Wedzera Mano Somudzidzisi
UNOVAVARIREI somudzidzisi? Kana wakava muparidzi woUmambo nguva shomanana yapfuura, hapana mubvunzo kuti une chido chokudzidza kuti ungadzidzisa sei Bhaibheri pamusha, sezvo Jesu akapa vateveri vake basa rokuita vadzidzi. (Mat. 28:19, 20) Kana uchitova noruzivo mubasa iri, zvimwe vavariro yako ndeyokuva anowedzera kubudirira kuorora mwoyo yevanhu vauri kuedza kubatsira. Kana uri mubereki, zvechokwadi unoda kuva mudzidzisi uya anogona kukurudzira vana vake kutsaurira upenyu hwavo kuna Mwari. (3 Joh. 4) Kana uri mukuru kana kuti uchisvasvavirira kuti uve mukuru, zvichida unoda kuzova mukurukuri anogona kuita kuti vateereri vake vanzwisise Jehovha nenzira dzake zvakadzama. Ungasvika sei pakuita izvi?
Chimbodzidza kune Nyanzvi yoKudzidzisa, Jesu Kristu. (Ruka 6:40) Jesu angave aitaura neboka revanhu mujinga megomo kana kuti nevanhu vashomanana chete sezvavaifamba mumugwagwa, zvaaitaura nematauriro aaizviita zvaipinda mupfungwa zvechigarire. Jesu aimutsa pfungwa nomwoyo zvavateereri vake, uye airatidza kushanda kwemashoko ake kwavaigona kunzwisisa. Unogonawo kuita izvozvo here?
Vimba naJehovha
Mano okudzidzisa aJesu akanatsiridzwa nokuva kwake pedyo naBaba vake vokudenga uye nechikomborero chomudzimu waMwari. Unonyengetera nomwoyo wose kuna Jehovha kuti ukwanise kuitisa chidzidzo cheBhaibheri chepamusha zvinobudirira here? Kana uri mubereki, unogaronyengeterera kutungamirirwa naMwari mukudzidzisa vana vako here? Unopa minyengetero yomwoyo wose paunogadzirira kupa hurukuro kana kuitisa misangano here? Kuvimba naJehovha kwakadaro uchinyengetera kuchakubatsira kuva mudzidzisi anobudirira.
Kuvimba naJehovha kunoonekwawo nokuvimba neShoko rake Bhaibheri. Achinyengetera pamanheru okupedzisira oupenyu hwake somunhu akakwana, Jesu akati kuna Baba vake: “Ndakavapa shoko renyu.” (Joh. 17:14) Kunyange zvazvo Jesu aiva noruzivo rwakawanda kwazvo, haana kumbotaura zvake oga. Aigarotaura zvaakadzidziswa naBaba vake, nokudaro achitisiyira muenzaniso wokuti titevere. (Joh. 12:49, 50) Shoko raMwari rakachengetedzwa muBhaibheri rine simba rokuchinja vanhu—zviito zvavo, pfungwa dzavo dzomukati-kati, uye manzwiro avanoita. (VaH. 4:12) Sezvaunokura mukuziva Shoko raMwari nokudzidza kunyatsorishandisa muushumiri hwako, uchava nemano okudzidzisa aye anokwezvera vanhu kuna Mwari.—2 Tim. 3:16, 17.
Kudza Jehovha
Kuva mudzidzisi anotevedzera Kristu haisi nyaya yokungokwanisa kupa hurukuro inonakidza. Ichokwadi kuti vanhu vakashamiswa “nemashoko anofadza” aJesu. (Ruka 4:22) Asi chinangwa chaJesu pakutaura zvakanaka chaiva chei? Chaiva chokukudza Jehovha, kwete kuti iye arumbidzwe. (Joh. 7:16-18) Uye akakurudzira vateveri vake kuti: “Chiedza chenyu ngachivheneke pamberi pevanhu, kuti vaone mabasa enyu akanaka kwazvo vape mbiri kuna Baba venyu vari kumatenga.” (Mat. 5:16) Zano iroro rinofanira kudzora madzidzisiro atinoita.Tinofanira kuvavarira kusaita chero chinhu chingatibvisa pachinangwa chokupa mbiri kuna Baba vedu. Saka pakuronga zvatichataura kana kuti tichazvitaura sei, zvinganaka kana tikazvibvunza kuti, ‘Izvi zvichawedzera kunzwisiswa kwaJehovha here, kana kuti zvichaita kuti ini ndirumbidzwe?’
Somuenzaniso, mifananidzo nezviitiko chaizvo zvomuupenyu zvingashandiswa zvinobudirira pakudzidzisa. Zvisinei, kana mufananidzo wakareba kana kuti chiitiko chikarondedzerwa zvakanyanyisa, chidzidzo chawo chingatadza kubuda. Ndozvinoitawo kungotaura nyambo dzinosetsa, kunotsausa pachinangwa choushumiri hwedu. Chaizvoizvo mudzidzisi wacho ari kuda kurumbidzwa iye pane kuita chinangwa chaicho chedzidzo yokutonga kwaMwari.
“Siyanisa”
Kuti munhu ave mudzidzi zvechokwadi, anofanira kunyatsonzwisisa zviri kudzidziswa. Anofanira kunzwa chokwadi oona kusiyana kwachakaita nezvimwe zvitendero. Kusiyanisa kunogona kubudisa izvi.
Jehovha akaudza vanhu vake kasingaperi, “kusiyanisa” chakachena nechisina kuchena. (Revh. 10:9-11, NW) Akati vaya vaizoshumira mutemberi yake huru yomudzimu vaizodzidzisa vanhu “kusiyana kwezvitsvene nezvisi zvitsvene.” (Ezek. 44:23) Bhuku raZvirevo rizere nokusiyaniswa kwezvakarurama nezvakaipa, kwouchenjeri noupenzi. Kunyange zvinhu zvisina kusiyana zvinogona kupatsanurwa pane chimwe nechimwe. Muapostora Pauro akasiyanisa munhu akarurama nomunhu akanaka, sezviri pana VaRoma 5:7. Mubhuku raVaHebheru, akaratidza kuti basa romupristi mukuru Kristu rinopfuura raAroni. Chokwadi, zvakaita sezvakanyorwa naJohn Amos Comenius mudzidzisi womuzana remakore rechi17 kuti: “Kudzidzisa kunongoreva kuratidza kuti zvinhu zvakasiyana sei pamabasa azvo, zvazviri, uye kwazvakabva. . . . Saka uyo anogona kunyatsosiyanisa anogona kunyatsodzidzisa.”
Somuenzaniso funga nezvokudzidzisa mumwe munhu nezvoUmambo hwaMwari. Kana asingazivi kuti Umambo chii, ungaratidza kuti zvinotaurwa neBhaibheri zvakasiyana sei nepfungwa yokuti Umambo chinongova chinhu chiri mumwoyo momunhu. Kana kuti ungaratidza kusiyana kwakaita Umambo hwacho nehurumende dzevanhu. Asi kuvanhu vanotoziva ichi chokwadi, ungatsanangura zvinopfuura apa. Ungavaratidza kuti Umambo hwaMesiya hwakasiyana sei nouchangamire hwaJehovha pazvinhu zvose, hunorondedzerwa pana Pisarema 103:19, kana kuti no‘umambo hweMwanakomana anodiwa naMwari,’ hunotaurwa pana VaKorose 1:13, kana kuti no“kutarisirwa kwezvinhu,” kunotaurwa pana VaEfeso 1:10. Kushandisa kusiyanisa kunogona kubatsira kubudisira pachena vateereri vako uku kudzidzisa kweBhaibheri kunokosha.
Jesu akashandisa aya mano okudzidzisa kasingaperi. Akasiyanisa manzwisisirwo akakurumbira oMutemo waMosesi nechinangwa choMutemo chechokwadi. (Mat. 5:21-48) Akasiyanisa kuzvipira kuna Mwari kwechokwadi nemabasa okunyengera evaFarisi. (Mat. 6:1-18) Akasiyanisa vavariro dzeavo vai‘remedza’ vamwe nevavariro yokuda kubatsira vamwe yaizoratidzwa nevateveri vake. (Mat. 20:25-28) Pane imwe nguva, pana Mateu 21:28-32, Jesu akakumbira vateereri vake kuti vazvisiyanisire voga kunonzi kuzviruramisa nokupfidza kwechokwadi. Izvozvo zvinotisvitsa pane chimwe chinhu chinokosha chokudzidzisa kwakanaka.
Kurudzira Vateereri Kufunga
Pana Mateu 21:28, tinoverenga kuti Jesu akatanga muenzaniso wake nokubvunza kuti: “Munofungei?” Mudzidzisi ane unyanzvi haangorondedzeri zvinhu kana kupa mhinduro. Asi anokurudzira vateereri vake kukudziridza mano okufunga. (Zvir. 3:21; VaR. 12:1) Izvi zvinoitwa, pamwe, nokubvunza mibvunzo. Sezviri pana Mateu 17:25, Jesu akabvunza kuti: “Simoni, unofungei? Madzimambo apasi anogamuchira miripo kana mutero womunhu wose kuna vanaani? Kuvanakomana vavo here kana kuvaeni?” Mibvunzo yaJesu inotokonya pfungwa yakabatsira Petro kupedzisira azvifungira oga kuti zvakarurama ndezvipi pamusoro pokubhadhara muripo wetemberi. Saizvozvowo, paaipindura munhu akabvunza kuti: “Chaizvoizvo muvakidzani wangu ndiani?” Jesu akasiyanisa zviito zvomupristi nomuRevhi nezviya zvomuSamariya. Ipapo akabvunza kuti: “Ndiani weava vatatu anoratidzika kwauri kuva akazviita muvakidzani womurume akawirwa nemakororo?” (Ruka 10:29-36) Pano zvekare, pane kufungira muteereri wake, Jesu akamukumbira kuzvipindura mubvunzo wake.—Ruka 7:41-43.
Svika Pamwoyo
Vadzidzisi vanobata pfungwa yeShoko raMwari vanoziva kuti kunamata kwechokwadi hakurevi kungoisa mashoko akati mumusoro nokuita zvinodiwa nemimwe mitemo. Kunovakirwa pakuva noukama hwakanaka naJehovha uye kunzwisisa nzira dzake. Kunamata kwakadaro kunosanganisira mwoyo. (Dheut. 10:12, 13; Ruka 10:25-27) MuMagwaro, shoko rokuti “mwoyo” rinowanzoreva zvauri zvose somunhu nechomukati, kusanganisira zvinhu zvakadai sezvido, chidakadaka, manzwiro ako, uye zvinotikurudzira kuti tiite chimwe chinhu.
Jesu aiziva izvozvo kunyange vanhu vachitarira zvinoonekwa kunze, Mwari anoona zvakaita mwoyo. (1 Sam. 16:7) Kushumira kwedu Mwari kunofanira kukurudzirwa nokumuda kwedu, kwete kuedza kufadza vamwe vanhu. (Mat. 6:5-8) Asi kana vari vaFarisi vaiita zvinhu zvakawanda kuti vaonekwe. Vaiomerera pakuchengeta Mutemo kusvikira pawakaperera nokuchengeta mirayiro yavaizviitira. Asi vaikundikana kuratidza muupenyu hwavo unhu hwaizovaisa kurutivi rumwe chete naMwari wavaiti vainamata. (Mat. 9:13; Ruka 11:42) Jesu akadzidzisa kuti kunyange zvazvo kuteerera zvinodiwa naMwari kuchikosha, kukosha kwokuteerera kwakadaro kunotemwa nezviri mumwoyo. (Mat. 15:7-9; Mako 7:20-23; Joh. 3:36) Kudzidzisa kwedu kuchabatsira kwazvo kana tikatevedzera muenzaniso waJesu. Zvinokosha kuti tibatsire vanhu kudzidza zvinodiwa naMwari kwavari. Asi zvinokoshawo kuti vazive Jehovha uye vamude somunhu kuitira kuti tsika dzavo dziratidze kukoshesa kwavanoita ukama hwakanaka naMwari wechokwadi.
Chokwadi kuti vabatsirwe nokudzidzisa kwakadaro, vanhu vanofanira kutsunga kurwisa zviri mumwoyo yavo. Jesu akakurudzira vanhu kuongorora zvavanovavarira uye manzwiro avanoita. Pakugadzirisa kufunga kwakaipa, aibvunza vateereri vake kuti nei vaifunga, vaitaura, kana kuita zvimwe zvinhu. Asi kuti asazvisiyira ipapo, Jesu aibatanidza mubvunzo wake nemamwe mashoko, mufananidzo, kana kuti chiito chaivakurudzira kuona zvinhu nenzira yakarurama. (Mako 2:8; 4:40; 8:17; Ruka 6:41, 46) Nesuwo tingabatsira vateereri vedu nokuvaudza kuti vazvibvunze mibvunzo yakadai seiyi: ‘Nei kuita zvinhu nenzira iyi kuchindifadza? Nei ndichiita zvandinoita pamamiriro ezvinhu aya?’ Ipapo vakurudzire kuti vaone zvinhu semaonero anoita Jehovha.
Ratidza Kushanda Kwacho
Mudzidzisi akanaka anoziva kuti “uchenjeri chinhu chikuru kune zvose.” (Zvir. 4:7) Uchenjeri mano okugona kushandisa zivo zvinobudirira kupedza zvinetso, kudzivisa ngozi, kuwana zvaunovavarira, uye kubatsira vamwe. Ibasa romudzidzisi kubatsira vadzidzi kudzidza kuita izvozvo asi asingavasarudziri. Pakukurukura nhungamiro yeBhaibheri, batsira vadzidzi kufunga. Ungataura chiitiko chomuupenyu hwezuva nezuva wobvunza mudzidzi wacho kuti nhungamiro yeBhaibheri yamuchangobva kudzidza ingamubatsira sei kudai aizosangana nemamiriro ezvinhu akadaro.—VaH. 5:14.
Pahurukuro yake paPendekosti ya33 C.E., muapostora Petro akapa muenzaniso wokushanda kunobatsira kwakasvika pamwoyo yevanhu. (Mab. 2:14-36) Apedza kukurukura ndima nhatu dzomuMagwaro idzo boka racho revanhu raiti rinotenda, Petro akaratidza kushanda kwadzo maererano nezviitiko zvavakanga vatoona vose. Saka boka racho revanhu rakaona kudiwa kwokuita chimwe chinhu pane zvarakanga ranzwa. Kudzidzisa kwako kunodarowo pavanhu here? Unoita zvinopfuura kungodzokorora zvinhu ndokubatsira vanhu kunzwisisa kuti nei zvinhu zvakadaro here? Unovabatsira here kufunga kuti zvinhu zvavari kudzidza zvinofanira kuchinja sei upenyu hwavo? Vangashevedzera vachiti, “Toitei?” sezvakaita boka revanhu vaiva paPendekosti, asi kana washandisa magwaro zvakanaka, zvichaita kuti vafunge kuita chimwe chinhu chakafanira.—Mab. 2:37.
Imi vabereki, pamunoverenga Bhaibheri nevana venyu, mune mukana wakanaka kwazvo wokuvadzidzisa kufunga nezvemashandiro anobatsira enhungamiro yeBhaibheri. (VaEf. 6:4) Somuenzaniso, ungasarudza ndima shomanana pakuverenga Bhaibheri kwakarongerwa vhiki iyoyo, kurukurai zvadzinoreva, wozobvunza mibvunzo yakadai seiyi: ‘Izvi zvinotipa gwara sei? Tingashandisa sei ndima idzi muushumiri? Dzinozivisei nezvaJehovha nenzira dzake dzokuita zvinhu, uye izvozvo zvinoumba sei kumunzwisisa kwedu?’ Kurudzira mhuri yako kutaura chimwe chinhu pane izvozvi pakukurukurirana kwenyu pfungwa huru dzomuBhaibheri paChikoro chaMwari Choushumiri. Zvingaitika kuti ndima dzine chimwe chinhu chavanotaura ndidzo dziya dzavachayeuka.
Iva Muenzaniso Wakanaka
Unodzidzisa nezvaunoita kwete nezvaunotaura chete. Zvaunoita zvinopa muenzaniso unobatsira wemashandisirwo ezvaunotaura. Aya ndiwo madzidziro anoita vana. Pavanotevedzera vabereki vavo, vanopa uchapupu hwokuti vanoda kuva sevabereki vavo. Vanoda kuziva kuti zvakaita sei kuita zviri kuitwa nevabereki vavo. Saizvozvowo, vaunodzidzisa ‘pavanokutevedzera sezvaunotevedzera Kristu,’ vanotanga kuwana zvikomborero zvokufamba munzira dzaJehovha. (1 VaK. 11:1) Zvavanoitirwa naMwari zvichava chimwe chezvinhu zvavo pachavo.
Ichi chiyeuchidzo chakanaka chokukosha kwokuva muenzaniso wakanaka. “Rudzi [rwevanhu rwatiri] pamabasa matsvene emufambiro nemabasa ekuzvipira kuna Mwari” ruchabatsira zvikuru mukupa vatinodzidzisa muenzaniso mupenyu wemashandisirwo enhungamiro yeBhaibheri. (2 Pet. 3:11) Kana ukakurudzira mudzidzi weBhaibheri kugaroverenga Shoko raMwari, iwewe shingairira kuriverengawo. Kana uchida kuti vana vako vadzidze kuchengeta zvinorayirwa neBhaibheri, iva nechokwadi chokuti vanoona kuti zviito zvako zvinopindirana nezvinodiwa naMwari. Kana ukakurudzira ungano kushingaira muushumiri, ona kuti unoitawo basa iroro zvakakwana. Paunoita zvaunodzidzisa, uri pachinzvimbo chiri nani chokukurudzira vamwe.—VaR. 2:21-23.
Uchifunga nezvokuvandudza kudzidzisa kwako, zvibvunze kuti: ‘Pandinorayiridza, ndinozviita nenzira yokuti zvinochinja mafungiro, matauriro, kana kuti zviito zvevateereri here? Kuti zvinhu zvijeke, ndinosiyanisa pfungwa imwe kana kuti chiito nechimwe here? Ndinoitei kuti ndibatsire vadzidzi vangu, vana vangu, kana kuti vateereri vangu pamusangano kuti vayeuke zvandinotaura? Ndinoratidza vateereri vangu zvakajeka mashandisirwo ezvavari kudzidza here? Vanogona kuzviona pane zvandinoita here? Vanonzwisisa here kuti zvavachaita panyaya iri kukurukurwa zvingachinja sei ukama hwavo naJehovha?’ (Zvir. 9:10) Ramba uchifunga nezvezvinhu izvi sezvaunotsvaka kukudziridza mano somudzidzisi. “Ramba uchizvichenjerera iwe nokudzidzisa kwako. Rambira pazvinhu izvi, nokuti nokuita izvi uchazviponesa iwe nevanokuteerera.”—1 Tim. 4:16.