CHIDZIDZO 12
Kushandisa Dzimwe Nhengo Dzomuviri uye Zvaunoita Chiso Chako
VANHU vemamwe marudzi vanoshandisa dzimwe nhengo dzomuviri vakanyatsosununguka kuratidza zvavari kutaura kupfuura vamwe vakakurirawo kumwe. Asi chaizvoizvo munhu wose anotaura achichinja-chinja zvaanoita chiso chake uye anoti shandisei dzimwe nhengo dzomuviri. Izvi zvinoitika pakukurukurirana uye pakutaura uri pamberi pevanhu.
Jesu nevadzidzi vake vaingoerekana vaita izvi vachitaura. Pane imwe nguva, mumwe munhu akaudza Jesu kuti amai vake nevanun’una vake vaida kutaura naye. Jesu akamupindura kuti: “Amai vangu ndiani, uye vanun’una vangu ndivanaani?” Ipapo Bhaibheri rinowedzera kuti: “Achitambanudzira ruoko rwake kuvadzidzi vake, akati: ‘Tarirai! Amai vangu nevanun’una vangu!’” (Mat. 12:48, 49) Kune dzimwewo ndima, Bhaibheri rinoratidza pana Mabasa 12:17 uye 13:16 kuti vaapostora Petro naPauro vaingoerekana vashandisa dzimwe nhengo dzomuviri.
Pfungwa nemanzwiro aunoita hazviratidzwi nenzwi roga, asiwo nokushandisa dzimwe nhengo dzomuviri uye zvaunoita chiso chako. Kukundikana kuzvishandisa zvakanaka kungapa pfungwa yokuti mukurukuri haana hanya nezvaari kutaura. Asi nzira dzokukurukura idzi padzinoshandiswa zvine mwero, kubudirira kwokutaura kwacho kunowedzera chaizvo. Kunyange paunotaura parunhare, ukashandisa dzimwe nhengo dzomuviri zvakakodzera uye chiso chako, inzwi rako richaratidza kukosha kweshoko rako zviri nyore uye manzwiro ako pane zvauri kutaura. Saka ungave uchitaura zvichibva mumusoro kana kuti uchiita zvokuverenga, vateereri vako vangave vakakutarisa kana kuti vakatarira mumaBhaibheri avo, kushandisa dzimwe nhengo dzomuviri uye zvaunoita chiso chako zvinokosha.
Kushandisa dzimwe nhengo dzomuviri uye zvaunoita chiso chako zvinofanira kuzviuyira zvoga. Hauna kumbodzidzira kuseka kana kuti kushatirwa. Kushandisa uku kunofanirawo kuratidza manzwiro ako. Kushandisa kwacho kungava kwakanaka kana kuchingoerekana kwaitika.
Kushandisa dzimwe nhengo dzomuviri kuri paviri: kunorondedzera uye kwokusimbisa. Kunorondedzera kunoratidza chiito kana kuti urefu uye nzvimbo. Muchikoro, kana uchishandira paunyanzvi hwokutaura uhwu, usagutsikane nenzira imwe kana kuti mbiri chete. Edza kushandisa dzimwe nhengo dzomuviri muhurukuro yako yose wakasununguka. Kana uchinetseka kuita izvi, zvingakubatsira kutsvaka mashoko anoratidza kwokunongedzera, chinhambwe, ukuru, nzvimbo, kana kuti kuenzanisa nzvimbo. Zvisinei, muzviitiko zvizhinji, chaunongoda kuita kunyatsoziva hurukuro yako, usinganetseki nokuti vanhu vari kufungei, asi uchitaura nokuita zvinhu sezvawaizongoita muupenyu hwezuva nezuva. Kana munhu akadekara zvake, kushandisa dzimwe nhengo dzomuviri kunongozviitikira kwoga.
Kwokusimbisa kunoratidza manzwiro anoita munhu uye kutendiswa kwake. Kunoita kuti pfungwa dzive huru, dzakakosha uye kunodzisimbisa. Kushandisa dzimwe nhengo dzomuviri kwokusimbisa kunokosha. Asi chenjerera! Zviri nyore kuti kuve katsika kasina zvakanoreva. Kana uchingodzokorora zviito zvimwe chete nguva nenguva, vanhu vangatanga kuona izvozvo pane kuti zvinakise hurukuro yako. Kana mutariri wenyu wechikoro akaratidza kuti une chinetso ichi, edza kumboshandisa nhengo dzomuviri dzinoratidza kurondedzera chete. Papera nguva yakati, tangazve kushandisa kuya kwokusimbisa.
Pakusarudza kuti unofanira kushandisa kuya kwokusimbisa kakawanda sei uye mashandisiro akakodzera, funga nezvemanzwiro evauri kukurukurira. Kunongedza vateereri kungaita kuti vasanzwa zvakanaka. Mune dzimwe tsika kana murume akaita zvinhu zvakadai sokubata muromo achiratidza kushamisika, izvi zvinonzi zvinoitwa nevakadzi chete. Mune dzimwe nyika, zvinonzi hazvina kukodzera kuti mukadzi ataure achishandisa maoko ake norusununguko. Saka munzvimbo idzodzo, hanzvadzi dzinofanira kushandisa zvikurukuru chiso chadzo. Uye kana uri pamberi peboka duku revanhu, kukanyanyisa hakungapi ruremekedzo munenge munyika yose zvayo.
Ruzivo rwako zvarunowedzera wova akasununguka pakutaura, chiratidzo chokusimbisa chaunoshandisa chicharatidza zviri mumwoyo mako sezvingatarisirwa, chichiratidza zvaunotenda uye kuva nechokwadi kwaunako. Zvichawedzera zvinorehwa nemashoko ako.
Zvawakaita Chiso Chako. Chiso chako chinowanzoratidza manzwiro aunoita chaiwo kupfuura chimwe chiratidzo chomuviri wose zvawo. Maziso ako, zvinenge zvakaita muromo wako, kunenge kwakarerekera musoro wako zvose zvinokosha. Pasina shoko rambotaurwa, chiso chako chinogona kutaura kusava nehanya kwako, kusemburwa, kukangaidzika, kushamisika, kana kuti kufara. Kana zvaunoita chiso chako zvakadaro zvikaenderana neshoko rinotaurwa, zvinowedzera simba rinoonekwa uye manzwiro auri kuita. Musiki akaisa tsandanyama dzakawanda pachiso chako—dzose dzinopfuura 30. Inenge hafu yadzo inoshanda paunonyemwerera.
Ungave uri pachikuva kana kuti uchiita ushumiri mumunda, uri kuedza kukurukura nevamwe shoko rinofadza, rinogona kuita kuti mwoyo yavo ifare. Kunyemwerera kwomufaro kunoratidza izvozvo. Asiwo kana chiso chako chisina zvachinoratidza, izvi zvingamutsa mubvunzo kana une chokwadi nezvauri kutaura.
Kupfuura izvozvo, kunyemwerera kunoudza vamwe kuti unovafarira. Izvi zvinokosha zvikurukuru mazuva ano apo vanhu vanotya vanhu vavasingazivi. Kunyemwerera kwako kungabatsira vanhu kuti vanzwe vakasununguka uye vade kuteerera zvauri kutaura.