Bhokisi Remibvunzo
◼ Chii chatinofanira kurangarira pakunyorera tsamba vanasaimba avo tisina kukwanisa kuwana pamusha?
Nokuda kwezvikonzero zvakawanda, tiri kukuwana kwakaoma nenzira inowedzera kuwana vanhu apo tinoshanyira misha yavo. Vamwe vaparidzi vakawana kunyora tsamba kuva nzira inoshanda yokuvasvika nayo. Nepo ikoku kunogona kuparira migumisiro yakanaka, pane dikanwo yokurangarira zviyeuchidzo zvinogona kutibetsera kudzivisa zvinetso zvakati:
Musashandisa kero yeSosaiti nokuda kwemhinduro. Ikoko kwaizoratidzira nenzira isina kufanira kuti tsamba yakabva kumahofisi edu, kuchiparira zvinetso zvisiri madikanwa uye pane dzimwe nguva ndyiko yomuraudzo.
Iva nechokwadi chokuti une kero yakarurama uye mari yepositi yakakwana.
Usanyora tsamba ku“Mugari”; shandisa zita chairo.
Usasiya tsamba pasi pesuo apo pamusha panenge pasina munhu.
Tsamba pfupi ndidzo dzakanakisisa. Pfigira turakiti kana kuti magazini pane kuti uedze kunyora mashoko akawanda.
Tsamba dzakataipwa dziri nyore zvikuru kurava uye dzinoparira murangariro wakanaka zvikuru.
Tsamba hadziverengwi seshanyo dzedzokerero kutoti wakapupura iwe pachako kumunhu wacho kare.
Kana uri kunyorera munhu akaratidza fariro pakutanga, unofanira kumupa kero kana kuti runhare kuitira kuti ugogona kusvikwa. Tsanangura purogiramu yedu yokufunda Bhaibheri.
Tambanudzira kokero kumisangano yeungano yomunzvimbomo. Ipa kero nenguva dzemisangano.
Usaramba uchitumira tsamba kuvasiri pamba pashure pokudzorera ndima; muparidzi ane ndima yacho zvino ane mutoro wokuishanda.