Vamwe Vanogona Sei Kubetsera?
“KANA pane chinhu chipi nechipi chandinogona kuita, ingondizivisai chete.” Izvi ndizvo izvo vakawanda vedu tinotaura kushamwari kana kuti hama yokunyama ichangobva kufirwa. Haiwa, tinorevesa. Tingaita chinhu chipi nechipi kuti tibetsere. Asi mufirwi anotidana ndokuti: “Ndafunga nezvechimwe chinhu chamunogona kuita kundibetsera” here? Kwete kazhinji kazhinji. Nenzira yakajeka, tingafanira kutanga kuita chimwe chinhu kana tichizobatsira zvirokwazvo ndokunyaradza ari kutambudzika.
Chimwe chirevo cheBhaibheri chinoti: “Shoko rinotaurwa nenguva yakafanira, rakafanana namatamba endarama mumidziyo yesirvheri.” (Zvirevo 15:23; 25:11) Pane uchenjeri huri mukuziva chokutaura nechokusataura, chokuita nechokusaita. Hezvino zvikarakadzo zvishomanene zvapaMagwaro izvo vanhu vakafirwa vakawana zvichibetsera.
Chokuita . . .
Teerera: “Kurumidza kunzwa,” anodaro Jakobho 1:19. (NW) Chimwe chezvinhu zvinobetsera zvikurusa chaunogona kuita kugoverana marwadzo omufirwi kupfurikidza nokuteerera. Vamwe vanhu vakafirwa vangada kutaura pamusoro pomudiwa wavo uyo afa, pamusoro petsaona kana kuti chirwere chakaparira rufu rwacho, kana kuti pamusoro pokunzwa kwavo chifo chorufu rwacho. Naizvozvo bvunza, kuti: “Mungada here kutaura pamusoro pako?” Rega vasarudze. Richiyeuka apo baba varo vakafa, rimwe jaya rakati: “Kwakandibetsera chaizvoizvo apo vamwe vakabvunza chakaitika uye ipapo vakateerera chaizvoizvo.” Teerera neshiviriro uye nenzira yokunzwira tsitsi pasina kunzwa zvako kuti unofanira kugovera mhinduro kana kuti tsananguro. Vabvumire kutaura chipi kana chipi chavanoda kugoverana.
Govera nyaradzo: Vavimbise kuti vakaita chose chakanga chichibvira (kana kuti chimwe chinhu chipi nechipi chaunoziva kuva chechokwadi nechakanaka). Vanyaradze kuti zvavari kunzwa—rusuruvaro, hasha, kuva nemhaka, kana kuti mumwe murangariro wakati—zvingasatongova zvechienzi. Vaudze pamusoro pavamwe vaunoziva nezvavo vakanaya nenzira inobudirira mukurasikirwa kwakafanana. “Mashoko, anofadza,” akadaro, ano“poresa mapfupa,” inodaro Zvirevo 16:24.—1 VaTesaronika 5:11, 14.
Wanika: Zviite umene anowanika, kwete chete kwamazuva mashomanene okutanga apo shamwari dzakawanda nehama dzokunyama vanenge varipo, asi kunyange mwedzi gare gare apo vamwe vanenge vadzoka kumuitiro wavo wenguva dzose. Neiyi nzira unozvibvumikisa umene kuva “shamwari yechokwadi,” rudzi runotsigira shamwari munguva ye“nhamo.” (Zvirevo 17:17, NW) “Shamwari dzedu dzakava nechokwadi chokuti madekwana edu akanga akabatikana zvokuti taisafanira kupedza nguva yakanyanyowanda tiri pamusha tiri toga,” anotsanangura kudaro Teresea, ane mwana akafa mutsaona yemotokari. “Ikoko kwakatibetsera kugonana nokunzwa kusina maturo kwataiva nako.” Kwamakore pashure pacho, misi yegore negore, zvakadai somusi wegore negore womuchato kana kuti musi worufu, inogona kuva nguva inotambudza nokuda kwavapenyu. Kuregerereiko kunyora misi yakadaro pakarenda yako kuitira kuti apo inosvika, unogona kuzviita umene anowanika, kana kuri madikanwa, nokuda kwetsigiro yokunzwira tsitsi?
Kana ukanzwisisa chinodikanwa chapachokwadi, usamira kuti ukumbirwe—ita chiito chokutanga chakafanira
Ita chiito chokutapa chakafanira: Pane nzendo dzinoda kuitwa here? Mumwe munhu anodikanwa here kuti atarisire vana? Shamwari nehama dzokunyama vanoshanyira vanoda nzvimbo yokugara here? Vanhu vachangobva kufirwa kazhinji kazhinji vanokatyamadzwa kwazvo zvokuti havamboziva icho ivo vanofanira kuita, ndoda kuudza vamwe kuti vangabetsera sei. Naizvozvo kana ukacherechedza chinodikanwa chapachokwadi, usamirira kukumbirwa; ita chiito chokutanga. (1 VaKorinte 10:24; enzanisa na1 Johane 3:17, 18.) Mumwe mukadzi ane murume akanga afa akayeuka, kuti: “Vakawanda vakati, ‘Kana pane chinhu chipi nechipi chandinogona kuita, ndizivisei.’ Asi imwe shamwari haina kubvunza. Yakapinda mukamuri yokurara chaimo, yakawarura mubhedha, uye yakageza machira akasvibiswa parufu rwake. Imwe yakatora bhakiti, mvura, uye migove yokuchenesa ndokukwesha raga apo murume wangu akanga arutsira. Vhiki shomanene gare gare, mumwe wavakuru veungano akauya akapfeka zvipfeko zvake zvebasa namaturusi ake ndokuti, ‘Ndinoziva kuti panofanira kuva nechimwe chinhu chinoda kugadzirwa. Chii?’ Anodiwa nomwoyo wangu sei murume iyeyo nokuda kwokugadzira suo rakanga rava kurembera pahinjisi uye nokuda kwokugadzira chemagetsi!”—Enzanisa naJakobho 1:27.
Iva nomutsa: “Musakanganwa mutsa,” Bhaibheri rinotiyeuchidza kudaro. (VaHebheru 13:2, NW) Zvikurukuru tinofanira kuyeuka kuva vane mutsa kuavo vanotambudzika. Panzvimbo pekokero yokuti “uyai panguva ipi neipi,” sarudzai musi nenguva. Kana vakaramba, musarega henyu nyore nyore zvikuru. Kurudziro nyoro shomanene ingadikanwa. Zvichida vakaramba kokero yenyu nemhaka yokuti vanotya kurasikirwa nokudzora mirangariro yavo pamberi pavamwe. Kana kuti vanganzwa vane mhaka pamusoro pokufarikanya zvokudya noruwadzano panguva yakadaro. Yeuka mukadzi ane mutsa Ridhia anodudzwa muBhaibheri. Pashure pokukokwa kumusha kwake, Ruka anoti, “Akatitendisa.”—Mabasa 16:15.
Iva anoshivirira naanonzwisisa: Usanyanyoshamiswa neizvo vakafirwa vangataura pakutanga. Yeuka, vangave vachinzwa vakashatirwa uye vane mhaka. Kana mirangariro yokufufutirwa ikanangidzirwa kwauri, kuchada nzwisiso yako neshiviriro kusapindura wakatsamwa. “Fukai mwoyo une tsitsi, nomwoyo munyoro, nokusazvikudza, nounyoro, nomwoyo murefu,” rinorumbidza kudaro Bhaibheri.—VaKorose 3:12, 13.
Nyora tsamba: Hunowanzofuratirwa ndihwo ukoshi hwetsamba yokunzwira urombo kana kuti kadhi rokunzwira tsitsi. Betsero yayo? Cindy anopindura, uyo akarasikirwa naamai vake nemhaka yekenza, kuti: “Imwe shamwari yakandinyorera tsamba yakaisvonaka. Iyoyo yakabetsera chaizvoizvo nemhaka yokuti ndaigona kuirava ndairavazve.” Tsamba yakadaro kana kuti kadhi rekurudziro ringaumbwa na“mashoko mashoma,” asi rinofanira kupa mwoyo wako. (VaHebheru 13:22) Inogona kutaura kuti unoitira hanya uye kuti unogoverana yeuko chaiyo pamusoro panyakufa, kana kuti inogona kuratidza kuti upenyu hwako hwakatapurwa sei nomunhu akafa.
Nyengetera navo: Usarerutsa ukoshi hweminyengetero yako navakafirwa uye nokuda kwavo. Bhaibheri rinoti: “Kukumbira kwomunhu wakarurama kune simba guru.” (Jakobho 5:16) Somuenzaniso, kukunzwa uchivanyengeterera kunogona kuvabetsera kuderedza kunzwa kwakaipa kwakadai sokuva nemhaka.—Enzanisa naJakobho 5:13-15.
Chokusaita . . .
Kuvapo kwako pachipatara kunogona kukurudzira nyakufirwa
Usarega kuenda nemhaka yokuti hauzivi chokutaura kana kuti chokuita: ‘Ndine chokwadi chokuti vanoda kuva voga iko zvino,’ tingazviudza timene kudaro. Asi zvichida zvokwadi ndeyokuti tiri kurega kuenda nemhaka yokuti tinotya kutaura kana kuti kuita chinhu chisina kururama. Zvisinei, kudziviswa neshamwari, hama dzokunyama, kana kuti vatendi biyake kungangoita bedzi kuti akafirwa anzwe ane ushoma zvikuru, kuchiwedzera kumarwadzo. Yeuka, mashoko omutsa zvikurusa nezviito zvinowanzova zvakapfava zvikurusa. (VaEfeso 4:32) Kuvapo kwako kwoga kunogona kuva manyuko ekurudziro. (Enzanisa naMabasa 28:15.) Achiyeuka zuva iro mwanasikana wake akafa, Teresea anoti: “Mukati meawa, mokusvikira vaenzi mechipatara makazadzwa neshamwari dzedu; vakuru vose navadzimai vavo vakanga varimo. Vamwe vavakadzi vaitova nezvokugonyanisa vhudzi, vamwe vakanga vakapfeka zvipfeko zvavo zvebasa. Vakangorega chinhu chiri chose ndokuuya. Vakawanda vavo vakatiudza kuti havana kuziva chokutaura, asi kwakanga kusingakoshi nemhaka yokuti vakanga varipo chete.”
Usadzvinyirira kuti varege kutambudzika: ‘Hezvo, hezvo, zvino, musachema,’ tingada kudaro. Asi kungava kuri nani kurega misodzi ichiyerera. “Ndinofunga kuti kunokosha kubvumira vakafirwa kuratidza murangariro wavo ndokuubudisa chaizvoizvo,” anodaro Katherine, achirangarira rufu rwomurume wake. Dzivisa chimiro chendangariro chokuudza vamwe kuti vanofanira kunzwa sei. Uye usarangarira kuti unofanira kuvanza kunzwa kwako kuti udzivirire kwavo. Panzvimbo pezvo, “chemai navanochema,” rinorumbidza kudaro Bhaibheri.—VaRoma 12:15.
Usakurumidza kuvapa zano rokurasa zvipfeko kana kuti zvimwe zvinhu zvomunhu oga zvanyakufa vasati vagadzirira: Tinganzwa kuti kungava kuri nani kuti varase zvinhu zvinonyandura yeuko nemhaka yokuti izvo nenzira yakati zvinorebesa nhamo yacho. Asi kutaura kwokuti “Chisingaonekwi, hachirangarirwi” kungasashanda pano. Munhu akafirwa angada kuendesa zvanyakufa pashoma napashoma. Yeuka rondedzero yeBhaibheri yokuita kwatateguru Jakobho apo akatungamirirwa kudavira kuti mwanakomana wake muduku Josefa akanga aurawa nechikara. Pashure pokunge nguvo refu ine ropa yaJosefa yapiwa kuna Jakobho, iye “akachema mwanakomana wake mazuva mazhinji. Vanakomana vake vose navakunda vake vose vakasimuka vakamunyaradza; asi wakaramba kunyaradzwa.”—Genesi 37:31-35.
Usati, ‘Munogona kuva nomumwe mucheche’: “Ndakashatirirwa vanhu vaindiudza kuti ndaigona kuva nomumwe mwana,” vanoyeuka kudaro vamwe amai vakarasikirwa nomwana murufu. Vangava nevavariro dzakanaka, asi kumubereki anotambudzika, mashoko okuti mwana akarasika anogona kutsiviwa anogona ‘kubaya somunondo.’ (Zvirevo 12:18) Mwana mumwe haatongogoni kutsiva mumwe. Neiko? Nemhaka yokuti mumwe nomumwe akasiyana.
Usadzivisa hako kududza nyakuenda: “Vanhu vakawanda vaisambodudza zita romwanakomana wangu Jimmy kana kuti kutaura pamusoro pake,” vanoyeuka kudaro vamwe amai. “Ndinofanira kubvuma kuti ndakati rwadziwei apo vamwe vakaita izvozvo.” Naizvozvo rega zvako kuchinja nhau apo zita ranyakufa rinodudzwa. Bvunza munhu wacho kana achida kutaura pamusoro pomudiwa wake. (Enzanisa Jobho 1:18, 19 na 10:1.) Vamwe vanhu vakafirwa vanoonga kunzwa shamwari dzichitaura nezvamavara chaiwo aiita kuti nyakuenda adiwe navo.—Enzanisa naMabasa 9:36-39.
Usakurumidza zvikuru kuti, ‘Kwakanga kuri nokuda kwezvakanakisisa’: Kuedza kuwana chimwe chinhu chakananga pamusoro porufu rwacho nguva dzose haku‘nyaradzi kumweya yakaora mwoyo’ iri kutambudzika. (1 VaTesaronika 5:14) Achiyeuka apo amai vake vakafa, mumwe mukadzi muduku akati: “Vamwe vaiti, ‘Haasi kutambura’ kana kuti, ‘Ari hake murugare.’ Asi ndakanga ndisingadi kunzwa izvozvo.” Tsinhiro dzakadaro dzingareva kuvapenyu kuti havafaniri kusuruvara kana kuti kurasikirwa kwacho kwakanga kusingakoshi. Zvisinei, vangave vachisuruvara zvikuru nemhaka yokuti vanorasikirwa zvikuru nomudiwa wavo.
Kungava kuri nani kusati, ‘Ndinoziva kuti munonzwa sei’: Unodaro chaizvoizvo here? Somuenzaniso, unogona here sezvinobvira kuziva icho mubereki anonzwa apo mwana anofa kana usina kutambura kurasikirwa kwakadaro iwe umene? Uye kunyange kana wakadaro, ziva kuti vamwe vangasanzwa chaizvoizvo sezvawakanzwa. (Enzanisa naMariro 1:12.) Pane rumwe rutivi, kana kuchiratidzika kuva kwakafanira, kungava nebetsero yakati mukutaura kuti wakanaya sei uchibva mukurasikirwa nomudiwa wako. Mumwe mukadzi ane mwanasikana akanga aurawa akakuwana kuchinyaradza apo amai vomumwe musikana akanga afa vakataura nezvokudzoka kwavo vamene kukurarama kwomuzvarirwo. Ivo vakati: “Amai vomusikana akafa havana kutanga nhau na‘Ndinoziva kuti munonzwa sei.’ Vakangondiudza zvavo kuti zvinhu zvakanga zvakaita sei nokuda kwavo ndokundirega ndichiwirirana nazvo.”
Kubetsera munhu akafirwa kunoda tsitsi, nzwisiso, uye rudo rukuru rwako. Usamirira kuti nyakufirwa auye kwauri. Usangoti, “Kana pane chinhu chipi nechipi chandinogona kuita . . .” Wana “chinhu chipi nechipi” ichocho iwe umene, uye ipapo ita chiito chokutanga chakafanira.
Mibvunzo mishomanene inosara: Zvakadiniko netariro yeBhaibheri yorumuko? Chii chainogona kureva nokuda kwako nomudiwa wako akafa? Tinogona sei kuva nechokwadi chokuti itariro yakavimbika?