RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • lfb chidzidzo 61 p. 146-p. 147 ndim. 3
  • Havana Kuchipfugamira

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Havana Kuchipfugamira
  • Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • Mashoko Akafanana
  • Havazati Vaizopfugamira
    Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • Kutenda Kwavo Kwakabuda Muchoto
    Fungisisa Uprofita hwaDhanieri!
  • Mwari Wako Ndiani?
    Dzidza Kumudzidzisi Mukuru
  • ‘Mwari Wedu Anokwanisa Kutinunura’
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
Ona Zvimwe
Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
lfb chidzidzo 61 p. 146-p. 147 ndim. 3
Shadreki, Misheki naAbhedhinego vanoramba kupfugamira chidhori chegoridhe

CHIDZIDZO 61

Havana Kuchipfugamira

Papera nguva yakati kuti kubva paakarota chifananidzo, Mambo Nebhukadhinezari akagadzira chidhori chihombe chegoridhe. Akachimisa mubani reDhura uye akabva ashevedza vanhu vairemekedzwa vemunyika yacho, kusanganisira Shadreki, Misheki naAbhedhinego kuti vaungane pamberi pacho. Mambo akarayira kuti: ‘Panguva yamunonzwa kurira kwehwamanda, rudimbwa, nenyere hombe, ibvai mapfugamira chifananidzo chacho! Munhu wese asiri kuzochipfugamira achakandwa muvira remoto.’ VaHebheru vatatu ivavo vaizopfugamira chifananidzo chacho here kana kuti vaizonamata Jehovha chete?

Zvadaro mambo akabva arayira kuti mumhanzi uridzwe. Vanhu vese vakabva vawira pasi vakanamata chifananidzo chacho, kunze kwaShadreki, Misheki naAbhedhinego. Vamwe varume vakazviona uye vakabva vaudza mambo kuti: ‘VaHebheru vatatu avo varamba kunamata chifananidzo chenyu.’ Nebhukadhinezari akavashevedza akati kwavari: ‘Ndichakupai mumwe mukana wekuti munamate chifananidzo chacho. Kana mukaramba, ndinokukandai muvira remoto. Hapana mwari anogona kukununurai kubva kwandiri.’ Ivo vakapindura kuti: ‘Hatisi kuda mumwe mukana. Mwari wedu anogona kutinunura. Asi chero akasatinunura, haiwa mambo, hatisi kuzonamata chifananidzo chacho.’

Nebhukadhinezari akagumbuka chaizvo. Akabva audza vashandi vake kuti: ‘Itai kuti moto wacho upise zvakapetwa ka7 kupfuura zvaunogara uchiita!’ Akabva arayira masoja ake kuti: ‘Sungai varume ava, muvakande mumoto!’ Vira racho raipisa chaizvo zvekuti masoja paakangosvika pedyo naro akabva angofa ipapo ipapo. VaHebheru vatatu vacho vakabva vawira mumoto. Asi Nebhukadhinezari paakatarisa mukati mevira, akaona kuti makanga muine varume vana vaifamba-famba imomo, kwete vatatu. Akatanga kutya uye akabvunza machinda ake kuti: ‘Hatina kukanda varume vatatu mumoto here? Ndiri kuona varume vana uye mumwe wavo akaita sengirozi!’

Nebhukadhinezari akaswedera pedyo nevira remoto akashevedzera kuti: ‘Budai muuye pano imi vashumiri vaMwari Wekumusorosoro!’ Vanhu vese vakashamisika kuona Shadreki, Misheki naAbhedhinego vachibuda mumoto vasina kana kumbotsva. Ganda ravo, bvudzi ravo uye hembe dzavo dzakanga dzisina kutsva, uye vakanga vasingatombonhuwi utsi.

Nebhukadhinezari akati: ‘Mwari waShadreki, Misheki naAbhedhinego mukuru. Atumira ngirozi yake, akavanunura. Hakuna mumwe mwari akafanana naye.’

Wakatsunga kuramba wakavimbika kuna Jehovha chero zvodini sezvakanga zvakaita vaHebheru vatatu ivavo here?

Mambo Nebhukadhinezari ari kushamisika paari kuona Shadreki, Misheki naAbhedhinego vachibuda mumoto vasina kana kumbotsva

“Jehovha Mwari wako ndiye waunofanira kunamata, uye ndiye ega waunofanira kuitira basa dzvene.”—Mateu 4:10

Mibvunzo: Shadreki, Misheki naAbhedhinego vakaramba kuitei? Jehovha akavanunura sei?

Dhanieri 3:1-30

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe