Chitsauko 5
Kutenda Kwavo Kwakabuda Muchoto
1. Vazhinji vanonzwa sei pamusoro pokuzvipira kuna Mwari nokunyika yavo?
UNOFANIRA kuzvipira kuna Mwari kana kuti kunyika yauri kugara here? Vazhinji vaizopindura vachiti, ‘ndinoremekedza zvose. Ndinonamata Mwari maererano nezvinorayirwa nechitendero changu; panguva imwe chete, ndakavimbika kunyika yangu.’
2. Mambo weBhabhironi akanga ari mukuru wezvekunamata uye wezvematongerwe enyika sei?
2 Musiyano wokuzvipira pakunamata kwako nekuzvipira kunyika yako ungaratidzika sousina kujeka nhasi, asi muBhabhironi rekare wakanga usipo zvachose. Zvechokwadi, zvenyika nezvinoera zvakanga zvakabatana kwazvo zvokuti pane dzimwe nguva zvakanga zvisingasiyanisiki. “MuBhabhironi rekare,” anonyora kudaro Purofesa Charles F. Pfeiffer, “mambo aibatira soMupristi Mukuru nomutongi wenyika. Aibayira zvibayiro nokusarudza manamatire evanhu vake.”
3. Chii chinoratidza kuti Nebhukadhinezari munhu aiva akanyura zvikuru mune zvekunamata?
3 Funga nezvaMambo Nebhukadhinezari. Zita rake chairo rinoreva kuti “Haiwa Nebho, Chengetai Mugari Wenhaka!” Nebho akanga ari mwari weBhabhironi weuchenjeri nezvokurima. Nebhukadhinezari munhu aiva akanyura zvikuru mune zvekunamata. Sezvambotaurwa, akavaka ndokushongedza temberi dzevanamwari vakawanda veBhabhironi uye akanga akazvipira kunyanya kuna Marduk, waaiti ndiye aimukundisa hondo dzake.a Zvinoratidzikawo sokuti Nebhukadhinezari aivimba nokushopera zvikuru pakuronga mazano ake ehondo.—Ezekieri 21:18-23.
4. Rondedzera pfungwa mune zvekunamata yeBhabhironi.
4 Chaizvoizvo, pfungwa yezvekunamata yakanga yakazara muBhabhironi rose. Guta racho raiva netemberi dzinopfuura 50, madziri vanamwari vakasiyana-siyana nevanamwarikadzi vainamatwa, kubatanidza vanamwari vatatu vaiva Anu (mwari wedenga), Enlil (mwari wepasi, mhepo, mvura ine mhepo nemheni), uye Ea (mwari wemvura). Vamwe vanamwari vatatu vaiva Sin (mwari wemwedzi), Shamash (mwari wezuva), uye Ishtar (mwarikadzi wembereko). Mashiripiti, uroyi, nekuziva nyeredzi zvaiita basa rinokosha pakunamata muBhabhironi.
5. Mhoteredzo yezvekunamata yeBhabhironi yakapa nhapwa dzechiJudha muedzo wei?
5 Kugara pakati pevanhu vainamata vanamwari vakawanda kwaipa nhapwa dzechiJudha muedzo mukuru. Mazana emakore akanga apfuura, Mosesi akanga anyevera vaIsraeri kuti paisazova nechakanaka kudai vaizosarudza kupandukira Mupi weMitemo Mukurusa. Mosesi akavaudza kuti: “Jehovha uchakuisa iwe namambo wako wauchazvitsaurira kurudzi rwawakanga usingazivi iwe namadzibaba ako; zvino uchandoshumirapo vamwe vanamwari vamatanda namabwe.”—Dheuteronomio 28:15, 36.
6. Nei kugara muBhabhironi kwakaparira muedzo chaiwoiwo kuna Dhanieri, Hanania, Mishaeri, naAzaria?
6 VaJudha zvino vakaerekana vave mungwavaira iyi chaiyo. Kuvimbika kuna Jehovha kwaizova kwakaoma, kunyanya kuna Dhanieri, Hanania, Mishaeri, naAzaria. Aya majaya mana echiHebheru akanga anyatsosarudzirwa kudzidziswa basa rehurumende. (Dhanieri 1:3-5) Yeuka kuti akanga atopiwa mazita echiBhabhironi—Bhershazari, Shadraki, Meshaki, naAbhedhinego—zvichida kuaita kuti awirirane nemhoteredzo yavo itsva.b Zvinzvimbo zvapamusoro zvavarume ava zvaizoita kuti kana vaizongoramba chete kunamata vanamwari venyika iyoyo kuramba kwavo kwaizove pachena—kuchitove kumukira hurumende.
CHIFANANIDZO CHENDARAMA CHINOTYISIDZIRA
7. (a) Rondedzera chifananidzo chakamiswa naNebhukadhinezari. (b) Chifananidzo chacho chakaitirwei?
7 Sezviri pachena mukuedza kusimbisa kubatana kwoumambo hwake, Nebhukadhinezari akamisa chifananidzo chendarama mubani reDhura. Chakanga chakareba mamita 27 uye chakafara mamita 2,7.c Vamwe vanofunga kuti chifananidzo chacho chaingova shongwe, kana kuti chaikwira chichitetepa. Chingave chaive nefandesheni yakakwirira yaive nechifananidzo chikuru chakafanana nemunhu, zvimwe chichimirira Nebhukadhinezari pachake kana kuti mwari Nebho. Pasinei nokuti ndiani aimirirwa, shongwe iyi refu refu yakanga iri chiratidzo cheUmambo hweBhabhironi. Naizvozvo, yaifanira kuonekwa nokunamatwa.—Dhanieri 3:1.
8. (a) Ndivanaani vakadanwa pakukumikidzwa kwechifananidzo ichi, uye vose vaivepo vaifanira kuitei? (b) Chii chaizova chirango chokuramba kupfugamira chifananidzo chacho?
8 Naizvozvo, Nebhukadhinezari akaronga mutambo wokukumikidza. Akaunganidza machinda ake, vatariri, magavhuna, vaipa mazano, vachengeti vepfuma, vatongi, mapurisa, navabati vose venharaunda dzaaidzora. Mudanidziri akadanidzira achiti: “Munorayirwa imi vanhu, namarudzi, namarimi, kuti nenguva yamunonzwa kurira kwomumhanzi nomutopota nembira norudimbwa nomutengeranwa namarimba, nezvimwe zvose zvinoridzwa, muwire pasi muchinamata chifananidzo chendarama chakamiswa namambo Nebhukadhinezari; aninani usingawiri pasi achinamata, nenguva iyo uchawisirwa mukati mechoto chomoto unopfuta kwazvo.”—Dhanieri 3:2-6.
9. Chii chairehwa sezviri pachena nokupfugamira chifananidzo icho Nebhukadhinezari akanga amisa?
9 Vamwe vanofunga kuti Nebhukadhinezari akarongera mutambo uyu kuedza kumanikidza vaJudha kubatanidza kunamata kwavo Jehovha nomumwe mwari. Zvichida handizvo, nemhaka yokuti vakuru vehurumende bedzi vakadanwa kuchiitiko chacho. Saka, vaJudha bedzi vaizova varipo ndevaya vaishanda basa rehurumende. Saka, zvinoita sokuti kupfugamira chifananidzo kwaiva mutambo wakaitirwa kusimbisa kubatana kwevatongi. Imwe nyanzvi John F. Walvoord inoti: “Kuratidzirwa kwakadaro kwavakuru vakuru kwaiva kuratidzirwa kunofadza kwesimba roumambo hwaNebhukadhinezari uyewo kwaikosha sekukudza vanamwari avo vavaifunga kuti vaivaita kuti vakunde hondo dzavo.”
VABATIRI VAJEHOVHA VANORAMBA KUBVUMIRANA NEZVISINA KUFANIRA
10. Nei vakanga vasiri vaJudha vaisazonetseka nokuteerera murayiro waNebhukadhinezari?
10 Pasinei zvapo nokuzvipira kwavo kuvanamwari vaivatsigira vakasiyana-siyana, vazhinji vakanga vari pamberi pechifananidzo chaNebhukadhinezari vaisazonzwa vachinetseka nehana pamusoro pokuchinamata. “Vose vakanga vakarovedzana nokunamata zvidhori, uye kunamata mumwe mwari kwaisavadzivisa kunamata mumwezve,” yakatsanangura kudaro imwe nyanzvi yeBhaibheri. Akapfuurira achiti: “Zvaienderana nepfungwa yaivapo panguva iyoyo yevanamati vezvidhori yokuti kwaiva nevanamwari vakawanda . . . uye kuti zvakanga zvisina kuipa kunamata mwari wevanhu vapi nevapi kana kuti nyika.”
11. Nei Shadraki, Meshaki, naAbhedhinego vakaramba kupfugamira chifananidzo?
11 KuvaJudha, zvisinei, yakanga iri nhau yakasiyana. Vakanga varayirwa naMwari wavo, Jehovha kuti: “Usazviitira mufananidzo wakavezwa, kana uri mufananidzo wechinhu chiri kudenga kumusoro, kana wechiri panyika pasi, kana wechiri mumvura pasi penyika. Usapfugamira izvozvo, kana kuzvishumira; nokuti ini Jehovha, Mwari wako, ndiri Mwari une godo.” (Eksodho 20:4, 5) Naizvozvo, sezvo nziyo dzakatanga uye vakanga vakaungana vakakotamira chifananidzo, majaya matatu echiHebheru—Shadraki, Meshaki, naAbhedhinego—akaramba akamira.—Dhanieri 3:7.
12. Vamwe vaKardhea vakapomerei vaHebheru vatatu, uye nei vakadaro?
12 Kuramba kwevakuru vakuru vehurumende vatatu vechiHebheru kunamata chifananidzo kwakatsamwisa vamwe vaKardhea. Pakarepo, vakaenda kuna mambo “vakapomera vaJudha.”d Vakanga vasingadi zvokutsanangurirwa. Vachida kuti vaHebheru varangwe nokuda kwokusavimbika nokumukira, vapomeri vacho vakati: “Zvino vamwe vaJudha varipo, vamakagadza vave varayiri vezvinhu zvose zvenyika yeBhabhironi, vanaShadraki naMeshaki naAbhedhinego; varume ava havana kuva nehanya nemi, imi mambo; havashumiri vamwari venyu, kana kunamata chifananidzo chendarama chamakamisa.”—Dhanieri 3:8-12.
13, 14. Nebhukadhinezari akaitei nezvakaitwa naShadraki, Meshaki, naAbhedhinego?
13 Zvinofanira kuva zvakatsamwisa Nebhukadhinezari kwazvo kuti vaHebheru vatatu vakaramba kuteerera murayiro wake! Zvakanga zviri pachena kuti akanga akundikana kuchinja Shadraki, Meshaki, naAbhedhinego kuti vave vatsigiri vakavimbika veUmambo hweBhabhironi. Akanga asina kuvadzidzisa uchenjeri hwose hwavaKardhea here? Inga wani, akanga atochinja mazita avo! Asi kana Nebhukadhinezari akafunga kuti dzidzo yapamusoro yaizovadzidzisa manamatiro matsva kana kuti kuchinja mazita avo kwaizovachinja, akanga akarasika nokure. Shadraki, Meshaki, naAbhedhinego vakaramba vari vabatiri vaJehovha vakavimbika.
14 Mambo Nebhukadhinezari akashatirwa. Pakarepo, akadana Shadraki, Meshaki naAbhedhinego. Akabvunza kuti: “Maune here, imi Shadraki naMeshaki naAbhedhinego, zvamunoramba kushumira mwari wangu, nokunamata chifananidzo chendarama chandakamisa ini?” Hapana mubvunzo kuti Nebhukadhinezari akataura mashoko aya ashamiswa kwazvo. Pamusoro pazvo, anofanira kuve akafunga kuti, ‘Varume vatatu vane pfungwa dzakanaka vangafuratira murayiro wakajeka kudaro sei—uye uyo waiva nechirango chakakomba kudaro kana ukasateererwa?’—Dhanieri 3:13, 14.
15, 16. Nebhukadhinezari akapa ava vaHebheru vatatu mukana wei?
15 Nebhukadhinezari aida kupa ava vaHebheru vatatu mumwe mukana. “Zvino kana muchitenda,” akadaro, “nenguva yamunonzwa kurira kwomumhanzi nomutopota nembira norudimbwa nomutengeranwa namarimba, nezvimwe zvose zvinoridzwa, zvakanaka hazvo; asi kana musinganamati, muchawisirwa nenguva iyo mukati mechoto chomoto unopfuta kwazvo; mwari uchakurwirai mumaoko angu ndoupiko?”—Dhanieri 3:15.
16 Sezviri pachena, chidzidzo chechifananidzo chomuhope (chakanyorwa muna Dhanieri chitsauko chechipiri) chakanga chisina kunyatsopinda mundangariro nemwoyo zvaNebhukadhinezari. Zvichida aive atokanganwa mashoko ake pachake aakataurira Dhanieri okuti: “Mwari wako ndiye Mwari wavamwari, naShe wamadzimambo.” (Dhanieri 2:47) Zvino Nebhukadhinezari airatidzika seakanga achidenha Jehovha, achitaura kuti kunyange Iye aisagona kuponesa vaHebheru pachirango chakanga chakavamirira.
17. Shadraki, Meshaki, naAbhedhinego vakaita sei pane zvavaida kupiwa namambo?
17 Shadraki, Meshaki, naAbhedhinego vaisafanira kurangarirazve nhau yacho. Nokukurumidza vakapindura kuti: “Imi Nebhukadhinezari, hatingafaniri hedu kukupindurai pamusoro peshoko iri. Kana zvikaitika hazvo, Mwari wedu watinoshumira ungagona kutirwira pachoto chomoto unopfuta kwazvo; iye uchatirwira paruoko rwenyu, imi mambo. Asi kana zvikasaitika, zivai imi mambo, kuti hatingashumiri vamwari venyu kana kunamata chifananidzo chendarama chamakamisa imi.”—Dhanieri 3:16-18.
MUCHOTO CHINOPFUTA KWAZVO!
18, 19. Chii chakaitika apo vaHebheru vatatu vakakandirwa muchoto chinopfuta kwazvo?
18 Ashatirwa, Nebhukadhinezari akarayira vabatiri vake kukuchidzira choto kakapetwa kanomwe kupfuura zvenguva dzose. Ipapo akarayira “vamwe varume vane simba guru” kuti vasunge Shadraki naMeshaki naAbhedhinego vavakandire “muchoto chomoto unopfuta.” Vakatevera murayiro wamambo, vachikandira vaHebheru vatatu mumoto, vakasungwa uye vakapfeka zvakakwana—zvichida kuitira kuti vatsve nokukurumidza. Zvisinei, varume vaNebhukadhinezari pachavo vaaivimba navo ndivo vakaurawa nemarimi omoto.—Dhanieri 3:19-22.
19 Asi chimwe chinhu chinoshamisa chakanga chichiitika. Kunyange zvazvo Shadraki, Meshaki, naAbhedhinego vakanga vari pakati pechoto chinopfuta kwazvo, marimi omoto akanga asingavapisi. Chimbofungidzira kuti Nebhukadhinezari akashamisika sei! Vakanga vakandirwa mumoto unonganduma, vakasungwa zvakasimba, asi vakanga vachiri vapenyu. Inga wani vaitofamba zvavo vakasununguka mumoto! Asi Nebhukadhinezari ane chimwe chinhuzve chaakaona. “Hatina kuwisira varume vatatu vakasungwa mukati momoto here?” akabvunza makurukota ake kudaro. “Ndizvozvo, imi mambo,” vakapindura kudaro. “Tarirai!” Nebhukadhinezari akadanidzira, “Ndinoona varume vana, vakasununguka, vachifamba mumoto, vasina pavakakuvadzwa; wechina pakuonekwa kwake wakaita somwanakomana wavamwari.”—Dhanieri 3:23-25.
20, 21. (a) Nebhukadhinezari akaonei pana Shadraki, Meshaki, naAbhedhinego pavakabuda muchoto? (b) Nebhukadhinezari akamanikidzwa kubvumei?
20 Nebhukadhinezari akaenda pasuo rechoto chinopfuta kwazvo. “Nhai imi Shadraki naMeshaki naAbhedhinego, imi varanda vaMwari Wokumusorosoro,” akadana achidaro, “budai muuye pano!” VaHebheru vatatu vakabuda mukati memoto. Pasina mubvunzo vose vakaona chishamiso ichi—kubatanidza machinda, vatariri, magavhuna, namakurukota—vakashamiswa. Inga zvaiita sokuti aya majaya matatu echiHebheru akanga asina kana kutombopinda muchoto! Vakanga vasinganhuwi moto, uye hapana kunyange bvudzi ravo rimwe rakanga rapiswa.—Dhanieri 3:26, 27.
21 Zvino Mambo Nebhukadhinezari akamanikidzwa kubvuma kuti Jehovha ndiye Mwari Wokumusorosoro. “Mwari waShadraki naMeshaki naAbhedhinego ngaaongwe,” akazivisa kudaro, “wakatuma mutumwa wake, akarwira varanda vake vakanga vachivimba naye, ivo vakanga varamba shoko ramambo, vakaisa miviri yavo, kuti varege kushumira kana kunamata mwari upi noupi, asi iye Mwari wavo.” Ipapo, mambo akawedzera iyi nyevero yakasimba yokuti: “Naizvozvo ndinotema chirevo, kuti vanhu vose namarudzi ose namarimi ose, vanotaura zvisina kufanira pamusoro paMwari waShadraki naMeshaki naAbhedhinego, vatemwe-temwe, nedzimba dzavo dziitwe maturunhuru; nokuti hakuna mumwe mwari unogona kurwira saizvozvo.” Ipapo vaHebheru vatatu vakadzorerwa munyasha dzamambo ‘vakaramba vachibudirira muruwa rwavaitonga rweBhabhironi.’—Dhanieri 3:28-30.
KUTENDA NECHOTO NHASI
22. Vabatiri vaJehovha vomuzuva razvino uno vanotarisana nemamiriro ezvinhu akafanana neaShadraki, Meshaki naAbhedhinego sei?
22 Nhasi, vanamati vaJehovha vanotarisana nemamiriro ezvinhu akafanana neaShadraki, Meshaki, naAbhedhinego. Sezvinobvumwa, vanhu vaMwari vangasava nhapwa chaidzoidzo. Asi, Jesu akataura kuti vateveri vake vaisazova “venyika.” (Johane 17:14) “Vatorwa” pakuti havatori tsika dzisiri dzemagwaro, nemiitiro zvevakavapoteredza. Sezvakanyorwa nomuapostora Pauro, vaKristu vanofanira ku“saenzaniswa nenyika ino.”—VaRoma 12:2.
23. VaHebheru vatatu vakaratidzira sei kutsiga, uye vaKristu vanogona sei kutevedzera muenzaniso wavo nhasi?
23 VaHebheru vatatu vakaramba kuenzaniswa negadziriro yeBhabhironi. Kunyange kudzidziswa zvakasimba uchenjeri hwevaKardhea hakuna kuvazunungusa. Nhau yokunamata kwavo yakanga isina mubvunzo, uye vaive vakazvipira kuna Jehovha. VaKristu nhasi vanofanira kuva vakatsiga zvakafanana. Havafaniri kunyadziswa nemhaka yokuti vakasiyana nevari munyika. Zvechokwadi, “nyika inopfuura nokuchiva kwayo.” (1 Johane 2:17) Naizvozvo hwaizova ufuza uye zvaisabatsira kuva akafanana negadziriro ino yezvinhu iri kutandadza.
24. Muitiro wevaKristu vechokwadi wakafanana sei newevaHebheru vatatu?
24 VaKristu vanofanira kungwarira marudzi ose okunamata zvidhori, kubatanidza marudzi aya asiri pachena.e (1 Johane 5:21) Shadraki, Meshaki, naAbhedhinego vakamira pamberi pechifananidzo chendarama nokuteerera uye nokuremekedza, asi vakaziva kuti kuchipfugamira kwakanga kuchireva zvinopfuura kungoremekedza. Kwaiva kunamata, uye kuzviita kwaimutsa hasha dzaJehovha. (Dheuteronomio 5:8-10) John F. Walvoord anonyora kuti: “Chaizvoizvo kwaiva kusarutwa kwomureza, kunyange zvazvo, nemhaka yokubatana kwekuvimbika mune zvekunamata nenyika, zvimwe kwaivewo nezvakwaireva pane zvekunamata.” Nhasi, vaKristu vechokwadi vanomira zvakasimba zvakafanana vachiramba kunamata zvidhori.
25. Chidzidzoi chawadzidza panyaya yechokwadi youpenyu hwaShadraki, Meshaki, naAbhedhinego?
25 Nhoroondo yeBhaibheri yaShadraki, Meshaki, naAbhedhinego inogovera muenzaniso unoshanda wakaisvonaka kuvose vakatsunga kuzvipira kuna Jehovha chete. Sezviri pachena muapostora Pauro aive achifunga nezvevaHebheru vatatu ava paakanyora nezvevazhinji vakaratidza kutenda, kubatanidza “vakadzima simba romoto.” (VaHebheru 11:33, 34) Jehovha achakomborera vose vanotevedzera kutenda kwakadaro. VaHebheru vatatu vakaponeswa pachoto chinopfuta kwazvo, asi tinogona kuva nechokwadi chokuti achamutsa vakavimbika vose vanofa vakavimbika uye achavakomborera noupenyu husingaperi. Muzvinoitika zvose, Jehovha “unochengeta mweya yavatsvene vake; unovarwira paruoko rwowakaipa.”—Pisarema 97:10.
[Mashoko Omuzasi]
a Vamwe vanodavira kuti Marduk, uyo airangarirwa somuvambi weUmambo hweBhabhironi, anomirira Nimirodhi ainzi ndimwari. Zvisinei, izvi hazvigoni kutaurwa nechivimbo.
b “Bhershazari” zvinoreva kuti “Chengeta Upenyu hwaMambo.” “Shadraki” zvingangoreva kuti “Murayiro waAku,” mwari wemwedzi wevaSumer. “Meshaki” zvichida zvinotaura nezvamwari wevaSumer, uye “Abhedhinego” zvinoreva “Muranda waNego,” kana kuti Nebho.
c Dzichirangarira kukura kwechifananidzo chacho, dzimwe nyanzvi dzeBhaibheri dzinofunga kuti chakanga chakaitwa nemapuranga ndokuzonamwa nendarama pamusoro.
d Mashoko echiAramaic anoshandurwa kuti “vakapomera” anoreva ku‘dya zvidimbu zvemunhu’—sokunge kuti kumutsenga-tsenga, nekumuchera.
e Somuenzaniso, Bhaibheri rinobatanidza kukara nokuchochora nokunamata zvifananidzo.—VaFiripi 3:18, 19; VaKorose 3:5.
WANZWISISEI?
• Shadraki, Meshaki, naAbhedhinego vakarambirei kupfugamira chifananidzo chakamiswa naNebhukadhinezari?
• Nebhukadhinezari akaitei nezvakaitwa neava vaHebheru vatatu?
• Jehovha akakomborera sei ava vaHebheru vatatu nokuda kwokutenda kwavo?
• Wadzidzei pakufungisisa nyaya yechokwadi yakaitika youpenyu hwaShadraki, Meshaki naAbhedhinego?
[Mufananidzo unozadza peji yose uri papeji 68]
[Mifananidzo iri papeji 70]
1. Shongwe yetemberi (ziggurat) muBhabhironi
2. Temberi yaMarduk
3. Mufananidzo we“bronze” unoratidza vanamwari vanoti Marduk (kuruboshwe) naNebho (kurudyi) vakamira pamadhiragoni
4. Mufananidzo waNebhukadhinezari, aizivikanwa nokuda kwemabasa ake okuvaka
[Mufananidzo unozadza peji yose uri papeji 76]
[Mufananidzo unozadza peji yose uri papeji 78]