RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • jv chits. 14 pp. 188-201
  • “Havasati Vari Rutivi Rwenyika”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Havasati Vari Rutivi Rwenyika”
  • Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Chimiro Chendangariro Kuvanhu Biyavo
  • Vakaparadzana Navakasiyana neBhabhironi Guru
  • Rudzidziso Runofanira Kupindira Mune Zvamatongerwe Enyika Here?
  • Apo Nyika Yakarwa Hondo
  • Kuratidzirwa Kwezvamatongerwe Enyika kwoUmambo hwaMwari Here?
  • Chinyorwa Chokusatora Rutivi kwechiKristu
  • Apo Zviratidzo Zvenyika Zvakava Zvinhu Zvokuzvipira
  • Chimiro Chavo Chinotaurwa Nenzira Yakajeka
  • Apo Nyika Yaiva Namazororo Ayo
  • Kubetsera Munhu Biyavo
  • “Vanyajambwa Vokuvengwa Namarudzi Ose”
    Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari
  • “Ivo Havazati Vari Rutivi Rwenyika”
    Vakabatana Mukunamatwa kwaMwari Wechokwadi Bedzi
  • “Havasi Rutivi Rwenyika”
    Namata Mwari Wechokwadi Bedzi
  • MaKristu Nechaunga Chavanhu Nhasi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
Ona Zvimwe
Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari
jv chits. 14 pp. 188-201

Ganhuro 14

“Havasati Vari Rutivi Rwenyika”

RUDZIDZISO rwomuzuva razvino uno, zvikurukuru, rutivi zvikuru kwazvo rwenyika, zvokuti runogoverana mumitambo yenyika uye runoratidzira mudzimu wayo wourudzi. Vafundisi varwo kazhinji kazhinji vanobvuma idi iroro, uye vakawanda vavo vanoda kuti kuve kwakadaro. Mumhesano huru, Jesu akataura nezvavateveri vake vechokwadi, kuti: “Havasati vari rutivi rwenyika, kungofanana neni ndisati ndiri rutivi rwenyika.”—Joh. 17:16, NW.

Chinyorwa chinoratidzei pamusoro peZvapupu zvaJehovha muna ikoku? Zvakapa ufakazi hunopwisa here hwokuti hazvisati zviri rutivi rwenyika?

Chimiro Chendangariro Kuvanhu Biyavo

Vadzidzi veBhaibheri vapakuvamba vaisanoziva kuti vaKristu vechokwadi vaisazova rutivi rwenyika. Nharireyomurindi yakatsanangura kuti nemhaka yokuti vateveri vaKristu vakazodzwa vakatsveneswa uye vakaberekwa nomudzimu mutsvene kuti vagogoverana muUmambo hwokudenga, kupfurikidza neichi chiito chaMwari vakaparadzaniswa nenyika. Mukuwedzera, iyo yakaonesa kuti vakanga vachisungirwa kudzivisa mudzimu wenyika—vavariro dzayo, gwinyiro, uye tariro, pamwe chete nenzira dzayo dzoudyire.—1 Joh. 2:15-17.

Ikoku kwakatapura chimiro chendangariro chaVadzidzi veBhaibheri kuvanhu vakanga vasingagoverani zvitendero zvavo here? Zvirokwazvo hakuna kuvaita vanazindoga. Asi avo vaishandisa zvirokwazvo zvavakanga vachidzidza muMagwaro havana kutsvaka ushamwari hwavanhu venyika nenzira yakadaro kuti vagoverane mumararamire avo. Nharireyomurindi yakanongedzera vabatiri vaMwari kuzano reBhaibheri roku“ita zvakanaka kuna vose.” Yakapawo zano kuti pakutambudzwa vanofanira kuedza kudzivisa mirangariro yokutsiva uye, panzvimbo pezvo, sokutaura kwakanga kwaita Jesu, vanofanira ‘kuda vavengi vavo.’ (VaG. 6:10, NW; Mat. 5:44-48) Yakavakurudzira zvikuru kutsvaka kugoverana navamwe zvokwadi inokosha pamusoro pegadziriro yaMwari yoruponeso.

Nenzira inonzwisisika, kuita kwavo zvinhu izvozvi kwaizovaparira kurangarirwa nenyika savakasiyana. Asi kuva vasati vari rutivi rwenyika kunobatanidza zvakawanda—zvakawanda zvikuru.

Vakaparadzana Navakasiyana neBhabhironi Guru

Kuti vasave rutivi rwenyika, vaifanira kusava rutivi rwamasangano orudzidziso ayo akanga achibatanidzwa zvikuru kwazvo muzvinhu zvenyika uye ayo akanga agamuchira dzidziso nemiitiro zvakabva kuBhabhironi rakare, muvengi wenguva refu wokunamata kwechokwadi. (Jer. 50:29) Apo hondo yenyika yokutanga yakatanga, Vadzidzi veBhaibheri kwamakumi amakore vakanga vave vachiratidzira mavambo echihedheni edzidziso dzechiKristudhomu dzakadai soUtatu, kusafa kwomweya womunhu, uye hero yomwoto. Vakanga varatidzirawo chinyorwa chechechi chokuedza kupesvedzera hurumende nokuda kwezvinangwa zvadzo dzimene zvoudyire. Nemhaka yedzidziso dzechiKristudhomu nemiitiro, Vadzidzi veBhaibheri vakanga vachifananidza ne“Bhabhironi Guru.” (Zvak. 18:2, NW) Vakaonesa kuti chaivhenganisa zvokwadi nechikanganiso, chiKristu chinodziya chine kuva wenyika chaikoiko, uye kuti zita reBhaibheri rokuti “Bhabhironi” (kureva kuti, “Nyongano”) raisanorondedzera mamirire iwayo ezvinhu. Vakakurudzira vadi vaMwari kubuda mu“Bhabhironi.” (Zvak. 18:4) Nokuda kwechinangwa ichocho, mukupera kwaDecember 1917 nomukuvamba muna 1918, ivo vakaparadzira makopi 10 000 000 echinyorwa cheThe Bible Students Monthly icho chakasimbisa nhau inoti “Kuwa kweBhabhironi,” uko kwakanga kuri kufumurwa kunorwadza kwechiKristudhomu. Ikokuwo kwakaguma noruvengo rukuru rwakabva kuvafundisi, avo vakashandisa nyongano yenguva yehondo mukuedza kuparadza basa reZvapupu zvaJehovha.

Nenzira isingadzivisiki, kubuda muBhabhironi Guru kwaibatanidza kurega kuva mutezo mumasangano ayo aitsigira dzidziso dzaro dzenhema. Vadzidzi veBhaibheri vakaita ikoko, kunyange zvazvo kwamakore akawanda vairangarira sehama dzechiKristu vanhu vaya vaiva muchechi dzavo vaitaura kuti vakaita tsauriro yakazara uye kuti vaitenda chibayiro. Kunyange zvakadaro, Vadzidzi veBhaibheri havana kunyora bedzi tsamba dzokubuda muchechi dzechiKristudhomu asi, apo kwaibvira, vamwe vairava dzavo zvinonzwika pamisangano yechechi apo kwakanga kwakakodzera kuti mitezo itaure nenzwi guru. Kana ikoku kwakanga kuri kusingabviri, vaitumira kopi yetsamba yavo yokubuda—yomutsa yaiva nouchapupu hwakafanira—kumutezo uri wose weungano.

Vakanga vanewo chokwadi here chokuti vakanga vasingaendi nedzipi dzetsika dzisati dziri dzoumwari nemiitiro zvamasangano iwayo? Ndeapi akanga ari mamirire ezvinhu munhambo yakatungamirira kuHondo Yenyika I?

Rudzidziso Runofanira Kupindira Mune Zvamatongerwe Enyika Here?

Mune zvamatongerwe enyika, vatongi venyika huru dzakawanda, nemhaka yebatano yavo nechechi yeKaturike kana kuti yePurotesitendi, vakanga vanguve vachitaura kuti vanotonga ‘kupfurikidza nekodzero dzoumwari,’ savamiriri voUmambo hwaMwari uye kupfurikidza nenyasha chaidzo dzaMwari. Chechi yakapa chikomborero chayo kuhurumende; uyewo, hurumende yakapa tsigiro yayo kuchechi. Vadzidzi veBhaibheri vakapindawo muna ikoku here?

Panzvimbo pokutevedzera chechi dzechiKristudhomu, ivo vakatsvaka kudzidza mudzidziso nomuenzaniso zvaJesu Kristu navaapostora vake. Fundo yavo yeBhaibheri yakavaratidzei? Zvinyorwa zvapakuvamba zveWatch Tower zvinozivisa kuti vakanga vachiziva kuti apo Jesu akabvunzwa nagavhuna weRoma Pontio Pirato, iye akati: “Umambo hwangu hahusati huri rutivi rwenyika ino.” Mumhinduro kumubvunzo pamusoro pebasa raJesu, iye akaudza gavhuna wacho, kuti: “Ndakaberekerwa ikoku, uye ndakauyira ikoku munyika, kuti ndinofanira kupupurira zvokwadi.” (Joh. 18:36, 37, NW) Vadzidzi veBhaibheri vaiziva kuti Jesu akaomerera nenzira isingazungunuki kumugove iwoyo. Apo Dhiyabhorosi akamupa umambo hwose hwenyika nembiri yahwo, iye akaramba. Apo vanhu vaida kumuita mambo, iye akabva. (Mat. 4:8-10; Joh. 6:15) Vadzidzi veBhaibheri havana kunzvenga idi rokuti Jesu akanongedzera kuna Dhiyabhorosi so“mutongi wenyika” ndokutaura kuti Dhiyabhorosi ‘akanga asina simba paari.’ (Joh. 14:30, NW) Vaigona kuona kuti Jesu haana kutsvaka kubatanidzwa kwake amene kana kuti vateveri vake musangano rezvamatongerwe enyika reRoma asi kuti iye akanga akabatikana zvizere nokuzivisa “mashoko akanaka oumambo hwaMwari.”—Ruka 4:43, NW.

Kudavira kwavo zvinhu izvozvi zvakanyorwa muShoko raMwari kwakakurudzira kuzvidza chiremera chehurumende here? Nyangwe. Panzvimbo pezvo, kwakavabetsera kunzwisisa chikonzero nei zvinetso zvinotarisana navatongi zvichirema kwazvo, chikonzero nei kune kusateerera mutemo kwakawanda kwazvo, uye chikonzero nei gadziriro dzehurumende dzokunatsa mugariro wavanhu dzichivhiringidzwa kazhinji kazhinji. Chitendero chavo chakavaparira kuva vanoshivirira mukutarisana nenhamo, nemhaka yokuti vakanga vane chivimbo chokuti Mwari munguva yake yakafanira aizounza rusununguko runogara kupfurikidza noUmambo hwake. Panguva iyoyo vakanzwisisa kuti “masimba makuru,” anonongedzerwa kwaari pana VaRoma 13:1-7 (KJ), vakanga vari vatongi venyika. Maererano naikoko, vakakurudzira kuremekedza vakuru vakuru vehurumende. Mukukurukura VaRoma 13:7, C. T. Russell, mubhuku rinonzi The New Creation (rakabudiswa muna 1904), akataura kuti vaKristu vechokwadi “nenzira yomuzvarirwo vaizova vapachokwadi zvikurusa mukuziva kwavo vakuru venyika ino, uye vanoteerera zvikurusa mitemo nezvinodikanwa zvomutemo, kunze kweapo iyoyi yaizowanwa ichirwisana nezvinodikanwa zvokudenga nemirayiro. Vatongi vapasi vashomanene kana varipo muzuva redu vachawanira mhaka kuzivikanwa kwoMusiki mukurusa noruvimbiko rukurusa kumirayiro yake. Nokudaro, [vaKristu vechokwadi] vanofanira kuwanwa pakati pavanoteerera mutemo venguva yazvino uno—kwete vakuchidziri, kwete vanokakavara, kwete vanowanira mhaka.”

SavaKristu, Vadzidzi veBhaibheri vaiziva kuti basa ravaifanira kuva vachizvipa vamene kwariri kwakanga kuri kuparidzwa kwoUmambo hwaMwari. Uye, sezvinotaurwa muvhoriyamu yokutanga yeStudies in the Scriptures, “kana irori rikaitwa nenzira yokutendeka, hakusati kuchizova nenguva uyewo murangariro wokupindira mune zvamatongerwe enyika zvehurumende dzazvino uno.”

Muna ikoku ivo, kusvikira kutambanuko yakati, vakanga vakafanana navaKristu vaya vapakuvamba vanorondedzerwa naAugustus Neander mubhuku rinonzi The History of the Christian Religion and Church, During the Three First Centuries, kuti: “VaKristu vakaparadzana uye vakasiyana nehurumende, . . . uye chiKristu chairatidzika kuva chinokwanisa kupesvedzera upenyu hwomunzanga bedzi mumutoo uya uyo, kunofanira kubvumwa kudaro, wakachenesesa, kupfurikidza nokudokuedza kuroverera kwakawanda zvikuru kwokunzwa kutsvene muvagari vemo vehurumende.”

Apo Nyika Yakarwa Hondo

Kupota nyika yose zviitiko zveHondo Yenyika I zvakaedza zvakakomba kutaura kwaavo vaitaura kuti vaKristu. Yakanga iri hondo inotyisa zvikurusa yakarwiwa kusvikira kunguva iyoyo; vagari vanodokuva vose vomunyika vakabatanidzwa munzira yakati.

Papa Benedict XV, pasinei zvapo nokunzwira urombo Masimba Makuru kweVatican, akaedza kuchengeta chitarisiko chokusatora rutivi. Zvisinei, mukati morudzi rumwe norumwe vafundisi, vechiKaturike nevechiPurotesitendi, havana kuchengeta chimiro chokusatora rutivi chakadaro. Pamusoro pemamirire ezvinhu muUnited States, Dr. Ray Abrams, mubhuku rake rinonzi Preachers Present Arms, akanyora, kuti: “Chechi dzakagamuchira chinzwano chechinangwa kusvikira panguva iyoyo chaisazivikanwa muzvinyorwa zvorudzidziso. . . . Vatungamiriri vakakurumidza kusanorongwa pazvikonzero zvehondo. Mukati mamaawa makumi maviri namana pashure pokuziviswa kwehondo, Federal Council of the Churches of Christ muAmerica yakaita rongedzero dzebatira pamwe yakazara zvikurusa. . . . Chechi yeRoma Katurike, yakarongwa nokuda kwebasa rakafanana pasi peNational Catholic War Council, ichitungamirirwa namabhishopi makuru ane gumi navana uye naCardinal Gibbons sapurezidhendi, yakaratidzira kuzvipira kwakaenzana kuchinangwa chacho. . . . Chechi dzakawanda dzakasvika kure zvikuru kupfuura padzakanga dzakumbirwa. Dzakava nzvimbo dzokuunganidza dzokunyoreswa kwamauto.” Vadzidzi veBhaibheri vakaitei?

Kunyange zvazvo vakaedza kuita izvo vairangarira kuti zvakanga zvichifadza kuna Mwari, chimiro chavo nguva dzose chakanga chisati chiri chiye chokusatora rutivi zvikuru. Zvavakaita zvakapesvedzerwa nechitendero, chaigoveranwa navose navamwe vaiti vaKristu, chokuti “masimba makuru” akanga “akagadzwa naMwari,” maererano namashoko eKing James Version. (VaR. 13:1) Nokudaro, maererano neziviso yapurezidhendi weUnited States, Nharireyomurindi yakakurudzira Vadzidzi veBhaibheri kukumbanira mukuchengeta May 30, 1918, sezuva romunyengetero nokukumbira pamusoro pomugumisiro wehondo yenyika.a

Mukati memakore ehondo, mamirire ezvinhu umo Vadzidzi veBhaibheri vamwe navamwe vaikandirwa akanga akasiyana. Nzira yavaibata nayo neaya mamirire ezvinhu akanga akasiyanawo. Vachinzwa vachisungirwa kuteerera “masimba aripo,” sezvavainongedzera kuvatongi venyika, vamwe vaipinda mumakoronga pamberi nepfuti namabheneti. Asi vachirangarira rugwaro runoti, “Haufaniri kuuraya,” ivo vaikandira zvombo zvavo mumhepo kana kuti kungoedza kudonhedza chombo chiri muruoko rwomuvengi. (Eks. 20:13, KJ) Vashomanene, vakadai saRemigio Cuminetti, muItaly, akaramba kupfeka yunifomu yamauto. Hurumende yeItaly panguva iyoyo yaisahesvura munhu upi noupi uyo nokuda kwezvikonzero zvehana aisatora zvombo. Iye akatongwa kashanu ndokupfigirwa mumatorongo nechipatara chemapenzi, asi kutenda kwake nokutsunga zvakaramba zvisingazungunuswi. MuEngland vamwe vakakumbira kuhesvurwa vakagoverwa kubasa roukoshi hwenyika kana kuti kuboka remauto risingarwi. Vamwe, vakadai saPryce Hughes, vakatora chimiro chokusatora rutivi zvikuru, pasinei zvapo nemigumisiro kwavari somunhu oga.

Panenge panguva iyoyo, chinyorwa chose zvacho chaVadzidzi veBhaibheri chakanga chisina kufanana chaizvo neicho chavaKristu vapakuvamba vanorondedzerwa muThe Rise of Christianity, naE. W. Barnes, uyo akashuma, kuti: “Kuhwirudzurwa kwokungwarira kwamashoko ose anowanikwa kunoratidza kuti, kutozosvikira panguva yeMarcus Aurelius [mambo weRoma kubvira muna 161 kusvikira kuna 180 C.E.], hakuna muKristu akava murwi; uye hakuna murwi, pashure pokuva muKristu, akaramba ari mubasa ramauto.”

Asi ipapo, pamugumo weHondo Yenyika I, mamwe mamirire ezvinhu akamuka ayo akarayira mapoka orudzidziso kuratidza kwaiva noruvimbiko rwavo.

Kuratidzirwa Kwezvamatongerwe Enyika kwoUmambo hwaMwari Here?

Chibvumirano chorugare, kubatanidza Sungano yeChinzwano Chamarudzi, chakasainwa muVersailles, France, pana June 28, 1919. Kunyange chibvumirano chorugare ichocho chisati chasainwa, Federal Council of the Churches of Christ muAmerica yakazivikanwa seyaizivisa kuti Chinzwano chaizova “kuratidzirwa kwezvamatongerwe enyika kwoUmambo hwaMwari pasi pano.” Uye Dare raMakurukota reUnited States rakagamuchira tsamba dzakawanda dzakabva kumapoka orudzidziso achivakurudzira kusimbisa Sungano yeChinzwano chaMarudzi.

Zvapupu zvaJehovha hazvina kutsigira. Kunyange chibvumirano chorugare chisati chasimbiswa (muna October), J. F. Rutherford akapa hurukuro paCedar Point, Ohio, pana September 7, 1919, umo iye akaratidza kuti hachisati chiri Chinzwano Chamarudzi asi Umambo hwakagadzwa naMwari amene ndihwo tariro bedzi yavanhu vanotambudzwa. Nepo vaibvuma kuti mubatanidzwa wavanhu wokunatsa mamirire ezvinhu waigona kuita zvakanaka zvikuru, Vadzidzi veBhaibheri ivavo vakanga vasati vari kufuratira Umambo hwaMwari amene mutsinhano negadziriro yezvamatongerwe enyika yakatangwa nevezvamatongerwe enyika ndokukomborerwa navafundisi. Panzvimbo pezvo, ivo vakaita basa rokupa uchapupu munyika yose pamusoro poUmambo uhwo Mwari akanga aisa mumaoko aJesu Kristu. (Zvak. 11:15; 12:10) MuNharireyomurindi yechiNgezi yaJuly 1, 1920, kwakatsanangurwa kuti irori ndiro rakanga riri basa iro Jesu akanga afanotaura pana Mateo 24:14.

Zvakare, pashure peHondo Yenyika II, vaKristu vakatarisana nenhau yakafanana. Nguva ino, yaibatanidza Sangano Romubatanidzwa Wenyika Dzapasi Pose, mutsivi weChinzwano. Apo Hondo Yenyika II yakanga ichiri kurwiwa, muna 1942, Zvapupu zvaJehovha zvakanga zvatonzwisisa kubva muBhaibheri, pana Zvakazarurwa 17:8, kuti sangano rorugare rwenyika raizomukazve, uyewo kuti raizokundikana kuunza rugare runogara. Ikoku kwakatsanangurwa naN. H. Knorr, panguva iyeyo purezidhendi weWatch Tower Society, muhurukuro yekokorodzano yaiti “Rugare—Runogona Kugara Here?” Nenzira youshingi Zvapupu zvaJehovha zvakazivisa murangariro iwoyo wemamirire ezvinhu enyika akanga achitanga. Pane rumwe rutivi, vatungamiriri vechiKaturike, vechiPurotesitendi, uye vechiJudha vakagoverana chaizvoizvo mukurukurirano muSan Francisco muna 1945 umo Chata yeUN yakanyorwa. Kuvacherekedzi veizvi zviitiko, kwakanga kwakajeka kuti ndiani aida kuva “shamwari yenyika” uye uyo akanga achiedza kuva a“sati [ari] rutivi rwenyika,” seizvo Jesu akanga ataura kuti kwaizova kwechokwadi nezvavadzidzi vake.—Jak. 4:4; Joh. 17:14, NW.

Chinyorwa Chokusatora Rutivi kwechiKristu

Kunyange zvazvo Zvapupu zvaJehovha zvakakurumidza kunzwisisa nhau dzakati dzinobatanidza ukama hwomuKristu nenyika, zvimwe zvinhu zvaida nguva yakawanda. Zvisinei, sezvo Hondo Yenyika II yakasimba muEurope, nyaya inokosha muNharireyomurindi yechiNgezi yaNovember 1, 1939, yakazvibetsera kunzwisisa revo yokusatora rutivi kwechiKristu. Vateveri vaJesu Kristu, nyaya yacho yakataura kudaro, vane musengwa pamberi paMwari wokuva vakazvipira zvizere kwaari noUmambo hwake, Ubati Ushe hwaMwari. Minyengetero yazvo inofanira kuva nokuda kwoUmambo hwaMwari, kwete nokuda kwenyika. (Mat. 6:10, 33) Nebetsero yeizvo Jesu Kristu akazivisa pamusoro pokuzivikanwa kwomutongi asingaoneki wenyika (Joh. 12:31; 14:30), nyaya yacho yakarangarira kuti, munhu akazvipa kuUmambo hwaMwari angagona sei kuda rumwe rutivi kana kuti rumwe rwacho murwisano pakati pamasangano enyika? Jesu akanga asina here kuti nezvavateveri vake: “Havasati vari rutivi rwenyika, kungofanana neni ndisati ndiri rutivi rwenyika”? (Joh. 17:16, NW) Ichi chimiro chokusatora rutivi kwechiKristu chakanga chisati chiri chiya icho nyika yose zvayo yaizonzwisisa. Asi Zvapupu zvaJehovha zvaizorarama chaizvoizvo maererano nacho here?

Kusatora rutivi kwazvo kwakaedzwa zvikuru mukati meHondo Yenyika II, zvikurukuru muGermany. Wezvenhau Brian Dunn akati: ‘Zvapupu zvaJehovha zvakanga zvisingawirirani nechiNazi. Chaikosha zvikurusa chezvirambidzo zveNazi kwazviri kwakanga kuri kusatora rutivi kwazvo mune zvematongerwe enyika. Ikoku kwaireva kuti hakuna mutendi aitakura zvombo, kuva nenzvimbo, kuva norutivi mumitambo yavose, kana kuti kuita chiratidzo chipi nechipi choruvimbiko.’ (The Churches’ Response to the Holocaust, 1986) MuA History of Christianity, Paul Johnson akawedzera, kuti: “Vakawanda vakatongerwa rufu nokuda kwokuramba basa ramauto . . . kana kuti vakaguma vava kuDachau kana kuti muzvipatara zvemapenzi.” Zvapupu zvingani muGermany zvakaiswa mutorongo? Zvapupu zvaJehovha muGermany gare gare zvakashuma kuti 6 262 vazvo vakanga vasungwa uye 2 074 venhamba iyoyo vakanga vaiswa mumisasa yevasungwa. Vanyori venyika kazhinji kazhinji vanoda nhamba dzakakwirira zvikuru.

MuBritain, umo vose vari vaviri varume navakadzi vakagoverwa kubasa ramauto, mutemo waibvumira kuhesvura; asi ikoku kwakanyimwa kuZvapupu zvaJehovha namatare akawanda, uye vatongi vakaisa pavari nguva yetongero yetorongo inopfuura makore 600 muhwerengedzo. MuUnited States, mazana eZvapupu zvaJehovha savashumiri vechiKristu vakahesvurwa mubasa ramauto. Vamwe vanopfuura 4 000, vakanyimwa kuhesvurwa kwakagoverwa neSelective Service Act, vakasungwa ndokuiswa mutorongo kwenguva dzaisvika kumakore mashanu. Munyika iri yose pasi pano, Zvapupu zvaJehovha zvaiomerera kuchimiro chimwe chetecho chokusatora rutivi kwechiKristu.

Zvisinei, muedzo wouchokwadi hwokusatora rutivi kwazvo hauna kuguma nokuguma kwehondo. Kunyange zvazvo nhamo ya1939-45 yakanga yapfuura, dzimwe rwisano dzakasvika; uye kunyange mukati menguva dzorugare rwakati, nyika dzakawanda dzakasarudza kuchengeta basa ramauto rokumanikidzira. Zvapupu zvaJehovha, savashumiri vechiKristu, zvakapfuurira kutarisana nokuiswa mutorongo uko zvakanga zvisingahesvurwi. Muna 1949, apo John Tsukaris naGeorge Orphanidis vasina kutora zvombo mukurwisana navanhu biyavo, hurumende yeGreece yakarayira kuurawa kwavo. Kubatwa (kwamarudzi akasiyana-siyana) kwaiitirwa Zvapupu zvaJehovha muGreece kwaiva kwehasha kwazvo nguva dzose zvokuti pashure penguva yakati Council of Europe (Human Rights Committee) yakaedza kushandisa pesvedzero yayo nokuda kwazvo, asi somugumisiro wedzvinyiriro yakabva kuChechi yeGreek Orthodox, kusvikira kuna 1992 kurudziro dzavo, kunze kweshomanene, dzakanga dzadziviswa. Zvisinei, dzimwe hurumende dzakakuwana kuva kunonyangadza kupfuurira kuranga Zvapupu zvaJehovha nokuda kwezvitendero zvazvo zvorudzidziso zvokutungamirirwa nehana. Muma1990, munyika shomanene, dzakadai seSweden, Finland, Poland, Netherlands, uye Argentina, hurumende yakanga isiri kudzvinyirira Zvapupu zvinoshingaira kuti zvipinde mubasa ramauto kana kuti murimwe basa renyika rokumanikidzira, kunyange zvazvo nhau imwe neimwe yakasanonzverwa.

Munzvimbo imwe pashure peimwe, Zvapupu zvaJehovha zvakafanira kutarisana nemamirire ezvinhu ayo akadenha kusatora rutivi kwazvo kwechiKristu. Hurumende dzaitonga muLatin America, Africa, Middle East, Northern Ireland, uye kune imwe nzvimbowo zvakawana chishoro chamasimba masimba chakabva kumauto anopandukira. Somugumisiro, zvose zviri zviviri hurumende namauto anorwisa zvakadzvinyirira Zvapupu zvaJehovha nokuda kwetsigiro yokushingaira. Asi Zvapupu zvaJehovha zvakachengeta kusatora rutivi kwakakwana. Zvimwe zvakarohwa nenzira youtsinye, kunyange kuurawa, nemhaka yechimiro chakatorwa. Kazhinji kazhinji, kunyange zvakadaro, kusatora rutivi kwechiKristu kwapachokwadi kweZvapupu zvaJehovha kwakawana ruremekedzo rwavakuru vakuru vari kumativi ose ari maviri, uye Zvapupu zvinobvumidzwa kupfuurira zvisinganetswi mubasa razvo rokuudza vamwe mashoko akanaka pamusoro poUmambo hwaJehovha.

Muma1960 nema1970, kusatora rutivi kweZvapupu kwakava nemiedzo youtsinye pamusoro pokuda kuti vagari vemo vose veMalawi vatenge kadhi rinoratidzira kuva mutezo mubato rinotonga rezvamatongerwe enyika. Zvapupu zvaJehovha zvakakuona sokunopesana nezvitendero zvazvo zvechiKristu kugoverana muna ikoku. Somugumisiro, zvakatambudzwa zvisina muenzaniso muutsinye hwacho hunorwadza. Makumi ezviuru akamanikidzwa kutiza nyika yacho, uye vakawanda pashure penguva yakati vakadzorerwa nokumanikidzira kuti vatarisane nohumwe utsinye.

Kunyange zvazvo zvichitambudzwa nenzira yamasimba masimba, Zvapupu zvaJehovha hazvina kuita chiito nomudzimu wokupandukira. Zvitendero zvazvo hazviisi mungozi hurumende ipi neipi yazvinorarama mairi. Mukupesana, World Council of Churches yakabetsera kuwanira mari kupandukira, uye vaprista veKaturike vakatsigira mauto echigandanga. Asi kana mumwe weZvapupu zvaJehovha akaita mubato wokupandukira, kungava kuramba kutenda kwake.

Ichokwadi kuti Zvapupu zvaJehovha zvinodavira kuti hurumende dzose dzavanhu dzichabviswa noUmambo hwaMwari. Izvozvi ndizvo zvinotaura Bhaibheri pana Dhanieri 2:44, NW. Asi, sokuonesa kunoita Zvapupu, panzvimbo pokutaura kuti vanhu vaizogadza Umambo ihwohwo, rugwaro runozivisa kuti “Mwari wokudenga achagadza umambo.” Nenzira yakafanana, izvo zvinotsanangura kuti, rugwaro harutauri kuti vanhu vanobvumirwa naMwari kugadzirira Umambo ihwohwo nzira kupfurikidza nokubvisa kutonga kwavanhu. Zvapupu zvaJehovha zvinoziva kuti basa ravaKristu vechokwadi nderokuparidza nokudzidzisa. (Mat. 24:14; 28:19, 20) Mutsinhirano nokuremekedza kwazvo Shoko raMwari, chinyorwa chinoratidza kuti hapana nomumwe wazvo akamboedza kukurira hurumende yorudzi rupi norupi kupi nokupi munyika, uyewo hazvina kutongoronga kukuvadza mukuru mukuru wehurumende. Pepanhau reItaly La Stampa rakati pamusoro peZvapupu zvaJehovha: “Izvo vagari vemo vakavimbika zvikurusa munhu upi noupi angagona kushuva: hazvinzvengi mitero kana kuti kutsvaka kunzvenga mitemo isina kukodzera nokuda kwokubetserwa kwazvo zvimene.” Kunyange zvakadaro, nemhaka yokuziva kukomba kwenhau yacho mumeso aMwari, mumwe nomumwe wazvo akatsunga zvakasimba kuramba ari a“sati [ari] rutivi rwenyika.”—Joh. 15:19, NW; Jak. 4:4.

Apo Zviratidzo Zvenyika Zvakava Zvinhu Zvokuzvipira

Nokutonga kwaAdolf Hitler muGermany, manyemwe okuvimbika kunyika yako akapararira munyika. Kuronga vanhu, kutora rutivi mumitambo yokuvimbika kunyika yako kwakaitwa kuti kuve kwokumanikidzira. MuGermany munhu ari wose aidikanirwa kupa sarupu yakarayirwa ndokudanidzira kuti, “Heil Hitler!” Ikoku kwakanga kuri kurumbidzwa kwaHitler somuponesi; kwakanzi kupe pfungwa yokuti tariro dzose dzavanhu dzakanga dzakanangidzirwa pakutonga kwake. Asi Zvapupu zvaJehovha zvaisagona kukumbanira mumirangariro yakadaro. Zvaiziva kuti kunamata kwazvo kunofanira kuenda bedzi kuna Jehovha uye kuti Iye akanga amutsa Jesu Kristu soMuponesi worudzi rwomunhu.—Ruka 4:8; 1 Joh. 4:14.

Kunyange Hitler asati ava mudzvinyiriri muGermany, Zvapupu zvaJehovha, mubhukwana rinonzi The Kingdom, the Hope of the World (rakabudiswa muna 1931), zvakahwirudzura muenzaniso wapaMagwaro weshamwari nhatu dzechiHebheru dzaiva noushingi dzomuporofita Dhanieri muBhabhironi. Pavakarayirwa namambo kukotama pamberi pomufananidzo pakuridzwa kwamarimba akati, vaHebheru vakatendeka ivavo vakanga varamba kubvumirana pane zvisina kufanira, uye Jehovha akanga ajekesa tendero yake kupfurikidza nokuvanunura. (Dhan. 3:1-26) Bhukwana racho rakaonesa kuti mitambo yokuvimbika kunyika yako yakatarisana neZvapupu zvaJehovha munguva dzazvino uno nedenho yakafanana kukutendeka kwazvo.

Zvishoma nezvishoma, manyemwe emitambo yokuvimbika kunyika yako yokumanikidzira akapararira kudarika Germany. Pana June 3, 1935, pakokorodzano muWashington, D. C., apo J. F. Rutherford akakumbirwa kutsinhira pamusoro pokukwazisa mureza muzvikoro, iye akasimbisa nhau yokutendeka kuna Mwari. Mwedzi mishomanene gare gare, apo Carleton B. Nichols, Jr., aiva nemakore masere okukura, weLynn, Massachusetts, akaramba kukwazisa mureza weAmerica ndokukumbanira mukuimba rwiyo rwokuvimbika kunyika yako, kwakashumwa mumapepanhau munyika yose.

Kuti vatsanangure nhau yacho, Hama Rutherford vakapa hurukuro muredhiyo pana October 6 pamusoro unoti “Kukwazisa Mureza,” umo vakati: “Kuvanhu vakawanda kukwazisa mureza muitirowo zvawo uye kune ukoshi huduku kana kuti hakuna. Kune avo vanokurangarira zvapachokwadi mumurangariro wapaMagwaro, kunoreva zvakawanda.

“Mureza unomirira nenzira yokufananidzira masimba anooneka anotonga. Kuedza kupfurikidza nomutemo kumanikidza mugari wemo kana kuti mwana womugari wemo kukwazisa chigadzirwa chipi nechipi kana kuti chinhu, kana kuti kuimba dzinonzi ‘nziyo dzokuvimbika kunyika yako’, hakuna kunaka chose chose uye kwakaipa. Mitemo inoitwa ndokuita kuti iteererwe kudzivisa kuitwa kwamabasa ari pachena ayo anoguma nokukuvadza mumwe, uye haiitwi nokuda kwechinangwa chokumanikidza munhu kushatisa hana yake, uye zvikurukuru apo hana iyoyo inenge ichitungamirirwa mutsinhirano neShoko raJehovha Mwari.

“Kuramba kukwazisa mureza, uye kumira wakati zi-i, sezvakaita uyu mukomana, kwaisagona kukuvadza munhu. Kana munhu achidavira zvapachokwadi kuti murayiro waMwari unorwisana nokukwaziswa kwomureza, ipapo kumanikidza munhu iyeyo kukwazisa mureza mukupesana neShoko raMwari, uye mukupesana nehana yake, kunokuvadza zvikuru munhu iyeyo. Hurumende haina maruramiro kupfurikidza nomutemo kana kuti neimwe nzira okukuvadza vanhu.”

Kumwe kutsanangurwawo kwezvikonzero zvechimiro chinotorwa neZvapupu zvaJehovha kwakagoverwa mubhukwana rinonzi Loyalty, rakabudiswawo muna 1935. Ngwariro yakanangidzirwa kumagwaro akadai seanotevera: Eksodho 20:3-7, iyo yakarayira kuti kunamata kuende bedzi kuna Jehovha uye kuti vabatiri vaMwari vakanga vasingafaniri kuita kana kuti kukotamira mufananidzo upi noupi kana kuti chakafanana nechinhu chipi nechipi chiri mudenga kana kuti chiri pasi pano; Ruka 20:25, apo Jesu Kristu akarayira kuti hazvisati zviri bedzi zvinhu zvaKesari zvinofanira kuripirwa kuna Kesari asi zviri zvaMwari zvinofanira kupiwa kwaAri; uye Mabasa 5:29, apo vaapostora vakataura zvakasimba kuti, “Tinofanira kuteerera Mwari [somutongi, NW] kupfuura vanhu.”

MuUnited States, kukodzera kwokumanikidza munhu upi noupi kukwazisa mureza kwakaiswa kumatare. Pana June 14, 1943, Dare Gurusa reUnited States yakachinja chaichimbova chisarudzo chayo imene uye, munhau yeWest Virginia State Board of Education v. Barnette, yakatonga kuti kukwazisa mureza kwokumanikidza kwakanga kusingatsinhirani nevimbiso yorusununguko inooneswa mubumbiro remitemo rayo rimene renyika.b

Chinetso chinobatanidza mitambo yourudzi hachina kutongoganhurirwa kuGermany neUnited States. MuNorth neSouth America, Europe, Africa, uye Asia, Zvapupu zvaJehovha zvakatambudzwa nenzira youtsinye nemhaka yokusatora rutivi kwazvo, kunyange zvazvo zvichimira nenzira yokuremekedza mukati mokukwazisa mureza kana kuti chiitiko chakafanana. Vana vakarohwa; vakawanda vakadzingwa pachikoro. Nhau zhinji dzedare dzakarwiwa.

Vacherekedzi vakanzwa vachisundwa kubvuma, zvisinei, kuti muna ikoku, somune dzimwe nhau, Zvapupu zvaJehovha zvakabvumikisa kuva zvakafanana navaKristu vapakuvamba. Bva, sezvinotaurwa mubhuku rinonzi The American Character: “Kune voruzhinji zvikuru . . . kuramba kweZvapupu kwakanga kuri kusinganzwisisiki sezvakanga zvakaita kuramba kwavaKristu [muUmambo hweRoma] kuita chibayiro chapamutemo kuna Mambo Woumwari kuna Trajan naPliny.” Ikoku kwaifanira kukarirwa, sezvo Zvapupu zvaJehovha, kufanana navaKristu vapakuvamba, zvairangarira zvinhu kwete sezvinoita nyika asi maererano nenheyo dzeBhaibheri.

Chimiro Chavo Chinotaurwa Nenzira Yakajeka

Pashure pokunge Zvapupu zvaJehovha zvatsungirira miedzo yakaoma yokusatora rutivi kwazvo kwechiKristu kwamakore akawanda, Nharireyomurindi yechiNgezi yaNovember 1, 1979, yakasimbisazve chimiro chazvo. Yakatsanangurawo zvaiparira chiito chinoitwa neZvapupu zvimwe nezvimwe apo yakati: “Somugumisiro wefundo yokushingaira yeShoko raMwari, ava vaKristu vaduku vakakwanisa kuita chisarudzo. Hapana mumwe munhuwo zvake akavaitira ichi chisarudzo. Ivo vakakwanisa kuchiita somunhu mumwe nomumwe, pahwaro hwehana yakarovedzwa neBhaibheri yomumwe nomumwe. Chisarudzo chavo chakanga chiri chokurega zviito zvoruvengo namasimba masimba mukurwisana navanhu biyavo vamamwe marudzi. Hungu, ivo vaidavira, uye vaida kugoverana, mukuzadzikwa kwouporofita hunosanozivikanwa hwaIsaya, hunoti: ‘Vachafanira kupfura minondo yavo kuti ive miromo yamapadza nemapfumo avo kuti ave zvisanzauriso. Rudzi harusati ruchizosimudza munondo mukurwisana norudzi, uyewo havasati vachizodzidzirazve hondo.’ (Isa. 2:4) Aya majaya amarudzi ose akaita izvozvo chaizvo.”

Mukati mamakore ayo kunamatira kwavo kukusatora rutivi kwechiKristu kwakanga kuchiedzwa, kunzverwazve kweizvo Bhaibheri rinotaura, pana VaRoma 13:1-7 (NW), pamusoro pe“zviremera zvikuru” kwakatungamirira kukutaura kwakajeka zvikuru kwoukama hweZvapupu nehurumende dzenyika. Ikoku kwakabudiswa muzvinyorwa zveNharireyomurindi zvaJune 15, July 1, uye July 15, 1963, uye kwakasimbiswazve muchinyorwa chaNovember 1, 1990. Nyaya idzodzo dzakasimbisa chimiro chaJehovha Mwari so“Mukurusa,” apo dzakanga dzichionesawo kuti vatongi venyika “zviremera zvikuru” bedzi maererano navamwe vanhu uye munzvimbo yomubato umo Mwari anozvibvumidza kushanda mutsika iripo yezvinhu. Nyaya dzacho dzakaratidza dikanwo yokuti vaKristu vechokwadi vakudze nenzira yokutungamirirwa nehana vatongi venyika vakadaro uye kuvateerera muzvinhu zvose zvisingarwisani nomutemo waMwari nehana yavo yakarovedzwa neBhaibheri.—Dhan. 7:18; Mat. 22:21; Mabasa 5:29; VaR. 13:5.

Kunamatira zvakasimba kuiyi mipimo yeBhaibheri kunoitwa neZvapupu zvaJehovha kwakazviwanira mukurumbira wokuparadzana nenyika uyo unoyeuchidza vanhu nezvavaKristu vapakuvamba.

Apo Nyika Yaiva Namazororo Ayo

Apo Zvapupu zvaJehovha zvakarasa dzidziso dzorudzidziso idzo dzakanga dzine mavambo echihedheni, zvakaregawo kugoverana mutsika dzakawanda dzakanga dzakashatiswa nenzira yakafanana. Asi kwenguva yakati, mazororo akati haana kupiwa nzvero yokungwarira yaaida. Rimwe raiwaya yakanga iri Krisimisi.

Iri zororo raichengetwa gore negore kunyange nemitezo yavashandi vapadzimbahwe reWatch Tower Society paMusha weBheteri muBrooklyn, New York. Kwamakore akawanda ivo vakanga vave vachiziva kuti December 25 wakanga usati uri musi wakarurama, asi ivo vairangarira kuti musi wacho wakanga wanguve wakabatanidzwa nenzira yakakurumbira nokuberekwa kwoMuponesi uye kuti kuitira vamwe zvakanaka kwakanga kwakafanira pazuva ripi neripi. Zvisinei, pashure pokumwe kunzverwa kwenhau yacho, mitezo yavashandi vapadzimbahwe reSosaiti, pamwe chete navashandi pahofisi dzebazu dzeSosaiti muEngland nomuSwitzerland, vakasarudza kurega kugoverana mumitambo yeKrisimisi, naizvozvo hapana kuchengetwa kweKrisimisi kwakaitwa ikoko pashure pa1926.

R. H. Barber, mutezo wavashandi vapadzimbahwe uyo akanzvera zvakakwana mavambo etsika dzeKrisimisi nechibereko icho idzodzi dzakanga dziri kubereka, akapa migumisiro mukuparidza muredhiyo. Mashoko iwayo akabudiswawo muThe Golden Age yaDecember 12, 1928. Kwakanga kuri kusanoratidzirwa kwamavambo anozvidza Mwari eKrisimisi. Kubvira panguva iyoyo, mavambo echihedheni etsika dzeKrisimisi azova anozivikanwa navanhu vose zvavo, asi vanhu vashomanene vanoita chinjo mumararamire avo somugumisiro. Pane rumwe rutivi, Zvapupu zvaJehovha zvakanga zvichidisa kuita chinjo dzinodikanwa kuti zvive zvinogamuchirika zvikuru savabatiri vaJehovha.

Pazvakaratidzwa kuti kuchengeta kuberekwa kwaJesu kwakanga kwava chaizvoizvo kwefariro huru zvikuru kuvanhu kupfuura rudzikinuro rwakagoverwa kupfurikidza norufu rwake; kuti mufaro wezororo racho nomudzimu umo zvipo zvakawanda zvaipiwa zvakanga zvisingakudzi Mwari; kuti varume vakachenjera vane kupa chipo kwakanga kuchitevedzerwa vakanga vari vashomanene vanzveri venyeredzi vakafuridzirwa namadhemoni; kuti vabereki vakagadzira vana vavo muenzaniso mukureva nhema kupfurikidza nezvavaivaudza pamusoro paSanta Claus; kuti “St. Nicholas” (Santa Claus) sezvinobvumwa rakanga riri rimwe zita raDhiyabhorosi amene; uye kuti mitambo yakadaro, sezvinobvumwa naCardinal Newman muyake Essay on the Development of Christian Doctrine, yakanga iri “zvishandiswa zvimene nezvinotsigira kunamatwa kwamadhemoni” izvo chechi yakanga yagamuchira—apo zvakaziviswa nezvezvinhu izvozvi, Zvapupu zvaJehovha zvakarega pakarepo uye zvechigarire kuva norutivi rupi norupi mukuchengetwa kweKrisimisi.

Zvapupu zvaJehovha zvinova nenguva dzakanaka nemhuri dzazvo neshamwari. Asi hazvitori rutivi mumazororo nemitambo zvakabatanidzwa navamwari vechihedheni (sezvakaita mazororo akadai seIsita, Zuva reGore Idzva, May Day, uye Mother’s Day). (2 VaK. 6:14-17) Kufanana navaKristu vapakuvamba,c hazvitochengeti mazuva okuberekwa. Zvinoregawo nenzira yokuremekedza kugoverana mumazororo enyika ayo anoyeuchidza zviitiko zvezvamatongerwe enyika kana kuti zvamauto uye zvinorega kupa rukudzo rwokunamata kumagamba enyika. Neiko? Nemhaka yokuti Zvapupu zvaJehovha hazvisati zviri rutivi rwenyika.

Kubetsera Munhu Biyavo

Ruremekedzo kuna vamwari rwakanga ruchikosha kuupenyu hwomunzanga nohwetsika hwoUmambo hweRoma. Sezvo vaKristu vairega kugoverana muchinhu chipi nechipi chakashatiswa navamwari vechihedheni, vanhu vairangarira chiKristu sedenho kumararamire avo; uye maererano nowezvenhau Tacitus, vaKristu vaitaurwa kuva vavengi vorudzi rwomunhu. Achipa murangariro wakafanana, Minucius Felix, mumanyoro ake, anonokora mashoko mumwe wokuRoma seaiti kumuzivikanwi wechiKristu: “Haupindi shoo; hautori rutivi mukufora . . . unovenga mitambo inoyera.” Vanhuwo zvavo venyika yeRoma yakare vainzwisisa vaKristu zvishomanene.

Nenzira yakafanana nhasi, Zvapupu zvaJehovha hazvinzwisiswi navakawanda vari munyika. Vanhu vangayemura mipimo yakakwirira yetsika yeZvapupu asi vanorangarira kuti Zvapupu zvinofanira kugoverana nenyika yakazvipoteredza mumibato yazvo ndokubatanidzwa mukubetsera kuita kuti nyika ive nzvimbo iri nani. Zvisinei, avo vanosvika pakuziva Zvapupu zvaJehovha zvakananga vanoziva kuti pane chikonzero cheBhaibheri chechinhu chiri chose chazvinoita.

Zvisingazviparadzanisi zvimene nevasara vose vorudzi rwomunhu, Zvapupu zvaJehovha zvinopa upenyu hwazvo kukubetsera vanhu biyazvo munzira iyo Jesu Kristu akagadza nayo muenzaniso. Izvo zvinobatsira vanhu kudzidza nzira yokugonana nayo nenzira inobudirira nezvinetso zvoupenyu zvino kupfurikidza nokuvarovedzanisa noMusiki nenhungamiro dzoupenyu dzinooneswa muShoko rake rakafuridzirwa. Zvinogoverana nenzira yakasununguka navavakidzani vazvo zvokwadi dzeBhaibheri idzo dzinogona kushandura murangariro wose womunhu pamusoro poupenyu. Chinokosha kuchitendero chazvo kuziva kuti “nyika inopfuura,” kuti nokukurumidza Mwari achapindira kuti agumise tsika iripo yakaipa, uye kuti nguva yemberi ine mbiri yakamirira avo vanoramba vasiri rutivi rwenyika ndokuisa kutenda kwavo kwakazara muUmambo hwaMwari.—1 Joh. 2:17.

[Mashoko Omuzasi]

a Nharireyomurindi yechiNgezi, June 1, 1918, peji 174.

b Nokuda kwohumwe udzame, ona Ganhuro 30, “Kudzivirira Nokusimbisa Pamutemo Mashoko Akanaka.”

c The History of the Christian Religion and Church, During the Three First Centuries, rakanyorwa naAugustus Neander, peji 190.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 188]

Havasati vari vanazindoga, bva vasingagoverani mumararamire enyika

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 189]

Vakabuda muchechi dzechiKristudhomu

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 190]

“VaKristu vakava vakaparadzana uyewo vakasiyana nenyika”

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 194]

Kusatora rutivi kwechiKristu kunoedzwa

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 198]

‘Hapana mumwe munhuwo zvake akavaitira chisarudzo’

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 199]

Chikonzero nei vakarega kuchengeta Krisimisi

[Bhokisi riri papeji 195]

Hazvisi Tyisidziro Kuhurumende Ipi Neipi

◆ Pakunyora pamusoro pokubatwa kweZvapupu zvaJehovha muimwe nyika yeLatin America, chikamu chinonyorwa nomupepeti wenhau muOmaha, Nebraska, U.S.A., “World-Herald” chakati: “Kunoda kufungidzira kwokusanzwisisa nokwokuvhiringidzika pfungwa kudavira kuti Zvapupu zvaJehovha zvinopa rudzi rupi norupi rwetyisidziro kuhurumende ipi neipi yezvamatongerwe enyika; izvo hazvisati zvichipandukira uye zvinoda rugare sezvinogona kuva boka rokudzidzisa, uye zvinokumbira bedzi kuti zviregwe zviri zvoga kuti zvironde kutenda kwazvo munzira yazvo zvimene.”

◆ “Il Corriere di Trieste,” pepanhau reItaly, rakati: “Zvapupu zvaJehovha zvinofanira kuyemurwa nokuda kwokusimba kwazvo nebvumirano. Mukupesana namamwe marudzidziso, umwe hwazvo savanhu hunozvidzivirira pakunyengetera kuna Mwari mumwe cheteyo, muzita raKristu mumwe cheteyo, kuti akomborere mativi maviri anorwisana ehondo, kana kuti pakuvhenganisa zvematongerwe enyika norudzidziso kuti zvibatire fariro dzaVatungamiriri veHurumende kana kuti mapato ezvamatongerwe enyika. Chokupedzisira asi chisati chiri chisingakoshi, izvo zvakagadzirira kutarisana norufu panzvimbo pokuputsa . . . murayiro wokuti USAURAYA!”

◆ Pashure pokunge Zvapupu zvaJehovha zvatsungirira rambidzo kwamakore 40 muCzechoslovakia, pepanhau rinonzi “Nová Svoboda” rakati, muna 1990: “Kutenda kweZvapupu zvaJehovha kunorambidza kushandiswa kwezvombo mukurwisana navanhu, uye avo vairamba basa rokutanga rehondo uye vaisashanda mumigodhi yamarasha vakaenda kutorongo, kunyange kwamakore mana. Kubva muna ikoku chete kuri pachena kuti zvine simba guru retsika. Tingagona kushandisa vanhu vasina udyire vakadaro kunyange mumabasa akakwirira zvikurusa ezvamatongerwe enyika—asi hatisati tichizovasvitsa ikoko. . . . Chokwadika, izvo zvinoremekedza zviremera zvehurumende asi zvinodavira kuti Umambo hwaMwari bedzi ndihwo hunokwanisa kupedza zvinetso zvose zvavanhu. Asi ngwarirai—hazvisati zviri vanyanyisi. Izvo vanhu vakanyura muunhu.”

[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 200, 201]

Miitiro Yakaregwa

Uku kuchengetwa kweKrisimisi paBheteri yeBrooklyn muna 1926 kwakanga kuri kwokupedzisira kwavo. Vadzidzi veBhaibheri zvishoma nezvishoma vakasvika pakunzwisisa kuti zvose zviri zviviri mavambo eiri zororo uyewo miitiro yakabatanidzwa naro zvaisakudza Mwari

Kwamakore akawanda, Vadzidzi veBhaibheri vaipfeka muchinjikwa nekorona sebheji rezivikanwo, uye ichi chiratidzo chakanga chiri pabutiro rapamusoro re“Nharireyomurindi” kubvira muna 1891 kusvikira 1931. Asi muna 1928 kwakasimbiswa kuti chakanga chisati chiri chiratidzo chokushonga asi mubato womunhu sechapupu wairatidza kuti iye akanga ari muKristu. Muna 1936 kwakaoneswa kuti ufakazi hunoratidzira kuti Kristu akafira pamuti, kwete muchinjikwa une matanda akachinjikana

Mubhuku ravo rinonzi “Daily Manna,” Vadzidzi veBhaibheri vaichengeta ndaza yamazuva okuberekwa. Asi pashure pokunge varega kuchengeta Krisimisi uye apo vakaziva kuti kuchengetwa kwezuva rokuberekwa kwakanga kuri kupa rukudzo rusina kufanira kuzvisikwa (chimwe chikonzero nei vaKristu vapakuvamba vasina kutongochengeta mazuva okuberekwa), Vadzidzi veBhaibheri vakaregawo uyu muitiro

Kwamakore 35, Pastor Russell vaifunga kuti Piramidhi Huru yeGizeh chakanga chiri chapupu chedombo chaMwari, chaitsigira nhambo dzenguva dzeBhaibheri. (Isaya 19:19) Asi Zvapupu zvaJehovha zvakarega pfungwa yokuti piramidhi yeEgipita ine chinhu chipi nechipi chokuita nokunamata kwechokwadi. (Ona zvinyorwa zve“Nharireyomurindi” zvechiNgezi zvaNovember 15 naDecember 1, 1928)

[Mufananidzo uri papeji 189]

Makopi ane mamiriyoni gumi akaparadzirwa

[Mifananidzo iri papeji 191]

Vamwe vakapinda mumakoronga nepfuti, asi vamwe, kubatanidza A. P. Hughes weEngland naR. Cuminetti weItaly, vakaramba kubatanidzwa kwakadaro

[Mifananidzo iri papeji 193]

Zvapupu zvaJehovha zvakaramba kutsigira Chinzwano Chamarudzi kana kuti UN sezvaibva kuna Mwari asi zvakatsigira bedzi Umambo hwaMwari kupfurikidza naKristu

[Mufananidzo uri papeji 197]

Carleton naFlora Nichols. Apo mwanakomana wavo akaramba kukwazisa mureza, ikoku kwakava nhau yenyika

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe