RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • be chidzidzo 30 p. 186-p. 189 ndim. 4
  • Kufarira Munhu Wacho

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kufarira Munhu Wacho
  • Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
  • Mashoko Akafanana
  • Iva Nefariro Yomunhu Oga Muvamwe
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1989
  • Mavandudzirwo Ounyanzvi Hwokukurukurirana
    Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
  • Kushingairira Kusvika Pamwoyo
    Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
  • Ratidza Kubatsira Kunoita Mashoko Acho
    Shingairira Kuverenga Nekudzidzisa
Ona Zvimwe
Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
be chidzidzo 30 p. 186-p. 189 ndim. 4

CHIDZIDZO 30

Kufarira Munhu Wacho

Unofanira kuitei?

Ratidza kuti une hanya nezvinofungwa nevamwe uye une hanya nokugara kwavo zvakanaka.

Nei zvichikosha?

Iyi imwe yenzira dzokutevedzera rudo runoratidzwa naJehovha, uye zvingatibatsira kusvika pamwoyo womunhu.

PAKUPA vamwe chokwadi cheBhaibheri, hatifaniri kungoti chero zvapinda mumusoro. Tinofanira kusvika pamwoyo. Imwe nzira yokuita nayo izvi kuratidza kufarira vateereri vedu nomwoyo wose. Kufarira kwakadaro kunogona kuratidzwa munzira dzakasiyana-siyana.

Funga Nezvemaonero Evateereri Vako. Muapostora Pauro akafunga nezvoupenyu hwekare hwevateereri vake uye mafungiro avo. Akatsanangura kuti: “KuvaJudha ndakava somuJudha, kuti ndiwane vaJudha; kune vari pasi pomutemo ndakava seari pasi pomutemo, kunyange ini ndisiri pasi pomutemo, kuti ndiwane vari pasi pomutemo. Kune vasina mutemo ndakava seasina mutemo, kunyange ndisiri asina mutemo kuna Mwari asi pasi pomutemo kuna Kristu, kuti ndiwane vasina mutemo. Kune vasina simba ndakava asina simba, kuti ndiwane vasina simba. Ndakava zvinhu zvose kune vanhu vamarudzi ose, kuti ndiponese vamwe nemitoo yose. Asi ndinoita zvinhu zvose nokuda kwemashoko akanaka, kuti ndive anoagoverana navo.” (1 VaK. 9:20-23) Nhasi tinga“va zvinhu zvose kune vanhu vamarudzi ose” sei?

Kana ukava nomukana wokuongorora vamwe, kunyange nguva duku, usati wataura navo, ungaona zviratidzo zvezvavanofarira uye zvavari. Ungaziva here basa ravanoita? Pane uchapupu hwaunoona hwechitendero chavo here? Pane chiratidzo chemamiriro emhuri yavo here? Uchishandisa zvaunoona, ungagadziridza mharidzo yako here kuita kuti ifadze vateereri vako?

Kuita kuti mharidzo yako inakidze zvinoda kuti ufanofunga nzira yauchatanga kutaura nayo nevanhu vari mundima yenyu. Mune dzimwe nzvimbo, izvi zvinosanganisira vaya vakatama vachibva kune dzimwe nyika. Kana mundima yenyu mune vanhu vakadaro, wakawana nzira inobudirira yokuvaparidzira here? Sezvo Mwari achida kuti “vanhu vose vaponeswe uye vasvike pazivo yakarurama yechokwadi,” ngachive chinangwa chako kuparidzira shoko roUmambo nenzira inofadza vanhu vose vaunosangana navo.—1 Tim. 2:4.

Nyatsoteerera. Kunyange zvazvo Jehovha achiziva zvinhu zvose, anoteerera vamwe. Pane zvakaratidzwa muprofita Mikaya akaona Jehovha achikurudzira ngirozi kutaura zvadzaifunga pakutarisira imwe nyaya. Zvadaro Mwari akatendera imwe ngirozi kuita zvayakanga yataura. (1 Madz. 22:19-22) Abrahamu paakaratidza kuti aiva nehanya nomutongo waizopiwa Sodhomu, pamusana pomutsa wake Jehovha akamutendera kuti ataure zvaaifunga. (Gen. 18:23-33) Tingatevedzera sei muenzaniso waJehovha wokuteerera, muushumiri hwedu?

Kurudzira vamwe kuti vataure zvavanofunga. Bvunza mubvunzo wakakodzera, wombomira zvakaringanira kuti vapindure. Teerera zviya zvinonzi kuteerera. Kunyatsoteerera kwako kuchavakurudzira kutaura vakasununguka. Kana mhinduro yavo ikaratidza chimwe chinhu chavanofarira, shandisa unyanzvi kuwedzera kubvunza. Usingaiti kuti kukurukurirana kuve kubvunzurudza, tsvaka kuti ungavaziva sei zviri nani. Vaonge nezvavataura, kana uchigona kudaro nomwoyo wose. Kunyange kana usingabvumirani nezvavanofunga, iva nomutsa mukuratidza kuti wanzwa zvavataura.—VaK. 4:6.

Zvisinei tinofanira kuchenjerera, kuti kufarira kwedu vanhu hakuzopfuuri mwero wakakodzera. Kuva nehanya nevamwe hakutipi mvumo yokuda kuzivurura zvoupenyu hwavo zvisinei nesu. (1 Pet. 4:15) Tinofanira kuchenjerera kuti munhurume kana kuti munhukadzi haazotadzi kunzwisisa mutsa wokufarira watiri kuratidza. Sezvo unganzi mwero wakakodzera wokufarira vamwe uchisiyana munyika nenyika, kunyange munhu nomunhu, kuva anonzwisisa kunodiwa.—Ruka 6:31.

Kugadzirira chinhu chinobatsira pakuva muteereri akanaka. Kana shoko redu rakatijekera mupfungwa dzedu, zvinotibatsira kuva vakasununguka uye kuteerera vamwe takasununguka. Izvi zvinoita kuti vave vakasununguka uye zvingatovaita kuti vade kutaura nesu.

Tinoratidza kuti tinokudza vamwe nokuvateerera. (VaR. 12:10) Zvinoratidza kuti tinokoshesa zvavanofunga uye manzwiro avo. Zvingatovaita kuti vanyatsoteerera zvatiri kuda kutaura. Saka Shoko raMwari rinotirayira nechikonzero chakanaka kuti ti‘kurumidze kunzwa, tononoka kutaura, tononoka kuva nehasha.’—Jak. 1:19.

Batsira Vamwe Kubudirira. Kuva nehanya nevamwe kuchatiita kuti tirambe tichifunga nezvevaya vanoratidza kufarira uye kuvashanyirazve kuti tivaudze chokwadi cheBhaibheri chavanoda kunzwa. Paunenge uchifunga nezvokushanyazve, funga zvawakadzidza nezvavo pawakambovashanyira. Gadzirira mashoko enyaya ine chokuita navo. Ratidza kubatsira kunoita mashoko acho, uchivabatsira kuona kuti vangayamurwa sei nezvavari kudzidza.—Isa. 48:17.

Kana ari kuteerera akakuudza chimwe chinhu kana dambudziko ranga richimuremera, ona izvozvo somukana wokumuudza mashoko akanaka. Tevera muenzaniso waJesu, nguva dzose aive akagadzirira kunyaradza vaitambudzika. (Mako 6:31-34) Rega kunzwa uchida kupa zvinhu zvinongobatsira kwenguva pfupi kana kungoitira kuti zvikubve. Izvi zvingaita kuti munhu wacho afunge kuti haunyatsomufariri. Pane kudaro, inzwa semanzwiro ake. (1 Pet. 3:8) Zvadaro tsvakurudza mashoko mumabhuku anotaura nezveBhaibheri, uye muudze mashoko anokurudzira kuti umubatsire kukurira chinetso chake. Chokwadi, kana une hanya nomuteereri wako hauzobudisi mashoko akavanzika aanokuudza, kutoti pane chikonzero chakanaka chokudaro.—Zvir. 25:9.

Tinofanira kuratidza kufarira zvikuru vaya vatinodzidza navo Bhaibheri. Fungisisa uchinyengetera zvinodiwa nomudzidzi mumwe nomumwe, wogadzirira chidzidzo chacho uchifunga izvozvo. Zvibvunze kuti, ‘Anofanira kuitei kuti arambe achifambira mberi pakunamata?’ Batsira mudzidzi norudo kunzwisisa zvinotaurwa neBhaibheri uye mabhuku o“muranda akatendeka, akangwara” panyaya yacho. (Mat. 24:45) Mune zvimwe zviitiko, kungotsanangura chete kungasava kwakakwana. Ungafanira kuratidza mudzidzi kushandisa kwaangaita nhungamiro yakati yomuBhaibheri, muchitoita chimwe chinhu mose chinoratidza kushandiswa kwayo.—Joh. 13:1-15.

Kuva nomwero uye kunzwisisa zvinodikanwa pakubatsira vamwe kuita kuti upenyu hwavo huenderane nezvinodiwa naJehovha. Vanhu vakakurira munzvimbo dzakasiyana-siyana uye vane mano akasiyana, uye vanofambira mberi pamwero yakasiyana. Iva anonzwisisa pane zvaunotarisira vamwe. (VaF. 4:5) Usavamanikidzire kuchinja upenyu hwavo. Rega Shoko raMwari nesimba rake zvivakurudzire. Jehovha anoda kuti vanhu vamushumire nomwoyo unozvidira, kwete kumanikidzwa. (Pis. 110:3) Usataure zvaunofunga pane zvinhu zvavanofanira kuzvisarudzira, kunyange kana vamwe vakakukumbira kudaro, chenjerera kuti hauvasarudziri.—VaG. 6:5.

Ipa Ruyamuro Runobatsira. Kunyange zvazvo Jesu aiva nehanya zvikurukuru nokugarika kwevateereri vake mune zvokunamata, aivawo nehanya nezvimwe zvavaidawo. (Mat. 15:32) Kunyange kana tisina zvakawanda, pane nzira dzakawanda dzatinogona kubatsira nadzo.

Kufarira vamwe kuchaita kuti tive nehanya. Somuenzaniso, kana mamiriro okunze achiita kuti muteereri wako asanzwe zvakanaka, endai panzvimbo yakakodzera kana kuti rongai kuzokurukurazve pane imwe nguva. Kana washanya panguva isina kukodzera, kumbira kuti wozodzokazve. Kana muvakidzani kana kuti mumwe munhu akaratidza kufarira achirwara kana kuti ari muchipatara, ungaratidza kuva netsitsi kwako nokumutumira kadhi kana tsamba pfupi kana kumushanyira. Kana zvakakodzera, ungamuendeserawo zvokudya zvakakodzera kana kuita chimwe chinhu chinoratidza mutsa.

Vadzidzi veBhaibheri zvavanofambira mberi, vanganzwa vasurukirwa nokuti havachapedzi nguva nevavaimboshamwaridzana navo. Shamwaridzana navo. Wana nguva yokutaura navo mapedza kudzidza Bhaibheri uye padzimwe nguva. Vakurudzire kuva neshamwari dzakanaka. (Zvir. 13:20) Vabatsire kupinda misangano yechiKristu. Gara navo pakuungana kwakadaro, uye vabatsire nevana vavo kuitira kuti vose vanyatsobatsirwa nepurogiramu.

Ratidza Kufarira Zvichibva Pamwoyo. Kufarira vanhu hahusi unyanzvi hunofanira kudzidzirwa, asi unhu hunobva pamwoyo. Mwero wokufarira kwedu vamwe unooneka nenzira dzakasiyana-siyana. Unoonekwa nokuteerera kwatinoita uye zvatinotaura. Unoratidzwa nomutsa uye kuva nehanya kwatinoitira vamwe. Kunyange kana tisingatauri kana kuita chinhu, zvinoratidzwa nezvatiri uye zvinoita chiso chedu. Kana tine hanya nevamwe zvechokwadi, vachakwanisa kuzviona.

Chikonzero chikuru chokufarira vamwe nomwoyo wose ndechokuti nokuita izvozvo, tinotevedzera rudo nengoni zvaBaba vedu vokudenga. Izvi zvinobatsira kuita kuti vateereri vedu vaswedere pedyo naJehovha uye neshoko raakatipa kuti tiparadzire. Saka sezvaunoparidza mashoko akanaka vavarira ku‘va nehanya nezvinofarirwawo nevamwe kwete zvako woga.’—VaF. 2:4.

MARATIDZIRWO OKUFARIRA VAMWE NOMWOYO WOSE

  • Teerera kana munhu wacho achitaura. Muonge nokutaura kwaaita zvaanofunga uye manzwiro ake. Bvunza mibvunzo kuti unyatsonzwisisa zvaanofunga.

  • Funga nezvomunhu wacho mapedza kutaura mose. Kurumidza kuonana naye zvekare.

  • Muudze chokwadi cheBhaibheri chichamubatsira zvakananga pane zvaari kuda.

  • Ita zvinhu zvinomubatsira. Funga nezvezvaanoda iye zvino uye munguva yemberi.

BASA ROKUITA: (1) Musangano weungano usati watanga, farira mumwe munhu aripo. Ita zvinopfuura kungoti kwaziwai. Edza kuziva munhu wacho zviri nani. Ratidza kuti une hanya naye. Gara uchiita izvi. (2) Mubasa romumunda, nyatsoratidza kufarira munhu waunosangana naye. Ita zvinopfuura kungomuparidzira. Svika pakuziva munhu wacho. Zvaunodzidza nezvomunhu wacho ngazvichinje zvaunotaura nezvaunoita. Ramba uchitsvaka mikana yokuita izvi.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe