Chikamu 3
Manyuko Echienzi Ouchenjeri
1, 2. Neiko tichifanira kuongorora Bhaibheri?
1 Ko Bhaibheri chinyorwa chouchenjeri hukuru ihwohwo here? Ko rinogona kutipa mhinduro dzechokwadi kumibvunzo inokosha iyo ine chokuita nedonzo roupenyu here?
2 Zvamazvirokwazvo Bhaibheri rakafanirwa nokuongorora kwedu. Chikonzero chimwe ndechokuti iro ndiro bhuku rechienzi zvikurusa rati rambounganidzwa, rakasiana zvikuru nerimwe bhuku ripi neripi. Rangarira maidi anotevera.
Bhuku Rekaresa, Rakaparadzirwa Zvakafara Zvikurusa
3, 4. Bhaibheri nderekare sei?
3 Bhaibheri ndiro bhuku rekaresa rati rambonyorwa, mativi aro achiva akaumbwa makore 3 500 apfuura. Iro nderekare namazana amakore akawanda kupfuura rimwe bhuku ripi neripi rinorangarirwa kuva rinoyera. Rokutanga ramabhuku 66 ayo rinawo rakanyorwa anenge makore ane chiuru chimwe pamberi paBuddha naConfucius uye makore ane zviuru zviviri pamberi paMuḥammad.
4 Nhau yakanyorwa muBhaibheri inodzokera shure kusvikira kumavambo emhuri yomunhu uye rinotsanangura kuti takava sei pano pasi pano. Iro rinototidzorera kunguva vanhu vasati vasikwa, richitipa maidi pamusoro pokuumbwa kwapasi.
5. Manyoro akare mangani eBhaibheri aripo, akaenzaniswa namanyoro enyika akare?
5 Mamwe mabhuku orudzidziso, uye asiri orudzidzisowo, ane makopi mashomanene bedzi amanyoro awo ekare asara aripo. Anenge makopi 11 000 akanyorwa namaoko eBhaibheri kana kuti mativi aro aripo muchiHebheru nechiGiriki, mamwe awo anovambira pedyo nenguva yokunyora kwapakuvamba. Iwaya akapukunyuka kunyange zvazvo denho dzakakomba zvikurusa dzinofungidzirwa dzakaedzwa mukurwisana neBhaibheri.
6. Bhaibheri rakaparadzirwa zvakafara sei?
6 Uyewo, Bhaibheri ndiro bhuku rakaparadzirwa zvikurusa nokure munhau. MaBhaibheri anenge mabhirioni matatu kana kuti mativi aro akaparadzirwa mumitauro ine zviuru zviviri. Kunotaurwa kuti 98 muzana yemhuri yavanhu inogona kuwana Bhaibheri mumutauro wavo vamene. Hakuna rimwe bhuku rinosvika pedyo neparadziro iyoyo.
7. Chii chinogona kutaurwa nezvokururama kweBhaibheri?
7 Mukuwedzera, hakuna rimwe bhuku rakare rinoenzana neBhaibheri mukururama. Masayendisiti, vezvenhau, voruzivo rwokuchera matongo, voruzivo rwomugariro wapasi, nyanzvi dzemitauro, uye vamwe vanosimbisa nguva dzose nhauro dzeBhaibheri.
Kururama Musayenzi
8. Bhaibheri rakarurama sei muzvinhu zvesayenzi?
8 Somuenzaniso, nepo Bhaibheri risina kunyorwa sebhuku rinoshandiswa resayenzi, rinotsinhirana nesayenzi yechokwadi apo rinobata nezvinhu zvesayenzi. Asi mamwe mabhuku akare anorangarirwa saanoyera ane ngano dzesayenzi, zvisina kururama, uye nhema chaidzoidzo. Cherechedza mina chete yemienzaniso yakawanda yokururama kweBhaibheri musayenzi:
9, 10. Panzvimbo pokuratidzira mirangariro isiri yesayenzi yenguva yaro, chii chakataura Bhaibheri pamusoro pechitsigiro chapasi?
9 Kubatwa kwakaitwa pasi muchadenga. Munguva dzakare apo Bhaibheri rakanga richinyorwa, kwakanga kune fungidziro yakawanda pamusoro pokuti pasi rakanga rakabatwa sei muchadenga. Vamwe vaidavira kuti pasi raitsigirwa nenzou ina dzakamira pakamba huru yomugungwa. Aristotle, muzivi wechiGiriki nomusayendisiti womuzana ramakore rechina P.N.V., akadzidzisa kuti pasi raisatongogona kurembera muchadenga musina chinhu. Panzvimbo pezvo, iye akadzidzisa kuti mitumbi yokudenga yakanga yakasungirwa pamusoro pemburumbwa dzakasimba, dzinoonekera, mburumbwa imwe neimwe yakaiswa mukati meimwe mburumbwa. Sezvinofungidzirwa pasi raiva mumburumbwa yomukati-kati, uye mburumbwa yokunze kunze yaibata nyeredzi.
10 Bva, panzvimbo pokuratidza mirangariro yokufungidzira, isiri yesayenzi yaivapo panguva yokunyorwa kwaro, Bhaibheri rakangoti (munenge mugore ra 1473 P.N.V.): “[Mwari] unoturikira nyika pasina chinhu.” (Jobho 26:7) MuchiHebheru chapakuvamba, shoko nokuda kwa“pasina chinhu” rinoshandiswa pano rinoreva “kwete chinhu chipi nechipi,” uye iyi ndiyo nguva bedzi rinooneka muBhaibheri. Mufananidzo warinopa wapasi rakapoteredzwa nenzvimbo isina chinhu unozivikanwa nenyanzvi sechiono chinoshamisa chenguva yaro. Theological Wordbook of the Old Testament rinoti: “Jobho 26:7 inofananidza nenzira inoshamisa nyika yaizivikanwa panguva iyeyo seyakaturikwa muchadenga, nomutoo iwoyo ichikarira kuwana kwomunguva yemberi kwesayenzi.”
11, 12. Vanhu vakasvika rini pakunzwisisa zvokwadi yaJobho 26:7?
11 Kutaura kwakarurama kweBhaibheri kwakatangira Aristotle namakore anopfuura 1 100. Bva, mirangariro yaAristotle yakapfuurira kudzidziswa seidi kwamakore 2 000 pashure porufu rwake! Pakupedzisira, muna 1687 N.V., Sir Isaac Newton akabudisa zviwanwa zvake zvokuti pasi rakanga rakabatwa muchadenga mukuenzana nezvimwe zvinhu zvokudenga kupfurikidza nokukwevana, ndiko kuti, simba rinokweva rapasi. Asi iwayo aiva makore anodokusvika 3 200 pashure pokunge Bhaibheri rataura norupfave rwakaisvonaka kuti pasi rakarembera “pasina chinhu.”
12 Hungu, makore anodokusvika 3 500 apfuura, Bhaibheri rakataura nomazvo kuti pasi harina chitsigiro chinooneka, idi rinotsinhirana nemitemo yakanzwisiswa misi ichangobva kupfuura iyi zvikuru yesimba rinokweva rapasi nokufamba. “Kuti Jobho akaziva sei zvokwadi,” yakadaro imwe nyanzvi, “mubvunzo usingapedzwi nyore nyore naavo vanoramba kufuridzirwa kwoRugwaro Rutsvene.”
13. Vanhu vakarangarira sei chimiro chapasi mazana makore apfuura, asi chii chakachinja ndangariro yavo?
13 Chimiro chapasi. The Encyclopedia Americana yakati: “Mufananidzo unozivikanwa wapakuvamba zvikurusa uyo vanhu vaiva nawo wapasi wakanga uri wokuti rakanga riri dandara rakati sandara, rakaoma raiva pakati pechisiko chose. . . . Murangariro wapasi rakaurungana waisagamuchirwa zvakafara kutozosvikira paRenaissance.” Vafambisi vengarava vapakuvamba vaitotya kuti vangachaira ngarava vachiwira pamucheto wapasi rakati sandara. Asi ipapo kutangwa kwekambasi nedzimwe fambiro mberi zvakabvirisa nzendo dzomugungwa refu zvikuru. Idzi “nzendo dzomugungwa dzokuwana,” imwe enisaikoropidhia inotsanangura kudaro, “dzakaratidza kuti nyika yakanga yakaurungana, isina kuti sandara seizvo vanhu vazhinjisa vakanga vatenda.”
14. Bhaibheri rakarondedzera sei chimiro chapasi, uye rini?
14 Bva, kare kare pamberi penzendo dzomugungwa dzakadaro, anenge makore 2 700 apfuura, Bhaibheri rakati: “Ndiye ugere kumusoro kwenyika yakaurungana.” (Isaya 40:22) Shoko rechiHebheru rinoshandurwa pano kuti ku“urungana” rinogona kurevawo “mburumbwa,” seizvo mabhuku enongedzero akasiana-siana anotaura. Dzimwe shanduro dzeBhaibheri, naizvozvo, dzinoti, “denderedzwa rapasi” (Douay Version) uye, “pasi rakatenderera.”—Moffatt.
15. Neiko Bhaibheri risina kupesvedzerwa nemirangariro isiri yesayenzi pamusoro papasi?
15 Nokudaro, Bhaibheri harina kupesvedzerwa nemirangariro isiri yesayenzi yakanga yakapararira panguva yacho pamusoro pechitsigiro chapasi nechimiro charo. Chikonzero chacho chakapfava: Muvambi weBhaibheri ndiye Muvambi wechisiko chose. Iye akasika pasi, naizvozvo anofanira kuziva charakarembera pachiri uye chiri chimiro charo. Nokudaro, apo iye akafuridzira Bhaibheri, akava nechokwadi chokuti hapana mirangariro isiri yesayenzi yakabatanidzwa mariri, hazvinei hazvo nokuti ingave yaidavirwa zvikuru sei navamwe panguva yacho.
16. Ko mugadzirirwo wezvinhu zvipenyu unobvumirana sei nokutaura kweBhaibheri?
16 Kuumbwa kwezvinhu zvipenyu. “Jehovha Mwari akaumba munhu neguruva revhu,” Genesi 2:7 inodaro. The World Book Encyclopedia inoti: “Zvinhu zvose zvamakemikoro izvo zvinoumba zvinhu zvipenyu zviripowo muzvinhu zvisiri zvipenyu.” Naizvozvo makemikoro ose makuru ayo anoumba zvinhu zvipenyu, kubatanidza munhu, anowanwawo mupasi rimene. Ikoku kunotsinhirana nokutaura kweBhaibheri kunozivisa zvinhu izvo Mwari akashandisa mukusika vanhu nezvimwe zvinhu zvose zvipenyu.
17. Chii chiri zvokwadi yokuti zvinhu zvipenyu zvakavapo sei?
17 “Zvina marudzi azvo.” Bhaibheri rinotaura kuti Mwari akasika vaviri vokutanga vohunhu uye kuti vamwe vanhu vose vakabva kwavari. (Genesi 1:26-28; 3:20) Rinotaura kuti zvimwe zvinhu zvipenyu, zvakadai sehove, shiri, uye mhuka dzinoyamwisa, zvakaita zvimwe chetezvo, zvichibuda “zvina marudzi azvo.” (Genesi 1:11, 12, 21, 24, 25) Izvozvi ndizvo izvo chaizvo masayendisiti akawana muchisiko chomusikirwo, kuti chinhu chipenyu chiri chose chinobva kumubereki worudzi rwakafanana. Hapana chinosiiwa. Muna ikoku wezvefizikisi Raymo anoti: “Upenyu hunoita upenyu; kunoitika nguva yose musero iri yose. Asi chisina upenyu chakaita sei upenyu? Ndimumwe wemibvunzo mikurusa isina kupindurwa mudzidzo yezvinhu zvipenyu, uye kusvikira panguva ino nyanzvi dzedzidzo yezvinhu zvipenyu dzinogona kupa bedzi fembero dzoupengo. Nenzira yakati zvinhu zvisina upenyu zvakakwanisa kuzvironga zvimene nenzira ine upenyu. . . . Munyori waGenesi angave akakutaura nomazvo, pashure pokurangarira zvose.”
Kururama Mune Zvenhau
18. Chii chinotaura rimwe gweta pamusoro pokururama mune zvenhau kweBhaibheri?
18 Bhaibheri rine nhau yakare yakarurama zvikurusa yebhuku ripi neripi riripo. Bhuku rinonzi A Lawyer Examines the Bible rinosimbisa kururama kwaro mune zvenhau neiyi nzira: “Nepo mabhuku enhau dzorudo, ngano nechipupuriro chenhema zvichingwarira kuisa zvinoitika zvinorondedzerwa munzvimbo iri kure nenguva isingazivikanwi, nomutoo iwoyo zvichipunza mitemo yokutanga iyo isu magweta tinodzidza yokuteterera kwakanaka, kuti ‘kutaura kunofanira kupa nguva nenzvimbo,’ nhauro dzeBhaibheri dzinotipa musi nenzvimbo zvezvinhu zvinorondedzerwa noururami hukurusa.”
19. Manyuko mamwe anotsinhira sei pamusoro poudzame hweBhaibheri mune zvenhau?
19 The New Bible Dictionary inotsinhira, kuti: “[Munyori waMabasa] anoisa nhauro yake mugadziriro yenhau yomunhu akararama panguva iyoyo; mapeji ake akazara nenongedzero kuvatongi vomuguta, magavhuna amaruwa, madzimambo ari pasi, uye zvakafanana, uye idzi nongedzero panguva nenguva dzinobvumikisa kuva dzakarurama chaizvo nokuda kwenzvimbo nenguva zvinotaurwa.”
20, 21. Chii chinotaura imwe nyanzvi yeBhaibheri pamusoro penhau yeBhaibheri?
20 Achinyora muThe Union Bible Companion, S. Austin Allibone anoti: “Sir Isaac Newton . . . akanga akakurumbirawo somutsoropodzi wamanyoro akare, uye akaongorora nengwariro huru Magwaro Matsvene. Chii chiri chisarudzo chake pairi pfundo? ‘Ndinowana,’ iye anodaro, ‘zviratidzo zvechokwadi zvikuru zvokururama muTestamente Itsva kupfuura munhau [yenyika] ipi neipi zvayo.’ Dr. Johnson anotaura kuti tine ufakazi hwakawanda hwokuti Jesu Kristu akafira paKarivhari, sezvinotaurwa muEvhangeri, kupfuura hwatinahwo hwokuti Jurio Kesari akafira muCapitol. Isu tine, zvamazvirokwazvo, hwakawanda zvikuru.”
21 Aya manyuko anowedzera, kuti: “Bvunza munhu upi noupi anoti anopanikira zvokwadi yenhau yeEvhangeri chikonzero chaanacho chokudavira kuti Kesari akafira muCapitol, kana kuti kuti Mambo Charlemagne akaitwa Mambo wokuMadokero naPapa Leo III. muna 800? . . . Unoziva sei kuti murume akadai saCharles I. [weEngland] akamborarama, uye akagurwa musoro, uye kuti Oliver Cromwell akava mutongi munzvimbo yake? . . . Sir Isaac Newton anopiwa mbiri yokuwana mutemo wesimba rinokweva rapasi . . . Tinodavira kutaura kwose kwakangoitwa pamusoro paava varume; uye kuti nemhaka yokuti tine ufakazi hwenhau hwezvokwadi yavo. . . . Kana, pakubudiswa kwechibvumikiso chakadai seichi, vapi navapi vachingoramba kutenda, tinovasiya savakaipa zvoupenzi kana kuti vasingazivi zvisina tariro.”
22. Neiko vamwe vachiramba kugamuchira kururama kweBhaibheri?
22 Ipapo aya manyuko anogumisa, kuti: “Chii chatichataura, ipapoka, nezvaavo, pasinei zvapo noufakazi hwakawanda zvino hunobudiswa nokururama kwaMagwaro Matsvene, vanozvitaura vamene kuti havana kupwiswa? . . . Zvirokwazvo tine chikonzero chokugumisa kuti ndiwo mwoyo panzvimbo pomusoro wakakanganisa;—kuti havasati vachida kutenda icho chinodukupisa kudada kwavo, uye chichavamanikidzira kurarama upenyu hwakasiana.”
Tsinhirano Yomukati Nokutendeseka
23, 24. Neiko tsinhirano yomukati yeBhaibheri iri yechienzi kwazvo?
23 Fungidzira kuti bhuku rakavamba kunyorwa mukati menguva yoUmambo hweRoma, rakapfuurira muMiddle Ages, uye rakapedzwa muzana rino ramakore rechi 20, navanyori vakawanda vakasiana-siana vanobetsera. Muuyoi uyo waizokarira kudai vanyori vacho vakanga vakasiana mumabasa avo savarwi, madzimambo, vaprista, varedzi, vafudzi, uye vanachiremba? Waizokarira here bhuku racho kuva rinotsinhirana nerakabatana? ‘Nyangwe!’ ungadaro. Eya, Bhaibheri rakanyorwa mumigariro iyoyi. Bva, rinotsinhirana rose zvaro, kwete chete mumirangariro yose asi muudzame hudukusawo.
24 Bhaibheri muunganidzwa wamabhuku 66 akanyorwa munhambo yamakore 1 600 navanyori 40 vakasiana-siana, kuvamba muna 1513 P.N.V. uye kuguma muna 98 N.V. Vanyori vacho vakabva mumifambiro yakasiana-siana youpenyu, uye vazhinji vakanga vasina onano navamwe. Bva, bhuku rakavapo rinotevera musoro mukuru, wakabatana mose, sokunge rakabudiswa nendangariro imwe. Uye mukupesana nechitendero chavamwe, Bhaibheri harisati riri muuyo wepepuko yokuMadokero, asi rakanyorwa nevokuMabvazuva.
25. Kutendeseka kweBhaibheri nouchokwadi zvinotsigira kutaurai kwavanyori veBhaibheri?
25 Nepo voruzhinji vavanyori vakare vakashuma bedzi budiriro dzavo nezvakanaka, vanyori veBhaibheri vakabvuma pachena zvikanganiso zvavo vamene, pamwe chete nokukundikana kwamadzimambo avo navatungamiriri. Numeri 20:1-13 uye Dheuteronomio 32:50-52 dzinotaura kundikano dzaMosesi, uye iye akanyora mabhuku iwayo. Jona 1:1-3 uye 4:1 dzinoronga kundikano dzaJona, uyo akanyora nhauro idzodzo. Mateo 17:18-20; 18:1-6; 20:20-28; uye Mt 26:56 dzinotaura mavara akaipa akaratidzwa navadzidzi vaJesu. Nokudaro, kutendeseka nouchokwadi zvavanyori veBhaibheri zvinopa tsigiro kukutaura kwavo kuva vakafuridzirwa naMwari.
Rutivi Rwaro Rwakasiana Zvikurusa
26, 27. Neiko Bhaibheri rakarurama kwazvo muzvinhu zvesayenzi nezvimwe?
26 Bhaibheri rimene rinozivisa chikonzero nei iro rakarurama kwazvo muzvinhu zvesayenzi, zvenhau, uye zvimwe uye chikonzero nei richitsinhirana kwazvo nerakatendeseka. Iro rinoratidza kuti Musikavanhu, Mwari wamasimba ose, Musiki uyo akavamba chisiko chose ndiye Muvambi weBhaibheri. Iye akangoshandisa zvake vanyori veBhaibheri vohunhu savanyori vake, achivasunda nesimba rake rinoshanda rine simba kunyora izvo akavafuridzira kunyora.
27 MuBhaibheri muapostora Pauro anoti: “Rugwaro rwose rwakafuridzirwa naMwari uye runobetsera nokuda kwokudzidzisa, nokuda kwokutsiura, nokuda kwokururamisa zvinhu, nokuda kwokuranga mukururama, kuti munhu waMwari agokwanisa zvizere, ashongedzerwa chose chose nokuda kwebasa riri rose rakanaka.” Uye muapostora Pauro akatiwo: “Apo makagamuchira shoko raMwari, iro makanzwa kwatiri, makarigamuchira, kwete seshoko ravanhu, asi, sezvariri zvirokwazvo, seshoko raMwari.”—2 Timotio 3:16, 17; 1 VaTesaronika 2:13, NW.
28. Ipapoka, Bhaibheri rakabvepi?
28 Nokudaro, Bhaibheri rinobva mundangariro yoMuvambi mumwe—Mwari. Uye nesimba rake rinotyisa, chakanga chiri chinhu chakapfava kuti ave nechokwadi chokuti perero yechakanyorwa yakachengetwa kuburukira kuzuva redu. Nezvaikoku chiremera chikuru pamusoro pamanyoro eBhaibheri, Sir Frederic Kenyon, muna 1940, chakati: “Hwaro hwokupedzisira hwepanikiro ipi neipi yokuti Magwaro akaburuka kwatiri zvikurukuru sezvaakanyorwa zvino hwakabviswa.”
29. Simba raMwari rokukurukura ringaenzanisirwa sei?
29 Vanhu vane mano okutumira zviratidzo zvenhepfenyuro neterevhizheni kupasi zvichibva zviuru zvamamaira muchadenga, kunyange kubva pamwedzi. Nzvero dzomuchadenga dzakadzorera kupasi mashoko chaiwoiwo nemifananidzo kubva kumitumbi yomudenga iyo iri kure namazana amamirioni amamaira. Zvirokwazvo Musiki womunhu, Musiki wamasaisai enhepfenyuro, aigona kuita zvakafanana. Chaizvoizvo, chakanga chiri chinhu chakapfava kuti iye ashandise simba rake guru kuendesa mashoko nemifananidzo kundangariro dzaavo akasarudza kuti vanyore Bhaibheri.
30. Ko Mwari anoda kuti vanhu vawane riri donzo rake nokuda kwavo here?
30 Uyezve, kune zvinhu zvakawanda pamusoro papasi noupenyu huri pariri zvinopa ufakazi hwefariro yaMwari murudzi rwomunhu. Naizvozvo, kunonzwisisika kuti iye aizoda kubetsera vanhu kuwana kuti iye ndiani uye chiri donzo rake nokuda kwavo kupfurikidza nokutaura zvinhu izvozvi zvakajeka mubhuku—chinyorwa chechigarire.
31. Neiko shoko rakafuridzirwa rakanyorwa riri guru zvikuru kupfuura mashoko anopfuudzwa neshoko romuromo?
31 Rangarirawo ukuru hwebhuku rakavambwa naMwari, huchienzaniswa namashoko akagamuchidzwa navanhu neshoko bedzi romuromo. Shoko romuromo ringasava rakavimbika, sezvo vanhu vangataura namamwe mashoko shoko racho, uye munhambo yakati yenguva, revo yacho ingashatiswa. Ivo vangaendesa mashoko kupfurikidza neshoko rinotaurwa mukuwirirana nomurangariro wavo vamene. Asi chinyorwa chakanyorwa chakafuridzirwa naMwari, chechigarire sezvingabvira chine mhosho shomanene. Uyewo, bhuku rinogona kuitwazve ndokushandurwa kuitira kuti vanhu vanorava mitauro yakasiana-siana vagogona kubetserwa naro. Naizvozvo hakuna mufungo here kuti Musiki wedu akashandisa mutoo wakadaro kuti agovere mashoko? Zvamazvirokwazvo, kunopfuura kuva kune mufungo, sezvo Musiki achitaura kuti izvozvi ndizvo akaita.
Uporofita Hwakazadzikwa
32-34. Chii chine Bhaibheri chisina rimwe bhuku?
32 Mukuwedzera, Bhaibheri rine chiratidzo chefuridziro youmwari munzira yakatanhamara zvechienzi: Iro ibhuku rouporofita uhwo hwakava uye hunopfuurira kuva nezadziko isingakanganisi.
33 Somuenzaniso, ruparadziko rweTire yakare, kuwa kweBhabhironi, kuvakwazve kweJerusarema, uye kumuka nokuwa kwamadzimambo eMedhia nePersia neGirisi zvakadeya kutaurwa muudzame hukuru muBhaibheri. Uporofita hwacho hwakanga hwakarurama kwazvo zvokuti vatsoropodzi vakaedza, pasina maturo, kutaura kuti hwakanyorwa pashure pokunge zvinoitika zvacho zvaitika.—Isaya 13:17-19; 44:27–45:1; Ezekieri 26:3-6; Dhanieri 8:1-7, 20-22.
34 Uporofita uhwo Jesu akapa pamusoro poruparadziko rweJerusarema muna 70 N.V. hwakazadzikwa nenzira yakarurama. (Ruka 19:41-44; 21:20, 21) Uye uporofita pamusoro pa“mazuva okupedzisira” hwakapiwa naJesu nomuapostora Pauro huri kuzadzikwa muudzame munguva yedu timene chaiyo.—2 Timotio 3:1-5, 13; Mateo 24; Marko 13; Ruka 21.
35. Neiko uporofita hweBhaibheri huchigona kuuya bedzi huchibva kuMusiki?
35 Hapana ndangariro yomunhu, hazvinei hazvo nokuti yakangwara sei, yaigona kudeya kutaura nenzira yakarurama kwazvo zvinoitika zvomunguva yemberi. Ndangariro bedzi yoMusiki ane simba rose naane kuchenjera kwose wechisiko chose aigona, sezvatinorava pana 2 Petro 1:20, 21, kuti: “Hakuna uporofita hwakatongouya nokuda kwomunhu, asi vanhu vaMwari vakataura, vachimutswa no[mudzimu, NW] mutsvene.”
Rinopa Mhinduro
36. Chii chinotiudza Bhaibheri?
36 Nokudaro, munzira dzakawanda, Bhaibheri rine ufakazi hwokuva Shoko rakafuridzirwa roMusikavanhu. Serakadaro, rinotiudza chikonzero nei vanhu vari pasi pano, chikonzero nei kune kutambura kwakawanda kwazvo, kwatiri kuenda, uye kuti migariro ichachinja sei nokuda kwezviri nani. Rinozivisa kwatiri kuti kuna Mwari mukurusa uyo akasika vanhu nepasi rino nokuda kwedonzo uye kuti donzo rake richazadzikwa. (Isaya 14:24) Bhaibheri rinozivisawo kwatiri rwuri rudzidziso rwechokwadi uye kuti tinogona kuruwana sei. Nokudaro, iro ndiwo manyuko bedzi ouchenjeri hukuru hunogona kutiudza zvokwadi pamusoro pemibvunzo yose inokosha youpenyu.—Pisarema 146:3; Zvirevo 3:5; Isaya 2:2-4.
37. Chii chinofanira kubvunzwa pamusoro pechiKristudhomu?
37 Nepo kune ufakazi hwakawanda hwokururama nouzvokwadi zveBhaibheri, ko vose vanotaura kuti vanoribvuma vanotevera dzidziso dzaro here? Rangarira, somuenzaniso, marudzi anoti anoshandisa chiKristu, ndiko kuti, chiKristudhomu. Iwo akawana Bhaibheri kwamazana amakore akawanda. Asi kufunga kwavo nezviito zvinoratidzira zvirokwazvo uchenjeri hukuru hwaMwari here?
[Mifananidzo iri papeji 11]
Sir Isaac Newton aidavira kuti pasi rakanga rakabatwa muchadenga mukuenzana nezvimwe zvinhu zvokudenga nesimba rinokweva rapasi
Mufananidzo uyo Bhaibheri rinopa wapasi rakakomberedzwa nenzvimbo isina chinhu unozivikanwa nenyanzvi sechiono chinoshamisa chenguva yawo
[Mufananidzo uri papeji 12]
Vafambisi vengarava vapakuvamba vaitotya kufambisa ngarava vachiwira pamucheto wapasi rakati sandara
[Mufananidzo uri papeji 13]
Kune ufakazi hwakawanda hwokuti Jesu Kristu aivapo kupfuura huriko hwokuti Jurio Kesari, Mambo Charlemagne, Oliver Cromwell, kana kuti Papa Leo III vakararama
[Mufananidzo uri papeji 15]
Kuzadzikwa kwouporofita uhwo Jesu akapa pamusoro poruparadziko rweJerusarema muna 70 N.V. kunosimbiswa neArch of Titus muRoma