CHIDZIDZO 14
Kuva Akasununguka
KUTAURA wakasununguka sezvaunoita mazuva ose kunokubatsira kuvimbwa nevamwe. Ungavimba nechinhu chinotaurwa nomunhu anotaura newe akazvivanza here? Pane zvazvaizobatsira here kudai chiso chokugadzira chaizova chakanaka kupfuura chiso chomunhu wacho ari kutaura? Hazvingaiti mutsauko. Saka pane kuzvivanza, iva zvauri.
Kuva akasununguka hakufaniri kuvhiringidzwa nokungorotomoka. Kukanganisa mitemo yokutaura, matauriro asiri iwo, uye kutaura kusinganyatsonzwiki hazvina kufanira. Chibhende hachifaniriwo kushandiswa. Tinoda kugara tichiratidza ruremekedzo rwakakodzera, mukutaura kwedu uye mukuzvibata kwedu. Munhu anotaura saizvozvi haanyanyisi kusununguka kana kunyanyova nehanya nokuda kuorora vamwe.
Muushumiri Hwomumunda. Paunosvika pane imwe imba kana kuti paunoenda kune mumwe munhu paruzhinji uchida kumupupurira, unotya here? Vazhinji vedu tinotya, asi vamwe vanoramba vachitya kupfuura vamwe. Kunetseka kungaita kuti inzwi riite seriri kudhonzwa, kana kuti riri kudedera, kana kuti kutya kungazviratidza nokungofambisa-fambisa maoko kana kuti musoro.
Muparidzi angava nechinetso ichi pamusana pezvikonzero zvakasiyana-siyana. Zvimwe ari kufunga nezvokuti achaonekwa sei kana kuti ari kunetseka kuti mharidzo yake ichabudirira here. Hapana kana nechimwe chaizvozvo chinoshamisa, asi panova nezvinetso kana zvinhu izvozvo zvikanyanyofungwa. Kana ukatanga kutya usati wapinda muushumiri, chii chinogona kubatsira? Kunyatsogadzirira uye kunyengetera kuna Jehovha nomwoyo wose. (Mab. 4:29) Funga nezvengoni huru dzaJehovha pakukoka vanhu kuti vazova noutano hwakakwana uye upenyu husingagumi muParadhiso. Funga nezvevanhu vauri kuedza kubatsira uye kuda kwavo kunzwa mashoko akanaka.
Fungawo nezvokuti vanhu vane rusununguko rwokuzvisarudzira, saka vangabvuma kana kuti vangaramba shoko racho. Zvakanga zvakadaro Jesu paakaparidzira muIsraeri yekare. Basa rako kuparidza chete. (Mat. 24:14) Kunyange paye pausingapiwi mukana wokutaura, kuvapo kwako kuchapa uchapupu. Unenge watobudirira nokuti unenge wabvumira Jehovha kukushandisa kuita kuda kwake. Panguva iyoyo kana ukawana mukana wokutaura, uchazvitaura sei? Kana ukadzidza kuisa pfungwa dzako pazvinodiwa nevamwe, kutaura kwako kuchava kunofadza uye unenge wakasununguka.
Paunenge uchipupurira, kana ukaita uye ukataura sezvaunoita mazuva ose, izvi zvichaita kuti vateereri vako vasununguke. Vangatoteerera pfungwa dzomuMagwaro dzaunoda kukurukura navo. Pane kungovaudza, kurukura navo. Iva noushamwari. Vafarire, uye iva anoda kuteerera zvavanotaura. Hapana mubvunzo kuti uko mutauro kana kuti tsika dzomunharaunda dzine zvadzinoda kuti zvitange zvaitwa kuratidza kuremekedza pakutaura nevaeni, uchatevedzera izvozvo. Asi unogona kugara wakagadzirira kunyemwerera wakasununguka.
Uri Pachikuva. Paunotaura neboka revanhu, kutaura kwakasununguka, kwokukurukurirana ndiko kwakanaka. Zvisinei, kana boka racho revanhu riri guru, unofanira kuwedzera inzwi rako. Kana ukaedza kuisa hurukuro yako mumusoro kana kuti kana zvawakanyora zvakawandisa, unenge uri kunyanyova nehanya nokuronga mashoko zvakanyatsonaka. Kuronga mashoko zvakanyatsonaka kunokosha, asi kana kukanyanyisa, kukurukura kwacho kunova kwakaomarara, kusina kujairika. Hauzogoni kuva akasununguka. Pfungwa dzako dzinofanira kufanofungwa zvakanaka, asi fungisisa pfungwa dzacho, kwete marongerwe emashoko.
Zvakadarowo kana uchibvunzurudzwa pamusangano. Nyatsogadzirira, asi usaverenge kana kubata mhinduro dzako nomusoro. Dzitaure nokusiyanisa inzwi kwakasununguka zvokuti mashoko ako achangoerekana okwezva vanhu.
Kunyange unyanzvi hwokutaura huya hunodiwa, hukanyanyiswa hunganzwika nevateereri zvisina kunaka. Somuenzaniso, unofanira kutaura zvakajeka, mashoko otaurwa zvakakodzera asi kwete zvokuti kutaura kwako kunova kwakaomarara kana kuti kusina kusununguka. Kana kushandisa dzimwe nhengo dzomuviri kwokusimbisa kana kuti kwokurondedzera kukaitwa zvakanaka, kunogona kuwedzera upenyu pahurukuro yako, asi kana kwakaomarara kana kuti kukanyanyisa kuchaita kuti vanhu vasaone zvauri kutaura. Shandisa inzwi rakakodzera, asi edza kusashamarara zvakanyanyisa. Zvakanaka kumboti wedzerei moto pakukurukura kwako, asi usaite manyawi. Kusiyanisa inzwi, chido, uye manzwiro aunoita zvose hazvifaniri kushandiswa kuzviwanira mbiri kana kuti kuita kuti vateereri vako vanzwe vasina kusununguka.
Vamwe vanhu vane nzira yokuti vataure zvinhu nomazvo, kunyange pavanenge vasingapi hurukuro. Vamwe vakasununguka pakutaura. Chinokosha kutaura zvakakodzera zuva nezuva uye kuzvibata noruremekedzo rwechiKristu. Zvadaro paunenge uri pachikuva, uchataura norusununguko runonakidza.
Pakuverengera Vanhu. Rusununguko pakuverengera voruzhinji runoda kushanda nesimba. Kuzviita, ziva pfungwa dzinokosha mumashoko auchazoverenga uye ona kuti idzodzi dzinokudziridzwa sei. Ngadzijeke mupfungwa dzako; zvikasadaro unenge uchingoverenga mashoko chete. Tsvaka mataurirwo emashoko ausingazivi. Dzidzira kuverenga zvinonzwika kuti uve nokuchinja inzwi kwakakodzera uye kubatanidza mashoko nenzira inobudisa zviri kurehwa nenzira yakajeka. Ramba uchidzokorora kusvikira wava kuita zvokutsetsenura pakuverenga kwako. Unofanira kusvika pakuziva mashoko acho zvokuti paunoaverenga zvinonzwika, kuverenga kwako kunonzwika sokutaura kune upenyu. Zvadaro unenge wasununguka.
Ichokwadi kuti kuverengera vanhu kwakawanda kwatinoita kunobva mumabhuku edu ezviri muBhaibheri. Kunze kwehurukuro dzokuverenga paChikoro chaMwari Choushumiri, tinoverenga magwaro muushumiri hwomumunda uye patinopa hurukuro pachikuva. Hama dzinonzi dziverenge ndima dzinenge dzichidzidzwa paChidzidzo cheNharireyomurindi uye paChidzidzo Chebhuku Cheungano. Dzimwe hama dzinokwanisa dzinopiwa hurukuro dzokuverengera vateereri pakokorodzano. Ungave uchiverenga Bhaibheri kana rimwe bhuku, verenga chikamu chine mashoko akataurwa nomumwe munhu nenzira yokuti chinonzwika kuva chipenyu. Kana pane mashoko evanhu vanoverengeka vaitaura, chinja inzwi rako pane mumwe nomumwe. Shoko renyevero: Usanyanyise pakuchinja inzwi rako, asi verenga zvine upenyu wakasununguka.
Kuverenga kwomunhu akasununguka hakuiti seakaita zvokukudzidzira asi kune zvakunoreva uye kune chivimbo. Munhu iyeye anenge ave kuziva chinokosha pakuverengera vanhu.