RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ip-2 chits. 17 pp. 247-261
  • Vatorwa Vanoungana Paimba yaMwari Yokunyengetera

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Vatorwa Vanoungana Paimba yaMwari Yokunyengetera
  • Uprofita hwaIsaya—Chiedza Chavanhu Vose II
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Zvinodiwa Noruponeso
  • Nyaradzo Kumutorwa neNgomwa
  • Ngomwa Dzinogamuchira Zita Kusvika Nguva Isingazivikanwi
  • Vatorwa Vanonamata Nevanhu vaMwari
  • Nharire Mapofu, Imbwa Dzisingahukuri
  • Nharire Dzanhasi
  • Mamwe Makwai Nesungano Itsva
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
  • Mugari Wemo Kana Kuti Wokumwe, Mwari Anokugamuchira!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
  • Sabata
    Kukurukurirana Tichishandisa Magwaro
  • “Vagari Venguva Duku” Vanonamata Mwari Pamwe Chete
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
Ona Zvimwe
Uprofita hwaIsaya—Chiedza Chavanhu Vose II
ip-2 chits. 17 pp. 247-261

Chitsauko 17

Vatorwa Vanoungana Paimba yaMwari Yokunyengetera

Isaya 56:1-12

1, 2. Chiziviso chokutii chinofadza chakaitwa muna 1935, uye chakanga chiri rutivi rwechii?

NECHISHANU, May 31, 1935, Joseph F. Rutherford akataura neboka raiva pakokorodzano muWashington, D.C. Akataura nezvokuzivikanwa kwe“boka guru revanhu,” kana kuti “vanhu vazhinji-zhinji” vakaonekwa nomuapostora Johani pane zvaakaratidzwa. Hurukuro yaHama Rutherford payakanga yopisa, vakabvunza kuti: “Vose vane tariro yokurarama pasi pano mungasimuka here tapota?” Sokutaura kwomumwe wevaivepo, “vanopfuura hafu yevateereri vakasimuka.” Ipapo mukurukuri wacho akati: “Tarirai! Vanhu vazhinji-zhinji!” Mumwewo akanga aripo anoyeuka kuti: “Pakutanga kwakati zi-i, kukatevera kuchema kwomufaro, uye kufara kwacho kwainzwika uye kwakaita nguva refu.”—Zvakazarurwa 7:9.

2 Iyoyo yakanga iri nguva yakasiyana nedzimwe mukuzadzika kunofambira mberi kwouprofita hwakanyorwa pachine makore anenge 2 700 uye hunooneka mumaBhaibheri edu sechitsauko 56 chaIsaya. Kungofanana nohumwe uprofita huzhinji huri muna Isaya, uhwu hune zvipikirwa zvinonyaradza nenyevero dzakasimba. Mukushanda kwokutanga, hunotaurwa kuvanhu vaMwari vesungano vomuzuva raIsaya, asi kuzadzika kwahwo kunopfuurira mumazana emakore kusvika kuzuva redu.

Zvinodiwa Noruponeso

3. Kana vaJudha vachitsvaka ruponeso kuna Mwari, vanofanira kuitei?

3 Chitsauko 56 chaIsaya chinovamba nokurayira vaJudha. Zvisinei, vanamati vose vechokwadi vanofanira kuteerera izvo muprofita wacho anonyora. Tinoverenga kuti: “Zvanzi naJehovha: Chengetai kururamisa, muite zvakarurama; nokuti ruponeso rwangu rwoda kusvika, kururama kwangu kworatidzwa. Wakaropafadzwa munhu unoita izvozvi, nomwanakomana womunhu unozvibatisisa, unochengeta sabata kuti arege kurimhura, nokudzora ruoko rwake kuti arege kuita chinhu chakaipa.” (Isaya 56:1, 2) Vagari venyika yeJudha vanotsvaka ruponeso kuna Mwari vanofanira kuteerera Mutemo waMosesi, vachiruramisira uye vachirarama upenyu hwakarurama. Nei? Nemhaka yokuti Jehovha pachake akarurama. Avo vanotevera kururama vanova nomufaro unobva pakuva nenyasha dzaJehovha.—Pisarema 144:15b.

4. Nei kuchengeta Sabata kuchikosha kune vaIsraeri?

4 Uprofita hwacho hunosimbisa kuchengetwa kweSabata nemhaka yokuti Sabata chinhu chinokosha choMutemo waMosesi. Zvechokwadi, chimwe chezvikonzero nei vagari venyika yeJudha vachiguma vatapwa kuregeredza kwavo Sabata. (Revhitiko 26:34, 35; 2 Makoronike 36:20, 21) Sabata chiratidzo choukama hunokosha uhwo Jehovha anahwo nevaJudha, uye avo vanochengeta Sabata vanoratidza kuti vanokoshesa ukama ihwohwo. (Eksodho 31:13) Uyezve, kuchengeta Sabata kwaizoyeuchidza vanhu vomunguva yaIsaya kuti Jehovha ndiye Musiki. Kuchengeta kwakadaro kwaizovayeuchidzawo nezvetsitsi dzake kwavari. (Eksodho 20:8-11; Dheuteronomio 5:12-15) Pakupedzisira, kuchengeta Sabata kwaizoita kuti pave nechirongwa chokunamata Jehovha nguva dzose, zvakarongeka. Kuzorora kamwe pavhiki pabasa ravo renguva dzose kwaizopa vagari venyika yeJudha mukana wokunyengetera, kudzidza, uye kufungisisa.

5. VaKristu vangashandisa sei nheyo yezano rokuchengeta Sabata?

5 Zvisinei, zvakadini nevaKristu? Kurudziro yokuchengeta Sabata inoshandawo kwavari here? Kwete zvakananga, sezvo vaKristu vasiri pasi poMutemo saka havadikanwi kuti vachengete Sabata. (VaKorose 2:16, 17) Kunyange zvakadaro, muapostora Pauro anotsanangura kuti kune “zororo resabata” revaKristu vakatendeka. “Zororo resabata” iri rinosanganisira kuva nokutenda muchibayiro chorudzikinuro chaJesu choruponeso ndokurega kuvimba nemabasa chete. (VaHebheru 4:6-10) Nokudaro, mashoko ouprofita hwaIsaya pamusoro peSabata anoyeuchidza vashumiri vaJehovha nhasi nezvokudikanwa kunokosha kwokuva nokutenda muchirongwa chaMwari choruponeso. Chiyeuchidzo chakanakawo chokudikanwa kwokukudziridza ukama hwapedyo naJehovha uye kutevera nzira yokunamata kunoitwa nguva dzose.

Nyaradzo Kumutorwa neNgomwa

6. Mapoka api maviri anotaurwa nezvawo zvino?

6 Jehovha zvino anotaura nemapoka maviri anoda kumushumira asi ayo muMutemo waMosesi asingabvumirwi kupinda muungano yechiJudha. Tinoverenga kuti: “Mutorwa wakanamatira Jehovha, ngaarege kutaura achiti: Zvirokwazvo Jehovha uchandiparadzanisa navanhu vake; [“nengomwa ngairege,” NW] kuti: Tarirai, ndiri muti wakaoma.” (Isaya 56:3) Chinotya mutorwa ndechokuti achaparadzaniswa nevaIsraeri. Chinotambudza ngomwa ndechokuti haizofi yakaita vana vokuti vachengete zita rayo. Mapoka acho ose anofanira kushinga. Tisati taona kuti nemhaka yei, ngationei kuti vanoonekwa sei norudzi rwaIsraeri maererano noMutemo.

7. Mutemo unorambidzei vatorwa muIsraeri?

7 Vatorwa vasina kudzingiswa havabatanidzwi mukunamata nevaIsraeri. Somuenzaniso, havabvumirwi kudya Paseka. (Eksodho 12:43) Vatorwa vasingaputsi mitemo yenyika nemaune vanowana ruramisiro nomutsa, asi havavi venyika yacho zvachose. Chokwadi, vamwe vanogamuchira Mutemo zvizere, uye sechiratidzo chokudaro, varume vanodzingiswa. Zvino vanova vatendeuki, vane ropafadzo yokunamata muchivanze cheimba yaJehovha uye vanoonekwa sevamwe veungano yaIsraeri. (Revhitiko 17:10-14; 20:2; 24:22) Zvisinei, kunyange vatendeuki havabatanidzwi zvakazara musungano yaJehovha naIsraeri, uye havana nhaka yenyika muNyika Yakapikirwa. Vamwe vatorwa vangauya kutemberi kuzonyengetera uye sezviri pachena vangapira zvibayiro nokuvapristi chero bedzi zvibayiro zvacho zviri sezvinodiwa noMutemo. (Revhitiko 22:25; 1 Madzimambo 8:41-43) Asi vaIsraeri havafaniri kusonganirana navo zvapedyo.

Ngomwa Dzinogamuchira Zita Kusvika Nguva Isingazivikanwi

8. (a) MuMutemo ngomwa dzaionekwa sei? (b) Ngomwa dzaishandiswa sei mumarudzi echihedheni, uye shoko rokuti “ngomwa” dzimwe nguva rairevei?

8 Ngomwa, kunyange kana dziri vana vevaJudha, hadzibvumirwi kuva nhengo dzakazara dzorudzi rwaIsraeri.a (Dheuteronomio 23:1) Pakati pemamwe marudzi echihedheni omunguva inotaurwa muBhaibheri, ngomwa dzaive nenzvimbo inokosha uye yaiva tsika kuita ngomwa vamwe vevana vaibatwa senhapwa muhondo. Ngomwa dzaigadzwa sevakuru vakuru mumizinda yemadzimambo. Ngomwa yaigona kuva “mutarisiri wevakadzi,” “mutarisiri wevarongo,” kana kuti murindiri wamambokadzi. (Estere 2:3, 12-15; 4:4-6, 9, NW) Hapana uchapupu hwokuti vaIsraeri vaitevera miitiro yakadaro kana kuti ngomwa dzainyatsotsvakwa kuti dzipiwe basa nemadzimambo aIsraeri.b

9. Mashoko api anonyaradza ayo Jehovha anotaurira ngomwa chaidzo?

9 Kuwedzera pakukwanisawo kunamata Mwari wechokwadi asi kwete zvakazara, ngomwa chaidzo muIsraeri dzinonyara zvikuru nokusakwanisa kubereka vana kuti vazopfuudzira zita remhuri yadzo. Anonyaradza sei zvino, mashoko ouprofita hwacho anotevera! Tinoverenga kuti: “Nokuti zvanzi naJehovha pamusoro [“pengomwa,” NW] vanochengeta masabata angu, nokusanangura zvinhu zvinondifadza, vachibatisisa sungano yangu: Ndichavapa mumba mangu nomukati mamasvingo angu chiyeuchidzo nezita rinopfuura ravanakomana navanasikana; ndichavapa zita risingaperi, risingazoparadzwi.”—Isaya 56:4, 5.

10. Mamiriro ezvinhu engomwa akachinja rini, uye iropafadzo ipi yadzave dzichikwanisa kuwana kubva ipapo?

10 Hungu, nguva ichauya apo kunyange kuva ngomwa chaiyo kusingazovi chipinganidzo chokugamuchirwa zvakazara somushumiri waJehovha. Kana dzichiteerera, ngomwa dzichava ne“chiyeuchidzo,” kana kuti nzvimbo, muimba yaJehovha uye zita, rinopfuura vanakomana nevanasikana. Izvi zvinoitika rini? Izvi hazviitiki kutozosvikira Jesu Kristu afa. Panguva iyoyo sungano yoMutemo yekare yakatsiviwa nesungano itsva, uye Israeri wenyama akatsiviwa na“Israeri waMwari.” (VaGaratiya 6:16) Kubva ipapo, vose vave vachitenda vakakwanisa kunamata Mwari zvinogamuchirika. Misiyano yenyama nemamiriro omuviri haisisina basa. Avo vanotsungirira nokutendeka, pasinei nokuti muviri wavo wakadini, vachava ne“zita risingaperi, risingazoparadzwi.” Jehovha haazovakanganwi. Mazita avo achanyorwa mu“bhuku” rake ro“kurangaridza,” uye munguva yaMwari yakafanira, vachagamuchira upenyu husingaperi.—Maraki 3:16; Zvirevo 22:1; 1 Johani 2:17.

Vatorwa Vanonamata Nevanhu vaMwari

11. Kuti vagamuchire chikomborero, vatorwa vanokurudzirwa kuitei?

11 Zvisinei, zvakadini nevatorwa? Uprofita zvino hunodzoka kune ivava, uye Jehovha ane mashoko anonyaradza zvikuru kwavari. Isaya anonyora kuti: “Navatorwawo vanonamatira Jehovha, kuti vamushumire, nokuda zita raJehovha, nokuva varanda vake, mumwe nomumwe unochengeta sabata kuti arege kurimhura, nokubatisisa sungano yangu; ivavo ndichavauyisa kugomo rangu dzvene, nokuvafadza muimba yangu yokunyengetera; zvipiriso zvavo zvinopiswa nezvibayiro zvavo zvichagamuchirwa paartari rangu; nokuti imba yangu ichanzi imba yokunyengetera yavanhu vose.”—Isaya 56:6, 7.

12. Chii chaimbonzwisiswa pamusoro pouprofita hwaJesu hwe“mamwe makwai”?

12 Munguva yedu “vatorwa” vakatanga kuonekwa zvishoma nezvishoma. Hondo yenyika yokutanga isati yaitika, zvainzwisiswa kuti nhamba huru yevanhu vaizoponeswa kupfuura nhamba yevane tariro yokutonga naJesu kudenga—avo tinoziva nhasi saIsraeri waMwari. Vadzidzi veBhaibheri vaiziva mashoko aJesu akanyorwa pana Johani 10:16 okuti: “Ndine mamwe makwai, asiri edanga rino; iwayowo ndinofanira kuaunza, uye achateerera inzwi rangu, uye achava boka rimwe, nomufudzi mumwe.” “Mamwe makwai” aya ainzwisiswa kuva boka repasi pano. Asi Vadzidzi veBhaibheri vazhinji vaifunga kuti mamwe makwai aizooneka mukati meMireniyamu Yokutonga kwaJesu Kristu.

13. Nei zvaifungwa kuti makwai aMateu 25 anofanira kuoneka mumazuva okupedzisira enyika ino?

13 Pakupedzisira, kufambira mberi kwakaitika mukunzwisisa rumwe rugwaro rwakada kufanana runotaura nezvemakwai. Muchitsauko 25 chaMateu, mune mufananidzo waJesu wakanyorwa wemakwai nembudzi. Maererano nomufananidzo iwoyo, makwai anogamuchira upenyu husingaperi nemhaka yokuti anotsigira hama dzaJesu. Nokudaro, iboka rakaparadzana uye rakasiyana nehama dzaKristu dzakazodzwa. Muna 1923, pakokorodzano muLos Angeles, California, U.S.A., zvakatsanangurwa kuti makwai iwayo anofanira kuonekwa, kwete munguva yeMireniyamu, asi mumazuva okupedzisira enyika ino. Nei? Nemhaka yokuti Jesu akapa mufananidzo wacho sechikamu chemhinduro yake yomubvunzo wokuti: “Zvinhu izvi zvichavapo rini, uye chii chichava chiratidzo chokuvapo kwenyu nechekuguma kwegadziriro yezvinhu?”—Mateu 24:3.

14, 15. Kunzwisisa nzvimbo yemamwe makwai munguva yomugumo kwakafambira mberi sei?

14 Muma1920 vamwe vanhu vakanga vakabatana neVadzidzi veBhaibheri vakasvika pakunzwa kuti mudzimu waJehovha wakanga usingavapupuriri kuti vakanga vane tariro yokudenga. Asi vaiva vashumiri vaishingaira vaMwari Wokumusorosoro. Muna 1931 paive pamire ava pakanzwisiswa zviri nani pakabudiswa bhuku rinonzi Vindication. Sechikamu chokukurukura ndima nendima dzebhuku reBhaibheri raEzekieri, Vindication rakatsanangura kuonwa kwo“murume” aive norunyanga rweingi rwomunyori. (Ezekieri 9:1-11) “Murume” uyu anoonekwa achifamba nomuJerusarema achiisa chiratidzo pahuma dzevari kugomera nokuchema pamusoro pezvinosemesa zviri kuitwamo. “Murume wacho” anomirira hama dzaJesu, vaKristu vakazodzwa vasara vanenge vari vapenyu pasi pano munguva yokutongwa kweJerusarema raifananidzirwa, chiKristudhomu. Avo vanoiswa chiratidzo ndemamwe makwai anorarama panguva iyoyo. Mune zvakaratidzwa, haaurayiwi apo vanhu vanoshandiswa naJehovha kuuraya vanotsiva guta racho rakaramba kutenda.

15 Muna 1932 kunzwisisa kwakadzama chiitiko chouprofita chaMambo Jehu weIsraeri naJehonadhabhi, mutsigiri asiri muIsraeri, kwakaratidza nzira iyo mamwe makwai aya anoita nayo mukutsigira hama dzakazodzwa dzaJesu—sezvakangoitawo Jehonadhabhi akaenda naJehu akamutsigira kuparadza kunamatwa kwaBhaari. Pakupedzisira, muna 1935 mamwe makwai anorarama munguva yomugumo wenyika ino akazivikanwa kuva boka guru revanhu rakaonekwa nomuapostora Johani pane zvaakaratidzwa. Izvi zvakatanga kutsanangurwa pakokorodzano yambotaurwa yomuWashington, D.C., apo Joseph F. Rutherford akataura nezveavo vane tariro yepasi pano se“boka guru revanhu.”

16. Iropafadzo yei nemabasa izvo “vatorwa” vanazvo?

16 Nokudaro zvakaonekwa zvishoma nezvishoma kuti “vatorwa” vane basa guru rokuita muzvinangwa zvaJehovha mumazuva ano okupedzisira. Vanouya kuna Israeri waMwari kuti vanamate Jehovha. (Zekaria 8:23) Norudzi rwomudzimu irworwo, vanopa zvibayiro zvinogamuchirwa naMwari vopinda musabata rokuzorora. (VaHebheru 13:15, 16) Uyezve, vanonamatira patemberi yaMwari yomudzimu, iyo kufanana netemberi iri muJerusarema iri “imba yokunyengeterera yemarudzi ose.” (Mako 11:17) Vanotenda chibayiro chorudzikinuro chaJesu Kristu, ‘vachisuka nguo dzavo nokudzichenesa muropa reGwayana.’ Uye vanoramba vachishumira Jehovha, vachi“muitira basa dzvene masikati nousiku.”—Zvakazarurwa 7:14, 15.

17. Vatorwa vomuzuva ranhasi vanobata sei sungano itsva?

17 Vatorwa vomuzuva ranhasi ava vanobata sungano itsva mupfungwa yokuti nokusonganirana naIsraeri waMwari, vanowana zvikomborero uye zvinhu zvakanaka zvinouya nomusungano itsva. Kunyange zvazvo vasiri kurimwe remativi maviri esungano iyi, vanoteerera nomwoyo wose mitemo yakabatana nayo. Nokudaro mitemo yaJehovha iri mumwoyo yavo, uye vakasvika pakuziva Jehovha saBaba vavo vokudenga uye Changamire mukuru.—Jeremia 31:33, 34; Mateu 6:9; Johani 17:3.

18. Ibasa rokuunganidzei riri kuitwa munguva yomugumo?

18 Uprofita hwaIsaya hunoenderera mberi huchiti: “Ishe Jehovha, unounganidza vakadzingwa vaIsraeri, unoti: Ndichaunganidzazve vamwe kwaari, pamwe chete navake vakaunganidzwa.” (Isaya 56:8) Munguva yomugumo, Jehovha akaunganidza “vakadzingwa vaIsraeri,” vasara vevaKristu vakazodzwa. Uyezve, ari kuunganidza vamwe, avo veboka guru revanhu. Vanonamata pamwe chete murugare uye vachiwirirana vachitungamirirwa naJehovha naMambo waanoshandisa akagadzwa, Kristu Jesu. Nemhaka yokuvimbika kwavo kuhurumende yaJehovha achishandisa Kristu, Mufudzi Akanaka akavaita boka rakabatana, rinofara.

Nharire Mapofu, Imbwa Dzisingahukuri

19. Mhuka dzokusango, dzokudondo dzinokokerwa kuchii?

19 Mashoko ataurwa aya anofadza uye anokurudzira anoteverwa neakapesana anoshamisa anenge anotorovesa nehana. Jehovha akagadzirira kuita chimwe chinhu netsitsi kuvatorwa nengomwa. Asi vazhinji vanoti ndeveungano yaMwari vanonzi vane mhosva uye vanomirira kutongwa. Zvinopfuura ipapo, havana kunyange kodzero yokuvigwa zvakanaka uye vakangokodzera kuitwa kanyama kanyama nezvikara zvinoparadza. Nokudaro, tinoverenga kuti: “Imi zvikara zvose zvokusango, uyai mudye, imi zvikara zvose zvokudondo.” (Isaya 56:9) Zvikara zvokusango izvi zvichazodyei? Uprofita hwacho huchatsanangura. Mukudaro, hungatiyeuchidza nezvenhamo yakamirira avo vanoshora Mwari pahondo iri kuuya yeAmagedhoni, vane zvitunha zvichasiyirwa shiri dzedenga kuti dzidye.—Zvakazarurwa 19:17, 18.

20, 21. Kukundikana kupi kunoita kuti vatungamiriri vechitendero vave vasingabatsiri sevatungamiriri vomudzimu?

20 Uprofita hwacho hunoenderera mberi huchiti: “Nharirire dzake mapofu, vose havana zivo; dzose imbwa dzisingagoni kutaura, dzisingagoni kuhukura, dzinorota, dzinovata pasi, dzinofarira kuvata. Zvirokwazvo, imbwa dzinokara, dzisingatongoguti; ava vafudzi, vasingagoni kunzwisisa, mumwe nomumwe wakatsaukira kunzira yake, mumwe nomumwe kupfuma yake, vose vose. Vanoti: Uyai, ndichauya newaini, tichaguta nezvinobata, mangwana achaita sezuva ranhasi, zuva guru guru kwazvo.”—Isaya 56:10-12.

21 Vatungamiriri vechitendero venyika yeJudha vanoti vanonamata Jehovha. Vanozviti i“nharirire dzake.” Asi mapofu mumudzimu, havatauri, uye vane hope. Kana vasingagoni kuramba vakarinda nokudanidzira nyevero yengozi, vanobatsirei? Nharire dzechitendero dzakadaro hadzinzwisisi, hadzigoni kutungamirira mumudzimu vanhu vakaita semakwai. Uyezve, dzine uori. Dzine zvishuwo zvoudyire zvisingagutsiki. Pane kutevera nhungamiro yaJehovha, dzinotsvaka nzira yadzo, dzinotsvaka chimuko chisina kururama, dzinonwisa zvinodhaka, uye dzinokurudzira vamwe kudarowo. Hadzitombofungi nezvokutonga kwaJehovha kwava pedyo zvokuti dzinoudza vanhu kuti zvinhu zvichanaka.

22. Vatungamiriri vechitendero vomuzuva raJesu vakafanana sei nevomunyika yeJudha yekare?

22 Pakutanga muuprofita hwake, Isaya akashandisa mufananidzo wakafanana kurondedzera vatungamiriri vechitendero vasina kutendeka venyika yeJudha—vakadhakwa mumudzimu, vane hope, uye vasinganzwisisi. Vakaremedza vanhu netsika dzevanhu, vakataura nhema dzechitendero, uye vakavimba neAsiria kuti ivabatsire pane kutarira kuna Mwari. (2 Madzimambo 16:5-9; Isaya 29:1, 9-14) Sezviri pachena, hapana chavakadzidza. Zvinosuruvarisa kuti vatungamiriri vakaita saivavo vaivepowo muzana remakore rokutanga. Pane kugamuchira mashoko akanaka avakaunzirwa noMwanakomana waMwari pachake, vakaramba Jesu ndokurangana kuti aurayiwe. Jesu akavadana pachena kuti “vatungamiriri vari mapofu,” achiwedzera kuti “kana bofu rikatungamirira bofu, ose ari maviri achawira mugomba.”—Mateu 15:14.

Nharire Dzanhasi

23. Uprofita hupi hwaPetro pamusoro pevatungamiriri vechitendero hwakazadzika?

23 Muapostora Petro akanyevera kuti vadzidzisi venhema vaizomukawo kuti vatsause vaKristu. Akanyora kuti: “Kwakavawo nevaprofita venhema pakati pevanhu [vaIsraeri], sezvakuchavawo nevadzidzisi venhema pakati penyu. Ivava vachapinza chinyararire mapoka anoparadza uye vacharamba kunyange tenzi akavatenga, vachizviunzira kuparadzwa kunokurumidza.” (2 Petro 2:1) Dzidziso dzenhema nemapoka evadzidzisi venhema vakadaro zvave zvichiguma nei? ChiKristudhomu, icho chine vatungamiriri vechitendero vanonyengeterera chikomborero chaMwari pashamwari dzavo dzezvematongerwe enyika nhasi, vadaro vovavimbisa remangwana rakajeka. Vatungamiriri vechitendero vechiKristudhomu varatidzawo kuva mapofu, vasingatauri, uye vakarara pamusoro pezvinhu zvomudzimu.

24. Kubatanai kuripo pakati paIsraeri womudzimu nevatorwa?

24 Zvisinei Jehovha ari kuunza mamiriyoni evatorwa kuzomunamata nevokupedzisira vaIsraeri waMwari muimba yake huru yokunyengetera. Vatorwa ava, kunyange zvazvo vachibva kumarudzi akawanda, madzinza nemitauro vakabatana pachavo uye naIsraeri waMwari. Vane chokwadi chokuti ruponeso runogona kuuya kubva kuna Jehovha Mwari chete achishandisa Jesu Kristu. Vachikurudzirwa nokuda Jehovha, vanobatana nehama dzakazodzwa dzaKristu mukupupurira kutenda kwavo. Uye vanonyaradzwa zvikuru nemashoko omuapostora akafuridzirwa uyo akanyora kuti: “Nokuti kana uchizivisa pachena ‘shoko [iroro] riri mumuromo mako,’ kuti Jesu ndiShe, uye uchitenda mumwoyo mako kuti Mwari akamumutsa kubva kuvakafa, uchaponeswa.”—VaRoma 10:9.

[Mashoko Omuzasi]

a Shoko rokuti “ngomwa” rakasvikawo pakureva mukuru mukuru wedare, risingatauri nezvokuchekwa kwake. Sezvo muEtiopiya akabhabhatidzwa naFiripi anoratidza seaiva mutendeuki—akabhabhatidzwa nzira isati yavhurirwa vasiri vaJudha uye vasina kudzingiswa—anofanira kuve akanga ari ngomwa mupfungwa iyi.—Mabasa 8:27-39.

b Ebhedhi-mereki, uyo akabatsira Jeremia uye aigona kusvika zvakananga kuna Mambo Zedhekia, anonzi ngomwa. Izvi zvinoratidzika sezviri kureva kuva kwake mukuru mukuru wedare panzvimbo pokuchekwa kwake.—Jeremia 38:7-13.

[Mufananidzo uri papeji 250]

Sabata raipa mukana wokunyengetera, kudzidza, uye kufungisisa

[Mifananidzo iri papeji 256]

Nzvimbo yemamwe makwai yakatsanangurwa zvakajeka pakokorodzano yomuWashington D.C., muna 1935 (mufananidzo wokubhabhatidza uri pasi, purogiramu kurudyi)

[Mufananidzo uri papeji 259]

Mhuka dzokusango dzinokokwa kuti dziuye dzidye

[Mifananidzo iri papeji 261]

Vatorwa naIsraeri waMwari vakabatana

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe