Mavandudzirwo Ounyanzvi Hwokukurukurirana
UNOZVIWANA zviri nyore kukurukurirana nevamwe here? Kuvazhinji, iyo pfungwa yacho yokukurukurirana, kunyanya nomumwe munhu wavasingazivi inokonzera kunetseka. Vanhu vakadaro vangave vachinyara. Zvingavanetsa kuti: ‘Ndingataura nezvechii? Ndingatanga sei kukurukurirana kwacho? Ndingaita sei kuti kupfuurire?’ Vanhu vane chivimbo vane ushamwari vangava ndivo vanoramba vachitaura. Chinetso chavo chingava chokuita kuti vamwe vataure vakasununguka uye kudzidza kuteerera zvinotaurwa. Saka tose, tingave tichinyara kana kuti tine ushamwari, tinoda kukudziridza unyanzvi hwokukurukura.
Tangira Kumba
Wadii kutangira kumba kuvandudza mano ako okukurukura? Kukurukurirana kunovaka kungabatsira zvikuru pakuunza mufaro wemhuri.
Chinhu chinokosha kwazvo pakukurukurirana kwakadaro kuva nehanya kwazvo nomumwe nomumwe. (Dheut. 6:6, 7; Zvir. 4:1-4) Kana tiine hanya, tinokurukura, uye tinoteerera kana mumwe wacho ave kuda kutaura. Chimwe chinhu chinokosha ndechokuva nechimwe chinhu chakakodzera chokutaura. Kana tine purogiramu yenguva dzose yokuverenga nokudzidza Bhaibheri tiri toga, pachava nezvakawanda zvatingataura. Kushandisa nokuchenjera kabhuku kanonzi Kunzvera Magwaro Zuva Nezuva kunogona kutanga kurukurirano. Pataswera zvimwe tanakidzwa nechimwe chinhu mubasa romumunda. Tingaverenga chimwe chinodzidzisa kana kuti chinosetsa. Ngaive tsika yedu kukurukura zvinhu izvi pakukurukurirana kwemhuri kunofadza. Izvi zvichatibatsirawo kukurukura nevanhu vasiri mumhuri yedu.
Kukurukura Newatisingazivi
Vanhu vazhinji vanozeza kutanga kukurukura nomunhu wavasingazivi. Asi nokuti zvinoda Mwari nomuvakidzani, Zvapupu zvaJehovha zvinoedza nomwoyo wose kudzidzira nzira yokukurukura nayo kuitira kuti zvikurukure nevamwe chokwadi cheBhaibheri. Chii chingakubatsira kuvandudza panhau iyi?
Nhungamiro yakanyorwa pana VaFiripi 2:4 inokosha. Tinokurudzirwa kusava “nehanya nezvinhu zve[d]u zvomunhu oga, asi [ku]va nehanya nezvinhu zvevamwe somunhu oga.” Funga nezvazvo nenzira iyi: Kana usati wambosangana nomunhu wacho, anokuona somunhu waasingazivi. Ungamuita sei kuti asununguke? Kunyemwerera kwokufarira uye kumukwazisa zvine ushamwari zvichabatsira. Asi pane zvimwe zvokufunga nezvazvo.
Ungave wavhiringidza zvaanga achifunga. Kana ukaedza kumuita kuti akurukurirane newe zviri mupfungwa dzako usina hanya nezviri mupfungwa dzake, achakupindura zvakanaka here? Jesu akaitei paakasangana nomumwe mukadzi patsime muSamariya? Pfungwa dzomukadzi uyu dzaiva pakuchera mvura. Jesu akatanga kukurukura naye achitaura nezvazvo, uye nokukurumidza akaichinja kuti ive kurukurirano inonakidza ine chokuita naMwari.—Joh. 4:7-26.
Newewo unganzwisisa kuti vanhu vangave vachifunga nezvechii kana uchicherechedza. Munhu wacho anoratidza kuti ari kufara kana kuti akasuruvara here? Akwegura here, zvimwe indonda? Unoona zviratidzo zvokuti pane vana pamba pacho here? Zvinoratidzika here kuti munhu wacho akapfuma kana kuti anotamburira kuti awane zvokurarama nazvo? Zvakashongedza pamba kana kuti zvishongo zvake zvinoratidza kuti ndezvechitendero here? Kana kukwazisa kwako kukasanganisira zvinhu zvakadai, munhu wacho angakuona somunhu ane chimwe chinhu chamunofarira mose.
Kana ukasasangana nomuridzi wemba chiso nechiso, zvimwe uchingonzwa inzwi rake nepasuo rakavharwa, ungagumisei? Pamwe munhu wacho anogara achitya. Ungashandisa mashoko iwayo kutanga kukurukurirana naye nepasuo racho here?
Mune dzimwe nzvimbo zviri nyore kuita kuti munhu akurukurirane newe nokumuudza nezvako—zvoupenyu hwako, nei wauya pasuo rake, nei uchitenda muna Mwari, nei wakatanga kudzidza Bhaibheri, uye kuti Bhaibheri rakakubatsira sei. (Mab. 26:4-23) Chokwadi izvi zvinofanira kuitwa nokungwarira uye nechinangwa chakajeka mupfungwa. Izviwo, zvingazoita kuti munhu wacho akuudze chimwe chinhu nezvake uye maonere aanoita zvinhu.
Mune dzimwe tsika, kugamuchira vaeni ndizvo zvinowanzoitwa. Vanhu vangabva vangokukumbira kupinda ndokugara. Kana wangogara, ukabvunza nezvoupenyu uye kugarikana kwemhuri yacho woteerera nomwoyo wose mapinduriro aanoita, saimba angateererawo zvipi nezvipi zvaunoda kutaura. Mamwe marudzi anotoratidza kufarira vaeni zvikuru, saka kukwazisana kwokutanga kungava kwakati rebei. Pavanodaro vangaona kuti pane zvinhu zvamunobvumirana. Izvi zvingaita kuti muve nokukurukurirana zvinhu zvaMwari kunobatsira.
Zvakadini kana munzvimbo yenyu mune vanhu vakawanda vanotaura mitauro yakasiyana nowako? Ungataura sei nevanhu ivava? Kana ukadzidza kunyange kungokwazisa chete mune mimwe yemitauro iyoyo, vanhu vacho vachaziva kuti unovafarira. Izvi zvingazarura mukana wokuzokurukuriranazve.
Mapfuuridzirwo Angaitwa Kurukurirano
Kuti kurukurirano ipfuurire, farira zviri kutaurwa newauri kukurukura naye. Mukurudzire kutaura zvaari kufunga kana achida kudaro. Mibvunzo inonyatsosarudzwa ingabatsira. Mibvunzo yokuona zvaanofunga yakanaka kwazvo nokuti kazhinji inoita kuti pave nemhinduro inopfuura kungoti hungu kana kwete. Somuenzaniso, wataura nezvedambudziko rinobatanidza vagari venharaunda iyoyo, ungabvunza kuti: “Unofunga kuti chii chakakonzera izvozvi?” kana kuti “Unofunga kuti zvingagadziriswa sei?”
Kana wabvunza mubvunzo, nyatsoteerera mhinduro yacho. Ratidza kufarira kwako kwechokwadi neshoko, nokugutsurira musoro, kana kushandisa imwe nhengo yomuviri. Usapindire asati apedza. Funga zviri kutaurwa usingafungiri. “Kurumidza kunzwa, [u]nonoke kutaura.” (Jak. 1:19) Paunopindura, ratidza kuti wanga uchinyatsoteerera zvataurwa.
Zvisinei, ziva kuti havasi vose vachapindura mibvunzo yako. Vamwe vanongopindura nokusimudza zvikope kana kuti kunyemwerera. Vamwe vangangoti hungu kana kuti kwete. Usashatirwe. Shivirira. Usaedze kumanikidzira kukurukurirana kwacho. Kana munhu wacho achida zvake kuteerera, shandisa mukana wacho kumuudza pfungwa dzinovaka dzomuMagwaro. Nokufamba kwenguva, munhu wacho angasvika pakukuona seshamwari. Zvimwe ipapo anenge oda kutaura zvaanofunga akasununguka.
Sezvaunotaura nevanhu, funga nezveramangwana. Kana munhu akabvunza mibvunzo inoverengeka, pindura mimwe asi siya mumwe kana miviri wenguva inotevera yamuchataurazve mose. Mukumbire kuti ungada kumbonotsvakurudza mamwe mashoko, wozokurukura naye zvaunenge wawana. Kana akasabvunza mibvunzo, ungagumisa kukurukurirana kwenyu nomubvunzo waunofunga kuti uchamufadza. Mukumbire kuti mozoukurukura paunozodzoka. Pfungwa dzakawanda dzingawanwa mubhuku rinonzi Kurangarira Mumagwaro, bhurocha rinonzi Mwari Anodei Kwatiri?, uye magazini azvino uno eNharireyomurindi neMukai!
Paunenge Une Vaunonamata Navo
Paunosangana nomumwe weZvapupu zvaJehovha kokutanga, ndiwe here unotanga kuratidza kuti unoda kuti muzivane? Kana kuti unongomira wakati zii? Kuda hama dzedu kunofanira kutiita kuti tide kudziziva. (Joh. 13:35) Ungatanga sei? Ungangotaura zita rako wobvunza zita rakewo. Kumubvunza kuti akadzidza sei chokwadi kazhinji kunoita kuti pave nokukurukurirana kunonakidza uye kuchakubatsirai kuzivana. Kunyange kutaura kwako kusinganyatsobudi zvakanaka, kuedza kwako kunoratidza kune mumwe wacho kuti une hanya naye, uye ndizvo zvinokosha izvozvo.
Chii chingaita kuti kukurukurirana nenhengo yeungano yenyu kuve nezvakunoreva? Ratidza kufarira kwechokwadi munhu wacho nemhuri yake. Musangano uchangopera here? Taura nezvepfungwa dzawawana dzichibatsira. Izvi zvingakubatsirai mose. Ungataura nezvepfungwa inonakidza iri mumagazini yazvino uno yeNharireyomurindi kana Mukai! Izvi hazvifaniri kuitwa uchida kushamisira kana kuedza zivo. Zviite uchida kutaura chimwe chinhu chakanyatsokufadza. Ungataura nezvehurukuro ingave ine mumwe wenyu paChikoro chaMwari Choushumiri mopanana pfungwa dzemakurukurirwo aingaitwa. Mungatauriranawo zviitiko zvomubasa romumunda.
Chokwadi kufarira kwedu vanhu kunowanzoita kuti tizotaura nezvevanhu—zvinhu zvavanotaura nezvavanoita. Zvinosetsa zvingavapowo mukukurukurirana kwedu. Zvatichataura zvinovaka here? Kana tikafungisisa zano reShoko raMwari uye tichikurudzirwa nokuda Mwari, zvechokwadi kutaura kwedu kuchava kunovaka.—Zvir. 16:27, 28; VaEf. 4:25, 29; 5:3, 4; Jak. 1:26.
Tisati tapinda muushumiri hwomumunda, tinogadzirira. Wadii kugadzirira kanyaya kanonakidza kokuudza shamwari? Sezvaunoverenga nokunzwa zvinhu zvinonakidza, bata pfungwa dzaungada kuzotaura nevamwe. Nokufamba kwenguva, uchave nezvakawanda zvokusarudza pazviri. Kuita izvi kuchaita kuti ukwanise kuva nezvizhinji pane kungotaura zvoupenyu zviri kuitika zuva nezuva. Kupfuura zvimwe zvose, zvaunotaura ngazviratidze kuti Shoko raMwari rinokosha sei kwauri!—Pis. 139:17.