RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • be p. 71-p. 73 ndim. 3
  • Kunyorerana Tsamba

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kunyorerana Tsamba
  • Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kupupurira Netsamba
  • Shoko Pamusoro Pemanyorerwo
  • Matauriro Akanaka
  • Manyorerwo Etsamba
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2019
  • Nzira Yokunyora Nayo Tsamba
    Bhuku rinoTungamirira reChikoro choUshumiri choUbati-ushe hwoUmwari
  • Kuvandudza Unyanzvi Hwedu Muushumiri—Kunyora Tsamba Dzakanaka
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2019
  • Bhokisi Remibvunzo
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1996
Ona Zvimwe
Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
be p. 71-p. 73 ndim. 3

Kunyorerana Tsamba

TSAMBA dzakavandudza upenyu uye magariro evanhu vakawanda. Mabhuku akawanda eMagwaro echiKristu echiGiriki dzaimbova tsamba. Isu nhasi tinogona kunyora tsamba kuti tisimbise vatendi vatsva, kugara tichikurukurirana neshamwari, kukurudzira hama nehanzvadzi dzava nemitoro chaiyo mitsva, kusimbisa vaya vari kuomerwa nezvinhu, uye kusvitsa mashoko anodiwa pamabasa eungano.—1 VaT. 1:1-7; 5:27; 2 Pet. 3:1, 2.

Kunyora tsamba inzirawo inobudirira yokupupurira nayo. Mune dzimwe nzvimbo, vanhu vakawanda vanogara muzvivako zvakachengetedzwa kwazvo kana kuti hotera dzevagari venguva refu dzisingagoni kushandwa norusununguko. Vamwe havapedzi nguva yavo yakawanda vari pamba, saka tinovashayiwa patinopupurira paimba neimba. Vamwe vanogara kunzvimbo dziri kwadzo dzoga.

Urwere, mamiriro okunze asina kunaka, kana kuti kurambidzwa kufamba kungakuita kuti urambe uri pamba. Ungakwanisa kunyora tsamba kuti upupurirezve hama kana kuti mumwe munhu wawakambotaura naye zvisina kurongwa here? Mumwe wevaunodzidza navo Bhaibheri akatama here? Tsamba inobva kwauri ingava ndiyo chinhu chaanoda chaicho kuti kufarira kwake zvokunamata kurambe kuri kupenyu. Kana kuti ungataura mashoko omuMagwaro akakodzera naavo vachangobva kuroorana, kuva vabereki, kana kuti kufirwa nevadiwa.

Kupupurira Netsamba

Paunonyora kuti upupure kumumwe munhu wausati wamboona, kutanga zvisume. Ungatsanangura kuti uri kuita basa rokuzvipira rinoitwa munyika yose. Kana zvakakodzera kudaro, taura kuti uri mumwe weZvapupu zvaJehovha. Udza munhu wacho kuti nei uri kuita zvokunyora pane kushanya iwe pachako. Nyora sokunge kuti uri kutaurirana nomunhu wacho chiso nechiso. Kunyange zvakadaro, maererano nenhungamiro yokuva “vakangwarira senyoka asi musina mhaka senjiva,” fungisisa kuti mashoko akawanda zvakadini nezvako aunofanira kuzivisa.—Mat. 10:16.

Nyorawo mutsamba zvawaizodai wataura kumunhu wacho dai wanga wamushanyira. Ungachinja sumo iri mubhuku rinonzi Kurangarira kana kuti shandisa mharidzo yoRugwaro iri muUshumiri Hwedu hwoUmambo hwazvino uno. Ungabvunza mubvunzo wokurudzira munhu wacho kufunga nezvawo. Vamwe vaparidzi vanongotsanangura kuti tine purogiramu yepachena yokupindura mibvunzo yeBhaibheri vobva vataura mimwe yemisoro yezvitsauko zvemabhuku edu. Tsamba yokuenzanisira inonyorerwa kupupurira iri papeji 73. Ingakupa dzimwe pfungwa, asi zvakanaka kusiyanisa zviri mukati. Zvikasadaro, nokufamba kwenguva vanhu vangagamuchira tsamba yakafanana kakawanda.

Vamwe vanhu havadi kuverenga tsamba refu inobva kumunhu wavasingazivi. Saka kungava kuchenjera kuti tsamba yako irambe iri pfupi. Gumisa tsamba yako muverengi asati aneta nokuiverenga. Zvingava zvakakodzera kuisa pepa rakanyorwa rokumukoka kumisangano paImba yoUmambo. Ungaisa turakiti, bhurocha, kana kuti magazini yeNharireyomurindi kana kuti Mukai! wotsanangura kuti izvi anogona kuzviwana nguva nenguva kana achizvida. Kana kuti ungabvunza kana wawanyorera angada kushanyirwa pamba pake kuzokurukura naye zvimwe nezvenhau inenge yakurukurwa.

Shoko Pamusoro Pemanyorerwo

Bhokisi riri papeji 73

Zvino chitarira tsamba yokuenzanisira manyorerwo etsamba yokupupurira. Ona zvinotevera: (1) Yakatsvinda, haina kubharangidzwa. (2) Kunyange kana hamvuropu ikarasika, mugamuchiri anenge achine zita reakatumira uye kero yake. (3) Chinangwa chetsamba yacho chakanyorwa zviri nyore uye zvakananga mundima yokutanga. (4) Pfungwa huru imwe neimwe inotaurwa mundima yakasiyana. (5) Pamusana pechinangwa chayo, tsamba yacho hairatidzi kusununguka zvisina mwero uyewo haina kunyanyooma.

Mutsamba yakafanana neyebhizimisi, yakadai seingatumirwa nomunyori weungano kuhofisi yebazi, zita reungano raizobatanidzwa pamwe nezita romunyori wacho, kero yake uye musi. Zita nekero zvomunhu ari kutumirwa tsamba yacho zvaizovapowo. Izvi zvinoteverwa nokusuma kwakakodzera. Kugumisa tsamba yacho, mune mimwe mitauro mashoko akadai sokuti “Ndini wenyu akatendeseka” kana kuti “Nomwoyo wose” anoiswa pamusoro pesiginicha. Iyo siginicha pachayo inofanira kunyorwa noruoko.

Chero mutsamba ipi zvayo, chenjerera zviperengo zvakarurama, girama, nyora dzomutauro, uye zvechokwadi kutsvinda kwayo. Kudaro kuchapa tsamba yako chiremera neshoko rainayo.

Kunze kwehamvuropu, nguva dzose isa kero yokungazodzoka mhinduro—kana zvichiita isa kero yako iwewe. Kana uchifunga kuti kungasava kuchenjera kuisa kero yako pakupupurira netsamba kuvanhu vausingazivi, bvunza vakuru kana vachikutendera kushandisa kero yepaImba yoUmambo yomunzvimbo imomo sekero yokungazodzoka mhinduro. Kero yeWatch Tower Society haifaniri kumboshandisirwa izvi, sezvo izvi zvingazoita sokuti tsamba yako yabva kumahofisi eSosaiti uye zvingakonzera kuvhiringidzika. Kana pasina kero yokungazodzoka mhinduro uye waisa mabhuku, izviwo zvingapa pfungwa isiri iyo yokuti Sosaiti ndiyo yatumira.

Iva nechokwadi chokuti waisa chitambi chine mari yakakwana, zvikurukuru kana waisa mabhuku. Kana mari yechitambi isina kukwana, ari kugamuchira angachajwa mari inoperevedza yacho, uye izvi zvingavhiringidza chinangwa chako. Yeuka kuti munyika dzakawanda panopfigirwa bhurocha kana kuti magazini, mari yokutumira inowedzera kupfuura inodiwa patsamba chete.

Matauriro Akanaka

Kana wangopedza tsamba yako, iverenge kuti uone zvirimo. Inonzwika sei? Ine ushamwari nokungwarira here? Rudo nomutsa ndizvo zvimwe zvinhu zvatinovavarira kuratidza mukubata kwedu nevamwe. (VaG. 5:22, 23) Kana ukaona matauriro asina kunaka kana kuti ave kuti nyanyisei, gadzirisa mashoko acho.

Tsamba inogona kusvika nzvimbo dzausingagoni. Izvozvi zvoga zvinoiita kuti ive chishandiso chinokosha muushumiri. Sezvo tsamba yako ichimiririra iwe nezvinhu zvaunomiririra, fungisisa zvainotaura, kuratidzika kwayo, uye kuti inonzwika sei. Ingapa zvinodikanwa chaizvo kuti mweya unokosha usimbiswe, kana kuti ukurudzirwe kutanga kufamba pamugwagwa unoenda kuupenyu.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe