RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ip-2 chits. 22 pp. 321-334
  • Kururama Kunokura muZiyoni

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kururama Kunokura muZiyoni
  • Uprofita hwaIsaya—Chiedza Chavanhu Vose II
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • “Gore Rengoni”
  • Zvibereko Zvomudzimu Zvinorumbidza Mwari
  • Kunyadziswa uye Kushorwa, Kwozouya Mufaro
  • Kufara Nezvikomborero zvaJehovha
  • “Zivisa Gore Rokufarirwa naJehovha”
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa (2017)
  • “Nguva Yokufarirwa”
    Uprofita hwaIsaya—Chiedza Chavanhu Vose II
  • “VaIsraeri vaMwari” Ne“boka Guru”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
  • “Zita Idzva”
    Uprofita hwaIsaya—Chiedza Chavanhu Vose II
Ona Zvimwe
Uprofita hwaIsaya—Chiedza Chavanhu Vose II
ip-2 chits. 22 pp. 321-334

Chitsauko 22

Kururama Kunokura muZiyoni

Isaya 61:1-11

1, 2. Kuchinjai kwava kuda kuitika pana Israeri, uye ndiani achakuitisa?

RUSUNUNGUKO ngaruziviswe! Jehovha atsunga kusunungura vanhu vake ovadzorera kunyika yemadzitateguru avo. Kufanana nembeu inokura kana mvura yanaya zvinyoro-nyoro, kunamata kwechokwadi kuchaoneka zvekare. Zuva iroro parinosvika, kupera mwoyo kuchatsiviwa nokurumbidza nomufaro, uye misoro yaichimbova yakachena kuti mbuu nemadota okuchema ichashongedzwa korona yokutenderwa naMwari.

2 Ndiani achaita kuti pave nokuchinja uku kunoshamisa? Jehovha bedzi ndiye anogona kuita chinhu chakadaro. (Pisarema 9:19, 20; Isaya 40:25) Muprofita Zefania achiprofita akarayira kuti: “Imba iwe mukunda weZiyoni, pururudza, iwe Israeri; fara ufarisise nomwoyo wako wose, iwe mukunda weJerusarema. Jehovha wakabvisa zvawakatongerwa.” (Zefania 3:14, 15) Iyoyo ichava nguva inofadza kwazvo. Jehovha paanounganidza vasara vakadzorerwa kubva kuBhabhironi muna 537 B.C.E., zvichaita sechiroto chaitika.—Pisarema 126:1.

3. Mashoko ouprofita echitsauko 61 chaIsaya anozadzika sei?

3 Kudzorerwa uku kunofanotaurwa muchitsauko 61 chaIsaya. Zvisinei, kunyange zvazvo uprofita ihwohwo hwakazadzika zvakajeka muna 537 B.C.E., hunozadzika zvakazara munguva yemberi. Kuzadzika kwakazara kunobatanidza Jesu nevateveri vake muzana remakore rokutanga uye vanhu vaJehovha munguva dzazvino. Nokudaro mashoko akafuridzirwa aya anokosha zvikuru!

“Gore Rengoni”

4. Ndiani anopiwa basa rokutaura mashoko akanaka mukuzadzika kwokutanga kwaIsaya 61:1, uye ndiani mukuzadzika kwechipiri?

4 Isaya anonyora kuti: “Mweya waShe Jehovha uri pamusoro pangu; nokuti Jehovha akandizodza kuti ndiparidzire vanyoro mashoko akanaka; wakandituma kuti ndirape vane mwoyo yakaputsika, kuti ndiparidzire vakatapwa kusunungurwa, nokuna vakasungwa kuti vachazarurirwa.” (Isaya 61:1) Ndiani anopiwa basa rokutaura mashoko akanaka? Pamwe pakutanga ndiIsaya, uyo anofuridzirwa naMwari kunyorera nhapwa dziri muBhabhironi mashoko akanaka. Zvisinei, Jesu akataura nezvokuzadzika kunokosha kupfuura kwose apo akati mashoko aIsaya aishanda kwaari, iye Jesu. (Ruka 4:16-21) Hungu, Jesu akatumwa kuti anotaurira mashoko akanaka kuvanyoro, uye kuti aite izvi akazodzwa nomudzimu mutsvene paakabhabhatidzwa.—Mateu 3:16, 17.

5. Ndivanaani vave vachiparidza mashoko akanaka kwemakore anenge 2 000?

5 Uyezve, Jesu akadzidzisa vateveri vake kuva vaevhangeri, kana kuti vaparidzi vemashoko akanaka. PaPendekosti ya33 C.E., vanenge 120 vavo vakazodzwa nomudzimu mutsvene vakava vanakomana vaMwari vomudzimu. (Mabasa 2:1-4, 14-42; VaRoma 8:14-16) Ivowo vakapiwa basa rokutaura mashoko akanaka kuvanyoro nevakaora mwoyo. Ivavo 120 ndivo vakanga vari vokutanga ve144 000 kuzodzwa nenzira iyi. Vokupedzisira veboka iri vachiri kushanda pasi pano nhasi. Nokudaro kwemakore 2 000, vateveri vakazodzwa vaJesu vave vachipupura “pamusoro pokupfidza kuna Mwari nokutenda munaShe wedu Jesu.”—Mabasa 20:21.

6. Ndivanaani vakazorodzwa nokunzwa mashoko akanaka akaparidzwa munguva dzekare, uye zvakadini nanhasi?

6 Shoko rakafuridzirwa raIsaya rakazorodza vaJudha vakapfidza vaiva muBhabhironi. Mumazuva aJesu nevadzidzi vake, akazorodza vaJudha vakanga vakaora mwoyo nemhaka youipi hwaiva muna Israeri uye vakanga vagara vasina tariro vari nhapwa dzetsika dzechitendero chenhema dzechiJudha chomuzana remakore rokutanga. (Mateu 15:3-6) Nhasi mamiriyoni akasungwa netsika dzechihedheni dzechiKristudhomu netsika dzinozvidza Mwari ari “kugomera” nemhaka yezvinosemesa zvinoitwa muchitendero ichocho. (Ezekieri 9:4) Avo vanoteerera mashoko akanaka vanosunungurwa mumamiriro ezvinhu iwayo anonzwisa urombo. (Mateu 9:35-38) Maziso avo okunzwisisa anovhurwa kwazvo pavanodzidza kunamata Jehovha “nomudzimu nechokwadi.”—Johani 4:24.

7, 8. (a) Ndaapi ari ‘makore engoni’ maviri? (b) Ndaapi ari ‘mazuva okutsiva’ aJehovha?

7 Pane nguva yokuparidza mashoko akanaka. Jesu nevadzidzi vake vakapiwa basa: “Kuti [va]paridze gore rengoni dzaJehovha, nezuva rokutsiva raMwari wedu; kuti . . . [va]nyaradze vose vanochema.” (Isaya 61:2) Gore inguva yakareba, asi rine parinotangira neparinogumira. “Gore rengoni” dzaJehovha inguva apo anopa vanyoro mukana wokuita chimwe chinhu nokuzivisa kwake rusununguko.

8 Muzana remakore rokutanga, gore rengoni kurudzi rwechiJudha rakatanga muna 29 C.E. apo Jesu akatanga ushumiri hwake pasi pano. Akaudza vaJudha kuti: “Pfidzai, nokuti umambo hwokumatenga hwaswedera pedyo.” (Mateu 4:17) Gore rengoni iroro rakagara kusvikira “zuva rokutsiva” raJehovha, rakasvika panhongonya muna 70 C.E. apo Jehovha akabvumira mauto eRoma kuparadza Jerusarema netemberi yaro. (Mateu 24:3-22) Isu nhasi tiri kurarama mune rimwe gore rengoni, iro rakatanga nokugadzwa kwoUmambo hwaMwari mumatenga muna 1914. Gore rengoni iri richaguma nerimwe zuva rokutsiva rakakura apo Jehovha anoparadza nyika yose pa“kutambudzika kukuru.”—Mateu 24:21.

9. Ndivanaani nhasi vanobatsirwa negore rengoni raJehovha?

9 Ndivanaani nhasi vanobatsirwa negore rengoni raMwari? Avo vanogamuchira shoko racho, vanoratidza unyoro, votsigira nokushingaira kuziviswa kwoUmambo hwaMwari mu“marudzi ose.” (Mako 13:10) Vanhu vakadaro vanowana kuti mashoko akanaka anonyaradza zvechokwadi. Zvisinei, avo vanoramba shoko racho, vachirega kuzvibatsira negore rengoni raJehovha, nenguva isipi vachafanira kutarisana nezuva rake rokutsiva riri rechokwadi.—2 VaTesaronika 1:6-9.

Zvibereko Zvomudzimu Zvinorumbidza Mwari

10. VaJudha vari kudzoka vachibva Bhabhironi vari kunzwa sei nechinhu chikuru chavakaitirwa naJehovha?

10 VaJudha vanodzoka vachibva Bhabhironi vanoona kuti Jehovha avaitira chinhu chikuru. Kuchema kwavo senhapwa kunoguma nomufaro nokurumbidza nokuti vazosununguka pakupedzisira. Nokudaro, Isaya anozadzika basa rake rouprofita, ndiko kuti a“gadzirire vanochema paZiyoni vapiwe korona panzvimbo yamadota, mafuta omufaro panzvimbo yokuchema, nguo yokurumbidzwa panzvimbo yomweya waziya; kuti vanzi miti [“mikuru,” NW] yokururama, chakasimwa chaJehovha kuti akudzwe.”—Isaya 61:3.

11. Muzana remakore rokutanga ndivanaani vaiva nechikonzero chakanaka chokurumbidza Jehovha nokuda kwechiito chake chikuru?

11 Muzana remakore rokutanga, vaJudha vakabvuma kusunungurwa pakutapwa nechitendero chenhema vakarumbidza Mwari nokuda kwechiito chake chikuru chaakavaitira. Kuora mwoyo kwavo kwakatsiviwa ne“nguo yokurumbidzwa” pavakanunurwa murudzi rwakafa mumudzimu. Kuchinja kwakadaro kwakatanga kunzwiwa nevadzidzi vaJesu apo kuchema kwavo rufu rwake kwakaguma nomufaro pakuzodzwa kwavo nomudzimu mutsvene naShe wavo akamutswa. Nokukurumidza pashure paizvozvo kuchinja kwakafanana kwakanzwikwawo nevanyoro 3 000 vakaita chimwe chinhu nokuparidza kwevaKristu vakanga vachangobva kuzodzwa ivavo ndokubhabhatidzwa paPendekosti ya33 C.E. (Mabasa 2:41) Zvaiva zvakanaka zvikuru kuva nechivimbo nechikomborero chaJehovha! Pane ku“chema paZiyoni,” vakagamuchira mudzimu mutsvene uye vakazorodzwa ne“mafuta omufaro,” anomirira kufara kweavo vanokomborerwa naJehovha zvechokwadi.—VaHebheru 1:9.

12, 13. (a) Ndivanaani vakanga vari “miti mikuru yokururama” pakati pevaJudha vakadzoka muna 537 B.C.E.? (b) Ndivanaani vave vari “miti mikuru yokururama” kubva paPendekosti ya33 C.E.?

12 Jehovha anokomborera vanhu vake ne“miti mikuru yokururama.” Miti mikuru iyi ndivanaani? Mumakore akatevera 537 B.C.E., vaiva vanhu vaidzidza nokufungisisa Shoko raMwari ndokusimudzira nheyo dzaMwari dzakarurama. (Pisarema 1:1-3; Isaya 44:2-4; Jeremia 17:7, 8) Varume vakadai saEzra, Hagai, Zekaria, uye Mupristi Mukuru Joshua, vakaratidza kuva “miti mikuru” yakasiyana—vakasimba pakumirira chokwadi uye vachishora kusvibisa kwomudzimu kworudzi rwavo.

13 Kubva paPendekosti ya33 C.E. zvichienda mberi, Mwari akadyara “miti mikuru yokururama” yakadaro—vaKristu vakazodzwa vane ushingi—muparadhiso yomudzimu yorudzi rutsva, “Israeri waMwari.” (VaGaratiya 6:16) Mumazana emakore akapfuura, “miti” iyi yakasvika pakuva 144 000, ichibereka zvibereko zvakarurama zvokunatsa, kana kuti kupa mbiri kuna Jehovha Mwari. (Zvakazarurwa 14:3) Yokupedzisira ye“miti” yakanaka iyi yakakura mumakore anobva muna 1919, apo Jehovha akamutsiridza vakanga vasara vaIsraeri waMwari kubva mukusaita basa kwechinguva chiduku. Nokuvapa mvura yomudzimu yakawanda, Jehovha akabudisa sango chairo remiti yakarurama inoita zvibereko.—Isaya 27:6.

14, 15. Mabasa api akaitwa nevanhu vaJehovha vakasunungurwa kutanga muna (a) 537 B.C.E.? (b) 33 C.E.? (c) 1919?

14 Achiratidza basa re“miti” iyi, Isaya anoenderera mberi achiti: “Ipapo vachavaka matongo akare, vachamutsazve nzvimbo dzakaparadzwa dzokutanga, vachagadzira maguta akanga aitwa matongo, zvakaparadzwa zvamarudzi namarudzi.” (Isaya 61:4) Nemhaka yomurayiro waMambo Koreshi wePersia, vaJudha vakatendeka vakadzoka vachibva Bhabhironi vakavakazve Jerusarema netemberi yaro, rakanga rasiyiwa riri dongo kwenguva refu. Mabasa okudzorera aizoonekawo mumakore aitevera 33 C.E. na1919.

15 Mugore ra33 C.E., vadzidzi vaJesu vakasuruvariswa kwazvo nokusungwa kwake, kutongwa, norufu. (Mateu 26:31) Zvisinei, maonere avo ezvinhu akachinja paakazviratidza kwavari pashure pokumutswa kwake. Uye pavakangodururirwa mudzimu mutsvene vakabatikana nebasa rokuparidza mashoko akanaka, “muJerusarema nomuJudhiya mose nomuSamariya uye kusvikira kurutivi rwuri kure zvikuru rwepasi.” (Mabasa 1:8) Nokudaro vakatanga kudzorera kunamata kwakachena. Saizvozvowo, kubva muna 1919 zvichienda mberi Jesu Kristu akaita kuti vakanga vasara vehama dzake dzakazodzwa vavakezve “zvakaparadzwa zvamarudzi namarudzi.” Kwemazana emakore vafundisi vechiKristudhomu vakanga vakundikana kupa zivo yaJehovha, vachiitsiva netsika dzevanhu nedzidziso dzisiri dzeMagwaro. VaKristu vakazodzwa vakachenesa muungano dzavo miitiro yaiva yakasvibiswa nechitendero chenhema kuitira kuti kudzorerwa kwechitendero chechokwadi kuenderere mberi. Uye vakatanga raizova basa guru kwazvo rokupupura iro nyika yati yamboziva.—Mako 13:10.

16. Ndivanaani vave vachibatsira vaKristu vakazodzwa mubasa ravo rokudzorera, uye vakapiwa mabasa api?

16 Iri rakanga riri basa guru. Ko vashomanana vakanga vasara vaIsraeri waMwari vaigona sei kuita basa rakadaro? Jehovha akafuridzira Isaya kuzivisa kuti: “Vatorwa vachamira vachifudza mapoka enyu amakwai, navaeni vachava varimi venyu navagadziri vemizambiringa yenyu.” (Isaya 61:5) Vatorwa vokufananidzira nevaeni vazova “boka guru” re“mamwe makwai” aJesu.a (Zvakazarurwa 7:9; Johani 10:11, 16) Havazodzwi nomudzimu mutsvene netariro yenhaka yokudenga. Asi, vane tariro youpenyu husingaperi muparadhiso yepasi. (Zvakazarurwa 21:3, 4) Kunyange zvakadaro, vanoda Jehovha uye vakapiwa basa rokufudza kwomudzimu, kurima uye mabasa okugadzira mizambiringa. Mabasa akadaro haasi mabasa epasi. Vachitungamirirwa nevasara vaIsraeri waMwari, vashandi ava vanobatsira mukufudzwa, kutarisirwa uye kukohwewa kwevanhu.—Ruka 10:2; Mabasa 20:28; 1 Petro 5:2; Zvakazarurwa 14:15, 16.

17. (a) Nhengo dzaIsraeri waMwari dzichadanwa kuti chii? (b) Ndechipi chibayiro bedzi chinodikanwa nokuda kwokukanganwirwa kwezvivi?

17 Zvakadini naIsraeri waMwari? Jehovha anovaudza achishandisa Isaya kuti: “Asi imi muchanzi [vapristi] vaJehovha, vanhu vachakutumidzai vashumiri vaMwari wedu; muchadya pfuma yamarudzi avanhu, muchazvirumbidza nokukudzwa kwawo.” (Isaya 61:6) Munguva yaIsraeri wekare, Jehovha akapa vapristi vaRevhi kuti vapire zvibayiro zvevapristi pachavo pamwe nevamwe vaIsraeri. Zvisinei, muna 33 C.E., Jehovha akamira kushandisa vapristi vorudzi rwevaRevhi ndokutanga chinhu chiri nani. Akabvuma upenyu hwakakwana hwaJesu sechibayiro chezvivi zvevanhu. Kubva ipapo, hapana chimwe chibayiro chave chichidikanwa. Chibayiro chaJesu chinoshanda nokusingaperi.—Johani 14:6; VaKorose 2:13, 14; VaHebheru 9:11-14, 24.

18. Israeri waMwari anoumba upristi hworudzii, uye basa ravo nderei?

18 Saka nhengo dzaIsraeri waMwari ‘vapristi vaJehovha’ pakudii? Achinyorera vamwe vaKristu vake vakazodzwa, muapostora Petro akati: “Imi muri ‘dzinza rakasarudzwa, upristi hwoumambo, rudzi rutsvene, vanhu vake chaivo, kuti muzivise kwose kwose kunaka’ kweakakudanai kuti mubve murima mupinde muchiedza chake chinoshamisa.” (1 Petro 2:9) Nokudaro, seboka vaKristu vakazodzwa vanoumba upristi hune chinangwa chaicho: chokuudza marudzi nezvembiri yaJehovha. Vanofanira kuva zvapupu zvake. (Isaya 43:10-12) Mumazuva okupedzisira ose, vaKristu vakazodzwa vakaita basa iri rinokosha nokutendeka. Somugumisiro, mamiriyoni zvino anoshanda navo mubasa rokupupura nezvoUmambo hwaJehovha.

19. Ibasa rei iro vaKristu vakazodzwa vachave neropafadzo yokuita?

19 Uyezve, nhengo dzaIsraeri waMwari dzine tariro yokushumira sevapristi neimwe nzira. Pavanofa, vanomutsirwa kuupenyu hwokusafa hwomudzimu mudenga. Ikoko vanoshanda kwete chete sevatongi naJesu muUmambo hwake asiwo sevapristi vaMwari. (Zvakazarurwa 5:10; 20:6) Saizvozvo vachava neropafadzo yokushandisira kubatsira kwechibayiro chorudzikinuro chaJesu kuvanhu vakatendeka vanenge vari pasi pano. Mune zvakaratidzwa muapostora Johani zvakanyorwa muchitsauko 22 chaZvakazarurwa, vanorondedzerwa zvakare se“miti.” Yose “miti” 144 000 inoonekwa mudenga, ichibereka “zvibereko zvine gumi nezviviri zvomuchero, ichibereka michero yayo mwedzi mumwe nomumwe. Uye mashizha emiti yacho [nde]okurapa marudzi.” (Zvakazarurwa 22:1, 2) Iroro ibasa roupristi rinoshamisa kwazvo!

Kunyadziswa uye Kushorwa, Kwozouya Mufaro

20. Pasinei nokushorwa, upristi hwoUmambo hwakamirira chikomborero chei?

20 Kubva muna 1914 apo gore rengoni raJehovha rakatanga, upristi hwoumambo hwakasangana nokushorwa nevafundisi vechiKristudhomu. (Zvakazarurwa 12:17) Kunyange zvakadaro, kuedza kumisa kuparidza mashoko akanaka kwose kwakakundikana zvachose. Uprofita hwaIsaya hwakafanotaura izvi, huchiti: “Panzvimbo pokunyadziswa kwenyu, muchapiwa migove miviri; panzvimbo yokushorwa vachafarira mugove wavo; naizvozvo panyika yavo vachava nemigove miviri, vachava nomufaro usingaperi.”—Isaya 61:7.

21. VaKristu vakazodzwa vakasvika sei pakuwana zvikomborero zvakapetwa kaviri?

21 MuHondo Yenyika yokutanga, vakazodzwa vakanga vasara vakanyadziswa uye vakashorwa nechiKristudhomu chaiita zvenyika. Vafundisi vakanga vari pakati peavo vakapomera zvenhema hama sere dzakanga dzakatendeka dzomuzinda wokuBrooklyn kuti dzaida kumukira hurumende. Hama idzi dzakaiswa mujeri pasina chikonzero kwemwedzi mipfumbamwe. Pakupedzisira mumatsutso a1919, vakasunungurwa, uye gare gare zvose zvavaipomerwa zvakasiyiwa. Nokudaro zano rokuda kumisa basa rokuparidza rakapindukira vakarironga. Pane kubvumira vanamati vake kuti vanyadziswe nokusingaperi, Jehovha akavasunungura uye akavadzorera kuparadhiso yavo yomudzimu, “nyika yavo.” Ikoko vakawana zvikomborero zvakapetwa kaviri. Kuva nechikomborero chaJehovha kwakaita zvinopfuura kutsiva kutambura kwavo kwose. Chokwadi vaiva nechikonzero chokuchema nomufaro!

22, 23. VaKristu vakazodzwa vakatevedzera sei Jehovha, uye akavakomborera sei?

22 Zvinotevera kutaurwa naJehovha zvinopa vaKristu chimwe chikonzero chokuti vafare nhasi: “Nokuti ini Jehovha ndinoda zvakarurama, ndinovenga kupamba pamwe chete nezvakaipa; ndichavaripira zvirokwazvo uye ndichaita sungano isingaperi navo.” (Isaya 61:8) Nokudzidza kwavo Bhaibheri, vakazodzwa vasara vakadzidza kuda kururamisira nokuvenga uipi. (Zvirevo 6:12-19; 11:20) Vakadzidza ku“pfura minondo yavo vachiiita mapadza,” kuramba vasina kwavakarerekera muhondo dzevanhu nokusagadzikana kwezvematongerwe enyika. (Isaya 2:4) Vakasiyawo miitiro inozvidza Mwari, yakadai sokuchera, upombwe, kuba, uye udhakwa.—VaGaratiya 5:19-21.

23 Nemhaka yokuti vaKristu vakazodzwa vanodawo ruramisiro soMusiki wavo, Jehovha akava“ripira zvirokwazvo.” Kumwe kwoku‘ripirwa’ kwakadaro isungano isingaperi—sungano itsva—iyo Jesu akazivisa vateveri usiku hwakatangira zuva raakazofa. Sungano iyi yakaita kuti vave rudzi rwomudzimu, vanhu vaMwari chaivo. (Jeremia 31:31-34; Ruka 22:20) Mairi, Jehovha achashandisa kubatsira kwose kwechibayiro chaJesu, kusanganisira kukanganwirwa kwezvivi kwevakazodzwa nevamwe vanhu vakatendeka.

Kufara Nezvikomborero zvaJehovha

24. Ndivanaani pakati pemarudzi vari “rudzi” runouya kuzoropafadzwa, uye vazova sei “rudzi”?

24 Vamwe pakati pemarudzi vakaona chikomborero chaJehovha pavanhu vake. Izvi zvakafanotaurwa nechipikirwa chaJehovha chokuti: “Vana vavo vachazikanwa pakati pamarudzi, nezvibereko zvavo pakati pavanhu; vose vanovaona vachavaziva, kuti ndirwo rudzi rwakaropafadzwa naJehovha.” (Isaya 61:9) Nhengo dzaIsraeri waMwari, vaKristu vakazodzwa, dzave dzichishingaira pakati pemarudzi mugore rengoni dzaJehovha. Nhasi avo vakabvuma ushumiri hwavo vava mamiriyoni. Nokushanda pamwe chete naIsraeri waMwari, avo vanobva kumarudzi vane ropafadzo yokuva “rudzi rwakaropafadzwa naJehovha.” Kufara kwavo kunoonekwa nevanhu vose.

25, 26. VaKristu vose vanobvumirana sei nokutaura kuri pana Isaya 61:10?

25 VaKristu vose vakazodzwa nemamwe makwai vanotarisira kurumbidza Jehovha nokusingaperi. Vanobvumirana nomuprofita Isaya nomwoyo wose, uyo akafuridzirwa kutaura kuti: “Ndichafarira Jehovha kwazvo, mweya wangu uchava nomufaro muna Mwari wangu; nokuti wakandifukidza nguo dzoruponeso, wakandipfekedza chokufuka chokururama, sechikomba chinoshonga korona, uye somwenga unozvishongedza noukomba hwake.—Isaya 61:10.

26 Vakapfeka “chokufuka chokururama,” vaKristu vakazodzwa vakatsunga kuramba vari vatsvene vakachena mumeso aJehovha. (2 VaKorinde 11:1, 2) Jehovha avati vakarurama zvokuti vagare nhaka upenyu hwokudenga, havazodzokizve kunyika yakaparadzwa yeBhabhironi Guru, umo vakasunungurwa. (VaRoma 5:9; 8:30) Nguo dzoruponeso dzinokosha zvikuru kwavari. Shamwari dzavo dzemamwe makwai dzakatsungawo kuteerera mitemo yakanaka yaJehovha yokunamata kwakachena. Zvavaka“geza nguo dzavo refu vakadziita chena muropa reGwayana,” vanonzi vakarurama uye vachapona pa“kutambudzika kukuru.” (Zvakazarurwa 7:14; Jakobho 2:23, 25) Kusvika panguva iyoyo, vanotevedzera shamwari dzavo dzakazodzwa nokudzivisa kusvibiswa kupi nokupi neBhabhironi Guru.

27. (a) MuKutonga kweMireniyamu ku‘mereswa’ kwei kunooneka kuchave kuripo? (b) Kururama kuri kutokura sei pakati pevanhu?

27 Nhasi vanamati vaJehovha vanofara nokuva muparadhiso yomudzimu. Nokukurumidza vachafarawo nokuva muparadhiso chaiyo. Tinotarisira nomwoyo yedu yose nguva iyoyo inorondedzerwa zvakajeka mumashoko okupedzisira echitsauko 61 chaIsaya anoti: “Nyika sezvainobudisa miti yayo, nomunda sezvaunomeresa zvakadzvarwamo, saizvozvo Ishe Jehovha uchameresa kururama nokurumbidzwa pamberi pamarudzi ose.” (Isaya 61:11) Munguva yokutonga kweMireniyamu kwaKristu, nyika ichaona ku‘mereswa kwokururama.’ Vanhu vachadanidzira nomufaro wokukunda uye kururama kuchawedzera kunosvika kumigumo yenyika. (Isaya 26:9) Zvisinei, hatifaniri kumirira zuva rine mbiri iroro kuti tirumbidze pamberi pemarudzi ose. Kururama kuri kutokura pakati pemamiriyoni anopa mbiri kuna Mwari wokudenga uye achizivisa mashoko akanaka nezvoUmambo hwake. Kunyange zvino kutenda kwedu netariro yedu zvinotipa zvikonzero zvose zvokufara nezvikomborero zvaMwari wedu.

[Mashoko Omuzasi]

a Isaya 61:5 inogona kudai yakazadzika munguva dzekare, sezvo vakanga vasiri vaJudha vakabatana nevaJudha chaivo pakudzokera kwavo kuJerusarema uye pamwe vakabatsira mukumutsiridzazve nyika yacho. (Ezra 2:43-58) Zvisinei, kubva mundima 6 uprofita hwacho hunoratidza sohunoshanda kuna Israeri waMwari bedzi.

[Mufananidzo uri papeji 323]

Isaya ane mashoko akanaka okuzivisa kunhapwa dzechiJudha

[Mufananidzo uri papeji 331]

Kutangira muna 33 C.E., Jehovha akadyara “miti mikuru yokururama” 144 000

[Mufananidzo uri papeji 334]

Kururama kuchakura pasi pano

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe