Chikamu 3
Sangano Rehama
Zvinobvira here kuti mamiriyoni evanhu vanobva mumarudzi ose nemitauro vashande pamwe chete sesangano repachokwadi rehama?
Chinyorwa cheZvapupu zvaJehovha zvomuzuva razvino chinopindura naHungu! akasimba. Ichi chikamu (Ganhuro 15 kusvikira ku21) chinotaura kuti sangano razvo rinoshanda sei. Chinopa shingairo iyo zvinozivisa nayo Umambo hwaMwari nerudo rwunooneka sezvazvinoshanda pamwe chete uye sezvazvinotarisirana munguva dzenjodzi.
[Mufananidzo unozadza peji yose uri papeji 202]