RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • be chidzidzo 28 p. 179-p. 180 ndim. 8
  • Kuita Zvokukurukurirana

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kuita Zvokukurukurirana
  • Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
  • Mashoko Akafanana
  • Kudekudza, Kukurukura Kwokukurukurirana Kune Kududzwa Kwamashoko Kwakafanira
    Bhuku rinoTungamirira reChikoro choUshumiri choUbati-ushe hwoUmwari
  • Kuva Akasununguka
    Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
  • Kushandisa Kutaura Kwakanaka Zuva Riri Rose
    Bhuku rinoTungamirira reChikoro choUshumiri choUbati-ushe hwoUmwari
  • Kuita Seuri Kutaurirana Nevateereri
    Shingairira Kuverenga Nekudzidzisa
Ona Zvimwe
Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
be chidzidzo 28 p. 179-p. 180 ndim. 8

CHIDZIDZO 28

Kuita Zvokukurukurirana

Unofanira kuitei?

Taura zvakafanana nezvaunoita mazuva ose pakukurukurirana asi zvakachinjwa kuti zvikodzerane nevateereri vako.

Nei zvichikosha?

Kutaura kwokukurukurirana kunoita kuti vateereri vako vanzwe vakasununguka uye kunovabatsira kugamuchira zvauri kutaura.

VANHU vanowanzonzwa vakasununguka pavanenge vachikurukurirana neshamwari. Zvavanotaura zvinongoerekana zvabuda. Vamwe vanotaura zvine upenyu; vamwe vakanyarara. Kunyange zvakadaro, kutaura kwavo vakasununguka kunofadza.

Zvisinei, kana uchinotaura nomunhu wausingazivi, hazvina kukodzera kutaura naye sowakatojairana naye kana kuti norusununguko rwakanyanyisa. Kutaura zvazviri, mune dzimwe tsika kukurukurirana nevanhu vausingazivi kunotanga noruremekedzo. Kana kuremekedza kwakafanira kwaratidzwa, zvingava zvakanaka kutaura sevanhu vanozivana muchikurukurirana, asi izvi zvinofanira kuitwa muchiratidza kunzwisisa.

Paunotaura uri pachikuva, unofanirawo kuchenjerera. Nzira yokuva akanyanyosununguka inobvisa kuva nechiremera kwomusangano wechiKristu uye kukosha kwezvinhu zvinotaurwa. Mune mimwe mitauro, mamwe mashoko anoshandiswa kana uchitaura nomunhu mukuru, mudzidzisi, munhu ane chiremera, kana kuti mubereki. (Ona mashoko anoshandiswa pana Mabasa 7:2 ne Mab 13:16.) Mashoko akasiyana anoshandiswa kana uchitaura newawakaroorana naye kana kuti shamwari yepamwoyo. Kunyange zvazvo matauriro edu tiri pachikuva asingafaniri hawo kuva akarongwa, anofanira kuva anoratidza kuremekedza.

Zvisinei, pane zvinhu zvingaita kuti kukurukura kwomunhu kunzwike kwakati sungikei kana kuti kuchiita sokwakarongwa. Chimwe cheizvi mamiriro akaita zvirevo zvacho, kana kuti mashoko. Chinetso chinovapo kana mukurukuri akaedza kudzokorora mashoko sezvaari chaizvoizvo papepa rakanyorwa. Shoko rakanyorwa rinowanzova rakasiyana nokutaura. Chokwadi, kutsvakurudza mashoko pakugadzirira hurukuro kunowanzoitwa uchishandisa mashoko akadhindwa. Zvimwe pepa rehurukuro rakadhindwa rinokuudza panobva hurukuro yacho. Asi kana ukataura zvinhu sezvazviri chaizvo pazvakanyorwa kana kuti ukaverenga zvakananga papepa rehurukuro paunenge uchikurukura, kazhinji zvingasaita kuti hurukuro yako izonzwika sokukurukurirana. Kuti urambe uchiita somuri kukurukurirana, taura nemashoko ako pachako uye usataure zvirevo zvakaoma kunzwisisa.

Chimwe chinhu kukurumidza nokunonokera. Kutaura kwakaoma uye kunoita sokwakarongwa kunowanzova nemashoko akaparadzana zvakanyanya kufanana. Pakukurukurirana kwezuva nezuva, pane kukurumidza kana kunonokera pamashoko, uye kumbomira kunosiyana paurefu.

Ichokwadi kuti, kana uchitaura neboka guru revanhu, unofanira kubatanidza nzira yokutaura uchikurukurirana nenzwi rakawedzerwa, rakasimba, uye uchiratidza kuva nechido kuti ubate pfungwa dzavo.

Kuti ushandise nzira yokukurukurirana yakakodzera ushumiri, unofanira kuva netsika yokutaura zvakanaka zuva nezuva. Izvi hazvirevi kuti unofanira kunge wakadzidza chaizvo. Asi zvakanaka kudzidzira matauriro achaita kuti vamwe vateerere nokuremekedza zvauri kutaura. Uchimbozeya izvozvo, funga kana uchifanira kushandira pane zvinotevera mukutaura kwako kwezuva nezuva.

  1. Rega kushandisa mashoko asingapindirani nokutaura kwakanaka kana kuti kunokuita kuti ufanane nevanhu vanorarama upenyu hunorwisana nezvinodiwa naMwari. Maererano nenyevero iri pana VaKorose 3:8, rega kutaura kwakafumuka kana kuti kwakaora. Asi, kutaura kwezuva nezuva hakuna kuipa. Kutaura kwezuva nezuva, kana kuti mashoko ezuva nezuva, haashandiswi pakunyora, asi anopindirana nezvinodiwa nomutauro.

  2. Rega kuramba uchidzokorora mashoko uye zvirevo zvakafanana kuti upe pfungwa imwe neimwe yaunayo. Dzidza kushandisa mashoko anobudisa zvakajeka zvauri kureva.

  3. Tanga wajekerwa nezvauri kuda kutaura kuti usazongorambe uchidzokorora zvawambotaura; zvadaro chitanga kutaura.

  4. Usavige pfungwa dzakanaka nokuwanza mashoko. Dzidzira kutaura pfungwa inoda kuyeukwa zvakajeka uye muchirevo chiri nyore.

  5. Taura nenzira inoratidza kuti unoremekedza vamwe.

MADZIDZIRWO OUNYANZVI UHWU

  • Tanga nemaonero ako vaya vari kukuteerera. Vaone seshamwari, asi rega kuva akanyanyosununguka. Varemekedze.

  • Taura usingaiti zvokuverenga. Usaedze kushandisa mashoko sezvaari pauri kuatora. Taura pfungwa dzacho nemashoko ako pachako. Taura zvirevo zvipfupi, uye siyanisa kukurumidza nokunonokera.

  • Isa pfungwa dzako dzose pachido chokukurukurirana. Taura zvichibva pamwoyo. Chinokosha mashoko acho, kwete kuti vamwe vari kukuona sei.

  • Vandudza pakutaura kwako kwezuva nezuva. Shandira chimwe nechimwe chezvataurwa papeji ino, uchishandira pachimwe chete panguva.

BASA ROKUITA: Ongorora tsika dzako dzokukurukurirana. Shandira pazvinhu zvishanu zviri pamusoro apa, uchidaro pachimwe chete panguva kwezuva rose. Kana ukakanganisa dzokorora mupfungwa dzako uchiita izvozvo zvakarurama.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe