Nyaradza Vakafirwa Sezvakaitwa naJesu
RAZARO, aigara kuBhetani, akarwara zvokuda kufa. Hanzvadzi dzake Marita naMariya, dzakatuma nhume kushamwari yavo yepedyo Jesu. Urwere hwacho hwakamukurira achibva afa. Paakavigwa, shamwari nevavakidzani vakashanyira Marita naMariya “kuti vavanyaradze.” (Johani 11:19) Jesu akazopedzisira asvika kuBhetani achibva anoona shamwari dzake dzaaida. Kukurukura zvaakaita nezvaakataura kune zvakunotidzidzisa nezvokunyaradza kwatingaita vanenge vafirwa.
Kuvapo Kwako Kunoratidza Kuti Une Hanya
Kuti asvike kuBhetani, Jesu aifanira kufamba mazuva maviri, achiyambuka Rwizi rwaJodhani uye achikwidza nomugwagwa waimonereka waibva kuJeriko. Marita akakurumidza kunokwazisa Jesu achiri nechokunze kwomusha wacho. Pave paya, Mariya akazonzwa kuti Jesu akanga asvika, achibva amhanyawo kunomuona. (Johani 10:40-42; 11:6, 17-20, 28, 29) Kuenda kwakaita Jesu kunofanira kunge kwakanyaradza hanzvadzi idzi dzakanga dziri kushungurudzika.
Mazuva ano, kuenda kunhamo kunogonawo kunyaradza vaya vanenge vafirwa. Scott naLydia, avo vakafirwa nomwanakomana wavo aiva nemakore matanhatu ainzi Theo mutsaona, vanoyeuka kuti: “Hama neshamwari ndivo vataida kuti vatitsigire. Vakauya kuchipatara pakati pousiku chaipo.” Shamwari idzi dzakavati kudini? “Panguva iyoyo takanga tisina basa nezvavaizotaura. Chataingoda ndechokuti vave nesu, kuratidza kuti vaiva nehanya.”
Bhaibheri rinoti Jesu paakaona vaya vaichema rufu rwaRazaro, “akanetseka” uye “akasvimha misodzi.” (Johani 11:33-35, 38) Haana kunyara kana kufunga kuti munhurume haafaniri kuonekwa nevanhu achichema. Akanzwisisa kurwadza kunoita kufirwa, uye akaziva kuti vakanga varasikirwa kwazvo. Izvozvo zvinotidzidzisei? Kuti patinoshanyira vanenge vafirwa, hatifaniri kunyara kuchema kana vanhu vacho vachichema. (VaRoma 12:15) Asiwo haufaniri kufunga kuti unofanira kumanikidza afirwa kuti asvimhe misodzi. Vamwe vanoda kuchema vari voga.
Teerera Uchimunzwira Tsitsi
Jesu aigona kunge akataura mashoko aizonyaradza Marita naMariya, asi akavarega vachitanga ivo kutaura. (Johani 11:20, 21, 32) Paakazotaura naMarita, akamubvunza mubvunzo, achibva ateerera.—Johani 11:25-27.
Kunyatsoteerera kunoratidza kuti une hanya zvechokwadi. Kuti tinyaradze vanenge vafirwa, tinofanira kunyatsoteerera. Tinogona kuratidza kuti tiri vateereri vakanaka kana tikabvunza mibvunzo inoita kuti vafirwa vataure zviri pamwoyo yavo vakasununguka. Zvisinei, ngwarira kuti usavamanikidza kuti vataure kana vasingadi. Vangadaro vakaneta uye vachida kuzorora.
Vanenge vafirwa vanganzwa vasina simba uye dzimwe nguva vangaramba vachidzokorora zvavanenge vambotaura. Asi vamwe vanonyatsoratidza manzwiro avari kuita. Mariya naMarita vakati kuna Jesu: “Ishe, kudai makanga muri pano hanzvadzi yangu ingadai isina kufa.” (Johani 11:21, 32) Jesu akaita sei? Akateerera achiratidza mwoyo murefu uye achinzwira tsitsi. Haana kuda kuvaudza manzwiro avaifanira kuita. Zvairatidza kuti ainyatsonzwisisa kuti munhu anenge achirwadziwa uye achishushikana zvokufa.
Kana usina chokwadi chokuti woti kudini paunoshanyira vanenge vafirwa, ungatanga nokungobvunza kuti, “Mungakwanisa here kuti titaure nezvazvo?” Zvadaro nyatsoteerera paanenge achipindura. Isa pfungwa dzako dzose pane zvauri kunzwa. Mutarire woedza kunzwisisa manzwiro aari kuita.
Zvakaoma chaizvo kunzwisisa manzwiro omunhu anenge afirwa. “Zvataida zvaichinja,” anotsanangura kudaro Lydia. “Dzimwe nguva taitadza kuzvibata tochema chaizvo vaenzi varipo. Chataingoda ndechokuti vamwe vatikurudzire. Shamwari dzedu dzakaedza nepadzaigona napo kunzwisisa manzwiro ataiita.”
Izvi ndizvo chaizvo zvakaitwa naJesu. Aiziva kuti munhu oga oga ane “dambudziko rake nokurwadziwa kwake.” (2 Makoronike 6:29) Jesu akapindura Mariya naMarita zvaienderana nemakwazisiro avakanga vamuita. Jesu akaramba achitaura naMarita nokuti Marita airatidza kuti aida zvokutaura. Asi haana kuramba achingotaura, nokuti Mariya aichema. (Johani 11:20-28, 32-35) Tingadzidzei pane zvaakaita? Zvingava zvakanaka kurega afirwa wacho achitaura zviri pamwoyo pake. Kunyatsoteerera paanenge achitaura kurwadziwa kwaari kuitwa kungamunyaradza zvikuru.
Mashoko Anoporesa
Mariya naMarita pavakati kuna Jesu: “Kudai makanga muri pano,” Jesu haana kuvapa mhosva kana kuvatsamwira nezvavakataura. Akapindura Marita achimuvimbisa kuti: “Hanzvadzi yako ichamuka.” (Johani 11:23) Nemashoko iwayo mashomanana, Jesu akamubatsira kutarisira ramangwana uye akamuyeuchidza kuti pakanga pachine tariro.
Paunenge uchitaura nevafirwa, yeuka kuti mashoko anobva pamwoyo, anokurudzira anogona kunyaradza kwazvo, kunyange zvazvo angava mashoma. Unogona kuita zvokuataura kana kuanyora. Sezvo munhu achigona kuzodzokorora kuverenga tsamba kana makadhi, zvingaramba zvichimunyaradza kwenguva yakareba. Kwapera mwedzi mipfumbamwe murume wake Bob afa, Kath akaverengazve makadhi ose aakanga atumirwa. Anoti, “Ndakaona kuti akandibatsira uye akandinyaradza chaizvo kunyanya panguva iyoyo.”
Zvii zvaunganyora mukatsamba kokunyaradza munhu? Unganyora nezvanyakufa wacho, zvamakamboita mose kana kuti unhu hwake hwawaiyemura chaizvo. Kath anoti: “Mashoko akanaka aitaurwa nezvaBob uye nezvounhu hwake aiita kuti ndide kunyemwerera uye kuchema. Nyaya dzinosetsa nezvake dzaiita kuti ndipfipfinyike ndichiyeuka kufara kwataiita pataiva tose. Makadhi akawanda andava kuda ane ndima dzeBhaibheri.”
Vabatsire Nezvavanoda
Kuti abatsire vomumhuri maRazaro, Jesu ane zvimwe zvaakaita zvatisingakwanisi isu. Akamutsa Razaro. (Johani 11:43, 44) Asi isuwo pane zvatinogona kubatsira nazvo, zvakadai sokubika, kupa vaenzi pokugara, kuwacha, kutarisira vana, kumhanya-mhanya pane zvinoda kuitwa, kana kuti kuvapa chokufambisa. Vanenge vafirwa vachatenda chaizvo zvinhu izvi zvinoratidza rudo rwemwoyo wose.
Zvinonzwisisika kuti vanenge vafirwa vangamboda nguva yokuva voga. Kunyange zvakadaro, ita zvichaita kuti usabva wangoti zii. “Hapana nguva inonzi munhu apedza kuchema, kana musi wokuti ndopaanenge ava kunzwa zviri nani,” vanodaro vamwe amai vakafirwa nomwana. Vamwe vanofunga nezveakafirwa pamisi inokosha yakaita sewavakachata kana kuti musi wakafa mumwe wake. Kana ukakwanisa kuvapo pamazuva akadai, unogona kubatsira kuvanyaradza panguva dzavanenge vachirwadziwa dzakaita seidzi.—Zvirevo 17:17.
Jesu akanyaradza mhuri iyi netariro yaakamboudza vadzidzi vake yokuti: “Razaro shamwari yedu azorora, asi ndiri kuenda ikoko kunomumutsa muhope.” (Johani 11:11) Jesu akavimbisa vateveri vake kuti vakafa vaizomutswa. Akabvunza Marita kuti: “Unotenda izvi here?” Marita akapindura achiti: “Hungu, Ishe.”—Johani 11:24-27.
Unotenda kuti Jesu achamutsa vakafa here? Kana uchitenda, udzawo vaya vanenge vafirwa tariro iyi. Vatsigire pane zvavanoda. Ukadaro zvaunotaura nezvaunoita zvichavanyaradza chaizvo.—1 Johani 3:18.
[Mepu iri papeji 9]
(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)
PEREYA
Rwizi rwaJodhani
Jeriko
Bhetani
Gungwa Romunyu
Jerusarema
SAMARIYA