasiri Zvapupu zvaJehovha? Sechishandiso chokurayiridza vanhu vachangobva kufarira, chinyorwa chinonzi Iwe Unogona Kurarama Nokusingaperi muParadhiso Pasi Pano chakabudiswa muchiNgezi muna 1982. Icho chakagadzirirwa kubetsera vadzidzi veBhaibheri kusvitsa zvinodikanwa zvaJehovha zvoupenyu muparadhiso yapasi. Kubetsera vanhu vangava nemibvunzo pamusoro pamavambo oupenyu nechinangwa chahwo pasi pano, bhuku rinonzi Life—How Did It Get Here? By Evolution or by Creation? rakagoverwa muna 1985. Irori rakateverwa, muna 1989, nebhuku rinosimbisa kutenda rinonzi Bhaibheri—Ishoko raMwari Here Kana Kuti Romunhu?

Ngwariro yakapiwawo kuvanhu vanozvininipisa vangada betsero chaiyo nemhaka yemamirire etsika dzavo kana kuti orudzidziso. Kudzidzisa zvokwadi pamusoro poUmambo hwaJehovha kuavo vasingagoni kurava nokunyora kana kuti vanorava zvisina kunaka, bhurocha rine mapeji 32 rinonzi Farikanya Upenyu Pasi Pano Nokusingaperi! rakabudiswa muchiNgezi muna 1982. Pakasvika 1992, makopi anopfuura 76 000 000 akanga adhindwa, uye rakanga riri kuparadzirwa mumitauro 200 kupota nyika yose, kuchiriita chinoshandurwa zvikurusa chechinyorwa chipi nechipi cheWatch Tower Society.

Muna 1983, mabhukwana matatu akabudiswa nokuda kwechinangwa chaicho chokubetsera maMuslim, maBuddha, uye maHindu. Kusvika vanhu vane iyi nemimwe migariro yorudzidziso, kunobetsera kunzwisisa chimwe chinhu pamusoro porudzidziso rwavo—dzidziso dzarwo nenhau. Kugutsa ichi chinodikanwa, bhuku rinonzi Kutsvaka Mwari Kworudzi Rwomunhu rakabudiswa muchiNgezi muna 1990.

Mutumbi Unodzora wakanga uchifarira zvikuru kusvika vanhu vakawanda savanobvira neshoko roUmambo—vanhu “vamarudzi ose nendudzi . . . nendimi.” (Zvakazarurwa 7:9) Nokuda kwechinangwa ichocho, gadziriro dzakaitwa dzokushandurira mabhuku mumimwe mitauro yakawanda. Somuenzaniso, kubvira muna 1976 kusvikira kuna 1992, kwakanga kune wedzero yeinenge 42 muzana munhamba yemitauro iyo Nharireyomurindi yakabudiswa mairi. Muna October 1992, nhamba yacho yakanga iri 111. Kuita kuti shanduro yokukurumidza ibvire, gore rimwe chetero vashanduri vanopfuura 800 kupota nyika yose vakanga vachigoverana mubasa racho.

Gadziriro Dzedzidzo Dzinonatswa Ndokusiyaniswa-siyaniswa

Munhungamiro yoMutumbi Unodzora neDare rawo Rokudzidzisa, gadziriro dzomurayiridzo wavashandi vapadzimbahwe nedzemhuri dzeBheteri mumapazu kupota nyika yose dzakapfumiswa ndokupiwa mhatsa huru zvikuru. Mukuwedzera kukurava Bhaibheri neYearbook sorutivi rwokunamata kwavo kwamangwanani, kwakatangwa kusanonzverwa kwechikamu cheBhaibheri chakaraviwa mukati mevhiki yakapfuura, nokushandiswa kwamashoko acho kuavo vanobatira paBheteri. Mishumo yenguva dzose inobva kumapato eBheteri akasiyana-siyana pamwe chete nemishumo yenguva dzose zvikuru inobva kuvatariri vemazoni yakatangwawo.

Kugutsa zvinodikanwa zvaavo vane mabasa akawedzerwa mukati mesangano, dzimwe gadziriro dzedzidzo dzakagadzirwa ndokushandiswa. Mukati ma1977, gadziriro dzakaitwa dzokuti vakuru vose vapinde kosi yamaawa 15 yeChikoro Choushumiri hwoUmambo. (Mabasa 20:28) Kubvira panguva iyoyo, marusando akafanana ourefu hwakasiyana-siyana akarongwa makore mashomanene ari ose; uye kuvambira muna 1984, vabatiri vanoshumira vakagamuchirawo rovedzo muChikoro Choushumiri hwoUmambo. MuBrooklyn, kutanga muna December 1977, chikoro chaicho chevhiki shanu chemitezo yeDare reBazu chakavamba.

Itiro hanya chaiyo yakaratidzwawo nokuda kwaavo vakanga vachizvishandisa vamene muushumiri hwenguva yakazara samapiyona. Muna December 1977 Chikoro Chebasa Roupiyona, kosi yevhiki mbiri dzerovedzo nokuda kwavashumiri mapiyona, yakatangwa muUnited States uye pakupedzisira yakatambanukira kumativi ose apasi. Mukati mamakore 14 akatevera, nhamba yemapiyona yakawedzera nekanopfuura kakapetwa kashanu—kubva pa115 389 kusvikira ku605 610!

Mukupera kwa1987, chimwe chikoro chitsva chakazarurwa—Chikoro Chokurovedza Vashumiri. Ichi chikoro chakatangwa kuti chirovedze hama dzisina kuroora dzakakwaniriswa idzo dzakanga dzine ruzivo rwakati rwokuzviwanira savakuru kana kuti vabatiri vanoshumira uye idzo dzaidisa kubatira kupi nokupi uko kwakanga kune kudikanwa mumunda wenyika yose. Pakasvika 1992, kirasi dzakanga dzaitwa muAustralia, Austria, Britain, El Salvador, France, Germany, Italy, Mexico, Nigeria, Spain, Sweden, uye United States. Mugumisiro wacho wave uri, kwete boka ravanhu vanorangarirwa savakuru kune vamwe muungano, asi panzvimbo pezvo wedzero munhamba yavarume vakasanokwaniriswa kubatira hama dzavo.

Kupfuudzira mberi basa romunyika yose redzidzo yeBhaibheri, kokorodzano dzamarudzi akawanda dzakarongwa mumaguta ari munzvimbo dzakanaka—mamwe ari munyika umo Zvapupu zvaJehovha zvakanga zvave zvakarambidzwa. Idzi kokorodzano dzakabatira kusimbisa hama munharaunda idzodzo nokupa sundo huru kukuparidzwa kwamashoko akanaka munyika idzodzo.c

Zvivako Zvokutarisira Kukura

Sezvo shoko raJehovha rakapfuurira kufamba nokukurumidza, kufambira mberi kunofadza kwakava kuri madikanwa mukuvaka nokudhinda—mativi ari mutarisiro yoMutumbi Unodzora neDare rawo Rokubudisa.

Zvapupu zvine ruzivo rwokuzviwanira mukuvaka zvakazvipira kupa betsero yazvo, uye nhamburiko dzazvo dzakatsinhiraniswa kuti dzibatsire mukuvaka zvivako zvemapazu zvitsva nezvakakura zvikuru kupota nyika yose. Kubvira muna 1976 kusvikira kuna 1992, kuvakwa kwezvivako zvemapazu zvitsva chose chose kwakaitwa munyika 60. Mukuwedzera kuna ikoko, gadziriro dzokukudza zvivako zvaivako dzakatanga munyika 30. Nzira iyo basa racho rakaitwa nayo (navazvipiri vachibva muungano dzakawanda—pane dzimwe nguva vachibva kune dzimwe nyika) yakabatira kusimbisa zvisungo zvorudo nechinzwano pakati pavanhu vaJehovha.d

Kuti zvigutse zvinodikanwa zveSosaiti zvinokura zvokudhinda mitauro mizhinji, Zvapupu zvine ruzivo rwokuzviwanira mune zvamakombiyuta zvakatanga muitiro unoitwa nekombiyuta unoshandiswa mukugadzirira zvinhu zvisati zvadhindwa unonzi MEPS (Multilanguage Electronic Phototypesetting System). Basa racho rakapedzwa muna 1986. Somugumisiro, pakasvika 1992, Nharireyomurindi yakanga yava kudhindwa panguva imwe cheteyo mumitauro 66. Voruzhinjisa veZvapupu zvaJehovha nokudaro vakanga vachikwanisa kugamuchira zvokudya zvomudzimu zvimwe chetezvo panguva imwe cheteyo.e

Sezvo zvivako zveWatch Tower Society zvakapfuurira kukura, vazvipiri vakawanda vakanga vachidikanwa padzimbahwe muBrooklyn pamwe chete nomuhofisi dzemapazu kupota nyika yose. Kubvira muna 1976 kusvikira kuna 1992, mhuri yeBheteri yamarudzi akawanda yakapeta nekane katatu muukuru, kubvira pamitezo inenge 4 000 kusvikira kuinopfuura 12 900 iri kubatira mupasi rose. Mutumbi Unodzora neDare rawo Ravashandi vakatarisira zvinodikanwa zvomunhu oga nezvomudzimu zveiyi hondo huru yavazvipiri venguva yakazara.

Kutarisira Ungano Nebasa Rokuparidza Evhangeri

Sezvo shoko raJehovha rakafamba nokukurumidza, Mutumbi Unodzora neDare rawo reBasa vakanangidzira masimba avo kukuvaka ungano munyika yose nokukudza basa rokuparidza evhangeri munyika yose.

Kwaiva nezvakawanda zvaigona kuitwa here kubetsera vanhu vatsva vakawanda vakanga vachibhapatidzwa gore rimwe nerimwe? Pakuvamba muna 1977, gadziriro dzakaitwa dzokusimbisa Zvapupu zvitsva mumudzimu. Basa Redu roUmambo rakatsanangura, kuti: “Tinodavira kuti mabhuku anenge maviri anofanira kufundwa navanhu vose vanopinda muzvokwadi. . . . Naizvozvo fundo yacho inofanira kupfuurira pashure porubhapatidzo kutozosvikira bhuku rechipiri rapedzwa.” Nenzira iyoyi Zvapupu zvichangobva kubhapatidzwa zvakapiwa mukana wakazara zvikuru wokuwana zivo nokunzwisisa ndokuva nenzwisiso inokura yechinoreva kubhapatidzwa. Gadziriro itsva yakakurudzirawo imwe songaniro yapedyo pakati pavanhu vatsva neZvapupu zvakazvibetsera mufundo yazvo yeBhaibheri yapamusha.

Kutarisira avo vari kudirana musangano raJehovha, ungano itsva dzinopfuura 29 000 dzakaumbwa munyika yose pakati pa1976 na1992. (Mika 4:1) Vatariri vamatunhu neveruwa vakawanda vakagadzwa noMutumbi Unodzora ndokutumirwa kundobetsera. Nhamba yaava vatariri vanofambira yakabva pavanenge 2 600 muna 1976 kusvikira kuvane 3 900 muna 1992.

Sezvo nhamba yeungano yakawedzera, kwakanga kunewo kudikanwa kunokura kwehoro dzakawanda dzemisangano. Kwakanga kune nzira yokukurumidza zvikuru yokuvaka nayo Horo dzoUmambo here? Muma1970, Zvapupu zvaJehovha muUnited States zvakaronga gadziriro yokuvaka kupfurikidza nayo vavaki vane unyanzvi vaibva mumativi ari pedyo enyika yacho vakakokwa kuzobetsera Zvapupu zvomunzvimbomo kuvaka Horo yoUmambo. Mazana achibatsira, horo yaigona kupedzwa nokukurumidza—kazhinji kazhinji mumazuva maviri kana kuti matatu chete. Pakasvika ma1980, Horo dzoUmambo dzinovakwa nokukurumidza dzakanga dzichivakwa mumamwe mativi apasi.

Chinjo dzezvamatongerwe enyika muEastern Europe dzakatapurawo Zvapupu zvaJehovha. Mufaro wakadini nokuda kwehama dzedu dziri munyika dzakadai seEast Germany (sezvayaizivikanwa panguva iyoyo), Hungary, Poland, Romania, uye yaidanwa panguva iyoyo kunzi Soviet Union kuziva kuti dzakanga dzapiwa kuzivikanwa kwapamutemo, mune zvimwe zviitiko pashure pamakore 40 erambidzo! Rusununguko rwakawedzerwa munyika idzodzo zvino rwakakuita kuti kuve nyore zvikuru kuti dzisvike vanhu vane 380 000 000 namashoko akanaka! Zvapupu zvaJehovha zvakakurumidza kubatikana mukushandisa rusununguko rwakanga ruchangobva kuwanwa kugoverana mumubato wazvo wokuparidza pachena.

Uye migumisiro yacho? Shoko raJehovha rakafamba nokukurumidza! Somuenzaniso, muna April 1992 nhamba yavazivisi voUmambo vaishuma muPoland yakanga iri 106 915. Uye kariro dzokukura mune ramangwana dzakanga dzakatanhamara: Mwedzi mumwe chetewo vakapinda Chirangaridzo chorufu rwaKristu vakanga vari 214 218. Nenzira yakafanana, munyika dzaichimboumba Soviet Union, hwerengedzo ye173 473 vakapinda Chirangaridzo muna 1992, wedzero ye43 muzana kupfuura gore rakapfuura.

Munyika dzakati, zvisinei, chitambudzo chinopfuuridzirwa nengwavaira dzomusikirwo zvakapa mhinganidzo. Muna 1992 mibato yeZvapupu zvaJehovha yakanga ichiri muganhuriro dzehurumende munyika 24. Dare raSachigaro roMutumbi Unodzora rinoita zvinobvira kugovera rubatsiro nokuzivisa boka ramarudzi akawanda nezvenzira idzo vanogona kuyamura nadzo Zvapupu biyazvo zviri kubatira munhamo. (Enzanisa na1 VaKorinte 12:12-26.) Nhimbe dzechitambudzo uyewo ngwavaira dzomusikirwo hazvina kukwanisa kumisa kuparidzwa kweshoko raJehovha!

“Vanhu Vake Amene Chaivo”

Naizvozvo, mumakore anobvira muna 1976 kusvikira kuna 1992, shoko raJehovha zvirokwazvo rakafambira mberi nokukurumidza. Sangano rakapetwa nekanodokusvika kaviri muukuru, kusvikira kuvazivisi voUmambo vanopfuura 4 470 000!

Vanhu vaJehovha vakapfuurira kuzivisa Umambo hwaMwari nenzira yokushingaira, zvino mumitauro yakawanda kupfuura nakare kose. Zvichishandisa zvinyorwa zvakagoverwa, izvo zvakakudza zivo yazvo yeBhaibheri ndokubetsera vanhu vanofarira kuti vadzidze zvokwadi dzeBhaibheri. Zvakabetserwa negadziriro dzedzidzo idzo dzakatangwa nokuda kwaavo vane mabasa akawedzerwa mukati mesangano. Pasina panikiro Jehovha akakomborera kuzivisa kwazvo Umambo hwake.

Kubvira muma1870 kusvikira pari zvino, varume vakati vakabetsera zvakatanhamara kukufambisirwa mberi kwebasa roUmambo, varume vakadai saCharles T. Russell, Joseph F. Rutherford, Nathan H. Knorr, uye Frederick W. Franz, pamwe chete navamwe avo vakabatira semitezo yoMutumbi Unodzora. Asi Zvapupu zvaJehovha hazvina kutongova sekete rakavakirwa paunhu hwavapi navapi vavarume ivava. Panzvimbo pezvo, zvine mutungamiriri mumwe bedzi, “Kristu.” (Mat. 23:10) Iye ndiye Musoro weizvi Zvapupu zvaJehovha zvakarongwa, uyo “chiremera chose chakapiwa” kwaari chokutungamirira iri basa “mazuva ose kutozosvikira mhedziso yetsika yezvinhu.” (Mat. 28:18-20, NW) Zvakatsunga kuzviisa pasi poumusoro hwaKristu, kuramba zviri pedyo neShoko raMwari, uye kubatira pamwe nokutungamirira kwomudzimu mutsvene, kuti zvigopfuurira kufambira mberi mukunamatwa kwaMwari bedzi wechokwadi nomukuzvibvumikisa zvomene kuva “vanhu vake amene chaivo, vanoshingairira mabasa akaisvonaka.”—Tito 2:14, NW.

Asi ndedzipi dziri dzimwe dzedzidziso huru nemipimo yomufambiro izvo zvinosiyanisa Zvapupu zvaJehovha namamwe marudzidziso ose? Zvakasvika sei pakuzivikanwa seZvapupu zvaJehovha? Mibato yazvo inowanirwa sei mari? Neiko zvichichengeta kuparadzana chaiko nedzimwe chechi uye nenyika yose zvayo? Neiko zvave zviri vanyajambwa vechitambudzo chikuru mumativi akawanda kwazvo apasi? Iyi nemimwe mibvunzo yakawanda ichapindurwa mumaganhuro anotevera.

[Mashoko Omuzasi]

a Ona Ganhuro 15, “Kukudzwa Kwechimiro Chesangano.”

b Kubvira muna 1980 kusvikira kuna 1985, kwakanga kune wedzero ye33 muzana nhamba yaigoverana mubasa rokuparidza, uye kubvira muna 1985 kusvikira kuna 1992, kwakanga kune imwe wedzero ye47,9 muzana.

c Ona Ganhuro 17, “Kokorodzano—Chibvumikiso Chouhama Hwedu.”

d Ona Ganhuro 20, “Kuvaka Pamwe Chete Pamwero Wenyika Yose.”

e Ona Ganhuro 26, “Kubudisa Mabhuku eBhaibheri Okushandisa Muushumiri.”

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 117]

Harisati riri sekete rakavakirwa paunhu hwavanhu vapi navapi

[Bhokisi/Girafu riri papeji 110]

Kubvira muna 1976 kusvikira kuna 1992, kwakanga kune wedzero ye42 muzana munhamba yemitauro umo “Nharireyomurindi” yakabudiswa

[Girafu]

(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)

111

78

1976 1992

[Bhokisi riri papeji 111]

Mashoko Pamusoro paF. W. Franz

Frederick William Franz akaberekwa muCovington, Kentucky, U.S.A., pana September 12, 1893. Muna 1899 mhuri yakatamira kuCincinnati, uko Frederick akapedza kufunda pachikoro chapamusoro muna 1911. Ipapo iye akapinda muUniversity of Cincinnati, achitora kosi yezvidzidzowo zvazvo zvokuwedzera ruzivo. Iye akanga asarudza kuti aizova muparidzi wePresbyterian, naizvozvo akazvishandisa amene nesimba kufundo yechiGiriki cheBhaibheri. Ari payunivhesiti Frederick akasarudzwa kuti agamuchire mari yaRhodes yokubetsera padzidzo, kuchimukwanirisa kupinda paOxford University muEngland. Zvisinei, chiziviso chisati chagona kuitwa, Frederick akarasikirwa nefariro yose mumari yokubetsera padzidzo ndokukumbira kuti zita rake ribviswe pandaza yavakwikwidzi.

Kare, mukoma wake Albert akanga amutumira kabhukwana ako akanga awana kubva kuInternational Bible Students. Gare gare Albert akamupa mavhoriyamu matatu okutanga e“Studies in the Scriptures.” Frederick akafadzwa nezvaakanga achidzidza ndokusarudza kudimbura batano yake neChechi yePresbyterian ndokusonganira neungano yaVadzidzi veBhaibheri. Pana November 30, 1913, iye akabhapatidzwa. Muna May 1914 akabva payunivhesiti, uye pakarepo akaita gadziriro dzokuva “colporteur” (piyona).

Muna June 1920 iye akava mutezo wemhuri yeBheteri muBrooklyn. Pashure porufu rwaN. H. Knorr, muna June 1977, Hama Franz vakasarudzwa kuva nenzvimbo yapurezidhendi weSosaiti. Ivo vakabatira nokutendeka somutezo woMutumbi Unodzora kutozosvikira rufu rwavo, pana December 22, 1992, pazera ramakore 99.

[Girafu riri papeji 112]

(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)

Mapiyona Anowedzera

1992

600 000

400 000

1986

200 000

1981

1976

[Girafu riri papeji 113]

(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)

Mhuri yeBheteri Inokura Munyika Yose

1992

12 000

9 000

1986

6 000

1981

1976

3 000

[Girafu riri papeji 114]

(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)

Ungano Dzinowedzera

80 000

1992

60 000

1986

1981

1976

40 000

20 000

[Girafu riri papeji 115]

(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)

Wedzero Yavazivisi voUmambo

1992

4 000 000

1986

3 000 000

1981

1976

2 000 000

1 000 000

[Mufananidzo uri papeji 109]

Hofisi yebazu imwe neimwe yeSosaiti inotarisirwa nedare rehama, kufanana neiri rinotarisira basa muNigeria

[Mifananidzo iri papeji 116]

Mutumbi Unodzora weZvapupu zvaJehovha January 1992

Carey W. Barber

John E. Barr

W. Lloyd Barry

John C. Booth

Frederick W. Franz

George D. Gangas

Milton G. Henschel

Theodore Jaracz

Karl F. Klein

Albert D. Schroeder

Lyman A. Swingle

Daniel Sydlik

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe