RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • sg chidzidzo 26 pp. 130-133
  • Kushandiswa Kwokudzokorora uye Majangariko

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kushandiswa Kwokudzokorora uye Majangariko
  • Bhuku rinoTungamirira reChikoro choUshumiri choUbati-ushe hwoUmwari
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • **********
  • Kushandisa Dzimwe Nhengo Dzomuviri uye Zvaunoita Chiso Chako
    Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
  • Kudzokorora Kuti Usimbise
    Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
  • Zano Rinovaka
    Bhuku rinoTungamirira reChikoro choUshumiri choUbati-ushe hwoUmwari
  • Kusimbisa Pfungwa Huru
    Shingairira Kuverenga Nekudzidzisa
Ona Zvimwe
Bhuku rinoTungamirira reChikoro choUshumiri choUbati-ushe hwoUmwari
sg chidzidzo 26 pp. 130-133

Fundo 26

Kushandiswa Kwokudzokorora uye Majangariko

1-3. Nei kudzokorora huri unyanzvi hunokosha hwokudzidzisa?

1 Donzo rako mukutaura rinofanira kuva rokupa mashoko ayo vateereri vako vachayeuka uye kukwanisa kuashandisa. Kana vakakanganwa, betsero inorashika. Mumwe wemitoo mikuru yaunogona kuvabetsera nayo kuisa mundangariro chaungataura kudzokorora mapfundo anokosha zvikurusa. Kwakataurwa nenzira yakakodzera kuti kudzokorora kunobetsera kuyeuka. Kudzokorora ndechimwe chounyanzvi hwokudzidzisa chinokosha. Wakatodzidza ukoshi hwako pamusoro pokushandisa kwako magwaro. Asi “Kudzokororera kusimbisa” kwakarongwa kwakaparadzana pakasiripi kako keZano Rokutaura nemhaka yokuti kunoshanda kuna mamwe mativiwo ehurukuro yako.

2 Kukubetsera kuva nyanzvi mukushandisa kudzokorora nokuda kwokusimbisa, ticharangarira nhau yacho mumativi maviri akasiyana. Rumwe norumwe rune chokuita nomutoo wakasiyana wokudzokorora; rumwe norumwe rune donzo rakasiyana mumurangariro. Kudzokorora mapfundo makuru kunobatira seyamuro yokuyeuka. Kudzokororwa kwamapfundo asina kunzwisiswa kunobatsira kunzwisisa.

3 Hakusati kuchingova bedzi kukurukura asiwo gadziriro inokosha mukurangarira iri vara. Unofanira kufanosarudza kuti mifungoi inoda kudzokororwa uye apo kungava kwakanakisisa kuidzokorora.

4-6. Rondedzera kuti kupfupikisa “kunofambira mberi” uye kupfupikisa “kwokupedzisira” kunogona sei kushandiswa kudzokorora mapfundo makuru.

4 Kudzokororwa kwamapfundo makuru. Kudzokororwa kwamapfundo makuru kunowanzoitwa kupfurikidza norudzi rwakati rwokupfupikisa. Tichakurukura marudzi maviri akatanhamara, atichadana kuti kupfupikisa “kunofambira mberi” uye kupfupikisa “kwokupedzisira.”

5 Kupfupikisa kunofambira mberi kune kuhwirudzura zvinokosha zvepfundo guru rimwe nerimwe sezvarinorangarirwa, kuchipinza mukupfupikisa kumwe nokumwe kunotevera zvinokosha zvamapfundo makuru aritangira. Neiyi nzira zvinobatanidza hurukuro zvinosimbisa nguva dzose.

6 Pamugumo wehurukuro, kupfupikisa kwokupedzisira, kungashandiswa nokupfupikisa kunofambira mberi kana kuti kwete, kunounganidzira chinhu chiri chose pamwe chete uye hurukuro yose inogona kuhwirudzurwa mukutaura kushomanene kupfupi. Panhambo nenhambo kuchabetsera kududza nhamba chaiyoiyo yamapfundo achahwirudzurwa. Iyi ndeimwe yamuro yokuyeuka.

7-10. Kudzokorora kworudzi rwokupfupikisa mapfundo makuru kunogona sei kuva kukudziridza kunofadza?

7 Kupfupikisa hakufaniri kuva kudzokorora kusingafadzi kana kuti kutaurwazve kwamapfundo kana kuti mifungo. Kunogona kuitwa mumhatsa yenzira: kupfurikidza nomuenzaniso, kupfurikidza nokushandiswa kworugwaro, kupfurikidza nokusvika nhau yacho nomurangariro wakasiyana, kupfurikidza nokuenzanisira kana kuti misiyano, kupfurikidza nokushandisa wirirano, kupfurikidza nokushandisa mashoko ane revo yakafanana kana kuti mibvunzo. Kuenzanisira, kupfupikisa kunobetsera zvikuru kwehurukuro yavose kungava chikamu chipfupi, chamaminiti mashanu, uchishandisa Magwaro makuru uye zvibvumikiso zvikuru zvehurukuro yacho. Heino hurukuro yose yapfupikiswa, chimwe chinhu anodokuva munhu ari wose anogona kutakura ndokushandisa.

8 Rudzi rwokupfupikisa rwokudzokorora rwunobetsera zvikuru pamusoro pehurukuro dzinobatanidza kurangarira nomufungo, uye nguva iri pakati pekurukurirano nehwirudzuro pfupi inobetsera mukuroverera mifungo zvikuru kwazvo mundangariro dzavateereri. Zvisinei, hakusi madikanwa nguva dzose kupfupikisa pfundo. Kazhinji kazhinji rinogona kungotaurwazve gare gare sohwaro hunobudirira hwerimwe pfundo rinofanira kukudziridzwa.

9 Imwe nzira inogona kudzokororwa nayo mapfundo makuru ndeyokupfurikidza nokuaronga musumo yehurukuro, ipapo kupfurikidza nokutevera nokukudziridzwa kukuru kwamapfundo iwawa mumutumbi. Uku kudzokorora kusimbisazve mifungo mundangariro.

10 Kupfurikidza nokurovedzana nenzira idzodzi dzakasiyana-siyana dzokudzokorora mapfundo makuru, zvakawanda zvinogona kuitwa kuita kuti hurukuro ive inofadza uye inofarikanywa uyewo kuiita iri nyore zvikuru kuyeuka.

11-14. Zvinhui zvinobatanidzwa mukudzokorora mapfundo makuru asina kunzwisiswa?

11 Kudzokororwa kwamapfundo asina kunzwisiswa. Kudzokorora pfundo nokuda kwokunzwisisa kunotsamira kunenge chose chose pavateereri vako. Kana riri pfundo rinokosha uye ringasavajekera pasina kuva nomukana wokurinzwa richitaurwa kanopfuura kamwe, unofanira kurirangarirazve nenzira yakati kana kuti uchasvika kumhedziso yehurukuro yako usingaperekedzwi navateereri vako. Kune rumwe rutivi, kudzokorora kusiri madikanwa, kusingashandiswi nokuda kwokusimbisa, kuchaita kuti hurukuro yacho inyanyowanda mashoko uye ive isingafadzi.

12 Rangarira vateereri vako mukugadzirira hurukuro. Kunofanira kukugonesa nenzira yakati kukarira zvinetso zvakati zvingava navateereri vako. Gadzirira kudzokorora mifungo yakadaro nenzira yakati kuti inogona kuonwa mumirangariro yakasiyana-siyana.

13 Unogona sei kuziva kana usiri kunzwisiswa? Tarisa pavateereri vako. Cherechedza zvitarisiko zvezviso kana kuti, kana uchitaura kune munhu mumwe kana kuti vaviri, bvunza mibvunzo.

14 Asi sanocherechedza izvi: Kudzokorora mashoko mamwe chetewo hakusati kuchizoita donzo rako nguva dzose. Pane zvakawanda kukudzidzisa zvinopfuura izvozvo. Kana vateereri vako vasina kukunzwisisa panguva yokutanga, kungotaurawo zvako mashoko mamwe chetewo zvakare kungava kusina kukwana kukuita kuti unzwisiswe zviri nani. Chii chaunogona kuita pamusoro pako? Unofanira kuva anochinjika. Kungada wedzero dzisina kugadzirirwa kuhurukuro yako. Kudzidza kwako kugonana nezvinodikanwa zvavateereri kuchatapura kusvikira kutambanuko huru kubudirira kwako somudzidzisi.

**********

15-18. Munhu anogona sei kudzidza kushandisa majangariko anorondedzera?

15 Majangarikowo anowedzera kusimbisa kune zvaunotaura, uye anowanzosimbisa revo yeshoko rinotaurwa. Neiyi nzira anowedzera uye anokoshesa mifungo. Kunodokuva kusina munhu anotaura asina chimiro chakati chokujangarika. Naizvozvo, kana usingajangariki pachikuva, vateereri vako vachaziva kuti hauna kusununguka. Asi apo unojangarika nomutoo womuzvarirwo, vateereri havasati vachizofunga nezvako; vachafunga nezvezvauri kutaura. Majangariko anokuyamura kupfurikidza nokukusimbisa, kunyandura mirangariro yako nokudaro ndokusimbisa kupa kwako. Haafaniri kutorwa mune rimwe bhuku. Hauna kutongofunda kunyemwerera kana kuti kuseka kana kuti kushatirwa, naizvozvo hakusi madikanwa kutevedzera majangariko omumwe munhu, uye zviri nani kana akauya nomuzvarirwo zvikuru uye zvisina kurongwa. Zvitarisiko zvezviso zvinowirirana nokujangarika mukupa mufungo kushoko rinotaurwa.

16 Majangariko anopinda mumapoka maviri anozivikanwa pamusoro porudzi rwawo: anorondedzera nookusimbisa.

17 Majangariko anorondedzera. Majangariko anorondedzera anoratidzira chiito kana kuti anoratidza ukuru uye nzvimbo. Aya ari nyore zvikurusa kudzidza. Naizvozvo, kana une chinetso chokujangarika pachikuva, edza majangariko akapfava, anorondedzera pakutanga.

18 Apo unenge uchishandira pane iri vara muchikoro, usagutswa nejangariko rimwe bedzi kana kuti maviri. Edza kujangarika kazhinji kazhinji muhurukuro yose. Kuti uite ikoku, tsvaka mashoko anoratidza nzira, chinhambwe, ukuru, nharaunda, kumhanya, nzvimbo, musiyano, nzvimbo dzinowirirana kana kuti kuenzanisa. Kana kuri madikanwa, tara mashoko iwawa nenzira yakati muzvinyorwa zvako, kuti zvigokuyeuchidza kujangarika papfundo iroro. Pfuuridzira uyu muitiro, kunyange zvazvo kana ukawana “Z” nguva yokutanga. Pashure pehurukuro shomanene uchawana kuti hauchadizve kutara majangariko ako kana kuti kufanofunga nezvawo uye uchanjangarika nomuzvarirwo.

19, 20. Majangariko okusimbisa anobatira donzoi?

19 Majangariko okusimbisa. Majangariko okusimbisa anoratidzira mufungo uye kupwiswa. Anosimbisa, anokoshesa uye anosimbisa mifungo. Naizvozvo majangariko okusimbisa anokosha. Asi, ngwarira! Majangariko okusimbisa anowanzova rudzi rwuya rwunova rwemiitiro. Kuti udzivise ikoku, dzivisa majangariko anodzokororwa.

20 Kana chinetso chako chiri miitiro mukujangarika, zviganhurire chose chose kumajangariko anorondedzera kwenguva yakati. Kana wangova nyazvi mumajangariko orudzi urwu, majangariko okusimbisa anofanira kuva omuzvarirwo. Sezvaunowana ruzivo rwokuzviwanira uye uchiva akasununguka zvikuru pachikuva, majangariko ako okusimbisa acharatidzira mirangariro yako yomukati nomutoo womuzvarirwo, achiratidzira kupwisa kwako nouchokwadi. Iwo achawedzera revo kukutaura kwako.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe